RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 59-64
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RASAMUERI RECHIPIRI
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Zviri Mubhuku ra2 Samueri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Chinetso Mumba yaDhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 59-64

Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri

Vanyori: Gadhi naNatani

Nzvimbo Yakanyorerwa: Israeri

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 1040 B.C.E.

Nguva Yakafukidzwa: 1077–munenge muna 1040 B.C.E.

1. Bhuku raSamueri Rechipiri rinovamba mumamiriroi ezvinhu, uye nhoroondo yaro inotanga sei?

RUDZI rwaIsraeri rwakanga rwapera mwoyo pamusoro pengwavaira yeGirbhoa nedenho dzaivapo somugumisiro dzaiitwa navaFiristia vanokurira. Vatungamiriri vaIsraeri namajaya ake akanaka zvikurusa vakanga vafa. Muna aya mamiriro ezvinhu “muzodziwa waJehovha” muduku, Dhavhidhi mwanakomana waJese, akapinda zvizere murudzi rwacho. (2 Sam. 19:21) Nokudaro rinotanga bhuku raSamueri Rechipiri, iro ringasanonzi bhuku raJehovha naDhavhidhi. Nhoroondo yaro yakazadzwa nechiito chorudzi rwuri rwose. Tinobviswa mukukundwa kukurusa tichiendeswa kurukundo rukurusa, kubva munhamo dzorudzi rwakasakadzwa nekakavaro tichiendeswa kurubudiriro rwoumambo hwakabatana, kubva pasimba roupwere tichiendeswa kuuchenjeri hwoutana. Heino nhoroondo yakarovedzeka youpenyu hwaDhavhidhi sezvaakatsvaka kutevera Jehovha nomwoyo wake wose.a Inhoroondo inofanira kuparira kunzverwa kwomwoyo womuravi ari wose kuti agosimbisa ukama hwake amene uye chimiro noMusiki wake.

2. (a) Bhuku racho rakasvika sei pakunzi bhuku raSamueri Rechipiri? (b) Ndivanaani vakanga vari vanyori, zvii zvaiva zvikwaniriso zvavo, uye chinyorwai bedzi chavakatsvaka kuchengeta?

2 Chaizvoizvo, zita raSamueri harimbodudzwi muchinyorwa chebhuku raSamueri Rechipiri, zita racho richiva rinopiwa kubhuku sezviri pachena nemhaka yokuva kwaro rakanga riri mupumburu mumwe pakuvamba, kana kuti vhoriyamu, nebhuku raSamueri Rokutanga. Vaporofita Natani naGadhi, avo vakapedzisa kunyorwa kwebhuku raSamueri Rokutanga, vakapfuurira mukunyora bhuku raSamueri Rechipiri rose. (1 Mako. 29:29) Vakanga vakasanokwaniriswa nokuda kweiri basa. Gadhi akanga ave ana Dhavhidhi apo iye akanga ari asingadiwi anovhimwa muna Israeri, uye nechokumugumo wokutonga kwamakore 40 kwaDhavhidhi, iye akanga achiri akabatanidzwa nomutoo wokushingaira namambo. Gadhi ndiye akashandiswa kutaura kutsamwira kwaJehovha Dhavhidhi nokuda kwokuverenga Israeri nomutoo wokusachenjera. (1 Sam. 22:5; 2 Sam. 24:1-25) Unofukidza rutivi uye unopfuura nhambo yenduramo yaGadhi wakanga uri mubato waNatani muporofita, musonganiri wapedyo waDhavhidhi. Yakanga iri ropafadzo yake kuzivisa sungano ine revo yaJehovha naDhavhidhi, sungano youmambo husingaperi. Akanga ari iye nomutoo woushingi uye achifuridzirwa akaonesa chivi chikuru chaDhavhidhi chinobatanidza Bhati-shebha nechirango chacho. (2 Sam. 7:1-17; 12:1-15) Nokudaro Jehovha akashandisa Natani, ane zita rinoreva kuti “[Mwari] Akapa,” uye Gadhi, ane zita rinoreva kuti “Mhanza,” kuti vanyore mashoko akafuridzirwa naanobetsera ari mubhuku raSamueri Rechipiri. Ava vezvenhau vasingazvitutumadzi havana kutsvaka kuchengeta kuyeukwa kwavo vamene, sezvo pasina mashoko anopiwa avakare vavo kana kuti upenyu hwomunhu oga. Vakatsvaka bedzi kuchengeta chinyorwa chakafuridzirwa naMwari, nokuda kwokubetserwa kwavanamati vomunguva yemberi vaJehovha.

3. Inhamboi inofukidzwa nebhuku raSamueri Rechipiri, uye kunyorwa kwaro kwakapedzwa rini?

3 Bhuku raSamueri Rechipiri rinotanga nhoroondo yenhau yeBhaibheri yakarurama pashure porufu rwaSauro, mambo wokutanga waIsraeri, uye anoiendesa kusvikira pedyo nomugumo wokutonga kwamakore 40 kwaDhavhidhi. Nokudaro, nhambo inofukidzwa inovambira pana 1077 B.C.E. kusvikira kunenge kuna 1040 B.C.E. Idi rokuti bhuku racho haritauri rufu rwaDhavhidhi ufakazi hwakasimba hwokuti rakanyorwa munenge muna 1040 B.C.E., kana kuti pamberi chaipo porufu rwake.

4. Bhuku raSamueri Rechipiri rinofanira kugamuchirwa sorutivi rwamanyoro eBhaibheri nokuda kwezvikonzeroi?

4 Nokuda kwezvikonzero zvimwe chetezvo zvinoshandiswa pamusoro pebhuku raSamueri Rokutanga, bhuku raSamueri Rechipiri rinofanira kugamuchirwa sorutivi rwamanyoro amagwaro eBhaibheri. Uchokwadi hwaro hahupokanwi. Ururami hwaro humene, risati richifukidza kunyange zvivi uye zvikanganiso zvaMambo Dhavhidhi, ufakazi hwakasimba mahuri humene.

5. Chii chiri chikonzero chakasimba zvikurusa chokugamuchira bhuku raSamueri Rechipiri soRugwaro rwakafuridzirwa?

5 Zvisinei, ufakazi hwakasimba zvikurusa hwouchokwadi hwebhuku raSamueri Rechipiri hunowanwa muuporofita hwakazadzikwa, zvikurukuru huya hune chokuita nesungano yoUmambo naDhavhidhi. Mwari akapikira Dhavhidhi, kuti: “Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba zvirokwazvo kusvikira kunguva isingazivikanwi pamberi pako; chigaro chako chimene choumambo chichava chiya chakasimbiswa zvikuru kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (7:16, NW) Jeremia, kunyange mukupera kwoumambo hwaJudha, akadudza kupfuurira kweichi chipikirwa kuimba yaDhavhidhi namashoko, anoti: “Zvanzi naJehovha: Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri.” (Jer. 33:17) Uhu uporofita hahuna kupfuurira husingazadzikwi, nokuti Jehovha gare gare akabudisa muna Judha “Jesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi,” sokupupurira kunoita Bhaibheri nomutoo wakajeka.—Mat. 1:1.

ZVIRI MUBHUKU RASAMUERI RECHIPIRI

6. Dhavhidhi anoita sei pakunzwa mashoko orufu rwaSauro naJonatani?

6 Zviitiko zvapakuvamba zvokutonga kwaDhavhidhi (1:1–4:12). Pashure porufu rwaSauro paGomo reGirbhoa, mupoteri wechiAmareki anobva kuhondo anosvika achimhanyira kuna Dhavhidhi paZikragi nomushumo. Achikarira kuwana nyasha kuna Dhavhidhi, anoruka nhau kuti ndiye amene auraya Sauro. Panzvimbo perumbidzo, muAmareki anowana bedzi mubayiro worufu, nokuti iye akazvishurikidza amene kupfurikidza nokupupurira kuuraya “muzodziwa waJehovha.” (1:16, NW) Mambo mutsva, Dhavhidhi, zvino anonyora mariro, “Uta,” umo iye anochema rufu rwaSauro norwaJonatani. Iwawa anokwira kusvikira kumugumo wakaisvonaka mukuratidzira kwawo kunosiririsa rudo runofashukira rwaDhavhidhi nokuda kwaJonatani: “Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; wakanga uchindifadza kwazvo; rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaipfuura rudo rwavakadzi. Haiwa! vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!”—1:17, 18, 26, 27.

7. Ndizvimwe zviitikoi zvinoratidzira rutivi rwapakuvamba rwokutonga kwaDhavhidhi?

7 Panhungamiro yaJehovha, Dhavhidhi navarume vake vanotamisira mhuri dzavo kuHebroni munyika yaJudha. Muno vakuru verudzi vanouya kuzozodza Dhavhidhi samambo wavo muna 1077 B.C.E. Mukuru mukuru wehondo Joabhi anova akatanhamara zvikurusa wavatsigiri vaDhavhidhi. Zvisinei, somurwisi wokuva mambo parudzi, Ishi-bhosheti, mwanakomana waSauro, anozodzwa naAbhineri, mukuru mukuru weuto. Pane bonderano dzepanhambo nenhambo pakati pehondo mbiri dzinorwisana, uye Abhineri anouraya munun’una waJoabhi. Pakupedzisira, Abhineri anoenda kumusasa waDhavhidhi. Kuna Dhavhidhi iye anotora mwanasikana waSauro Mikari, uyo Dhavhidhi akaroora kare kare. Zvisinei, kutsiva kuurawa kwomunun’una wake, Joabhi anowana nguva yokuuraya Abhineri. Dhavhidhi anotambudzika zvikuru pana ikoku, achiramba kuva nemhaka ipi neipi. Nokukurumidza pashure paikoko Ishi-bhosheti amene anopondwa sezvo iye ari ku“zorora masikati.”—4:5.

8. Jehovha anobudiririsa sei kutonga kwaDhavhidhi pana Israeri wose?

8 Dhavhidhi mambo muJerusarema (5:1–6:23). Kunyange zvazvo atotonga samambo muna Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, Dhavhidhi zvino anova mutongi asingapokanwi, uye vamiriri vendudzi vanomuzodza samambo muna Israeri wose. Uku kuzodzwa kwake kwechitatu (1070 B.C.E.). Chimwe chezviito zvokutanga zvaDhavhidhi somutongi woumambo hwose ndechokutapa nhare yeZioni muJerusarema kuna vaJebhusi vakadzivirirwa, achivakatyamadza kupfurikidza nokukwira nomugero wemvura. Dhavhidhi ipapo anoita Jerusarema dzimbahwe rake. Jehovha wehondo anokomborera Dhavhidhi, achimuita mukuru zvikuru. Kunyange Hirami, mambo akapfuma weTire, anotumira Dhavhidhi misidhari inokosha uyewo vashandi kuzovakira mambo imba. Mhuri yaDhavhidhi inowedzera, uye Jehovha anoita kuti kutonga kwake kubudirire. Pane kumwe kurwa kuviri navaFiristia vanoda hondo. Mune kwokutanga kwaikoku, Jehovha anopfuura nomukati momuvengi nokuda kwaDhavhidhi paBhaari-perazimi, achimuita kuti akunde. Mune kwechipiri, Jehovha anoita chimwe chishamiso kupfurikidza nokuita “kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemibharsami,” kuratidzira kuti Jehovha ari kutungamirira Israeri kundokunda mauto avaFiristia. (5:24) Rumwe rukundo rwakatanhamara nokuda kwamauto aJehovha!

9. Rondedzera zviitiko zvakabatanidzwa nokuunzwa kweAreka kuJerusarema.

9 Achienda navarume 30 000, Dhavhidhi anondounza areka yesungano kuJerusarema ichibva Bhaari-judha (Kiriati-jearimi). Sezvairi kuunzwa nokuimba kukuru nokufara, ngoro yayakatakurwa nayo inonzvekaira, uye Uza, uyo ari kufamba parutivi, anotambanudza ruoko kuti atsigise Areka tsvene. “Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake.” (6:7) Areka inozorora pamba paObhedhi-edhomi, uye mukati memwedzi mitatu inotevera, Jehovha anokomborera zvikuru imba yaObhedhi-edhomi. Pashure pemwedzi mitatu Dhavhidhi anouya kuzotora Areka nomutoo wakarurama rutivi rwose rwasara rworwendo. Nokudanidzira kwokufara, nziyo, uye kutamba, Areka inopinzwa mudzimbahwe raDhavhidhi. Dhavhidhi anoratidzira mufaro wake mukuru nokutamba pamberi paJehovha, asi mudzimai wake Mikari anoshora ikoku. Dhavhidhi anoomerera, kuti: “Ndichatamba hangu pamberi paJehovha.” (6:21) Mumugumisiro Mikari anoramba asina mwana kusvikira parufu rwake.b

10. Isunganoi uye chipikirwa chaJehovha chinotevera kuziviswesu?

10 Sungano yaMwari naDhavhidhi (7:1-29). Zvino tinosvika kune chimwe chezviitiko zvinokosha zvikurusa muupenyu hwaDhavhidhi, chakabatanidzwa nomutoo wakananga nomusoro mukuru weBhaibheri, kutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo hunodzorwa neMbeu yakapikirwa. Ichi chiitiko chinobva muchishuvo chaDhavhidhi chokuvakira imba areka yaMwari. Iye amene achigara muimba yakaisvonaka yemisidhari, anoratidzira chishuvo chake kuna Natani chokuvakira imba areka yaJehovha yesungano. Kupfurikidza naNatani, Jehovha anovimbisazve Dhavhidhi nezvemutsa Wake worudo kuna Israeri uye anotanga sungano naye iyo ichagara kwenguva yose. Zvisinei, haasati achizova Dhavhidhi asi mbeu yake iyo ichavakira zita raJehovha imba. Mukuwedzera, Jehovha anoita chipikirwa chorudo: “Uye imba yako noumambo hwako zvirokwazvo zvichava zvakasimba kusvikira kunguva isingazivikanwi pamberi pako; chigaro chako chimene choumambo chichava chakasimbiswa zvikuru kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—7:16, NW.

11. Dhavhidhi anoratidzira kuonga kupfurikidza nomunyengeteroi?

11 Akurirwa norunako rwaJehovha, sorunoratidzirwa kupfurikidza neiyi sungano yoUmambo, Dhavhidhi anodurura kuonga kwake nokuda kwomutsa wose worudo waMwari: “Rumwe rudzi ruripiko panyika, rwakafanana navanhu venyu vaIsraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti iye akurumbire, uye akuitirei imi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, . . . imi Jehovha mukava Mwari wavo.” (7:23, 24) Nenzira yokushingaira iye anonyengeterera kutsveneswa kwezita raJehovha neimba yaDhavhidhi kuti ive yakasimba zvikuru pamberi Pake.

12. Dhavhidhi anorwa hondo dzipi, uye anoratidza mutsai kuimba yaSauro?

12 Dhavhidhi anotambanudza nzvimbo yaIsraeri (8:1–10:19). Zvisinei, Dhavhidhi haazati achisiyiwa kuti atonge murugare. Hondo dzichafanira kurwiwa. Dhavhidhi anopfuurira kuparadza vaFiristia, vaMoabhi, vaZobhahiti, vaSiria, uye vaEdhomi, achitambanudzira muganhu waIsraeri kusvikira kumiganho yake yakagadzwa naMwari. (2 Sam. 8:1-5, 13-15; Dheut. 11:24) Iye ipapo anotendeudzira ngwariro yake kuimba yaSauro kuti nokuda kwaJonatani, iye agoratidzira mutsa worudo kuna asara upi noupi. Zibha, mubatiri waSauro, anomuzivisa mwanakomana waJonatani, Mefibhosheti, uyo akaremara mutsoka. Pakarepo, Dhavhidhi anoda kuti zvinhu zvose zvaSauro zviendeswe kuna Mefibhosheti uye kuti munda wake urimwe naZibha navabatiri vake kuti vagovere zvokudya imba yaMefibhosheti. Mefibhosheti amene, zvisinei, anofanira kudya patafura raDhavhidhi.

13. Jehovha anoratidza kuti ana Dhavhidhi kupfurikidza nokumweizve kukurira?

13 Apo mambo waAmoni anofa, Dhavhidhi anotuma nhume kuna Hanuni mwanakomana wake namashoko omutsa worudo. Vapi zano vaHanuni, zvisinei, vanopomera Dhavhidhi kuvatuma kuzosora nyika, naizvozvo vanovadukupisa ndokuvadzosera vari vanenge mushutu. Atsamwiswa neiyi denho, Dhavhidhi anotuma Joabhi nehondo yake kundotsiva chakaipa. Achikamura mauto ake, nenzira iri nyore anotandanisa vaAmoni navaSiria vakanga vauya kuzovabetsera. VaSiria vanounganidzazve mauto avo, kuzongokundwazve bedzi nehondo dzaJehovha dzichitungamirirwa naDhavhidhi ndokurasikirwa navatasvi vengoro 700 navatasvi vamabhiza 40 000. Hehuno ufakazi hwenyasha dzaJehovha nechikomborero pana Dhavhidhi.

14. Dhavhidhi anoita zvivii pamusoro paBhati-shebha?

14 Dhavhidhi anotadzira Jehovha (11:1–12:31). Chirimo chinotevera Dhavhidhi anotumazve Joabhi muna Amoni kundokomberedza Rabha, apo iye amene anosara muJerusarema. Mamwe madekwana ari pamusoro pedenga rake, zvinoitika kuti anoona Bhati-shebha akaisvonaka, mudzimai waUria muHiti, sezvo iye ari kugeza. Achimuunza kumba kwake, anovata naye, uye iye anova nemimba. Dhavhidhi anoedza kuvanza kupfurikidza nokudzosa Uria kubva kukurwa paRabha uye kumuendesa kumba kwake kuti azvizorodze amene. Zvisinei, Uria anoramba kuzvifadza amene uye kuvata nomudzimai wake apo Areka nehondo zvi“gere mumatumba.” Mukupererwa nezano rose zvaro Dhavhidhi anodzosera Uria kuna Joabhi aine tsamba inoti: “Isa Uria pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe, afe.” (11:11, 15) Uria anofa neiyi nzira. Pashure pokunge nhambo yaBhati-shebha yokuchema yapfuura, Dhavhidhi pakarepo anomuendesa kumba yake, uko iye anova mudzimai wake, uye mwana wavo, mwanakomana, anoberekwa.

15. Natani anozivisa sei rutongeso rwouporofita pana Dhavhidhi?

15 Ikoku kwakashata mumeso aJehovha. Anotuma muporofita Natani kuna Dhavhidhi neshoko rorutongeso. Natani anoudza Dhavhidhi nezvomumwe mupfumi uye murombo. Mumwe akanga ane makwai akawanda, asi mumwe akanga ane gwayana rimwe resheche, iro rakanga riri chipfuyo chokutamba nacho mumhuri uye ra“kafanana nomukunda.” Zvisinei, apo nguva yokuita mutambo yakasvika, mupfumi akatora, kwete gwai mumapoka ake amene, asi gwayana resheche romurombo. Atsamwiswa nokunzwa izvozvi, Dhavhidhi anokuwa, kuti: “NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, unofanira kufa!” Mashoko aNatani anodzokera, achiti: “Ndiwe munhu uyo!” (12:3, 5, 7) Ipapo iye anozivisa rutongeso rwouporofita kuti vadzimai vaDhavhidhi vachachinywa pachena nomumwe murume, kuti imba yake ichatambudzwa nehondo yomukati, uye kuti mwana wake anoberekwa naBhati-shebha achafa.

16. (a) Irevoi dzinobatana namazita omwanakomana wechipiri waDhavhidhi akaberekwa naBhati-shebha? (b) Chii chiri mugumisiro wokupedzisira wedenho paRabha?

16 Murusuruvaro norupfidzo zvapachokwadi, Dhavhidhi anobvuma pachena, kuti: “Ndatadzira Jehovha.” (12:13) Mukuwirirana neshoko raJehovha, mwana woupombwe anofa pashure pokurwara kwamazuva manomwe. (Gare gare, Dhavhidhi anova nomumwe mwanakomana naBhati-shebha; iyeyu vanomutumidza kuti Soromoni, riri zita rinobva mumavambo anoreva “rugare.” Zvisinei, Jehovha anotuma nokuna Natani kumutumidzawo kuti Jedhidhia, kureva kuti “Mudiwa waJah.”) Pashure pechiitiko chake chinonzvera, Dhavhidhi anodanwa naJoabhi kuti auye kuRabha, uko denho yokupedzisira iri kuitwa kuti ive yagadzirirwa. Atapa mugove wemvura yeguta, Joabhi nomutoo wokuremekedza anosiyira mambo rukudzo rwokutapa guta iro rimene.

17. Zvinetsoi zvomukati zvinotanga kuonesa nhamo mhuri yaDhavhidhi?

17 Zvinetso zvomumhuri zvaDhavhidhi (13:1–18:33). Zvinetso zvomumhuri yaDhavhidhi zvinotanga apo Amnoni, mumwe wavanakomana vaDhavhidhi, anoda Tamari noruchiva, hanzvadzi yomunun’una wake nokunamai Absaromi. Amnoni anonyepedzera kurwara uye anokumbira kuti Tamari akaisvonaka atumirwe kuzomutarisira. Anomuchinya dzokonokei omuvenga zvikuru kwazvo, zvokuti anomuendesa achinyara. Absaromi anoronga matsive, achimirira nguva yake. Anenge makore maviri gare gare, anogadzirira mutambo uko Amnoni navamwe vanakomana vamambo vanokokwa. Apo mwoyo waAmnoni unofara newaini, anobatwa asina kugadzirira ndokuurawa pakurayira kwaAbsaromi.

18. Absaromi anodzorerwa achibva muutapwa kupfurikidza nenyengedzoi?

18 Achitya kusafarira kwamambo, Absaromi anotizira Geshuri, kwaanogara muhafu yousungwa kwamakore matatu. Munguva yacho, Joabhi, mukuru wehondo yaDhavhidhi, anoruka mazano okuparira kuyanana pakati paDhavhidhi naAbsaromi. Anoronga kuti mukadzi akachenjera weTekoa aite mamiriro ezvinhu okunyepedzera pamberi pamambo pamusoro pamatsive, usungwa, uye chirango. Apo mambo anoita rutongeso, mukadzi anozivisa chikonzero chechokwadi chokuvapo kwake, mukuti mwanakomana wamambo amene Absaromi ari muusungwa muGeshuri. Dhavhidhi anoziva kuti Joabhi akaronga ikoku asi anopa mvumo yokuti mwanakomana wake adzokere Jerusarema. Anova mamwe makore maviri mambo asati abvuma kuonana naAbsaromi chiso nechiso.

19. Izanoi rinobuda pachena, uye nomugumisiroi kuna Dhavhidhi?

19 Pasinei hapo nomutsa worudo waDhavhidhi, Absaromi anokurumidza kuronga zano rokubvuta chigaro choumambo kuna baba vake. Absaromi akanaka zvikuru kwazvo pakati pavarume vose vane simba vaIsraeri, uye ikoku kunowedzera kugwinyiro rake norudado. Gore rimwe nerimwe aiveurwa vhudzi rakawanda romusoro wake rinorema makirogiramu anenge 2,3. (2 Sam. 14:26, NW, mashoko omuzasi) Kupfurikidza nemazano ounyanzvi akasiyana-siyana, Absaromi anovamba kuba mwoyo yavanhu vaIsraeri. Pakupedzisira, bangano rinobuda pachena. Achiwana mvumo yababa vake yokuenda Hebroni, Absaromi ikoko anozivisa chinangwa chake chokupanduka ndokurayira tsigiro yaIsraeri wose mukumukira kwake Dhavhidhi. Sezvo vakawanda vanodirana kurutivi rwomwanakomana wake anopanduka, Dhavhidhi anotiza muJerusarema navatsigiri vakavimbika vashomanene, muenzaniso wavo ndiItai muGiti, uyo anozivisa, kuti: “NaJehovha mupenyu, naishe wangu mambo mupenyu, zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nomuranda wenyuwo.”—15:21.

20, 21. (a) Zviitikoi zvinoitika mukati mokutiza kwaDhavhidhi, uye uporofita hwaNatani hunozadzikwa sei? (b) Ahitoferi anonyengera anosvika sei kumugumo wake?

20 Achingunoveri kutiza muJerusarema, Dhavhidhi anoziva nezvenyengedzo yomumwe wavapi vezano vake vanovimbwa zvikurusa, Ahitoferi. Anonyengetera, kuti: “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.” (15:31) Zadhoki naAbhiatari, vaprista vakavimbika kuna Dhavhidhi, uye Hushai muAki vanodzoserwa kuJerusarema kundorinda ndokushuma pamusoro pemibato yaAbsaromi. Munguva yacho, ari murenje, Dhavhidhi anosangana naZibha, murindiri waMefibhosheti, uyo anoshuma kuti tenzi wake zvino ari kukarira umambo kuti hudzokere kumba kwaSauro. Dhavhidhi zvaanopfuura, Shimei, wemba yaSauro, anomutuka uye anomukandira matombo, asi Dhavhidhi anodzivisa varume vake kuita matsive.

21 Adzokera muJerusarema, pachikarakadzo chaAhitoferi, mubvuti Absaromi anovata navarongo vababa vake “vaIsraeri vose vachizviona.” Ikoku kuri mukuzadzikwa kworutongeso rwouporofita hwaNatani. (16:22; 12:11) Uyewo, Ahitoferi anopa zano Absaromi kuti atore uto ravarume 12 000 ndokuvhima Dhavhidhi murenje. Zvisinei, Hushai, uyo akawana chivimbo chaAbsaromi, anorumbidza nzira yakasiyana. Uye kungofanana nokunyengetera kwakaita Dhavhidhi, zano raAhitoferi rinokangaidzwa. Kufanana naJudhasi, Ahitoferi akangaidzika anoenda kumba ndokuzvisungirira. Hushai pachivande anoshuma gadziriro dzaAbsaromi kuna vaprista Zadhoki naAbhiatari, avowo, vanoita kuti shoko racho ritumirwe kuna Dhavhidhi murenje.

22. Kukunda kwaDhavhidhi kunodzikamiswa norusuruvaroi?

22 Ikoku kunogonesa Dhavhidhi kuyambuka Joridhani uye kusarudza nzvimbo yehondo mudondo paMahanaimi. Ipapo anoparadzira mauto ake ndokuarayira kubata Absaromi nenzira younyoro. Vapandukiri vanotambura rukundo rukurusa. Absaromi zvaanotiza akatasva hesera nomudondo rine miti yakawandisa, musoro wake unobatwa mumatavi akaderera omuti mukuru, uye iye anorembera ipapo pakati pemhepo. Achimuwana ari muna aya mamiriro ezvinhu akaipa, Joabhi anomuuraya, mukuzvidzwa kukuru kwomurayiro wamambo. Kurwadziwa kukuru kwaDhavhidhi pakunzwa nezvorufu rwomwanakomana wake kunoratidzirwa mukurira kwake: “Haiwa, mwana wangu Absaromi, mwana wangu, mwana wangu Absaromi! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Absaromi, mwana wangu, mwana wangu!”—18:33.

23. Igadziriroi dzinoratidzira kudzoka kwaDhavhidhi samambo?

23 Zviitiko zvokugumisira zvokutonga kwaDhavhidhi (19:1–24:25). Dhavhidhi anopfuurira kuchema zvikuru kutozosvikira Joabhi amukurudzira kuvambazve nzvimbo yake ine maruramiro samambo. Zvino anogadza Amasa somusoro wehondo munzvimbo yaJoabhi. Zvaanodzoka, anochingamidzwa navanhu, kubatanidza Shimei, ane upenyu hunoponeswa naDhavhidhi. Mefibhosheti anouyawo kuzopa mhaka yake, uye Dhavhidhi anomupa nhaka yakaenzana naZibha. Zvakare, Israeri wose naJudha vanobatanidzwa mukutungamirira kwaDhavhidhi.

24. Ndizvimwe zviitikoi zvinoitika zvinobatanidza rudzi rwaBhenjamini?

24 Zvisinei, kune nhamo dzakawanda dzakachengetwa. Shebha, muBhenjamini, anozvizivisa amene kuva mambo uye anobvisa vazhinji kuna Dhavhidhi. Amasa, arayirwa naDhavhidhi kuunganidza vanhu kuti vanyaradze kupandukira, anosanganwa naye naJoabhi ndokuurawa nenzira yokunyengera. Joabhi ipapo anotora hondo ndokutevera Shebha kuguta reAbheri reBheti-maaka ndokurikomba. Vachitetekera zano romukadzi akachenjera weguta, vagari vanouraya Shebha, uye Joabhi anobva. Nemhaka yokuti Sauro akanga auraya vaGibheoni uye mhaka yeropa yakanga ichigere kutsiviwa, muna Israeri munova nenzara yamakore matatu. Kuti vagobvisa mhaka yeropa, vanakomana vanomwe veimba yaSauro vanourawa. Gare gare, muhondo navaFiristia zvakare, upenyu hwaDhavhidhi hunoponeswa napaburi retsono naAbhishai mwanakomana wehama yake. Varume vake vanopika kuti haafaniri kubudazve kundorwa navo “kuti murege kuzodzima mwenje waIsraeri.” (21:17) Vatatu vavarume vake vane simba ipapo vanoita nenzira inoshamisa mukuuraya hofori dzechiFiristia.

25. Chii chinotaurwa munziyo dzaDhavhidhi dzinotevera kunyorwa?

25 Panhambo ino, munyori anotanga nhoroondo norwiyo rwaDhavhidhi kuna Jehovha, rwakaenzana nePisarema 18 uye runotaura kuonga kununurwa “pamaoko avavengi vake vose, namaoko aSauro.” Nomufaro anozivisa, kuti: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwi wangu, iye ndowangu. Unopa mambo wake kuponeswa kukuru, unoitira muzodziwa wake unyoro, kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.” (22:1, 2, 51) Ipapo panotevera rwiyo rwokupedzisira rwaDhavhidhi, umo iye anobvuma kuti, “Mudzimu waJehovha ndiwo wakataura neni, uye shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.”—23:2, NW.

26. Chii chinotaurwa pamusoro pavarume vane simba vaDhavhidhi, uye iye anoremekedza sei ropa roupenyu hwavo?

26 Tichidzokera kuchinyorwa chenhau, tinowana varume vane simba vaDhavhidhi vakarongwa, vatatu vavo vakatanhamara. Ivava vanobatanidzwa muchiitiko chinoitika apo musasa wavaFiristia unotangwa muBheti-rehemi, taundi romusha waDhavhidhi. Dhavhidhi anotaura chishuvo, chokuti: “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheti-rehemi, riri pasuo, ndinwe!” (23:15) Pana ikoko, varume vatatu vane simba vakapinda nechisimba mumusasa wavaFiristia, vanoteka mvura mutsime, uye vanodzoka nayo kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi anoramba kuinwa. Panzvimbo pako, anoidururira pavhu, achiti: “Haisva, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here?” (23:17) Kwaari mvura yakaenzana neropa roupenyu ravapinza mungozi nokuda kwayo. Varume vane simba zvikurusa 30 vehondo yake namabasa avo makuru vanotevera kurongwa.

27. Dhavhidhi anoita chivii chokupedzisira? Denda rinovapo somugumisiro rinogumiswa sei?

27 Pakupedzisira, Dhavhidhi anotadza nokuverenga vanhu. Achiteterera Mwari nokuda kwengoni, anopiwa chisarudzo pakati pezvirango zvitatu: makore manomwe enzara, mwedzi mitatu yokukurirwa kwehondo, kana kuti mazuva matatu edenda munyika. Dhavhidhi anopindura, kuti: “Tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.” (24:14) Denda romurudzi rwose rinouraya vanhu 70 000, richiva rinomiswa bedzi apo Dhavhidhi, achibatira pamirayiridzo yaJehovha kupfurikidza naGadhi, anotenga buriro raArauna, apo iye anopira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zveyananiso kuna Jehovha.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

28. Inyeveroi dzinokatyamadza dziri mubhuku raSamueri Rechipiri?

28 Kune zvakawanda zvinofanira kuwanwa mubhuku raSamueri Rechipiri zviri zvinobetsera nokuda kwomuravi wazvino uno! Unodokuva murangariro uri wose womunhu unoratidzirwa muno zvakasimba zvikurusa, uyo woupenyu chaihwoihwo. Nokudaro, tinonyeverwa mumashoko anokatyamadza nezvemigumisiro ine ngwavaira yegwinyiro namatsive (3:27-30), nezvokuchiva kwakaipa mukwanyina weroorano womumwe (11:2-4, 15-17; 12:9, 10), nezvechiito chokunyengera (15:12, 31; 17:23), nezvorudo rwakavakirwa bedzi paruchiva (13:10-15, 28, 29), nezvechisarudzo chechimbichimbi (16:3, 4; 19:25-30), uye nezvokuzvidza zviito zvomumwe zvokuzvipira.—6:20-23.

29. Mienzanisoi yakaisvonaka yomufambiro wakarurama nechiito zvinowanwa mubhuku raSamueri Rechipiri?

29 Zvisinei, betsero huru zvikurusa inobva mubhuku raSamueri Rechipiri inowanwa murutivi rwakanaka, kupfurikidza nokuteerera mienzaniso yaro mizhinji yakaisvonaka yomufambiro wakarurama nechiito. Dhavhidhi muenzaniso mukuzvipira kwake kwakakwana kuna Mwari (7:22), kuzvininipisa kwake pamberi paMwari (7:18), kukudza kwake zita raJehovha (7:23, 26), murangariro wake wakafanira munhamo (15:25), kupfidza kwake chivi kwapachokwadi (12:13), kutendeka kwake kuchipikirwa chake (9:1, 7), kuchengeta kwake kudzikama mukuedzwa (16:11, 12), kutsamira kwake kunopfuurira pana Jehovha (5:12, 20), uye kuremekedza kwake kukuru gadziriro dzaJehovha nerangano (1:11, 12). Hakushamisi kuti Dhavhidhi akaidzwa kuti “munhu anodiwa nomwoyo” waJehovha!—1 Sam. 13:14, NW.

30. Inheyoi dzinoshandiswa uye dzinoratidzwa mubhuku raSamueri Rechipiri?

30 Kushandiswa kwenheyo zhinji dzeBhaibheri kunowanwawo mubhuku raSamueri Rechipiri. Pakati paidzodzi pane nheyo dzomutoro wenzanga (2 Sam. 3:29; 24:11-15), kuti vavariro dzakanaka hadzichinji zvinodikanwa zvaMwari (6:6, 7), kuti umusoro mugadziriro youbati ushe hwaMwari yaJehovha hunofanira kuremekedzwa (12:28), kuti ropa rinofanira kurangarirwa serinoyera (23:17), kuti yananisiro inodikanwa nokuda kwemhaka yeropa (21:1-6, 9, 14), kuti akachenjera anogona kudzivisa ngwavaira nokuda kwavazhinji (2 Sam. 20:21, 22; Mup. 9:15), uye kuti ruvimbiko kusangano raJehovha navamiriri varo runofanira kuchengetwa “kana kuri nokuda kworufu kana kuti nokuda kwoupenyu.”—2 Sam. 15:18-22, NW.

31. Bhuku raSamueri Rechipiri rinogovera sei rumbonera rwoUmambo hwaMwari, sezvinopupurirwa muMagwaro echiKristu echiGiriki?

31 Chinokosha zvikurusa chazvose, bhuku raSamueri Rechipiri rinonongedzera uye rinopa rumbonera rwakajeka rwoUmambo hwaMwari, uhwo iye anogadza mumaoko o“mwanakomana waDhavhidhi,” Jesu Kristu. (Mat. 1:1) Mhiko iyo Jehovha akaita kuna Dhavhidhi pamusoro pokusaguma kwoumambo hwake (2 Sam. 7:16) inodudzwa pana Mabasa 2:29-36 nenongedzero kuna Jesu. Kuti uporofita hwokuti, “Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu” (2 Sam. 7:14), hwakanongedzera mberi chaizvoizvo kuna Jesu kunoratidzwa pana VaHebheru 1:5. Ikoku kwakapupurirwawo nenzwi raJehovha achitaura ari mudenga, kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, unodiwa, wandatendera.” (Mat. 3:17; 17:5, NW) Pakupedzisira, sungano yoUmambo naDhavhidhi inonongedzerwa kwairi naGabrieri mumashoko ake kuna Maria pamusoro paJesu: “Iyeyu achava mukuru uye uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye iye uchatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hakuzati kuchizova nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33, NW) Chipikirwa cheMbeu yoUmambo chinoratidzika kuva chinofadza sei sezvo nhano imwe neimwe mukukura kwayo inowadzanyuka pamberi pameso edu!

[Mashoko Omuzasi]

a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 745-7.

b Insight on the Scriptures, Vhor. 2, mapeji 373-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe