Bhuku reBhaibheri Nhamba 57—Firemoni
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Roma
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 60–61 C.E.
1. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinhu zvinoratidzira tsamba yaPauro kuna Firemoni?
IYI tsamba yokungwarira zvikuru pakutaura neyorudo yaPauro ndeyefariro huru kuvaKristu nhasi. Iyo haisati iri bedzi tsamba pfupi zvikurusa yakachengetwa yakanyorwa noruoko rwo“muapostora wavahedheni” asi muBhaibheri rose Johane Wechipiri noWechitatu bedzi ane mashoko mashomanene. Uyewo, ndiyo bedzi tsamba “yomunhu oga” yaPauro, mukuti haina kunyorerwa zvapamutemo ungano kana kuti mutariri ane mutoro asi yakanyorerwa munhu uye yaibata bedzi nechinetso chaicho icho Pauro aida kukurukura neiyi hama yechiKristu, sezviri pachena Firemoni akapfuma, uyo aigara muguta reFirigia reKorose, pakati pamene peAsia Minor.—VaR. 11:13.
2. Tsamba kuna Firemoni yakanyorwa mumamirirei ezvinhu uye nokuda kwechinangwai?
2 Chinangwa chetsamba yacho chinoziviswa nenzira yakajeka: Mukati mokuiswa mutorongo kwake kwokutanga muRoma (59-61 C.E.), Pauro akanga ane rusununguko rukuru rwokuparidza Umambo hwaMwari. Pakati paavo vakateerera kuparidza kwake pakanga pana Onesimo, muranda akatiza womuimba yaFiremoni, shamwari yaPauro. Somugumisiro, Onesimo akava muKristu, uye Pauro akasarudza, nemvumo yaOnesimo, kumudzorera kuna Firemoni. Pakanga pari panguva iyoyiwo apo Pauro akanyora tsamba kuungano muEfeso neKorose. Mutsamba dzose idzodzi dziri mbiri, akapa zano rakanaka kuvaranda vechiKristu navaridzi vavaranda pamusoro penzira yokuzvibata nayo vamene nenzira yakakodzera muuhwu ukama. (VaEf. 6:5-9; VaK. 3:22–4:1) Zvisinei, mukuwedzera kuna ikoku, Pauro akanyora tsamba kuna Firemoni umo iye somunhu oga akateterera nokuda kwaOnesimo. Yakanga iri tsamba yakanyorwa noruoko rwake amene—chinhu chechienzi nokuda kwaPauro. (Fir. 19) Iyi batano yomunhu oga yakawedzera zvikuru kukukomba kwechikumbiro chake.
3. Sezvingabvira zvikurusa tsamba kuna Firemoni yakanyorwa rini, uye yakaendeswa sei?
3 Tsamba yacho sezvingabvira zvikurusa yakanyorwa munenge muna 60-61 C.E., sezvo Pauro sezviri pachena akanga aparidza muRoma nguva refu zvakakwana kuti aite vatendeuki. Uyewo, nemhaka yokuti anoratidzira tariro, mundima 22, yokusunungurwa, tinogona kugumisa kuti tsamba yacho yakanyorwa pashure pokunge nguva yakati yokuiswa kwake mutorongo yapfuura. Kunoratidzika kuti idzi tsamba nhatu, imwe yaFiremoni nedziya dzeungano muEfeso neKorose, dzakatumirwa naTikiko naOnesimo.—VaEf. 6:21, 22; VaK. 4:7-9.
4. Chii chinobvumikisa kunyorwa nokuva rechokwadi kwebhuku raFiremoni?
4 Kuti Pauro akanga ari munyori webhuku raFiremoni kuri pachena mundima yokutanga, umo anodudzwa nezita. Akabvumwa seakadaro naOrigen naTertullian.a Uchokwadi hwebhuku racho hunotsigirwawo nokurongwa kwaro, nedzimwe dzetsamba dzaPauro, muMuratorian Fragment yezana ramakore rechipiri C.E.
ZVIRI MUBHUKU RAFIREMONI
5. (a) Tsamba yacho inotanga nekwazisoi nerumbidzo? (b) Pauro anoudza Firemoni chii nezvemuranda wake Onesimo?
5 Onesimo anodzorerwa kuna tenzi wake “seanopfuura muranda” (Ndima 1-25, NW). Pauro anotumira kwaziso dzoushamwari kuna Firemoni, kuna Apfia “hanzvadzi yedu,” kuna Arkipo “murwi biyedu,” uye kuungano iri muimba yaFiremoni. Anorumbidza Firemoni (ane zita rinoreva kuti “Ane Rudo”) nokuda kworudo nokutenda zvaanazvo kunaShe Jesu navatsvene. Mishumo yorudo rwaFiremoni yakaunzira Pauro mufaro mukuru nenyaradzo. Pauro, murume akwegura nomusungwa, zvino anozvitaurira amene norusununguko rukuru rwokutaura pamusoro po“mwana” wake Onesimo, uyo aka“bereka” apo akanga ari muzvisungo zvetorongo. Onesimo (ane zita rinoreva kuti “Anobetsera”) akanga ambova asingabetseri kuna Firemoni, asi zvino anobetsera kuna vose vari vaviri Firemoni naPauro.—Ndima 2, 10.
6. Pauro anorumbidza rudzii rwokubatwa kwaOnesimo, uye nokurangarirai kwokungwarira?
6 Muapostora aizoda kuchengeta Onesimo kuti amushumire mutorongo, asi aisazoita saizvozvo pasina mvumo yaFiremoni. Naizvozvo ari kumudzorera, “achisirizve somuranda asi seanopfuura muranda, sehama inodikanwa.” Pauro anokumbira kuti Onesimo agamuchirwe nomutsa, nzira imwe cheteyo iyo Pauro amene aizogamuchirwa nayo. Kana Onesimo akatadzira Firemoni, Pauro ngaaripe, nokuti, Pauro anoudza Firemoni kuti, “Une ngava kwandiri kunyange iwe umene.” (Ndima 16, 19) Pauro anovimba kuti angakurumidza kubudiswa uye kuti angashanyira Firemoni, uye anogumisa nekwaziso.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
7. Pamusoro paOnesimo, Pauro akanga ari kunamatira sei kukudanwa kwake kwakakwirira somuapostora?
7 Sezvinoratidzwa neiyi tsamba, Pauro akanga asiri kuparidza “evhangeri yomunzanga,” achiedza kubvisa tsika yaivapo yezvinhu namasangano ayo, zvakadai souranda. Haana kusunungura kunyange varanda vechiKristu nenzira yamadiro, asi, panzvimbo pezvo, akadzokesa muranda akatiza Onesimo parwendo runomutorera anopfuura makiromita 1 400 kubva Roma kuenda kuKorose, kuna tenzi wake Firemoni chaiko. Nokudaro Pauro akanamatira kukudanwa kwake kwakakwirira somuapostora, achirarama nenzira yorumano maererano nebasa rake roumwari ro“kuparidza umambo hwaMwari . . . uye kudzidzisa zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu.”—Mabasa 28:31; Fir. 8, 9, NW.
8. Kushandiswai kunoshanda kwenheyo dzechiKristu uko tsamba yaFiremoni inoratidzira?
8 Tsamba kuna Firemoni inozivisa mukuti inoratidza rudo nechinzwano zvaivako pakati pavaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Mairi tinodzidza kuti vaKristu vapakuvamba vaiidzana kuti “hama” na“hanzvadzi.” (Fir. 2, 20) Mukuwedzera, inozivisa nokuda kwavaKristu nhasi kushandiswa kunoshanda kwenheyo dzechiKristu pakati pehama dzechiKristu. Kuna Pauro, tinowana kuratidzirwa kworudo rwouhama, kuremekedzwa kwoukama hwokunyika uye kwezvinhu zvomumwe, kungwarira pakutaura kunobudirira, uye kuzvininipisa kunorumbidzwa. Panzvimbo pokuedza kumanikidza Firemoni kukanganwira Onesimo kupfurikidza nesimba rechiremera chaaiva nacho somutariri anotungamirira muungano yechiKristu, Pauro nenzira yokuzvininipisa akakumbira kwaari pahwaro hworudo rwechiKristu noushamwari hwake hwomunhu oga. Vatariri nhasi vanogona kubetserwa nomutoo wokungwarira pakutaura uyo Pauro akasvika Firemoni nawo.
9. Kupfurikidza nokuwirirana nechikumbiro chaPauro, muenzanisoi wakaisvonaka uyo uri wefariro kuvaKristu nhasi uyo Firemoni aizogadza?
9 Pauro sezviri pachena aikarira Firemoni kuwirirana nechikumbiro chake, uye kuita kwaFiremoni saizvozvo kwaizova kushandiswa kunoshanda kweizvo Jesu akataura pana Mateo 6:14 uye kweizvo Pauro akataura pana VaEfeso 4:32. VaKristu nhasi vanogonawo kukarirwa kuva vane mutsa nevanokanganwira kuhama inogumbura. Kana Firemoni aigona kuva anokanganwira kumuranda waaiva tenzi wake uye uyo akanga akasununguka pamutemo kubata zvisina kufanira sezvaaida, vaKristu nhasi vanofanira kukwanisa kukanganwira hama inogumbura—basa risina kutongooma zvikuru.
10. Kushanda kwomudzimu waJehovha kuri pachena sei mutsamba kuna Firemoni?
10 Kushanda kwomudzimu waJehovha kuri pachena zvikuru muiyi tsamba kuna Firemoni. Kunoratidzirwa munzira younyanzvi iyo Pauro akabata nayo chinetso chinotapura zvikuru. Kuri pachena mutsitsi, chidakadaka chinyoro, uye chivimbo mumuKristu biyake izvo zvinoratidzirwa naPauro. Kunooneka muidi rokuti tsamba kuna Firemoni, kufanana namamwe Magwaro, inodzidzisa nheyo dzechiKristu, inokurudzira chinzwano chechiKristu, uye inokudza rudo nokutenda izvo zvakawanda pakati pa“vatsvene,” avo vanovimba noUmambo hwaMwari vane mufambiro umo tsitsi dzorudo dzaJehovha dzinoratidzirwa.—Ndima 5.
[Mashoko Omuzasi]
a The International Standard Bible Encyclopedia, rakapepetwa naG. W. Bromiley, Vhor. 3, 1986, peji 831.