Bhuku reBhaibheri Nhamba 11—1 Madzimambo
Munyori: Jeremia
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema uye Judha
Kunyora Kwakapedzwa: 580 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: Munenge muna 1040–911 B.C.E.
1. (a) Rubudiriro runopenya rwaIsraeri rwakapinda sei muruparadziko? (b) Bva nei bhuku raMadzimambo Rokutanga ringava rinorondedzerwa kuva “rakafuridzirwa nerinobetsera”?
KUKUNDA kwakaitwa naDhavhidhi kwakanga kwatambanudzira nzvimbo yaIsraeri kusvikira kumiganho yayo yakapiwa naMwari, kubva parwizi rwaYufratesi kuchamhembe kusvikira parwizi rweEgipita kumaodzanyemba. (2 Sam. 8:3; 1 Madz. 4:21) Pakasvika nguva apo Dhavhidhi akanga afa uye mwanakomana wake Soromoni akanga achitonga munzvimbo make, “vaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.” (1 Madz. 4:20) Soromoni akatonga nouchenjeri hukuru, uchenjeri hwakapfuura zvikuru huya hwavaGiriki vekare. Akavakira Jehovha tembere yakaisvonaka. Zvisinei, kunyange Soromoni akatsaukira kukunamatwa kwavamwari venhema. Parufu rwake umambo hwakakamurwa kuva huviri, uye nhevedzano yamadzimambo akaipa muumambo hunorwisana hwaIsraeri naJudha yakaita nenzira inoparadza, ichiunzira vanhu nhamo, seizvo chaizvo Samueri akanga afanotaura. (1 Sam. 8:10-18) Pamadzimambo 14 ayo akatonga muna Judha nomuna Israeri pashure porufu rwaSoromoni uye sezvinohwirudzurwa mubhuku raMadzimambo Rokutanga, vaviri bedzi vakabudirira mukuita zvakarurama mumeso aJehovha. Ichi chinyorwa, ipapoka, “chakafuridzirwa uye chinobetsera” here? Zvirokwazvo chinodaro, sezvatichaona mumazano acho, uporofita hwacho nemifananidzo, uye wirirano yacho nomusoro mukurusa woUmambo wo“Rugwaro rwose.”
2. Chinyorwa chebhuku raMadzimambo Rokutanga neRechipiri chakava sei mumipumburu miviri yamanyoro, uye yakaunganidzwa sei?
2 Bhuku raMadzimambo pakutanga rakanga riri mupumburu mumwe wamanyoro, kana kuti vhoriyamu, uye rainzi Mela·khimʹ (Madzimambo) muchiHebheru. Vashanduri veSeptuagint vakaridana kuti Ba·si·leiʹon, “Umambo,” uye ndivo vaiva vokutanga kurikamura kuva mipumburu miviri yamanyoro kuti rive nyore kushandisa. Gare gare yakadanwa kuti bhuku raMadzimambo Rechitatu neRechina, riri zita rinopfuurira mumaBhaibheri eKaturike kusvikira kuzuva rino. Zvisinei, zvino anowanzozivikanwa sebhuku raMadzimambo Rokutanga neRechipiri. Anosiyana nebhuku raSamueri Rokutanga neRechipiri mukududza zvinyorwa zvekare samanyuko amashoko omurongi. Murongi mumwe, mumabhuku maviri, anonongedzera ka15 ku“bhuku rezvinhu zvamazuva amadzimambo aJudha,” ka18 ku“bhuku rezvinhu zvamazuva amadzimambo aIsraeri,” uyewo ku“bhuku rezvinhu zvaSoromoni.” (1 Madz. 15:7; 14:19; 11:41, NW) Kunyange zvazvo izvi zvimwe zvinyorwa zvekare zvakarasika chose chose, muunganidzwa wakafuridzirwa uripo—nhoroondo inobetsera yebhuku raMadzimambo Rokutanga neRechipiri.
3. (a) Pasina kupokana ndiani akanyora mabhuku aMadzimambo, uye neiko uchipindura kudaro? (b) Kunyora kwacho kwakapedzwa rini, uye inhamboi inofukidzwa nebhuku raMadzimambo Rokutanga?
3 Ndiani akanyora mabhuku aMadzimambo? Kusimbisa kwawo basa ravaporofita, zvikurukuru Eria naErisha, kunoratidzira muporofita waJehovha. Fanano dzomutauro, kuronga, uye manyorere zvinokarakadza munyori mumwe cheteyo nowebhuku raJeremia. Mashoko mazhinji echiHebheru uye kutaura zvinooneka bedzi mubhuku raMadzimambo naJeremia, uye musati muri murimwe bhuku reBhaibheri. Zvisinei, kana Jeremia akanyora mabhuku aMadzimambo, neiko iye asingadudzwimo? Kwakanga kusiri madikanwa, nokuti basa rake rakanga ratofukidzwa mubhuku rine zita rake. Uyezve, bhuku raMadzimambo rakanyorerwa kukudza Jehovha nokunamatwa Kwake, kwete kuwedzera kumukurumbira waJeremia. Chaizvoizvo, mabhuku aMadzimambo naJeremia anoita kuti rimwe nerimwe rikwane nokuda kworutivi rukurusa, rimwe nerimwe richiisa izvo rimwe rinosiya. Mukuwedzera, kune nhoroondo dzinowirirana, somuenzaniso, 2 Madzimambo 24:18–25:30 naJeremia 39:1-10; 40:7–41:10; 52:1-34. Gamuchidzanwa rechiJudha rinosimbisa kuti Jeremia akanga ari munyori webhuku raMadzimambo Rokutanga neRechipiri. Pasina kupanikira akatanga kuunganidzwa kwamabhuku ose ari maviri muJerusarema, uye kunooneka kuti bhuku rechipiri rakapedzerwa muEgipita munenge muna 580 B.C.E., sezvo iye achinongedzera kuzviitiko zvegore irero mumhedziso yechinyorwa chake. (2 Madz. 25:27) Bhuku raMadzimambo Rokutanga rinotanga nhau yaIsraeri kubvira pamugumo webhuku raSamueri Rechipiri ndokuipfuuridzira kusvikira kuna 911 B.C.E., apo Jehoshafati akafa.—1 Madz. 22:50.
4. Nhau yenyika nesayenzi yokuchera matongo zvinosimbisa sei bhuku raMadzimambo Rokutanga?
4 Bhuku raMadzimambo Rokutanga rinotora nzvimbo yaro yakarurama mundaza yamanyoro matsvene yaMagwaro Matsvene, richiva rinogamuchirwa nezviremera zvose. Uyezve, zviitiko zviri mubhuku raMadzimambo Rokutanga zvinosimbiswa nenhau dzenyika dzeEgipita neAsiria. Sayenzi yokuchera matongo inotsigirawo kuzhinji kwokutaura kuri mubhuku racho. Somuenzaniso, pana 1 Madzimambo 7:45, 46, (NW) tinorava kuti makanga “muri muRuwa rweJoridhani . . . pakati peSukoti neZaretani” umo Hirami akaumbira midziyo yendarira yetembere yaSoromoni. Nyanzvi dzokuchera matongo dzinochera panzvimbo yeSukoti yekare dzakafukunyura ufakazi hwemibato yokunyungudusa simbi ipapo.a Mukuwedzera, mufananidzo uri pachidziro chetembere paKarnak (Thebes yekare) unoratidzira kuvhozhokera Judha kwaSheshonk (kwaShishaki) mambo weEgipita, kunonongedzerwa pana 1 Madzimambo 14:25, 26.b
5. Chipupuriroi chakafuridzirwa chinobvumikisa uchokwadi hwebhuku raMadzimambo Rokutanga?
5 Nongedzero dzinoitwa navamwe vanyori veBhaibheri nezadziko dzouporofita zvinotsigira uchokwadi hwebhuku raMadzimambo Rokutanga. Jesu akataura nezvezviitiko zvakapoteredza Eria nechirikadzi yeSarepta sezvinhu chaizvoizvo zvenhau. (Ruka 4:24-26) Achitaura nezvaJohane Mubhapatidzi, Jesu akati: “Ndiye Eria wakanga achinzi unouya.” (Mat. 11:13, 14) Pano Jesu akanga achinongedzera kuuporofita hwaMaraki, uyo akataurawo nezvezuva renguva yemberi: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.” (Mar. 4:5) Jesu akasimbisazve uchokwadi hwebhuku raMadzimambo Rokutanga kupfurikidza nokunongedzera kune zvakanyorwa mubhuku irero pamusoro paSoromoni pamwe chete namambokadzi wokumaodzanyemba.—Mat. 6:29; 12:42; enzanisa na1 Madzimambo 10:1-9.
ZVIRI MUBHUKU RAMADZIMAMBO ROKUTANGA
6. Soromoni anokwira pachigaro choumambo mumamiriroi ezvinhu, uye anova sei anosimbiswa zvikuru muumambo?
6 Soromoni anova mambo (1:1–2:46). Chinyorwa chebhuku raMadzimambo Rokutanga chinotanga naDhavhidhi odokufa zvaanoswedera pedyo nemhedziso yokutonga kwake kwamakore 40. Mwanakomana wake Adhonia, nebetsero yaJoabhi mukuru wehondo naAbhiatari muprista, anoronga mazano okutora umambo. Muporofita Natani anozivisa Dhavhidhi nezvaikoku uye nenzira isina kunanga anomuyeuchidza kuti akatosarudza Soromoni kuva mambo parufu rwake. Dhavhidhi naizvozvo anoita kuti Zadhoki muprista azodze Soromoni samambo, kunyange apo varangani vari kuchengeta kutsiva kwaAdhonia. Dhavhidhi zvino anorayira Soromoni kuva akasimba uye kuti azvibvumikise amene kuva murume uye kufamba munzira dzaJehovha Mwari wake, pashure pako Dhavhidhi anofa uye anovigwa mu“guta raDhavhidhi.” (2:10) Pashure penguva yakati Soromoni anodzinga Abhiatari ndokuuraya vanetsi Adhonia naJoabhi. Gare gare, Shimei anourawa apo iye anosaremekedza gadziriro yengoni inoitwa kuponesa upenyu hwake. Umambo zvino hunosimbiswa zvakasimba mumaoko aSoromoni.
7. Jehovha anopindura munyengeteroi waSoromoni, uye nomugumisiroi kuna Israeri?
7 Kutonga kwokuchenjera kwaSoromoni (3:1–4:34). Soromoni anoita mubatanidzwa weroorano neEgipita kupfurikidza nokuroora mwanasikana waFarao. Anonyengetera kuna Jehovha nokuda kwomwoyo unoteerera kuti atonge vanhu vaJehovha nenzwisiso. Nemhaka yokuti haakumbiri upenyu hurefu kana kuti pfuma, Jehovha anopikira kumupa mwoyo wakachenjera nounonzwisisa uyewo pfuma nembiri. Pakuvamba mukutonga kwake, Soromoni anoratidza uchenjeri hwake apo vakadzi vaviri vanosvika pamberi pake vachida mwana mumwe cheteyo. Soromoni anorayira varume vake kuti “gurai mwana mupenyu napakati” uye kupa hafu kumukadzi mumwe nomumwe. (3:25) Pana ikoku amai chaivoivo vanoteterera nokuda kwoupenyu hwomwana, vachitaura kuti mumwe mukadzi anofanira hake kuti ave naye. Soromoni nokudaro anoziva amai vakarurama, uye ivo vanowana mwana wacho. Nemhaka youchenjeri hwakapiwa naMwari hwaSoromoni, Israeri wose anobudirira uye anofara uye akachengeteka. Vanhu vanobva munyika zhinji vanouya kuzonzwa mashoko ake ouchenjeri.
8. (a) Soromoni anotanga sei kuvaka tembere? Rondedzera mamwe amativi ayo. (b) Iye anoita imwe gadziriroi yokuvaka?
8 Tembere yaSoromoni (5:1–10:29). Soromoni anoyeuka mashoko aJehovha akapiwa baba vake, Dhavhidhi: “Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako choumambo munzvimbo mako, ndiye uyo uchavakira zita rangu imba.” (5:5, NW) Soromoni naizvozvo anoita gadziriro nokuda kwaikoku. Hirami mambo weTire anobetsera kupfurikidza nokutumira matanda emisidhari nemijunipa kubva Rebhanoni uye kupfurikidza nokugovera vashandi vari mhizha. Ivava, pamwe chete navashandi vechibharo vaSoromoni, vanotanga basa paimba yaJehovha mugore rechina rokutonga kwaSoromoni, mugore rechi480 pashure pokunge vaIsraeri vasiya Egipita. (6:1) Hakuna nyundo, masanhu, kana kuti midziyo ipi neipi yedare zvinoshandiswa panzvimbo yokuvaka, sezvo matombo ose achigadzirwa pakwari ndokuitwa kuti akodzere asati aunzwa kunzvimbo yetembere nokuda kwokuvaka. Mukati mose metembere, munotanga mafukidzwa nemisidhari pamadziro uye matanda emijunipa pauriri, ipapo munofukidzwa zvakaisvonaka nendarama. Mifananidzo miviri yamakerubhi inoitwa namatanda omuorivhi, mumwe nomumwe mamita 4,5 kureba uye makubiti ane gumi kubva kumuromo webapiro kuenda kumuromo webapiro, uye iyoyi inoiswa mukamuri romukati-kati. Mamwe makerubhi, pamwe chete nemifananidzo yemichindwi namaruva atumbuka, zvinotemerwa pamadziro etembere. Pakupedzisira, pashure paanopfuura makore manomwe ebasa, tembere yakaisvonaka inopedzwa. Soromoni anopfuuridzira purogiramu yake yokuvaka: imba yake amene, Imba yeSango reRebhanoni, Biravira reMbiru, Biravira reChigaro choUmambo, uye imba yomwanasikana waFarao. Anoitawo mbiru huru mbiri dzendarira nokuda kwebiravira reimba yaJehovha, gungwa rendarama yakanyungudutswa nokuda kworuvazhe, uye ngoro dzendarama, pamwe chete neshambiro dzendarira nemidziyo yendarama.c
9. Kuonekwai kwaJehovha uye munyengeteroi unoitwa naSoromoni zvinoratidzira kupinzwa kweareka yesungano?
9 Zvino nguva inosvika yokuti vaprista vaunze areka yesungano yaJehovha uye kuiisa mukamuri romukati-kati, Nzvimbo Tsvene Tsvene, pasi pamapapiro amakerubhi. Vaprista zvavanobuda, ‘mbiri yaJehovha inozadza imba yaJehovha,’ zvokuti vaprista havachagonizve kumira ndokushumira. (8:11) Soromoni anokomborera ungano yaIsraeri, uye iye anokudza ndokurumbidza Jehovha. Akagwadama uye zvanza zvake zvakatambanudzirwa kumatenga, anobvuma mumunyengetero kuti denga ramatenga haringagoni kuringana Jehovha, ndoda imba ino yapasi yaakavaka. Anonyengetera kuti Jehovha achanzwa vose vanotya Iye sezvavanonyengetera vakatarira kuimba ino, hungu, kunyange wokumwe ari kunyika iri kure, “kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsraeri.”—8:43.
10. Jehovha anopindura munyengetero waSoromoni nechipikirwai nenyevero youporofita?
10 Mukati momutambo wamazuva 14 anotevera, Soromoni anobayira mombe 22 000 namakwai 120 000. Jehovha anoudza Soromoni kuti Iye anzwa munyengetero wake uye kuti Iye atsvenesa tembere kupfurikidza nokuisa “zita [Rakepo] nokusingaperi.” Zvino, kana Soromoni achizofamba akarurama pamberi paJehovha, chigaro choumambo hwake chichapfuurira. Zvisinei, kana Soromoni navanakomana vake vanomutevera vakasiya kunamatwa kwaJehovha ndokubatira vamwe vamwari, ipapo, anodaro Jehovha, “ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose. [Uye iyi imba imene ichava murwi wamatongo, NW.]”—9:3, 7, 8.
11. Pfuma nouchenjeri zvaSoromoni zvinova zvakakura sei?
11 Kwatorera Soromoni makore 20 kuti apedze imba mbiri, imba yaJehovha neimba yamambo. Zvino anopfuurira kuvaka maguta mazhinji muumambo hwake hwose, pamwe chete nengarava dzokushandisa mukushambadzirana nenyika dziri kure. Mambokadzi weShebha nokudaro anonzwa nezvouchenjeri hukuru uhwo Jehovha akapa Soromoni, uye anouya kuzomuedza nemibvunzo inotambudza. Pashure pokumunzwa nokuona rubudiriro nomufaro zvavanhu vake, anokuwa, kuti: “Handina kuudzwa kunyange hafu yazvo.” (10:7) Jehovha zvaanopfuurira kuratidza rudo kuna Israeri, Soromoni anova “mukuru zvikuru mupfuma nouchenjeri kupfuura mamwe madzimambo ose apasi.”—10:23, NW.
12. (a) Soromoni anokundikana muchii, uye mavamboi okupanduka anooneka? (b) Ahija anoporofitei?
12 Kusatendeka kwaSoromoni nokufa (11:1-43). Mukupesana nomurayiro waJehovha, Soromoni anotora vadzimai vakawanda kuna mamwe marudzi—vadzimai vane 700 navarongo vane 300. (Dheut. 17:17) Mwoyo wake unokweverwa kukubatira vamwe vamwari. Jehovha anomuudza kuti umambo huchabviswa kwaari, kwete muzuva rake, asi muzuva romwanakomana wake. Kunyange zvazvo zvakadaro, rutivi rwoumambo, rudzi rumwe mukuwedzera kuna Judha, rwuchatongwa navanakomana vaSoromoni. Mwari anovamba kumutsa vadzivisi kuna Soromoni mumarudzi ari pedyopo, uye Jerobhoami worudzi rwaEfraimi iye amene anomukira mambo. Ahija muporofita anoudza Jerobhoami kuti iye achava mambo pandudzi gumi dzaIsraeri, uye Jerobhoami anotizira Egipita nokuda kwoupenyu hwake. Soromoni anofa pashure pokutonga kwamakore 40, uye mwanakomana wake Rehobhoami anova mambo mugore ra997 B.C.E.
13. Kukamukana kunoitika sei muumambo sezvo Rehobhoami anovamba kutonga kwake, uye Jerobhoami anoedza sei kuita kuti umambo hwake huchengeteke?
13 Umambo hunokamurwa (12:1–14:20). Jerobhoami anodzoka achibva Egipita uye anokwira ane vanhu kundokumbira Rehobhoami kusunungurwa pamitwaro yose iyo Soromoni akanga aisa pavari. Achiteerera majaya panzvimbo pezano rokuchenjera ravakuru muna Israeri, Rehobhoami anowedzera nhamo. Israeri anomukira uye anoita Jerobhoami mambo pandudzi gumi dzokuchamhembe. Rehobhoami, asiyiwa ana Judha bedzi naBhenjamini, anounganidza hondo yokurwisa vapanduki, asi pakurayira kwaJehovha anodzoka. Jerobhoami anovaka Shekemi sedzimbahwe rake, asi achiri kunzwa kusachengeteka. Anotya kuti vanhu vachadzoka Jerusarema kundonamata Jehovha uye kuti vachadzorwazve naRehobhoami. Kuti adzivise ikoku, anomisa mhuru mbiri dzendarama, imwe muna Dhani uye imwe muBheteri, uye kuti vatungamirire kunamata, anosarudza vaprista, kwete murudzi rwaRevhi, asi pakati pavanhuwo zvavo.d
14. Inyeveroi youporofita inoziviswa paimba yaJerobhoami, uye inhamoi dzinovamba?
14 Jerobhoami achingunobayira zvibayiro paatari muBheteri, Jehovha anotuma muporofita kundomunyevera kuti Iye achamutsa mambo mumutsara waDhavhidhi, anonzi Josia, uyo achaita chiito chakasimba mukurwisana neiyi atari yokunamata kwenhema. Sechiratidzo, atari pakarepo inotsemurwa napakati. Muporofita amene gare gare anourawa neshumba nokuda kwokusateerera murayiridzo waJehovha wokusadya kana kuti kunwa achingunoveri pabasa rake. Nhamo zvino inovamba kutambudza imba yaJerobhoami. Mwana wake anofa sorutongeso runobva kuna Jehovha, uye muporofita waMwari Ahija anofanotaura kuti imba yaJerobhoami ichaparadzanywa chose chose nemhaka yechivi chake chikuru mukumisa vamwari venhema muna Israeri. Pashure pokutonga kwamakore 22, Jerobhoami anofa uye mwanakomana wake Nadhabhi anova mambo munzvimbo make.
15. Zviitikoi zvinoitika mukati mokutonga kwamadzimambo matatu anotevera muna Judha?
15 Muna Judha: Rehobhoami, Abhijami, uye Asa (14:21–15:24). Munguvayi, mukudzora kwaRehobhoami, Judha ari kuitawo chiri chakashata mumeso aJehovha, kunamata zvidhori. Mambo weEgipita anovhozhokera ndokuenda nepfuma zhinji yetembere. Pashure pokutonga kwamakore 17, Rehobhoami anofa, uye mwanakomana wake Abhijami anova mambo. Iye anopfuurirawo kutadzira Jehovha, uye anofa pashure pokutonga kwamakore matatu. Asa mwanakomana wake zvino anotonga uye, mukupesana, anobatira Jehovha nomwoyo wakakwana uye anobvisa zvidhori zvinonyangadza munyika. Pane hondo yenguva dzose pakati paIsraeri naJudha. Asa anowana betsero inobva Siria, uye Israeri anomanikidzirwa kubva. Asa anotonga kwamakore 41 uye anotsiviwa nomwanakomana wake Jehoshafati.
16. Zviitikoi zvamasimba masimba zvinoitika zvino muna Israeri, uye neiko?
16 Muna Israeri: Nadhabhi, Bhaasha, Era, Zimri, Tibni, Omri, uye Ahabhi (15:25–16:34). Iboka rakaipa zvakadini! Bhaasha anoponda Nadhabhi pashure pokunge atonga makore maviri bedzi uye anopedzisa nokuparadzanya imba yose yaJerobhoami. Anopfuurira mukunamata kwenhema uye mukurwisana naJudha. Jehovha anofanotaura kuti Iye achachenesa imba yaBhaasha, sezvaakaita neyaJerobhoami. Pashure pokutonga kwamakore 24 kwaBhaasha, anotsiviwa nomwanakomana wake Era, uyo anopondwa makore maviri gare gare nomubatiri wake Zimri. Nokukurumidza sezvo iye anotora chigaro choumambo, Zimri anoparadzanya imba yose yaBhaasha. Apo vanhu vanonzwa nezvako, vanoita Omri, mukuru wehondo, mambo uye vanomukira Tirza, dzimbahwe raZimri. Apo anoona kuti zvose zvarasika, Zimri anozvipisira muimba yamambo, zvokuti iye anofa. Zvino Tibni anoedza kutonga samambo anorwisa, asi pashure penguva yakati vateveri vaOmri vanomukurira ndokumuuraya.
17. (a) Kutonga kwaOmri kunocherekedzwa nokuda kwechii? (b) Neiko kunamata kwechokwadi kuchiderera kusvikira kumwero wako wakaderera zvikurusa mukati mokutonga kwaAhabhi?
17 Omri anotenga gomo reSamaria ndokuvakapo guta reSamaria. Iye anofamba munzira dzose dzaJerobhoami, achitsamwisa Jehovha nokunamatwa kwezvidhori. Kutaura idi, akaipa zvikuru kupfuura vamwe vose vakamutangira. Pashure pokutonga kwamakore 12, anofa uye Ahabhi mwanakomana wake anova mambo. Ahabhi anoroora Jezebheri, mwanasikana wamambo weSidhoni, uye ipapo anomisa atari kuna Bhaari muSamaria. Anopfuura muuipi vose avo vakamutangira. Ndipo panguva ino apo Hieri muBheteri anovakazve guta reJeriko pakurasikirwa noupenyu kwomwanakomana wake wedangwe nomwanakomana wake worugotwe. Kunamata kwechokwadi kuri pamwero wako wakaderera zvikurusa.
18. Eria anovamba basa rake rouporofita nokutaurai muna Israeri, uye anoratidzira sei chikonzero chaichoicho chenhamo yaIsraeri?
18 Basa rouporofita raEria muna Israeri (17:1–22:40). Kamwe kamwe nhume inobva kuna Jehovha inosvika panzvimbo. NdiEria muTishbhi.e Kunokatyamadza zvirokwazvo ndiko kutaura kwake kwokutanga kuna Mambo Ahabhi: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” (17:1) Kamwe kamwe zvakafanana, Eria pakurayira kwaJehovha anondogara kumupata uri kumabvazuva kwaJoridhani. Kune kusanaya kwemvura muna Israeri, asi makunguo anounzira Eria zvokudya. Apo rwizi rwomumupata rwunopwa, Jehovha anotuma muporofita wake kundogara muZarefati muSidhoni. Nemhaka yomutsa wechirikadzi kuna Eria, Jehovha nenzira inoshamisa anochengeta mugove wake muduku woupfu namafuta zvokuti iye nomwanakomana wake havafi nenzara. Gare gare mwanakomana anorwara ndokufa, asi pamukumbiro waEria Jehovha anodzorera upenyu hwomwana. Ipapo, mugore rechitatu rokusanaya kwemvura, Jehovha anotumazve Eria kuna Ahabhi. Ahabhi anopomera Eria kuunza nhamo pana Israeri, asi Eria noushingi anoudza Ahabhi, kuti: “Ndiwe neimba yababa vako” nemhaka yokutevera vaBhaari.—18:18.
19. Nhau youmwari inoratidzirwa sei, uye ukuru hwaJehovha hunobvumikiswa sei?
19 Eria anorayira Ahabhi kuunganidza vaporofita vose vaBhaari paGomo reKarmeri. Hakusati kuchizovazve kunobvira kufunga mifungo miviri. Nhau yaratidzirwa: Jehovha anorwisana naBhaari! Pamberi pavanhu vose, vaprista vane 450 vaBhaari vanogadzirira nzombe, vanoiisa pahuni paatari, uye vanonyengeterera mwoto kuti uburuke pasi ndokupedza chipiriso. Kubvira mangwanani kusvikira masikati, vanodana zvisina maturo pana Bhaari, pakati pokushora kunobva kuna Eria. Vanokarara uye vanozvicheka vamene, asi hapana mhinduro! Tevere, muporofita ari oga, Eria, anovaka atari muzita raJehovha uye anogadzirira huni nenzombe nokuda kwechibayiro. Anoita kuti vanhu vanyatise chipiriso nehuni katatu nemvura, uye ipapo anonyengetera kuna Jehovha: “Ndipindurei, Haiwa Jehovha, ndipindurei, kuti ava vanhu vagoziva kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi.” Pana ikoko, mwoto unopenya uchibva kudenga, uchipedza chipiriso, huni, matombo eatari, huruva, uye mvura. Apo vanhu vose vanokuona, pakarepo vanowira pasi nezviso zvavo ndokuti: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” (18:37, 39, NW) Rufu kuvaporofita vaBhaari! Eria pachake anotarisira kuuraya, zvokuti hapana mumwe anopukunyuka. Ipapo Jehovha anopa mvura, achigumisa kusanaya kwemvura muna Israeri.
20. (a) Jehovha anooneka sei kuna Eria muHorebhi, uye Iye anogovera murayiridzoi nenyaradzo? (b) Chivii nemhaka zvinoparwa naAhabhi?
20 Apo mashoko okudukupiswa kwaBhaari anosvika Jezebheri, anotsvaka kuita kuti Eria aurawe. Achitya, ane murindiri wake anotizira kurenje, uye Jehovha anomutungamirira kuHorebhi. Jehovha ikoko anooneka kwaari—aiwa, kwete nenzira inokatyamadza ari mumhepo kana kuti mukudengenyeka kwapasi kana kuti mumwoto, asi ne“nzwi rakaterama, rakaderera.” (19:11, 12, NW) Jehovha anomuudza kuti azodze Hazaeri samambo weSiria, Jehu samambo pana Israeri, uye Erisha somuporofita munzvimbo make. Anonyaradza Eria namashoko okuti 7 000 muna Israeri havana kukotamira Bhaari. Eria anopfuurira pakarepo kundozodza Erisha kupfurikidza nokukandira nguo yake yebasa paari. Ahabhi zvino anowana rukundo ruviri pavaSiria asi anotukwa naJehovha nokuda kwokuita sungano namambo wavo panzvimbo pokumuuraya. Ipapo panosvika nhau yaNabhoti, ane munda wemizambiringa unochiviwa naAhabhi. Jezebheri anoita kuti Nabhoti arukirwe mazano nezvapupu zvenhema ndokuurawa kuti Ahabhi agone kutora munda wemizambiringa. Imhaka isingakanganwirwi zvakadini!
21. (a) Eria anozivisa shurukidzoi pana Ahabhi neimba yake, uye pana Jezebheri? (b) Uporofitai hunozadzikwa parufu rwaAhabhi?
21 Eria anooneka zvakare. Anoudza Ahabhi kuti apo Nabhoti afira, imbwa dzichananzva ropa rakewo, uye kuti imba yake ichaparadzanywa chose chose seidzo dzavanaJerobhoami naBhaasha. Imbwa dzichadya Jezebheri mumunda weJezreeri. “Hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa na[Jezebheri, NW] mukadzi wake.” (21:25) Zvisinei, nemhaka yokuti Ahabhi anozvininipisa amene pakunzwa mashoko aEria, Jehovha anotaura kuti ngwavaira haizouyi mumazuva ake asi mumazuva omwanakomana wake. Ahabhi zvino anobatana pamwe chete naJehoshafati, mambo waJudha, mukurwisa Siria, uye mukupesana nezano romuporofita waJehovha Mikaya, vanondorwa. Ahabhi anofa namaronda akawanwa muhondo. Sezvo ngoro yake inogezwa padziva reSamaria, imbwa dzinonanzva ropa rake, seizvo chaizvo Eria akaporofita. Ahazia mwanakomana wake anova mambo waIsraeri munzvimbo make.
22. Chii chinoratidzira kutonga kwaJehoshafati muna Judha uye Ahazia muna Israeri?
22 Jehoshafati anotonga muna Judha (22:41-53). Jehoshafati, uyo akaperekedza Ahabhi kundorwa neSiria, akatendeka kuna Jehovha saAsa baba vake, asi anokundikana kubvisa chose chose nzvimbo dzose dzakakwirira dzokunamata kwenhema. Pashure pokutonga kwamakore 25, anofa, uye Jehorami mwanakomana wake anova mambo. Kuchamhembe, muna Israeri, Ahazia anotevera mutsoka dzababa vake, achitsamwisa Jehovha kupfurikidza nokunamata kwake Bhaari.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
23. Bhuku raMadzimambo Rokutanga rinogovera vimbisoi nekurudziro pamusoro pomunyengetero?
23 Betsero huru inofanira kuwanwa mumurayiridzo woumwari uri mubhuku raMadzimambo Rokutanga. Rangarira, kutanga, nhau yomunyengetero, iyo kazhinji kazhinji kwazvo inotanhamara mubhuku rino. Soromoni, apo akatarisana nomutoro mukuru woumambo muna Israeri, akanyengetera nomutoo wokuzvininipisa kuna Jehovha somwana. Akangokumbira chete nzwisiso nomwoyo unoteerera, asi mukuwedzera kuuchenjeri mumwero unofashukira, Jehovha akamupawo pfuma nembiri. (3:7-9, 12-14) Ngativei nevimbiso nhasi yokuti minyengetero yedu yokuzvininipisa nokuda kwouchenjeri nenhungamiro mubasa raJehovha haisati ichizoitwa isingapindurwi! (Jak. 1:5) Nguva dzose ngatinyengeterei nenzira yokushingaira kubva pamwoyo, nokuonga kukuru nokuda kworunako rwose rwaJehovha, sezvakaita Soromoni pakutsaurirwa kwetembere! (1 Madz. 8:22-53) Minyengetero yedu nguva dzose ngaive nechiratidzo chechivimbo chakakwana nokuvimba naJehovha, sezvakaita minyengetero yaEria munguva yomuedzo uye pakutarisana norudzi runonamata madhemoni! Jehovha anogovera nenzira inoshamisa avo vanomutsvaka mumunyengetero.—1 Madz. 17:20-22; 18:36-40; 1 Joh. 5:14.
24. Mienzanisoi inonyevera inoziviswa mubhuku raMadzimambo Rokutanga, uye nei, zvikurukuru, vatariri vachifanira kucherekedza?
24 Uyezve, tinofanira kunyeverwa nemienzaniso yaavo vasina kuzvininipisa vamene pamberi paJehovha. ‘Mwari anoshora vanozvikudza vakadaro’ sei! (1 Pet. 5:5) Kwaiva naAdhonia, uyo akafunga kuti aigona kunzvenga kugadza kwoubati ushe hwaMwari kwaJehovha (1 Madz. 1:5; 2:24, 25); Shimei, uyo akafunga kuti aigona kubuda mumiganhu ndokudzokazve (2:37, 41-46); Soromoni mumakore ake apashure, ane kusateerera kwakaunza vadzivisi vanobva kuna Jehovha (11:9-14, 23-26); uye madzimambo aIsraeri, aiva norudzidziso rwenhema rwakabvumikisa kuva rune ngwavaira (13:33, 34; 14:7-11; 16:1-4). Uyezve, kwakanga kuna Jezebheri anochiva nenzira yakaipa, simba rinotsigira chigaro choumambo chaAhabhi, ane muenzaniso wakaipa wakashandiswa makore ane chiuru gare gare munyevero kuungano yomuTiatira: “Handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi [Jezebheri, NW], unozviidza muporofitakadzi, uye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.” (Zvak. 2:20) Vatariri vanofanira kuchengeta ungano dzakachena uye dzisina pesvedzero dzose dzakafanana nedzaJezebheri!—Enzanisa naMabasa 20:28-30.
25. Uporofitai hwebhuku raMadzimambo Rokutanga hwakazadzikwa zvinoshamisa, uye kuyeuka ihwohwu kunotiyamura sei?
25 Simba raJehovha rouporofita rinoratidzwa zvakajeka muzadziko youporofita huzhinji hwakapiwa mubhuku raMadzimambo Rokutanga. Somuenzaniso, pane kufanotaura kunoshamisa, kwakaitwa makore 300 pachine nguva mberi, kuti Josia aizova munhu anoputsanya atari yaJerobhoami paBheteri. Josia akakuita! (1 Madz. 13:1-3; 2 Madz. 23:15) Zvisinei, hwakatanhamara zvikurusa ndihwo uporofita hune chokuita neimba yaJehovha, yakavakwa naSoromoni. Jehovha akaudza Soromoni kuti kuwira kuvamwari venhema kwaizoguma nokuparadza kwaJehovha Israeri pamusoro papasi uye nokuparadza pamberi Pake imba iyo Iye akanga atsvenesera zita rake. (1 Madz. 9:7, 8) Pana 2 Makoronike 36:17-21 tinorava kuti uhu uporofita hwakabvumikisa kuva hwechokwadi chose chose sei. Uyezve, Jesu akaratidza kuti tembere yapashure yakavakwa naHerodhe Mukuru panzvimbo imwe cheteyo yaizovawo nomugumo mumwe chetewo uye nokuda kwechikonzero chimwe chetecho. (Ruka 21:6) Ikoku kwakabvumikisawo kuva kwechokwadi sei! Tinofanira kuyeuka idzi ngwavaira nechikonzero chadzo, uye dzinofanira kutiyeuchidza nguva dzose kuti tifambe munzira dzaMwari wechokwadi.
26. Kufanoonwai kunonyandura kwetembere yaJehovha noUmambo kunogoverwa mubhuku raMadzimambo Rokutanga?
26 Mambokadzi weShebha akabva kunyika yake iri kure kuzoshamiswa nouchenjeri hwaSoromoni, rubudiriro rwavanhu vake, uye mbiri youmambo hwake, kubatanidza imba yakaisvonaka yaJehovha. Zvisinei, kunyange Soromoni akabvuma kuna Jehovha: “Matenga, hungu, denga ramatenga, iwo amene haangakuringanii; ndoda, ipapoka, imba ino yandakavaka!” (1 Madz. 8: 27, NW; 10:4-9) Asi mazana amakore gare gare Kristu Jesu akauya kuzoita basa rokuvaka romudzimu zvikurukuru raiva nechokuita nokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi patembere huru yomudzimu yaJehovha. (VaH. 8:1-5; 9:2-10, 23) Kuna iyeyu, mukuru zvikuru kupinda Soromoni, chipikirwa chaJehovha ndechechokwadi, chinoti: “Zvirokwazvo ndichagadzawo chigaro choumambo hwako pana Israeri kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (1 Madz. 9:5, NW; Mat. 1:1, 6, 7, 16; 12:42; Ruka 1:32) Bhuku raMadzimambo Rokutanga rinogovera kufanoonwa kunosunda kwembiri yetembere yomudzimu yaJehovha neyorubudiriro, kufara, uye mufaro unofadza wavose vanouya kuzogara mukutonga kwouchenjeri kwoUmambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu. Kunzwisisa kwedu ukoshi hwokunamata kwechokwadi nohwegadziriro inoshamisa yaJehovha yoUmambo hwake hunodzorwa neMbeu kunopfuurira kukura!
[Mashoko Omuzasi]
a The International Standard Bible Encyclopedia, Vhor. 4, 1988, yakapepetwa naG. W. Bromiley, peji 648.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 149, 952.
c Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 750-1.
d Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 947-8.
e Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 949-50.