RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 8 pp. 17-19
  • Donzo raMwari Rosvika Zadziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Donzo raMwari Rosvika Zadziko
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mambo Mutsva Wapasi
  • Vabati Ushe Vanokumbanira
  • Ubati Ushe Hwokuzvimirira Huchaguma
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 8 pp. 17-19

Rutivi 8

Donzo raMwari Rosvika Zadziko

1, 2. Ko Mwari ave achiita sei gadziriro dzokubvisa kutambura?

UBATI ushe hwavanhu vakapanduka namadhemoni hwave huchizvuzvurudzira mhuri yavanhu pasi kwamazana amakore akawanda. Bva, Mwari haana kufuratira kutambura kwedu. Panzvimbo pezvo, mukati mamazana ose amakore, ave achiita gadziriro yokusunungura vanhu mukubata kwouipi nokutambura.

2 Panguva yorupandukiro muEdheni, Mwari akavamba kuwadzanyura donzo rake rokuumba hurumende yaizoita pasi rino musha weparadhiso nokuda kwavanhu. (Genesi 3:15) Gare gare, somutauriri mukuru waMwari, Jesu akaita iyi hurumende inouya yaMwari musoro wedzidziso yake. Akataura kuti yaizova tariro bedzi yorudzi rwomunhu.—Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10; 12:21.

3. Ko Jesu akaidza hurumende inouya nokuda kwapasi kutii, uye nei?

3 Jesu akaidza hurumende iyeyo inouya yaMwari kuti “umambo hwamatenga,” sezvo iyo yaizotonga iri kudenga. (Mateo 4:17) Akaiidzawo kuti “umambo hwaMwari,” sezvo Mwari aizova Muvambi wayo. (Ruka 17:20) Kwamazana amakore Mwari akafuridzira vanyori vake kuti vanyore uporofita pamusoro paavo vaizoumba hurumende iyeyo neicho yaizopedza.

Mambo Mutsva Wapasi

4, 5. Mwari akaratidza sei kuti Jesu akanga ari Mambo wake akatenderwa?

4 Akanga ari Jesu, anenge makore ane zviuru zviviri akapfuura, uyo akazadzika uporofita huzhinji pamusoro pouyo aizova Mambo woUmambo hwaMwari. Akabvumikisa kuva chisarudzo chaMwari nokuda kwoMubati ushe wehurumende iyeyo yokudenga parudzi rwose rwomunhu. Uye pashure porufu rwake, Mwari akamutsira Jesu kuupenyu mudenga sechisikwa chomudzimu chine simba, chisingafi. Kwakanga kune zvapupu zvizhinji kurumuko rwake.—Mabasa 4:10; 9:1-9; VaRoma 1:1-4; 1 VaKorinte 15:3-8.

5 Jesu ipapo “akagara kuruoko rworudyi rwaMwari.” (VaHebheru 10:12) Ikoko akamirira nguva apo Mwari aizomupa simba rokuita chiito saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari. Ikoku kwakazadzika uporofita huri paPisarema 110:1, apo Mwari anomuudza, kuti: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kutozosvikira ndaisa vavengi vako sechitsiko chetsoka dzako.”

6. Jesu akaratidza sei kuti aikwanirisa kuva Mambo woUmambo hwaMwari?

6 Achingunoveri pasi pano, Jesu akaratidza kuti iye aikwanirisa nokuda kwenzvimbo yakadaro. Pasinei hapo nechitambudzo, akasarudza kuchengeta perero yake kuna Mwari. Kupfurikidza nokuita kudaro, akaratidza kuti Satani akanga areva nhema apo akataura kuti hakuna munhu aizova akatendeka kuna Mwari pakuedzwa. Jesu, munhu akakwana, ‘Adhama wechipiri,’ akaratidza kuti Mwari akanga asiri kukanganisa mukusika vanhu vakakwana.—1 VaKorinte 15:22, 45; Mateo 4:1-11.

7, 8. Zvinhui zvakanaka zvakaitwa naJesu achingunoveri pasi pano, uye akaenzanisirei?

7 Mubati ushe akadini akambopedza zvakanaka zvizhinji sezvakaita Jesu mumakore mashomanene oushumiri hwake? Asimbaradzwa nomudzimu mutsvene waMwari, Jesu akarapa varwere, vakaremara, mapofu, matsi, mbeveve. Akatomutsa kunyange vakafa! Akaratidzira pamwero muduku icho iye aizoitira rudzi rwomunhu pamwero wenyika yose paanopinda musimba roUmambo.—Mateo 15:30, 31; Ruka 7:11-16.

8 Jesu akaita zvakanaka zvizhinji zvikuru achingunoveri pasi pano zvokuti mudzidzi wake Johane akati: “Kutaura, idi, kune zvimwewo zvinhu zvizhinji izvo Jesu akaita, izvo, kudai zvakanyorwa muudzame hwose, ndinofunga kuti, nyika imene haisati yairingana mipumburu yakanyorwa.”—Johane 21:25.a

9. Neiko vanhu vane mwoyo wakatendeseka vakauya kuna Jesu?

9 Jesu akanga ane mutsa netsitsi, ane rudo rukuru kwazvo nokuda kwavanhu. Akabetsera varombo navanodzvinyirirwa, asi haana kusarura avo vepfuma kana kuti nzvimbo. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vakadavidza kukokero yorudo yaJesu apo akati: “Uyai kwandiri, imi mose munotambudzika nokuremedzwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro naanozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo nokuda kwemweya yenyu. Nokuti joko rangu inyoro uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateo 11:28-30) Vanhu vanotya Mwari vakadirana kwaari uye vakakarira ubati ushe hwake.—Johane 12:19.

Vabati Ushe Vanokumbanira

10, 11. Ndivanaani vachagoverana naJesu mukubata ushe pamusoro papasi?

10 Kungofanana nehurumende yohunhu ina vatongi vanokumbanira, ndozvinoitawo Umambo hwokudenga hwaMwari. Vamwe kunze kwaJesu vachagoverana mukubata ushe pamusoro papasi, nokuti Jesu akapikira vasonganiri vake vapedyo kuti vaizobata ushe pamwe chete naye samadzimambo pamusoro porudzi rwomunhu.—Johane 14:2, 3; Zvakazarurwa 5:10; 20:6.

11 Nokudaro, pamwe chete naJesu, chiverengero chakaganhurirwa chavanhu vanomutsirwawo kuupenyu hwokudenga. Vanoumba Umambo hwaMwari huchaunza zvikomborero zvisingagumi kurudzi rwomunhu. (2 VaKorinte 4:14; Zvakazarurwa 14:1-3) Naizvozvo kuburuka nomumazera ose, Jehovha akavanzarika hwaro nokuda kwoubati ushe huchaunza zvikomborero zvisingaperi kumhuri yomunhu.

Ubati Ushe Hwokuzvimirira Huchaguma

12, 13. Ko Umambo hwaMwari zvino hwagadzirira kuitei?

12 Muzana rino ramakore Mwari ave achibatanidzwa nomutoo wakananga muzvinhu zvenyika. Sezvo Rutivi 9 rwebhurocha rino ruchakurukura, uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu hwakagadzwa muna 1914 uye zvino hwagadzirira kuputsanya tsika yose yaSatani. Umambo ihwohwo hwagadzirira ku“enda huchikurira pakati pavavengi” vaKristu.—Pisarema 110:2.

13 Muna ikoku uporofita huri pana Dhanieri 2:44, hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [aripo zvino] Mwari wokudenga uchagadza umambo [mudenga] husati huchizotongoparadzwa, uye uchangamire hwahwo hahusati huchizosiirwa vamwe vanhu [ubati ushe hwavanhu hahuzotongobvumirwizve]. Ihwo [umambo hwaMwari] huchaputsanya maumambo ose iwawo ndokuagumisa, uye ihwo huchamira nokusingaperi.”—Revised Standard Version.

14. Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzichauya somuuyo womugumo woubati ushe hwavanhu?

14 Kana ubati ushe hwose husingatsamiri pana Mwari hwabviswa, Umambo waMwari hunobata ushe pamusoro papasi huchava hwakakwana. Uye nokuti Umambo hunobata ushe huri mudenga, hahungatongogoni kushatswa navanhu. Simba rinodzora richava kunzvimbo yaraiva pakutanga mudenga, naMwari. Uye sezvo ubati ushe hwaMwari huchadzora pasi rose, hakuchinazve munhu upi noupi achatsauswa namarudzidziso enhema kana kuti uzivi husingagutsi hwavanhu uye rondedzero dzezvamatongerwe enyika. Hakuna nechimwe chezvinhu izvozvo chichabvumidzwa kuvapo.—Mateo 7:15-23; Zvakazarurwa, ganhuro 17 kusvikira ku19.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwokufukidzwa kuzere kwoupenyu hwaJesu, ona bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa muna 1991 neWatchtower Society.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Achingunoveri pasi pano Jesu akaporesa varwere nokumutsa vakafa kuratidza izvo achaita munyika itsva

[Mufananidzo uri papeji 19]

Umambo hwokudenga hwaMwari huchaputsanya zvimiro zvose zvoubati ushe husingatsamiri paari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe