RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 3 pp. 6-7
  • Jesu Kristu Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu Ndiani?
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 3 pp. 6-7

Chidzidzo 3

Jesu Kristu Ndiani?

Neiko Jesu achinzi Mwanakomana we“dangwe” waMwari? (1)

Neiko achinzi “Shoko”? (1)

Neiko Jesu akauya kupasi somunhu? (2-4)

Neiko akaita zvishamiso? (5)

Jesu achaitei munguva yemberi iri pedyo? (6)

1. Jesu akararama mudenga somunhu womudzimu asati auya kupasi. Akanga ari chisiko chaMwari chokutanga, uye naizvozvo anonzi Mwanakomana waMwari we“dangwe.” (VaKorose 1:15; Zvakazarurwa 3:14) Jesu ndiye bedzi Mwanakomana waMwari akasikwa naye amene. Jehovha akashandisa Jesu asati ava munhu se“mhizha” yake mukusika zvimwe zvinhu zvose mudenga napasi. (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:16, 17) Mwari akamushandisawo somutauriri Wake mukuru. Ndicho chikonzero nei Jesu achinzi “Shoko.”—Johane 1:1-3; Zvakazarurwa 19:13.

2. Mwari akatuma Mwanakomana Wake kupasi kupfurikidza nokutamisira upenyu hwake kumimba yaMaria. Naizvozvo Jesu akanga asina baba aiva munhu. Ndicho chikonzero nei asina kugara nhaka chivi chipi nechipi kana kuti kusakwana. Mwari akatuma Jesu kupasi nokuda kwezvikonzero zvitatu: (1) Kuzotidzidzisa zvokwadi pamusoro paMwari (Johane 18:37), (2) kuchengeta perero yakakwana, achitigovera muenzaniso wokutevera (1 Petro 2:21), uye (3) kuzobayira upenyu hwake kuti atisunungure muchivi norufu. Neiko ikoku kwakanga kuchidikanwa?—Mateo 20:28.

3. Kupfurikidza nokusateerera murayiro waMwari, munhu wokutanga, Adhama, akaita icho Bhaibheri rinodana kuti “chivi.” Naizvozvo Mwari akamutongera rufu. (Genesi 3:17-19) Akanga asingachasvitsi mipimo yaMwari, naizvozvo akanga asisinazve kukwana. Zvishoma nezvishoma akakwegura ndokufa. Adhama akapfuudza chivi kuvana vake vose. Ndicho chikonzero nei tichikwegurawo, kurwara, ndokufa. Rudzi rwomunhu rwaigona sei kuponeswa?—VaRoma 3:23; 5:12.

4. Jesu akanga ari munhu akakwana kungofanana naAdhama. Mukusafanana naAdhama, zvisinei, Jesu akanga achiteerera Mwari zvakakwana kunyange mumuedzo mukurusa. Naizvozvo aigona kubayira upenyu hwake hwakakwana somunhu kuripira chivi chaAdhama. Ikoku ndiko uko Bhaibheri rinonongedzera se“rudzikinuro.” Vana vaAdhama vaigona nokudaro kusunungurwa mukushurikidzwa kurufu. Vose vanotenda Jesu vanogona kuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe ndokugamuchira upenyu husingaperi.—1 Timotio 2:5, 6; Johane 3:16; VaRoma 5:18, 19.

5. Ari papasi Jesu akarapa vanorwara, akadyisa vane nzara, uye akanyaradza madutu. Akamutsa kunyange vakafa. Akaitirei zvishamiso? (1) Akanzwira tsitsi vanhu vakanga vachitambura, uye akanga achida kuvabetsera. (2) Zvishamiso zvake zvakabvumikisa kuti akanga ari Mwanakomana waMwari. (3) Zvakaratidza izvo achaitira rudzi rwomunhu runoteerera apo anotonga saMambo papasi.—Mateo 14:14; Marko 2:10-12; Johane 5:28, 29.

6. Jesu akafa uye akamutswa naMwari sechisikwa chomudzimu, uye akadzokera kudenga. (1 Petro 3:18) Kubvira panguva iyeyo, Mwari akamuita Mambo. Nokukurumidza Jesu achabvisa uipi hwose nokutambura papasi rino.—Pisarema 37:9-11; Zvirevo 2:21, 22.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Ushumiri hwaJesu hwaibatanidza kudzidzisa, kuita zvishamiso, uye kunyange kupa upenyu hwake nokuda kwedu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe