RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 254-256
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 61—2 Petro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 61—2 Petro
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAPETRO RECHIPIRI
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ramba Uchirangarira Zuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 60—1 Petro
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 254-256

Bhuku reBhaibheri Nhamba 61—2 Petro

Munyori: Petro

Nzvimbo Yakanyorerwa: Bhabhironi (?)

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 64 C.E.

1. Maidii anobvumikisa kunyora kwaPetro tsamba yaPetro Yechipiri?

APO Petro akanyora tsamba yake yechipiri, akaziva kuti akanga achizotarisana norufu nokukurumidza. Aishuva zvikuru kuyeuchidza vaKristu biyake nezvoukoshi hwezivo yakarurama kuti ivabetsere kuchengeta kutsiga muushumiri hwavo. Kwaizova here nechikonzero chipi nechipi chokupanikira kuti muapostora Petro akanga ari munyori wetsamba yechipiri ine zita rake? Tsamba yacho iyo imene inobvisa panikiro dzipi nedzipi idzo dzingave dzakamuka pamusoro pokunyorwa. Munyori wacho anoti iye ndi“Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu.” (2 Pet. 1:1) Iye anonongedzera kune iyoyi se“nwadi yechipiri yandinokunyorerai.” (3:1) Anotaura nezvake amene sechapupu chakaona chokushanduka chitarisiko kwaJesu Kristu, ropafadzo iyo Petro akagoverana naJakobho naJohane, uye iye anonyora nezvaikoku nokunzwa kwose kwechapupu chakaona. (1:16-21) Anodudza kuti Jesu akanga afanotaura rufu rwake.—2 Pet. 1:14; Joh. 21:18, 19.

2. Chii chinotsigira kuva romundaza manyoro matsvene kwaPetro Wechipiri?

2 Zvisinei, vamwe vatsoropodzi vakanongedzera kumusiyano mumunyorerwo wetsamba mbiri sechikonzero chokuramba tsamba yechipiri sebasa raPetro. Asi ikoku hakufaniri kuparira chinetso chaichoicho, nokuti nhau nechinangwa mukunyora zvakanga zvakasiyana. Mukuwedzera, Petro akanyora tsamba yake yokutanga “naSirvhano, hama yakatendeka,” uye kana Sirvhano akapiwa rusununguko mukuumba mitsetse yacho, ikoku kungagona kuparira musiyano womunyorero mutsamba mbiri dzacho, sezvo Sirvhano sezviri pachena akanga asina rutivi mukunyora tsamba yechipiri. (1 Pet. 5:12) Kuva kwayo yomundaza yamanyoro matsvene kwakarambwawo pachikonzero chokuti iyo “inopupurirwa zvisina kunaka muMadzibaba.” Zvisinei, sezvingacherekedzwa muchati ye“Ndaza Dzakatanhamara Dzapakuvamba dzaMagwaro echiKristu echiGiriki,” tsamba yaPetro Yechipiri yairangarirwa sorutivi rwendaza yamanyoro eBhaibheri nezviremera zvakati kuti zvakatangira Dare Rechitatu reCarthage.a

3. Sezviri pachena tsamba yaPetro Yechipiri yakanyorwa rini uye kupi, uye yakanyorerwa vanaani?

3 Tsamba yechipiri yaPetro yakanyorwa rini? Kunobvira zvikurusa kuti yakanyorwa munenge muna 64 C.E. ari muBhabhironi kana kuti munharaunda yaro, nokukurumidza pashure petsamba yokutanga, asi hakuna ufakazi hwakananga, zvikurukuru pamusoro penzvimbo yacho. Panguva yokunyora, dzakawanda zvikurusa dzetsamba dzaPauro dzakanga dzichitenderera pakati peungano uye dzaizivikanwa naPetro, uyo akadzirangarira sedzakafuridzirwa naMwari uye akadzironga ne“mamwe magwarowo.” Tsamba yechipiri yaPetro yakanyorwa “kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu,” uye inobatanidza avo tsamba yokutanga yakanyorerwa kwavari navamwe avo Petro akanga aparidzira. Kungofanana netsamba yokutanga yakanga yatenderera munharaunda dzakawanda, naizvozvo tsamba yechipiri yakavawo yavose.—2 Pet. 3:15, 16; 1:1; 3:1; 1 Pet. 1:1.

ZVIRI MUBHUKU RAPETRO RECHIPIRI

4. (a) Hama dzinofanira kuvavarira sei kuva dzinobereka zvibereko pamusoro pezivo yakarurama, uye dzinopikirwei? (b) Shoko rouporofita rinoitwa kuti rive rechokwadi zvikuru sei, uye neiko richifanira kuteererwa?

4 Kuva nechokwadi chedanidzo kuUmambo hwokudenga (1:1-21). Petro anokurumidza kuratidza kuitira hanya kworudo “vakagoverwa kutenda.” Iye anoshuva kuti mutsa usakafanirwa norugare zviwedzerwe kwavari “pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu.” Mwari akavapa pachena “zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo,” izvo vangava vagoverani muumwari kupfurikidza nazvo. Naizvozvo, kupfurikidza nenhamburiko yapachokwadi ngavagovere kukutenda kwavo kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo. Kana aya mavara akafashukira mavari, havasati vachizotongova vasingaiti basa kana kuti vasingabereki zvibereko pamusoro pezivo yakarurama. Hama dzinofanira kuita unani hwadzo kuva nechokwadi chedanidzo yadzo nokusarudzwa, pamwe chete nokupinda kwadzo muUmambo husingaperi hwaShe wavo. Achiziva kuti ‘kubviswa kwetabhenakeri yake kuchakurumidza kuvapo,’ Petro anoda kuvayeuchidza nezvezvinhu izvozvi kuti vagozvidudza pashure pokuenda kwake. Petro akanga ari chapupu chakaona chokuisvonaka kwaKristu mugomo dzvene apo iri inzwi ra“kauya . . . kwaari richibva kukubwinya kukurukuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.” Nokudaro, shoko rouporofita rinoitwa kuti rive rechokwadi zvikuru, uye rinofanira kuteererwa, nokuti harisati riri kupfurikidza nokuda kwomunhu, “asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—1:1, 2, 4, 14, 17, 21.

5. Petro anopa nyeveroi pamusoro pavadzidzisi venhema, uye mienzanisoi ine simba yaanoshandisa pamusoro pouchokwadi hworutongeso rwaMwari pavanhu vakadaro?

5 Nyevero yakasimba pamusoro pavadzidzisi venhema (2:1-22). Vaporofita venhema navadzidzisi vachapinza masekete anoparadza, vachasimudzira mufambiro usingadzorwi, uye vachaunza ruzvidzo pazvokwadi. Asi kuparadzwa kwavo hakukotsiri. Mwari haana kurega kuranga ngirozi dzakatadza, kuunza boporodzi muzuva raNoa, kana kuti kuroromesa Sodhoma neGomora. Asi akanunura muparidzi Noa naRoti akarurama, naizvozvo “Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurohwa kusvikira pazuva rokutongwa.” Nokuti ivava vanotsunga, vanoita madiro, vakafanana nemhuka dzisingarangariri, vasingazivi, vanotuka, vanofarira dzidziso dzinonyengera, mhombwe, vanochiva, uye vakafanana naBharami mukuda tuso yekuita chakaipa. Vanovimbisa rusununguko asi ivo vamene varanda vokuora. Kungadai kwakava kuri nani kuti vasazive nzira yokururama, nokuti chirevo chakaitika kwavari, chinoti: “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuumburuka mumatope.”—2:9, 22.

6. (a) Neiko Petro achinyora, uye anotaurei pamusoro pechipikirwa chaMwari? (b) Mukupesana navaseki, vaKristu vanofanira kuzviratidza vamene sei kuva vakangwarira?

6 Kusanorangarira zuva raJehovha (3:1-18). Petro ari kunyora kuti anyandure mano akajeka okufunga avaKristu, kuti vagoyeuka mashoko akataurwa kare. Vaseki vachauya mumazuva okupedzisira, vachiti: “Chipikirwa chokuuya [kwaKristu] chiripiko zvino?” Hakucherekedzwi naava vanhu kuti Mwari akaparadza nyika yenguva dzakare nemvura uye kuti “denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri” uye kuti zvaka“chengeterwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” Makore ane chiuru kuna Jehovha akaita sezuva rimwe, naizvozvo “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira,” asi anoshivirira, asingashuvi kuti vapi navapi vaparadzwe. Nokudaro, vaKristu vanofanira kungwarira mufambiro wavo uye vanofanira kuita mabasa okuzvipira kwoumwari sezvo vanomirira nokusanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha, kupfurikidza naro matenga achaparadzwa nemwoto uye zvinhu zvichanyauka nokupisa kukuru. Asi kuchava ne“denga idzva nenyika itsva” maererano nechipikirwa chaMwari.—3:4, 7, 9, 13.

7. Vachiva neiyi zivo yapachine nguva mberi, vaKristu vanofanira kuzvishandisa vamene sei?

7 Nokudaro, vanofanira kuita unane hwavo “kuti [va]wanikwe naye [va]ne rugare, [va]sina ruvara, [va]sina mhosva.” Vanofanira kurangarira shiviriro yaShe wavo soruponeso, kungofanana neizvo Pauro anodiwa akavanyorera. Neiyi zivo yepachine nguva mberi, ngavangwarire kusawa pakutsiga kwavo vamene. “Asi” anogumisa kudaro Petro, “kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi.”—3:14, 18.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

8. (a) Petro anopupurira sei kufuridzirwa kwaose ari maviri Magwaro echiHebheru neechiGiriki? (b) Tichabetserwa sei nokubatisisa zivo yakarurama?

8 Zivo yakarurama inokosha sei! Petro amene anobatanidza muzvibvumikiso zvake zivo yakarurama iyo akawana muMagwaro echiHebheru. Anopupurira kuti akafuridzirwa nomudzimu mutsvene: “Nokuti uporofita hahuna kutongounzwa nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura kubva kuna Mwari sezvo vaitsigirwa nomudzimu mutsvene.” Iye anoonesawo kuti uchenjeri hwaPauro “hwaakapiwa.” (1:21, NW; 3:15) Tinobetserwa zvikuru nokurangarira Magwaro ose iwaya akafuridzirwa uye kupfurikidza nokubatisisa zivo yakarurama. Ipapo hatisati tichizotongova vasingaitiri hanya, kufanana naavo Petro anorondedzera sevanoti: “Zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” (3:4) Uyewo hatisati tichizowira mumisungo yavadzidzisi venhema vakafanana naavo Petro anorondedzera muganhuro 2 yetsamba yake. Panzvimbo pezvo, tinofanira kurangarira nguva dzose zviyeuchidzo zvakagoverwa naPetro navamwe vanyori veBhaibheri. Izvozvi zvinotibetsera kuramba ta“kasimba pazvokwadi” uye ku“[kura] panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu.”—1:12; 3:18.

9. Tinokurudzirwa kuita nhamburikoi yapachokwadi, uye neiko?

9 Seyamuro mukuwedzera mu“kuziva Mwari naJesu, Ishe wedu,” Petro anorumbidza nhamburiko yapachokwadi yokuvaka mavara aye echiKristu akarongwa muganhuro 1, ndima 5 kusvikira ku7. Ipapo, 1 mundima 8, anowedzera, kuti: “Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.” Zvirokwazvo iyi ikurudziro yakaisvonaka kumubato savashumiri vaMwari muano mazuva anotambudza!—1:2.

10. (a) Petro anosimbisa zvipikirwai, uye anokurudzirei pamusoro pazvo? (b) Ivimbisoi iyo Petro anopa pamusoro pouporofita hwoUmambo?

10 Kunokosha sei kuzvishandisa umene kusvikira kuunane kuva nechokwadi chokugoverana “zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo” zvaJehovha Mwari! Naizvozvo kunodaro kuti Petro anokurudzira vaKristu vakazodzwa kuchengeta meso avo akanangidzirwa panharidzano yoUmambo, achiti: “Shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi. Nokuti muchizviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muushe hwokusingaperi hwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.” Ipapo Petro anodanira ngwariro kukuisvonaka kwembiri yoUmambo yaJesu, iyo akanga ave ari chapupu chakaona chayo kupfurikidza nechiono chokushanduka chitarisiko, uye anowedzera, kuti: “Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo.” Chokwadi, uporofita huri hwose hune chokuita noUmambo hwakaisvonaka hwaJehovha huchasvika kuzadziko ine chokwadi. Nokudaro, tinodzokorora nechivimbo mashoko aPetro akanokorwa muuporofita hwaIsaya, kuti: “Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Pet. 1:4, 10, 11, 19; 3:13; Isa. 65:17, 18.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona chati iri papeji 303.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe