RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 9 pp. 19-22
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo Dzenyika
  • Humwe Ufakazi
  • Chimwe Chinhu
  • Mugumo Woubati Ushe Hwomunhu Namadhemoni Wava Pedyo
  • Ndivanaaniko Vachapukunyuka? Ndivanaaniko Vasati?
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mazuva Okupedzisira—Rini?
    Mukai!—2008
  • Nyika Yava Kuda Kuguma Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 9 pp. 19-22

Rutivi 9

Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”

1, 2. Tinogona sei kuziva kuti tiri mumazuva okupedzisira?

TINOGONA sei kuva nechokwadi chokuti tiri kurarama munguva apo Umambo hwaMwari huchaita chiito mukurwisana netsika ino iripoyi youbati ushe hwomunhu? Tinogona sei kuziva kuti tava pedyo zvikuru nenguva apo Mwari achaunza mugumo kuuipi hwose nokutambura?

2 Vadzidzi vaJesu Kristu vaida kuziva zvinhu izvozvo. Vakamubvunza chaizova “chiratidzo” chokuvapo kwake musimba roUmambo ne“chemhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3) Jesu akapindura kupfurikidza nokutaura muudzame zvinoitika zvinokatyamadza nyika uye migariro yaizobatana kuti iratidze kuti rudzi rwomunhu rwapinda “munguva yomugumo,” “mazuva okupedzisira” etsika ino yezvinhu. (Dhanieri 11:40; 2 Timotio 3:1) Ko isu muzana rino ramakore tati taona ichi chiratidzo chomubatanidzwa here? Hungu, takaona, nomutoo mukuru zvikuru!

Hondo Dzenyika

3, 4. Ko hondo dzezana rino ramakore dzinokodzera sei uporofita hwaJesu?

3 Jesu akadeya kutaura kuti “rudzi ruchamukirana norudzi noumambo huchamukirana noumambo.” (Mateo 24:7) Muna 1914 nyika yakabatanidzwa muhondo yakaona kuunganidzwa kwamarudzi namaumambo munzira yakanga yakasiana nehondo ipi neipi pamberi payo. Mukuzivikanwa kweidi irero, vezvenhau panguva iyoyo vakaiidza kuti Hondo Huru. Yakanga iri hondo yokutanga yorudzi rwayo munhau, hondo yenyika yokutanga. Varwi vane 20 000 000 navasiri varwi vakarasikirwa noupenyu hwavo, kupfuura chose muhondo ipi neipi yakapfuura.

4 Hondo yeNyika I yakaratidzira mavambo amazuva okupedzisira. Jesu akataura kuti ichi nezvimwe zvinoitika zvaizova “mavambo enhamo yedambudziko.” (Mateo 24:8) Ikoko kwakabvumikisa kuva kwechokwadi, sezvo Hondo yeNyika II yakanga ichitouraya zvikuru, varwi vane 50 000 000 navasiri varwi vachirasikirwa noupenyu hwavo. Muzana rino ramakore rechi20, vanhu vanosanopfuura 100 000 000 vakaurawa muhondo, vanopfuura nekane kana vazhinji vomumakore 400 akapfuura kana vakaiswa pamwe chete! Kushurikidzwa kukuru kwakadini kwehurumende yavanhu!

Humwe Ufakazi

5-7. Ndohupi humwe ufakazi hwokuti tiri mumazuva okupedzisira?

5 Jesu akabatanidza mamwe mativi aizova pamwe chete namazuva okupedzisira: “Kuchava nokudengenyeka kukuru kwapasi, uye munzvimbo imwe neimwe nhenda [hosha dzinotapukira] neperevedzo dzezvokudya.” (Ruka 21:11) Ikoko kunosanokodzera zvinoitika chifo cha1914, sezvo kwave kune kuwedzera kukuru mudambudziko rinoparirwa nengwavaira dzakadaro.

6 Kudengenyeka kukuru kwapasi ndizvinoitika zvenguva dzose, kuchiuraya upenyu huzhinji. Murakatira weSpania woga wakauraya vanenge vanhu vane 20 000 000 pashure peHondo yeNyika I—vamwe vanorangarira kuva 30 000 000 kana kuti vanopfuura. AIDS yauraya mazana ane zviuru zvoupenyu uye inogona kuuraya mamwe mamirioni munguva yemberi iri pedyo. Gore rimwe nerimwe mamirioni avanhu anofa nezvirwere zvomwoyo, kenza, uye nedzimwe hosha. Mamwe mamirioni anofa rufu runononozeka rwokurumwa nenzara. Pasina panikiro ‘vatasvi vamabhiza vaApocalypse’ nehondo dzavo, perevedzo yezvokudya, nemirakatira yehosha zvave zvichiuraya zviverengero zvikuru zvemhuri yomunhu chifo cha1914.—Zvakazarurwa 6:3-8.

7 Jesu akadeyawo kuzivisa wedzero muutsotsi uhwo huri kuwanwa munyika dzose. Akati: “Nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora.”—Mateo 24:12.

8. Ko uporofita huri pana 2 Timotio ganhuro 3 hunokodzera sei nguva yedu?

8 Kupfuurirazve, uporofita hweBhaibheri hwakadeya kuzivisa kuputsika kwetsika kunooneka zvikuru munyika yose nhasi: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vamhuri, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasingavimbiki, vasina chidakadaka chomuzvarirwo, vasingagamuchiri bvumirano ipi neipi, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasina rudo rworunako, vanyengeri, vane nharo, vane rudado, vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari, vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vachibvumikisa kuva venhema kusimba rako . . . Vanhu vakaipa navanyengeri vachapfuurira mukunyanyoipisisa.” (2 Timotio 3:1-13) Ikoko kose kwakaitika pamberi chaipo pameso edu.

Chimwe Chinhu

9. Chii chakaitika mudenga chakatangira pamwe chete namavambo amazuva okupedzisira pasi pano?

9 Kune chimwe chinhu chinoparira wedzero huru mukutambura muzana rino ramakore. Chinotangira pamwe chete namavambo amazuva okupedzisira muna 1914, chimwe chinhu chakaitika chakapinza rudzi rwomunhu mungozi yakatokura zvikuru. Panguva iyeyo, sokurondedzera kunoita uporofita huri mubhuku rokupedzisira reBhaibheri: “Hondo yakamuka mudenga: Mikaeri [Kristu ari musimba rokudenga] nengirozi dzake vakarwa nedragoni [Satani], uye dragoni nengirozi dzayo [madhemoni] vakarwa asi haana kukurira, nzvimbo yavo haina kuwanwazve mudenga. Naizvozvo dragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yapakuvamba, iya inonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo anotsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe chete naye.”—Zvakazarurwa 12:7-9.

10, 11. Ko rudzi rwomunhu rwakatapurwa sei apo Satani namadhemoni ake vakakandirwa kupasi?

10 Chii chakanga chiri muuyo kumhuri yomunhu? Uporofita hunopfuurira, kuti: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa zvikuru, achiziva kuti ane nhambo pfupi yenguva.” Hungu, Satani anoziva kuti tsika ino iri kusvika mugumo wayo, naizvozvo ari kuita chinhu chiri chose chaanogona kutsausa vanhu kuna Mwari iye nenyika yake vasati vabviswa. (Zvakazarurwa 12:12; 20:1-3) Zvakashata sei zvisikwa zvomudzimu izvozvo nokuti zvakashandisa zvisina kufanira kuzvisarudzira kwazvo! Migariro yave ichityisa sei pasi pano mupesvedzero yavo, zvikurukuru chifo cha1914!

11 Hakushamisi kuti Jesu akadeya kutaura nezvenguva yedu, kuti: “Papasi shungu yamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo . . . Vanhu vachipera simba nokuda kworutyo nekariro yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.”—Ruka 21:25, 26.

Mugumo Woubati Ushe Hwomunhu Namadhemoni Wava Pedyo

12. Ndohupi huri humwe hwouporofita hwokupedzisira hunofanira kuzadzika mugumo wetsika ino usati wasvika?

12 Uporofita hungani hweBhaibheri hwasara kuti huzadzike Mwari asati aparadza tsika ino iripo? Hushomanene zvikuru! Humwe hwehwokupedzisira huri pana 1 VaTesaronika 5:3, hunoti: “Vachingunoveri kutaura nezverugare nokuchengeteka, ngwavaira ichawira pavari kamwe kamwe.” (The New English Bible) Ikoku kunoratidza kuti mugumo wetsika ino uchavamba “vachingunoveri kutaura.” Rusingaoneki nenyika, ruparadziko rucharovanya apo zvishoma zvinokarirwa, apo ngwariro yavanhu inenge iri parugare nokuchengeteka zvavo zvinokarirwa.

13, 14. Jesu akadeya kutaura nguvai yedambudziko, uye ichaguma sei?

13 Nguva iri kuperera nyika ino mupesvedzero yaSatani. Nokukurumidza ichasvika mugumo wayo munguva yedambudziko iro Jesu akataura nezvaro, kuti: “Ipapo pachava nedambudziko guru rakadai serisakamboitika chifo chamavambo enyika kutozosvikira zvino, aiwa, uyewo harichazoitikazve.”—Mateo 24:21.

14 Mugumo we“dambudziko guru” uchava hondo yaMwari yeArmagedhoni. Iyeyo ndiyo nguva yakataurwa nezvayo nomuporofita Dhanieri apo Mwari acha“putsanya ndokugumisa maumambo iwaya ose.” Ikoku kuchareva mugumo woubati ushe hwose hwazvino hwohunhu husingatsamiri pana Mwari. Ubati ushe hwake hwoUmambo huri kudenga ipapo huchatora kudzorwa kwakakwana kwezvinhu zvose zvavanhu. Dhanieri akadeya kutaura kuti, chiremera chinodzora hachisati chichizotongosiirwazve “vamwe vapi navapi.”—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14-16.

15. Chii chichaitika kupesvedzero yaSatani namadhemoni ake?

15 Panguva iyeyo pesvedzero yose yakashata neyamadhemoni ichagumawo. Zvisikwa izvozvo zvomudzimu zvinopandukira zvichabviswa kuti zvisagone “kutsausazve marudzi.” (Zvakazarurwa 12:9; 20:1-3) Izvo zvakatongerwa rufu uye zvinomirira ruparadziko. Ichava sununguko yakadini nokuda kworudzi rwomunhu kuva rusina pesvedzero yazvo yakashata!

Ndivanaaniko Vachapukunyuka? Ndivanaaniko Vasati?

16-18. Ndivanaaniko vachapukunyuka mugumo wetsika ino, uye ndivanaaniko vasati?

16 Apo marutongeso aMwari anoitwa panyika ino, ndivanaaniko vachapukunyuka? Ndivanaaniko vasati? Bhaibheri rinoratidza kuti avo vanoda ubati ushe hwaMwari vachataviridzwa uye vachapukunyuka. Avo vasingadi ubati ushe hwaMwari havasati vachizotaviridzirwa asi vachaparadzwa pamwe chete nenyika yaSatani.

17 Zvirevo 2:21, 22 inoti: “Vakarurama [avo vanozviisa pasi poubati ushe hwaMwari] ndivo vachagara mupasi, uye vasina mhaka ndivo vachava vanosiiwa pariri. Kana vari vakaipa [avo vasingazviise pasi poubati ushe hwaMwari], vachaparadzwa papasi rimene; uye kana vari vanonyengera, vachadzurwa pariri.”

18 Pisarema 37:10, 11 rinotiwo: “Kwasara chinguva chiduku, uye vakaipa havazovipozve . . . Asi vanyoro vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachawana zvamazvirokwazvo mufaro wavo mukuru mukuwanda kworugare.” Pisarema 37 Ndima 29 inowedzera, kuti: “Vakarurama vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachagara pariri nokusingaperi.”

19. Izanoi ratinofanira kufungisisa?

19 Tinofanira kufungisisa zano rePisarema 37:34, iro rinoti: “Karira muna Jehovha uye chengeta nzira yake, uye iye uchakukudza kuti uve muridzi wapasi. Apo vakaipa vanoparadzwa, iwe uchazviona.”Pisarema 37 Ndima 37 ne38 dzinoti: “Cherekedza munhu asina mhaka uye ramba uchiona wakarurama, nokuti nguva yemberi yomunhu iyeyo ichava ine rugare. Asi vanodarika vamene vachaparadzwa zvamazvirokwazvo pamwe chete; nguva yemberi yavanhu vakaipa zvamazvirokwazvo ichagurwa.”

20. Neiko tichigona kutaura kuti idzi inguva dzinofadza dzokurarama madziri?

20 Kunonyaradza sei, hungu, kunokurudzira sei kuziva kuti Mwari zvamazvirokwazvo anoitira hanya uye kuti nokukurumidza achagumisa uipi hwose nokutambura! Kunofadza sei kuziva kuti zadziko youporofita ihwohwo hune mbiri yangosara bedzi nguva pfupi!

[Mufananidzo uri papeji 20]

Bhaibheri rakadeya kutaura zvinoitika zvaizoumba “chiratidzo” chamazuva okupedzisira

[Mufananidzo uri papeji 22]

Nokukurumidza, paArmagedhoni, avo vasingazviise pasi poubati ushe hwaMwari vachaparadzwa. Avo vanozviisa pasi vachapukunyuka ndokupinda munyika itsva yokururama

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe