Mudzimu Wenyika
Tsanangudzo: Isimba rinoita kuti vanhu vasiri vashumiri vaJehovha Mwari vaite zvavanoita, rinovaita kuti vataure kana kuita maererano nesimba racho. Kunyange munhu mumwe nomumwe achiita zvaanoda, vaya vane mudzimu wenyika vane mamwe maitiro, vane nzira yavanoita nayo zvinhu, uye zvinangwa zvoupenyu zvinonyatsozivikanwa kuti ndezvemamiriro ezvinhu epanguva ino, anotongwa namwari wawo, Satani.
Nei kusvibiswa nomudzimu wenyika iri nyaya hombe?
1 Joh. 5:19: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (Satani anokurudzira mudzimu unodzora mafungiro uye zvinoitwa nevanhu vasiri vashumiri vaJehovha vaanofarira. Mudzimu woudyire uye rudado wakapararira kwazvo zvokuti unonzi wakaita semhepo inofemwa nevanhu. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tisadzorwe nesimba raSatani nokubvumira kuti mudzimu iwoyo uumbe upenyu hwedu.)
Zvak. 12:9: “Dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.” (Kubva pazvakaitika, pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914, Satani nemadhimoni ake vari kuramba vachiwedzera kufurira vanhu. Mudzimu wake uri kuita kuti vanhu vawedzere kuva noudyire uye kuva nechisimba. Vaya vanoda kushumira Jehovha ndivo vari kunyanya kufurirwa kuti vave venyika, vaite zvinoitwa nevamwe, uye kuti vasiye kunamata kwechokwadi.)
Ndezvipi zvimwe zvinoratidza mudzimu wenyika zvatinofanira kungwaririra?
1 VaK. 2:12: “Zvino takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.” (Kana mudzimu wenyika ukadzika midzi mumafungiro omunhu nezvido zvake, chibereko chawo chinokurumidza kuoneka muzviito zvinoratidza mudzimu iwoyo. Saka, kuti tisiyane nomudzimu iwoyo wenyika hazvingodi bedzi kuti tidzivise miitiro isiri yechiKristu uye kunyura mairi asiwo kusvika pamudzi wenyaya yacho kuburikidza nokuva nemaonero anoratidza mudzimu waMwari uye kuda zvechokwadi nzira dzake. Tinofanira kuramba tichiyeuka izvi sezvatinoongorora zvinotevera zvinoratidza mudzimu wenyika.)
Kuita zvinodiwa nemunhu, asina hanya nezvinodiwa naMwari
Satani akakurudzira Evha kuti azvisarudzire zvakanaka uye zvakaipa. (Gen. 3:3-5; siyanisa naZvirevo 3:5, 6.) Vakawanda vanotevedzera zvakaitwa naEvha havazivi zvinodiwa naMwari kuvanhu, uye havatombodi kuzvitsvaka. Vanongoita “madiro,” sokutaura kwavanoita. Vaya vanoziva zvinodiwa naMwari uye vanoedza kuzvitevedzera vanofanira kungwarira kuti mudzimu wenyika usaite kuti vasateerere nemaune zano reShoko raMwari pazvinhu zvavangaona se“zvinhu zvidukuduku.”—Ruka 16:10; onawo “Kuzvitonga.”
Kuita zvimwe zvinhu pamusana pokudada
Satani ndiye akatanga kubvumira kudada kuti kushatise mwoyo wake. (Enzanisa naEzekieri 28:17; Zvirevo 16:5.) Rudado isimba rinoparadzanisa riri munyika yaanotonga, rinoita kuti vanhu vazvione sevari nani kupfuura vemamwe marudzi, nyika, mutauro, uye vamwe panyaya youpfumi. Kunyange vaya vanoshumira Mwari vanofanira kubvisa zvachose tuzvisaririra twemafungiro akadaro. Vanofanirawo kungwaririra kuti kudada kusavaite kuti vakudze tunyaya tuduku, kana kuti kusavakanganisa kubvuma zvavanenge vatadza uye kugamuchira zano uye vobatsirwa zvikuru naJehovha kuburikidza nesangano rake.—VaR. 12:3; 1 Pet. 5:5.
Kupandukira vane masimba
Kupandukira kwakatanga naSatani, ane zita rinoreva kuti “Mudzivisi.” Nokusateerera Jehovha, Nimirodhi, ane zita ringangoreva kuti “Ngatipandukire,” akaratidza kuti aiva mwana waSatani. Kudzivisa mudzimu iwoyo kuchaita kuti vanhu vanotya Mwari vateerere vatongi venyika (VaR. 13:1); kuchabatsira vana kuti vazviise pasi pechiremera chakapiwa vabereki vavo naMwari (VaK. 3:20); kunoita kuti tisatombosekerera vakapandukira sangano, vasingaremekedzi vaya vakapiwa mabasa okuita musangano rake rinooneka.—Jud. 11; VaH. 13:17.
Kuita zvose zvinodiwa nemiviri yedu isina kukwana
Izvi zvinogona kuoneka kana kunzwiwa kwose kwose. Saka tinofanira kuramba tichizvingwaririra. (1 Joh. 2:16; VaEf. 4:17, 19; VaG. 5:19-21) Mafungiro omunhu uye zvaanoda izvo zvingaita kuti munhu anyatsoratidza mudzimu wenyika zvingaoneka nezvaanotaura, nyambo dzake, mashoko enziyo dzaanoteerera, matambiro aanoita, kana kuti zvaanoona zvinoratidza unzenza. Kuita zvinodiwa nemiviri yedu isina kukwana kunooneka nokushandisa zvisiri izvo zvinodhaka, kudhakwa, upombwe, ufeve, uye ungochani. Zvinoonekawo munhu paanorambana newaakaroorana naye zvisiri pamagwaro, asi zvichida zviri pamutemo, uye oroorana nemumwe.—Mar. 2:16.
Kubvumira kuti upenyu hwako hudzorwe nechishuvo chokuva nezvinhu zvaunoona
Satani akaita kuti Evha ave nechido chakadaro, nokumunyengera kuti aite chimwe chinhu chakazokanganisa ukama hwake naMwari. (Gen. 3:6; 1 Joh. 2:16) Jesu akaramba zvakasimba muedzo wakadaro. (Mat. 4:8-10) Vaya vanoda kufadza Jehovha vanofanira kuchenjerera kuti vasabvumira nyika yezvokutengeserana kuti ivaite kuti vave nemafungiro akadaro. Vaya vanonyengerwa nawo vanozochema kwazvo uye vanozofa mune zvokunamata.—Mat. 13:22; 1 Tim. 6:7-10.
Kushamisira nezvinenge zviine munhu uye zvaanoti akawana
Maitiro aya ‘anobvawo munyika’ uye vaya vanoda kuva vashumiri vaMwari vanofanira kusiyana nawo. (1 Joh. 2:16) Maitiro acho anonyatsooneka nokudada, uye pane kuti avake vamwe mune zvokunamata, anoita kuti vamwe vachive zvinhu zvenyika uye kubudirira mune zvenyika.—VaR. 15:2.
Kupedzera shungu pakutuka nokuita zvechisimba
Aya “mabasa enyama” ayo vanhu vakawanda vanofanira kurwisana nawo. Nokutenda kwechokwadi uye vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vanogona kukunda nyika pane kubvuma kudzorwa nomudzimu wayo.—VaG. 5:19, 20, 22, 23; VaEf. 4:31; 1 VaK. 13:4-8; 1 Joh. 5:4.
Kutya uye kuva netariro pazvinhu zvinogona kuitwa nevanhu
Munhu wenyama anokoshesa zvinhu zvaanokwanisa kuona nokubata. Anoisa tariro pazvinovimbiswa nevamwe vanhu uye anotya kutyisidzira kwavanoita. Anotarisira kubatsirwa nevatongi vevanhu uye anoodzwa mwoyo pavanokundikana. (Pis. 146:3, 4; Isa. 8:12, 13) Kwaari, upenyu huno ndihwo hwoga huripo. Anoitwa muranda nokutya rufu. (Siyanisa naMateu 10:28; VaHebheru 2:14, 15.) Asi simba idzva rinoita kuti pfungwa dzevanhu vanenge vava kuziva Jehovha dzishande, vaya vanozadza pfungwa dzavo nemwoyo yavo nezvakavimbiswa naMwari uye vanodzidza kukumbira kubatsirwa naye pose pavanenge vachida kubatsirwa.—VaEf. 4:23, 24; Pis. 46:1; 68:19.
Kunamata vanhu nezvimwe zvinhu panzvimbo pokunamata Mwari
Satani Dhiyabhorosi, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” anokurudzira tsika dzose dzinotsausa chido chevanhu chokunamata chavakapiwa naMwari. (2 VaK. 4:4) Vamwe vatongi vave vachionekwa savanamwari. (Mab. 12:21-23) Mamiriyoni evanhu anopfugamira zvidhori. Mamiriyoni akawanda anonamata vatambi vakakurumbira. Mhemberero dzinowanzoita kuti vamwe vanhu varemekedzwe zvakanyanyisa zvavasingafaniri kuitwa. Mudzimu uyu wakapararira zvokuti vaya vanoda Jehovha zvechokwadi uye vanoda kuzvipira zvakazara kwaari vanofanira kuramba vakangwaririra kuti usavatsausa.