RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 7 pp. 56-63
  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wagadzirira Nokuda Kwokuzvimiririra Here?
  • ‘Handigarisane Navabereki Vangu!’
  • Tsika Nesundo
  • Ndinogona Sei Kukura Kana Ndisingabvi Pamusha?
  • Mufaro Worusununguko Runorivaridza
  • Kuzvimirira Mune Zvemari
  • Dzidza Usati Wabva
  • Ko Kutiza Ndiyo Mhinduro Here?
    Mukai!—1988
  • Neiko Kune Vana Vakawanda Kwazvo Vanotiza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo Zvemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ko Ndinofanira Kutiza Pamusha Here?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 7 pp. 56-63

Ganhuro 7

Ndinofanira Kubva Pamba Here?

“Amai naBaba:

“Eya pakupedzisira ndava kubva. Sezvandakataura kare, handisati ndiri kuita izvozvi kukukuvadzai kana kuti kukutsivai munzira ipi neipi. Ini handigoni kuva anofara kana ndakaganhurirwa sezvamunoda kuti ndive. Zvimwe ini handizati ndichizova anofara neiyi nzira, asika ndinongoda bedzi kuwana.”

TSAMBA yeonekano yomusikana wezera ramakore 17 yokuvabereki vake yakavamba nokudaro. MuFederal Republic of Germany, somuenzaniso, musikana ari wose wechitatu uye mukomana wose wechina ari pakati pamazera amakore 15 ne 24 zvino vanogara kure nomusha. Zvichida iwe wakafunga hako pamusoro pokubva pamusha iwe umene.

Mwari akadeya kuona kuti chishuvo chokuroora chaizoparira munhu ku“siya baba vake naamai vake.” (Genesi 2:23, 24) Uye kune zvimwe zvikonzero zvinoshanda zvokubva, zvakadai sokufutunura basa rako kuna Mwari. (Marko 10:29, 30) Zvisinei, kupwere zhinji kubva pamusha kunongova bedzi nzira yokubva nayo pane zvadzinorangarira kuti mugariro usingashiviririke. Rimwe jaya rinoti: “Kunongova bedzi kuti unoda kuva akazvimirira zvikuru. Kugara pamusha navabereki vako hakuzati kuchasitongogutsazve. Nguva dzose munopinda mukuitirana nharo, uye ivo havanzwisise zvinoshaikwa zvako. Kunze kwezvo, unonzwa wakaganhurirwa, zvikuru uchigarova anozvidavirira kuvabereki vako nokuda kwechiito chiri chose.”

Wagadzirira Nokuda Kwokuzvimiririra Here?

Asika idi rokuti unoshuva hako kuzvimirira rinoreva here kuti wagadzirira nokuda kwako? Kutanga, kuzviraramira iwe umene kungava kusiri nyore sezvaunofunga. Mabasa haawanzowanikwa. Rendi dzakakwira zvikuru. Uye pwere dzinobatwa mumusungo wezvemari dzinowanzogombedzerwa kuitei? Vanyori vePulling Up Roots, vanoti: “Idzo dzinodzokera kumusha ndokukarira vabereki kuvambazve mutwaro wokudzitsigira.”

Asi zvakadiniko noukuru hwako mundangariro, mupfungwa, uye mumudzimu? Ungazvifunga iwe umene kuva mukuru, asi vabereki vako vangava vachiri kuona mauri mimwe ye“miitiro youcheche.” (1 VaKorinte 13:11) Uye zvamazvirokwazvo, vabereki vako havazati vachikwanisa kusarudza kuti rusununguko rwakadini rwawagadzirira kuva narwo here? Kurwisana nechisarudzo chavo ndokuzvisarudzira iwe umene kungakoka ngwavaira!—Zvirevo 1:8.

‘Handigarisane Navabereki Vangu!’

Ikoko kunodaro here muchinoitika chako? Kunyange zvakadaro, ichochi hachizati chiri chikonzero chokutanga kurongedza mabhegi ako. Sepwere, uchiri kuda vabereki vako uye sezvinobvira uchabetserekana nezivo yavo nouchenjeri hwavo kwamakore anouya. (Zvirevo 23:22) Unofanira kuvagura muupenyu hwako nemhaka bedzi yokuti wakapinda muzvigumbuso zvakati kuti mukubata navo here?

MuGermany muduku anonzi Karsten uyo akabva pamusha kundoronda basa somushumiri wenguva yakazara anokutaura neiyi nzira: “Usatongobva pamusha nemhaka bedzi yokuti haugoni kugarisana navabereki vako. Kana usingagoni kugarisana navo, uchazombokwanisa sei kugarisana navamwe vanhu? Kutama hakuzati kuchizogadzikisa chinetso chako. Mukupesana, kuchangobvumikisa bedzi kuva asina kunyanyokura kuzvimirira iwe umene uye kuchaparira paradzano huru navabereki vako.”

Tsika Nesundo

Pwere dzinokombamirawo kukufuratira ngozi dzetsika dzinobatanidzwa mukubva pamusha nguva isati yasvika. Muna Ruka 15:11-32, Jesu anozivisa nezverimwe jaya raida kuva rinozvimirira ndokutanga kuzvisarudzira rimene. Risati richirizve pasi pepesvedzero yakanaka yavabereki varo, rakavamba “kurarama upenyu hwokusazvidzora,” richikurirwa noutere hwevatano. Nokukurumidza rakanga rapambadza mari yaro. Kuwana basa kwakanga kwakaoma zvikuru zvokuti rakatopinda basa iro Judha vaizvidza—kufudza nguruve. Zvisinei, mwanakomana anonzi akarashika kana kuti anopambadza akapengenuka. Achizvininipisa, iye akahwirira kumusha ndokukumbira baba vake kanganwiro.

Kunyange zvazvo uyu mufananidzo wakashandisirwa kusimbisa ngoni dzaMwari, iwowo une ichi chipfundo chinoshanda: Kubva pamusha une sundo yokusachenjera kunogona kukuvadza mutsika nomumudzimu! Zvinosuruvarisa kutaura, dzimwe pwere dzechiKristu dzakapinda panzira yokuzvimirira dzakatambura ruparadziko rwomudzimu. Dzisingachakwanisi kufarikanya upenyu mune zvemari, dzimwe dzakatendeukira kukugoverana ndyiko nedzimwe pwere dzinomuraramiro unorwisana nheyo dzeBhaibheri.—1 VaKorinte 15:33.

Imwe pwere yechiGerman inonzi Horst inoyeuka imwe pwere yezera rayo imene yakabva pamusha: “Kunyange zvazvo isati yaroora, yakavamba kugara neshamwarisikana yayo. Ivo vaiva namapati okuti hwahwa hwainwiwa pamadiro, uye iye aiwanzoguma nekudhakwa. Kudai akanga ave achiri kugara pamba, vabereki vake vaizodai vasina kubvumira kupi nokupi kwaikoko.” Horst akataura, kuti: “Ichokwadi, kana wangobva pamusha bedzi une rusununguko rwakawanda. Asi kuva akatendeseka chose chose, kazhinji kazhinji irwo harusati ruchishandiswa sebanza rokuita zvakashata here?”

Naizvozvo kana uchipanga rusununguko rukuru, zvibvunze umene, kuti: Chaizvoizvo nei ndichida rusununguko rukuru zvikuru? Kunodaro kuti ndigone kuwana zvinhu zvokunyama kana kuti kutsauswa kwokuita nenzira vabereki vangu vaizodzivisa kudai ndaigara pamusha? Yeuka izvo Bhaibheri rinoreva pana Jeremia 17:9, kuti: “Mwoyo unonyengera zvikuru kupinda chinhu chipi nechipiwo zvacho uye wakaipa zvikuru. Ndianiko ungagona kuuziva?”

Ndinogona Sei Kukura Kana Ndisingabvi Pamusha?

Bhuku rinonzi Adolescence rinoti: “Kungobva bedzi pamusha wemhuri hakuzati kuchisimbisira kochekedzano yorubudiriro [kuukuru]. Uyewo kugara pamusha hakuzati kuchiratidzira kundikano yokukura.” Zvamazvirokwazvo, kukura kunoreva zvakawanda zvinopfuura kuva nemari yako umene, basa, uye kamuri. Kutanga, upenyu hunogonanwa nahwo kupfurikidza nokunangana nezvinetso nomutoo wakananga. Hapana chinhu chinowanwa kupfurikidza nokutiza migariro yatisingadi. “Kwakanakira munhu wakagwinya kuti iye anofanira kutakura joko rake mukati moupwere hwake,” anodaro Mariro 3:27.

Somuenzaniso, rangarira vabereki vakaoma kugarisana navo kana kuti vanorumano zvikuru. Mac, wezera ramakore 47 zvino, akanga anababa vaimudzora namabasa apashure pechikoro. Mukati mezororo ramadziya, apo dzimwe pwere dzaitamba, Mac aitofanira kuita basa. “Ndaifunga kuti ivo vaiva munhu mupenyu ane utsinye zvikurusa nokuda kwokutidzivisa kutamba uye kufarikanya isu timene,” anodaro Mac. “Kazhinji kazhinji ndaifunga kuti, ‘Kudai bedzi ndaigona kubva pano ndokuva nenzvimbo yangu ndimene!’” Zvisinei, Mac zvino ane murangariro wakasiana panhauyo: “Izvo Baba vakandiitira zvakanga zvichikosha. Vakandidzidzisa maitirwe ebasa resimba uye kutsungirira chitambudzo. Chifocho ndakava nezvinetso zvakakomba zvikuru kwazvo zvokunangana nazvo, asi ndinoziva mutoo wokunangana nazvo noushingi.”

Mufaro Worusununguko Runorivaridza

Zvisinei, kungogara pamusha bedzi hakuzati kuchisimbisira kukura kwako. Inodaro imwe pwere: “Kugara pamusha navabereki vangu kwakanga kwakaita sokugara mumufaro worusununguko runorivaridza. Vaindiitira chinhu chiri chose.” Rutivi rwokukura ndiko kudzidza mutoo wokuzviitira umene zvinhu zvako. Sezvinobvumwa, kundorasa marara kana kuti kusuka zvipfeko hakuzati kuchifadza zvikuru sokuridza marekodhi ako aunoda. Asi chii chinogona kuvapo somuuyo kana usingatongodzidzi maitirwe ezvinhu izvozvi? Unogona kuva mukuru asingabetseri, anotsamira kwazvo pavabereki vako kana kuti vamwe.

Ko iwe (kunyange uri jaya kana kuti mhandara) uri kugadzirira kuzvimirira kwokupedzisira kupfurikidza nokudzidza mutoo wokubika nawo, kutsvaira, kuchisa, kana kuti kugadzira imba kana kuti michina inoshanda yoga here?

Kuzvimirira Mune Zvemari

Pwere dziri munyika dzakapfuma dzinowanzorangarira mari seiri nyore kuiwana uye kunyange iri nyore zvikuru kupambadza. Kana dziine basa risati riri renguva yakazara, dzinowanzokombamira kukupambadzira mari yadzo pamasiterio nezvipfeko zvezvitaera. Haiwa kupengenuka kwakadini kunorwadza kuchava nepwere dzakadaro, kunyange zvazvo zvakadaro, apo dzinobva pamusha kundozviraramira idzo dzimene! Anoyeuka kudaro Horst (adudzwa kare): “Pakuzosvika pakupera kwomwedzi [ndiri kunze ndiri ndoga] zvose zviri zviviri chikwama changu nekabhodhi rangu zvakanga zvisisina chinhu.”

Huregererei kudzidza mashandisirwe emari uchingunoveri hako pamusha? Vabereki vako vave vanamakore oruzivo rwokuzviwanira vachiita ikoko uye vanogona kukubetsera kudzivisa zvinetso zvizhinji. Bhuku rinonzi Pulling Up Roots rinokarakadza kuvabvunza mibvunzo yakadai sokuti: ‘Ko magetsi anochajwa marii mwedzi mumwe nomumwe? Huni? Mvura? Runhare? Rudzii rwemitero yatinotera? Tinobhadhara rendii?’ Ungava anokatyamadzwa kuziva kuti pwere dzinoshanda dzinowanzova nemari yakawanda yomuhomwe inopfuura inowanwa navabereki vadzo! Naizvozvo kana uchishanda, karakadza kuita mupiro wakati kuti kukuchengetwa kweimba.

Dzidza Usati Wabva

Aiwa, hauzati uchidikanirwa kubva pamusha kuti ugokura. Asi unofanira kushanda nesimba uchingunoveripo kuti ukudziridze chisarudzo chakanaka ndokukura mundangariro. Dzidzawo kugarisana navamwe. Bvumikisa kuti unogona kutsoropodzwa, kukundikana, kana kuti kuodzwa mwoyo. Kudziridza ‘mutsa, runako, unyoro, nokuzvidzora.’ (VaGaratia 5:22, 23) Iyi miitiro zviratidziro zvechokwadi zvomurume kana kuti mukadzi wechiKristu akura.

Padzimwe nguva, migariro, yakadai seroorano, ingasanokusunda kubuda muchitsaki chomusha wavabereki vako. Asika kutozosvikira panguva iyoyo, huvirei muchimbichimbi huru yokubva pamusha? Kukurukure navabereki vako. Ivo vangava vanofara kuita kuti ugare, zvikurukuru kana uchiita mupiro chaiwo kugarikano yemhuri. Kupfurikidza nebetsero yavo, unogona kupfuurira kukura, kuziva, uye kukura muzivo ipapo chaipo pamusha.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko pwere zhinji dzine shungu dzokubva pamusha?

◻ Neiko pwere zhinjisa dzisati dzagadzirira nokuda kwechiito chakadaro?

◻ Ndedzipi dzimwe dzengozi dziri mukubva pamusha nguva isati yasvika?

◻ Ndezvipi zvimwe zvezvinetso zvinonangana navatizi?

◻ Kunokubvirira sei kukura muzivo uchingunoveri kugara pamusha?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 57]

“Usatongobva pamusha nemhaka bedzi yokuti haugoni kugarisana navabereki vako . . . uchazombokwanisa sei zvechokwadi kugarisana navamwe vanhu?”

[Bhokisi riri papeji 60, 61]

Kutiza Ndiyo Mhinduro Here?

Vechiduku vanopfuura mirioni vanotiza pamusha gore rimwe nerimwe. Vamwe vanotiza migariro isingashiviririki—yakadai sokurohwa kana kubatwa chibharo. Asi kazhinji kazhinji kwazvo, kutiza kunoparirwa nokuitirana nharo navabereki pamusoro penhau dzakadai senguva dzokuva pamba, mamakisi okuchikoro, mabasa apamba, uye kusarudza shamwari.

Zvimwe murangariro nokufunga kwavabereki vako pamusoro penhau hakumbowirirani nokwako. Asika wakamborangarira here idi rokuti vabereki vako vane musengwa pamberi paMwari wokukurera “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha”? (VaEfeso 6:4) Naizvozvo ivo vangaomerera pakuti uende navo kumisangano yorudzidziso nemibato kana kunyange kuganhurira songaniro yako nedzimwe pwere. (1 VaKorinte 15:33) Ichocho chingatova chikonzero chokupanduka kana kuti chokutiza here? Iwewo une musengwa pamberi paMwari: “Kudza baba vako naamai vako.”—VaEfeso 6:1-3.

Kunze kwezvo, kutiza hakuna chakunopedza. “Kutiza kunongokuparira bedzi zvinetso zvakawanda,” anoratidzira kudaro Amy, uyo akatiza pazera ramakore 14. Anodaro Margaret O. Hyde mubhuku rake rinonzi My Friend Wants to Run Away: “Vanotiza vashomanene vanowana mabasa chaizvoizvo ndokuzviraramira ivo vamene. Asika, kuna vazhinjisa vavo, upenyu hwakaipisisa kupfuura zvahwakanga hwakaita ivo vasati vabva pamusha.” Uye inocherekedza kudaro magazini ye’Teen: “Vechiduku havawani rusununguko pamigwagwa. Panzvimbo pakwo, ivo vanowana vamwe vanotiza kana vanodzingwa—saivo vamene—vachigara muzvivako zvakasiiwa, uko vasina taviridziro kuvabati chibharo kana makororo. Vanowanawo vanhu vazhinji vanoriita basa ravo rakashata rokudyeredzera vanhu vaduku, uye vanotiza vechiduku ndivo chipfuro chiri nyore.”

Somutizi, Amy aka“ita ushamwari” nomurume ane zera ramakore 22, uyo akaita kuti iye aripire kugara kwake “kupfurikidza nokuvatana naye navapfumbamwe veshamwari dzake.” Iyewo “aidhakwa uye ainwa mirimo mizhinji.” Mumwe musikana, anonzi Sandi, akatambura kunetswa kwaiitwa nasekuru vake vokurera ndokutiza. Iye akava hure rinogara mumigwagwa uye achirara pamabhenji omumunhanga kana pari pose paaigona. Ivo vanobatira somuenzaniso wavatizi vazhinji.

Vanotiza vazhinjisa vane unyanzvi hushomanene hwakakodzera. Ivo havazati vachiwanzova naapi naapi amagwaro okuti vapinzwe basa: rugwaro rwokuberekwa, kadhi reNzanga reChengeteko, kero yechigarire. “Ini ndaitofanira kuba, kupemha,” anodaro Luis, “asika kuba zvikurukuru nemhaka yokuti hakuna munhu anokupa chinhu kunze ikoko.” Vane 60 muzana vanotiza vasikana, vazhinji vavo vanozvitsigira vamene kupfurikidza nokuhura. Vezvamabhuku outere, vatengesi vemirimo, navadyeredzeri vanowanzoshanyira zviteshi zvamabhazi vachitsvaka vanotiza vokudyeredzera. Ivo vangagovera pwere dzinotya nzvimbo yokurara nezvokudya. Vangatovapa zvavaishaiwa pamusha—kunzwa kwokuti ivo vanodiwa.

Mukufambira mberi kwenguva, kunyange zvazvo zvakadaro, “vabetseri” vakadaro vanoraira muripo. Uye ikoko kungareva kuvashandira sechifeve, vachipinda mukushatswa kwevatano, kana kuti kugadzirira nokuda kwemifanikiso youtere. Hakuzatiwo kuchishamisa kuti vatizi vazhinji vanoguma vakuvadzwa zvakakomba—kana kuti vafa!

Nokudaro kunoita mufungo kuratidzira nhamburiko iri yose—uye ikoko kunoreva kanopfuura kamwe chete—kutaura navabereki vako. Vaite kuti vazive manzwire aunoita uye nechiri kuitika. (Ona Maganhuro 2 ne 3.) Muzvinoitika zvokurohwa kana kubatwa chibharo, betsero yokunze ingadikanwa.

Pasinei hapo nechingava chinoitika, taura, usatiza. Kunyange kana upenyu pamusha husina kunaka, yeuka kuti zvinhu zvinogona kunyange kuipisisa paunenge uri pakutiza.

[Mifananidzo iri papeji 59]

Unyanzvi hwapamba hunodikanirwa kuzviraramira iwe umene hunogona kudzidzirwa pamusha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe