RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 9 pp. 41-47
  • Kubatisisa Zita raJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatisisa Zita raJesu
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pesvedzero Dzinoshatsa
  • Dzivisa Dzidziso Yesekete!
  • ‘Mana Yakavanzwa Nehurungudo Chena’
  • Kristu Anotaura Neungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kubetserwa ne“Zviyo Zvokudenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Bhuku raZvakazarurwa Ringakubatsira Sei Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuzarura Chakavanzika Chinoyera
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 9 pp. 41-47

Ganhuro 9

Kubatisisa Zita raJesu

PERGAMO

1. Iunganoi yakagamuchira mashoko anotevera aJesu, uye maKristu iwawo aigara murudzii rweguta?

TICHIFAMBA makiromita 80 tichikwidza kuchamhembe mumugwagwa uri mumhenderekedzo yegungwa tichibva Smirna uye ipapo makiromita 24 pakati penyika nomumupata woRwizi Caicus, tinosvika kuPergamo, zvino yonzi Bergama. Gutaro rakanga rino mukurumbira nokuda kwetembere yaro yaZeus, kana kuti Jupiter. Muma 1800, nyanzvi dzokuchera matongo dzakatamisira atari yetembere iyoyo kuGermany, uko ichiri kuonwa, pamwe chete nemifananidzo yamabwe mizhinji nemifananidzo yakatemwa pamatombo yavamwari vechihedheni, kuPergamon Museum muBerlin. Ishokoi raizotumirwa naShe Jesu kuungano inogara pakati pokunamata zvifananidzo kwose ikoko?

2. Jesu anosimbisa sei zivikanwo yake, uye chii chiri revo yokuva kwake no‘munondo unocheka kuviri’?

2 Kutanga, Jesu anosimbisa kuzivikanwa kwake, achiti: “Uye nyorera ngirozi yeungano iri muPergamo uti: Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura iye ane munondo unopinza, murefu unocheka kuviri.” (Zvakazarurwa 2:12) Jesu pano anodzokorora rondedzero yakataurwa nezvake pana Zvakazarurwa 1:16. SoMutongi noMupondi, iye achauraya avo vose vanotambudza vadzidzi vake. Haiwa inonyaradza sei simbisiro iyeyo! Zvisinei, pamusoro porutongeso avo vari mukati meungano ngavanyeverwewo kuti Jehovha, anoita chiito kupfurikidza neiyi “nhume yesungano,” Jesu Kristu, “achava chapupu chinokurumidza” mukurwisana namaKristu ose anokambira anoshandisa kunamatwa kwezvifananidzo, utere, kureva nhema, nokusatendeseka uye avo vanokundikana kutarisira vanoshaiwa. (Maraki 3:1, 5; VaHebheru 13:1-3) Zano netsiuro izvo Mwari anosakisa Jesu kupa zvinofanira kutetekerwa!

3. Kunamatai kwenhema kwakaitika muPergamo, uye kunogona sei kutaurwa kuti “chigaro choumambo chaSatani” chakanga chirimo?

3 Zvino Jesu anoudza ungano kuti: “Ndinoziva kwauri kugara, ndiko kuti, apo pane chigaro choumambo chaSatani.” (Zvakazarurwa 2:13a) Zvamazvirokwazvo, maKristu iwawo akanga akapoteredzwa nokunamata kwousatani. Mukuwedzera kutembere yaZeus, pakanga pane chivako chitsvene chaAesculapius, mwari wokuporesa. Pergamo yakanga yakakurumbirawo senzvimbo yapakati nokuda kwesekete yokunamatwa kwamambo. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “Satani” rinoreva “Mudzivisi,” uye “chigaro choumambo” chake chinomirira ubati ushe hwake hwenyika sohunobvumidzwa nomutoo woumwari nokuda kwomwaka. (Jobho 1:6, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi) Kuwanda kwokunamatwa kwezvifananidzo muPergamo kwakaratidzira kuti “chigaro choumambo” chaSatani chaitsigirwa zvakatsiga muguta irero. Haiwa Satani anofanira kuve akatsamwa sei kuti maKristu imomo haana kumukotamira mukunamatwa kwourudzi!

4. (a) Ko Jesu anopa rumbidzoi kumaKristu omuPergamo? (b) Ko munyayi weRoma Pliny akanyorei kuna Mambo Trajan pamusoro pokubatwa kwamaKristu? (c) Pasinei hapo nengozi, maKristu omuPergamo akatora nzirai?

4 Hungu, “chigaro choumambo chaSatani” chiri imomo chaimo muPergamo. “Asi,” Jesu anopfuurira kuti, “iwe unoramba wakabatisisa zita rangu, uye iwe hauna kuramba kutenda kwako kwandiri kunyange mumazuva aAntipasi, chapupu changu, chakatendeka, icho chakauraiwa norutivi rwako, uko Satani ari kugara.” (Zvakazarurwa 2:13b) Haiwa irumbidzo inonyandura mwoyo sei! Pasina panikiro kuurairwa kutendeka kwaAntipasi kwakaparirwa nokuramba kwake kubatira pamwe mumiitiro youdhemoni nokunamatwa kwamambo weRoma. Isati iri nguva refu pashure pokunge Johane agamuchira uhu uporofita, Pliny Muduku, munyayi amene waMambo Trajan weRoma, akanyorera Trajan ndokutsanangura muitiro wake nokuda kwokubata vanhu vanopomerwa kuva maKristu—muitiro uyo mambo akatendera. Avo vakaramba kuva maKristu vakasunungurwa apo, sokutaura kwakaita Pliny, “ivo vakanga vadzokorora pashure pangu munyengetero wokuva mwari, vapira zvinopiswa zvinonhuwira newaini kumufananidzo wenyu [waTrajan] . . . uye, mukuwedzera, vatuka Kristu.” Vapi navapi vaiwanwa kuva maKristu vaiurawa. Kunyange zvazvo akanangana nengozi yakadaro, maKristu omuPergamo haana kuramba kutenda kwawo. Iwo ‘akabatisisa zita raJesu’ mukuti iwo akapfuurira kukudza nzvimbo yake yakakwirira soMurevereri waJehovha noMutongi akagadzwa. Muruvimbiko, iwo akatevera tsoka dzaJesu sezvapupu zvoUmambo.

5. (a) Ndoupi muenzanirani womuzuva razvino wedzidziso yokunamata mambo kwakaparira miedzo yakakomba nokuda kwamaKristu munguva yedu? (b) Nharireyomirindi yakagovera betseroi maKristu?

5 Panhambo dzakasiyana-siyana, Jesu akanga azivisa kuti Satani anobata ushe nyika ino iripoyi yakaipa, asi nokuda kweperero yaJesu, Satani akanga asina simba paari. (Mateo 4:8-11; Johane 14:30) Munguva yedu, marudzi ane simba, zvikurukuru “mambo wokuchamhembe” na“mambo wokumaodzanyemba,” vakarwisana nokuda kwoudzorwi hwenyika. (Dhanieri 11:40) Shingairiro yokuvimbika kunyika yokwako yakakuchidzirwa, uye sekete yokunamata mambo ine mubiyawo womuzuva razvino uno mushingairo yourudzi yakapararira papasi. Nyaya pamusoro pokusatora rutivi muNharireyomurindi yaNovember 1, 1939, muchiNgezi, uyewo yaJune 1, 1980, uye September 1, 1986, dzakasanorondedzera dzidziso yeBhaibheri pamusoro peichi chirevo, dzichigovera nhungamiro nokuda kwamaKristu iwawo anoda kufamba muzita raJehovha ndokukunda nyika, sezvo Jesu akaita kudaro noushingi.—Mika 4:1, 3, 5; Johane 16:33; 17:4, 6, 26; 18:36, 37; Mabasa 5:29.

6. SaAntipasi, Zvapupu zvaJehovha zvakatora sei chimiro chakatsiga munguva dzazvino uno?

6 Zano rakadaro rave richidikanwa nomutoo wokukurumidzira. Mukunangana neshingairo isina mufungo yokuvimbika kunyika yokwako, Zvapupu zvaJehovha, vose vari vaviri vakazodzwa neshamwari dzavo, vaitofanira kumira vakatsiga mukutenda. MuUnited States, mazana avana navadzidzisi vakabviswa muzvikoro nemhaka yokuti havana kuchingamidza mureza worudzi, nepo muGermany Zvapupu zvakatambudzwa nomutoo unorura nokuda kwokuramba kuchingamidza swastika. Sezvatocherekedzwa, vaNazi vaHitler vakauraya zviuru zvavabatiri vakavimbika vaJehovha nokuti ivo vakaramba kugoverana mukunamata mifananidzo kwakadaro kwourudzi. Muma1930, mukati momufaro mukurusa weJapan wokunamatwa kwamambo Shinto, vashumiri vaviri mapiyona vakadyara mbeu yakawanda yoUmambo muTaiwan inogarwa namaJapan. Vabati ushe veuto vakavapinza mutorongo, umo mumwe wavo akafira nokuda kwokubatwa kwoutsinye. Mumwe wacho gare gare akasunungurwa, kungondopfurwa bedzi kumusana—Antipasi womuzuva razvino uno. Kusvikira kuzuva rino, kune nyika uko kunamatwa kwezviratidzo zvourudzi nokuzvipira kwapoga kuHurumende zvinodikanwa. Zvapupu zvizhinji zvechiduku zvakapfigirwa mutorongo, uye vasati vari vashomanene vakaurayiwa, nokuda kwechimiro chavo choushingi chavasingatori rutivi vechiKristu. Kana iwe uri pwere inonangana nezvirevo zvakadaro, funda Shoko raMwari zuva nezuva kuti ugo“va nokutenda kwokuponeswa kwomweya,” uchirangarira upenyu husingaperi.—VaHebheru 10:39–11:1; Mateo 10:28-31.

7. Ko vechiduku vomuIndia vakanangana sei nechirevo chokunamatwa kwourudzi, uye nomuuyoi?

7 Pwere dziri muchikoro dzakanangana nezvirevo zvakafanana. Muna 1985, munyika yeKerala, India, vana vaduku vatatu veZvapupu zvaJehovha vakaramba kubvumiranisa zvisino kufanira kutenda kwavo kwakavakirwa paBhaibheri, vachiramba kuimba rwiyo rwourudzi. Ivo vakamira nomutoo wokuremekedza apo vamwe vakaimba, asi kunyanguvezvo ivo vakadzingwa muchikoro. Baba wavo akakwirira ichi chiito kusvikira kuDare Rapamusoro reIndia, uko vatongi vaviri vakasarudza mukutsigira vana, noushingi vachiti: “Gamuchidzanwa redu rinodzidzisa shiviriro; uzivi hwedu hunodzidzisa shiviriro; bumbiro redu romutemo rinoshandisa shiviriro; ngatiregei kurishatsa.” Kuzivisa kwamapepanhau nenhau dzavapepeti venhau dzakanaka zvakaparirwa neiyi nhau zvakazivisa rudzi rwacho rwose, panguva iyoyo rwaida kusvika chikamu chimwe muzvishanu chevagari vepasi kuti kuna maKristu munyika iyeyo anonamata Mwari wechokwadi Jehovha uye kuti iwawa anotsigira mukuvimbika nheyo dzeBhaibheri.

Pesvedzero Dzinoshatsa

8. Jesu akakuwana kuri madikanwa kupa maKristu omuPergamo shurikidzoi?

8 Hungu, maKristu omuPergamo vachengeti veperero. “Hunyanguvezvo,” anodaro Jesu, “ndine zvinhu zvishomanene zvandinopesana newe.” Vakanga vaiteiko kuti vagofanirwa netsiuro yakakomba? Jesu anotiudza, kuti: “Iwe ipapo una avo vanobatisisa dzidziso yaBharami, uyo akandodzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavanakomana vaIsraeri, kuti vadye zvinhu zvakabairwa zvifananidzo uye kuita ufeve.”—Zvakazarurwa 2:14.

9. Bharami aiva ani, uye zano rake rakaisa sei “chigumbuso pamberi pavanakomana vaIsraeri”?

9 Muzuva raMosesi, Mambo Bharaki weMoabhi akatenga Bharami, muporofita asati ari wechiIsraeri uyo aiziva chimwe chinhu pamusoro penzira dzaJehovha, kushurikidza Israeri. Jehovha akadzivisa Bharami, achimugombedzera kutaura zvikomborero nokuda kwavaIsraeri uye nhamo nokuda kwavavengi vavo. Bharami akanyaradza pfundepfunde yaBharaki yakavapo somuuyo kupfurikidza nokukarakadza denho yamanomano makuru: Vakadzi veMoabhi ngavanyengedze varume veIsraeri kupinda muutere hwakakomba hwevatano nokunamata zvifananidzo zvamwari wenhema Bhaari wePeori! Iri zano rokuchenjera rakashanda. Hasha dzakarurama dzaJehovha dzakanyandurwa, sezvo iye akatuma denda rakauraya 24 000 vezvifeve izvozvo zvavaIsraeri—denda rakadziviswa bedzi apo muprista Pinehasi akaita chiito chakananga chokubvisa ushati muna Israeri.—Numeri 24:10, 11; 25:1-3, 6-9; 31:16.

10. Zvigumbusoi zvak apinda muungano muPergamo, uye nei maKristu iwawo angave akarangarira kuti Mwari aizofuratira kudarika kwao?

10 Zvino, muzuva raJohane, muPergamo mune zvigumbuso zvakafanana here? Zvirimo! Utere nokunamatwa kwezvifananidzo zvakapinda muungano. MaKristu iwawo haana kutetekera nyevero dzakapiwa kupfurikidza nomuapostora Pauro. (1 VaKorinte 10:6-11) Zvavakanga vatsungirira chitambudzo, zvimwe iwo anorangarira kuti Jehovha achafuratira kudarika kwao kwoutere. Naizvozvo Jesu anojekesa kuti iwo anofanira kurega uipi hwakadaro.

11. (a) MaKristu anofanira kudzivisei, uye rudzii rwokufunga rwaanofanira kudzivisa? (b) Kwamakore, vangani vakadzingwa muungano yechiKristu, uye zvikurukuru pamusoro pezvikonzeroi?

11 Nomutoo wakafanana nhasi, maKristu anofanira kudzivisa “kushandura tsitsi dzakakomba dzaMwari wedu mukuva pembedzo nokuda kwomufambiro usingadzorwi.” (Judhasi 4) Isu tinosungirwa kuvenga chiri chakashata uye ku‘rova miviri yedu’ kuti tigoronda nzira yorunako rwechiKristu. (1 VaKorinte 9:27; Pisarema 97:10; VaRoma 8:6) Hatitongofaniri kufunga kuti rushingairo mubasa raMwari neperero muchitambudzo zvinotipa rubvumidzo rwokuva tinobatanidzwa mukusazvibata kwevatano. Kwamakore, vapari mhaka vakadzingwa muungano yenyika yose yechiKristu, zvikurukuru pazvikonzero zvoutere hwevatano, vakasvika muchiverengero chamakumi ezviuru. Muna mamwe makore mave mune vanotopfuura vakawa muna Israeri wekare nemhaka yaBhaari wePeori. Ngatipfuurirei nokurinda kwedu kuti tisatongowira muboka irero!—VaRoma 11:20; 1 VaKorinte 10:12.

12. Sokuna vabatiri vaMwari vomunguva dzapakuvamba, inheyoi inoshanda kumaKristu nhasi?

12 Jesu anotsiurawo maKristu omuPergamo nokuda ‘kwokudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo.’ Ikoku kwaizobatanidzei? Nokuda kwamashoko aPauro kuvaKorinte, zvimwe vamwe vaishandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo rwechiKristu uye noune vachigumbura hana dzavamwe. Sezvinobvira zvikuru, kunyange zvazvo zvakadaro, ivo vakanga vachitora rutivi mune imwe nzira muzvinoitika chaizvo zvezvidhori. (1 VaKorinte 8:4-13; 10:25-30) MaKristu akatendeka nhasi anofanira kuratidzira rudo rusina udyire mukushandisa kwawo rusununguko rwechiKristu, vachiva vanongwarira kusagumbusa vamwe. Zvamazvirokwazvo, vanofanira kudzivisa zvimiro zvazvino uno zvokunamatwa kwezvifananidzo, zvakadai sokunamata nyanzvi dzemitambo dzeTV, mabhaisikopo, nemitambo, kana kuti kuita mwari wemari, kana kuti kunyange wedumbu ravo vamene!—Mateo 6:24; VaFiripi 1:9, 10; 3:17-19.

Dzivisa Dzidziso Yesekete!

13. Jesu akapazve mashokoi etsiuro maKristu omuPergamo, uye nei ungano yaiada?

13 Jesu anopfuurirazve kutsiura maKristu omuPergamo, achiti: “Naizvozvo iwewo, une avo vanobatisisa dzidziso yesekete raNikoraiti nenzira yakafanana.” (Zvakazarurwa 2:15) Pakutanga, Jesu anga arumbidza vaEfeso nokuda kwokuvenga kwavo mabasa eiri sekete. Asi maKristu omuPergamo anoda zano pamusoro pokuchengeta ungano isitongorina dzidziso yesekete. Rutsigo rwakawanda runodikanwa mukutsigira mipimo yechiKristu kuti chinzwano icho Jesu akanyengeterera pana Johane 17:20-23 chingochengetwa. Kuri madikanwa “kwose kuri kuviri kuraira kupfurikidza nedzidziso iri inobetsera uye kutsiura avo vanopokanidza.”—Tito 1:9.

14. (a) Kubvira mumazuva apakuvamba, ungano yechiKristu yaitofanira kurwisana navanaani, uye muapostora Pauro akavarondedzera sei? (b) Mashokoi aJesu anofanirwa kutetekerwa noupi noupi angave akava akarerekera kukutevera boka rakatsauka?

14 Kubvira mumazuva apakuvamba, ungano yechiKristu yaitofanira kurwisana navatsauki pakutenda vanodada, avo kupfurikidza nokutaura kwakanaka, kunonyengedza vano“parira misiano nenhambo dzokugumbura kunopesana nedzidziso” yakagoverwa kupfurikidza nomukoto waJehovha. (VaRoma 16:17, 18) Muapostora Pauro akanyevera nezveiyi tyisidziro mudzinenge tsamba dzake dzose.a Munguva dzazvino uno, apo Jesu akadzorera ungano yechokwadi kurucheno rwayo rwechiKristu nechinzwano, ngozi yedzidziso yesekete ichiripo. Nokuda kwechikonzero ichocho, upi noupi angava akakombamira kukutevera boka rakatsauka, nokudaro ndokuumba sekete, anofanira kutetekera mashoko anotevera aJesu, anoti: “Naizvozvo pfidza. Kana iwe usingaiti, ndiri kuuya kwauri nokukurumidza, uye ini ndicharwisana navo nomunondo murefu womuromo wangu.”—Zvakazarurwa 2:16.

15. Ko dzidziso yesekete inotanga sei?

15 Ko dzidziso yesekete inotanga sei? Zvimwe munhu anozviidza mudzidzisi anodyara panikiro, achipokanidza zvokwadi yakati kuti yeBhaibheri (yakadai sokuva kwedu tiri mumazuva okupedzisira), naizvozvo boka rinotsauka rinoparadzana ndokumutevera. (2 Timotio 3:1; 2 Petro 3:3, 4) Kana kuti mumwe munhu anotsoropodza nzira Jehovha ari kuita kuti basa rake riitwe nayo ndokusimudzira mudzimu wokuzvidzivirira kupfurikidza nokutaura kuti hakuzati kuri kwapaMagwaro kana kuti kuri madikanwa kuenda paimba neimba neshoko roUmambo. Kugoverana mubasa rakadaro mukutevedzera muenzaniso waJesu navaapostora vake kwaizoita kuti ava vanhu vazvininipise; asi, ivo vanosarudza kuzviparadzanisa ndokusaita zvinhu nesimba, zvimwe kungorava bedzi Bhaibheri panhambo nenhambo seboka riri roga. (Mateo 10:7, 11-13; Mabasa 5:42; 20:20, 21) Vakadarowo vanotanga mifungo yavo vamene pamusoro peChirangaridzo chorufu rwaJesu, murairo wapaMagwaro wokurega ropa, kuchengetwa kwamazororo, nokushandiswa kwefodya. Zvakare, vanozvidza zita raJehovha; nokukurumidza zvikuru ivo vanowira shure chaiko munzira dzamadiro dzeBhabhironi Guru. Zvakatoipisisa zvikuru, vamwe vanosundwa naSatani kumukira ndoku‘rova varanda biyavo,’ vaichimbova hama dzavo.—Mateo 24:49; Mabasa 15:29; Zvakazarurwa 17:5.

16. (a) Neiko avo vanozengurira nokuda kwepesvedzero yokutsauka pakutenda vachifanira kukurumidza kupfidza? (b) Chii chichaitika kuna avo vanoramba kupfidza?

16 Upi noupi anozengurira nokuda kwepesvedzero yavatsauki pakutenda anofanira kukurumidza kutetekera danidziro yaJesu yokupfidza! Paradziro yavatsauki pakutenda inofanira kurambwa somuchetura wairi! Hwaro hwayo ndohweshanje noruvengo, mukusiyana nezvokwadi dzakarurama, dzakachena, dzinodikanwa idzo Jesu anodyisa ungano yake. (Ruka 12:42; VaFiripi 1:15, 16; 4:8, 9) Kana vari vaya vanoramba kupfidza, Ishe Jesu zvamazvirokwazvo ano“rwa navo nomunondo murefu womuromo” wake. Iye ari kusefa vanhu vake kuti achengete chinzwano icho iye akanyengeterera mukati mamadekanwa ake okupedzisira aina vadzidzi vake pasi pano. (Johane 17:20-23, 26) Vatsauki pakutenda zvavanoramba zano rorudo nebetsero zvinogoverwa nenyeredzi dziri muruoko rwake rworudyi, Jesu anovatonga uye anovaranga “noukombi hukurusa,” achivaisa ku“rima riri kunze.” Ivo vanodzingwa, kuti varege kuzoitazve sembiriso pakati pavanhu vaMwari.—Mateo 24:48-51; 25:30; 1 VaKorinte 5:6, 9, 13; Zvakazarurwa 1:16.

‘Mana Yakavanzwa Nehurungudo Chena’

17. Itusoi inomirira maKristu akazodzwa ano‘kunda,’ uye maKristu omuPergamo aidikanirwa kukurirei?

17 Tuso yakaisvonaka inomirira vose avo vanotetekera zano raJesu, rinopiwa kupfurikidza nenhungamiro yomudzimu mutsvene waJehovha. Teerera! “Uyo une nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano: Kuna iye unokunda ini ndichapa imwe yemana yakavanzwa, uye ndichamupa hurungudo chena, uye pamusoro pehurungudo zita idzva rakanyorwa risina munhu anoziva kunze kwouyo anoriwana.” (Zvakazarurwa 2:17) Nokudaro, maKristu omuPergamo, samaKristu omuSmirna, anokurudzirwa ku‘kunda.’ Kana iwo achizobudirira, awo omuPergamo, umo chigaro choumambo chaSatani chiri, anofanira kudzivisa kunamatwa kwezvifananidzo. Anofanira kukurira utere, dzidziso yesekete, nokutsauka pakutenda kwakabatana naBharaki, Bharami, nesekete raNikoraiti. Achiita kudaro, maKristu iwawa akazodzwa achakokwa kuzodya imwe ye“mana yakavanzwa.” Kunoreveiko ikoku?

18, 19. (a) Chii chakanga chiri mana iyo Jehovha akagovera vaIsraeri? (b) Imanai yakavanzwa? (c) Chii chinofananidzirwa nokudya mana yakavanzwa?

18 Muzuva raMosesi, Jehovha aigovera mana yokutsigira vaIsraeri mukati morwendo rwavo rwomurenje. Mana iyeyo yakanga isina kuvanzwa, nokuti mangwanani mamwe namamwe—kunze kwapaSabata—yaioneka nomutoo wenenji, sezvipapata zvinopfupfuduka zvichena zvakafukidza pasi. Yakanga iri gadziriro youmwari yokuita kuti vaIsraeri varambe vari vapenyu. Sechirangaridzo, Jehovha akaraira Mosesi kuchengeta chimwe cheichi “chingwa” muchirongo chendarama mukati meareka inoyera yesungano “muzvizvarwa zvose” zvaIsraeri.—Eksodho 16:14, 15, 23, 26, 33; VaHebheru 9:3, 4.

19 Haiwa mufananidzo wakakodzera sei! Iyi mana yakanga yakavanzwa mukamuri Tsvene Tsvene retebhernakeri, umo chiedza chenenji chairembera pamusoro pechifukidziro cheAreka chaifananidzira kuvapo kumene kwaJehovha. (Eksodho 26:34) Hakuno munhu aibvumidzwa kupinda munzvimbo iyeyo inoyera kuti adye mana yakavanzwa. Zvisinei, Jesu akataura kuti vateveri vake vakazodzwa vanokunda vaizodya “mana yakavanzwa.” SaKristu pamberi pavo, ivo vanopinda, “musati muri munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, iyo iri mufananidzo wechinhu chaichoicho, asi mudenga imo mumene.” (VaHebheru 9:12, 24) Parumuko rwavo, ivo vanopfeka kusaora nokusafa—gadziriro inoshamisa yaJehovha, yakafananidzirwa nokuva kwavo vanopiwa “mana yakavanzwa” isingaori. Haiwa rakakomborerwa sei boka duku irero ravakundi!—1 VaKorinte 15:53-57.

20, 21. (a) Chii chinofananidzirwa nokupiwa kwehurungudo chena kumaKristu akazodzwa? (b) Sezvo kune hurungudo chena dzine 144 000 bedzi, ko boka guru rine tariroi?

20 Ivavawo vanowana “hurungudo chena.” Mumatare eRoma, hurungudo dzaishandiswa mukutongerwa rutongeso.b Hurungudo chena yaireva kusunungurwa, nepo hurungudo nhema yaireva shurikidzo, kazhinji kazhinji yorufu. Kupa kwaJesu “hurungudo chena” kumaKristu omuPergamo kwaizoratidzira kuti iye anovatongera kuva vasina mhaka, vakachena, navasina tsvina. Asika mashoko aJesu angava ane imwezve revo. Munguva dzavaRoma, hurungudo dzaishandiswawo samatikiti okupinda nawo munzvimbo kuzvinoitika zvinokosha. Naizvozvo hurungudo chena dzingaratidzira chimwe chinhu chinokosha zvikuru nokuda kwomuKristu akazodzwa anokurira—kuva kwake anobvumidzwa kupinda munzvimbo inokudzwa mudenga paroorano yeGwayana. Hurungudo bedzi dzakadaro dzine 144 000 bedzi dzinogoverwa.—Zvakazarurwa 14:1; 19:7-9.

21 Ko ikoku kunoreva here kuti unosiiwa usingarangarirwi kana iwe uri mumwe weboka guru ravanamati vari shamwari? Nyangwe napaduku pose zvapo! Kunyange usingawani hurungudo chena yokupinda mudenga, iwe, kana ukatsungirira, ungabuda mudambudziko guru kundova norutivi mubasa rinofadza rokudzorera Paradhiso pasi pano. Vanogoverana newe muna ikoku vachava vakatendeka vanomutswa vanobvira kunguva yapamberi pechiKristu naavo vamamwe makwai vangave vakafa pamisi ichangobva kupfuura iyi. Pakupedzisira, vamwe vose vakafa vanodzikinurwa vachaitirwa ngoni kupfurikidza nokumutsirwa kuupenyu paparadhiso yapasi.—Pisarema 45:16; Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9, 14.

22, 23. Chii chiri revo yezita rakanyorwa pahurungudo inopiwa kumaKristu akazodzwa, uye ikoku kunofanira kugovera rukurudziroi?

22 Nderipi riri zita idzva rinonyorwa pahurungudo? Zita ndiwo mutoo wokuzivisa nawo munhu uye kutsauranisa munhu iyeyo pana vamwe. Aya maKristu akazodzwa anowana hurungudo pashure pokunge apedza nzira yao yapasi savakundi. Nomutoo wakajeka, ipapoka, zita riri pahurungudo rine chokuita neropafadzo yavo yokuva anobatanidzwa naJesu mudenga—nzvimbo yapedyosa zvikuru yebasa roumambo inofanira kuongwa zvizere nokufarikanywa bedzi naavo vanogara nhaka Umambo hwokudenga. Nokuda kwechikonzero ichecho, iro izita, kana kuti zita rechiratidzo chenzvimbo yebasa, “iro risina munhu anoziva kunze kwouyo anoriwana.”—Enzanisa naZvakazarurwa 3:12.

23 Haiwa rukuchidziro rwakadini nokuda kweboka raJohane ku“nzwa izvo mudzimu unoreva kuungano” ndokuzvishandisa! Uye haiwa ikoku kunokurudzira sei shamwari dzavo, boka guru, kubatira mukutendeka pamwe navo vachingunoveri vanogona kufarikanya ushamwari hwavo pasi pano nokugoverana navo mukuzivisa Umambo hwaJehovha!

[Mashoko Omuzasi]

a Onawo 1 VaKorinte 3:3, 4, 18, 19; 2 VaKorinte 11:13; VaGaratia 4:9; VaEfeso 4:14, 15; VaFiripi 3:18, 19; VaKorose 2:8; 1 VaTesaronika 3:5; 2 VaTesaronika 2:1-3; 1 Timotio 6:3-5; 2 Timotio 2:17; 4:3, 4; Tito 1:13, 14; 3:10; VaHebheru 10:26, 27.

b Ona Mabasa 26:10 namashoko omunyasi, New World Translation Reference Bible.

[Mifananidzo iri papeji 43]

Uhu ufakazi hwokunamata kwakapararira kwechihedheni hunoratidzirwa muPergamon Museum muBerlin

[Mufananidzo iri papeji 45]

Chikamu chemana chakanga chakavanzwa muareka yesungano. Kupiwa mana yokufananidzira yakavanzwa muchinoitika chavakazodzwa vanokurira kunoreva kuti ivo vanowana kusafa

[Mufananidzo iri papeji 45]

Hurungudo chena ndeyaavo vanobvumidzwa kupinda muroorano yeGwayana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe