RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • kl chits. 2 pp. 12-22
  • Bhuku Rinozivisa Kuziva Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku Rinozivisa Kuziva Mwari
  • Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHINE BHAIBHERI
  • UNOGONA KUVIMBA NEBHAIBHERI HERE?
  • RAKARURAMA UYE RAKAVIMBIKA
  • BHUKU ROUPOROFITA
  • “PANGAI” KUZIVA MWARI
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Uporofita Hwakazadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
kl chits. 2 pp. 12-22

Ganhuro 2

Bhuku Rinozivisa Kuziva Mwari

KUNONGOVA bedzi kune mufungo kuti Musiki wedu ane rudo aizogovera bhuku romurayiridzo nenhungamiro nokuda kworudzi rwomunhu. Uye haubvumi here kuti vanhu vanoda nhungamiro?

2 Makore anopfuura 2 500 apfuura, mumwe muporofita nowezvenhau akanyora, kuti: “Munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Nhasi, uzvokwadi hwokutaura ikoko hwakajeka zvikuru kupfuura nakare kose. Nokudaro, William H. McNeill wezvenhau anoti: “Chinoitika chavanhu pamusoro papasi rino chave chiri nhevedzano inodokuva isina kuvhiringidzwa yenjodzi nokuparadzwa kwegadziriro yakarongwa yechaunga.”

3 Bhaibheri rinogovera zvinodikanwa zvedu zvose zvenhungamiro yokuchenjera. Chokwadi, vakawanda vanovhiringidzwa apo vanotanga kuongorora Bhaibheri. Ibhuku guru, uye zvimwe zvikamu zvaro hazvisi nyore kunzwisisa. Asi kudai ukapiwa rugwaro rwapamutemo rwaionesa chawaifanira kuita kuti ugamuchire nhaka inokosha, haungawani nguva yokurwufunda nokungwarira here? Kudai ukawana mativi akati orugwaro rwacho akaoma kunzwisisa, sezvingabvira ungawana betsero yomumwe munhu ane ruzivo rwokuzviwanira muzvinhu zvakadaro. Kuregerereiko kusvika Bhaibheri nechimiro chendangariro chakafanana? (Mabasa 17:11) Zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura nhaka yezvinhu. Sezvatakadzidza muganhuro rapfuura, kuziva Mwari kunogona kutungamirira kuupenyu husingaperi.

4 Ngatinzverei bhuku rinozivisa kuziva Mwari. Tichatanga kupa kunzvera kupfupi kweBhaibheri. Ipapo tichakurukura zvikonzero nei vanhu vanoziva vakawanda vachidavira kuti iShoko rakafuridzirwa raMwari.

CHINE BHAIBHERI

5 Bhaibheri rine mabhuku 66 muzvikamu zviviri, zvinowanzonzi Testamente Yekare neTestamente Itsva. Mabhuku eBhaibheri ane makumi matatu namapfumbamwe akanyorwa zvikurukuru muchiHebheru uye 27 muchiGiriki. Magwaro echiHebheru, akaumbwa naGenesi kusvikira kuna Maraki, anofukidza chisiko pamwe chete namakore 3 500 okutanga enhau yavanhu. Tichinzvera urwu rutivi rweBhaibheri, tinodzidza pamusoro pokubata kwaMwari navaIsraeri—kuvambira pakuberekwa kwavo sorudzi muzana ramakore rechi 16 B.C.E. kupfuurira kupinda muzana ramakore rechi 5 B.C.E.a Magwaro echiGiriki, ane mabhuku aMateo kusvikira kuna Zvakazarurwa, anonangidzira ngwariro padzidziso nemibato yaJesu Kristu navadzidzi vake mukati mezana ramakore rokutanga C.E.

6 Vamwe vanotaura kuti “Testamente Yekare” ndeyavaJudha uye “Testamente Itsva” ndeyavaKristu. Asi maererano na 2 Timotio 3:16, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.” Naizvozvo, kufundwa kwakafanira kwaMagwaro kunofanira kubatanidza Bhaibheri rose. Chaizvoizvo, mativi maviri eBhaibheri anokwanisana, achibatana nenzira ine tsinhirano kukudziridza musoro mukuru.

7 Zvichida wakapinda minamato yorudzidziso kwamakore uye wakanzwa zvakati kuti zveBhaibheri zvichiraviwa zvinonzwika. Kana kuti ungave wakarava zvikamu zvaro iwe umene. Waiziva here kuti Bhaibheri rine musoro unozivikanwa kuvambira pana Genesi kusvikira kuna Zvakazarurwa? Hungu, musoro unotsinhirana wakatekeshera muBhaibheri. Musoro iwoyo chii? Kurevererwa kwamaruramiro aMwari okutonga rudzi rwomunhu nokuitwa kwechinangwa chake chorudo kupfurikidza noUmambo hwake. Gare gare, tichaona kuti Mwari achazadzika sei chaizvo ichi chinangwa.

8 Mukuwedzera kukuonesa chinangwa chaMwari, Bhaibheri rinozivisa unhu hwake. Somuenzaniso, muBhaibheri tinodzidza kuti Mwari ane mirangariro uye kuti zvisarudzo zvatinoita zvinokosha kwaari. (Pisarema 78:40, 41; Zvirevo 27:11; Ezekieri 33:11) Pisarema 103:8-14 rinotaura kuti Mwari ane “tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji.” Iye anotibata nenzira yetsitsi, ‘achiyeuka kuti takaitwa neguruvawo zvaro’ ndokudzokera kwariri parufu. (Genesi 2:7; 3:19) Mavara akaisvonaka zvakadini ayo anoratidzira! Urwu harusi rudzi rwaMwari waunoda kunamata here?

9 Bhaibheri rinotipa chiono chakajeka chemipimo yaMwari. Iyoyi pane dzimwe nguva inotaurwa semitemo. Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, iyo inoratidzirwa munheyo dzinodzidziswa kupfurikidza nezvidzidzo zvinoratidzirwa. Mwari akaita kuti zviitiko zvakati munhau yakare yaIsraeri zvinyorwe nokuda kwebetserwo yedu. Idzi nhoroondo dzakajeka dzinoratidza chinoitika apo vanhu vanoshanda mutsinhirano nechinangwa chaMwari, pamwe chete nomugumisiro unosuruvarisa apo vanozvimirira. (1 Madzimambo 5:4; 11:4-6; 2 Makoronike 15:8-15) Kurava nhoroondo chaidzoidzo dzakadaro pasina kupokana kuchatapura mwoyo yedu. Kana tikaedza kuisa muchiono zviitiko zvakanyorwa, tinogona kuzvibatanidza navanhu vakabatanidzwa mazviri. Nokudaro, tinogona kubetserwa nemienzaniso yakanaka uye tinogona kudzivisa mhinganidzo dzakabata vaiti vezvakaipa. Zvisinei, uyu mubvunzo unokosha unoda mhinduro: Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti chatinorava muBhaibheri chakafuridzirwa chaizvoizvo naMwari?

UNOGONA KUVIMBA NEBHAIBHERI HERE?

10 Zvichida wakacherekedza kuti mabhuku akawanda anopa zano anova asingawirirani nomusi mumakore mashomanene chete. Zvakadiniko neBhaibheri? Nderekare zvikuru, uye makore anodokusvika 2 000 apfuura chibviro chaapo mashoko aro okupedzisira akanyorwa. Vamwe naizvozvo vanorangarira kuti harishandi kunguva yedu yazvino uno. Asi kana Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, zano raro rinofanira nguva dzose kuva rinowirirana nomusi pasinei zvapo nokugara kwaro kukuru. Magwaro anofanira kungova a“nobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.

11 Kusanonzvera kunozivisa kuti nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda zvikuru zvakafanana nhasi sezvadzaiita apo dzakatanga kunyorwa. Pamusoro pomusikirwo wavanhu, somuenzaniso, Bhaibheri rinoratidzira nzwisiso huru iyo inoshanda kuchizvarwa chiri chose chorudzi rwomunhu. Tinogona kuona ikoku nenzira iri nyore muMharidzo yaJesu yapaGomo, inowanwa mubhuku raMateo, maganhuro 5 kusvikira ku 7. Iyi mharidzo yakaorora kwazvo mushakabvu aichimbova mutungamiriri weIndia Mohandas K. Gandhi zvokuti sezvinoshumwa akaudza mukuru mukuru weBritain, kuti: “Apo nyika yenyu neyangu dzichabatana padzidziso dzakaziviswa naKristu muiyi Mharidzo yapaGomo, tichave tapedza zvinetso kwete bedzi zvenyika dzedu asi izvo zvenyika yose.”

12 Hakushamisi kuti vanhu vanoororwa nedzidziso dzaJesu! MuMharidzo yapaGomo, akatiratidza nzira inotungamirira kumufarwa wechokwadi. Akatsanangura nzira yokupedza nayo magakava. Jesu akagovera murayiridzo pamusoro penzira yokunyengetera nayo. Akaonesa chimiro chendangariro chokuchenjera zvikurusa chokuva nacho kuzvinodikanwa zvokunyama ndokupa Kandiro Kanopfumba Kunobva Kamwe nokuda kwoukama hwakafanira navamwe. Nzira yokuziva nayo nyengedzo dzorudzidziso nenzira yokuva nayo neramangwana rakachengeteka zvakanga zviriwo pakati pamapfundo akafukidzwa muiyi mharidzo.

13 MuMharidzo yapaGomo uye muasara ose amapeji ayo, Bhaibheri rinotiudza zvakajeka chokuita nechokudzivisa kuti tivandudze mamiriro edu ezvinhu muupenyu. Zano raro rinoshanda kwazvo zvokuti mumwe mudzidzisi akasundwa kuti: “Kunyange zvazvo ndiri mupi wezano wechikoro chapamusoro ane madhigirii eregular nemaster uye ndakarava mabhuku akawanda pamusoro poutano hwendangariro nokushanda kwendangariro, ndakawana kuti zano reBhaibheri pazvinhu zvakadai sokuva neroorano inobudirira, kudzivisa kusindimara kwepwere uye nzira yokuwana nayo ndokuchengeta shamwari ihuru zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chandakanga ndarava kana kuti kufunda mukoreji.” Mukuwedzera kukuva rinoshanda nerinowirirana nomusi, Bhaibheri rakavimbika.

RAKARURAMA UYE RAKAVIMBIKA

14 Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rinoshandiswa resayenzi, rakarurama mune zvesayenzi. Somuenzaniso, panguva apo vanhu vakawanda zvikurusa vaidavira kuti pasi rakati sandara, muporofita Isaya akanongedzera kwariri sera“kaurungana” (chiHebheru, chugh, iro pano rine pfungwa ya“mburumbwa”). (Isaya 40:22) Pfungwa yepasi rakaurungana haina kugamuchirwa zvikuru kutozosvikira zviuru zvamakore pashure pezuva raIsaya. Kupfuurirazve, Jobho 26:7—akanyorwa makore anopfuura 3 000 apfuura—anotaura kuti Mwari “unoturikira nyika pasine chinhu.” Imwe nyazvi yeBhaibheri inoti: “Kuti Jobho aiziva sei zvokwadi, inoratidzirwa nenyanzvi dzemitumbi yomudenga, kuti pasi rakarembera pasina chinhu munzvimbo isina chinhu, inhau isingapedzwi nyore nyore naavo vanoramba kufuridzirwa kwoRugwaro Rutsvene.”

15 Mutoo wokushuma unowanwa muBhaibheri unosimbisawo chivimbo chedu muiri bhuku rekare. Kusafanana nengano, zviitiko zvinofukidzwa muBhaibheri zvinobatanidzwa navanhu chaivo nemisi. (1 Madzimambo 14:25; Isaya 36:1; Ruka 3:1, 2) Uye nepo vezvenhau vakare inodokuva nguva yose vakakatutsira rukundo rwavatongi vavo ndokuvanza kukundwa kwavo nezvikanganiso, vanyori veBhaibheri vakanga vakajeka uye vakatendeseka—kunyange pamusoro pezvivi zvavo vamene zvakakomba.—Numeri 20:7-13; 2 Samueri 12:7-14; 24:10.

BHUKU ROUPOROFITA

16 Uporofita hwakazadzikwa hunopa ufakazi hunopwisa hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari. Bhaibheri rine uporofita hwakawanda hwakazadzikwa muudzame. Sezvinooneka, vanhuwo zvavo vaisagona kuva vakaparira ikoku. Chii, ipapoka, chinotsigira uporofita ihwohwu? Bhaibheri rimene rinotaura, kuti: “Hakuno uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene, kana kuti simba rinoshanda raMwari.” (2 Petro 1:21) Rangarira mienzaniso.

17 Kuwa kweBhabhironi. Isaya naJeremia vose vari vaviri vakafanotaura kuwa kweBhabhironi kuvaMedhe navaPersia. Nenzira inoshamisa, uporofita hwaIsaya pamusoro peichi chiitiko hwakanyorwa apo Bhabhironi rakanga rine simba zvikurusa, anenge makore 200 risati raparadzwa! Mativi anotevera ouporofita zvino inhau yechinyorwa chenhau: kupwa kwoRwizi rwaYufratesi kupfurikidza nokutsausira mvura dzarwo kunyanza yakacherwa (Isaya 44:27; Jeremia 50:38); kushaikwa kwokungwarira chengeteko pamasuo orwizi rweBhabhironi (Isaya 45:1); uye kukundwa nomutongi ainzi Koreshi.—Isaya 44:28.

18 Kumuka nokuwa kwa“mambo weGirisi.” Muchiono, Dhanieri akaona nhongo ichitunga gondohwe, ichivhuna nyanga dzaro mbiri. Ipapo, nyanga huru yenhongo yakavhunika, uye nyanga ina dzakamera munzvimbo yayo. (Dhanieri 8:1-8) Kuna Dhanieri kwakatsanangurwa, kuti: “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPersia. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga. Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzikabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi hahungavi nesimba rarwo.” (Dhanieri 8:20-22) Maererano nouhwu uporofita, anenge mazana maviri amakore gare gare, “mambo weGirisi,” Alexander Mukuru, akakurira Umambo hweMedhia nePersia hwaiva nenyanga mbiri. Alexander akafa muna 323 B.C.E., uye pakupedzisira akatsiviwa navatungamiriri vake vana vehondo. Zvisinei, hapana nohumwe hwoumambo ihwohwu hwakatevera hwakawirirana nesimba roumambo raAlexander.

19 Upenyu hwaJesu Kristu. Magwaro echiHebheru ane uporofita hwakawanda hwakazadzikwa mukuberekwa, ushumiri, rufu, uye rumuko rwaJesu. Somuenzaniso, makore anopfuura 700 pachine nguva mberi, Mika akafanotaura kuti Mesiya, kana kuti Kristu, aizoberekerwa muBhetrehema. (Mika 5:2; Ruka 2:4-7) Isaya murarami wapanguva imwe cheteyo waMika akafanotaura kuti Mesiya aizorohwa ndokupfirwa mate. (Isaya 50:6; Mateo 26:67) Makore ane mazana mashanu pachine nguva mberi, Zekaria akaporofita kuti Mesiya aizotengeswa nezvidimbu 30 zvesirivha. (Zekaria 11:12; Mateo 26:15) Makore anopfuura chiuru chimwe pachine nguva mberi, Dhavhidhi akafanotaura mamiriro ezvinhu akabatanidzwa norufu rwaJesu Mesiya. (Pisarema 22:7, 8, 18; Mateo 27:35, 39-43) Uye anenge mazana mashanu amakore pachine nguva mberi, uporofita hwaDhanieri hwakazivisa apo Mesiya aizooneka pamwe chete nourefu hwoushumiri hwake nenguva yorufu rwake. (Dhanieri 9:24-27) Uyu unongova chete muenzaniso wouporofita hwakazadzikwa muna Jesu Kristu. Uchakuwana kuchitusa kurava zvakawanda zvikuru pamusoro pake gare gare.

20 Humwe uporofita hwakawanda hweBhaibheri hunosvika kure hwakatozadzikwa. ‘Asi,’ ungabvunza kuti, ‘ikoku kunotapura sei upenyu hwangu?’ Eya, kudai mumwe munhu akakuudza zvokwadi kwamakore akawanda, waizomupokana kamwe kamwe here apo anotaura chimwe chinhu chitsva? Aiwa! Mwari akataura zvokwadi muBhaibheri rose. Ikoku hakufaniri here kuvaka chivimbo chako muizvo Bhaibheri rinopikira, zvakadai souporofita hwaro pamusoro peparadhiso yapasi iri kuuya? Zvirokwazvo, tinogona kuva nechivimbo chimwe chetecho sezvakaita Pauro, mumwe wavadzidzi vaJesu vomuzana ramakore rokutanga, uyo akanyora kuti ‘Mwari haagoni kureva nhema.’ (Tito 1:2) Kupfuurirazve, apo tinorava Magwaro ndokushandisa zano rawo, tiri kushandisa uchenjeri uhwo vanhu vasingagoni kuwana ivo pachavo, nokuti Bhaibheri ndiro bhuku rinozivisa kuziva Mwari kunotungamirira kuupenyu husingaperi.

“PANGAI” KUZIVA MWARI

21 Sezvaunofunda Bhaibheri, sezvingabvira uchadzidza zvinhu zvinosiyana nezvawakadzidziswa munguva yakapfuura. Ungatowana kuti dzimwe dzetsika dzako dzinodikanwa dzorudzidziso hadzifadzi Mwari. Uchaziva kuti Mwari ane mipimo yechakarurama nechisina kururama yakakwirira zvikuru kupfuura iyo inozivikanwa munyika ino yamadiro. Ikoku kungaratidzika sokunovhiringidza pakutanga. Asi shivirira! Sanonzvera Magwaro kuti uzive Mwari. Bvuma kubvira kwokuti zano reBhaibheri ringada kuti ugadziridze kufunga kwako nezviito.

22 Shamwari dzine vavariro dzakanaka nehama dzokunyama vangashora kufunda kwako Bhaibheri, asi Jesu akati: “Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.” (Mateo 10:32, 33) Vamwe vangatya kuti uchabatanidzwa nesekete kana kuti uchava munyanyisi. Chaizvoizvo, zvisinei, uri kungovavarira zvako kuwana zivo yakarurama yaMwari neyezvokwadi yake. (1 Timotio 2:3, 4) Kuti ubetsere vamwe kunzwisisa ikoku, iva ane mufungo, kwete ane nharo, apo unotaura kwavari pamusoro pezvauri kudzidza. (VaFiripi 4:5) Yeuka kuti vakawanda vano“wanwa pasina shoko” apo vanoona ufakazi hwokuti kuziva Bhaibheri kunobetsera chaizvoizvo vanhu.—1 Petro 3:1, 2, NW.

23 Bhaibheri rinotikurudzira, kuti: “Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka . . . usina kushatiswa.” (1 Petro 2:2) Mucheche anotsamira pane zvokudya zvinobva kuna amai wake uye anoomerera pakuita kuti chinodikanwa ichocho chiitwe. Nenzira yakafanana, takatsamira pazivo inobva kuna Mwari. “Panga” (NW) Shoko rake kupfurikidza nokupfuuridzira fundo yako. Zvirokwazvo, kuite nharidzano yako kurava Bhaibheri zuva nezuva. (Pisarema 1:1-3) Ikoku kuchakuunzira zvikomborero zvikuru, nokuti Pisarema 19:11 rinoti nezvemitemo yaMwari: “Pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.”

[Mashoko Omuzasi]

a B.C.E. anoreva “Nguva Yavose isati yasvika,” uko kuri kwakarurama zvikuru kupfuura B.C. (“Kristu asati asvika”). C.E. anoratidzira “Nguva Yavose,” inowanzonzi A.D., nokuda kwaanno Domini, kureva kuti “mugore raShe wedu.”

EDZA ZIVO YAKO

Bhaibheri harina kufanana nerimwe bhuku munzirai?

Nei uchigona kuvimba neBhaibheri?

Chii chinobvumikisa kwauri kuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. Nei tichida nhungamiro yoMusiki wedu?

3, 4. (a) Tinofanira kusvika sei kufundwa kweBhaibheri? (b) Tichapfuurira sei nokunzverwa kweBhaibheri?

5. (a) Chii chiri muMagwaro echiHebheru? (b) Magwaro echiGiriki anei?

6. Nei tichifanira kufunda Bhaibheri rose?

7. Ndoupi uri musoro weBhaibheri?

8. Chii chinozivisa Bhaibheri pamusoro pounhu hwaMwari?

9. Bhaibheri rinotipa sei chiono chakajeka chemipimo yaMwari, uye tinogona sei kubetserwa nezivo yakadaro?

10. (a) Nei vamwe vachirangarira kuti Bhaibheri hariwirirani nomusi? (b) Ko 2 Timotio 3:16, 17 anotiudzei pamusoro peBhaibheri?

11-13. Nei tichigona kutaura kuti Bhaibheri rinoshanda nokuda kwezuva redu?

14. Chii chinoratidza kuti Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi?

15. Chivimbo muBhaibheri chinosimbiswa sei nomutoo waro wokushuma?

16. Chii chiri ufakazi hwakasimba zvikurusa hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari?

17. Uporofitai hwakafanotaura kuwa kweBhabhironi, uye ihwohwu hwakazadzikwa sei?

18. Uporofita hweBhaibheri hwakazadzikwa sei mukumuka nokuwa kwa“mambo weGirisi”?

19. Uporofitai hwakazadzikwa muna Jesu Kristu?

20. Chinyorwa chakakwana cheBhaibheri chouporofita hwakazadzikwa chinofanira kutipa chivimboi?

21. Chii chaunofanira kuita kana zvimwe zvinhu zvaunodzidza muBhaibheri zvichiratidzika kuva zvinovhiringidza?

22. Nei uri kufunda Bhaibheri, uye unogona sei kubetsera vamwe kunzwisisa ikoku?

23. Unogona sei ku“panga” kuziva Mwari?

[Bhokisi riri papeji 14]

SHANDISA BHAIBHERI RAKO ZVAKANAKA

Kurovedzana neBhaibheri hakufaniri kuva kwakaoma. Shandisa ndaza yaro yezviri mukati kuti uzive nhevedzano nenzvimbo zvamabhuku eBhaibheri.

Mabhuku eBhaibheri ane maganhuro nendima nokuda kwenongedzero iri nyore. Zvikamu zvamaganhuro zvakawedzerwa mukati mezana ramakore rechi 13, uye mudhindi weFrance wezana ramakore rechi 16 sezviri pachena akakamura Magwaro echiGiriki kuva ndima dzomuzuva razvino. Bhaibheri rakakwana rokutanga kuva nezvose zviri zviviri nhamba dzamaganhuro nendima chakanga chiri chinyorwa chechiFrench chakabudiswa muna 1555.

Apo magwaro anonongedzerwa kwaari mubhuku rino, nhamba yokutanga inoratidzira ganhuro, uye inotevera inoratidzira ndima. Somuenzaniso, nongedzero kuna “Zvirevo 2:5” inoreva bhuku raZvirevo, ganhuro 2, ndima 5. Kupfurikidza nokutarira magwaro anonongedzerwa kwaari, uchakurumidza kunzwa wakasununguka kuwana magwaro eBhaibheri.

Nzira yakanakisisa yokurovedzana nayo neBhaibheri kurirava zuva nezuva. Pakutanga, ikoku kungaratidzika kuva kunodenha. Asi kana ukarava maganhuro matatu kusvikira kumashanu pazuva, kuchitsamira paurefu hwawo, uchapedza kuraviwa kweBhaibheri rose mugore rimwe. Kuregerereiko kutanga nhasi?

[Bhokisi riri papeji 19]

BHAIBHERI—IBHUKU RAKASIYANA

• Bhaibheri raka“furidzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16) Kunyange zvazvo vanhu vakanyora mashoko acho, Mwari akatungamirira mifungo yavo, zvokuti Bhaibheri i“shoko raMwari” chaizvoizvo.—1 VaTesaronika 2:13.

• Bhaibheri rakanyorwa munhambo yamazana 16 amakore, navanyori 40 vakabva mumamiriro ezvinhu ekare akasiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, chinhu chakapedzwa chinotsinhirana kuvambira pamavambo kusvikira kumugumo.

• Bhaibheri rakapukunyuka gakava ramasimba masimba zvikuru kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Mukati meMiddle Ages, vanhu vakapisirwa padanda nokuda kwokungova chete nekopi yaMagwaro.

• Bhaibheri ndiro bhuku rinotengwa zvikurusa munyika. Rakashandurwa, rose kana kuti murutivi, mumitauro inopfuura 2 000. Mabhiriyoni amakopi akadhindwa, uye hakutongori nenzvimbo pasi pano kusingagoni kuwanwa kopi.

• Chikamu chekaresa cheBhaibheri chinosvika shure kuzana ramakore rechi 16 B.C.E. Ikoku kuri Rig-Veda yechiHindu isati yaoneka (yakapedzwa munenge muna 900 B.C.E.), kana kuti “Canon of the Three Baskets” yechiBuddha (zana ramakore rechishanu B.C.E.), kana kuti Koran yechiIslam (zana ramakore rechinomwe C.E.), pamwe chete neNihongi yeShinto (720 C.E.).

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 20]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe