RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 13 pp. 142-151
  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchengeta Roorano Inokudzwa Pakati Pavose
  • Kugamuchira Murangariro waMwari Wechatanuro
  • Kudzivisa Nomutoo Wokuchenjera Kusachena Kwose Namakaro Evatano
  • Murangariro Wako Unotapura Zvikuru Rugare Rwako Nokuchengeteka
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Zvepabonde
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
  • Mibvunzo 10 Yezvebonde Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 13 pp. 142-151

Ganhuro 13

Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?

1-3. (a) Ko Bhaibheri rinoratidzira sei kuti vatano pakati pomurume nomukadzi ine tendero youmwari? (b) Ko kwaizova nokuda kwokubetserwa kwomunhu kushandisa mukusaganhurira masimba ake evatano here?

VAMWE vanhu vanomufungo wokuti Bhaibheri haritenderi chinhu chipi nechipi chine chokuita nevatano. Zvisinei, kunzverwa kweBhaibheri rimene kunozivisa kuti ikoku hakusati kuri kwechokwadi. Pashure pokuzivisa pamsoro pokusika kwaMwari murume wokutanga nomukadzi wokutanga, rinopfuurira kurondedzera, kuti: “Mwari akavakomborera uye Mwari akati kwavari: ‘Berekanai mugova vazhinji mugozadza pasi.’”—Genesi 1:27, 28.

2 Ipapoka, vatano pakati pomurume nomukadzi nenzira yakajeka dzine tendero youmwari. Asika Mwari anotendera vatano isingaganhurirwi here? Ko ikoku kungavigira kufarikanya kukurusa muupenyu here? Ko kungaparira rugare rwechokwadi nokuchengeteka nokuda kwedu uye nokuda kwaavo vakatipota here?

3 Vatano ingashandiswa zvisina kufanira sezvinoitwa mamwe mabasa avanhu. Kudya kwakanaka uye kunodikanwa nokuda kwoupenyu. Asika makaro anogona kukuvadza utano ndokupfupikisa upenyu hwomunhu. Kuvata, kunokoshawo. Asi kunyanyisa kunotorera upenyu chinoitwa uye kungatonetesa muviri. Sezvo kufarikanya chaikoiko upenyu kusati kuchibva mumakaro, kudhakwa, nounyope, saizvozvowo hakusati kuchibva mukushandiswa kusingaganhurirwi kwamasimba evatano omunhu. Chinoitika chomunhu kwezviuru zvamakore chinopupurira ikoku. Tinofanira kuziva ikoku muchinoitika chakakasharara chomunhu amene here? Kune nzira iri nani zvikuru.

4. Chii chinofanira kutisunda kutsigira mipimo yaMwari pamsoro pevatano?

4 Shoko raMwari rinopa murangariro wakadzikama wevatano uchataviridzira mufaro wedu zvino nomunguva yemberi. Asika, kuti isu tinofanira kuziva ndokuomerera kumipimo yaMwari pamsoro pokushandiswa kwaaya masimba hakusati kuchingova bedzi nokuda kworugare rwedu timene nokuchengeteka. Nomutoo unoisvokosha zvikuru, tinofanira kuita kudaro nokuda kwokuremekedzwa kwoMusiki wedu. Kana tikatora rutivi rwake chaizvoizvo pamsoro pechirevo chouchangamire, isu nomufaro tichazviisa pasi pouchenjeri hwake hukuru nechiremera chouchangamire mune iyi nhauwo.—Jeremia 10:10, 23.

Kuchengeta Roorano Inokudzwa Pakati Pavose

5. Ko Bhaibheri rinotii pamsoro pokuvatana kuri kunze kweroorano?

5 Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano ngahuve husina kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Naizvozvo, Mwari anoshora vatano dzokunze kweroorano. Ikoku kunowirirana neidi rokuti pakugovera murume wokutanga mukwanyina, Mwari akaratidzira kuti kuda kwake kwakanga kuri kwokuti vaviri vave “nyama imwe,” muchisungo chinogara narini chomubatanidzwa. Makore ane zviuru zvina gare gare, Mwanakomana waMwari akaratidzira kuti Baba vake vakanga vasina kurega mupimo uyu. (Genesi 2:22-24; Mateo 19:4-6) Asika mupimo wakadaro unoganhurira nomutoo usiri madikanwa here? Ko unotinyima chimwe chinhu chakanaka here?

6. Chii chinoratidzira kuti mutemo waMwari unorambidza upombwe uri nokuda kwokubetserwa kwedu?

6 Upombwe hunoputsa mupimo woumwari, uye Jehovha Mwari anopikira kuva “chapupu chinokurumidza” murutongeso pamhombwe. (Maraki 3:5) Zvibereko zvakashata zvevatano dziri kunze kwomubatanidzwa weroorano zvinosimbisa uchenjeri hwomutemo waMwari. Upombwe hunoparira chivimbo chakaputsika nokusavimba. Hunoparira kusachengeteka ndokusekesa rugare rweroorano. Kurwadziwa kunoparirwa uye kuputsika mwoyo zvinowanzoparira chatanuro. Vana vanotambura sezvavanoona mhuri yavo ichikamukana napakati. Nomutoo wakajeka, kushora kwaMwari upombwe ndokwebetsero yedu. Shoko rake rinoratidzira kuti munhu upi noupi anoda chaizvoizvo muvakidzani haasati achizoita upombwe.—VaRoma 13:8-10.

7. Tsanangura chinorehwa noufeve, sohunotaurwa nezvahwo muBhaibheri?

7 Sezvataona, Bhaibheri rinoratidzirawo rutongeso rwaMwari pazvifeve. Chii chaizvoizvo chiri ufeve? Kunyange kushandisa iri shoko kweBhaibheri kungagona kubatanidza vatano pavanhu vasina kuroorana uye upombwe, rinowanzova nerevo yakafara zvikuru kwazvo. Shoko rokuti “ufeve” rakashandiswa pakunyora kutaura kwaJesu navaapostora vake ishoko rechiGiriki rokuti por·neiʹa. Rinotorwa mushoko renheyo rimwe chetero rokutaura kwazvino kwokuti “mabhuku emifananidzo inonyandura vatano.” Munguva dzeBhaibheri por·neiʹa yaishandiswa kuratidzira nzvimbo yakafara yevatano dzisati dziri dzapamutemo dziri kunze kweroorano. Por·neiʹa inobatanidza kushandiswa kwakaipisisa kwomutezo wokubereka nawo unenge womunhu mumwe (kunyange munzira yomuzvarirwo kana kuti yakashata). Zvakare, paitofanira kuva nomumwe pauterehwo—mumwe munhu womutezo mumwe chetewo kana kuti zvimwe mhuka.

8. Muapostora Pauro akakurudzira maKristu ku“rega ufeve” nokuda kwezvikonzero zvakasimba?

8 Pakukuchidzira maKristu ku“rega ufeve,” muapostora Pauro akapa zvikonzero zvakasimba, achiti: “Kuti pagorega kuva nomumwe unosvika kupfundo rokukuvadza nokuvhojokera maruramiro ehama yake nouyu mutoo, nokuti Jehovha ndiye uyo anoraira chirango nokuda kwezvinhu zvose izvozvi . . . Nokuti Mwari akatidana, kwete nokubvumidzwa kwokusachena . . . Naizvozvo, ipapoka, munhu unoratidzira kuzvidza, anozvidza, asati ari munhu, asi Mwari.”—1 VaTesaronika 4:3-8.

9, 10. (a) Neiko vamwe vanhu vachirega roorano yapamutemo, kunyange zvazvo vachirarama nomumwe munhu womutezo wakasiana wokubereka nawo? (b) Kunyange zvazvo ufeve huchiitwa mubvumirano, panova sei ne‘kuvadziko nokuvhojokera maruramiro avamwe?’

9 Uyo anoita ufeve zvamazvirokwazvo ano‘kuvadza ndokuvhojokera maruramiro avamwe.’ Somuenzaniso, ndozvakunoitawo kuna vananyakuroorana vanogara pamwe chete vasina betsero yeroorano yapamutemo. Vanokuitireiko? Kazhinji kazhinji kunodaro nokuti ivo vanogona kusiya mubatanidzwa panguva ipi kana ipi yavanoda. Havasati vachipa mubiyavo kuchengeteka uko roorano ino mutoro inotofanira kuunza. Asi kana vanhu vose vari vaviri vakapinda muukamahwo nokudisisa, ivo vachiri ‘kukuvadza nokuvhojokera maruramiro avamwe’ here? Hungu, vanodaro chaizvoizvo.

10 Kune tapuro zhinji dzezviito zvoufeve dzino “vhojokera pamaruramiro avamwe.’ Kutanga, munhu upi noupi anotora rutivi muufeve anogoverana mukukuvadza hana yomumwe munhu uyewo chimiro chipi nechipi chakachena icho munhu angave akanga anacho kuna Mwari. Chifeve chinoparadza banza romumwe munhu rokupinda muroorano anamavambo akachena. Iye sezvingabvira anounza kusaremekedza, ruzvidzo, nenhamo pamitezo yemhuri yomumwe munhu, uyewo yake amene. Iye angakuvadzawo ndangariro, murangariro, noutano hwokunyama hwomumwe munhu. Hosha dzinotyisa dzinopomeranwa muvatano dzakadai seAIDS inouraya (Acquired Immune Deficiency Syndrome) dzinowanzobatanidzwa muutere hwevatano.

11. Neiko pasina chikonzero chokuti munhu upi noupi adavire kuti Mwari acharegerera ufeve?

11 Vazhinji vanosarudza kuva mapofu kukuvadziko idzodzi. Asika iwe unodavira kuti Mwari, mukururama kwake, acharegerera hake kuzvidzwa kwakadaro kwokusakendenga kwamaruramiro avamwe here? Shoko raMwari rinoraira ‘kukudza,’ kwete kuderedza kana kuti kuramba, gadziriro yake tsvene yeroorano.—VaHebheru 13:4; Mateo 22:39.

12. (a) Chii chiri murangariro waMwari pamsoro pevatano yavane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo? (b) Ko mutemo waMwari unorambidza kuvatana kwavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo unotitaviridzira pachii?

12 Zvakadiniko nevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo? Sezvataona, uyu muitiro unofukidzwa neshoko rokuti por·neiʹa (“ufeve”), rakashandiswa naJesu navadzidzi vake. Mudzidzi Judhasi akashandisa shoko iroro pakutaura nezvezviito zvevatano isiri yomuzvarirwo yavarume veSodhoma neGomora. (Judhasi 7) Vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo ikoko yakaparira kuputsika kwetsika uko kwakasakisa “kudanidzira kwokunyunyuta” kukuru. Uye ikoko kwakaparira kuparadza kwaMwari maguta iwawo navagari vawo. (Genesi 18:20; 19:23, 24) Ko murangariro waMwari wakachinja here chifocho? Aiwa. VaKorinte Vokutanga 6:9, 10, somuenzaniso, inoronga “varume vanovatana navarume” vari pakati paavo vasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari kana ivo vakapfuuridzira muitiro wakadaro. Uyewo, achirondedzera miuyo yavanhu vano‘zvidza miviri yavo mukusachena,’ vachitsvaka “nyama nokuda kwokushandiswa kusiri kwomuzvarirwo,” Bhaibheri rinoreva kuti ivo “vakava vanopiswa zvikurukuru mukuchivana kwavo, vanhurume navanhurume, vachiita chiri chinonyangadza uye vachigamuchira mubairo wakakwana, wakanga wakakodzera chikanganiso chavo.” (VaRoma 1:24, 27) Vanhu vakadaro havasati vachingopinda bedzi mukushurikidza kwaMwari, asi ivo vanowanawo “mubairo” wokushatswa kwendangariro nokwomuviri. Somuenzaniso, nhasi kune mwero wakakwirira usingaenzanisirwi wenjovhera, AIDS, nedzimwe hosha dzinopomeranwa muvatano pakati pevezvevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo. Mipimo yakakwirira yetsika yeShoko raMwari inotitaviridzira pakuvadziko yakadaro, panzvimbo pokutinyima chimwe chinhu chakanaka.

Kugamuchira Murangariro waMwari Wechatanuro

13. Ko nhau yokutendeka yakakomba sei kumhiko dzeroorano dzomunhu?

13 “Ini ndinovenga chatanuro.” Ndiyo nzira iyo Jehovha Mwari akataura nayo amene pakutsiura avo vai“bata nomutoo wokunyengera” navakwanyina vavo veroorano. (Maraki 2:14-16, Revised Standard Version) Shoko rake rinopa zano rakawanda rokubetsera vanyakuroorana kuita rubudiriro rweroorano uye kudzivisa marwadzo echatanuro. Rinojekesawo kuti Mwari anorangarira kutendeka kumhiko dzomukwanyina wako weroorano somutoro mutsvene.

14, 15. (a) Chii chiri chikonzero bedzi chakafanira chokuchatanura? (b) Ko ufeve hunongoerekana hahwo hwaputsa chisungo cheroorano here? (c) Ko kuroorazve kunobvumirwa mumigariroi?

14 Ikoku kunosimbiswa neidi rokuti iye anobvumira bedzi chikonzero chimwe chakafanira nokuda kwokuchatanura. Jesu akaratidzira chiri ichochi, achiti: “Upi noupi anochatanura mudzimai wake, kunze bedzi kwapamusoro pechikonzero choufeve [por·neiʹa], ndokuroora mumwe anoita upombwe.” (Mateo 19:9; 5:32) Por·neiʹa, sokuona kwataita, inoreva nezvevatano dziri kunze kweroorano, kunyange dziri dzomuzvarirwo kana kuti dzisiri dzomuzvarirwo.

15 Kana mukwanyina wako akava nemhaka youfeve, ko ikoku kunongoerekana hakwo kwaputsa chisungo cheroorano here? Nyangwe, hachisati. Mukwanyina asine mhaka anogona kusarudza kana angakanganwira kana kuti kwete. Uko chatanuro inosarudzwa, kuziva kwomuKristu chiremera chokunyika kuchamusakisa kugura rooranoyo pamutemo, achiita kudaro pachikonzero chechokwadi. (VaRoma 13:1, 2) Apo muitiro wapamutemo unopedzwa, kuroorazve kunobvumirwa. Asi Magwaro anopa zano rokuti roorano ipi neipi yakadaro inofanira kuva bedzi kuno mumwe muKristu, munhu ari zvomenemene “munaShe.”—1 VaKorinte 7:39.

16. Munyika umo mutemo wenyika usati uchibvumira chatanuro pachikonzero chipi nechipi kana zvoita sei, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira sei ruremekedzo nokuda kwomutemo waMwari pamsoro penhauyo?

16 Zvakadiniko kana mitemo yenyika isati ichibvumira chatanuro ipi neipi, kunyange pamsoro pechikonzero choutere hwevatano? Mukwanyina asina mhaka mune chinoitika chakadaro angakwanisa kuwana chatanuro mune imwe nyika uko kuchatanura kunobvumirwa. Chokwadika, migariro ingasabvumira ikoku. Asi chimiro chakati kuti chokuparadzana kwapamutemo chingawanikwa munyika yokwako uye chingagona kutsvakwa. Papi kana papi pakungabvira napo mukwanyina asine mhaka angaparadzana nomukwanyina ane mhaka ndokupa chibvumikiso chaichoicho chechikonzero chapaMagwaro nokuda kwokuchatanuro kuvatariri vomuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Zvakadiniko kudai munhu iyeyo gare gare aizosarudza kutora mumwe mukwanyina. Ungano haisati ichizoita chiito chokumubvisa semhombwe kana iye akagovera ungano ziviso yakanyorwa ine mhiko yokutendeka kumukwanyina wazvino uno nebvumirano yokuwana muchato wapamutemo kana roorano yekare ichifanira kugurwa pamutemo kana kuti zvimwe kupfurikidza norufu. Hunyanguvezvo, munhuyo aizotofanira kunangana nemiuyo ipi kana ipi ingaparirwa pakureva nezvina vanhu vokunze kweungano. Nokuti nyika haisati ichiziva zvikurukuru kuti mutemo waMwari mukuru zvikuru kumitemo yavanhu uye kuti mitemo yavanhu inongova bedzi nechiremera chino mwero—Mabasa 5:29.

Kudzivisa Nomutoo Wokuchenjera Kusachena Kwose Namakaro Evatano

17. Kubva muMagwaro, tsanangura nzvimbo yakakodzera iyo vatano inayo muupenyu hwavanhu vakaroorana.

17 Nomutoo uri pamhene vatano ine nzvimbo yakafanira muupenyu hwavanhu vakaroorana. Mwari akagovera iyoyi somutoo uyo vana vaizoberekwa kupfurikidza nawo, uyewo samanyuko omufaro kuvabereki. (Genesi 9:1; Zvirevo 5:18, 19; 1 VaKorinte 7:3-5) Hunyanguvezvo, iye akanyevera pamsoro pokushandisa zvisina kufanira ichi chipo.—VaEfeso 5:5.

18, 19. (a) Neiko muitiro webonhora, kana kuti kuzvishatsa, usina kufanira nokuda kwomuKristu? (b) Chii chingagona kubetsera munhu kudzivisa muitiro wakadaro?

18 Nemhaka yokusimbisa kunoiswa pavatano nhasi, vechiduku vazhinji vanowana kuti chishuvo chavo chokugutsa vatano chinonyandurwa kunyange ivo vasati vokwanisa kuroora. Somuuyo, vamwe vavo vanotsvaka havo mufaro kupfurikidza nokuzvinyandurira mativi avo emitezo yevatano. Ikoku ibonhora, kana kuti kuzvishatsa. Ko iwoyo muitiro wakafanira kana kuti wokuchenjera here?

19 Magwaro anopa zano, kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri papasi kana tichireva nezvoufeve, kusachena, kuchiva vatano, chishuvo chinokuvadza, nokuchochora.” (VaKorose 3:5) Ko munhu anoita bonyoponyo ari ‘kuuraya mitezo yomuviri pamsoro pokuchiva vatano’ here? Mukusiana, iye ari kukuchidzira kuchiva vatano. Bhaibheri rinokurudzira kuti munhu adzivise mufungo nomufambiro zvinoparira zvinetso zvakadaro, achizvitsiva nomubato wakaisvonaka, uye munhu iyeye akudziridze kuzvidzora. (VaFiripi 4:8; VaGaratia 5:22, 23) Apo nhamburiko yokudisisa inoratidzirwa yokuita ikoku, kuzvishatsa kwakadaro kunogona kudziviswa, nebetsero mundangariro, mumurangariro, nomumudzimu.

20. Chii chinoratidzira kuti hakusati kwaizova kwakafanira kuti murume nomudzimai varegere kudzora vatano dzavo?

20 Icho Bhaibheri rinoreva pamsoro po“kusachena, kuchiva vatano, ruchiva runokuvadza” chinoshanda kumaKristu ose, asina kuroora naakaroora. Ichokwadi kuti murume nomudzimai vana maruramiro apaMagwaro okuvatana. Asika ikoku kunoreva here kuti ivo vanogona havo kurega ganhuriro yose? Idi rokuti Shoko raMwari rinokurudzira maKristu ose kukudziridza kuzvidzora rinopokanidza murangariro wakadaro. (2 Petro 1:5-8) Munyori akafuridzirwa weBhaibheri haana kufanira kutsanangura nzira yomuzvarirwo iyo mutezo wokubereka nawo womurume nowomukadzi yaizoringanirana mairi. Sezvinooneka kuvatana kwavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo hakungagoni kutevera nzira iyi yomuzvarirwo. Naizvozvo, vanhurume vanovatana vogavoga navanhukadzi vanovatana vogavoga vanoshandisa mimwe mitoo yevatano iyo muapostora Pauro anotaura nezvayo kuva miitiro yo“kuchiva vatano kunonyadzisa” nokuno“nyangadza.” (VaRoma 1:24-32) Ko vanyakuroorana vangatevedzera zvimiro zvevatano zvakadaro zvavanovatana vane mitezo mimwe cheteyo muroorano yavo bva vachiva vasingatongoratidziri mumeso aMwari “kuchiva vatano kunonyangadza” kana kuti “kuchiva kunokuvadza” here?

21. Pasinei hapo nechingava chave chiri nzira youpenyu yomunhu munguva yakapfuura, ibanzai rakamuzarukira zvino?

21 Pakurangarira chinorehwa naMagwaro, munhu angaziva hake kuti kufunga kwake kwekare pamsoro peidzi nhau kwakanga kuchiumbwa naavo vari, sokureva kunoita Bhaibheri, “vasina nomufungo wose wepfungwa dzakanaka dzokuzvibata.” Asi, kupfurikidza nebetsero yaMwari, munhu anogona “kupfeka hunhu hutsva,” uhwo hunoumbwa mukuwirirana nemipimo yaMwari yokururama. (VaEfeso, 4:17-24) Nenzira iyi munhu anoratidzira kuti iye anokureva zvomenemene paanotaura kuti iye anoda kuita kuda kwaMwari.

Murangariro Wako Unotapura Zvikuru Rugare Rwako Nokuchengeteka

22. Ibetseroi dzapakarepo dzinouya kuavo vanoshandisa zano reShoko raMwari pamsoro petsika dzevatano?

22 Kushandisa zano reShoko raMwari pamsoro petsika dzevatano hakusati kuchiremedza. Enzanisira chibereko chenzira inorongwa neBhaibheri nomwero wakakwirira wechatanuro wenyika, misha yakaputsika, vana vanosindimara, uhure, hosha, namasimba masimba nokuponda zvinoitwa pamsoro poruchiva rwevatano. (Zvirevo 7:10, 25-27) Haiwa, uchenjeri hweShoko raMwari hunoonekwa sei! Paunoramba kufunga kwenyika kwakavakirwa pakuchiva kwoudyire ndokutsinhiranisa kufunga kwako nezano raJehovha, mwoyo wako unosimbaradzwa zvikurukuru muzvishuvo zvakarurama. Panzvimbo pemifarwa yechinguvana youtere hwevatano, iwe unofarikanya hana yakachena norugare runogarisa rwendangariro. Zvisungo zveroorano nemhuri zvinosimbaradzwa nokuwedzera kwokuvimbana kuri pakati pavakwanyina veroorano uye noruremekedzo runobva kuvana.

23. Ko kurangarira kwomunhu vatano chitemeso sei mukuva kwake ano‘iswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva” raMwari?

23 Uye usarashikirwa neidi rokuti tariro yako umene youpenyu husingagumi inobatanidzwa. Naizvozvo tsika dzapaMagwaro dzichapira kuhunopfuura utano hwako hwazvino. (Zvirevo 5:3-11) Huchava rutivi rwoufakazi hwokuti iwe unonzwira urombo zvinhu zvinonyangadza zvinoitwa navanhu vasingarangariri Mwari uye kuti iwe waka‘iswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva” raMwari, umo, husati huri utere, asi kururama kunogara. Ipapoka, kunokosha zvikuru kwazvo kuti ‘ugoita napaunogona napo pose zvinhu kuti ugowanwa pakupedzisira naMwari usino ruvara uye usine mhosva uye uri murugare.’—Ezekieri 9:4-6; 2 Petro 3:11-14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe