Fundo Pamusoro paMagwaro Akafuridzirwa Nemamirire Awo Ezvinhu Ekare
Fundo Nhamba 8—Betsero dze“New World Translation”
Kurukurirano yomutauro wayo wazvino uno, kufanana kwayo, kushandura kwayo zviito kwokungwarira, uye kutaura kune simba kwayo Shoko raMwari.
1. (a) New World Translation inoruramisa chimiroi chendangariro, uye sei? (b) MuchiNgezi, neiko Jehovah achishandiswa panzvimbo paYahweh kana kuti chimwe chimiro chezita racho?
MUMAKORE achangobva kupfuura aya shanduro dzeBhaibheri dzazvino uno dzakati dzakabudiswa idzo dzakaita zvakawanda kubetsera vadi veShoko raMwari kuwana mufungo wamanyoro apakuvamba nokukurumidza. Zvisinei, shanduro dzakawanda dzakabvisa kushandiswa kwezita raMwari muchinyorwa chinoyera. Pane rumwe rutivi, New World Translation inoremekedza uye inokudza zita rinokosha raMwari Wokumusorosoro kupfurikidza nokuridzorera kunzvimbo yaro yakarurama murugwaro. Zita racho zvino rinooneka munzvimbo 6 973 muchikamu chaMagwaro echiHebheru, pamwe chete nomunzvimbo 237 muchikamu chaMagwaro echiGiriki, hwerengedzo yenzvimbo 7 210 pamwe chete. Chimiro chokuti Yahweh chinosarudzwa kazhinji kazhinji nenyanzvi dzechiHebheru, asi uchokwadi hwokududza hauwanwi zvino. Naizvozvo, chimiro chakaitwa chechiLatin Jehovah chinopfuurira kushandiswa nemhaka yokuti chave chichishandiswa kwamazana amakore uye ndiko kushandurwa kwechiNgezi kunogamuchirwa navose zvikurusa kweTetragrammaton, kana kuti zita rine mavara mana rechiHebheru יהוה. Nyanzvi yechiHebheru R. H. Pfeiffer yakati: “Chipi kana chipi chingataurwa nezvemavambo aro asina chokwadi, ‘Jehovah’ ndiko uye kunofanira kuramba kuri kushandurwa kwakarurama kwechiNgezi kwaYahweh.”a
2. (a) Kune mienzaniso yokudzorera zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki here? (b) Nokudaro ipanikiroi inobviswa?
2 New World Translation hachisati chiri chinyorwa chokutanga kudzorera zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki. Kubvira munenge muzana ramakore rechi14 zvichienda mberi, vashanduri vakawanda vakanzwa vachimanikidzwa kudzorera zita raMwari murugwaro, zvikurukuru munzvimbo umo vanyori vaMagwaro echiKristu echiGiriki vanonokora mashoko mumagwaro aMagwaro echiHebheru ayo ane zita raMwari. Zvinyorwa zvakawanda zvavafundisi zvomutauro wazvino uno, kubatanidza zvinyorwa zveAfrica, zveAsia, zveAmerica, uye zvechitsuwa chePacific zvaMagwaro echiGiriki, zvinoshandisa zita rokuti Jehovha norusununguko, sezvinoita zvimwe zvinyorwa zvemitauro yeEurope. Kupi kana kupi uko zita raMwari rinoshandurwa, hapachisinazve kupanikira kupi nokupi pamusoro pokuti ndi“ishe” upi anoratidzirwa. NdiShe wokudenga napasi, Jehovha, uyo ane zita rinotsveneswa kupfurikidza nokuchengetwa rakatanhamara uye rakatsaukana muNew World Translation of the Holy Scriptures.b
3. New World Translation inobetsera kupa simba, runako, uye pfungwa yamanyoro apakuvamba kupfurikidza nomutooi?
3 New World Translation inowedzerazve kukutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza nokupa Magwaro ake akafuridzirwa mumutauro wakajeka, unonzwisisika uyo unounza revo yakarongwa nenzira yakajeka kundangariro yomuravi. Inoshandisa mutauro wakapfava, wazvino uno, yakafanana sezvinobvira mukushandura kwayo, inopa nenzira yakarurama chiito kana kuti mugariro unoratidzirwa muzviito zvechiHebheru nechiGiriki, uye inotsauranisa pakati pezvakawanda nechinhu chimwe mukushandisa kwayo chisazitasingwi “you” uye pakushandisa chimiro chokurayira chechiito umo mashoko akapoteredza asingaiti kuti chive pachena. Muidzi nedzimwe nzira, New World Translation inojekesa mukutaura kwazvino uno, zvikuru sezvinobvira, simba, runako, uye pfungwa yamanyoro apakuvamba.
RAKASHANDURWA MUMUTAURO WAZVINO UNO
4. (a) Chinangwai chakaisvonaka icho mumwe mushanduri wapakuvamba weBhaibheri akataura? (b) Chii chakava chiri madikanwa nokufamba kwenguva?
4 Shanduro dzeBhaibheri dzekare zvikuru dzine mashoko akawanda asingachashandi ari omuzana ramakore rechi16 nerechi17. Kunyange zvazvo asinganzwisiswi zvino, ainzwisiswa nenzira iri nyore panguva iyoyo. Somuenzaniso, mumwe murume uyo akanga ane zvakawanda zvokuita nokuaisa muBhaibheri rechiNgezi akanga ari William Tyndale, uyo anoshumwa seaitaura kumumwe wavashori vake vorudzidziso, kuti: ‘Kana Mwari akachengeta upenyu hwangu, makore akawanda asati apera ndichasakisa mukomana anorima negejo kuziva akawanda aMagwaro kupfuura zvamunoita.’ Shanduro yaTyndale yaMagwaro echiGiriki yakanga iri nyore zvakakwana kuti mukomana anorima negejo anzwisise munguva yake. Zvisinei, akawanda amashoko ayo akashandisa zvino ava ekare, zvokuti ‘mukomana anorima negejo’ haachagoni kubata nenzira yakajeka revo yamashoko akawanda ari muKing James nezvimwe zvinyorwa zvekare zvikuru zveBhaibheri. Nokudaro, kwazova kuri madikanwa kubvisa zvinovanza zvomutauro wekare uye kudzorera Bhaibheri kumutaurowo zvawo wavanhuwo zvavo.
5. Bhaibheri rinofanira kuoneka mumutauroi, uye neiko?
5 Wakanga uri mutauro womunhuwo zvake uyo waishandiswa mukunyora Magwaro akafuridzirwa. Vaapostora navamwe vaKristu vapakuvamba havana kushandisa chiGiriki chakaoma kunzwisisa chavazivi vakadai saPlato. Vaishandisa chiGiriki chezuva riri rose, ndiko kuti, Koine, kana kuti chiGiriki chaizivikanwa navose. Nokudaro, Magwaro echiGiriki, kufanana naMagwaro echiHebheru akaatangira, akanyorwa mumutauro wavanhu. Kunokosha zvikuru, ipapoka, kuti shanduro dzaMagwaro apakuvamba dzinofanira kuvawo mumutauro wavanhu, kuti dzinzwisiswe nenzira iri nyore. New World Translation inoshandisa nokuda kweichi chikonzero, kwete mutauro wekare wamazana matatu kana kuti mana akapfuura, asi kutaura kwazvino uno kwakajeka, kunojekesa zvokuti varavi vachasvika chaizvoizvo pakuziva izvo Bhaibheri riri kutaura.
6. Enzanisira betsero yokushandisa kutaura kwazvino uno munzvimbo yamashoko asingachashandi.
6 Kupa mufungo wakati woukuru hwechinjo mumutauro wechiNgezi kubva muzana ramakore rechi17 kusvikira kuzana ramakore rechi20, cherekedza enzaniso dzinotevera kubva muKing James Version neNew World Translation. “Suffered” muKing James Version anova “allowed” muNew World Translation (Gen. 31:7), “was bolled” anova “had flower buds” (Eks. 9:31), “spoilers” anova “pillagers” (Vat. 2:14), “ear his ground” anova “do his plowing” (1 Sam. 8:12), “when thou prayest” anova “when you pray” (Mat. 6:6), “sick of the palsy” anova “paralytic” (Marko 2:3), “quickeneth” anova “makes . . . alive” (VaR. 4:17), “shambles” anova “meat market” (1 VaK. 10:25), “letteth” anova “acting as a restraint” (2 VaT. 2:7), uye zvichingodaro. Kubva muna ikoku ukoshi hweNew World Translation mukushandisa mashoko azvino panzvimbo pamashoko asingachashandi hunogona kusanoongwa.
KUFANANA KWOKUSHANDURA
7. New World Translation inowirirana sei mukushandura kwayo?
7 New World Translation inoita nhamburiko iri yose yokuva inowirirana mukushandura kwayo. Nokuda kweshoko rinopiwa rechiHebheru kana kuti rechiGiriki, kwakagoverwa shoko rimwe rechiNgezi, uye irori rakashandiswa zvakafanana sokubvumidza kunoita dimikira racho kana kuti mashoko akapoteredza mukupa nzwisiso yechiNgezi yakazara. Somuenzaniso, shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh rinoshandurwa nenzira inowirirana kuti “mweya.” Shoko rechiGiriki rinowirirana, psy·kheʹ, rinoshandurwa kuti “mweya” mukuoneka kuri kwose.
8. (a) Ipa mienzaniso yamashoko anopereterwa zvakafanana asi ane revo dzakasiyana. (b) Iwaya akatarisirwa sei mushanduro?
8 Pane dzimwe nzvimbo chinetso chakamuka pamusoro pekushandurwa kwemashoko anopereterwa zvakafanana ane revo dzakasiyana. Aya mashoko ari mumutauro wapakuvamba ayo akapereterwa zvimwe chetezvo asi ane revo huru dzakasiyana. Nokudaro, denho ndeyokugovera shoko rine revo yakarurama pakushandura. MuShona mune mashoko anopereterwa zvakafanana aine revo dzakasiyana akadai se“Nyika” na“nyika” uye “imba” (yokugara) na“imba” (nziyo), ayo anopereterwa zvakafanana asi mashoko akasiyana zvikuru. Mumwe muenzaniso weBhaibheri ndirav wechiHebheru, uyo anomirira mashoko amavambo akasiyana zvikuru, uye iwaya naizvozvo anoshandurwa zvakasiyana muNew World Translation. Rav nenzira inozivikanwa zvikurusa ane revo yokuti “vazhinji,” sepana Eksodho 5:5. Zvisinei, shoko rokuti rav iro rinoshandiswa mumazita okuremekedza, somuna “mukuru wavatariri” (chiHeb., Rav-sha·qehʹ) pana 2 Madzimambo 18:17, rinoreva “mukuru,” separinoshandurwa kuti “mukuru mukuru wake wedare mukuru” pana Dhanieri 1:3, (NW). (Onawo Jeremia 39:3, mashoko omuzasi eNW.) Shoko rokuti rav, rakafanana muchimiro, rinoreva “mupfuri,” uko kunotsanangura kushandura kuri pana Jeremia 50:29. Nyanzvi dzamashoko, dzakadai saL. Koehler naW. Baumgartner, dzakagamuchirwa sezviremera navashanduri mukuparadzanisa aya mashoko anopereterwa zvakafanana.
9. Mumwe mutsinhiri wechiHebheru nechiGiriki akarangarira sei New World Translation?
9 Pamusoro pourwu rutivi rwokufanana, cherekedza zvakataura mutsinhiri wechiHebheru nechiGiriki Alexander Thomson muhwirudzuro yake pamusoro peNew World Translation of the Christian Greek Scriptures: “Shanduro yacho sezviri pachena ibasa renyanzvi dzine unyanzvi uye dzakangwara, idzo dzakatsvaka kubudisa pfungwa huru yechokwadi yorugwaro rwechiGiriki sezvinokwanisa kutaura mutauro wechiNgezi. Chinyorwa chacho chinovavarira kurambira kurevo imwe yechiNgezi nokuda kweshoko guru rechiGiriki rimwe nerimwe, uye kuva chaiyoiyo sezvinobvira. . . . Shoko rinowanzoshandurwa kuti ‘ruramisa’ kazhinji kazhinji rinoshandurwa nenzira yakarurama zvikuru sa‘zivisa kuva vakarurama.’ . . . Shoko nokuda kwoMuchinjikwa rinoshandurwa kuti ‘danda rokutambudzira’ iyo iri imwe vandudziko. . . . Ruka 23:43 inoshandurwa zvakanaka kuti, ‘Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Iwe uchava neni muParadhiso.’ Iyi ivandudziko huru pakurava kwezvinyorwa zvakawanda zvikurusa.” Pakushandurwa kweMagwaro echiHebheru, muhwirudzuri mumwe cheteyo akaita iyi tsinhiro, kuti: “New World Version yakasanofanirwa nokuwana. Inonyandura uye ine upenyu, uye inoita kuti muravi afunge nokufunda. Harisi basa raVaongorori Vamanyoro eBhaibheri, asi renyanzvi dzinokudza Mwari neShoko Rake.”—The Differentiator, April 1952, mapeji 52-7, uye June 1954, peji 136.
10. Enzanisira kuti kuwirirana kweNew World Translation kunotsigira sei zvokwadi yeBhaibheri.
10 Kuwirirana kweNew World Translation kwakakunda kurukurirano dzakawanda dzoudzame dzeBhaibheri mumunda. Somuenzaniso, makore akati akapfuura, nzanga yavanoramba dzidziso dzorudzidziso muNew York yakakumbira Watch Tower Society kutumira vakurukuri vaviri kuzotaura kuboka ravo pamusoro penhau dzeBhaibheri, chiri chikumbiro chakabvumwa. Ava varume vakadzidza vaidavira chirevo chechiLatin, falsum in uno falsum in toto, chinoreva kuti chibvumikiso chinobvumikiswa kuva chenhema mupfundo rimwe ndechenhema chose chose. Mukati mekurukurirano yacho, mumwe murume akadenha Zvapupu zvaJehovha pamusoro pokuvimbika kweBhaibheri. Akakumbira kuti Genesi 1:3 iraviwe kuvateereri, uye ikoku kwakaitwa, muNew World Translation: “Uye Mwari akapfuurira kuti: ‘Chiedza ngachivepo.’ Ipapo kwakava nechiedza.” Nechivimbo, akatevera kukumbira Genesi 1:14, uye iyoyi yakaraviwawo muNew World Translation: “Uye Mwari akapfuurira kuti: ‘Zvivheneko ngazvive mudengezeze rematenga.’” “Mirai,” iye akadaro, “chii chamuri kurava? Bhaibheri rangu rinotaura kuti Mwari akaita chiedza pazuva rokutanga, uye zvakare pazuva rechina, uye ikoko hakuwirirani.” Kunyange zvazvo aitaura kuti anoziva chiHebheru, kwaifanira kuoneswa kwaari kuti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “chiedza” muGe ndima 3 rakanga riri ʼohr, nepo shoko riri muGe ndima 14 rakanga rakasiyana, richiva ma·ʼohrʹ, iro rinonongedzera kuzvivheneko, kana kuti manyuko echiedza. Murume akadzidza akagara pasi akundwa.c Kuwirirana kwokutendeka kweNew World Translation kwakanga kwakunda pfundo racho, kuchitsigira Bhaibheri serakavimbika uye rinobetsera.
KUSHANDURA ZVIITO KWOKUNGWARIRA
11. Rutivii rune simba rwaMagwaro apakuvamba runochengetwa muNew World Translation? Seiko?
11 New World Translation inopa ngwariro chaiyo kukupa pfungwa yechiito yezviito zvechiGiriki nezvechiHebheru. Mukuita saizvozvo, New World Translation inovavarira kuchengeta runako chairwo, rupfave, simba, uye mataurire amanyoro omutauro wapakuvamba. Nokudaro kwave kuri madikanwa kushandisa zviito zvokuwedzera muchiNgezi kupa nenzira yokungwarira migariro chaiyoiyo yezviito zvacho. Nemhaka yesimba rezviito zvawo, Magwaro apakuvamba ane simba kwazvo uye anojekesa kwazvo chiito.
12. (a) Ndeipi iri imwe nzira iyo chiHebheru chinosiyana nayo nemitauro yokuMadokero? (b) Tsanangura mamiriro maviri echiito chechiHebheru.
12 Chiito chechiHebheru hachina “nhambo” munzira iyo shoko rokuti “nhambo” rinoshandiswa nayo mumitauro mizhinjisa yokuMadokero. MuchiNgezi, zviito zvinorangarirwa zvikurukuru muchimiro chenhambo, kana kuti nguva: yakapfuura, yazvino, uye yemberi. Chiito chechiHebheru, pane rumwe rutivi, zvikurukuru chinoratidzira mamiriro echiito chacho, ndiko kuti, chiito chacho chinorangarirwa sechakakwana (mamiriro akakwana) kana kuti zvimwe asina kukwana (mamirire asina kukwana). Aya mamiriro echiito chechiHebheru angashandiswa kuratidzira zviito zvomunguva yakapfuura kana kuti zvomunguva yemberi, mashoko akapoteredza achizivisa nguva. Somuenzaniso, mamiriro akakwana, kana kuti akakwaniswa, echiito nenzira yomuzvarirwo anomirira zviito zvomunguva yakapfuura, asi anoshandiswawo kutaura nezvechiitiko chomunguva yemberi sokunge chakanga chatoitika uye chakapfuura, chichiratidza uchokwadi hwacho hwomunguva yemberi kana kuti kufanira kwacho kuti chiitike.
13. Neiko kurangarirwa kwakafanira kwemamiriro echiito chechiHebheru kuchikosha mukusvika kunzwisiso yakarurama yaGenesi 2:2, 3?
13 Kuisa nenzira yakarurama mamiriro echiito chechiHebheru muchiNgezi kunokosha zvikurusa; nezvisizvo, revo yacho ingashatiswa uye mufungo wakasiyana chose chose unotaurwa. Somuenzaniso waikoku, rangarira zviito zviri muna Genesi 2:2, 3. Mushanduro dzakawanda, dzichitaura nezvokuzorora kwaMwari pazuva rechinomwe, kutaura kwakadai sa“wakazorora,” “akarega,” “akanga arega,” “ipapo akazorora,” “Mwari akazorora,” uye “akanga azorora” kunoshandiswa. Kubva muuku kurava munhu angagumisa kuti kuzorora kwaMwari pazuva rechinomwe kwakapedzwa munguva yakapfuura. Asi cherekedza kuti New World Translation inobudisa sei pfungwa yezviito zvinoshandiswa muchikamu chamashoko chiri pana Genesi 2:2, 3, kuti: “Uye pakasvika zuva rechinomwe Mwari akapedza basa rake iro akanga aita, uye akazorora pazuva rechinomwe pabasa rake rose raakanga aita. Uye Mwari akakomborera zuva rechinomwe ndokuriyeresa, nemhaka yokuti ave akazorora pariri pabasa rake rose iro Mwari akasikira chinangwa chokuita.” Kutaura kuri muGe ndima 2 kwokuti “akazorora” chiito chiri mumamiriro asina kukwana muchiHebheru uye naizvozvo chinoratidzira pfungwa yechiito chisina kukwana kana kuti chinopfuurira. Kushandura kwokuti “akazorora” kunotsinhirana nezvinotaurwa pana VaHebheru 4:4-7. Pane rumwe rutivi, chiito chiri muna Genesi 2:3 chiri mumamiriro akakwana, asi kuti chitsinhirane neGe ndima 2 naVaHebheru 4:4-7, chinoshandurwa kuti “ave akazorora.”
14. Ichidzivisa murangariro usina kururama wawaw anotevedzana, New World Translation inovavarira kuitei pamusoro pezviito zvechiHebheru?
14 Chimwe chezvikonzero zvokusarurama mukushandura zvimiro zvezviito zvechiHebheru irondedzero yegirama nhasi inonzi waw anotevedzana. Waw (ו) chikochekanidzo chechiHebheru chinoreva zvikurukuru kuti “uye.” Hachitongomiri chiri choga asi nguva dzose chinobatanidzwa nerimwe shoko rakati, kazhinji kazhinji nechiito chechiHebheru, kuti chiumbe shoko rimwe nacho. Kwave kuchitaurwa, uye kuchiri kutaurwa, navamwe kuti uku kuwirirana kune simba rokuchinja chiito kubva mumamwe mamiriro kuenda kune mamwe, ndiko kuti, kubva kuchisina kukwana kuenda kuchakakwana (sezvakaitwa mushanduro dzakawanda, kubatanidza dzazvino uno, pana Genesi 2:2, 3) kana kuti kubva muchakakwana kusvikira kuchisina kukwana. Iyi tapuro yakarondedzerwawo neshoko rokuti “waw inoshandura.” Uku kushandiswa kusina kururama kwechimiro chechiito kwakatungamirira kunyongano huru nokukukanganisa kushandurwa kworugwaro rwechiHebheru. New World Translation haibvumi kuti vara rokuti waw rine simba ripi neripi rokuchinja mamirire echiito. Panzvimbo pezvo, kuedza kunoitwa kubudisa simba rakafanira nerinotsauranisa rechiito chechiHebheru, nokudaro ichichengeta revo yerapakuvamba nenzira yakarurama.d
15. (a) Zviito zvechiGiriki zvakashandurwa nengwariroi? (b) Enzanisira betsero yokupa pfungwa yokupfuuridzira nenzira yakarurama.
15 Ngwariro yakafanana yakashandiswa mukushandurwa kwezviito zvechiGiriki. MuchiGiriki nhambo dzezviito dzinoratidza kwete bedzi nguva yechiito kana kuti mamirire asiwo rudzi rwechiito, chingave chechinguvana, chiri kutanga, chiri kupfuurira, chinodzokorora, kana kuti chakapedziswa. Ngwariro kupfungwa dzakadaro muzvimiro zvezviito zvechiGiriki inotungamirira kushanduro yakarurama nesimba rakazara rechiito chinorondedzerwa. Somuenzaniso, kupa pfungwa yomufungo unopfuurira uko ikoku kunoitika muchiito chechiGiriki hakubudisi bedzi chiono chechokwadi chemamiriro ezvinhu asiwo kunoita kuti kurayira nezano zvive zvine simba zvikuru. Somuenzaniso, kusadavira kunopfuurira kwavaFarise navaSadhuse kunosimbiswa namashoko aJesu, anoti: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo.” Uye kudikanwa kwechiito chinopfuurira muzvinhu zvakarurama kunosanoratidzirwa namashoko aJesu, anoti: “Pfuurirai kuda vavengi venyu.” “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo.” “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”—Mat. 16:4; 5:44; 6:33; 7:7, NW.
16. Kupfurikidza nokurangarira nhambo yechiGiriki yeaorist, tsinhiro yaJohane pamusoro peku“tadza” iri pana 1 Johane 2:1 inotaurwa sei nenzira yakarurama?
16 ChiGiriki chine nhambo yechienzi inonzi aorist, iyo inonongedzera kuchiito chine chokuita nenguva, kana kuti chechinguvana. Zviito zviri muaorist zvingashandurwa nenzira dzakasiyana-siyana, maererano namashoko azvo akapoteredza. Nzira imwe umo anoshandiswa ndeyokuratidzira chiito chimwe chorudzi rwakati, kunyange zvazvo chisina chokuita nenguva chaiyoiyo ipi neipi. Muenzaniso wakadaro unowanwa pana 1 Johane 2:1, apo zvinyorwa zvakawanda zvinoshandura chiito cha“kutadza” kuti zvibvumire nzira inopfuurira yechivi, nepo New World Translation ichirava kuti, “kuita chivi,” ndiko kuti, chiito chimwe chechivi. Ikoku kunopa revo yakarurama zvokuti kana muKristu akaita chiito chechivi, ana Jesu Kristu, uyo anoshanda somurevereri, kana kuti mubetseri, kuna Baba vokudenga. Nokudaro, 1 Johane 2:1 haisati ichitongopokana asi inosiyanisa bedzi nekushurikidzwa kwo‘muitiro wechivi’ unowanwa pana 1 Johane 3:6-8 uye 5:18.e
17. Kunze kwokuratidza chiito chinopfuurira, chiizve icho nhambo yechiGiriki isina kukwana ingaratidzira? Enzanisira.
17 Nhambo isina kukwana muchiGiriki ingaratidzira kwete bedzi chiito icho chinopfuurira asiwo chiito chinoedzwa asi chisingaitwi. Cherekedza kuti VaHebheru 11:17 muKing James Version inorava sei: “Kupfurikidza nokutenda Abrahama, apo akaedzwa, akapa Isaka: uye uyo akanga agamuchira zvipikirwa akapa mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” Chiito chokuti “akapa” chinosiyana muchimiro mukuoneka kuviri ikoku muchiGiriki. Kuoneka kwokutanga kuri munhambo yakakwana (yakapedziswa), nepo kwechipiri kuri muchimiro chisina kukwana (chomunguva yakapfuura chinopfuurira). New World Translation, ichirangarira nhambo dzakasiyana, inoshandura ndima yacho, kuti: “Abrahama, apo akaedzwa, akaita seabayira Isaka, uye murume wacho . . . akaedza kubayira mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” Pfungwa yakapedziswa yechiito chokutanga nokudaro inochengetwa, apo nhambo isina kukwana yechiito chechipiri inoratidzira kuti chiito chacho chairangarirwa kana kuti chakaedzwa asi hachina kuitwa kusvikira kukupedzwa.—Gen. 22:9-14.
18. Chii chakabva mukusanongwarira kushanda kwamamwe mativi okutaura? Ipa muenzaniso.
18 Kusanongwarira kushanda kwamamwe mativi okutaura, zvakadai sokumazita, kwakatungamirira kukupedzwa kwekunoratidzika kuva kupokanidzana. Somuenzaniso, pana Mabasa 9:7, mukurondedzera chakaitika chinoshamisa chaSauro munzira inoenda Dhamasko, shanduro dzakati kuti dzinotaura kuti vafambi biyake ‘vakanzwa inzwi’ asi havana kuona munhu upi noupi. Ipapo, pana Mabasa 22:9, apo Pauro ari kurondedzera ichi chiitiko, shanduro dzimwe chetedzo dzinorava kuti kunyange zvazvo vakaona chiedza, ‘havana kunzwa inzwi.’ Zvisinei, munongedzero yokutanga, shoko rechiGiriki nokuda kwa“inzwi” riri muchimiro chechirevamwene, asi muchiitiko chechipiri, riri muchimiro chokumhan’ara, sezvachiri pana Mabasa 9:4. Neiko pane musiyano? Hapana nechimwe chinopiwa mushanduro dziri pamusoro apa muchiNgezi, bva chiGiriki, nechinjo yechimiro, chinoratidzira chimwe chinhu chakasiyana. Varume vakanzwa chaizvoizvo “inzwi” asi havana kurinzwa nenzira iyo Pauro akaita nayo, ndiko kuti, kunzwa mashoko ndokuanzwisisa. Nokudaro, New World Translation, ichicherekedza kushandiswa kwechirevamwene pana Mabasa 9:7, inorava kuti varume vakanga vanaye vakanga “vachinzwa, zvirokwazvo, kunzwika kwenzwi, asi vasingaoni munhu upi noupi.”
“YOU” ANOREVA VAZHINJI ANORATIDZIRWA
19, 20. (a) New World Translation yakaitei pamusoro pezvimiro zvoutsvene zvokutaura, uye neiko? (b) Enzanisira kuti “you” anoreva munhu mumwe angasiyaniswa sei newevazhinji.
19 Zvimiro zvechiNgezi zvekare zvikuru zvomunhu wechipiri ari mumwe, “thee,” “thou,” uye “thy,” zvakachengetwa mudzimwe shanduro dzazvino uno muzviitiko Mwari anenge achitaurwa. Zvisinei, mumitauro umo Bhaibheri rakanyorwa, makanga musina chimiro chaicho chechisazitasingwi chomunhu chokushandisa mukutaura kuna Mwari, asi chimiro chimwe chetecho chaishandiswa sapakutaura kumunhu biyake womunhu. Naizvozvo New World Translation yakarega uku kushandiswa zvino kwoutsvene uye inoshandisa “you” wenguva dzose wekurukurirano muzviitiko zvose. Kusiyanisa “you” anoreva vazhinji wemunhu wechipiri nezviito zvine nhamba yezvinoreva vazhinji zvisiri pachena nenzira iri nyore muchiNgezi, mashoko acho anodhindwa ose ari mumavara makuru maduku. Kazhinji kazhinji kunobetsera kumuravi kuziva kana Rugwaro rwakapiwa ruchinongedzera kuna “you” somunhu mumwe, kana kuti kuna “YOU” seboka ravanhu, ungano.
20 Somuenzaniso, pana VaRoma 11:13 Pauro ari kutaura kuvakawanda: “Zvino ndinotaura kwamuri [YOU] avo vari vanhu vamarudzi.” Asi paVaR ndima 17 chiGiriki chinochinjira kuna “you” anoreva munhu mumwe, uye kushandiswa kwacho kunoderedzwa zvakananga kusvikira kumunhu mumwe: “Zvisinei, kana mamwe amatavi akavhunwa asi iwe [you] . . . wakabatanidzwa . . . ”
NEW WORLD TRANSLATION MUMIMWE MITAURO
21. (a) Kwazova kunobvira sei kuti vagari vakawanda zvikuru kwazvo vapasi vafarikanye betsero dzeNew World Translation? (b) Ndeipi iri hwerengedzo yemakopi eNew World Translation akadhindwa neWatch Tower Society pakasvika 1989?
21 Muna 1961 kwakaziviswa kuti Watch Tower Society yakanga ichipfuurira kushandurira New World Translation mumimwe mitauro mitanhatu inoshandiswa zvakafara zvikuru, ndiko kuti, chiDutch, chiFrench, chiGerman, chiPutukezi, chiSpanish, uye chiTariyana. Iri basa rokushandura rakaronzeswa kuvashanduri vane unyanzvi uye vakazvitsaurira, vose vachishandira pamwe chete padzimbahwe reWatch Tower Society muBrooklyn, New York. Vakabatira sedare guru ramarudzi akawanda richishanda pasi penhungamiro inokwanisa. Makanga muri muna July 1963, paGungano re“Mashoko Akanaka Asingaperi” reZvapupu zvaJehovha kuMilwaukee, Wisconsin, U.S.A., umo zvibereko zvokutanga zveiri basa rekushandura zvakava zvinowanikwa apo New World Translation of the Christian Greek Scriptures yakabudiswa panguva imwe cheteyo mumitauro mitanhatu iri pamusoro apa. Zvino vagari vepasi avo vanotaura mitauro isiri chiNgezi vaigona kuvamba kufarikanya betsero dzeiyi shanduro yazvino uno. Kubvira panguva iyoyo, basa rekushandura rakapfuurira, zvokuti pakasvika 1996 New World Translation of the Holy Scriptures yakanga yaoneka mumitauro 29, nemakopi anopfuura 89 400 000 achiva akadhindwa.f
KUONGA CHOKUSHANDISA CHINE SIMBA
22, 23. Iyi shanduro yaMagwaro akafuridzirwa inobetsera muKristu munzirai dzakatanhamara?
22 New World Translation zvirokwazvo ndicho chokushandisa chine simba nokuda kwokuratidzira kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera.” Kubva mumapfundo akurukurwa mufundo ino, tinogona kunzwisisa kuti yakarurama uye yakavimbika uye kuti inogona kugovera kufarikanya kwechokwadi kune avo vanoshuva kunzwa Mwari achitaura kumunhu nenzira inonyandura mumutauro wazvino uno, mupenyu. Mutauro weNew World Translation unonyandura mumudzimu, uye unokurumidza kuwiriranisa muravi nokutaurwa kune simba kwaMagwaro akafuridzirwa apakuvamba. Hatichafaniri kuda kurava taravazve ndima kuti tinzwisise zvitsama zvamashoko zvisina kujeka. Inotaura zvakajeka nesimba nokujekesa kubva mukurava kwokutanga kumene.
23 New World Translation of the Holy Scriptures ishanduro yakatendeka yeShoko raMwari, “munondo womudzimu.” Seyakadaro, zvirokwazvo chombo chinobudirira muhondo yomudzimu yomuKristu, yamuro mu‘kukurira dzidziso dzenhema dzakasimba nokurangarira zvinomutswa mukurwisana nezivo yaMwari.’ Inotigonesa zvakanaka sei kuzivisa tine nzwisiso iri nani zvinhu zvinobetsera nezvinovaka, zvinhu zvine mbiri zvine chokuita noUmambo hwaMwari hwokururama—hungu, “zvinhu zvakaisvonaka zvaMwari”!—VaEf. 6:17; 2 VaK. 10:4, 5; Mabasa 2:11, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Introduction to the Old Testament, Robert H. Pfeiffer, 1952, peji 94.
b Kingdom Interlinear Translation, Chinyorwa cha1985, mapeji 1133-8.
c Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 528.
d Reference Bible, apendikisi 3C, “Hebrew Verbs Indicating Continuous or Progressive Action.”
e Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 1008.
f Zvinyorwa zvakakwana muchiCzech, chiDanish, chiDutch, chiFinnish, chiFrench, chiGerman, chiJapanese, chiNgezi (uyewo Braille), chiNorwegian, chiPutukezi (uyewo Braille), chiSlovak, chiSpanish, chiSwedish uye chiTariyana (uyewo murutivi chiAfrikaans, chiCebuano, chiChinese, chiChinese [Chakapfaviswa], chiGiriki, chiIloko, chiIndonesian, chiKorean, chiPolish, Sesotho, Swahili, chiTagalog, Tswana, Xhosa, chiYoruba, neZulu).