Ganhuro 37
Neiko Ndisingagoni Kuva Nenguva Inofadza Panhambo Nenhambo?
PAMANHERU eChishanu Pauline,a aiwanzoenda kumisangano yechiKristu. Iye aifarikanya kurukurirano, asi padzimwe nguva aishatirirwa idi rokuti iye akanga ariko asi shamwari dzake dzokuchikoro dzakanga dzaenda kundova nenguva inofadza.
Apo musangano waipera, Pauline aizopfuura napanzvimbo yomunzvimbomo yenhandaro yavechiduku pakuenda kumba. Iye anoyeuka, kuti: “Ndichiyevedzwa nenziyo dzamarimba dzinorira nomutinhimira mukuru namagetsi anon’aima, ndaizodongorera napafafitera sezvataipfuura ndichifungidzira nomutoo wokupanga mufaro wavanofanira kuva vari kuva nawo.” Munguva yakati, chishuvo chake chokuzvifadza amene neshamwari dzake chakava chinhu chikurusa muupenyu hwake.
SaPauline, padzimwe nguva unganzwa kuti nokuti iwe uri muKristu, uri kurashikirwa nechimwe chinhu. Unoda kuona purogiramu yeTV iyo vamwe vose vari kutaura pamusoro payo, asi vabereki vako vanoti yakanyanyova yamasimba masimba. Iwe unoda kuenda kunzvimbo yezvitoro nenzvimbo yenhandaro navana vokuchikoro, asi vabereki vako vanovaidza kuti “vasonganiri vakashata.” (1 VaKorinte 15:33) Iwe unoda kuenda kupati iyo vafundi biyako vose vachapinda, asi Amai naBaba vanoti aiwa.
Vafundi biyako vokuchikoro vanoratidzika havo kuva vanouya uye vachienda sezvavanoda havo, vachipinda makonzati uye vachiita mapati epungwe pasina dzongonyedzo yavabereki vavo. Nokudaro ungazviwana umene uchichochora rusununguko rwavo. Handi kuti unoda kuita chinhu chipi nechipi chakashata. Unongoda bedzi kuva nenguva inofadza panhambo panhambo.
Nhandaro—Murangariro waMwari
Iva nechokwadi chokuti hapana chinhu chisina kururama nokuda kwokuzvifadza iwe umene. Kunze kwezvo, Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11) Uye kupfurikidza nomurume akachenjera Soromoni, Iye anoti: “Majaya, farikanyai upwere hwenyu. Ivai munofara muchiri vaduku. Itai zvamunoda kuita, uye teverai chishuvo chomwoyo wenyu.” Zvisinei, Soromoni ipapo akanyevera, kuti: “Yeukai kuti Mwari uchakutongai nokuda kwechipi nechipi chamunoita.”—Muparidzi 11:9, 10, Today’s English Version.
Kuziva kuti Mwari anoita kuti uzvidavirire nokuda kwezviito zvako kunoisa nhandaro muchimiro chakasiana chose chose. Nokuti kunyange Mwari asati achishurikidza munhu nokuda kwokuva nenguva inofadza, iye anosatendera munhu uyo ari ‘mudi womufarwa,’ munhu anongoraramira bedzi nguva inofadza inotevera. (2 Timotio 3:1, 4) Neiko kwakadaro? Rangarira Mambo Soromoni. Achishandisa pfuma yake zhinjisa, iye akaravidza mufaro uri wose unofungika wohunhu. Iye anoti: “Chinhu chipi nechipi chaidikanwa nameso angu ini handina kuanyima izvo. Ini handina kudzora mwoyo wangu parudzi rwupi norwupi rwokufara.” Chii chakava muuyo? “Tarira! chinhu chiri chose chakanga chisina maturo uye kudzingana nemhepo bedzi.” (Muparidzi 2:10, 11) Hungu, Mwari anoziva kuti pakupedzisira, upenyu hwokutsvaka mufaro bedzi hunokusiya usine chinhu uye wakangaidzika.
Mwari anodawo kuti iwe ugare usitongorina miitiro inosvipisa, yakadai sokushandisa zvisina kufanira mirimo nevatano yapamberi peroorano. (2 VaKorinte 7:1) Asika, zvinhu zvizhinji zvinoita pwere nokuda kwomufaro zvinogona kuparira kuva kwomunhu anobatwa mumusungo mumiitiro iyoyi. Somuenzaniso, mumwe musikana muduku akasarudza kuungana kusina vaperekedzi kwavamwe vafundi biyake vokuchikoro. “Nziyo dzamarimba dzesiterio dzakanga dzichinakidza kwazvo, kudzana kukuru, zvinwiwa zvinotonhorera nokuseka kukurusa,” iye anoyeuka kudaro. Asika ipapo, “mumwe munhu akaunza mbanje. Tevere kwakava nokunwiwa kwezvinwiwa zvinodhakisa. Ipapo ndipo apo chinhu chiri chose chakatanga kuva chakashata.” Utere hwevatano hwakava muuyo. Musikanayo anobvuma, kuti: “Ndave ndisingafare uye ndakapera mwoyo chifocho.” Kana pasina tarisirwo yavakuru, haiwa kuungana kwakadaro hakutani sei kuva “mapati oupengo,” kana kuti mitambo yokunwa kwamapitse!—VaGaratia 5:21, Byington.
Hakusatiwo kuchishamisa kuti vabereki vako vangave vachiitira hanya zvikuru mapedzere aunoita nguva yako yokusununguka, zvimwe kuganhurira uko iwe unogona kuenda uye kuti ndivanaani vaunogona kusonganirana navo. Chii chiri vavariro yavo? Kukubetsera kutetekera nyevero yaMwari, inoti: “Bvisa chinonetsa pamwoyo wako, uye dzivisa ngwavaira panyama yako; nokuti upwere noukomba hwoupenyu hazvina maturo.”—Muparidzi 11:10.
Unochochora Vatsvaki Vomufarwa Here?
Kuri nyore kukanganwa kwose ikoku ndokuchochora rusununguko urwo dzimwe pwere dzinoratidzira kuva dzinofarikanya. Pauline akarega kupinda misangano yechiKristu ndokukumbanira boka rinotsvaka mifarwa. “Ndakazviwana ndimene ndichiita zvinhu zvose zvakashata zvandakanga ndanyeverwa pamusoro pazvo,” iye anoyeuka kudaro. Kunwa kusingadzorwi kwomufarwa kwaPauline pakupedzisira kwakaparira kusungwa kwake uye kuiswa muchikoro chavasikana vakasindamara!
Kare kare munyori wePisarema 73 akanga ane kunzwa kwakafanana naPauline. “Ini ndachochora vanozvitutumadza, apo ini ndaiona rugare rwumene rwavanhu vakaipa,” iye akabvuma kudaro. Iye akatovamba kupanikira ukoshi hwokurarama mukuwirirana nenheyo dzakarurama. “Zvamazvirokwazvo hakuna maturo kuti ini ndakachenura mwoyo wangu uye kuti ndakashamba maoko angu mukusava nemhaka iko kumene,” iye akadaro. Asika ipapo nzwisiso yakadzama yakauya kwaari: Vanhu vakaipa “vari pavhu rinotsvedza,” vachidzedzerekera pamawere engwavaira!—Pisarema 73:3, 13, 18.
Pauline akadzidza ikoku—nenzira yakaoma. Pashure pokunwa kwake kusingadzorwi kwomufarwa kwenyika, iye akaita chinjo hurusa muupenyu hwake kuti awanezve tendero yaMwari. Iwe, kune rumwe rutivi, hausati uchifanira kutambura kusungwa, kubatira hosha inopomeranwa muvatano, kana kuti kupfuura nomumarwadzo ehavi yemirimo kuti uzive kuti mubairo we‘nguva inofadza’ unogona kuva wakanyanyokwira. Kune nzira zhinji dzakanaka, dzinovaka dzokuzvifadza iwe umene dzisitongorina ngozi dzakadaro. Ndedzipi dzimwe dzacho?
Nguva Dzakafanira Dzinofadza
Kunzverwa kwepwere dzeAmerica kwakazivisa kuti vechiduku “vanofarikanya mifambo yokufurwa nemhepo nemibato yemhuri zvapanhambo nenhambo.” Kuitira zvinhu pamwe chete semhuri hakusati kuchingofadza bedzi asi kunogona kukudziridza chinzwano chemhuri.
Ikoku kunoreva zvinopfuura kungoonera pamwe chete bedzi TV. Dr. Anthony Pietropinto anoti: “Chinetso chokuona terevhizheni ndeichi, kunyange kungaitirwa muboka ravamwe, iwo zvikurukuru mubato womunhu oga. . . . Asika, nguva dzokuvaraidza dzakadai semitambo inotambirwa pamba, mitambo inotambirwa muchivanze cheshure kwemba, kugoverana mukubika, mabasa amaoko, uye kurava nenzwi guru zvamazvirokwazvo zvinogovera mabanza makuru zvikuru nokuda kwekurukurirano, batira pamwe, uye kunyandurwa kwendangariro zvinopfuura zvinoita kubatikana neterevhizheni kwakati mwii kwazvino uno kwemhuri.” Sokutaura kunoita John, baba wavana vanomwe, kuti ‘Kunyange kuchenura chivanze kana kuti kupenda imba kunogona kuva kunofadza apo kunoitwa semhuri.’
Kana mhuri yako isati ichitoiitira zvinhu zvakadai pamwe chete, tanga uye zvikarakadze kuvabereki vako. Edza kubuda nepfungwa dzakati kuti dzinofadza nedzinonyandura nokuda kwokufamba kwokufurwa nemhepo kwemhuri kana kuti mabasa.
Zvisinei, hausati hako nguva dzose uchifanira kuva navamwe kuti uzvifadze iwe umene. Mary, imwe pwere inosanorinda songaniro dzayo, yakadzidza kufarikanya nguva dzayo iri yoga. “Ndinoridza piano negitari, uye ndinopedza nguva ndichizvidzidzira,” iye anodaro. Melissa, mumwe musikana wechiduku, nomutoo wakafanana anoti: “Ini padzimwe nguva ndinopedza nguva yangu ndichinyora nhau kana kuti nhetembwa nokuda kwokuzvifadza ndimene.” Iwewo unogona kudzidza kushandisa nguva nomutoo unoita zvibereko kupfurikidza nokukudziridza mano akadai sokurava, kuveza, kana kuti kuridza marimba enziyo.
Kuungana kwechiKristu
Panguva nenguva, kunofadzawo kuungana pamwe chete neshamwari. Uye munharaunda zhinji mune chiverengero chipi nechipi chemibato yakaisvonaka yaunogona kufarikanya. Kutamba bhora rinomburumbudzwa patsangadzi, kuita mutserendende, kutasva bhasikoro, baseball, nebhora rinotambwa richikandwa mumambure mibato yakakurumbira muNorth America. Ungabudawo ndokuedza kushanyira mamuziyemu kana kuti nzvimbo dzinochengeterwa mhuka. Uye, hungu, kune nzvimbo dzokuungana pamwe chete ndokungoridza bedzi marekodzi kana kuti kuona mifananidzo yakaisvonaka yeTV nepwere biyako dzechiKristu.
Ungatokumbira vabereki vako kukubetsera kuronga kuungana kwomuitiro zvikuru. Kuitei kunofadza kupfurikidza nokurongedzera mhatsa yemubato, yakadai semitambo yepati uye kuimba kweboka. Kana vamwe veshamwari dzako vane mano okuridza marimba enziyo, zvimwe vanogona kukumbirwa kuti varidze zvishomanene. Zvokudya zvakanaka zvinowedzera kunhamboyo, asi hazvisati zvichidikanirwa kuva zvamaoresa kana kuti zvinodya mari. Padzimwe nguva vaenzi vanogona kuunza zvimwe zvokudya zvakasiana.
Ko kune munhanga kana kuti nharaunda iri kunze kwomusha iri pedyopo here inobvumira nokuda kwemibato yakadai sokutamba bhora kana kuti kushambira? Huregererei kurongedzera pikiniki? Zvakare, mhuri dzinogona kugoverana kuunza zvokudya zvokuti hapana munhu anoremedzwa mune zvemari.
Kuva nomwero ndicho chinhu chikuru. Nziyo dzamarimba hadzidikanirwi kuva pamwero unotsemura nzeve kuti muve vanofara, uyewo kudzana hakudikanirwi kuva kune tsvina kana kuti kwokunzwa kunonyandura ruchiva rwevatano kuti kuve kunofadza. Nomutoo wakafanana, mitambo yokunze kwomusha inogona kuva inofarikanywa pasina mapitse okushatsa mabanza omumwe. Asika, mumwe mubereki anoshuma, kuti: “Dzimwe pwere padzimwe nguva dzinopopotedzana, dzichitoda kusvika papfundo rokurwa.” Itai kuti mibato yakadaro irambe ichifarikanyika kupfurikidza nokutevera zano reBhaibheri rokudzivisa ‘kupitsirana.’—VaGaratia 5:26.
Ndivanaani vamunofanira kukoka? Bhaibheri rinoti, “Idai sangano rose rehama.” (1 Petro 2:17) Huganhurirei kuungana kwenyu kuna vezera renyu? Pamhamisai songaniro dzenyu. (Enzanisa na 2 VaKorinte 6:13.) Mumwe mubereki akacherechedza, kuti: “Vakweguru, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji vasati vachikwanisa kutora rutivi mune mimwe yemibato, vanofarikanya kuuya ndokuona zvinoitika.” Kuvapo kwavakura kunowanzobetsera kudzivisa zvinhu pakusadzoreka. Kunyange zvazvo zvakadaro, hakusati kuchibvira kukoka “sangano rose” kukuungana kumwe kupi nokupi. Mukuwedzera, kuungana kuduku zvikuru kuri nyore kudzora.
Kuungana kwechiKristu kunopawo banza rokuvakana mumudzimu. Chokwadi, dzimwe pwere dzinorangarira kuti kuwedzera mumudzimu kukuungana kunobvisa mufaro wakwo. “Apo tinova nokuungana,” mumwe mukomana wechiKristu akagurukuta, “kunova bedzi ‘Gara pasi, budisa Bhaibheri rako, ndokutamba mitambo yeBhaibheri.’” Zvisinei, wezvamapisarema akati: “Unofara ndiye munhu . . . [ane] mufaro uri mumutemo waJehovha.” (Pisarema 1:1, 2) Kurukurirano—kana kuti kunyange mitambo—inovakirwa paBhaibheri nokudaro inogona kuva inofarikanyika zvikuru. Zvimwe unongoda hako kukuchidzira zivo yako yaMagwaro kuti ugokwanisa kutora rutivi ruzere zvikuru.
Imwe pfungwa ndeyokuita kuti vanoverengeka varondedzere kuti vakava sei maKristu. Kana kuti ungawedzera nguva yomufaro nokuseka kupfurikidza nokukoka vamwe kutaura nhau dzinosetsa. Kazhinji kazhinji idzodzi dzinodzidzisa zvifundo zvinokosha. Mamwe amaganhuro ari mubhuku rino angatoumba hwaro hwekurukurirano inofadza yeboka pakuungana.
Itai Kuti Nhandaro Irambe Iri Mudzikamo!
Jesu Kristu zvamazvirokwazvo akanga asingaregi kuva nenguva yakanaka panhambo nenhambo. Bhaibheri rinotiudza nezvokupinda kwake mutambo womuchato muKana, apo zvokudya, nziyo dzamarimba, kudzana, nesonganiro inovaka pasina panikiro zvakanga zvakawanda. Jesu akatoita mupiro kurubudiriro rwomutambo womuchato kupfurikidza nokugovera waini nomutoo wenenji!—Johane 2:3-11.
Asika upenyu hwaJesu hwakanga husati huri mutambo usingaperi. Iye akapedza nguva yake zhinjisa mukuronda fariro dzomudzimu, achidzidzisa vanhu kuda Mwari. Iye akati: “Zvokudya zvangu ndiko kuitwa kwokuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johane 4:34) Kuita kuda kwaMwari kwakaunzira Jesu mufaro mukuru zvikuru unogara nokusingaperi kupinda ungava mufaro wakati kuti wechinguvana. Nhasi, kuchine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 15:58; Mateo 24:14) Asi, panguva nenguva, paunonzwa kudikanwa kwenhandaro yakati kuti, ifarikanye nenzira yakadzikama, yakaisvonaka. Sokutaura kwakaita mumwe munyori: “Upenyu nguva dzose hahugoni kuva huzere zvikuru kwazvo namabasa nomufaro—uye zvimwe hwaizopera simba kudai hwaiva hwakadaro!”
[Mashoko Omuzasi]
a Handi zita rake chairoiro.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko dzimwe pwere dzechiKristu dzichichochora pwere dzenyika? Ko iwe wati wambonzwa nenzira iyeyo here?
◻ Ko Mwari anopa nyeveroi kupwere pamusoro pomufambiro wadzo, uye ikoku kunofanira kutapura sei chisarudzo chadzo chenhandaro?
◻ Neiko huri ufuza kuchochora pwere dzinoputsa mitemo yaMwari nenheyo?
◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzokufarikanya nhandaro inofadza (1) pamwe chete nemitezo yemhuri, (2) uri woga, uye (3) pamwe chete namaKristu biyako?
◻ Ko Jesu Kristu akagadza sei muenzaniso mudzikamo pakunouya kunhandaro?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 297]
“Ndichiyevedzwa nenziyo dzamarimba dzinorira nomutinhimira mukuru namagetsi anon’aima, ndaizodongorera napafafitera sezvataipfuura uye ndichifungidzira nomutoo wokupanga mufaro wavaifanira kuve vari kuva nawo”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 302]
“Mumwe munhu akaunza mbanje. Tevere kwakava nokunwiwa kwezvinwiwa zvinodhakisa. Ipapo ndipo apo chinhu chiri chose chakatanga kuva chakashata”
[Mufananidzo uri papeji 299]
Ko pwere dzinotevera nheyo dzeBhaibheri zvomenemene dzinopotsa nguva inofadza here?
[Mifananidzo iri papeji 300]
Kutora basa rokuzvivaraidza naro ndiimwe nzira yakaisvonaka yokushandisa nguva yokusununguka
[Mifananidzo iri papeji 301]
Kuungana kwechiKristu kunofarikanyika zvikuru apo mibato yakasiana-siana inorongedzerwa uye mapoka amazera akasiana anomirirwa aripo