RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sp pp. 23-27
  • Batira Jehovha, Kwete Satani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batira Jehovha, Kwete Satani
  • Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Akanaka
  • Dzivisa Miitiro Isina Kuchena
  • Shandisa Kunamata Kwechokwadi
  • Songanirana neZvapupu zvaJehovha
  • Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ramba Chechi Yenhema; Namata Muchechi Yechokwadi
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Chii Chinonzi Ngirozi Uye Dzinoita Basa Rei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Simba raJesu Pamadhimoni
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
sp pp. 23-27

Batira Jehovha, Kwete Satani

Isu tose tine chisarudzo. Tinobatira Jehovha kana kuti zvimwe tinobatira Satani namadhemoni ake. Hatigoni kuita zvose zviri zviviri. Kuchenjera sei kubatira Jehovha!

Jehovha Akanaka

Sezvataona, madhemoni anofarikanya kukuvadza nokunyengedza vanhu. Jehovha haana kudaro. Iye anoda rudzi rwomunhu sababa vanoda vana vavo. Iye ndiye Mupi we“chipo chiri chose chakanaka nechipiwa chiri chose chakakwana.” (Jakobho 1:17) Iye haanyimi chinhu chakanaka rudzi rwomunhu, kunyange pakurasikirwa kukuru kwake amene.​—VaEfeso 2:4-7.

Jesu akaratidza kuti aida vanhu nekurapa mapofu, nekuita kuti zvimumumu zvitaure, uye nekumutsa vakafa

Jesu, Mwanakomana waMwari, akaratidza rudo nokuda kwavanhu kupfurikidza nokuporesa zvirwere zvavo

Funga pamusoro pezvinhu zvakaitwa pasi pano naJesu, Mwanakomana waMwari. Akaita kuti mbeveve dzitaure uye akasvinudza mapofu. Akaporesa vanhu vane maperembudzi navanokamhina. Akadzinga madhemoni uye akarapa marudzi ose echirwere. Jesu, kupfurikidza nesimba raMwari, akatomutsira vakafa kuupenyu.​—Mateo 9:32-35; 15:30, 31; Ruka 7:11-15.

Panzvimbo pokutaura nhema dzokutitsausa, Mwari nguva dzose anotaura zvokwadi. Haatongonyengedzi munhu upi noupi.​—Numeri 23:19.

Dzivisa Miitiro Isina Kuchena

Kungofanana nedandemutande rinobatisisa nhunzi, mamirioni avanhu vanobatisiswa nokudavira mashura nenhema. Vanotya vakafa. Vanotya madhemoni. Vanonetseka pamusoro peshurikidzo, mashura, madumwa, uye mazango. Vanosungwa nezvitendero uye magamuchidzanwa akavakirwa panhema dzaSatani Dhiabhorosi. Vabatiri vaMwari havasungwi mumusungo nechimwe cheizvi zvinhu.

Jehovha ane simba zvikuru kupfuura Satani. Kana ukabatira Jehovha, achakudzivirira pamadhemoni. (Jakobho 4:7) Zvitsinga hazvisati zvichizoshanda pauri. Somuenzaniso, muNigeria, n’anga nhatu dzine simba dzakatsinga kuti dziuraye Chapupu chaJehovha icho chakaramba kubva mutaundi. Apo zvitsinga zvakakundikana, mumwe wen’anga dzacho akatya, akaenda kuChapupu chacho, ndokukumbira ngoni.

VaEfeso vari kupisa mabhuku emashiripiti

VaEfeso vakapisa mabhuku avo ezvamashiripiti

Kana madhemoni akakutambudza, unogona kudana pana Jehovha nezita uye iye achakudzivirira. (Zvirevo 18:10) Asi kuti iwe uve nedziviriro yaMwari, unofanira kurega chose chose chinhu chiri chose chakabatana nokutaura nemidzimu nokunamata madhemoni. Vanamati vaMwari vomuEfeso yekare vakaita izvozvo. Vakaunganidza mabhuku avo ose ezvamashiripiti ndokuapisa. (Mabasa 19:19, 20) Vabatiri vaMwari nhasi vanofanira kuita zvimwe chetezvo. Zvibvise umene matumwa, mishonga yokudzivirira uroyi, mitimwi “yokupinga”, mazango, mabhuku amashiripiti, uye chinhu chipi nechipi zvacho chine chokuita nemiitiro yokutaura nemidzimu.

Shandisa Kunamata Kwechokwadi

Kana uchida kufadza Mwari, hakuna kukwana kungosiya bedzi kunamata kwenhema uye kurega kuita zvinhu zvakashata. Unofanira kushandisa nomutoo wokushingaira kunamata kwakachena. Bhaibheri rinoratidza chiri chinodikanwa:

Kunamata kwechokwadi kunosanganisira kupinda misangano yechiKristu uye kuverenga Bhaibheri

Pinda misangano yechiKristu.​—VaHebheru 10:24, 25

Funda Bhaibheri.​—Johane 17:3

Kunamata kwechokwadi kunosanganisira kunyengeterera vamwe, kunyengetera kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa

Paridza kuna vamwe.​—Mateo 24:14

Nyengetera kuna Jehovha.​—VaFiripi 4:6, 7

Bhapatidzwa.​—Mabasa 2:41

Songanirana neZvapupu zvaJehovha

Satani namadhemoni ake vane vanhu pasi pano vanodzidzisa uye vanoshandisa zvinhu zvisina kururama. Asi Jehovha anewo vanhu. Ivo Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10) Mupasi rose, mune zvinopfuura Zvapupu zvine mamirioni mana. Izvo zvose zvinoedza zvakasimba kuita zvinhu zvakanaka uye zvinodzidzisa vanhu zvokwadi. Munyika zhinjisa, unogona kusangana nazvo paHoro yoUmambo, uko izvo zvichakugamuchira noushamwari.

Basa razvo nderokubetsera vamwe kubatira Mwari. Izvo zvichafunda Bhaibheri newe mumusha mako, zvichikubetsera kudzidza mutoo wokunamata nawo Jehovha nenzira yakarurama. Haufaniri hako kuripira nokuda kwaikoku. Zvapupu zvinofara kudzidzisa zvokwadi nokuti zvinoda vanhu uye zvinoda Jehovha Mwari.

Zvapupu zvaJehovha zviri kugamuchira vanhu paImba yeUmambo uye zviri kudzidzisa Bhaibheri

Zvapupu zvaJehovha zvichakubetsera kubatira Mwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe