Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?
Vanhu vakawanda vangapindura mubvunzo uri pamusoro apa neshoko rimwe chete—Mwari. Asi nomutoo une revo, hapana apo Bhaibheri rinotaura kuti Jesu Kristu kana kuti zvimwe Baba vake ndivo vabati ushe chaivoivo venyika ino. Mukupesana, Jesu akati: “Mubati ushe wenyika ino uchabviswa.” Uye akawedzera, kuti: “Mubati ushe wenyika ino ari kuuya. Uye iye haana simba pandiri.”—Johane 12:31; 14:30; 16:11, NW.
Naizvozvo mubati ushe wenyika ino anoshora Jesu. Angava aniko iyeyu?
Chiratidzo Chinobva Mumigariro Yenyika
Pasinei hapo nenhamburiko dzavanhu vane vavariro dzakaisvonaka, nyika yatambura nomutoo wakaipa munhau yose. Ikoku kunoparira vanhu vanofunga kushamisika, sezvakaita munyori ari mupepeti wenhau mushakabvu David Lawrence, kuti: “‘Rugare pasi pano’—anenge munhu ari wose anoruda. ‘Fariro yakanaka kuvanhu’—vanenge vanhu vose venyika vanorunzwa kune mumwe nomumwe. Ipapo chii chakashata? Neiko hondo ichityisidzirwa pasinei hapo nezvishuvo zvokuberekwa nazvo zvavanhu?”
Kunoratidzika kuva kunopesana, hakusati here? Apo chishuvo chomuzvarirwo chavanhu chiri chokurarama murugare, ivo vanowanzovengana nokuurayana—uye kupfurikidza nokurura kwakadaro. Rangarira pembedzo dzokusanzwira tsitsi muutsinye hukuru. Vanhu vakashandisa makamuri egasi, misasa yechibharo, zvombo zvinokanda marimi omwoto, mabhomba enapalm, nemimwe mitoo yakaipa chose yokutambudzana nokuurayana nayo mukusanzwira ngoni.
Unodavira here kuti vanhu, vanopanga rugare nomufaro, vanokwanisa, mavari vamene, muuipi hwakadaro kurwisana navamwe? Masimbai anosundira vanhu kuzviito zvakadaro zvinosembura kana kuti kuvaita kuti vapinde mumigariro umo vanonzwa vachigombedzerwa kuita zvinhu zvakaipa? Wati wamboshamisika here kana simba rakaipa, risingaoneki riri kupesvedzera vanhu kuita mabasa akadaro amasimba masimba?
Vabati Ushe Venyika Vanoziviswa
Hapana dikanwo yokufungidzira panhau yacho, nokuti Bhaibheri nomutoo wakajeka rinoratidza kuti munhu akangwara, asingaoneki ave achidzora zvose zviri zviviri vanhu namarudzi. Rinoti: “Nyika iri musimba rowakaipa.” Uye Bhaibheri rinomuzivisa, richiti: “Uyo anonzi Dhiabhorosi naSatani . . . ari kutsausa pasi rose rinogarwa.”—1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:9.
Panhambo apo Jesu akanga achi“edzwa naDhiabhorosi,” Jesu haana kupanikira basa raSatani somubati ushe wenyika ino. Bhaibheri rinotsanangura chakaitika, richiti: “Dhiabhorosi akamuendesa kugomo refu refu, uye akamuratidza maumambo ose enyika nembiri yawo, uye iye akati kwaari: ‘Izvi zvinhu zvose ndichakupa kana ukawira pasi ndokuita chiito chokundinamata.’ Ipapo Jesu akati kwaari: ‘Ibva, Satani!’”—Mateo 4:1, 8-10.
Funga pamusoro paikoku. Satani akaedza Jesu kupfurikidza nokumugovera “maumambo ose enyika.” Bva, kugovera kwaSatani kwaizove kwave kuri muedzo chaiwoiwo here kudai Satani akanga asati ari chaizvoizvo mubati ushe waaya maumambo? Aiwa, hakusati. Uye cherekedza, Jesu haana kuramba kuti hurumende dzose idzi dzenyika dzakanga dziri dzaSatani, uko iye angadai akaita kudai Satani akanga asina simba pamusoro padzo. Naizvozvo, ipapoka, Satani Dhiabhorosi ndiye zvomenemene mubati ushe asingaoneki wenyika! Bhaibheri, kutaura idi, rinomuidza “mwari wetsika ino yezvinhu.” (2 VaKorinte 4:4) Bva, munhu akaipa akadaro akambopinda sei mune iyi nzvimbo ine simba?
Uyo akava Satani akanga ave ari ngirozi yakasikwa naMwari, asi akachochora nzvimbo yaMwari. Akadenha ubati ushe hwapamaruramiro hwaMwari. Nedonzo irori iye akashandisa nyoka somutauriri kuti anyengedze mukadzi wokutanga, Evha, uye nokudaro akakwanisa kuita kuti iye nomurume wake, Adhama, vaite kuraira kwake panzvimbo pokuteerera Mwari. (Genesi 3:1-6; 2 VaKorinte 11:3) Akataurawo kuti iye aigona kutsausa vana vose vachigere kuberekwa vaAdhama naEvha kubva kuna Mwari. Naizvozvo Mwari akabvumira nguva kuti Satani aedze kubvumikisa kutaura kwake, asi Satani haana kubudirira.—Jobho 1:6-12; 2:1-10.
Nomutoo unonzwisiswa, Satani haasiri oga muubati ushe hwenyika. Iye akabudirira mukupesvedzera dzimwe dzengirozi kuti dzimukumbanire mukupandukira Mwari. Idzodzi dzakava madhemoni, vakutsirani vake vomudzimu. Bhaibheri rinotaura nezvadzo apo iro rinokurudzira maKristu, kuti: “Mumire makasimba mukurwisana namano aDhiabhorosi; nokuti tine kurwa, kusati kuri kwokurwisana neropa nenyama, asi . . . kwokurwisana navabati ushe verima rino, kwokurwisana namasimba akaipa omudzimu ari munzvimbo dzomudzimu.”—VaEfeso 6:11, 12.
Dzivisai Midzimu Yakaipa
Ava vabati ushe vasingaoneki, vakaipa venyika vakashinga kutsausa rudzi rwomunhu, vachivabvisa pakunamatwa kwaMwari. Imwe nzira inoita nayo ikoku midzimu yakaipa iri kupfurikidza nokusimudzira pfungwa yokurarama pashure porufu, kunyange zvazvo Shoko raMwari richiratidzira zvakajeka kuti vakafa havazivi chinhu. (Genesi 2:17; 3:19; Ezekieri 18:4; Pisarema 146:3, 4; Muparidzi 9:5, 10) Nokudaro, mudzimu wakaipa, uchitevedzera inzwi rouyo akafa, ungataura nehama dzokunyama kana kuti shamwari dzaiyeyo, kupfurikidza nesvikiro kana kuti kupfurikidza ne“nzwi” rinobva munzvimbo isingaoneki. “Inzwi” rinonyepedzera kuva nyakuenda, bva chaizvoizvo idhemoni!
Naizvozvo kana ukambonzwa “inzwi” rakadaro, usanyengedzwa. Ramba chipi nechipi charinotaura, uye dzokorora mashoko aJesu, okuti: “Ibva, Satani!” (Mateo 4:10; Jakobho 4:7) Usarega kuda kuziva pamusoro penzvimbo yomudzimu kuchikuparira kuva anobatanidzwa nemidzimu yakaipa. Kubatanidzwa kwakadaro kunonzi kutaura nemidzimu, uye Mwari anonyevera vanamati vake pamusoro pakwo muzvimiro zvakwo zvose. Bhaibheri rinoshora “munhu upi noupi anoshandisa kuuka . . . kana kuti munhu upi noupi anobvunza svikiro kana kuti nyanzvi yokudeya kuzivisa yezvinoitika kana kuti munhu upi noupi anobvunza vakafa.”—Dheuteronomio 18:10-12; VaGaratia 5:19-21; Zvakazarurwa 21:8.
Sezvo kutaura nemidzimu kuchipinza munhu mupesvedzero yamadhemoni, dzivisa miitiro yakwo yose pasinei hapo nokuti kungaratidzika kuva kunofadza zvikuru sei, kana kuti kunonyandura sei. Iyi miitiro inobatanidza ndangariro yemburumbwa, kushandiswa kwamabhodhi eOuija, ESP, kunzvera mitsara yechanza chako (kuuka kwokududzira mitsara yechanza), uye kuuka kwokududzira zvimiro zvenyeredzi. Madhemoni akaparirawo ruzha nezvimwe zvinoitika zvomuzvarirwo mudzimba dzaanoita nzvimbo yawo yokusvikira.
Mukuwedzera, midzimu yakaipa inoshandisa kombamiro yokuita chivi yavanhu kupfurikidza nokushandisa mabhuku, mabhaisikopo, mapurogiramu eterevhizheni zvinoratidzira muitiro woutere uye wevatano zvisiri zvomuzvarirwo. Madhemoni anoziva kuti mifungo yakaipa kana isingabviswi mundangariro inoparira minembo isingadzimiki uye anoparira vanhu kuzvibata nenzira youtere—kufanana namadhemoni amene.—Genesi 6:1, 2; 1 VaTesaronika 4:3-8; Judhasi 6.
Chokwadi, vazhinji vangaseka pfungwa yokuti nyika ino inobatwa ushe nemidzimu yakaipa. Asi kusadavira kwavo hakusati kuchishamisa, sezvo Bhaibheri richiti: “Satani amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:14) Nyengedzo yake yokuchenjera zvikurusa yave iri mukupofumadzira vakawanda kuidi rokuti iye namadhemoni ake variko chaizvoizvo. Asi usanyengedzwa! Dhiabhorosi namadhemoni ake zvisikwa chaizvoizvo, uye unodikanirwa kupfuurira kuzvidzivisa.—1 Petro 5:8, 9.
Nomufaro, nguva zvino yava pedyo apo Satani namapoka ake vasati vachizovapozve! “Nyika [kubatanidza vabati ushe vayo voudhemoni] iri kupfuura,” Bhaibheri rinopikira kudaro, “asi iye anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Ichava sununguko yakadini kuita kuti pesvedzero yakaipa iyeyo ibviswe! Naizvozvo, ngativei pakati paavo vanoita kuda kwaMwari ndokufarikanya upenyu nokusingaperi munyika itsva yakarurama yaMwari.—Pisarema 37:9-11, 29; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kutoti kwakaratidzirwa nomumwe mutoo, kunokorwa mashoko kose kweBhaibheri kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Satani aigona kuve akagovera Jesu idzi hurumende dzose dzenyika kudai dzakanga dzisiri dzake here?