Chidzidzo 1
Nzira Yaunogona Kuwana Nayo Izvo Mwari Anoda
Mashokoi anokosha ari muBhaibheri? (1)
Ndiani ari munyori weBhaibheri? (2)
Neiko uchifanira kufunda Bhaibheri? (3)
1. Bhaibheri chipo chinokosha chinobva kuna Mwari. Rakafanana netsamba inobva kuna baba vane rudo ichienda kuvana vavo. Rinotiudza zvokwadi pamusoro paMwari—kuti iye ndiye ani uye iri mipimo yake. Rinotsanangura nzira yokugonana nayo nezvinetso uye nzira yokuwana nayo mufarwa wechokwadi. Bhaibheri bedzi rinotiudza zvatinofanira kuita kuti tifadze Mwari.—Pisarema 1:1-3; Isaya 48:17, 18.
2. Bhaibheri rakanyorwa navarume vane 40 vakasiyana-siyana mukati menhambo yamakore 1 600, kuvambira muna 1513 B.C.E. Rinoumbwa namabhuku maduku 66. Avo vakanyora Bhaibheri vakafuridzirwa naMwari. Vakanyora mifungo yake, kwete yavo vamene. Naizvozvo Mwari ari mudenga, kwete munhu upi noupi ari papasi, ndiye Munyori weBhaibheri.—2 Timotio 3:16, 17; 2 Petro 1:20, 21.
3. Mwari akava nechokwadi chokuti Bhaibheri rakakopwa zvakarurama ndokuchengetedzwa. MaBhaibheri akawanda akadhindwa kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Haasi munhu ari wose achafara kukuona uchifunda Bhaibheri, asi usaregera ikoko kuchikumisa. Nguva yako yemberi isingagumi inotsamira pakusvika kwako pakuziva Mwari nokuita kuda kwake pasinei zvapo nechishoro chipi nechipi.—Mateo 5:10-12; Johane 17:3.