RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 24 pp. 192-197
  • Ndinogona Sei Kuramba Vatano Yapamberi Peroorano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuramba Vatano Yapamberi Peroorano?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rinda Mwoyo
  • Kudzivisa Ngozi Pakupfimba
  • Ushamwari naMwari
  • Ndinogona Sei Kudzivisa Kutamba Noutere?
    Mukai!—1994
  • Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisarara Nomunhu Wandisina Kuroorana Naye?
    Mukai!—2004
  • Ndepapi Pazvinonzi Zvapfurikidza?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 24 pp. 192-197

Ganhuro 24

Ndinogona Sei Kuramba Vatano Yapamberi Peroorano?

KUNZVERWA kwenyika yose kwakaitwa namagazini ye’Teen kwakawadzanyura kuti vazhinji vavaravi vayo vaduku vakanga vachida mashoko pamusoro pepanikiro inotevera: “Mutoo wokudzivisa nawo dzvinyiriro yevatano.”

PaPisarema 119:9, wezvamapisarema akamutsa panikiro imwe chetewo, inoti: “Jaya kana kuti [mhandara] richachenura sei nzira yaro?” Mhinduro, inoti: “Kupfurikidza nokupfuurira kurinda mukuwirirana neshoko renyu [raMwari].” Asi zvakawanda zvinodikanwa kupfuura zivo yomusoro. “Iwe unoziva mundangariro mako icho Bhaibheri rinoreva pamusoro poutere hwevatano,” yakabvuma kudaro imwe mhandara. “Asi mwoyo wako unoramba uchiita kuti urege kurangarira izvi zvikonzero.” Nomutoo wakakodzera, wezvamapisarema akapfuurira, kuti: “Ini ndakachengeta shoko renyu mumwoyo mangu, kuti ndigorega kukuitirai chivi.”—Pisarema 119:11.

Rinda Mwoyo

Kuchengeta mashoko aMwari mumwoyo wako kunoda kuti utange kurava ndokufunda Magwaro namabhuku akavakirwa paBhaibheri. Ikoku kunogona kubetsera kukupwisa nezvoukoshi hwemitemo yaMwari. Kune rumwe rutivi, kurava, kuteerera, kana kuti kuona zvinhu zvinokuchidzira vatano kunonyandura “ruchiva rwevatano.” (VaKorose 3:5) Zvomenemene dzivisa zvinhu zvakadaro! Fungisisa pamusoro pezvinhu zvakachena nezvisina tsvina.

Nzvero yakaratidzira kuti shamwari dzapedyo dzinogona kuva nepesvedzero huru pamusoro pokuti munhu anogara akachena here kana kuti kwete. Akadaro wezvamapisarema: “Ini ndiri shamwari yaavo vose vanokutyai [Mwari], naavo vanochengeta mirairo yenyu.”—Pisarema 119:63.

Ko shamwari dzako ndedziya dzinovavarira chaizvoizvo ku‘chengeta mirairo yaMwari’ here? Imwe mhandara inonzi Joanna inoita uku kutaura pamusoro pokusarudza shamwari, ichiti: “Kana uri pakati pavanhu vanotya Jehovha, unowana kuti, sezvaunotaura pamusoro petsika, unotanga kunzwa nenzira imwe cheteyo yadzinonzwa nayo. Somuenzaniso, kana uchidzinzwa dzichitaura kuti utere hunonyangadza, unotanga kunzwa nenzira imwe cheteyo. Kuno rumwe rutivi, kana uno mumwe munhu asingaitire hanya, nokukurumidza zvikuru iwe uchava akafanana naye chaizvoizvo.”—Zvirevo 13:20.

Zvisinei, ndikwo kuronga misi yokuvhakacha uye nyengano kunowanzoparira chinetso chikuru chokuramba wakachena. Rangarira kunzverwa kworudzi rwose kwakaitwa naRobert Sorensen. Akawana kuti vane 56 muzana vamajaya uye vane 82 muzana vemhandara vakanzverwa vakava nevatano vakaita kudaro kwenguva yokutanga nomumwe munhu wavaidanana naye—zvimwe wavaisanoziva uye wavaida zvikuru. Ipapoka, zvakadiniko, kana wakura zvakaringanira kuti uroore uye uri kupfimba mumwe munhu? Unogona sei kurovedzana zviri nani zvikuru nomunhu iyeyo asi uchiramba wakachena?

Kudzivisa Ngozi Pakupfimba

Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Mwoyo unonyengera kupinda chinhu chipi nechipi uye mumugariro wokupererwa nezano rose zvaro; ndiani ungaunzwisisa?” (Jeremia 17:9, Byington) Mumwe munhu anganzwa nomutoo wakakwana yevedzo yomuzvarirwo kuno mumwe munhu womutezo wakasiana. Asi kana muchiva pamwe zvikuru, yevedzo inokura zvikuru. Asi ichi chishuvo chomuzvarirwo chinogona kutsausa mwoyo wako. “Mumwoyo munobuda mirangariro yakaipa, . . . ufeve,” akadaro Jesu Kristu.—Mateo 15:19.

Kazhinji kazhinji vechiduku vaviri havarongedzeri kuita vatano.a Muzvinoitika zvizhinji, ikoku kwakaitika nemhaka yokuti vavirivo vakapinda mukugumbatirana, kana kuti mukubatanabatana kunonyandura, kwamativi akavanzika omuviri. Akabvuma kudaro mumwe amai asina kuchata: “Kwandiri uye kuna vazhinjisa vavana vandinoziva, kunenge kwakangopfuurira hakwo bedzi zvishoma nguva imwe neimwe, uye pakupedzisira hausichirizve mhandara. Munotanga nokuita kugumbatirana kushoma, uye musati maziva chiri kuitika, hamungagoni kurega.”

Kuzvidzivirira umene kupinda muutere, unofanira kutungamirira mwoyo wako, panzvimbo pokuti uurege uchikutungamirira. (Zvirevo 23:19) Unogona sei kuita ikoku?

Gadza ganhuriro: Jaya ringanzwa kuti musikana waro anorikarira kuti rigotanga kutsvoda nokugumbatira, apo chokwadi iye angasava anodaro. “Munhu anongoparira bedzi kakavaro kupfurikidza nokuzvikudza, asi kuna avo vanopana mazano kune uchenjeri.” (Zvirevo 13:10) Naizvozvo kana uchironga musi wokuvhakacha, ita kuti mumwe wako azive manzwire aunoita pamusoro penhauyo kupfurikidza “nokupana mazano.” Nomutoo wokuchenjera gadzai ganhuriro pamusoro penhau dzechidakadaka. Panguva imwe cheteyo, regai kupa zviratidzo zvisina kutsarukana. Kupfeka zvipfeko zvinobata, zvinoonekera, zvinokarakadzira vatano kunogona kupa shamwari yako chikarakadzo chisina kururama.

Sanorinda migariro: Bhaibheri rinozivisa pamusoro pemhandara yakakokwa nomukomana wayo kuenda nayo kunzvimbo yakavandika mumakomo. Chii chaiva vavariro yake? Kuti vagofarikanya runako rwamavambo echirimo. Zvisinei, hanzvadzi dzomusikanayo dzakaziva pamusoro porwendo rwakarongedzerwa uye nomutoo wokushatirwa dzakarurambidza. Ko idzo dzairangarira kuti iye aiva akarerekera kuutere here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Asi dzaisanoziva simba romuedzo mumigariro yakadaro. (Rwiyo rwaSoromoni 1:6; 2:8-15) Nenzira yakafanana, iwe unofanira kudzivisa migariro inogona kuparira muedzo, yakadai sokuva muri moga bedzi muimba, mukamuri, kana kuti mumotokari yakamiswa uine mumwe munhu wauri kupfimbana naye.

Ziva ganhuriro dzako: Pane nguva apo ungava anotapurika zvikuru nemiedzo yevatano kupinda pane dzimwe nguva. Somuenzaniso, ungava unoodzwa mwoyo nokuda kwekundikano yako umene kana kuti kusabvumirana navabereki vako. Chipi kana chipi chingava chinoitika, munguva dzakadaro uchatofanira kuva anongwarira zvikurukuru. (Zvirevo 24:10) Uyewo, unangwarira pamusoro pokushandisa kwako zvinwiwa zvinoraradzisa. Mukupesvedzerwa naizvozvi, unogona kurashikirwa nokuzvibata kwako. “Waini newaini inonaka ndizvo zvinobvisa vavariro yakanaka.”—Hosea 4:11.

Ramba noushingi: Ko vavirivo vangaitei apo kunzwa kunowedzera uye ivo ndokuzviwana vamene vachiswederana pedyo nomutoo une ngozi? Mumwe wavo anofanira kutaura kana kuti kuita chimwe chinhu chinoputsa chimirocho chendangariro. Debra akazviwana ari oga bedzi nomukomana wake, uyo akamisa motokari munzvimbo iri yoga kuti “vataure.” Apo kunzwa kwakavamba kuwedzera, Debra akati kumukomana wake: “Ko uku hakuziri kutamba kwakaipa here? Hatifaniri kurega here?” Ikoku kwakaputsa chimirocho chendangariro. Iye nokukurumidza akamuendesa nemotokari kumba. Kuramba mumigariro iyoyi kungava chinhu chakaoma zvikurusa chawati wambofanira kuita. Asi sokutaura kwakaita mumwe mukadzi wezera ramakore 20 uyo akatera kukuva nevatano: “Kana usingabvipo, uchazvidemba!”

Ivai nomuperekedzi: Kunyange zvazvo kuchirangarirwa kuva kwechinyakare navamwe, kuva nomuperekedzi wokukuperekedzai pamusi wokuvhakacha kuchiri mufungo wakanaka. “Kunoratidzika sokunge kuti hatigoni kuvimbwa nesu,” vanonyunyuta kudaro vamwe vakati kuti. Zvimwe. Asi huchenjera here kuzvivimba iwe umene? Zvirevo 28:26 inoti nomutoo wakajeka: “Iye unovimba nomwoyo wake amene ibenzi, asi iye anofamba muuchenjeri ndiye uyo uchapukunyuka.” Famba nomutoo wokuchenjera kupfurikidza nokuita kuti mumwe munhu akukumbanirei pamusi wokuvhakacha. “Ini ndinoremekedza chaizvoizvo munhu anouya nomuperekedzi wake amene. Ndinoziva kuti iye anofarira sezvandinoita kuva akachena,” akawadzanyura kudaro Debra. “Hakupariri chinetso, nokuti patinoda kutaura chimwe chinhu tiri toga hedu tinongotsaukira hedu panzvimbo patisinganzwiki navamwe. Taviridziro yakunogovera haitongokodzeri kangaidziko.”

Ushamwari naMwari

Kupfuura zvose, kukudziridza ushamwari hwapedyo naMwari, kumuziva somunhu chaiyeiye ane kunzwa, kuchakubetsera kudzivisa mufambiro unomutsamwisa. Kudururira mwoyo wako kwaari pamusoro pezvinetso chaizvoizvo kunokuswededza pedyo naye. Vaviri vaviri vazhinji vanoshuva kuramba vakachena vakatonyengetera pamwe chete kuna Mwari pamigariro inonyandura kunzwa, vachikukumbira kuti iye avape simba rinodikanwa.

Jehovha anopindura norupo kupfurikidza nokupa vakadarowo “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinte 4:7) Iwe, chokwadika, unotofanira kuita rutivi rwako. Asi, iva nechokwadi chokuti kupfurikidza nebetsero yaMwari nechikomborero, kunobvira kudzivisa utere hwevatano.

[Mashoko Omuzasi]

a Mukuwirirana neimwe nzvero, vane 60 muzana yavakadzi vakataura kuti chiito chacho chakangoerekana chaitika uye chisina kurongedzerwa.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunogona kuita zvichakubetsera kuchengeta mitemo yaJehovha pamusoro pevatano?

◻ Ko shamwari dzako dzinogona sei kutapura murangariro wako wevatano yapamberi peroorano?

◻ Neiko uchinzwa kuti ngwariro iri madikanwa pakuronga misi yokuvhakacha?

◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu vaviri vanopfimbana vanogona kuita kuzvidzivirira vamene pautere hwevatano?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 193]

“Munotanga nokuita kugumbatirana kushoma . . . ”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 194]

Pakupfimbana, dzivisai utere kupfurikidza nokusazviparadzanisa imi mumene

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 195]

Kuramba Wakachena Apo Unoronga Misi Yomuvhakacho

Dzivisai nzvimbo dzinogona kuparira kutamba kwakaipa nokugumbatirana

Rongai misi yokuvhakacha mumapoka kana kuti ivai nomuperekedzi

Itai kuti kurukurirano irambe iri pamwero unovaka

Kubvira pakutanga, ita kuti shamwari yako izive chimiro chako chendangariro pamusoro peganhuriro pamusoro pokuratidzirwa kwezvidakadaka

Pfeka zvine mwero uye dzivisa miitiro inonyandura kunzwa

Kumbira kuendeswa kumba kana uchirangarira kuti rucheno rwako rwuri mungozi

Dzivisa “vanarara zvakanaka” varefu vokuonekana

Chengeta nguva yokusvika pamba mukusanonoka

[Mifananidzo]

Vananyakupfimbana vanogona kuronda mibato isati ichivaparadzanisa navamwe vanhu

[Mufananidzo uri papeji 196]

Kana mugariro ukava “unonyanyonyandura,” iva nepfungwa yokuti Kwete!—noushingi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe