RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 104-p. 108
  • Kuberekwazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuberekwazve
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei vamwe vaKristu vachifanira ‘kuberekwazve’?
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Chii Chinonzi Kuberekwazve?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Denga
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ndivanaani Vanoberekwazve?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 104-p. 108

Kuberekwazve

Tsanangudzo: Kuberekwazve kunosanganisira kubhabhatidzwa mumvura (‘kuberekwa nemvura’) uye kuberekwa nomudzimu waMwari (‘kuberekwa nomudzimu’), kuva mwanakomana waMwari anotarisira kutonga muUmambo hwaMwari. (Joh. 3:3-5) Izvi ndozvakaitika kuna Jesu, sezvinongoitikawo kune vane 144 000 avo vari vagari venhaka pamwe chete naye muUmambo hwokudenga.

Nei vamwe vaKristu vachifanira ‘kuberekwazve’?

Mwari akaronga kuti vanhu vakatendeka vashoma vabatane naJesu Kristu muUmambo hwokudenga

Ruka 12:32: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.”

Zvak. 14:1-3: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina . . . vakatengwa vachibva panyika.” (Ona mapeji 71, 72, pasi pemusoro unoti “Denga.”)

Vanhu havagoni kuenda kudenga vaine miviri yenyama neropa

1 VaK. 15:50: “Hama, ndinotaura izvi, kuti nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uyewo kuora hakugari nhaka yokusaora.”

Joh. 3:6: “Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nomudzimu, mudzimu.”

Vanhu vanenge ‘vaberekwazve,’ nokudaro vova vanakomana vaMwari, ndivo chete vanogona kutonga muUmambo hwokudenga

Joh. 1:12, 13: “[Jesu Kristu] akapa vazhinji vakamugamuchira kodzero yokuva vana vaMwari, nokuti vakanga vachitenda muzita rake; uye havana kuberekwa neropa kana nezvinodiwa nenyama kana nezvinodiwa nomunhu, asi naMwari.” (“Vazhinji vakamugamuchira” havarevi vanhu vose vanotenda muna Kristu. Onai kuti ndivanaani vari kutaurwa, sezvinoratidzwa Joh 1 nendima 11 [“vanhu vokwake,” vaJudha]. Ropafadzo yakafanana yakapiwa vamwe vanhu, asi “boka duku” chete.)

VaR. 8:16, 17: “Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiri vagari venhakawo: chokwadi vagari venhaka vaMwari, asi vagari venhaka pamwe chete naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe chete kuti tikudzwe pamwe chete.”

1 Pet. 1:3, 4: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva kuti tive netariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga.”

Vachaitei kudenga?

Zvak. 20:6: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.”

1 VaK. 6:2: “Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?”

Munhu anenge asina ‘kuberekwazve’ anogona kuponeswa here?

Zvak. 7:9, 10, 17: “Pashure pezvinhu izvi [pashure pokunge muapostora Johani anzwa nhamba yevaya ‘vaizoberekwazve,’ vaya vaizoumba Israeri womudzimu uye vaizova naKristu kudenga; enzanisa naVaRoma 2:28, 29 naVaGaratiya 3:26-29] ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe. Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’ . . . ‘Gwayana [Jesu Kristu], riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu.’”

Pashure pokunge yataura vanhu vaiva nokutenda vakararama chiKristu chisati chavapo, VaHebheru 11:39, 40 inoti: “Ivava vose, kunyange vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, havana kuwana kuzadzika kwechipikirwa, nokuti Mwari akafanoona chimwe chinhu chiri nani nokuda kwedu, kuti varege kuitwa vakakwana isu tisipo.” (Ndivanaani vari kunzi “isu” pano? VaHebheru 3:1 inoratidza kuti ndevaya ‘vanogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga.’ Saka vanhu vaiva nokutenda vakararama chiKristu chisati chavapo vanofanira kunge vaiva netariro youpenyu hwakakwana kune imwewo nzvimbo kusiri kudenga.)

Pis. 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”

Zvak. 21:3, 4: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Zvinoita here kuti munhu ave nomudzimu waMwari asi asina ‘kuberekwazve’?

NezvaJohani mubhabhatidzi, ngirozi yaJehovha yakati: “Achazadzwa nomudzimu mutsvene kubvira achiri mudumbu maamai vake chaimo.” (Ruka 1:15) Uye pave paya Jesu akati: “Pane vakaberekwa nevakadzi hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari [Nei? Nokuti Johani achange asiri kudenga saka pakanga pasina chikonzero chokuti ‘aberekwezve’]. Asi kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino [Jesu paakataura izvi] umambo hwokumatenga ndicho chinangwa chinovavarirwa kuwanikwa nevanhu.”—Mat. 11:11, 12.

Mudzimu waJehovha ‘waishanda’ pana Dhavhidhi uye ‘waitaura’ uchimushandisa (1 Sam. 16:13; 2 Sam. 23:2), asi Bhaibheri hapana parinotaura kuti ‘akaberekwazve.’ Pakanga pasina chikonzero chokuti ‘aberekwezve,’ nokuti Mabasa 2:34 inoti: “Dhavhidhi haana kukwira kumatenga.”

Vanhu vane mudzimu waMwari vanozivikanwawo sei mazuva ano?

Ona mapeji 246, 247, pasi pemusoro mukuru unoti “Mudzimu.”

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Ini ndakaberekwazve’

Ungapindura kuti: ‘Izvozvo zvinoreva kuti rimwe zuva munotarisira kuva naKristu kudenga, handizvo here? . . . Makambozvibvunza here kuti vaya vanoenda kudenga vachanoitei ikoko?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Vachava madzimambo nevapristi, vachitonga naKristu. (Zvak. 20:6; 5:9, 10) Jesu akati ava vaizongova “boka duku.” (Ruka 12:32)’ (2) ‘Kana vari madzimambo, panofanirawo kuva nevanhu vavachatonga. Ivava vachava vanaani? . . . Inzwai dzimwe pfungwa dzandakaona dzichinakidza zvikuru pandakadziudzwawo. (Pis. 37:11, 29; Zvir. 2:21, 22)’

‘Makaberekwazve here?’

Ungapindura kuti: ‘Ndinoona kuti zvinorehwa nevanhu “nezvokuberekwazve” hazviwanzofanani. Mungandiudza here kuti zvinorevei kwamuri?’

Kana kuti ungati: ‘Munoda kuziva kana ndakagamuchira Jesu soMuponesi wangu uye kana ndakagamuchira mudzimu mutsvene, ndizvo here? Regai ndikuudzei kuti mhinduro ndiHungu; dai zvisiri izvozvo ndingadai ndisiri kutaura nemi nezvaJesu.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Ndinoona kuti pavanhu vakawanda vanozviti vaKristu hapana chinoratidza kuti vane mudzimu wacho. (VaG. 5:22, 23)’ (2) ‘Maizonakidzwa nokugara panyika pano here kudai munhu wose airatidza unhu hwakadaro hunodiwa naMwari? (Pis. 37:10, 11)’

Kana kuti ungati: ‘Kana muchireva kuti, “Ndakagamuchira Kristu soMuponesi wangu here?” mhinduro ndiHungu. Zvapupu zvaJehovha zvose zvakaita izvozvo. Asi kwatiri, kuberekwazve kunoreva zvinopfuura izvozvo.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Jesu paakataura nezvokuberekwazve akati kwaidiwa kuti munhu apinde muUmambo hwaMwari, kureva kuti, ave nhengo yoUmambo hwaMwari, hurumende yake yokudenga. (Joh. 3:5)’ (2) ‘Bhaibheri rinoratidzawo kuti vanhu vakawanda vanoita kuda kwaMwari vachagara panyika pano, sevanhu vanofara vanotongwa noUmambo ihwohwo. (Mat. 6:10; Pis. 37:29)’

Rimwezve zano nderokuti: Vaya veboka rokudenga vangapindura kuti: ‘Hungu. Asi Bhaibheri rinotinyevera tose kuti tisanyanya kuvimba nenzvimbo yedu. Tinofanira kuramba tichizviongorora kuti tive nechokwadi chokuti tiri kunyatsoita izvo Mwari naKristu vanoda kuti tiite. (1 VaK. 10:12)’ Ungawedzerawo kuti: ‘Jesu akapa vadzidzi vake vechokwadi basa rei? (Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 9:16)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe