Bhuku reBhaibheri Nhamba 22—Rwiyo rwaSoromoni
Munyori: Soromoni
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 1020 B.C.E.
1. Urwu “Rwiyo rwenziyo” munzirai?
“NYIKA yose yakanga isina kufanirwa nezuva umo urwu Rwiyo rwakaisvonaka rwakapiwa kuna Israeri.” “Rabbi” wechiJudha Akiba, uyo akararama muzana ramakore rokutanga reNguva Yavose, akataura kuonga kwake Rwiyo rwaSoromoni.a Musoro webhuku racho kupfupikiswa kwamashoko okutanga anoti, “Rwiyo rukuru, rwuri rwaSoromoni.” Maererano norugwaro rweshoko neshoko rwechiHebheru, irwo “Rwiyo rwenziyo,” kuratidzira kuisvonaka kukurusa, kwakafanana nokutaura kwokuti “matenga amatenga,” nokuda kwamatenga akakwirira zvikurusa. (Dheut. 10:14, NW) Harusati ruri muunganidzwa wenziyo asi rwiyo rumwe, “rwiyo rwakakwana zvikurusa, rumwe rwedzakanakisisa dzakavako, kana kuti dzakanga dzati dzambonyorwa.”b
2. (a) Ndiani akanga ari munyori woRwiyo rwaSoromoni, ndezvipi zvaiva zvikwaniriso zvake, uye nei bhuku racho raigona kunzi rwiyo rworudo rwakakundikana? (b) Bhuku racho rakanyorerwa kupi, uye rini?
2 Mambo Soromoni weJerusarema akanga ari munyori wourwu rwiyo, sezvinotsigirwa nesumo yarwo. Akanga akakwaniriswa zvikuru kwazvo kunyora uyu muenzaniso wakaisvonaka zvikurusa wenhetembwa yechiHebheru. (1 Madz. 4:32) Inhetembwa yomuruwa yakazara nerevo uye inofadza zvikurusa mukurondedzera kwayo runako. Muravi anogona kuona muchiono mamiriro ezvinhu kuMabvazuva achanzwisisa ikoku zvikuru kwazvo. (Rwiyo 4:11, 13; 5:11; 7:4) Nhambo yokunyorwa kwarwo yakanga yakasiyana. Mambo mukuru Soromoni, aiva nembiri muuchenjeri, aiva mukuru musimba, uye inopenya mumbiri yepfuma yake yokunyama, iyo yakanyandura kuyemura kunyange kwamambokadzi weShebha, aisagona kuorora musikanawo zvake womuruwa waaida. Nemhaka yokusimba kwokuda kwake mukomana mufudzi, mambo akakundikana. Bhuku racho, naizvozvo, raigona kutumidzwa nenzira yakarurama kuti Rwiyo Rworudo Rwakakundikana rwaSoromoni. Jehovha Mwari akamufuridzira kunyora urwu rwiyo nokuda kwokubetserwa kwavaravi veBhaibheri vamazera aizotevera. Akarwunyorera muJerusarema. Zvichida imomu makanga muri munenge muna 1020 B.C.E., makore akati pashure pokunge tembere yapedzwa. Pakasvika nguva yaakanyora rwiyo rwacho, Soromoni akanga ane “vahosi vanamakumi matanhatu navarongo vanamakumi masere,” vachienzaniswa na“vakadzi vanamazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vanamazana matatu” pakupera kwokutonga kwake.—Rwiyo 6:8; 1 Madz. 11:3.
3. Ufakazii huripo hwokuva rutivi rwendaza yamanyoro matsvene kwoRwiyo rwaSoromoni?
3 Kuva rutivi rwendaza yamanyoro matsvene kwoRwiyo rwaSoromoni hakuna kutongodenhwa chose chose munguva dzapakuvamba. Rwakanga rwuchirangarirwa sorutivi rwunokosha uye chikamu chakafuridzirwa chendaza yamanyoro matsvene echiHebheru kare kare Nguva Yavose isati yasvika. Rwakabatanidzwa muSeptuagint yechiGiriki. Josephus akarwubatanidza mundaza yake yamabhuku matsvene. Naizvozvo, rune ufakazi humwe chetehwo hwokuva kwarwo rutivi rwendaza yamanyoro matsvene sohunowanzopiwa nokuda kwerimwe bhuku ripi neripi raMagwaro echiHebheru.
4. (a) Kusavapo kweshoko rokuti “Mwari” kunopokanidza kuva rutivi rwendaza yamanyoro matsvene kwoRwiyo rwaSoromoni here? (b) Chii chinoruratidzira nokuda kwenzvimbo yarwo yechienzi mundaza yamanyoro matsvene eBhaibheri?
4 Vamwe, zvisinei, vakapanikira kuva rutivi rwendaza yamanyoro matsvene kwebhuku racho pamusoro pechikonzero chokuti mariri hamuna nongedzero kuna Mwari. Kusavapo kwokududzwa kupi nokupi kwaMwari hakungaiti kuti bhuku rive risingakwanirisi sezvo kuvapowo zvako kweshoko rokuti “Mwari” kusingariiti kuti rive rutivi rwendaza yamanyoro matsvene. Zita raMwari rinooneka muchimiro charo chakapfupikiswa paganhuro 8, ndima 6 (NW), apo rudo runotaurwa kuva “murazvo waJah.” Bhuku racho nenzira isingapanikirwi rinoumba rutivi rwamanyoro aye Jesu Kristu akanongedzera kwaari netendero apo akati: “Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari.” (Joh. 5:39) Uyezve, kuratidzira kwaro kune simba vara rakaisvonaka rokudana, rakadai seriripo, mupfungwa yomudzimu, pakati paKristu no“mwenga” wake, kunoratidzira Rwiyo rwaSoromoni nokuda kwenzvimbo yarwo yechienzi mundaza yamanyoro matsvene eBhaibheri.—Zvak. 19:7, 8; 21:9.
ZVIRI MUBHUKU RERWIYO RWASOROMONI
5. (a) Vatambi vari mumutambo vanoziviswa sei? (b) Musoroi unonyandura unoratidzirwa?
5 Mashoko ari mubhuku racho anopiwa kupfurikidza nenhevedzano yekurukurirano. Pane chinjano yenguva dzose yavatauri. Vanhu vane mativi okutaura ndiSoromoni mambo weJerusarema, mufudzi, muShuramiti wake anodiwa, hanzvadzi dzake, mhandara dzapadare (“vakunda veJerusarema”), uye vakadzi veJerusarema (“vakunda veZioni”). (Rwiyo 1:5-7; 3:5, 11) Vanozivikanwa kupfurikidza nezvavanotaura nezvavo vamene kana kuti kupfurikidza nechinotaurwa kwavari. Mutambo wacho unotanga pedyo neShunemi, kana kuti Shuremi, apo Soromoni ari mumusasa navarindi vake vedare. Unoratidzira musoro unonyandura—kuda kwomusikana womuruwa womumusha weShunemi shamwari yake mufudzi.
6. Ikurukuriranoi inoitika pakati pomusikana navakadzi vapadare vomumusasa waSoromoni?
6 Musikana weShuramiti ari mumusasa waSoromoni (1:1-14). Musikana anooneka mutende dzoumambo umo mambo amupinza, asi ane shungu bedzi dzokuona mudiwa wake mufudzi. Achipanga mudiwa wake, anotaura sokunge kuti aripo. Vakadzi vapadare vanobatira mambo, “vakunda veJerusarema,” vanotarisa nechiringa muShuramiti nemhaka yokusviba kwake. Anotsanangura kuti akapiswa nezuva achitarisira minda yemizambiringa yehanzvadzi dzake. Iye ipapo anotaura kumudiwa wake sokunge kuti akasununguka ndokubvunza uko iye angamuwana. Vakadzi vapadare vanomurayira kuti abude ndokufudza boka rake pedyo netende dzavafudzi.
7. Kupfimbai kunoita Soromoni, asi nomugumisiroi?
7 Soromoni anobuda pachena. Iye haadi kumurega achienda. Anorumbidza runako rwake ndokuvimbisa kumushongedza ne“zvirukwa zvendarama” ne“zvuma zvesirivha.” MuShuramiti anodzivisa kupfimba kwake ndokumuita kuti azive kuti rudo bedzi rwaanogona kunzwa nderwomudiwa wake.—1:11.
8. Mudiwa womusikana anomukurudzira sei? Anopangei?
8 Mudiwa mufudzi anooneka (1:15–2:2). Mudiwa womuShuramiti anopinda mumusasa waSoromoni ndokumukurudzira. Anomuvimbisa rudo rwake. MuShuramiti anopanga kuva pedyo kwomudiwa wake nomufarowo zvawo wokugara naye kunze muminda namasango.
9. Musikana nomudiwa wake vanorumbidza sei runako rwake?
9 MuShuramiti musikana anozvininipisa. “Ndiri ruva rebundo rokuSharoni,” anodaro. Mudiwa wake mufudzi anomufunga kuva asingaenzaniswi, achiti: “Seruva pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.”—2:1, 2.
10. Musikana anoyeukei pamusoro porudo rwake?
10 Musikana anopanga mufudzi wake (2:3–3:5). Aparadzana zvakare nomudiwa wake, muShuramiti anoratidza kumurumbidza kwaanoita kupfuura vamwe vose, uye anoudza vakunda veJerusarema kuti vanopika kusaedza kumutsa maari kuda mumwe kusingadikanwi. MuShuramiti anoyeuka nguva apo mufudzi wake akapindura kudana kwake ndokumukokera kuzvikomo muchirimo. Anomuona achikwira makomo, achikwakuka nomufaro. Anomunzwa achidanidzira kwaari, achiti: “Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu, uya!” Zvisinei, hanzvadzi dzake, dzakanga dzisina chokwadi nokutsiga kwake, dzakatsamwa ndokumushandisa mukurinda minda yemizambiringa. Anozivisa kuti, “Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake,” uye anomuteterera kuchimbidza kuuya kurutivi kwake.—2:13, 16.
11. MuShuramiti anoyeuchidzazve vakunda veJerusarema nezvemhikoi?
11 MuShuramiti anorondedzera kupfigirwa kwake mumusasa waSoromoni. Usiku akavata, anopanga mufudzi wake. Zvakare anoyeuchidza vakunda veJerusarema kuti vakapika kusamutsa kuda kusingadikanwi maari.
12. Mudiwa wake anopa kurudziroizve apo musikana anoendeswa naSoromoni kuJerusarema?
12 MuShuramiti ari muJerusarema (3:6–5:1). Soromoni anodzokera Jerusarema mumbiri youmambo, uye vanhu vanoyemura rudungwe rwavarindiri vake. Mune ino nguva inotambudza, mufudzi ane rudo haaodzi mwoyo muShuramiti. Anotevera shamwarisikana yake, iyo yakafukidzwa, uye anoonana naye. Anosimbisa mudiwa wake namashoko oushamwari orudo. Anomuudza kuti anoda kusununguka ndokusiya guta, uye ipapo anofara zvokufara zviya norudo: “Wakaisvonaka, iwe shamwari yangu.” (4:7) Kungomuringa chete kunoita kuti mwoyo wake urove nokukurumidza zvikuru. Mashoko ake orudo ari nani kupfuura waini, zvinonhuwira zvake zvakafanana neizvo zveRebhanoni, uye ganda rake rakafanana neparadhiso yamatamba. Musikana anokoka mudiwa wake kupinda mu“munda,” uye iye anogamuchira. Vakadzi vane ushamwari veJerusarema vanovakurudzira, kuti: “Idyai, shamwari dzangu; inwai zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu.”—4:16; 5:1.
13. Musikana anova nechirotoi, uye anorondedzera sei rudo rwake kuvakadzi vapadare?
13 Chiroto chomusikana (5:2–6:3). MuShuramiti anoudza vakunda vapadare nezvechiroto chake, umo iye anonzwa kugogodza. Mudiwa wake ari panze, achimuteterera kuti amupinze. Asi iye akavata. Apo pakupedzisira anomuka kuti azarure suo, iye anyangarika muusiku. Anobuda kuti amutevere, asi haagoni kuwanwa. Varindi vanomubata zvisina kufanira. Anoudza vakadzi vapadare kuti kana vakaona mudiwa wake, vanosungirwa kumuudza kuti iye anorwara norudo. Vanomubvunza kuti chii chinomuita atanhamare kwazvo. Anopinda mukurondedzerwa kwake kukuru, achiti iye “wakachena nokutsvuka, unozivikanwa pakati pezana ramazana.” (5:10) Vakadzi vapadare vanomubvunza kwaari. Anoti iye aenda kundofudza pakati peminda.
14. Pasinei zvapo namanomano ake ose, Soromoni anokundikana sei mukutsvaka kwake?
14 Kupfimba kwokupedzisira kwaSoromoni (6:4–8:4). Mambo Soromoni anosvika muShuramiti. Anomuudzazve kuti akaisvonaka sei, akanaka zvikuru kupfuura “vahosi vanamakumi matanhatu navarongo vanamakumi masere,” asi iye anomuramba. (6:8) Ari pano bedzi nemhaka yokuti basa raakatumwa kuti aite rakanga ramuunza pedyo nomusasa wake. ‘Munooneiko mandiri?’ anobvunza kudaro. Soromoni anoshandisa mubvunzo wake usina mhaka kumuudza nezverunako rwake, kubvira pazvitsitsinho zvetsoka dzake kusvikira kumusoro wake, asi musikana anodzivisa manomano ake ose. Noushingi anozivisa kuzvipira kwake kumufudzi wake, achimuchemera. Kwenguva yechitatu, anoyeuchidza vanasikana veJerusarema kuti vakapika kusamutsa kuda maari kunorwisana nokuda kwake. Soromoni anomurega achienda kumusha. Akundikana mukutsvaka kwake rudo rwomuShuramiti.
15. (a) Musikana anodzokera nokukumbirai kuhanzvadzi dzake? (b) Kuzvipira kwakakwana kwakakunda sei?
15 MuShuramiti anodzokera (8:5-14). Hanzvadzi dzake dzinomuona achisvika, asi haasati ari oga. Aka“sendamira pamudiwa wake.” Anoyeuka kuve akasangana nomudiwa wake pasi pomuapuri ndokuzivisa kusaputsika kwokumuda kwake. Dzimwe dzetsinhiro dzakatangirezvi dzehanzvadzi dzake pamusoro pokumuitira hanya kwadzo apo aiva “hanzvadzi duku” dzinodudzwa, asi anozivisa kuti iye akazvibvumikisa amene kuva mukadzi akura uye akatsiga. (8:8, NW) Hanzvadzi dzake zvino ngadzibvumire kuroorwa kwake. Mambo Soromoni anogona kuva nepfuma yake! Iye anogutsikana nomunda wake mumwe wemizambiringa, nokuti anoda uyo waanoda zvikuru. Kwaari urwu rudo rwakasimba sorufu uye kupisa kwarwo so“murazvo waJah.” Kuomerera pakuzvipira kwakakwana “sokusatera seSheori” kwakakunda uye kwakatungamirira kuukuru hune mbiri hwokubatanidzwa nomudiwa wake mufudzi.—8:5, 6, NW.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
16. Zvifundoi zvinokosha zvinodzidziswa muurwu rwiyo?
16 Zvifundoi zvinodzidziswa muurwu rwiyo rworudo izvo munhu waMwari angawana zvichibetsera nhasi? Kutendeka, ruvimbiko, uye perero kunheyo dzoumwari zvinoratidzwa zvakajeka. Rwiyo rwacho rwunodzidzisa runako rwokuchena nokusava nemhaka mumudiwa wechokwadi. Rwunodzidzisa kuti rudo rwechokwadi runoramba rusingakundwi, rusingadzimiki, rusingatengeki. Majaya echiKristu nemhandara pamwe chete navarume navadzimai vanogona kubetserekana nouyu muenzaniso wakakodzera weperero apo miedzo inomuka uye zvinokwezva zvinozvipa zvimene.
17. (a) Pauro anoratidza sei urwu rwiyo kuve rwakanyorwa nokuda kwomurayiridzo weungano yechiKristu? (b) Neiko Pauro angave aisanorwurangarira mukunyorera vaKorinte navaEfeso? (c) Ienzanoi dzinofadza dzingaitwa namanyoro akafuridzirwa aJohane?
17 Asi urwu rwiyo rwakafuridzirwa rwunobetserawo zvikurusa nokuda kweungano yechiKristu yose zvayo. Rwakazivikanwa sorutivi rwaMagwaro akafuridzirwa navaKristu vomuzana ramakore rokutanga, mumwe wavo akanyora, kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa nokuda kwomurayiridzo wedu, kuti kupfurikidza netsungiriro yedu uye kupfurikidza nenyaradzo inobva muMagwaro tigova netariro.” (VaR. 15:4, NW) Munyori mumwe cheteyu akafuridzirwa, Pauro, aigona kuve aisanorangarira kuda kwakakwana kwomusikana muShuramiti mufudzi wake apo akanyorera ungano yechiKristu, kuti: “Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo roumwari, nokuti ini pachangu ndakakuvimbisai muroorano nomurume mumwe kuti ndigokupai semhandara yakachena kuna Kristu.” Pauro akanyorawo kuda kwaKristu ungano sokuye kwomurume nokuda kwomudzimai. (2 VaK. 11:2, NW; VaEf. 5:23-27) Jesu Kristu haasati achingova bedzi Mufudzi Akaisvonaka wavo asi ndiMambo wavowo anotambanudzira kuvateveri vake vakazodzwa mufaro usingarondedzereki we“roorano” naye mumatenga.—Zvak. 19:9, NW; Joh. 10:11.
18. Vateveri vakazodzwa vaKristu Jesu vangabetserwa munzirai nomuenzaniso womusikana muShuramiti?
18 Zvirokwazvo ava vateveri vakazodzwa vaKristu Jesu vanogona kubetserwa zvikuru nomuenzaniso womusikana muShuramiti. Vanofanirawo kuva vakavimbika murudo rwavo, vasinganyengerwi nezvinopenya zvokudisa zvinhu zvokunyama zvenyika, kuchengeta dzikamo muperero yavo kusvikira kukuwanwa kwetuso. Ndangariro dzavo dzakaiswa pazvinhu zviri kumusoro uye ‘vanotanga kutsvaka Umambo.’ Vanogamuchira mashoko erumbidzo orudo oMufudzi wavo, Jesu Kristu. Vanofadzwa zvikuru nokuziva kuti uyu mudiwa, kunyange zvazvo asingaoneki, ari pedyo parutivi pavo, achivakumbira kuti vashinge ndokukunda nyika. Zvavane rudo irworwo rwusingapedzwi, rwakasimba so“murazvo waJah,” nokuda kwaMambo Mufudzi, zvirokwazvo vachakurira ndokuva vanobatanidzwa naye savadyi venhaka pamwe muUmambo hune mbiri hwamatenga. Nokudaro zita raJah richatsveneswa!—Mat. 6:33; Joh. 16:33.
[Mashoko Omuzasi]
a Mishnah yechiJudha (Yadayim 3:5).
b Commentary yaClarke, Vhor. III, peji 841.