Ganhuro 15
Kuvaka Mhuri Inokudza Mwari
NGATITII unoronga kuvaka musha wako umene. Unotenga nzvimbo. Une kariro huru, unoona imba yako itsva mundangariro mako. Asi zvakadini kana usina maturusi uye usina unyanzvi hwokuvaka? Nhamburiko dzako dzingava dzinokangaidza sei!
2 Varoorani vakawanda vanopinda muroorano vachiisa muchiono mhuri inofara, bva havana maturusi kana kuti unyanzvi zvinodikanwa kuivaka. Nokukurumidza pashure pezuva romuchato, mitoo yakaipa inovamba. Kurwa nokupopotedzana zvinova zvezuva nezuva. Apo vana vanoberekwa, baba vatsva naamai vanozviwana vamene vasina unyanzvi paubereki sezvavakaita paroorano.
3 Nenzira inofadza, zvisinei, Bhaibheri rinogona kubetsera. Nheyo dzaro dzakafanana namaturusi anokugonesa kuvaka mhuri inofara. (Zvirevo 24:3) Ngationei kuti sei.
MATURUSI OKUVAKISA ROORANO INOFADZA
4 Hazvinei hazvo nokuti varoorani vanoratidzika kuva vanowirirana sei, vanosiyana mumuitirwo wemirangariro, zvakaitika zvouduku, uye mamiriro ezvinhu ekare emhuri. Naizvozvo, zvinetso zvinofanira kukarirwa pashure peroorano. Zvichabatwa sei? Eya, apo vavaki vanovaka imba, vanonzvera mapurani. Iwaya inhungamiro dzinofanira kuteverwa. Bhaibheri rinogovera mipimo yaMwari yokuvaka nayo mhuri inofara. Ngatinzverei zvino mishomanene yaiyoyi.
5 Kuvimbika. Jesu akati: “Izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”a (Mateo 19:6) Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo [yeroorano, NW] ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Vanhu vakaroorana vanofanira naizvozvo kunzwa musengwa kuna Jehovha wokuramba vakatendeka kuvakwanyina vavo.—Genesi 39:7-9.
6 Kuvimbika kunopa roorano chiremera nechengeteko. Vakwanyina vakavimbika vanoziva kuti, chauya chauya, vachatsigirana. (Muparidzi 4:9-12) Kwakasiyana sei naavo vanorega roorano yavo pachiratidzo chokutanga chechinetso! Vanhu vakadaro vanogumisa nokukurumidza kuti va‘kasarudza munhu asina kururama,’ kuti ‘havachadana,’ kuti mhinduro kuva nomukwanyina mutsva. Asi ikoku hakupi mukwanyina upi noupi mukana wokukura. Panzvimbo pezvo, vasina kuvimbika vakadaro vangaendesa zvinetso zvimwe chetezvo kuvakwanyina vatsva. Apo mumwe munhu anenge ane musha wakaisvonaka asi achiwana kuti denga riri kudzudza, zvirokwazvo anoedza kurigadzira. Haasati achingotamira kuimwe imba. Nenzira yakafanana, kuchinja mukwanyina hakusati kuri nzira yokupedza nayo nhau dzinoparira gakava reroorano. Apo zvinetso zvinomuka, usaedza kubuda muroorano, asi shanda zvakaoma zvikuru kuichengeta. Kuvimbika kwakadaro kunokoshesa mubatanidzwa wacho sechimwe chinhu chakafanirwa nokudzivirira, kuchengeta, uye kuda.
7 Kurukurirano. “Pasingaranganwi mano anokona,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 15:22) Bva, kukurukura kwakaomera vamwe varoorani. Nei kwakadaro? Nemhaka yokuti vanhu vane mitoo yekurukurirano yakasiyana-siyana. Iri idi rinowanzotungamirira kukusanzwisisana kwakati nekangaidziko. Kurerwa kungaparira ikoku. Somuenzaniso, vamwe vangave vakarererwa mumhoteredzo umo vabereki vaipopotedzana. Zvino savakuru vakaroorana, vangasaziva nzira yokutaura nayo kumukwanyina wavo nenzira yomutsa neyorudo. Kunyange zvazvo zvakadaro, musha wenyu haufaniri kushata kuva ‘imba yakazara nokupopotedzana.’ (Zvirevo 17:1) Bhaibheri rinosimbisa kupfeka “unhu utsva,” uye harifuratiri shungu, kupopota, uye kutuka.—VaEfeso 4:22-24, 31, NW.
8 Chii chamunogona kuita apo kunenge kune kusabvumirana? Kana hasha dzikavamba, mungaita zvakanaka kutevera zano raZvirevo 17:14, rinoti: “Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” Hungu, mungarega kurukurirano yacho kutozosvikira gare gare, apo mose muri vaviri iwe nomukwanyina wako munenge materama. (Muparidzi 3:1, 7) Muchiitiko chipi nechipi, edzai kuva “vanokurumidza kunzwa, vanononoka kutaura, vanononoka kutsamwa.” (Jakobho 1:19, NW) Nharidzano yenyu inofanira kuva kupedza mumiriro wacho wezvinhu, kwete kuwina nharo dzacho. (Genesi 13:8, 9) Sarudza mashoko nomutoo wokutaura nawo uyo uchakudzikamisa nomukwanyina wako. (Zvirevo 12:18; 15:1, 4; 29:11) Kupfuura zvose, musaramba makatsamwa, asi tsvakai betsero kupfurikidza nokukurukura naMwari mumunyengetero wokuzvininipisa pamwe chete.—VaEfeso 4:26, 27; 6:18.
9 Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.” (Zvirevo 16:23) Chaizvoizvo, ipapoka, chinokosha kukurukurirano inobudirira chiri mumwoyo, kwete mumuromo. Chii chiri chimiro chako chendangariro kumukwanyina wako? Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuratidza “tsitsi.” (1 Petro 3:8, NW) Iwe unogona kuita ikoku here apo mukwanyina wako weroorano anowana funganyo inotambudza? Kana zvakadaro, kuchakubetsera kuziva nzira yokupindura nayo.—Isaya 50:4.
10 Rukudzo Noruremekedzo. Varume vechiKristu vanoudzwa kugara navadzimai vavo “nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri.” (1 Petro 3:7) Kukudza mudzimai wako kunobatanidza kuziva ukoshi hwake. Murume anogara nomudzimai wake “nokuziva” anoremekedza mirangariro yake, simba, ungwaru, uye chiremera. Anofanira kudawo kudzidza kurangarira kunoita Jehovha vakadzi uye kuda uko anoita kuti vabatwe.
11 Muimba yenyu, ngatitii mune mudziyo unobetsera zvikuru uyo usingatani kupunzika zvikuru. Hamaizoubata nengwariro huru here? Eya, Petro akashandisa kutaura kwokuti “mudziyo une simba duku” nomutoo wakafanana, uye ikoku kunofanira kusunda murume wechiKristu kuratidzira kuremekedza mudzimai wake anodiwa.
12 Asi izanoi iro Bhaibheri rinopa mudzimai? Pauro akanyora, kuti: “Mudzimai anofanira kuremekedza zvikuru murume wake.” (VaEfeso 5:33, NW) Sezvo mudzimai achifanira kunzwa kuti anokudzwa uye anodiwa zvikuru nomukwanyina wake, murume anofanira kunzwa kuti anoremekedzwa nomudzimai wake. Mudzimai anoremekedza haasati aizoparadzira nenzira isina mufungo zvikanganiso zvomurume wake, angava ari muKristu kana kuti kwete. Haasati aizomubvisira chiremera chake kupfurikidza nokumutsoropodza nokumuzvidza pachivande kana kuti zvimwe pachena.—1 Timotio 3:11; 5:13.
13 Ikoku hakurevi kuti mudzimai haagoni kutaura mirangariro yake. Kana chimwe chinhu chichimukangaidza, anogona kuchitaura nenzira yokuremekedza. (Genesi 21:9-12) Kupa pfungwa kumurume wake kungafananidzwa nokukandira bhora kwaari. Anogona kurikanda zvinyoronyoro kuitira kuti agogona kuribata nyore nyore, kana kuti anogona kurikanda nesimba guru zvokuti rinomukuvadza. Kuri nani zvikuru sei apo vakwanyina vose vari vaviri vanodzivisa kukanda pomero asi, panzvimbo pezvo, vanotaura nomutoo womutsa nomunyoro!—Mateo 7:12; VaKorose 4:6; 1 Petro 3:3, 4.
14 Sezvataona, nheyo dzeBhaibheri dzinogona kukubetserai kuvaka roorano inofara. Asi zvakadini kana mukwanyina wako achifarira zvishomanene izvo Bhaibheri rinotaura? Zvakawanda zvinogona kungoitwa kana ukashandisa kuziva Mwari mubasa rako. Petro akanyora, kuti: “Imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasine shoko rinorehwa, kana vachiona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.” (1 Petro 3:1, 2) Chokwadika, zvimwe chetezvo zvaizoshanda kumurume ane mudzimai asingaitiri hanya Bhaibheri. Pasinei zvapo neicho mukwanyina wako anosarudza kuita, ita kuti nheyo dzeBhaibheri dzikuite mukwanyina ari nani. Kuziva Mwari kunogonawo kukuita mubereki ari nani.
KURERA VANA MAERERANO NOKUZIVA MWARI
15 Kungova chete nesaha kana kuti sando hakusati kuchiita kuti munhu ave muvezi ane unyanzvi. Nenzira yakafanana, kungova chete navana hakusati kuchiita kuti munhu ave mubereki ane unyanzvi. Vachiziva kana kuti vasingazivi, vabereki kazhinji kazhinji vanorera vana vavo nenzira iyo ivo vamene vakarerwa nayo. Nokudaro, unyanzvi hwakaipa hwokurera pane dzimwe nguva hunopfuudzwa huchibva pachizvarwa chimwe huchienda kuchinotevera. Chirevo chechiHebheru chakare chinoti: “Vanababa ndivo vanodya magirepi maganga, asi mazino avana ndiwo anoita ugugu.” Bva, Magwaro anoratidza kuti munhu haafaniri kutevera nzira yakatangwa navabereki vake. Anogona kusarudza nzira yakasiyana, inopesvedzerwa nemirayiro yaJehovha.—Ezekieri 18:2, 14, 17, NW.
16 Jehovha anokarira vabereki vechiKristu kuti vape vana vavo nhungamiro yakafanira netarisiro. Pauro akanyora, kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Mashoko akasimba zvakadini! Kuita basa rako somugoveri, uko kunobatanidza kutarisira zvinodikanwa zvomuviri, zvomudzimu, uye zvemirangariro zvavana vako, iropafadzo yomunhu youmwari nomutoro. Bhaibheri rinogovera nheyo dzinogona kubetsera vabereki kuvakira mhoteredzo inofadza vana vavo. Rangarira dzimwe dzaidzodzi.
17 Gadzai muenzaniso wakaisvonaka. Vabereki vechiIsraeri vakarayirwa, kuti: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa [mashoko aMwari] vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Vabereki vaifanira kudzidzisa mipimo yaMwari kuvana vavo. Asi iri zano rakatangirwa nokutaura, kunoti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Hungu, vabereki havagoni kupa icho vasina. Mitemo yaMwari inofanira kutanga kunyorwa pamwoyo yenyu mumene kana muchida kuita kuti inyorwe pamwoyo yavana venyu.—Zvirevo 20:7; enzanisa naRuka 6:40.
18 Goverai vimbiso yorudo rwenyu. Parubhapatidzo rwaJesu, Jehovha akazivisa, kuti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.” (Ruka 3:22) Jehovha nokudaro akabvuma Mwanakomana wake, achitaura akasununguka kumutendera kwake nokupa vimbiso yorudo Rwake. Jesu gare gare akati kuna Baba vake: “Makandida nyika isati yavambwa.” (Johane 17:24) Savabereki voumwari, ipapoka, ipai vana venyu ratidziro dzokutaura nedzomuviri dzokuvada kwenyu—uye itai ikoku kazhinji kazhinji. Nguva dzose yeukai kuti “rudo runosimbisa.”—1 VaKorinte 8:1.
19 Chirango. Bhaibheri rinosimbisa ukoshi hwechirango chorudo. (Zvirevo 1:8) Vabereki vanonzvenga mutoro wavo wokutungamirira vana vavo nhasi kunodokuva zvirokwazvo vachatarisana nemigumisiro inosuruvarisa mangwana. Bva, vabereki vanonyeverwawo pamusoro pokunyanyisa. “Madzibaba,” akanyora kudaro Pauro, “regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Vabereki vanofanira kudzivisa kunyanyoruramisa vana vavo kana kuti kutaura vataurazve nguva dzose pamusoro pezvikanganiso zvavo nokutsoropodza nhamburiko dzavo.
20 Jehovha Mwari, Baba vedu vokudenga, vanogadza muenzaniso mukugovera chirango. Ruramiso yavo haitongonyanyisi. “Ndichakuranga ndichiita nokururama,” Mwari akaudza vanhu vake kudaro. (Jeremia 46:28) Vabereki vanofanira kutevedzera Jehovha muna ikoku. Chirango chinopfuura miganhu ine mufungo kana kuti icho chinopfuura chinangwa chinorangarirwa chokururamisa nokudzidzisa zvirokwazvo chinotsamwisa.
21 Vabereki vanogona sei kuziva kana chirango chavo chichibudirira? Vangazvibvunza vamene kuti, ‘Chirango changu chinoitei?’ Icho chinofanira kudzidzisa. Mwana wenyu anofanira kunzwisisa nei chirango chiri kupiwa. Vabereki vanofanirawo kuitira hanya migumisiro yeruramiso yavo. Chokwadi, vanodokuva vana vose pakutanga vachashatiriswa nechirango. (VaHebheru 12:11) Asi chirango hachitongofaniri kuita kuti mwana anzwe achityiswa kana kuti achiregwa kana kuti kumusiya ane murangariro wokuti akaipa nenzira yomuzvarirwo. Asati aruramisa vanhu vake, Jehovha akati: “Usatya hako, . . . nokuti ndinewe.” (Jeremia 46:28) Hungu, ruramiso inofanira kupiwa nenzira yakadaro zvokuti mwana wenyu anonzwa kuti munaye savabereki vane rudo, vanotsigira.
KUWANA “NHUNGAMIRO YOUNYANZVI”
22 Tinogona kuva vanoonga kuti Jehovha akagovera maturusi ayo tinoda kuvaka mhuri inofara. Asi kungova chete namaturusi hakuna kukwana. Tinofanira kurovedza kuashandisa nenzira yakafanira. Somuenzaniso, muvaki angatanga tsika dzakaipa munzira iyo anobata nayo maturusi ake. Angashandisa mamwe awo nenzira isina kururama chose chose. Muaya mamiriro ezvinhu, mitoo yake sezvingabvira zvikuru ingaguma nechigadzirwa chakaderera. Nenzira yakafanana, ungaziva zvino nezvetsika dzakaipa idzo dzakapinda mumhuri yako. Dzimwe dzingava dzakasimba zvikuru uye dzakaoma kuchinja. Zvisinei, tevera zano reBhaibheri, rinoti: “Munhu akachenjera achateerera ndokupinza murayiridzo wakawanda, uye munhu anonzwisisa ndiye anowana nhungamiro ine unyanzvi.”—Zvirevo 1:5, NW.
23 Unogona kuwana nhungamiro ine unyanzvi kupfurikidza nokupfuurira kuziva Mwari. Svinurira nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda kuupenyu hwemhuri, uye ita gadziridzo uko dzinodikanwa. Cherekedza vaKristu vakakura mumudzimu avo vanogadza muenzaniso wakaisvonaka savakwanyina veroorano navabereki. Taura kwavari. Kupfuura zvose, endesa funganyo dzako kuna Jehovha mumunyengetero. (Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7) Iye anogona kukubetsera kufarikanya upenyu hwemhuri hunofadza hunomukudza.
[Mashoko Omuzasi]
a Chikonzero bedzi chapaMagwaro chechatanuro chinobvumira kuroorazve ndihwo “ufeve”—vatano kunze kweroorano.—Mateo 19:9.
EDZA ZIVO YAKO
Kuvimbika, kurukurirano, uye ruremekedzo zvinobetsera sei kuva neroorano inofadza?
Vabereki vanogona kuvimbisa vana vavo rudo rwavo munzirai?
Zvinhui zvinobatanidzwa muchirango chakafanira?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1-3. Nei vamwe vasingakwanisi kupedza zvinetso zvinozivikanwa navose kuroorano noubereki, asi nei Bhaibheri richigona kubetsera?
4. Nei zvinetso muroorano zvichifanira kukarirwa, uye mipimoi inogoverwa muBhaibheri?
5. Bhaibheri rinosimbisa sei ukoshi hwokuvimbika muroorano?
6. Kuvimbika kuchabetsera sei kuchengeta roorano?
7. Nei kurukurirano ichiwanzova yakaomera varoorani, asi kupfeka “unhu utsva” kunogona kubetsera sei?
8. Chii chingava chinobetsera apo unenge usingabvumirani nomukwanyina wako?
9. Nei kuchigona kutaurwa kuti kurukurirano inovamba mumwoyo?
10, 11. Murume anogona sei kushandisa zano ra 1 Petro 3:7?
12. Mudzimai anogona sei kuratidza kuti anoremekedza zvikuru murume wake?
13. Mirangariro inogona sei kutaurwa nomutoo une rugare?
14. Chii chaunofanira kuita kana mukwanyina wako achiratidza kufarira kuduku mukushandisa nheyo dzeBhaibheri muroorano?
15. Unyanzvi hwakaipa hwokurera pane dzimwe nguva hunopfuudzwa sei, asi uyu mutoo unopfuurira ungaparadzwa sei?
16. Nei kuchikosha kugovera mhuri yako, uye ikoku kunobatanidzei?
17. Chii chiri madikanwa kana vana vako vachizova nomutemo waMwari mumwoyo yavo?
18. Mukuratidzira rudo, Jehovha akagadzira sei vabereki muenzaniso wakaisvonaka?
19, 20. Chii chinobatanidzwa mukurangwa kwakafanira kwavana, uye vabereki vanogona sei kubetserwa nomuenzaniso waJehovha?
21. Vabereki vanogona sei kuziva kana chirango chavo chichibudirira?
22, 23. Unogona sei kuwana nhungamiro inodikanwa kuvaka mhuri inofara?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 147]