RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-15 p. 2
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Munyika Itsva yaMwari
  • Kubvira Kwakunoita Kwauri
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Kufanotaura Nezveremangwana Rava Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Apo Vanhu Vose Vachadanana
    Mukai!—1998
  • Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
T-15 p. 2

Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare

Paunotarira pamufananidzo uri patirakiti rino, unova nokunzwai? Ko mwoyo wako haupangi rugare, mufarwa, norubudiriro rwunoonekapo here? Zvamazvirokwazvo unodaro. Asika kunongova hako chiroto here, kana kuti kufungidzira, kudavira kuti iyi migariro ichazombovapo pasi pano?

Zvimwe vanhu vazhinjisa vanofunga kudaro. Zvinhu chaizvoizvo zvanhasi ihondo, utsotsi, nzara, chirwere, kukwegura—kungodudza hedu zvishomanene. Asika pane chikonzero chetariro. Richitarira kunguva yemberi, Bhaibheri rinozivisa nezva“matenga matsva napasi idzva zvatiri kumirira mukuwirirana nechipikirwa [chaMwari], uye kururama kunogara mazviri.”—2 Petro 3:13; Isaya 65:17.

Aya “matenga matsva” ne“pasi idzva,” mukuwirirana neBhaibheri, haasati ari matenga matsva anooneka kana kuti pasi idzva chairoiro. Pasi rinooneka namatenga zvakaitwa zvakakwana, uye Bhaibheri rinoratidzira kuti izvo zvicharamba zviripo nokusingaperi. (Pisarema 89:36, 37; 104:5) “Pasi idzva” richava chaunga chakarurama chavanhu vanogara pasi pano, uye “matenga matsva” achava umambo hwakakwana hwokudenga, kana kuti hurumende, iyo ichabata ushe pane ichi chaunga chapasi chavanhu. Asika ndekwechokwadi here kudavira kuti “pasi idzva,” kana kuti nyika itsva ine mbiri, inobvira?

Eya, rangarira idi rokuti migariro yakadaro yakakwana yaiva rutivi rwedonzo rapakuvamba raMwari nokuda kweiri pasi. Iye akaisa vaviri vokutanga vohunhu muParadhiso yapasi yeEdheni ndokuvapa mugove unoshamisa: “Berekanai mugova vazhinji ndokuzadza pasi nokurikurira.” (Genesi 1:28) Hungu, donzo raMwari rakanga riri rokuti ivo vave navana uye pakupedzisira ndokuparadzira Paradhiso yavo mupasi rose rose. Kunyange zvazvo gare gare vakasarudza kusateerera Mwari, nokudarokwo ndokubvumikisa kuva vasina kukodzera kurarama nokusingaperi, donzo raMwari rapakuvamba harina kuchinja. Uye iro rinofanira kuzadzikwa munyika itsva!—Isaya 55:11.

Chokwadi, paunonyengetera Munyengetero waShe, kana kuti Baba Vedu, uchikumbira kuti Umambo hwaMwari huuye, uri kunyengetera kuti hurumende yake yokudenga ibvise papasi uipi uye kuti ibate ushe pane iyi nyika itsva. (Mateo 6:9, 10) Uye tinogona kuva vanovimba kuti Mwari achapindura munyengetero iwowo, sezvo Shoko rake richipikira, kuti: “Vakarurama ivo vamene vachagara nhaka yapasi, uye vachagara nokusingaperi pariri.”—Pisarema 37:29.

Upenyu Munyika Itsva yaMwari

Umambo hwaMwari huchaunza betsero dzapasi dzisingaenzanisirwi, huchiita chinhu chiri chose chakanaka icho Mwari akaita donzo pakuvamba kuti vanhu vake vafarikanye pasi pano. Kuvengana nokufungirana mano akaipa zvichaguma kuvapo, uye pakupedzisira munhu ari wose pasi pano achava shamwari yechokwadi yomunhu ari wosewo zvake. MuBhaibheri, Mwari anopikira kuti iye acha‘ita kuti hondo dzigume kusvikira kumugumo wapasi.’ “Rudzi harusati ruchizosimudzira rumwe rudzi munondo, uyewo havasati vachidzidzirazve hondo.”—Pisarema 46:9; Isaya 2:4.

Pasi rose pakupedzisira richasvitswa kumugariro weParadhiso yakafanana neEdheni. Bhaibheri rinoti: “Renje nenyika yakaoma zvichafara, uye gwenga richafara ndokutumbuka seruva. . . . Nokuti mvura dzichave dzadzutuka murenje, nenzizi mugwenga. Uye pasi rakapiswa richave rave dziva retsanga uye pasi rine nyota samatsime emvura.”—Isaya 35:1, 6, 7.

Pachava pane chikonzero chiri chose chokufara muParadhiso yapasi. Vanhu havasati vachizorumwazve nenzara nokuda kwokushaiwa zvokudya. “Zvamazvirokwazvo pasi iro rimene richabereka zvibereko zvaro,” rinodaro Bhaibheri. (Pisarema 67:6; 72:16) Vose vachafarikanya zvibereko zvebasa ravo vamene, sokupikira kunoita Musiki wedu: “Zvamazvirokwazvo ivo vachasima mizambiringa ndokudya zvibereko zvayo. . . . Ivo havasati vachizosima uye mumwe munhuwo zvake ndokudya.”—Isaya 65:21, 22.

Munyika itsva yaMwari, vanhu havasati vachasitongozotsikinyidzirwazve muzvivako zvamakamuri mahombe kana kuti mudzimba dzakatsikinyidzana, nokuti Mwari akaita donzo, kuti: “Zvamazvirokwazvo ivo vachavaka dzimba ndokugaramo . . . Ivo havasati vachizovaka mumwe munhuwo zvake ndokugaramo.” Bhaibheri rinopikirawo, kuti: “Ivo havasati vachizobatira pasina.” (Isaya 65:21-23) Nokuda kwechikonzero ichecho vanhu vachava nebasa rinobereka zvibereko, rinogutsa. Upenyu hahusati huchizova hunofinha.

Munguva yakafanira, Umambo hwaMwari huchadzorera kunyange ukama huno rugare hwaivamo mubindu reEdheni pakati pemhuka, napakati pemhuka navanhu. Bhaibheri rinoti: “Bere richagara chaizvoizvo negwaianarume kwenguva yakati kuti, uye ingwe imene ichavata pasi pamwe chete nembudzana nemhuru neshumba duku yava nezenze nechipfuwo chakakodzwa zvose pamwe chete uye kakomana kaduku zvako ndiko kachava mutungamiriri pazviri.”—Isaya 11:6-9; Hosea 2:18.

Chimbofungidzira hako, muParadhiso yapasi zvirwere zvose nourema hwose hwomuviri zvichaporeswawo! Shoko raMwari rinotisimbisira, kuti: “Hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24) “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchatozongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.—Zvakazarurwa 21:4.

Kubvira Kwakunoita Kwauri

Zvamazvirokwazvo mwoyo wako unofanira kusundwa nezvipikirwa zvaMwari pamsoro poupenyu munyika yake itsva yokururama. Uye kunyange vamwe vangarangarira havo kuti kuzadzika kwezvikomborero zvakadaro kwakanyanyova kwakanaka zvokusagona kuitika, izvo hazvisati zvakanyanyonaka zvokusagona kubva musimba roMusiki wedu ane rudo.—Pisarema 145:16; Mika 4:4.

Chokwadika, kune zvinodikanwa kuva zvinosvitswa kana tichizova vanogara nokusingaperi muParadhiso inouya pasi pano. Jesu akaratidzira chikuru chacho, achiti mumunyengetero kuna Baba: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo kukuzivai, imi Mwari wechokwadi, nouyu imi makatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3.

Naizvozvo kana tichida chaizvoizvo kugara munyika itsva yaMwari, tinofanira kutanga kudzidza kuda kwaMwari dzokonokei tokuita. Nokuti ndokweidi: Iyi “nyika inopfuura naizvozvowo ruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi,” kuti afarikanye nokusingagumi zvikomborero zvichanisirwa pasi noMusiki wedu ano rudo.—1 Johane 2:17.

Kutoti kwakaratidzirwa neimwe nzira, kunokorwa mashoko kwose kweBhaibheri kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe