Ganhuro 16
Chisarudzo Chinosimbisira Upenyu Murugare Rwechokwadi Nokuchengeteka
1. Kana tikaita chisarudzo chakarurama, rugarei uye chivimboi zvinogona kuva zvedu zvino?
HAIWA mufaro wakadini kuva nedonzo chairoiro mukurarama, kuziva kwauri kuenda! Uye rugare rwakadini rwendangariro nomwoyo rwunobva muhuchokwadi hwokuti hakuna nzira iri nani zvikuru yaungagona kutora! Rugare rwakadaro nechivimbo zvinogona kuva zvako, asi bedzi kana ukaita chisarudzo chakarurama zvino.
2. Ko kuziva kwedu Jehovha namadonzo ake kunotibetsera sei pamsoro pokurangarira kwedu pamsoro poupenyu?
2 Ufakazi huri pachena hwokuti hatingagoni kuvimba nenyika ino samanyuko orugare rwechokwadi nokuchengeteka. Masangano ezvokutengeserana, orudzidziso, neezvamatongerwe enyika, kubatanidza neChibatanwa chaMarudzi nokuzivisa kwacho ‘rugare nokuchengeteka,’ haangagoni kuruunza. Naizvozvo, Bhaibheri rinotiratidzira kuna Jehovha Mwari saManyuko bedzi orugare rwechokwadi nokuchengeteka. Pakumuziva namadonzo ake kunotibetsera kunzwisisa chikonzero nei tiri pano pamusoro papasi uye chikonzero nei zvinhu zviri sezvazviri nhasi. Tinodzidza nezvechirevo chikuru chinobatanidza uchangamire hwapose pose hwaJehovha, namatapurire achinoita mumwe nomumwe wedu. Tinodzidza kusanorangarira kukodzera nouchenjeri hwenharidzano dzedu, uye tinowana mipimo inovimbika yetsika yokurarama nayo. Patinonangana nechirwere, ukweguru, kana kuti rufu, tine tariro inonyaradza youpenyu munhevedzo itsva yakarurama, youtano, kunyange kupfurikidza nokumuka muna vakafa, kana kuri madikanwa.
3. Neiko Jehovha ari uyo wokuisa paari tariro dzedu dzose?
3 Hakusatiwo kuchishamisa, ipapoka, kuti Isaya 26:4 inorairidza, kuti: “Vimbai naJehovha, imi vanhu, nguva dzose, nokuti muna Jah Jehovha ndimo mune Dombo renguva dzisingazivikanwi.” Jehovha asingachinji, wamasimba ose, nowokusingagumi, zvamazvirokwazvo ndiye uyo wokuisa tariro dzedu dzose kwaari. Ko iwe unoda kufarikanya nhungamiro yake nedziviriro kusati bedzi kuri nokuda kwenguva yazvino uno asi nokuda kwenguva yose yomunguva yemberi muTsika Itsva yake yakapikirwa here? Kana zvakadaro, chii chaunofanira kuita?
4. Kuti tigowana nyasha dzaJehovha, chii chatinoda, uye chii chinokuita kuti kubvire?
4 Rudzi rwomunhu rwose zvarwo rwakabva kuna Mwari nokuda kwechivi chavabereki vedu vokutanga. Asi Mwari akazarura nzira yeyananisiro noushamwari naye kupfurikidza nechibairo choMwanakomana wake. (2 VaKorinte 5:19-21; VaEfeso 2:12, 13) Asika, hakusati kwakatiringanira zvino kungotaura bedzi kuti isu tinoda ushamwari hwaMwari.
5. Chii chinofanira kuva vavariro yedu mukutsvaka ushamwari naMwari?
5 Tinofanira kudisisa, kunyange kushuvisisa, kubvumikisa kwaari kuti tinoda ihwohwu, uye nokuda kwevavariro yakarurama. Somuenzaniso, tinotsvaka ushamwari hwaJehovha zvikurukuru kuti tipukunyuke ngwavaira here? Kana tichizowana kumira kwakarurama naMwari, hakusati kungangova bedzi nokuda kwenhambo ino yokukurumidzira pamberi porutongeso rwake kana kuti kungopukunyuka bedzi “dambudziko guru” rinouya. (Mateo 24:21, 22) Kunofanira kuva nokuda kwenguva yose inouya. Rudo bedzi chairwoirwo ruchatipa iyi vavariro. Naizvozvo tinogona kuratidzira uchokwadi hwechishuvo chedu nokuda kwoushamwari hwake, Jehovha akaratidzira muShoko rake zvimwe zvinhu izvo isu somumwe nomumwe tinofanira kuita kuti tive vanoyananiswa naye.
Kutenda Kupenyu
6. Kufadza Mwari, chivimboi chatinofanira kuva nacho pamsoro pake?
6 Jehovha ndiMwari wezvokwadi. Naizvozvo isu tinogona kuva nechivimbo chakakwana muzvipikirwa zvake. Chokwadi, “pasina kutenda hazvisati zvichibvira kusanomufadza, nokuti iye anosvika Mwari anofanira kudavira kuti iye uripo uye kuti iye anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6) Kana uno kutenda kwakadaro, ipapo unoziva kuti chinhu chiri chose icho Mwari anoita chine donzo rakarurama, uye kuti iye anogarotifarira zvikurusa. Mumabasa ake okusika nomuShoko rake rakanyorwa, unoona kuti iye haasati bedzi ari wokuchenjera kwose nowamasimba ose asiwo Mwari wetsitsi dzorudo. Chokwadi, haasati achizotongotsauka pamipimo yake yakarurama. Asika, kunyange zvazvo isu tisina kukwana uye tichiita zvikanganiso, kana tichida kururama, iye ane nzira yokubata nayo nesu iyo ichaparira zvikomborero.
7. Ko kuvimba nokururama kwaJehovha nouchenjeri kuchatitaviridza sei?
7 Nenzira iyeyo, patinogamuchira kururamisa kunobva kuna Mwari, tichaziva kuti kuri nokuda kwegarikano yedu isingagumi. Tichavimba naJehovha somwanakomana kana kuti mwanasikana anovimba nababa vanorudo, vakachenjera, navakasimba. (Pisarema 103:13, 14; Zvirevo 3:11, 12) Kana tino kutenda kwakadaro, hatisati tichizopanikira uchenjeri hwezano rake kana kuti kururama kwenzira dzake, kunyange zvazvo kwenguva yakati kuti tingave tisinganzwisisi chose chose dzimwe nhau. Kupfurikidza nako tinozviisa timene pakati paavo wezvamapisarema anorondedzera, kuti: “Rugare rwakawanda ndorwaavo vanoda mutemo wenyu, uye kwavari hakuna chigumburo.”—Pisarema 119:165; Zvirevo 3:5-8.
8. (a) Neiko kutenda koga bedzi kusina kuringana? (b) Ko kutenda kunodudzwa pana Mabasa 3:19 kunofanira kutisundira kuchiitoi?
8 Asi “kutenda kusina mabasa kwakafa,” Jakobho 2:26 inoratidzira kudaro. Kutenda chaikoiko kunosundira munhu kukuita chiito. Uye chimwe chezvinhu zvokutanga chakunosundira munhu kuita ndicho chakakuchidzirwa nomuapostora Petro, achiti: “Pfidzai . . . mutenderuke kuti mugoita kuti zvivi zvenyu zvibviswe, kuti mwaka yokusimbaradza igosvika ichibva pamberi paJehovha.” (Mabasa 3:19) Ikoku kunorevei?
Kupfidza Ndokutenderuka
9. (a) Chii chiri rupfidzo rwechokwadi? (b) Ko isu tinodikanirwa kupfidza pamsoro pechii?
9 MuBhaibheri, rupfidzo runoreva kuchinjwa kwendangariro kunova pamwe chete nokuzvidemba kwapamwoyo nokuda kwamararamire ekare kana kuti zvimwe nokuda kwezviito zvisina kururama. (2 VaKorinte 7:9-11) Asi kana tichizofarikanya “mwaka yokunyevenutsa” yakapikirwa inobva kuna Mwari, hatingagoni bedzi kungopfidza pazviito zvisina kururama zvomunguva yakapfuura. Panzvimbo pakwo, tinofanira kuratidzira rupfidzo nokuti tinoziva kuti, savana vaAdhama, chimiro chedu chimene chinoita chivi. Sokurondedzera kwakaita muapostora Johane, kuti: “Kana tichitaura kuti: ‘Isu hatina chivi,’ tinozvinyengera timene . . . tiri kuita [Mwari] murevi wenhema, uye shoko rake harisati riri matiri.” (1 Johane 1:8, 10) Isu tinofanira kusanotevedzera Musiki wedu, tichiratidzira ‘mufananidzo wake nokutodzana.’ Asika chivi chakagarwa nhaka chinotidzivisa kuita ikoku nenzira yakakwana. Nokudaro, tino‘potsa chiratidzo,’ uko kuri uko shoko rokuti “chivi” rinoreva muBhaibheri.—Genesi 1:26; VaRoma 3:23.
10, 11. (a) Ko isu tinowana upenyu hwedu kuna ani, uye nei? (b) Naizvozvo, tinofanira kuve tichishandisa sei upenyu hwedu?
10 Naizvozvo tinoda kukanganwira kwaMwari. (Mateo 6:12) Tinoziva kuti tinowana upenyu hwedu kwaari soMusiki wedu. Asi zvino tinodzidza kuti kupfurikidza nechibairo choMwanakomana waMwari, vanhu vaka“tengwawo nomutengo” woukoshi hukuru. Naizvozvo hatisati tichifanira “kuva varanda vavanhu,” kwete kunyange vezvishuvo zvoudyire zvedu timene. (1 VaKorinte 7:23) Asika, pamberi pokudzidza ndokugamuchira zvokwadi, handizvo here izvo isu tose taiveri?—Johane 8:31-34.
11 Mumwoyo mako, unoonga chipo chaMwari choMwanakomana wake nezvaakaita kupfurikidza naKristu zvokugovera kupukunyuka muuranda hwechivi norufu here? Ipapo zvamazvirokwazvo iwe uchademba zvapachokwadi kukundikana kupi nokupi kwomunguva yakapfuura kwokushandisa upenyu hwako mukuteerera Musiki wako. Ikoko kuchakusundira kurupfidzo rwapamwoyo pamsoro pokuve wakatevera nzira youpenyu yakafanana neyeyo yenyika, isingatsinhirani nokuda kwaMwari namadonzo.—Mabasa 17:28, 30; Zvakazarurwa 4:11.
12. Ko munhu akapfidza anoratidzira sei kuti iye zvomenemene akaramba nzira yake yakare?
12 Urwu rupfidzo rwechokwadi rwunoparira ‘kutenderuka,’ kuri uko shoko rokuti “kutendeuka” rinoreva. Munhu anopfidza chaizvoizvo haasati achingodemba bedzi bedzi kuva akashandisa zvisina kufanira upenyu hwake. Iye anoramba nzira iyeyo isina kururama ndokuvenga chaizvoizvo nzira dzake dzisinakururama. Anoratidzira ikoku kupfurikidza noku‘tenderuka’ ndokuita “mabasa anokodzera rupfidzo,” achitsinhiranisa upenyu hwake nokuda kwaMwari.—Mabasa 26:20; VaRoma 6:11.
13. (a) Chii chiri revo yokutaura kwaJesu kwokuti vateveri vake vanofanira ku‘zviramba vamene’? (b) Ko isu tinozvipa timene kuna Jehovha nokuda kwechikonzeroi, uye ikoko kunotapura sei upenyu hwedu?
13 Rutivi rwouku kutenderuka nokutendeuka rwunobatanidza izvo Jesu akaidza kuti ‘kuzviramba kwedu timene.’ (Mateo 16:24) Ndiko kuti, hatisati tichasitongoraramazve mukuwirirana nezvishuvo zvedu timene zvoudyire chaizvoizvo tisingaitiri hanya kuda kwaMwari namadonzo. Panzvimbo pako, tinoziva kuti Jehovha Mwari ane kambiro izere paupenyu hwedu soMusiki wedu noMudzikinuri wedu kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake. Sokukuratidzira kunoita Bhaibheri, isu ‘hatisati tichiri vedu timene, nokuti takatengwa nomutengo.’ (1 VaKorinte 6:19, 20) Naizvozvo, panzvimbo pokushandisa zvisina kufanira rusununguko rwakaisvonaka rwakatizarukira kupfurikidza nezvokwadi, tinozviisa timene zvizere kukuitwa kwokuda kwaMwari. (VaGaratia 5:13; 1 Petro 2:16) Uye tinoita ikoku kusati bedzi kuri nokuti kwakarurama asi nokuti tinoda Jehovha Mwari no‘mwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, nesimba.’ (Marko 12:29, 30) Zvamazvirokwazvo ikoku kunoda kuti mumwe nomumwe wedu ararame upenyu hwakatsaurirwa kuna Mwari. Panzvimbo pokuva mutwaro, iyi nzira inotigonesa kufarikanya upenyu kupinda nakare kose.—Mateo 11:28-30.
Kuita Kuzivisa Kwapamhene Nokuda Kworuponeso
14. (a) Apo munhu anobvuma kuva naJehovha somwene wake wapamaruramiro, iye anogona sei kuita kuratidzirwa kwaikoku kuna Mwari? (b) Iye anofanira kushuva kuiteizve, sezvinoratidzirwa pana VaRoma 10:10?
14 Chinhu chakaisvonaka kuratidzira mumunyengetero kutenda kwedu gadziriro dzaMwari, tichibvuma kuva kwake mwene wedu. Asi tinogona uye tinofanira kuda kupfuurirazve kuita kuratidzira kwedu kutenda, sokutiudza kunoita VaRoma 10:10, kuti: “Nomwoyo munhu anotenda nokuda kwokururama, asi nomuromo munhu anoita kuzivisa kwapamhene nokuda kworuponeso.” Uku kuratidzira “kwapamhene” kutenda kwedu Jehovha negadziriro dzake kunofanira kubva nomufaro pamwoyo uzere nokuonga. Kuita uku kuzivisa kunobatanidza kutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha kuita kuda kwake ndokukuratidzira norubhapatidzo rwomumvura.
15. Neiko tichifanira kufungisisa pamsoro porubhapatidzo rwomumvura?
15 Apo Jesu Kristu akavamba ushumiri hwake hwapamhene, iye akaita kuti Johane Mubhapatidzi amuombeke mumvura. Bhaibheri rinoshuma kuti Jesu ipapo akataura kuna Mwari, kuti: “Ini ndauya kuzoita kuda kwenyu.” (VaHebheru 10:9; Pisarema 40:7, 8) Jesu akaraira kuti avo vose vanova vadzidzi vake vanofanirawo kubhapatidzwa. Ko iwe uri mudzidzi akadaro here? Ipapoka rubhapatidzo rwako rwomumvura ruchava “kuziviswa kwapamhene kwaikoku.”—Mateo 28:19, 20.
16. (a) Ungagona seiko kutema kana watogadzirira kubhapatidzwa? (b) Ko vatariri vanoyamura sei vanhu mukugadzirira kwavo rubhapatidzo?
16 Iropafadzo yakaisvonaka kuva chapupu chakazvitsaurira chaJehovha, Changamire wechisiko chapose pose. Chihwirudzura zvino zvinobatanidza ikoku: Jehovha norudo akakuzarurira nzira yokuva noushamwari hwake. Asika kuhuwana, unofanira kuva nokutenda, uchidavira zvomenemene kuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari. (2 Timotio 3:16, 17) Unofanirawo kutenda chibairo chorudzikinuro chaJesu somutoo bedzi wokuwana nawo kumira kunogamuchirika kuna Mwari. (Mabasa 4:12) Unodikanirwa kunzwisisa kutsamira kwako pana Jehovha ndokupa upenyu hwako kwaari kuita kuda kwake, kusati bedzi kuri kwamakore mashomanene, asi nokusingaperi. Nzira yakadaro inobatanidza kuva “vasati vari rutivi rwenyika.” (Johane 17:16; 1 Johane 2:15) Sohufakazi hwokuti wapfidza ndoku‘tenderuka,’ unofanira kuve wakarega miitiro ipi neipi inopesana nemipimo yakarurama yaMwari uye unofanira kuve uchiita izvo Mwari anoraira. Wati washandura ndangariro yako here zvikuru zvokuti iyi zvino ndiyo nzira yaunorangarira nayo upenyu. (VaRoma 12:1, 2) Kana zvakadaro, Bhaibheri rinokukurudzira kuita “kuziviswa kwapamhene” kwokutenda kwakadaro. Nhanho yokutanga yaizova yokusvika mumwe wavatariri veZvapupu zvaJehovha munzvimbo yokwenyu ndokumuzivisa manzwire aunoita. Iye acharongedzera kuhwirudzurwa kwedzidziso dzapakuvamba newe mukugadzirira rubhapatidzo.
17. Uchishandisa Bhaibheri, ratidzira kuti tinofanira kupfuurira sei kuita ‘kuziviswa kwapamhene kwokutenda kwedu.’
17 Nhanho yorubhapatidzo haisati ichizoratidzira kuguma kwokuita kwako ‘kuziviswa kwapachena kwokutenda kwako.’ SomuKristu akazvitsaurira kuna Jehovha Mwari, uchada kuzivisa tariro yako kupfurikidza nokutaura kwako pachako pagungano ravose, ‘kumurumbidza paungano huru.’ (Pisarema 35:18; 40:9, 10) Uchadawo kupinda mubasa chairo ro“kuzivisa pamhene” iro Jehovha anogovera kuna avo vose vangamubatira—kuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose nokuita vadzidzi vamarudzi ose.—Mateo 24:14; 28:19.
Kuchengeta Ukama Hwako naMwari
18. Ko fundo yako umene inokosha sei mukusimbisira kuti ukama hwako naJehovha huchagara narini?
18 Zvino, ipapoka, ungagona sei kusimbisira kuti, kana hwangowanwa, ukama hwako naJehovha huchagara narini nokusingagumi kurugare runofadza nokuchengeteka? Kutanga kuchada kuramba uchiwedzera kukumuziva. Kupfurikidza nefundo yako umene uchawana mufaro chaiwoiwo mukuwana pfuma dzouchenjeri dzakachengetwa muShoko raMwari. Unogona kuva akafanana nomunhu anorondedzerwa nePisarema 1:2, 3, kuti: “Mufaro wake uri mumutemo waJehovha, uye iye unorava mumutemo wake nenzwi rakaderera masikati nousiku. Uye iye uchafanana zvamazvirokwazvo nomuti wakasimwa muhova dzemvura, unobereka muchero wawo umene mumwaka wawo uye una mashizha awo asingasvavi, uye chinhu chiri chose chaanoita chichabudirira.” Hungu, kuwana kuziva Mwari, ndokukushandisa, kuchakugonesa kufamba mu“nzira dzomufaro” napa‘makwara orugare,’ nokuti kuchakupa uchenjeri hwokunangana nezvinetso zvose zvoupenyu. (Zvirevo 3:13, 17, 18) Kushuva kwako kuziva kwakadaro Bhaibheri zvino kuchaenzanisira kukodzera kwako upenyu muTsika Itsva yaMwari, nokuti panguva iyeyo “pasi richazadzwa chaizvoizvo nokuziva Jehovha sokufukidza kunoita mvura gungwa rimene.”—Isaya 11:9.
19. Neiko kugaropinda misangano kuri chinodikanwa kuupenyu hwavanhu vaJehovha?
19 Chimwe chinhuzve chaunoda zvamazvirokwazvo ndiko kuva pamisangano nguva dzose navamwe vabatiri vaJehovha. Ipapo uchawana kuchidziro chaiyoiyo yokuda namabasa akaisvonaka, rukurudziro rwokusimbirira muukama hwako hwakanaka naMwari. (VaHebheru 10:23-25) Kusonganirana kunofadza, kwakafanana nokwemhuri kwavabatiri vaJehovha kunogovera ufakazi hunosimbaradza hwokuti kuva norugare nokuchengeteka kwakapikirwa nokuda kweTsika Itsva yaMwari zvinhu chaizvoizvo.—Pisarema 133:1; 1 VaKorinte 14:26, 33.
20. Ko vakuru vari muungano vanogona kutiyamura sei munguva dzechishoro nechitambudzo chomunhu?
20 Muungano unogona kubetserekana neimwe gadziriro yorudo. Jesu, ‘Mufudzi Akaisvonaka,’ ane ‘vafudzi vaduku’ pasi pano. Ivava vatariri, kana kuti varume vakuru mumudzimu, vanotarisira ‘makwai’ ake. Ivo chinhu chinesimba mukusimudzira rugare nokuchengeteka pakati pavanhu vanounganidzwa vaMwari munyika yose. (1 Petro 5:2, 3) Varume ivava vano“bvumikisa kuva vakafanana nenzvimbo yokuvanda kubva mumhepo nenzvimbo yechivando padutu rokunaya kukuru kwemvura, sehova dzemvura munyika isine mvura, somumvuri wedombo guru munyika yerenje.” (Isaya 32:1, 2) Hungu, munguva dzedutu redzvinyiriro nemanikidziro nokuda kwechishoro chenyika kana kuti zvitambudzo zvomunhu amene, kupfurikidza nokutenda kwavo kwakafanana nedombo nokuomerera kwavo kwakasimba paShoko raMwari ava varume vakuru mumudzimu vanogona kukupa tsigiro chaiyoiyo. Vanogona kukugovera zano rinonyevenutsa norukurudziro.
21. Chii chichatitaviridzira pakusambobvumira kusakwana kwavanhu kukuvadza ukama hwedu naJehovha?
21 Ichokwadi kuti kusakwana kwohunhu kuchazviratidzira kumene kunyange pakati pavabatiri vaMwari. Isu tose tinoita mhosho zuva nezuva. (Jakobho 3:2) Asika tichazvirega timene tichigumburwa nokusakwana kwavamwe ndokurega ikoku kuchikuvadza ukama hwedu naJehovha here? Isuwo, zvatinoita mhosho, hatisati tichifanira kuratidzira vamwe kukanganwira kumwe chete kwatinoda nokuda kwedu timene here? (Mateo 6:14, 15) Kana tichida kuzvibvumikisa timene kuva vadzorwi vakakodzera veTsika Itsva inorugare yaMwari, tinofanira kuratidzira mano edu okugarisana navamwe murugare. Hatingagoni kuda Mwari kana tisingadiwo hama dzedu dzomudzimu nehanzvadzi idzo Kristu akafira.—1 Johane 4:20, 21.
22. Ko munyengetero unofanira kuva nenzvimboi muupenyu hwedu?
22 Ukama hwako hwakarurama naMwari hunokupa imwe ropafadzo yakaisvonaka: kusvika Mwari nomunyengetero une simbisiro yokuti iye anokunzwa. Chengeta ropafadzo iyoyo uye ishandise zuva nezuva, muswere wose. Zvinetso zvichamuka. Kusakwana kwako kumene kungakutambudza. Asika Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Musafunganya pamsoro pechinhu chipi nechipi, asi pachinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokupa kuonga kuteterera kwenyu ngakuziviswe kuna Mwari; ipapo rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namano enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.
23. Pakunangana nemiedzo nokutambura nokuda kwokutenda kwedu, chii chichatibetsera kutsungirira?
23 Kupfurikidza nokusarudza kubatira Jehovha, Manyuko echokwadi orugare nokuchengeteka, uye kuisa tariro yako muTsika Itsva, uchave waita mavambo akarurama. Zvino, sokureva kunoita Bhaibheri, “iwe unoshaiwa kutsungirira, nokuda kwokuti, pashure pokunge waita kuda kwaMwari, iwe ugowana kuzadzika kwechipikirwa.” (VaHebheru 10:36) Zvawakaravidza chikomborero choukama hwakarurama naJehovha, runda kusatongochisiya. Usatongorega mifarwa yechinguvana yenyika ichikutsausa. Kunyange zvazvo miedzo inobva kunyika yomuvengi ikava mikukutu, yeuka kuti iyoyi ndeyechinguvana. Kuchienzanisirwa nezvikomborero izvo Jehovha achapa avo vanomuda, kutambura kwakadaro kuri sokusina maturo.—2 VaKorinte 4:16-18.
24. (a) Isu zvikurukuru tine chikonzero chokufara nhasi muchii? (b) Sowezvamapisarema, isu tinofanira kugarorangarira sei pamsoro paJehovha noukama hwedu naye?
24 Pfuurira munzira yokuzvipira kwoumwari, uchivimba kuti ndiyo nzira yakaisvonakisisa youpenyu zvino uye kuti ichatungamirira kuupenyu husingagumi muTsika Itsva yaMwari. (1 Timotio 4:8) Fara noufakazi hwokuva pedyo kweTsika Itsva iyeyo norugare rusingaperi nokuchengeteka zvaichaunza. Sezvaunopfuurira kuvaka ukama hwako naJehovha, garorangarira sezvakaita wezvamapisarema akafuridzirwa, uyo akanyora, kuti: “Mwari ndiye dombo romwoyo wangu nomugove wangu kusvikira kunguva isingazivikanwi. Nokuti, tarirai! vanhu vamene vanoramba vari kure nemi vachaparara. Muchanyaradza zvamazvirokwazvo munhu ari wose anokusiyai muutere. Asi kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari kwakanaka nokuda kwangu. Ini ndakaisa utiziro hwangu muna Changamire Ishe Jehovha, kuti ndizivise mabasa enyu ose.”—Pisarema 73:26-28.
[Mifananidzo iri papeji 181]
Kuita Kuzivisa Kwapamhene