Dzimbahwe Renyika Uye Hofisi Huru Dzezvapupu zvaJehovha—Mumifananidzo
DZIMBAHWE RENYIKA REZVAPUPU ZVAJEHOVHA
[Mufananidzo uri papeji 352, 353]
Mubato womunyika yose weZvapupu zvaJehovha wave uchitungamirirwa muBrooklyn, New York, U.S.A., kubvira muna 1909. Izvi zvivako zvakava nehofisi dzedzimbahwe kubvira muna 1980
[Mufananidzo uri papeji 352]
Watchtower Educational Center, kuPatterson, New York (yaivakwa muna 1992)
[Mifananidzo iri papeji 353]
Zvimwe zvezvivako zvinogarwa nezviuru zvinobatira padzimbahwe renyika
[Mifananidzo iri papeji 354]
Aichimbova mahotera muBrooklyn akagadzirwa kuti agovere nzvimbo vamwe vashandi vanozvipira 1 476
[Mifananidzo iri papeji 354]
Munogara mhuri yeBheteri kuWallkill, New York
[Mifananidzo iri papeji 354, 355]
Muizvi zvivako zvefekitari (muBrooklyn, New York), maBhaibheri, mabhuku, uye mabhurocha mumitauro 180 zvinobudiswa nokuda kwokuparadzira munyika yose
[Mifananidzo iri papeji 356]
Mamiriyoni emakaseti okuteerera emashoko eBhaibheri anogadzirwa muiyi fekitari muBrooklyn gore rimwe nerimwe. Muno, kutumirwa kwezvinyorwa kunotsinhiraniswawo. Matani anopfuura 15 000 emabhuku eBhaibheri nezvimwe zvinhu pagore zvinotumirwa kumativi ose enyika
[Mifananidzo iri papeji 356]
Muiyi fekitari kuWatchtower Farms, pedyo neWallkill, New York, mazana emamiriyoni emakopi e“Nharireyomurindi” ne“Mukai!,” mumitauro 14, anodhindwa gore rimwe nerimwe
Zvapupu zvaJehovha nemasangano epamutemo azvinoshandisa zvine hofisi nenzvimbo dzokudhindira mumativi akawanda enyika. Mifananidzo iri pamapeji anotevera inoratidza zvakawanda, kunyange zvazvo zvisiri zvose, zveizvi zvivako. Uko zvivako zvitsva zvakanga zviri kuvakwa muna 1992, mifananidzo yezvivako inoratidzwa. Mashoko anopiwa anoshanda kusvikira muna 1992.
NORTH AMERICA UYE WEST INDIES
ALASKA
[Mifananidzo iri papeji 357]
Vanoshanyira hofisi yebazu yeSosaiti vanogamuchirwa noushamwari. Muno muAlaska, sokune dzimwe nzvimbowo, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza paimba neimba, kunyange zvazvo tembiricha pane dzimwe nguva dzichidzika kusvikira ku-50° C.
[Mufananidzo uri papeji 357]
Ndege inoshandiswa kuendesa vazivisi voUmambo kumativi ari kure endima yacho
BAHAMAS
[Mufananidzo uri papeji 357]
Zvinyorwa zveWatch Tower zvakasvika kuBahamas pakasvika 1901. Kupupura nguva dzose kwakatanga kuitwa muno muna 1926. Kubvira panguva iyoyo mabhuku eBhaibheri anopfuura zvikuru 4 600 000 akaparadzirwa muzvitsuwa zvino zvinotarisirwa muiyi hofisi.
BARBADOS
[Mifananidzo iri papeji 358]
Mapoka orudzidziso anopfuura 140 muBarbados anotaura kuti ndeechiKristu. Kubvira muna 1905, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichibetsera vanhu muno kuzvionera vamene izvo Bhaibheri rinotaura.
BELIZE
[Mifananidzo iri papeji 358]
Inenge hafu yevagari vemo veBelize vanogara mumaruwa. Kuti zvisvike misha yakati yomukati, Zvapupu zvaJehovha zvinoita nzendo dzegore negore netsoka zvine homwe kumusana nemabhirifikesi.
COSTA RICA
[Mufananidzo uri papeji 358]
Sosaiti yakatanga kuva nehofisi yebazu muCosta Rica muna 1944. Kubvira muma1950, vagari vokuCosta Rica vari kugoverana mukunamata kwechokwadi vakasvika zviuru.
DOMINICAN REPUBLIC
[Mifananidzo iri papeji 359]
Mabhuku eWatch Tower akaparadzirwa muno pakuvamba sa1932. Asi kurayiridzwa kwomunhu oga kwevanhu vanofarira kwakavamba muna 1945, apo vafundisi vanoratidzwa kuruboshwe vakasvika. Mumakore achangobva kupfuura aya, apo makumi ezviuru zvavanhu akava anodisa kufunda Bhaibheri neZvapupu, izvi zvivako zvebazu zvakava zviri madikanwa.
EL SALVADOR
[Mifananidzo iri papeji 359]
Kupupura kwakaitwa muno muna 1916. Zvisinei, kutanga makanga muri muna 1945 umo anenge munhu mumwe muEl Salvador akanga agadzirira kuombekwa kwechiKristu (anoratidzwa pano). Kubvira panguva iyoyo, zvimwe zviuru zvakava vabatiri vaJehovha.
GUADELOUPE
[Mifananidzo iri papeji 359]
Reshiyo yevaparidzi nevagari vemo mundima inobatirwa neiyi hofisi yebazu ndeimwe yedzakanakisisa munyika. Vanhu vakawanda muGuadeloupe vanogamuchira mashoko akanaka nokuonga.
CANADA
[Mufananidzo uri papeji 360, 361]
Hofisi yeSosaiti muCanada inotarisira kuparidzwa kwemashoko akanaka munyika hurusa yechipiri munyika. Vazivisi voUmambo vanosanopfuura 100 000 vakabatikana muiyi nyika.
Chivako chinotarisira (chakafukidza mufananidzo wechivako chebazu chazvino)
[Mufananidzo uri papeji 360]
Ndima dzokuChamhembe Kwakadziva kuMadokero
[Mufananidzo uri papeji 360]
Misasa yokutema miti yeBritish Columbia
[Mufananidzo uri papeji 360]
Mapurazi emombe muAlberta
[Mufananidzo uri papeji 361]
French Quebec
[Mufananidzo uri papeji 361]
Maruwa eMaritime
GUATEMALA
[Mifananidzo iri papeji 360]
Kunyange zvazvo chiSpanish chiri mutauro wapamutemo weGuatemala, mhatsa yemitauro yakaoma kunzwisisa yeIndia inotaurwa muno. Hofisi yeSosaiti inoedza kuva nechokwadi chokuti munhu ari wose ane mukana wokunzwa pamusoro poUmambo hwaMwari.
HAITI
[Mifananidzo iri papeji 361]
Kubatira Jehovha kunounza mufaro mukuru kuZvapupu zvaJehovha muHaiti, pasinei zvapo nemamirire ezvinhu anowanzooma ayo akazvipoteredza.
HONDURAS
[Mifananidzo iri papeji 362]
Kubvira muna 1916, maawa anosanopfuura 23 000 000 akapiwa kukudzidzisa Bhaibheri vagari vomuiyi nyika. Padzimwe nguva, Zvapupu zvaJehovha zvakafanirawo kudzidzisa vanhu kurava nokunyora (sezvaunoona pano) kuvagonesa kufunda Shoko raMwari ivo vamene.
JAMAICA
[Mifananidzo iri papeji 362]
Mazana muJamaica akava vabatiri vakazvipira vaJehovha mukati menguva apo vadyi venhaka vaikarirwa voUmambo hwokudenga vakanga vachiunganidzwa. Kubvira muna 1935, zvimwe zviuru zvakakumbanira mukuparidza shoko roUmambo. Iyi hofisi yebazu iri kuvakwa kubetsera kutarisira zvinodikanwa zvavo zvomudzimu.
LEEWARD ISLANDS (ANTIGUA)
[Mufananidzo uri papeji 362]
Pakuvamba sa1914, mashoko akanaka akanga achiparidzwa muzvitsuwa zvino zvinotarisirwa neiyi hofisi. Nguva nenguva kubvira panguva iyoyo, vanhu muurwu rutivi rwepasi vave vakakokwa kuti va“to[re] mvura youpenyu vasingatengi.”—Zvak. 22:17.
MEXICO
[Mufananidzo uri papeji 363]
Nzvimbo itsva yedzidzo yeBhaibheri iri kuvakwa neZvapupu zvaJehovha muMexico
[Mufananidzo uri papeji 363]
Zvivako zvehofisi zviri kushandiswa muna 1992
[Mifananidzo iri papeji 363]
Mabhuku eBhaibheri anobudiswa muno anogovera Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 410 000 muMexico nedzimwe nyika dziri pedyo dzinotaura chiSpanish
[Mufananidzo uri papeji 363]
Kubvira muna 1986 kusvikira kuna 1992, inosanopfuura 10 muzana yefundo dzeBhaibheri dzepamusha dzaiitiswa neZvapupu munyika yose yakanga iri muMexico, dzakawanda dzaidzodzi nemapoka emhuri
[Girafu riri papeji 363]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Fundo dzeBhaibheri muMexico
500 000
250 000
1950 1960 1970 1980 1992
MARTINIQUE
[Mifananidzo iri papeji 364]
Mbeu dzezvokwadi dzakadyarwa muno pakuvamba sa1946. Asi apo Xavier naSara Noll (vanoratidzwa pano) vakabva kuFrance muna 1954, vakakwanisa kugara ndokusakurira fariro yakawanwa. Pakasvika 1992, vanhu vanopfuura 3 200 vakanga vachigoverana navo mukuzivisa shoko roUmambo.
NETHERLANDS ANTILLES (CURAÇAO)
[Mifananidzo iri papeji 364]
Vafundisi makumi maviri nevatatu vakabatira mundima yeiyi hofisi yebazu. Vaviri veboka rapakuvamba (vanoratidzwa pano) avo vakasvika muna 1946 vakanga vachiri kushanda muna 1992.
NICARAGUA
[Mufananidzo uri papeji 364]
Kutanga muna 1945, apo vafundisi vakasvika, Zvapupu zvaJehovha muNicaragua zvakavamba kuwedzera. Pakasvika 1992 zvakapfuura 9 700. Vanhu vanoda kuti Zvapupu zvivadzidzise Bhaibheri zvino vanopfuura zvikuru Zvapupu zvomunzvimbomo.
PANAMA
[Mifananidzo iri papeji 365]
Kubvira pamugumo wezana ramakore rechi19, vanhu muPanama vave vachigamuchira betsero mukudzidza zvinodikanwa zvaMwari nokuda kwoupenyu husingagumi.
PUERTO RICO
[Mifananidzo iri papeji 365]
Kubvira muna 1930, mabhuku eBhaibheri anopfuura 83 000 000 akaparadzirwa muPuerto Rico, uye shanyo dzedzokerero 25 000 000 dzakaitwa kugovera imwe betsero kuvanhu vanofarira. Basa reshanduro rinoitwa pano rinobetsera kuita kuti mabhuku eBhaibheri awanikwe kuvane 350 000 000 munyika yose avo vanotaura chiSpanish.
TRINIDAD
[Mifananidzo iri papeji 365]
Mashoko akanaka akanga achitoziviswa zvikuru muTrinidad pakuvamba sa1912. Zvapupu zvakawanda, kubatanidza ava vatatu vakarovedzwa paChikoro cheGilead, vakapa nguva yavo yakazara kuiri basa.
SOUTH AMERICA
ARGENTINA
[Mifananidzo iri papeji 366]
Mumwe muzivisi woUmambo akatanga kutumwa kuiyi nyika muna 1924. Betsero yakawanda yakapiwa gare gare navafundisi vakarovedzwa kuGilead, kubatanidza Charles Eisenhower (anoratidzwa pano), uyo akasvika nomudzimai wake muna 1948. Pakasvika 1992, kutarisira kwose, pamwe chete nemabhuku eBhaibheri, kwakanga kuchigoverwa kuchibva muizvi zvivako nokuda kweZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 96 000 muArgentina. Mabhuku akanga achitumirwawo achibva pano kugovera Zvapupu zvinopfuura 44 000 muChile.
BOLIVIA
[Mifananidzo iri papeji 367]
VokuBolivia vave vachinzwa shoko roUmambo kubvira muna 1924. Zviuru zvinogamuchira mabhuku eBhaibheri nokuonga uye zvinobetserwa nefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzenguva dzose.
CHILE
[Mifananidzo iri papeji 367]
Pakasvika 1919, mabhuku eWatch Tower akanga asvika Chile. Kuparidza kunotarisirwa neiyi hofisi zvino kunobvira mumapurazi emakwai anovhuvhutwa nemhepo kumaodzanyemba kusvikira kumisasa yemigodhi iri kure kuchamhembe, kubvira kuMakomo eAndes kusvikira kugungwa.
ECUADOR
[Mifananidzo iri papeji 367]
Kubetsera kukuru kukuparidzwa kwemashoko akanaka muEcuador kwakaitwa neZvapupu zvinopfuura 870 (zvakadai sezviviri zvinoratidzwa pano) izvo zvakasiya nyika dzokumusha kwazvo kuti zvibatire uko kushayiwa kwakanga kuri kukuru zvikuru. Iri bazu zvino rinogovera betsero varumbidzi vanoshingaira vaJehovha vanopfuura 22 000.
BRAZIL
[Mifananidzo iri papeji 368, 369]
Muna 1992, apo hofisi yebazu yeSosaiti, nzvimbo yokudhindira, uye Musha weBheteri zvakanga zvichikudzwa kusvikira kuu- hwu ukuru, Zvapupu zvaJehovha muBrazil zvakapfuura 335 000 uye zvakanga zvichibhapatidza vadzidzi vanopfuura 27 000 gore rimwe nerimwe. Nzvimbo yokudhindira pano inogoverawo mabhuku okuparadzira muBolivia, Paraguay, uye Uruguay.
[Mifananidzo iri papeji 369]
Nhandare huru mbiri dzakashandiswa nokuda kwekokorodzano yamarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha muSão Paulo muna 1990; kokorodzano dzokuwedzera dzinopfuura 100 dzakarongwawo
[Girafu riri papeji 369]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Vazivisi voUmambo muBrazil
300 000
200 000
100 000
1950 1960 1970 1980 1992
GUYANA
[Mifananidzo iri papeji 368]
Sosaiti yakava nehofisi yebazu muGuyana kubvira muna 1914. Zvapupu zvakapinda mukati chaimo ndokuedza kupa munhu ari wose mukana wokunzwa mashoko akanaka. Kunyange zvazvo vagari vemo vomunyika yacho kunyange zvino vasingasviki miriyoni imwe, Zvapupu zvakapa maawa anopfuura 10 000 000 kukuparidza nokudzidzisa muiyi nyika.
PARAGUAY
[Mifananidzo iri papeji 369]
Kuparidzwa kwemashoko akanaka kwakanga kuchiitwa muPara- guay pakasvika pakati pema1920. Kubvira muna 1946, vafundisi 112 vakarovedzwa kuGilead vakabetsera kupa uchapupu. Kuti zvisvike mapoka emitauro kunze kwechiSpanish chomunzvi- mbomo nechiGuarani, zvimwe Zvapupu zvakazvipirawo kutamiramo zvichibva kunyika dzakasiyana-siyana.
Kubva kuGermany
Kubva kuKorea
Kubva kuJapan
COLOMBIA
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 370, 371]
Pakuvamba sa1915, chimwe chinyorwa cheWatch Tower chakapositwa kumurume aifarira muColombia. Pakasvika 1992, mabhuku eBhaibheri anodhindwa muizvi zvivako akanga achitumirwa kutarisira zvinodikanwa zvevaparidzi veevhangeri vanopfuura 184 000 muColombia, Ecuador, Panama, Peru, uye Venezuela.
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
COLOMBIA
PERU
ECUADOR
PANAMA
VENEZUELA
PERU
[Mufananidzo uri papeji 370]
Mabhuku eBhaibheri akaparadzirwa muPeru neMudzidzi weBhaibheri aishanya pa- kuvamba sa1924. Ungano yokutanga yakaumbwa muno makore 21 gare gare. Zvino muPeru mune vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari vanopfuura 43 000.
[Mufananidzo uri papeji 370]
Mapiyona ari kuparidza pamusoro muAndes
SURINAME
[Mifananidzo iri papeji 371]
Munenge muna 1903 boka rokutanga refundo rakaumbwa muno. Nhasi izvi zvivako zvebazu zvinodikanwa kutarisira ungano munyika yose—munharaunda dzisina kubudirira, maruwa, uye guta racho.
URUGUAY
[Mifananidzo iri papeji 372]
Kubvira muna 1945, vafundisi vanopfuura 80 vakabetsera kukuziviswa kwoUmambo muUruguay. Avo vanoratidzwa pano vave vachibatira muUruguay kubvira muma1950. Pakasvika 1992, Zvapupu zvomunzvimbomo zvinopfuura 8 600 zvakanga zvichibatira pamwe chete navo.
VENEZUELA
[Mufananidzo uri papeji 372]
Mabhuku eWatch Tower akaparadzirwa muVenezuela pakati pema1920. Makore gumi gare gare boka remapiyona ramai nemwanasikana vakabva kuUnited States rakavamba nhambo yokushingaira yokuparidza muno, richifukidza rafukidzazve dzimbahwe nokuita nzendo kumataundi munyika macho mose. Zvino kune Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 60 000 muVenezuela.
[Mifananidzo iri papeji 372]
Nhandare yokurwa nomukono wemombe muValencia iine boka re74 600 nokuda kwegungano chairo muna 1988
EUROPE NEMEDITERRANEAN
AUSTRIA
[Mufananidzo uri papeji 373]
Pakuvamba sema1890, vamwe vanhu muAustria vakanga vachipiwa mukana wokubetserwa nemashoko akanaka. Kubvira muma1920, kwave kune kukura kune mwero asi kwakatsiga munhamba yevarumbidzi vaJehovha muiyi nyika.
[Mufananidzo uri papeji 373]
Ungano dzinopfuura 270 dzinosangana muHoro dzoUmambo muAustria mose
BELGIUM
[Mifananidzo iri papeji 373]
Belgium yazova imwe yenzvimbo panosangana tsika dzakasiyana-siyana dzenyika. Kutarisira vagari vemo vakasiyana-siyana vanowanwa muno, iri bazu rinoparadzira mabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 100.
BRITAIN
[Mifananidzo iri papeji 374]
Mubato wezvinopfuura 125 000 zveZvapupu zvaJehovha muBritain unotarisirwa muiyi hofisi yebazu. Zvapupu zvomuBritain zvakagamuchirawo migove yokuparadzira shoko roUmambo mudzimwe nyika dzeEurope pamwe chete nomuAfrica, South America, Australia, kuMabvazuva, uye zvitsuwa zvegungwa.
IBSA House
Watch Tower House
[Mifananidzo iri papeji 374]
Mabhuku eBhaibheri anodhindwa muno muchiNgezi, chiMaltese, chiGujarati, uye chiSwahili
[Mufananidzo uri papeji 374]
Dhipatimendi Rebasa rinotarisira ungano dzinopfuura 1 300 muBritain
[Mifananidzo iri papeji 374]
Migove yemabhuku inotumirwa kumativi ose eEngland, Scotland, Wales, Ireland, uye Malta, pamwe chete nokunzvimbo dziri muAfrica neCaribbean
FRANCE
[Mifananidzo iri papeji 375]
Kushandurwa ne“photocomposition” yezvinyorwa zvose zveWatch Tower zvinodhindwa munyika yose nokuda kwevanhu vanotaura chiFrench zvinoitwa pabazu riri muFrance. (Vanhu vanopfuura 120 000 000 vanotaura chiFrench.) Mabhuku anodhindwa nguva dzose muno mumitauro yakasiyana-siyana uye anotumirwa kunyika dziri muEurope, Africa, Middle East, Indian Ocean, uye Pacific Ocean.
Nzvimbo yokudhindira/ hofisi muLouviers
Shanduro
“Photocomposition”
[Mufananidzo uri papeji 375]
Hofisi/nzvimbo yokugara muBoulogne-Billancourt
[Mufananidzo uri papeji 375]
Nzvimbo yokugara muIncarville kuti igovere mhuri yeBheteri dzimba
GERMANY
[Mufananidzo uri papeji 376, 377]
Pasinei zvapo nenhamburiko dzoutsinye dzokuzviparadza muGermany mukati menguva yeNazi, Zvapupu zvaJehovha hazvina kusiya kutenda kwazvo. Kubvira muna 1946, zvakapa maawa anopfuura 646 000 000 kukuparadzira zvokwadi yeBhaibheri munyika macho mose.
Zvivako zvakakudzwa paSelters/Taunus
[Mufananidzo uri papeji 376]
Mukuwedzera kukushandurira mabhuku eBhaibheri muchiGerman, iri bazu riri paSelters/Taunus rinodhinda mumitauro inopfuura 40
[Mufananidzo uri papeji 377]
Zvitsama zvikuru zvemabhuku zvinoitwa pano zvinotumirwa nguva dzose kunyika dzinopfuura 20; magazini anodhindwa mumitauro yakawanda uye anotumirwa kunyika dzinopfuura 30
[Mufananidzo uri papeji 377]
Marori eSosaiti imene anoshandiswa kuendesa mabhuku muGermany mose
CYPRUS
[Mufananidzo uri papeji 376]
Nokukurumidza pashure pokufa kwaJesu Kristu, mashoko akanaka akanga achiparidzwa kuvanhu veCyprus. (Mabasa 4:32-37; 11:19; 13:1-12) Munguva dzazvino uno, kuparidza ikoko kwakamutsidzirwa, uye uchapupu hwakakwana hunopfuurira kupiwa munhungamiro yeiyi hofisi yebazu.
DENMARK
[Mifananidzo iri papeji 377]
Kubvira muma1890, kwave kune kupupura kukuru muDenmark. Kudhindwa kwemabhuku eBhaibheri kwakaitwa muno kwete bedzi muchiDanish asiwo muchiFaeroese, chiGreenlandic, uye chiIcelandic.
Chiono uri mudenga chebazu (panopindwa napo panoratidzwa mumufananidzo muduku wakabatanidzwa)
ITALY
[Mifananidzo iri papeji 378, 379]
Mabhuku eBhaibheri echiItalian anoitwa zvose zviri zviviri kushandurwa nokudhindirwa pano. Iri bazu rinodhinda ndokubhaidha mabhuku okushandisa zvikurukuru muItaly nedzimwe nyika dziri pedyo.
Zviono zvakasiyana-siyana zvezvivako zvebazu pedyo neRome
[Mufananidzo uri papeji 379]
Makumi ezviuru, pakuona izvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo, akavamba kuungana neZvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 379]
Mukutarisana noutsinye hwenguva dzose hweChechi yeRoma Katurike, Zvapupu zvaJehovha muItaly zvakapa maawa anopfuura 550 000 000 kubvira muna 1946 kukushanyira pachazvo vavakidzani vazvo kuti zvikurukure Bhaibheri navo. Somugumisiro, vanhu 194 000 muItaly zvino vanamati vanoshingaira vaJehovha
FINLAND
[Mufananidzo uri papeji 378]
Zvokwadi yeBhaibheri yakasvika kuFinland kubva kuSweden muna 1906. Kubvira panguva iyoyo, yave ichiendeswa kurutivi rwuri rwose rwenyika yacho, kunyange kure kumusoro kweArctic Circle. Makumi akabva muno akapinda Chikoro cheGilead kuti arovedzwe nokuda kwebasa kupi kana kupi kwavaidikanwa mumunda wenyika. Vamwe vakazvitamira vamene kuti vabatire munyika umo kushayikwa kwakanga kuri kukuru zvikuru.
ICELAND
[Mufananidzo uri papeji 379]
MuIcleland, iyo ine vagari vemo vanenge 260 000 bedzi, mabhuku eBhaibheri anopfuura 1 620 000 akaparadzirwa kubetsera vanhu kusarudza upenyu. Zvino vanhu vanopfuura 260 muno vanobatira Jehovha, Mwari wechokwadi.
[Mufananidzo uri papeji 379]
Georg Lindal, uyo akapayona muno kubvira muna 1929 kusvikira kuna 1953; mukati meyakawanda zvikurusa yenguva iyoyo, akanga ari Chapupu bedzi munyika macho
GREECE
[Mufananidzo uri papeji 380]
Muapostora Pauro akanga ari mumwe wevokutanga kuzivisa mashoko akanaka muGreece. (Mabasa 16:9-14; 17:15; 18:1; 20:2) Kunyange zvazvo Chechi yeOrthodox yeGreece yakatambudza zvikuru Zvapupu zvaJehovha kwemakore akawanda, zvino kune vabatiri vakatendeka vanopfuura 24 000 vaJehovha muiyi nyika. Bazu rinoratidzwa pano riri mamaira 40 kuchamhembe kweAthens.
[Mufananidzo uri papeji 380]
Kupupura muAthens
[Mufananidzo uri papeji 380]
Mufananidzo wakatorwa muna 1990 mukati mekuratidzira kwaitungamirirwa nevafundisi mukurwisana neZvapupu
IRELAND
[Mufananidzo uri papeji 380]
Kugamuchira shoko reBhaibheri kwakanga kuchinonoka kwamakore akawanda muIreland. Chishoro chikuru chavafundisi chakasanganwa nacho. Asi pashure pemakore 100 ekupupura kunopfuurira, zvino kune kukohwa kwomudzimu kukuru.
Hofisi yebazu muDublin
[Mufananidzo uri papeji 380]
Mapiyona maviri enguva refu mubasa romumunda
POLAND
[Mufananidzo uri papeji 381]
Izvi zvivako zviri kushandiswa kugovera rubatsiro kuZvapupu zvinopfuura 100 000 muPoland. Kubvira muna 1938 kusvikira kuna 1945, kunamata kwazvo kwakarambidzwa, asi nhamba dzazvo dzakawedzera kubva pa669 muna 1938 kusvikira ku6994 muna 1946. Apo zvakarambidzwa zvakare muna 1950, zvakasvika 18 116; asi nokukurumidza pashure pokunge chirambidzo ichocho chabviswa muna 1989, mishumo yakaratidza kuti kwakanga kune zvinopfuura 91 000.
[Mifananidzo iri papeji 381]
Kwamakore akati zvaiita magungano maduku mumasango; zvino kokorodzano dzazvo dzinozadza nhandare hurusa dzenyika yacho—uye inopfuura nhandare imwe panguva
Poznan (1985)
LUXEMBOURG
[Mufananidzo uri papeji 382]
Luxembourg ndeimwe yenyika duku zvikuru dzeEurope. Asi kwemakore 70, shoko roUmambo rakaparidzwa munowo. Zvikurukuru Hondo Yenyika II isati yaitika, betsero yakapiwa neZvapupu zvakapinda zvichibva kuFrance, Germany, uye Switzerland.
NETHERLANDS
[Mifananidzo iri papeji 382]
Muiri bazu muEmmen, kutarisira kunogoverwa mubato weZvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 32 000 muNetherlands. Kushandurirwa kwezvinyorwa zvose muchiDutch kunoitwa muizvi zvivako. Kwakawanda kwokuitwazve kwemakaseti evhidhiyo eBhaibheri mumitauro yeEurope kunotarisirwawo muno.
NORWAY
[Mifananidzo iri papeji 383]
Makore zana apfuura, mumwe munhu wokuNorway uyo akanga atamira kuAmerica ndokudzidza zvokwadi dzeBhaibheri ikoko akadzoka nemashoko akanaka iwayo kutaundi rokumusha kwake. Kubvira panguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira zvashanyirazve rutivi rwuri rwose rweNorway kuti zvitaure nevanhu pamusoro poUmambo hwaMwari.
PORTUGAL
[Mufananidzo uri papeji 383]
Kwemakumi emakore pashure pokunge hurumende yasaina chibvumirano neVatican, mapurisa akasunga Zvapupu ndokudzinga vafundisi vazvo munyika. Asi Zvapupu zvakasara zvakapfuurira kusangana nokuda kwokunamata, kuparidzira vamwe, uye kuwedzera. Pakupedzisira, muna 1974 zvakazivikanwa pamutemo.
Iyi hofisi inotarisira mubato weZvapupu zvinopfuura 40 000 muPortugal. Yakapawo betsero huru kunyika dzeAfrica idzo dzakanga dzine ukama hwakasimba nePortugal
[Mufananidzo uri papeji 383]
Kokorodzano yamarudzi akawanda yakaitwa muLisbon muna 1978
SWEDEN
[Mufananidzo uri papeji 383]
Kwemakore anopfuura 100, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidza muSweden. Mukati memakore gumi akapfuura, zvakapa maawa anopfuura 38 000 000 kuuyu mubato. Ungano dzakawanda muSweden zvino dzinotaura upi noupi wemitauro gumi nemiviri kunze kwechiSwedish.
[Mufananidzo uri papeji 383]
Kubetsera vanhu vemarudzi ose muSweden, zvinyorwa zvinochengetwa muno mumitauro 70
SPAIN
[Mufananidzo uri papeji 384]
Iri bazu rinotarisira Zvapupu zvinopfuura 92 000 muSpain. Rinodhindira dzose dziri mbiri Spain nePortugal “Nharireyomurindi” ne“Mukai!” Pasinei zvapo nenhamburiko dzinopfuurira dzevafundisi veKaturike dzokushandisa Hurumende kuti imise Zvapupu zvaJehovha, Zvapupu zvakagoverana zvokwadi dzeBhaibheri nevanhu veSpain kubvira muna 1916. Pakupedzisira, muna 1970, apo Zvapupu zvaJehovha muSpain zvakapfuura 11 000, zvakazivikanwa pamutemo. Kubvira panguva iyoyo, nhamba dzazvo dzakawedzera nekasere.
[Mufananidzo uri papeji 384]
Ungano dzinopfuura 1 100 zvino dzinosangana norusununguko muHoro dzoUmambo dzinowanika munyika macho mose
SWITZERLAND
[Mufananidzo uri papeji 384]
Kubvira muna 1903 Watch Tower Society yakava nehofisi muSwitzerland. Imwe yenzvimbo dzokudhindira dzapakuvamba zvikurusa dzeSosaiti dzokuEurope yakanga iri muiyi nyika. Kwemakore akawanda bazu muno muThun rakadhinda magazini okushandisa mumakumi edzimwe nyika.
AFRICA
BENIN
[Mufananidzo uri papeji 385]
Benin yakaumbwa nemapoka edzinza 60 anotaura twumitauro 50. Apo zviuru zveava vanhu zvakasununguka muaichimbova marudzidziso azvo, vaprista vezvemazango nevafundisi vechiKristudhomu vakatsamwa zvakafanana. Asi zvitambudzo zvaiitwa zvaitwazve hazvina kumisa kukura kwokunamata kwechokwadi muiyi nyika.
[Mufananidzo uri papeji 385]
Kokorodzano yakaitwa muna 1990
CENTRAL AFRICAN REPUBLIC
[Mufananidzo uri papeji 385]
Pakuvamba sa1947, shoko roUmambo rakavamba kusvika vanhu muno. Mumwe murume akanga apinda misangano yeZvapupu kune imwe nzvimbo akagoverana navamwe zvaakanga adzidza. Nokukurumidza kwakanga kune boka refundo, avo vaipinda vakakurumidza kuvamba kupupura, uye avo vainamata Jehovha vakawedzera munhamba.
CÔTE D’IVOIRE
[Mifananidzo iri papeji 386]
Vafundisi vakarovedzwa kuGilead vakabetsera kutanga kunamata kwechokwadi muiyi nyika yokuMadokero kweAfrica muna 1949. Vanopfuura zana vevafundisi vakadaro vakabatira muno. Gore rimwe nerimwe, maawa anosanopfuura miriyoni zvino ari kupiwa kukutsvaka vanhu vane nzara yezvokwadi munharaunda inotarisirwa neiyi hofisi yebazu.
GHANA
[Mufananidzo uri papeji 386, 387]
Kuparidzwa kwemashoko akanaka muGhana kwakatanga muna 1924. Zvino iyi hofisi iri muAccra inotarisira ungano dzinopfuura 640 dziri muGhana. Yakatarisirawo kushandurirwa kwemabhuku eBhaibheri muchiEwe, chiGa, uye chiTwi nokuadhinda muiyi mitauro.
[Mufananidzo uri papeji 387]
Kusangana muHoro yoUmambo yakabatana nehofisi yebazu
KENYA
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 387]
Muna 1931, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakafamba vachibva kuSouth Africa kuti vaparidze muKenya. Kubvira muna 1963 hofisi yeSosaiti muKenya, panguva dzakasiyana-siyana, yakatarisira kuparidzwa kweevhangeri mudzimwe nyika dzakawanda kuMabvazuva kweAfrica (sezvinoratidzwa pasi apa). Kokorodzano dzamarudzi akawanda muKenya muna 1973, 1978, uye 1985 dzakabetsera kuuchapupu hwakapiwa.
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
KENYA
UGANDA
SUDAN
ETHIOPIA
DJIBOUTI
SOMALIA
YEMEN
SEYCHELLES
TANZANIA
BURUNDI
RWANDA
[Mifananidzo iri papeji 387]
Kokorodzano yeNairobi (1978)
NIGERIA
[Mifananidzo iri papeji 388, 389]
Mashoko akanaka akaparidzwa muiyi nyika kubvira pakuvamba muma1920. Vaparidzi veevhangeri vakatumwawo vachibva kuNigeria vachienda kumamwe mativi ekuMadokero kweAfrica, uye mabhuku eBhaibheri anodhindwa muno anopfuurira kugovera zvinodikanwa munyika dziri pedyo. MuNigeria imene, Zvapupu zvaJehovha zvakaisa mumaoko avanhu mabhuku anopfuura 28 000 000 kuvabetsera kunzwisisa Shoko raMwari.
[Mufananidzo uri papeji 388]
MuDhipatimendi Rebasa, tarisiro inogoverwa vazivisi voUmambo vanosanopfuura 160 000 muNigeria
[Mufananidzo uri papeji 389]
Kokorodzano muCalabar, Nigeria (1990)
LIBERIA
[Mufananidzo uri papeji 388]
Avo vakava Zvapupu zvaJehovha muno vakatarisana nemiedzo mizhinji yokutenda kwavo—pakubuda mukutenda mashura kwomunzvimbomo, pakurega barika, pakutambudzwa nevakuru vakuru uko vakanga vakwenengerwa kwavari, uye pakukomberedzwa nemapoka ezvematongerwe enyika needzinza airwisana. Bva, kunamata kwechokwadi kunopfuurira kubatanidza vanhu vamarudzi ose muiyi nyika.
MAURITIUS
[Mifananidzo iri papeji 389]
Pakuvamba sa1933, Zvapupu zvinoshingaira zvakabva kuSouth Africa zvakashanyira ichi chitsuwa chiri muIndian Ocean. Zvino kune Zvapupu zvinopfuura chiuru muMauritius izvo zvinokurudzira vavakidzani vazvo kutsvaka Jehovha kuti vagofarirwa naye apo anoparadza tsika yakaipa iripo.—Zef. 2:3.
SOUTH AFRICA
[Mufananidzo uri papeji 390]
Kwemakore anopfuura 80, Watch Tower Society yakava nehofisi yebazu muSouth Africa. Vaparidzi veevhangeri vanoshingaira vakabva muno vakaita zvakawanda kuparadzira shoko roUmambo mudzimwe nyika kumaodzanyemba nokumabvazuva kweAfrica. Mundima yaichimbova pasi peiri bazu (umo makanga mune vazivisi voUmambo 14 674 muna 1945), zvino mune Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 300 000 zvaJehovha.
[Mifananidzo iri papeji 391]
Vashanduri vanopfuura 110 vanoshanda munhungamiro yeiri bazu kugadzirira mabhuku eBhaibheri mumitauro 16 yeAfrica
[Mufananidzo uri papeji 391]
Kudhinda kunoitwa muno mumitauro inopfuura 40
SENEGAL
[Mifananidzo iri papeji 390]
Kunyange zvazvo nhamba yeZvapupu muno iri duku, hofisi yebazu yakaedza kuva nechokwadi chokuti guta rimwe nerimwe, boka rimwe nerimwe redzinza, uye vanhu vorudzidziso rwuri rwose, kwete bedzi muSenegal asiwo munyika dzakapoteredza, zvinova nomukana wokunzwa shoko rinofadza reBhaibheri.
SIERRA LEONE
[Mufananidzo uri papeji 391]
Kuparidzwa kwemashoko akanaka muSierra Leone kwakatanga muna 1915. Kukura pane dzimwe nguva kwave kuchinonoka. Asi apo avo vasina kuomerera kumipimo yakakwirira yaJehovha vakabviswa uye avo vasina kubatira nevavariro dzakanaka vakarega, avo vakavimbika kuna Jehovha vakabudirira mumudzimu.
ZAMBIA
[Mufananidzo uri papeji 392]
Iyi hofisi yebazu inotarisira mubato weZvapupu zvinopfuura 110 000 pakati pemaodzanyemba eAfrica. Hofisi yokutanga yeSosaiti muno yakatangwa muna 1936. Kubvira panguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha muZambia zvakaita shanyo dzedzokerero dzinopfuura 186 000 000 kuti zvipe betsero yakawedzerwa kuvanofarira. Vakadzidzisawo vakawanda kurava kuti vagogona kufunda Bhaibheri pachavo ndokurigoverana nevamwe.
[Mufananidzo uri papeji 392]
Nhevedzano yekokorodzano muZambia muna 1992 yakapindwa ne289 643
ZIMBABWE
[Mifananidzo iri papeji 392]
Zvapupu zvaJehovha zvave zvichishingaira muZimbabwe kubvira muma1920. Mukati memakore akatevera, zvakatarisana nokurambidzwa kwemabhuku azvo, kurambidzwa kwemagungano, uye kunyimwa mvumo yokuti vafundisi vaparidzire vanhu vatema. Zvishoma nezvishoma, mhinganidzo dzakakurirwa, uye iyi hofisi zvino inotarisira Zvapupu zvinopfuura 20 000.
MABVAZUVA
HONG KONG
[Mifananidzo iri papeji 393]
Zvinyorwa zveWatch Tower zvinoshandurirwa muchiChinese muno, icho, mutumitauro twacho twakawanda, chinotaurwa nevanhu vanopfuura bhiriyoni. MuHong Kong imene, kuparidzwa kwemashoko akanaka kwakavamba apo C. T. Russell akapa hurukuro pachivako chine hofisi dzevanotarisira muna 1912.
INDIA
[Mufananidzo uri papeji 393]
Iri bazu rinotarisira kuziviswa kweshoko roUmambo kuchinopfuura chikamu chimwe chezvitanhatu chevagari vepasi. Pari zvino, iyi hofisi inotungamirira kushandurira mumitauro 18 uye kudhinda mu19. Pakati paiyoyi pane chiHindi (chinotaurwa nevanhu mamiriyoni 367) uyewo chiAssamese, chiBengali, chiGujarati, chiKannada, chiMalayalam, chiMarathi, chiNepali, chiOriya, chiPunjabi, chiTamil, chiTelugu, uye chiUrdu (mumwe nomumwe unotaurwa nemakumi emamiriyoni).
[Mifananidzo iri papeji 393]
Zvapupu zvinoparidza muchiMalayalam
. . . muchiNepali
. . . muchiGujarati
JAPAN
[Mifananidzo iri papeji 394]
Zvapupu zvaJehovha muJapan, sokune dzimwe nzvimbo, vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari. Muna 1992 moga, zvakapa maawa anopfuura 85 000 000 kukuparidza mashoko akanaka. Paavhareji, inenge 45 muzana yeZvapupu zveJapan inogoverana mubasa roupiyona mwedzi mumwe nomumwe.
[Mufananidzo uri papeji 394]
Mabhuku eBhaibheri anobudiswa muno mumitauro yakawanda, kubatanidza chiJapanese, chiChinese, uye mitauro yePhilippines
[Mufananidzo uri papeji 394]
Hofisi Youinjiniya Yomunharaunda inobatsira nebasa pazvivako zvemapazu munyika dzakasiyana-siyana
[Girafu riri papeji 394]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mapiyona muJapan
75 000
50 000
25 000
1975 1980 1985 1992
REPUBLIC OF KOREA
[Mifananidzo iri papeji 395]
Mabhuku eBhaibheri ane mamiriyoni 16, mukuwedzera kumaturakiti, anoitwa muno gore negore kugovera Zvapupu zvinopfuura 70 000 muRepublic of Korea. Inenge 40 muzana yeZvapupu zvokuKorea iri mubasa roupiyona.
MYANMAR
[Mifananidzo iri papeji 395]
Apo Watch Tower Society yakatanga hofisi yebazu muno muna 1947, kwakanga kune 24 bedzi veZvapupu zvaJehovha munyika macho. Zvapupu zvinopfuura 2 000 zvino zvinoshingaira muMyanmar zvinoedza kusvika kwete bedzi vagari vemaguta acho asiwo vagari vokumaruwa vakawanda zvikuru.
PHILIPPINES
[Mufananidzo uri papeji 396]
Muna 1912, C. T. Russell akataura muGrand Opera House yeManila pamusoro penhau inoti “Vakafa Vari Kupi?” Kubvira panguva iyoyo Zvapupu zvaJehovha muno zvakapa maawa anopfuura 483 000 000 mukupupura kuvanhu vanowanwa pazvitsuwa zvinogarwa zvinenge 900 zvePhilippines. Kutarisirwa kwose kweZvapupu zvinopfuura 110 000 muungano 3 200 kunogoverwa kuchibva muiri bazu. Kudhinda kunoitwa muno mumitauro misere kugovera zvinodikanwa zvomunzvimbomo.
[Mifananidzo iri papeji 396]
Zvapupu zvemamwe mapoka emitauro mikuru muPhilippines
SRI LANKA
[Mifananidzo iri papeji 397]
Hondo Yenyika I isati yaitika, mashoko akanaka akanga achiparidzwa muCeylon (zvino Sri Lanka), kumaodzanyemba kweIndia. Boka refundo rakarongwa nokukurumidza. Kubvira muna 1953 Sosaiti yakava nehofisi yebazu mudzimbahwe, kuti ipe vaSinhalese, vaTamil, uye mamwe mapoka edzinza munyika ino mukana wokunzwa shoko roUmambo.
TAIWAN
[Mufananidzo uri papeji 397]
Kupupura kwakaitwa muno muma1920. Asi kwakatanga kuva kwenguva dzose zvikuru muma1950. Zvino izvi zvivako zvitsva zvebazu zviri kuvakwa kugovera nzvimbo yemubato wakawedzerwa muurwu rutivi rwepasi.
[Mufananidzo uri papeji 397]
Ungano muTaipei
THAILAND
[Mufananidzo uri papeji 397]
Mukati mema1930, Zvapupu zvaiva mapiyona zvakabva kuBritain, Germany, Australia, uye New Zealand kuti zvigoverane zvokwadi yeBhaibheri nevanhu veThailand (yaizivikanwa panguva iyoyo seSiam). Nhume dzakabva kunyika dzakawanda dzakapinda kokorodzano dzamarudzi akawanda muno muna 1963, 1978, 1985, uye 1991 kuti dzikurudzire Zvapupu zvomunzvimbomo nokunyandura kupararira kweshoko roUmambo.
[Mufananidzo uri papeji 397]
Kokorodzano ya1963
[Mufananidzo uri papeji 397]
Nhume dza- kabva kunyika dzokumwe muna 1991
ZVITSUWA ZVEPACIFIC
FIJI
[Mufananidzo uri papeji 398]
Hofisi muFiji yakatangwa muna 1958. Kwenguva yakati yakatarisira basa rokuzivisa Umambo munyika 12 nemitauro 13. Zvino bazu reFiji rinonangidzira ngwariro yaro pazvitsuwa zvinogarwa zvinenge zana rimwe zveboka reFiji.
[Mufananidzo uri papeji 398]
Kokorodzano dzamarudzi akawanda muno muna 1963, 1969, 1973 uye 1978 dzakabetsera kukwevera Zvapupu zvomunzvimbomo pedyo zvikuru neizvo zvomudzimwe nyika
GUAM
[Mufananidzo uri papeji 398]
Hofisi iri muGuam inotungamirira kuparidzwa kwemashoko akanaka pazvitsuwa zvakapararira masikweyakiromita anopfuura 7 770 000 ePacific Ocean. Kushandurirwa kwemabhuku eBhaibheri mumitauro mipfumbamwe kunotarisirwa nayo.
[Mufananidzo uri papeji 398]
Mutariri wedunhu kazhinji kazhinji anofamba nendege pakati pezvitsuwa
[Mufananidzo uri papeji 398]
Zvapupu zvomunzvimbomo (sezvinoratidzwa pano muMicronesia) zvingashandisa magwa kuti zvisvike ndima yazvo
HAWAII
[Mufananidzo uri papeji 399]
Watch Tower Society yakava nehofisi yebazu muHonolulu kubvira muna 1934. Vamwe vakabva kuHawaii vakagoverana mubasa rokuparidza evhangeri kwete bedzi pazvitsuwa zveHawaii asiwo muJapan, Taiwan, Guam, uye zvitsuwa zveMicronesia.
NEW CALEDONIA
[Mufananidzo uri papeji 399]
Pasinei zvapo nemhinganidzo yakabva kuvashori vorudzidziso, Zvapupu zvaJehovha zvakaunza shoko roUmambo hwaMwari kuNew Caledonia. Vanhu vakawanda vakateerera nokuonga. Muna 1956 ungano yokutanga yakaumbwa. Zvino kune varumbidzi vaJehovha vanopfuura 1 300 muno.
NEW ZEALAND
[Mufananidzo uri papeji 399]
Muna 1947 Watch Tower Society yakatanga hofisi yebazu muNew Zealand kuti igovere kusanotarisirwa kwekuparidzwa kwemashoko akanaka muno.
[Mufananidzo uri papeji 399]
Kushandura kunoitwa pabazu rino kunogonesa vagari vomuSamoa, Rarotonga, uye Niue kugamuchira kuvakwa mumudzimu kwenguva dzose.
[Mufananidzo uri papeji 399]
Vashanduri nevanorava vachiruramisa mhosho vanobatira pamwe kugovera zvinyorwa zvorudzi rwakanaka zvikuru
AUSTRALIA
[Mifananidzo iri papeji 400]
Watch Tower Society yakava nehofisi yebazu muAustralia kubvira muna 1904. Munguva yakapfuura iri bazu rakatarisira basa rokuzivisa Umambo pachinodokuva chikamu chimwe chezvina zvepamusoro papasi, kubatanidza China, Southeast Asia, uye zvitsuwa zveSouth Pacific.
[Mufananidzo uri papeji 400]
Hofisi Youinjiniya Yomunharaunda inobatsira nokuvakwa kwamapazu muSouth Pacific neSoutheast Asia
[Mufananidzo uri papeji 400]
Panguva ino, iri bazu rinodhinda mabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 25. Nzvimbo yokudhindira muno inobetsera kugovera mabhuku anodikanwa neZvapupu zvinopfuura 78 000 zviri munharaunda dzinotarisirwa nemapazu masere muSouth Pacific.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 400]
Nyika dzinogoverwa mabhuku anobva kubazu reAustralia
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AUSTRALIA
PAPUA NEW GUINEA
NEW CALEDONIA
SOLOMON ISLANDS
FIJI
WESTERN SAMOA
TAHITI
NEW ZEALAND
PAPUA NEW GUINEA
[Mifananidzo iri papeji 400]
Denho chaiyo inotarisana neZvapupu zvaJehovha muiyi nyika—vanhu vanotaura mitauro 700 yakasiyana-siyana. Zvapupu zvakabva kudzimwe nyika dzinenge gumi zvakatamira muno kuti zvigoverane mubasa. Zvakashanda zvakaoma kuti zvidzidze mitauro yomunzvimbomo. Vanhu vanofarira vanoshandurira avo vanotaura rumwe rurimi. Mifananidzo inoshandiswawo nenzira inobudirira seyamuro mukudzidzisa.
SOLOMON ISLANDS
[Mifananidzo iri papeji 401]
Fundo yeBhaibheri yakaitiswa munyika dzakawanda netsamba yakaunza shoko roUmambo kuSolomon Islands pakasvika kuvamba kwema1950. Pasinei zvapo nemhinganidzo dzakakomba, zvokwadi yeBhaibheri yakapararira. Iyi hofisi yebazu neHoro Yemagungano hombe migumisiro younyanzvi hwomunzvimbomo, batira pamwe yenyika dzakawanda, uye mudzimu waJehovha wakawanda.
TAHITI
[Mifananidzo iri papeji 401]
Pakasvika kuvamba kwema1930, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvasvika kuTahiti neshoko roUmambo. Muno, pakati pePacific Ocean, uchapupu hwakakwana huri kupiwa. Mukati memakore mana chete akapfuura, kupupura kunoitwa kunova kunopfuura maawa mashanu okutaura, paavhareji, kumurume ari wose, mukadzi, uye mwana pachitsuwa chacho.
WESTERN SAMOA
[Mufananidzo uri papeji 401]
Western Samoa ndeimwe yenyika duku zvikurusa dzenyika dzose, asi Zvapupu zvaJehovha zvine hofisi yebazu munowo. Ichi chivako chakanga chichivakwa muna 1992 kuti chitarisire mubato paizvi zvitsuwa nezvimwe zviri pedyo, kubatanidza American Samoa.