Ganhuro 12
Boka Guru Richagara Mudenga Here? Kana Kuti Pasi Pano?
MUKUPESANA nemitezo yamarudzidziso echiKristudhomu, voruzhinji veZvapupu zvaJehovha vanotarira mberi kuupenyu husingagumi, kwete mudenga, asi pasi pano. Neiko ikoku kwakadaro?
Kwave kusina kudaro nguva dzose. VaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakanga vane kariro yokuti pashure penguva yakati vaizotonga naJesu Kristu samadzimambo okudenga. (Mat. 11:12; Ruka 22:28-30) Jesu akanga avaudza, zvisinei, kuti vadyi venhaka voUmambo vaizova bedzi “kapoka kaduku.” (Ruka 12:32) Ndivanaani vaizobatanidzwa? Kwaizova nevangani? Havana kuziva udzame hwacho kutozosvikira gare gare.
PaPentekosta ya33 C.E., vadzidzi vokutanga vechiJudha vaJesu vakazodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vadyi venhaka pamwe chete naKristu. Mugore ra36 C.E., kushanda kwomudzimu waMwari kwakajekesa kuti Vamarudzi vasina kudzingiswa vaizogoveranawo munhaka iyoyo. (Mabasa 15:7-9; VaEf. 3:5, 6) Mamwe makore 60 akapfuura kusati kwaziviswa kumuapostora Johane kuti 144 000 bedzi vaizotorwa vachibva pasi kuti vagoverane Umambo hwokudenga naKristu.—Zvak. 7:4-8; 14:1-3.
Charles Taze Russell navasonganiri vake vakagoverana tariro iyoyo, sezvakaita vazhinjisa veZvapupu zvaJehovha kuburuka kusvikira pakati pema1930. Vaizivawo, kubva mukufunda kwavo Magwaro, kuti kuzodzwa nomudzimu mutsvene kwairatidzira kwete bedzi kuti vanhu vaigona kuwana basa romunguva yemberi samadzimambo navaprista naKristu mudenga asiwo kuti vakanga vane basa chairo rokuita vachiri munyama. (1 Pet. 1:3, 4; 2:9; Zvak. 20:6) Basai? Vaisanoziva uye kazhinji kazhinji vainokora mashoko Isaya 61:1, iyo inoti: “Mweya waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka.”
Kuparidza Nevavariroi?
Kunyange zvazvo vakanga vari vashomanene munhamba, vakaedza kupa kumunhu ari wose anobvira zvokwadi pamusoro paMwari nechinangwa chake. Vakadhinda ndokuparadzira zvitsama zvikuru zvamabhuku anotaura mashoko akanaka ane chokuita negadziriro yake yoruponeso kupfurikidza naKristu. Asi vavariro yavo yakanga isati itongori kutendeutswa kwaavo vavaiparidzira. Ipapoka, neiko vaivaparidzira? Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1889 yakatsanangura, kuti: “Tiri vamiriri vake [vaJehovha] mupasi; kukudzwa kwezita rake kunofanira kurevererwa pamberi pavavengi vake napamberi pavakawanda vavana vake vakanyengerwa; gadziriro yake ine mbiri inofanira kuziviswa mukurwisana nemazano ose okuchenjera mune zvenyika ayo vanhu vari kutanga uye vave vari kuedza kudaro.”
Ngwariro chaiyo yakapiwa kuavo vaitaura kuti vanhu vaShe, vakawanda vavo vakanga vari mitezo yechechi dzechiKristudhomu. Ndeipi yakanga iri vavariro mukuparidza kuna ivava? Sokutsanangura kwaiwanzoita Hama Russell, chishuvo chaVadzidzi veBhaibheri vapakuvamba chakanga chisati chiri chokukwevera mitezo yechechi kune rimwe sangano rakati asi kuvabetsera kuswedera pedyo zvikuru naShe semitezo yechechi imwe yechokwadi. Vadzidzi veBhaibheri vaiziva, zvisinei, kuti mukuteerera Zvakazarurwa 18:4, vanhu vakadaro vanofanira kubuda mu“Bhabhironi,” iro vainzwisisa kuva raioneka mune dzaingonzi chechi, chechi dzechiKristudhomu nedzidziso dzadzo dzose dzisati dziri dzapaMagwaro namapoka amasekete. Muchinyorwa chokutanga chimene cheNharireyomurindi yechiNgezi (July 1879), Hama Russell vakati: “Tinonzwisisa kuti vavariro yokupupura kwazvino ku‘Budisa vanhu vezita Rake’—Chechi—avo pakuuya kwaKristu vanobatanidzwa Naye, uye kugamuchira zita Rake. Zvak. iii. 12.”
Vaiziva kuti, panguva iyoyo, “kudanwa” kumwe chete kwakanga kuri kupiwa kuvaKristu vose vechokwadi. Ikoku kwakanga kuri kukokwa kuva mitezo yomwenga waKristu, iyo pakupedzisira yaizova 144 000 chete munhamba. (VaEf. 4:4; Zvak. 14:1-5) Vaitsvaka kunyandura vose vaitaura kuti vanotenda chibayiro chorudzikinuro chaKristu, ivava vangave vaiva mitezo yechechi kana kuti kwete, kuti vanzwisise “zvipikirwa zvinokosha nezvakakura kwazvo” zvaMwari. (2 Pet. 1:4; VaEf. 1:18) Vaida kuvasundira kushingairo mukuwirirana nezvinodikanwa zveboka duku ravadyi venhaka voUmambo. Nokuda kwokusimbiswa mumudzimu kwavose vakadaro, avo vairangarira savanoumba “imba yokutenda” (nemhaka yokuti vaitaura kuti vanotenda rudzikinuro), Hama Russell navasonganiri vavo vakatsvaka nokushingaira kuita kuti ‘zvokudya [zvomudzimu] munguva yakafanira’ zviwanike kupfurikidza nezvikamu zveNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri.—VaG. 6:10; Mat. 24:45, 46, KJ.
Vaigona kuona, zvisinei, kuti havasati vari vose vaitaura kuti vakaita “tsauriro” (kana kuti, ‘vakazvipa vamene zvizere kunaShe,’ sezvavaikunzwisisa kuva kunoreva) pashure pacho vakapfuurira kuronda upenyu hwokurega zvimwe zvinhu nokudisa, vachiita basa raShe itiro hanya yavo yokutanga muupenyu. Bva, sokutsanangura kwavakaita, vaKristu vakazvitsaurira vakanga vabvuma kupa upenyu hwavanhu nenzira yokudisa, vachirangarira nhaka yokudenga; kwakanga kusina kudzoka shure; kudai vasina kuwana upenyu munzvimbo yemidzimu, rufu rwechipiri rwaizovamirira. (VaH. 6:4-6; 10:26-29) Asi vaKristu vakawanda vairatidzika kuva vakazvitsaurira vakanga vari kutora nzira iri nyore, vachikundikana kuratidzira shingairo yechokwadi nokuda kwebasa raShe uye vachidzivisa kurega zvimwe zvinhu. Kunyange zvakadaro, sezviri pachena vakanga vasina kuzvidza rudzikinuro uye vakanga vari kurarama upenyu hwakachena zvine mufungo. Chii chaizoitika kuvanhu vakadaro?
Kwamakore akawanda Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti irori rakanga riri boka rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:9, 14 (KJ), iyo inonongedzera ku“vazhinjizhinji” avo vanobuda mudambudziko guru ndokumira “pamberi pechigaro choumambo” chaMwari napamberi peGwayana, Jesu Kristu. Vairangarira kuti kunyange zvazvo ivava vakadzivisa upenyu hwokurega zvimwe zvinhu, ivo vaizonangana nemiedzo yokutenda inoguma norufu mukati menguva yedambudziko pashure pokupiwa mbiri kwevokupedzisira vomwenga waKristu. Vaidavira kuti kana ivava avo vakanga vachitaurwa kuva vevazhinjizhinji vakanga vakatendeka panguva iyoyo, vaizomutsirwa kuupenyu hwokudenga—kwete kuti vatonge samadzimambo asi kuti vamire pamberi pechigaro choumambo. Kwairangarirwa kuti ivo vaizopiwa nzvimbo dzakaderera dzakadaro nemhaka yokuti kuda kwavo Ishe kwakanga kwave kusiri kwokushingaira zvakakwana, nemhaka yokuti vakanga vasina kuratidza shingairo yakakwana. Kwaifungwa kuti ivava vakanga vari vanhu vakanga vaberekwa nomudzimu waMwari asi vakanga vave vari vanoregeredza pamusoro pokuteerera Mwari, sezvinobvira vachipfuurira kunamatira kuchechi dzechiKristudhomu.
Vaifungawo kuti zvichida—zvichida chete—“vakafanirwa vakare” avo vaizobatira samachinda papasi mukati menhambo yemireniyumu, pamugumo wenguva iyoyo, nenzira yakati vaizopiwa upenyu hwokudenga. (Pis. 45:16) Vairangarira kuti kariro yakafanana ingamirira vapi navapi vaka“zvitsaurira” vamene pashure pokunge vadyi venhaka voumambo 144 000 vose vasarudzwa pakupedzisira asi nguva yedzorerwo pasi pano isati yavamba. Munzira yakaganhurirwa, ikoku kwakanga kuri kupfuuridzirwa kwomurangariro wechiKristudhomu wokuti vose vakanaka zvakakwana vanoenda kudenga. Asi kwakanga kune chitendero icho Vadzidzi veBhaibheri vaikoshesa chomuMagwaro icho chakavaparadzanisa nechiKristudhomu chose. Ichocho chakanga chiri chii?
Kugara Nokusingaperi Mukukwana Pasi Pano
Vaiziva kuti nepo nhamba yakaganhurirwa inotorwa pakati porudzi rwomunhu yaizopiwa upenyu hwokudenga, kwaizova navamwe vakawanda zvikuru avo vaizopiwa upenyu husingagumi pasi pano, mumamiriro ezvinhu akafanana neayo akanga avapo muParadhiso yeEdheni. Jesu akanga adzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Iye akanga atiwo: “Vakaropafadzwa vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mat. 5:5; 6:10.
Mutsinhirano naikoko, chatia yakabudiswa sewedzero kuNharireyomurindi yechiNgezi yaJuly-August 1881 yakaratidzira kuti kwaizova navakawanda vanobva pakati porudzi rwomunhu avo vaizowana nyasha dzaMwari mukati moKutonga kweMireniyumu kwaKristu uye avo vaizoumba “nyika yorudzi rwomunhu rwakasimudzirwa kukukwana kwavanhu noupenyu.” Iyi chati yakashandiswa kwamakore akawanda sehwaro hwehurukuro kumapoka ose ari maviri makuru namaduku.
Vanhu pasi pano vaizogara mumamiriroi ezvinhu mukati menguva yemireniyumu iyoyo? Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1912, yakatsanangura, kuti: “Chivi chisati chapinda munyika, gadziriro yaMwari nokuda kwavabereki vedu vokutanga yakanga iri Bindu reEdheni. Sezvatinofunga nezvaikoku, ndangariro dzedu ngadzitendeukire kunguva yemberi, dzichitungamirirwa neShoko raMwari; uye muchiono chendangariro tinoona Paradhiso yakadzorerwa—kwete binduwo zvaro, asi pasi rose raitwa kuti rive rakaisvonaka, rinobereka, risina chivi, rinofara. Ipapo tinoyeuka chipikirwa chakafuridzirwa chatakarovedzana nacho kwazvo—‘Uye Mwari achapukuta misodzi yose mumeso avo; uye hakusati kuchizovazve norufu, uyewo kusuruvara kana kuti kuchema, uyewo hakusati kuchizovazve nokurwadziwa,’ nokuti zvinhu zvokutanga zvechivi norufu zvichave zvapfuura, uye zvinhu zvose zvichave zvaitwa zvitsva!—Zvak. 21:4, 5.”
Ndivanaani Vaizogara Nokusingaperi Pasi Pano?
Hama Russell vakanga vasingafungi kuti Mwari akanga ari kupa rudzi rwomunhu chisarudzo—upenyu hwokudenga nokuda kwaavo vaihuda uye upenyu muparadhiso yapasi nokuda kwaavo vaifunga kuti vaizoda havo ihwohwo. Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1905, yakaonesa, kuti: “Mirangariro yedu kana kuti zvishuvo hazvisati zviri danidzo yacho. Nezvisizvo kwaizoreva kuti tinoita kudana kwedu timene. Achitaura nezvouprista hwedu, Muapostora anozivisa kuti, ‘Hakuna munhu anozvitorera amene urwu rukudzo asi iye uyo anodanwa naMwari,’ (VaH. 5:4), uye nzvimbo yokuva nechokwadi chokuri kuda kwaMwari haisati iri mumirangariro yedu asi muShoko raMwari amene reziviso.”
Pamusoro pomukana wokurarama muparadhiso yapasi yakadzorerwa, Vadzidzi veBhaibheri vaidavira kuti iwoyu waizotambanudzirwa kuvanhu pashure bedzi pokunge boka duku rose ragamuchira tuso yavo uye nguva yemireniyumu yapinzwa zvizere. Iyoyo, vainzwisisa kudaro, yaizova nguva yo“kudzorerwa kwezvinhu zvose,” seinonongedzerwa kwairi pana Mabasa 3:21. (KJ) Kunyange vakafa ipapo vaizomutswa kuti vose vagogona kugoverana mugadziriro iyoyo yorudo. Hama dzaiisa muchiono rudzi rwose rwomunhu (kunze kwaavo vakanga vadanwa kuupenyu hwokudenga) sevanopiwa mukana wavo panguva iyoyo wokusarudza upenyu. Sokukunzwisisa kwadzaiita, iyoyo yaizova nguva apo Kristu, ari pachigaro chake choumambo, aizoparadzanisa vanhu, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. (Mat. 25:31-46) Vanhu vanoteerera, vakaberekwa savaJudha kana kuti zvimwe saVamarudzi, vaizobvumikisa kuva “mamwe makwai” aShe.—Joh. 10:16.b
Pashure pokunge Nguva dzaVamarudzi dzaguma, vaifunga kuti nguva yedzorerwo yakanga yava pedyo zvikuru; naizvozvo kubvira muna 1918 kuburuka kusvikira kuna 1925, vakazivisa, kuti: “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa.” Hungu, vainzwisisa kuti vanhu vairarama panguva iyoyo—rudzi rwomunhu rwose zvarwo—vakanga vane mukana wokupukunyuka ndokupinda munguva chaimo yedzorerwo uye kuti panguva iyoyo vaizodzidziswa zvinodikanwa zvaJehovha zvoupenyu. Kana vachiteerera, zvishoma nezvishoma vaizosvika pakukwana kwomunhu. Kana vachipandukira, ivo, pashure penguva yakati, vaizoparadzwa nokusingaperi.
Mukati mamakore apakuvamba iwayo, hama dzakanga dzisina pfungwa yokuti shoko roUmambo raizoziviswa zvikuru uye kwamakore akawanda sezvarakaitwa. Asi dzakapfuurira kunzvera Magwaro ndokuedza kudavidza kuizvo iwaya airatidzira pamusoro pebasa iro Mwari aizoita kuti vaite.
“Makwai” Kuruoko Rworudyi rwaKristu
Nhano inokosha zvirokwazvo mukunzwisisa chinangwa chaJehovha yakanangidzirwa pamufananidzo waJesu wamakwai nembudzi, uri pana Mateo 25:31-46, NW. Mumufananidzo iwoyo Jesu akati: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake, uye ngirozi dzose dzinaye, ipapo iye achagara pachigaro chake choumambo chine mbiri. Uye marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye iye achaparadzanisa vanhu, kungofanana nokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Uye iye achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.” Sokupfuurira kuratidza kunoita mufananidzo wacho, “makwai” ndeavo vanobetsera “hama” dzaKristu, kunyange kutsvaka kudziunzira betsero apo dzinotambudzwa uye dziri mutorongo.
Kwakanga kwanguve kuchifungwa kuti uyu mufananidzo waishanda mukati menguva yemireniyumu, munguva yedzorerwo, uye kuti rutongeso rwokupedzisira rwunonongedzerwa kwarwuri mumufananidzo wacho ndirwo rwaizoitika pamugumo weMireniyumu. Asi muna 1923, zvikonzero zvomumwe murangariro wezvinhu zvakapiwa naJ. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, muhurukuro inorayiridza muLos Angeles, California. Iyoyi yakabudiswa gare gare gore iroro muchinyorwa chechiNgezi chaOctober 15 cheNharireyomurindi.
Pakukurukura nguva apo uyu mufananidzo wouporofita waizozadzikwa, nyaya yacho yakaratidza kuti Jesu aiubatanidza sorutivi rwemhinduro yake kukukumbirwa kwe‘chiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu.’ (Mat. 24:3) Nyaya yacho yakatsanangura chikonzero nei “hama” dzakanongedzerwa kwadziri mumufananidzo wacho dzaisagona kuva vaJudha vomunguva yeEvhangeri kana kuti vanhu vanoratidza kutenda mukati menhambo yemireniyumu yokuedza norutongeso asi dzinofanira kuva avo vari vadyi venhaka naKristu voUmambo hwokudenga, nokudaro ndicho chikonzero nei kuzadzikwa kwomufananidzo wacho kuchifanira kuva panguva apo vamwe vavadyi venhaka pamwe chete naKristu vanenge vachiri munyama.—Enzanisa naVaHebheru 2:10, 11.
Zvakaitika zvehama idzodzo dzakazodzwa dzaKristu apo dzakaedza kupupura kuvafundisi nokuvanhuwo zvavo vakabatanidzwa nechechi dzechiKristudhomu zvakaratidzirawo kuti uporofita hwacho hwakabatanidzwa mumufananidzo waJesu hwakanga huri kutozadzikwa. Seiko? Kuita kwavakawanda vavafundisi nemitezo yakatanhamara yechechi dzavo kwakanga kuri kwoutsinye—kwakanga kusiri mukombe unozorodza wemvura, nenzira chaiyoiyo kana kuti zvimwe nenzira yokufananidzira; panzvimbo pezvo, vamwe vaivava vakanyandura nyongori kuti dzikurure hama zvipfeko ndokudzirova, kana kuti vakarayira kuti vakuru vakuru vadziise mutorongo. (Mat. 25:41-43) Mukupesana, mitezo yechechi yakawanda inozvininipisa yakagamuchira nomufaro shoko roUmambo, yakapa zorodzo kuavo vairiunza, uye yakaita zvayaigona kuti idzibetsere kunyange apo vakazodzwa vakaiswa mutorongo nokuda kwamashoko akanaka.—Mat. 25:34-36.
Sokuona kwaigona kuita Vadzidzi veBhaibheri, avo Jesu akataura nezvavo samakwai vakanga vachiri muchechi dzechiKristudhomu. Ivava, vairangarira kudaro, vakanga vari vanhu vakanga vasingatauri kuti vakazvitsaurira kunaShe asi vairemekedza zvikuru Jesu Kristu navanhu vake. Bva, vaigona kuramba vari muchechi here?
Kutsigira Zvakasimba Kunamata Kwakachena
Kufundwa kwebhuku rouporofita reBhaibheri raEzekieri kwakajekesa ikoku. Rokutanga rebhuku rinotsinhira rine mavhoriyamu matatu rine musoro unoti Vindication rakabudiswa muna 1931. Rakatsanangura revo yeizvo Ezekieri akanyora pamusoro pokutsamwira kwaJehovha Judha wakare akaramba kutenda neJerusarema. Kunyange zvazvo vanhu vaJudha vaitaura kuti vanobatira Mwari mupenyu newechokwadi, vaigamuchira miitiro yorudzidziso yamarudzi akapoteredza, vaipa zvinonhuwira kuzvidhori zvisina upenyu, uye vaiisa chivimbo chavo nenzira younzenza mumibatanidzwa yezvamatongerwe enyika, panzvimbo pokuratidzira kutenda muna Jehovha. (Ezek. 8:5-18; 16:26, 28, 29; 20:32) Muna ikoku kwose, vakanga vakafanana chaizvoizvo nechiKristudhomu; naizvozvo, nenzira inowirirana, Jehovha aizoita rutongeso pachiKristudhomu kungofanana nezvaakaita pana Judha asina kutendeka neJerusarema. Asi ganhuro 9 yaEzekieri inoratidza kuti rutongeso rwoumwari rusati rwaitwa, vamwe vaizoiswa chiratidzo kuti vaponeswe. Ndivanaani ivava?
Uporofita hwacho hunotaura kuti avo vanoiswa chiratidzo nokuda kwokupukunyuka vaizova vachi“gomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvinoitwa” pakati pechiKristudhomu, kana kuti Jerusarema rokufananidzirwa. (Ezek. 9:4) Zvirokwazvo, ipapoka, vaisagona kuva vachigoverana namaune muzvinhu zvinonyangadza izvozvo. Vhoriyamu yokutanga yaVindication naizvozvo yakazivisa avo vane chiratidzo savanhu vanoramba kuva rutivi rwamasangano echechi echiKristudhomu uye munzira yakati vanotsigira Ishe.
Aya mashoko akateverwa muna 1932 nekurukurirano yechinyorwa cheBhaibheri chine chokuita naJehu naJehonadhabhi nerevo dzacho dzouporofita. Jehu akatumwa naJehovha kuti ave mambo paumambo hwaiva nendudzi gumi hwaIsraeri uye kuti aite rutongeso rwaJehovha paimba yakaipa yaAhabhi naJezebheri. Apo Jehu akanga ari munzira kuenda kuSamaria kuti aparadze kunamatwa kwaBhaari, Jehonadhabhi (Jonadhabhi), mwanakomana waRakabhi, akabuda kuti asangane naye. Jehu akabvunza Jehonadhabhi, kuti: “Mwoyo wako wakarurama here?” uye Jehonadhabhi akapindura, kuti: “Wakarurama hawo.” “Ndibate ruoko rwangu,” Jehu akakumbira kudaro, uye akakwidza Jehonadhabhi mungoro yake. Ipapo Jehu akakurudzira, kuti: “Handei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako.” (2 Madz. 10:15-28) Jehonadhabhi, kunyange zvazvo akanga asiri muIsraeri, akabvumirana neizvo Jehu akanga achiita; iye aiziva kuti Jehovha, Mwari wechokwadi, anofanira kupiwa kuzvipira kwakazara. (Eks. 20:4, 5) Mazana amakore gare gare, vazukuru vaJehonadhabhi vakanga vachiri kuratidzira mudzimu uyo Jehovha akatendera, naizvozvo Iye akapikira, kuti: “Jonadhabhi mwanakomana waRakabhi haangashayiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.” (Jer. 35:19) Mubvunzo nokudaro wakamuka wokuti, Kune vanhu here vari pasi pano nhasi vasati vari vaIsraeri vomudzimu vane nhaka yokudenga asi avo vakafanana naJehonadhabhi?
Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 1, 1932, yakatsanangura, kuti: “Jehonadhabhi akamirira kana kuti akafanofananidzira boka riye ravanhu zvino vari papasi . . . [avo] vasingatsinhirani nesangano raSatani, vanotsigira kururama, uye ndivo avo Ishe achaponesa mukati menguva yeArmagedhoni, kuvapfuudza mudambudziko iroro, uye kuvapa upenyu husingaperi papasi. Ivava vanoumba boka ra‘makwai’ iro rinoda vanhu vaMwari vakazodzwa, nemhaka yokuti vanoziva kuti vakazodzwa vaShe vari kuita basa raShe.” Avo vairatidzira mudzimu wakadaro vakakokwa kuti vave negoverano mukuendesa shoko roUmambo kune vamwe kungofanana nezvakanga zvichiita vakazodzwa.—Zvak. 22:17.
Kwakanga kune vamwe (kunyange zvazvo vaiva vashomanene zvikuru panguva iyoyo) vaisonganira neZvapupu zvaJehovha avo vakaziva kuti mudzimu waMwari wakanga usina kuparira mavari tariro youpenyu hwokudenga. Vakasvika pakuzivikanwa savanaJonadhabhi, nokuti, kufanana naJonadhabhi (Jehonadhabhi) wakare, vakakurangarira kuva ropafadzo kuva vanozivikanwa navabatiri vakazodzwa vaJehovha, uye vakafara kugoverana muropafadzo idzo Shoko raMwari raivanongedzera kwadziri. Vanhu vakadaro avo vakanga vane kariro yokusatongofa vaizova vazhinji Armagedhoni isati yasvika here? Kwakanga kuchibvira here, sezvakanga zvataurwa, kuti vaigona kuva mumamiriyoni?
“Boka Guru”—Ndivanaani?
Apo chiziviso chakaitwa chegadziriro dzokuti Zvapupu zvaJehovha zvive nekokorodzano muWashington, D.C., kubvira pana May 30 kusvikira kuna June 3, 1935, Nharireyomurindi yakati: “Kusvikira kunguva ino havasati vari vanaJonadhabhi vakawanda vakava neropafadzo yokupinda kokorodzano, uye kokorodzano yekuWashington ingava nyaradzo chaiyoiyo nebetsero kwavari.” Ikoko kwakabvumikisa kuva kwechokwadi zvirokwazvo.
Pakokorodzano iyoyo ngwariro chaiyo yakapiwa kuna Zvakazarurwa 7:9, 10 (NW), iyo inorava, kuti: “Pashure pezvinhu izvozvi ndakaona, uye, tarira! boka guru, iro rakanga risina munhu aigona kuverenga, rakabva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi, rakamira pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana, rakapfeka nguo chena; mumaoko avo makanga mune michindwe. Uye vanoramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso runobva kuna Mwari wedu, uyo akagara pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’” Ndivanaani vanoumba iri boka guru, kana kuti “vazhinjizhinji?”—KJ.
Kwamakore, kunyange kuburuka kusvikira kuna 1935, havana kunzwisiswa kuva vamwe chetevo namakwai ari mumufananidzo waJesu wamakwai nembudzi. Sezvatocherekedzwa, kwaifungwa kuti rakanga riri boka rechipiri rokudenga—rechipiri nemhaka yokuti vakanga vave vachiregeredza kuteerera Mwari.
Zvisinei, murangariro iwoyo wakamutsa mibvunzo inopfuurira. Mimwe yaiyoyi yakakurukurwa pakuvamba muna 1935 pazvokudya zvamasikati padzimbahwe reWatch Tower Society. Vamwe pakati paavo vakataura ivo vamene panguva iyoyo vakakarakadza kuti vazhinjizhinji vakanga vari boka rapasi. Grant Suiter, uyo gare gare akava mutezo woMutumbi Unodzora, akayeuka, kuti: “Paimwe fundo yeBheteri, yakaitiswa naHama T. J. Sullivan, ndakabvunza, kuti: ‘Sezvo vazhinjizhinji vachiwana upenyu husingaperi, avo vanoumba boka iroro vanochengeta perero here?’ Kwakanga kune tsinhiro dzakawanda asi pasina mhinduro chaiyo.” Eya, paChishanu, May 31, 1935, pakokorodzano yekuWashington D.C., mhinduro inogutsa yakapiwa. Hama Suiter vakanga vakagara pauriri hwapamusoro vachitarira pasi paboka, uye vakafadzwa sei sezvo hurukuro yacho yakapetenuka!
Chinguvana pashure pekokorodzano yacho, Nharireyomurindi yechiNgezi, muzvinyorwa zvayo zvaAugust 1 na15, 1935, yakabudisa zvakataurwa muhurukuro iyoyo. Yakaonesa kuti chinhu chinokosha mukunzwisisa nenzira yakakodzera nhau kunzwisiswa kweidi rokuti chinangwa chikuru chaJehovha hachisati chiri kuponeswa kwavanhu asi kurevererwa kwezita rake amene (kana kuti, sezvataizotaura zvino, kurevererwa kwouchangamire hwake). Nokudaro kutendera kwaJehovha kuri paavo vanochengeta perero kwaari; iye haasati achitusa avo vanobvuma kuita kuda kwake asi ipapo vanounza ruzvidzo pazita rake kupfurikidza nokubvumirana pane zvisina kufanira nesangano raDhiyabhorosi. Ichi chinodikanwa chokutendeka chinoshanda kuna vose avo vangava netendero yaMwari.
Mutsinhirano naikoku, Nharireyomurindi yakati: “Zvakazarurwa 7:15 chaizvoizvo inokosha kukuzivikanwa kwavazhinjizhinji. . . . Iyi rondedzero iri muna Zvakazarurwa yavazhinjizhinji ndeyokuti ‘vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari, uye vanomubatira pachena’ . . . Vanoona uye vanonzwisisa ndokuteerera mashoko aJesu, Gwayana raMwari, achiti kwavari: ‘Imi munofanira kunamata Ishe Mwari wenyu, uye munofanira kubatira iye bedzi’; ari mashoko anoshanda kuzvisikwa zvose izvo Jehovha anotendera.” (Mat. 4:10) Naizvozvo, izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pavazhinjizhinji, kana kuti boka guru, zvaisagona kutsanangurwa nenzira yakakodzera sezvinogovera ruponeso nokuda kwavanhu vanotaura kuti vanoda Mwari asi vakanga vasingakendengi pamusoro pokuita kuda kwake.
Ipapoka, boka guru iboka rokudenga here? Nharireyomurindi yakaratidza kuti mutauro worugwaro rwacho hauna kunongedzera kumhedziso yakadaro. Pamusoro penzvimbo yavari “pamberi pechigaro choumambo,” yakaratidza kuti Mateo 25:31, 32 inotaura nezvamarudzi ose achiunganidzwa pamberi pechigaro choumambo chaKristu, bva marudzi iwayo ari pasi pano. Boka guru, zvisinei, “rakamira” pamberi pechigaro choumambo nemhaka yokuti rine tendero yoUyo ari pachigaro choumambo.—Enzanisa naJeremia 35:19.
Asi boka rakadaro raigona kuwanwa kupi—vanhu “vanobva mumarudzi ose,” vanhu vakanga vasiri rutivi rwaIsraeri womudzimu (vanorondedzerwa pakuvamba zvikuru, muna Zvakazarurwa 7:4-8), vanhu vakashandisa kutenda murudzikinuro (vakasuka nenzira yokufananidzira nguo dzavo muropa reGwayana), vanhu vakarumbidza Kristu saMambo (nemichindwe mumaoko avo, kufanana neboka rakakwazisa Jesu saMambo apo akapinda muJerusarema), vanhu vakanga vachizvipa vamene zvirokwazvo pamberi pechigaro choumambo chaMwari kuti vamubatire? Kwakanga kune boka ravanhu rakadaro here pasi pano?
Kupfurikidza nokuzadzika shoko rake amene rouporofita, Jehovha amene akagovera mhinduro. Webster Roe, uyo akanga ari muvateereri pakokorodzano yeWashington, akayeuka kuti papfundo rokupedzisira muhurukuro yavo, Hama Rutherford vakakumbira, kuti: “Avo vose vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano ndapota ngavasimuke.” Maererano naHama Roe, “inopfuura hafu yavateereri yakasimuka.” Mukubvumirana naikoku, Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 15, 1935, yakati: “Zvino tinoona boka rinokodzera chaizvoizvo rondedzero inopiwa muna Zvakazarurwa ganhuro rechinomwe pamusoro pevazhinjizhinji. Mukati mamakore mashomanene akapfuura, uye mukati menguva apo ‘iyi evhangeri youmambo inoparidzwa souchapupu’, kwakauya nhamba huru (uye vachiri kuuya) avo vanobvuma Ishe Jesu soMuponesi wavo naJehovha saMwari wavo, uyo vanonamata mumudzimu nomuzvokwadi ndokubatira nomufaro. Ivava neimwe nzira vanodanwa kunzi ‘vanaJonadhabhi’. Ivava vari kubhapatidzwa muratidziro, nokudaro vachipupurira kuti ivo . . . vakatsigira Jehovha uye vanobatira iye naMambo wake.”
Panguva iyoyo kwakaoneka kuti boka guru raZvakazarurwa 7:9, 10 rinobatanidzwa pakati pa“mamwe makwai” ayo Jesu akanongedzera kwaari (Joh. 10:16); ivo ndivo avo vanoyamura “hama” dzaKristu (Mat. 25:33-40); ivo ndivo vanhu vanoiswa chiratidzo nokuda kwokupukunyuka nemhaka yokuti vanosemburwa nezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa muchiKristudhomu ndokudzivisa izvozvi (Ezek. 9:4); ivo vakafanana naJehonadhabhi, uyo akazvizivisa amene pachena nomubatiri akazodzwa waJehovha mukuita basa rakapiwa naMwari raiyeyo (2 Madz. 10:15, 16). Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti ivava vabatiri vakavimbika vaMwari avo vachapukunyuka Armagedhoni nekariro yokurarama nokusingaperi papasi rakadzorerwa kumamiriro ezvinhu eParadhiso.
Basa Rokukurumidzira Rinofanira Kuitwa
Kunzwisisa kwavo magwaro iwaya kwakanga kune migumisiro inotapura zvikuru pamubato wavabatiri vaJehovha. Vakaziva kuti vakanga vasati vari ivo vaizosarudza ndokuunganidza mitezo yeboka guru; kwakanga kusati kuri kwavo kuudza vanhu kana tariro yavo ichifanira kuva yokudenga kana kuti yapasi. Ishe aizotungamirira zvinhu mutsinhirano nokuda kwake. Asi seZvapupu zvaJehovha, vakanga vane basa rakakomba. Vakanga vachifanira kubatira savazivisi veShoko raMwari, vachigoverana zvokwadi idzo Iye akavagonesa kunzwisisa, kuti vanhu vagoziva nezvegadziriro dzaJehovha ndokuva nomukana wokugamuchira idzodzi nenzira yokuonga.
Kupfuurirazve, vakaziva kuti kwakanga kune kurumidziro huru kubasa ravo. Munhevedzano yenyaya dzine musoro unoti “Kuunganidza Vazhinjizhinji,” yakabudiswa muna 1936, Nharireyomurindi yakatsanangura, kuti: “Magwaro anotsigira zvakasimba mhedziso yokuti paArmagedhoni Jehovha achaparadza marudzi apasi, achiponesa avo bedzi vanoteerera mirayiro yake kuti vatsigire sangano rake. Munguva dzakapfuura mamiriyoni namamiriyoni avanhu vakapinda muguva vasina kumbonzwa nezvaMwari naKristu, uye ivava munguva yakafanira vanofanira kumutswa murufu ndokupiwa zivo yezvokwadi, kuti vagoita chisarudzo chavo. Mamirire acho ezvinhu akasiyana, zvisinei, pamusoro pavanhu vari pasi pano zvino. . . . Avo vevazhinjizhinji vanofanira kugamuchira iri shoko reevhangeri zuva rehondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose risati rasvika, iyo iri Armagedhoni. Kana vazhinjizhinji vasingapiwi zvino shoko rezvokwadi, kuchava kunyanyononoka apo basa rokuuraya rinovamba.”—Ona 2 Madzimambo 10:25; Ezekieri 9:5-10; Zefania 2:1-3; Mateo 24:21; 25:46.
Somugumisiro wouku kunzwisiswa kwaMagwaro, Zvapupu zvaJehovha zvakazadzwa neshingairo yakamutsidzirwa yebasa rokupupura. Leo Kallio, uyo gare gare akabatira somutariri anofambira muFinland, akati: “Handigoni kuyeuka ndichimbova nomufaro wakadaro neshingairo, uyewo handigoni kuyeuka ndichimbochovha bhasikoro rangu nokukurumidza sezvandaiita mumazuva iwayo, apo ndaikurumidza kuunzira vanhu vanofarira mashoko okuti nemhaka yomutsa usakafanirwa waJehovha, ivo vakapiwa upenyu husingaperi pasi pano.”
Mukati mamakore mashanu akatevera, sezvo nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakakura, avo vaidya zviratidzo paChirangaridzo chegore negore chorufu rwaKristu vakaderera zvishoma nezvishoma munhamba. Zvisinei, kudirana kweboka guru kwakanga kusati kuchikurumidza sokukarira kwakanga kwaita Hama Rutherford. Pane imwe nguva ivo vakatoti kuna Fred Franz, uyo akava purezidhendi wechina weSosaiti: “Kunoratidzika sokunge kuti ‘vazhinjizhinji’ havasati vachizova vakawanda kwazvo pashure pokurangarira zvose.” Asi kubvira panguva iyoyo, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera kuva mamiriyoni, nepo nhamba inokarira nhaka yokudenga, zvikurukuru, yakapfuurira kuderera.
Boka Rimwe Pasi Pomufudzi Mumwe
Hapana kurwisana pakati peboka rakazodzwa neboka guru. Avo vane tariro yokudenga havazvidzi avo vanokarira nokudisa kugamuchira upenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Mumwe nomumwe anogamuchira nokuonga ropafadzo dzinotambanudzirwa kwaari naMwari, asingarangariri kuti nzvimbo yake nenzira yakati inomuita munhu ari nani kana kuti akaderera nenzira yakati kune mumwe munhuwo zvake. (Mat. 11:11; 1 VaK. 4:7) Sokufanotaura kwakaita Jesu, mapoka maviri azova zvirokwazvo “boka rimwe,” vachibatira pasi pake so“mufudzi mumwe” wawo.—Joh. 10:16.
Murangariro uyo hama dzakazodzwa dzaKristu dzinawo kushamwari dzadzo dzeboka guru unosanotaurwa mubhuku rinonzi Chengeteko yeNyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda Worugare”: “Kubvira paHondo Yenyika II, kuzadzikwa kwouporofita hwaJesu hwe‘mhedziso yetsika yezvinhu’ huri zvikurukuru nemhaka yebasa iro ‘boka guru’ ra‘mamwe makwai’ rinoita. Vhenekero inobva pamarambi akabatidzwa avakasarira yakavhenekera meso emwoyo yavo, uye vakabetserwa kuratidzira chiedza kuvamwe vachiri murima renyika ino. . . . Vakasvika pakuva shamwari dzisingaparadzaniswi dzavakasarira veboka romwenga. . . . Kuonga kukuru, naizvozvo, ku‘boka guru’ ramarudzi ose, remitauro mizhinji nokuda kworutivi rukuru rwarakaita mukuzadzikwa kwouporofita hwoMwenga huri pana Mateo 24:14!”
Zvisinei, sezvo Zvapupu zvaJehovha, kubatanidza boka guru, zvakagoverana zvakabatana mukuzivisa mashoko ane mbiri oUmambo hwaMwari, vanhu vakasvika pakuvaziva nokuda kwechimwe chinhu mukuwedzera kukupupura kwavo kwokushingaira.
[Mashoko Omuzasi]
a Iyi “Chati Yenguva” gare gare yakaitwazve mubhuku rinonzi The Divine Plan of the Ages.
b Zion’s Watch Tower, March 15, 1905, map. 88-91.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 159]
Vazhinjisa veZvapupu zvaJehovha vanotarira mberi kuupenyu husingagumi pasi pano
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 161]
Chitendero chakavaparadzanisa nechiKristudhomu chose
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 164]
Nguva yokuzadzikwa kwomufananidzo wamakwai nembudzi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 165]
Vakasvika pakuzivikanwa savanaJonadhabhi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 166]
Pana May 31, 1935, “vazhinjizhinji” vakazivikanwa nenzira yakajeka
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 170]
Tariro yokudenga kana kuti yapasi—ndiani anoisarudza?
[Bhokisi riri papeji 160]
Nguva Yenzwisiso
Anopfuura makore 250 akapfuura, Sir Isaac Newton vakanyora nyaya inofadza pamusoro pokunzwisisa uporofita, kubatanidza uhwo huri pamusoro pe“boka guru” raZvakazarurwa 7:9, 10. Mu“Observations Upon the Prophecies of Daniel, and the Apocalypse of St. John” ravo, rakabudiswa muna 1733, ivo vakataura, kuti: “Uhwu Uporofita hwaDhanieri naJohane hahufaniri kunzwisiswa kutozosvikira nguva yomugumo: asi ipapo vamwe vanofanira kuporofita kubva mahuri vari mumamirire ezvinhu okutambudzika neokuchema kwenguva refu, uye iwayo asi ane rima, kuti vatendeutse vashomanene bedzi. . . . Ipapo, Dhanieri akati, vakawanda vachamhanya-mhanya, uye zivo ichawedzerwa. Nokuti Evhangeri inofanira kuparidzirwa mumarudzi ose dambudziko guru risati rasvika, uye mugumo wenyika. Vazhinjizhinji vakatakura michindwe, avo vanobuda muiri dambudziko guru, havagoni kuva vasingaverengeki vanobva mumarudzi ose, kutoti vakaitwa kuti vave vakadaro kupfurikidza nokuparidzwa kweEvhangeri risati rasvika.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 168]
Pasi, Musha Usingagumi Womunhu
Ndechipi chakanga chiri chinangwa chapakuvamba chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu?
“Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Gen. 1:28.
Chinangwa chaMwari pamusoro papasi chakachinja here?
“Shoko rangu . . . haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isa. 55:11.
“Zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe, zvanzi naye: Ndini Jehovha, hakuna mumwe.”—Isa. 45:18.
“Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mat. 6:9, 10.
“Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pis. 37:9, 29.
Mamirirei ezvinhu achavapo pasi pano muUmambo hwaMwari?
“Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Pet. 3:13.
“Rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mik. 4:3, 4.
“Vachavaka dzimba ndokugaramo; vachasima minda yemizambiringa nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isa. 65:21, 22.
“Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isa. 33:24.
“Mwari amene achava navo. Uye iye achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruzovikozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvizovikozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvak. 21:3, 4, “NW”; onawo Johane 3:16.
“Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.”—Zvak. 15:4.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 169]
Avo Vanoenda Kudenga
Vanhu vangani vachaenda kudenga?
“Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai ushe.”—Ruka 12:32.
“Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rine vamwe vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vane zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana nemakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.”—Zvak. 14:1, 3.
Vane 144 000 vaJudha vose here?
“Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana kuti munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhrahama, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.”—VaG. 3:28, 29.
“Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa.”—VaR. 2:28, 29.
Neiko Mwari achiendesa vamwe kudenga?
“Vachava vaprista vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe chete naye makore ane gumi ramazana.”—Zvak. 20:6.
[Bhokisi/Girafu riri papeji 171]
Mushumo weChirangaridzo
Mukati memakore 25, vakapinda Chirangaridzo vakapfuura nhamba yavanodya nekane 100
[Girafu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
[Mufananidzo uri papeji 171]
Vakadya
Vakapinda
1 500 000
1 250 000
1 000 000
750 000
500 000
250 000
1935 1940 1945 1950 1955 1960
[Mifananidzo iri papeji 167]
Pakokorodzano yeWashington, D.C., 840 vakabhapatidzwa