Chidzidzo 4
Dhiyabhorosi Ndiani?
Satani Dhiyabhorosi—akabva kupi? (1, 2)
Satani anotsausa sei vanhu? (3-7)
Neiko uchifanira kudzivisa Dhiyabhorosi? (7)
1. Shoko rokuti “dhiyabhorosi” rinoreva mumwe munhu anotaura nhema dzakaipa pamusoro pomumwe munhu. “Satani” rinoreva muvengi kana kuti mushori. Aya ndiwo mashoko anopiwa kumuvengi mukuru waMwari. Pakutanga, akanga ari ngirozi yakakwana mudenga naMwari. Zvisinei, akazvikudza gare gare ndokuda kunamatwa kwakanga kuri nenzira yakafanira kwaMwari.—Mateo 4:8-10.
2. Iyi ngirozi, Satani, yakataura naEvha kupfurikidza nenyoka. Kupfurikidza nokumuudza nhema, akamuita kuti asateerere Mwari. Nokudaro Satani akadenha icho chinonzi “uchangamire” hwaMwari, kana kuti nzvimbo soWokumusorosoro. Satani akapanikira kana Mwari achitonga munzira yakanaka uye nokuda kwezvakanakisisa zvavadzorwi Vake. Satani akamutsawo panikiro kana munhu upi noupi aizoramba akavimbika kuna Mwari. Kupfurikidza nokuita ikoku, Satani akazviita amene muvengi waMwari. Ndicho chikonzero nei akasvika pakunzi Satani Dhiyabhorosi.—Genesi 3:1-5; Jobho 1:8-11; Zvakazarurwa 12:9.
3. Satani anoedza kunyengedza vanhu mukumunamata. (2 VaKorinte 11:3, 14) Imwe nzira yaanotsausa nayo vanhu iri kupfurikidza norudzidziso rwenhema. Kana rudzidziso ruchidzidzisa nhema pamusoro paMwari, runobatira chaizvoizvo chinangwa chaSatani. (Johane 8:44, NW) Vanhu vari mitezo yamarudzidziso enhema vangadavira zvapachokwadi kuti vari kunamata Mwari wechokwadi. Asi vari kubatira chaizvoizvo Satani. Ndiye ‘mwari wenyika ino.’—2 VaKorinte 4:4.
4. Kudavira midzimu ndeimwe nzira iyo Satani anodzora nayo vanhu. Vangakumbira kuti midzimu ivadzivirire, kukuvadza vamwe, kufanotaura nguva yemberi, kana kuti kuita zvishamiso. Satani ndiye simba rakaipa riri seri kweiyi miitiro yose. Kuti tifadze Mwari, tinofanira kusava nechinhu chipi nechipi chokuita nokudavira midzimu.—Dheuteronomio 18:10-12; Mabasa 19:18, 19.
5. Satani anotsausawo vanhu kupfurikidza norudado rworudzi rwakanyanyisa uye kunamatwa kwamasangano ezvematongerwo enyika. Vamwe vanorangarira kuti rudzi rwavo kana kuti dzinza riri nani kupfuura mamwe. Asi ikoku hakusi kwechokwadi. (Mabasa 10:34, 35) Vamwe vanhu vanotarira kumasangano ezvematongerwo enyika kuti apedze zvinetso zvomunhu. Kupfurikidza nokuita ikoku, vari kuramba Umambo hwaMwari. Ndihwo bedzi huchapedza zvinetso zvedu.—Dhanieri 2:44.
6. Imwe nzira iyo Satani anotsausa nayo vanhu iri kupfurikidza nokuvaedza nezvishuvo zvokutadza. Jehovha anotiudza kuti tidzivise miitiro yokutadza nemhaka yokuti anoziva kuti ichatikuvadza. (VaGaratia 6:7, 8) Vamwe vanhu vangada kuti uvakumbanire mumiitiro yakadaro. Yeuka, zvisinei, kuti ndiSatani chaizvoizvo uyo anoda kuti uite zvinhu izvozvi.—1 VaKorinte 6:9, 10; 15:33.
7. Satani angashandisa chitambudzo kana kuti chishoro kukuita kuti usiye Jehovha. Vamwe vavadiwa vako vangashatirwa zvikuru nemhaka yokuti uri kufunda Bhaibheri. Vamwe vangakunyomba. Asi upenyu hwako hwakabva kuna ani? Satani anoda kukutyisidzira kuitira kuti ugorega kudzidza pamusoro paJehovha. Usarega Satani achikunda! (Mateo 10:34-39; 1 Petro 5:8, 9) Kupfurikidza nokudzivisa Dhiyabhorosi, unogona kuita kuti Jehovha afare ndokuratidza kuti unotsigira uchangamire Hwake.—Zvirevo 27:11.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Rudzidziso rwenhema, kudavira midzimu, uye urudzi zvinotsausa vanhu
[Mufananidzo uri papeji 9]
Dzivisa Satani kupfurikidza nokupfuurira kudzidza pamusoro paJehovha