RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ie p. 21
  • Nei Tichifa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifa?
  • Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusateerera Kunounza Rufu
  • “Rufu Rwakasvika Kuvanhu Vose”
  • Nei Tichichembera Uye Tichifa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kufa Uye Kumuka kwaJesu—Kunoita Kuti Uwanei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
ie p. 21

Nei Tichifa?

“Pamusoro pose pemakomo pati zii zvino, pamusoro pemiti yose haunzwi kana kufema; shiri dzarara mumiti: mira; nokukurumidza uchazorora saidzodzi.”—JOHANN WOLFGANG VON GOETHE, NYANDURI WEGERMANY.

MWARI akasika vanhu vachipanga kurarama nokusingaperi. Zvirokwazvo, Bhaibheri rinotaura kuti akaisa “pfungwa yokusaguma mumwoyo yavo.” (Muparidzi 3:11, Beck) Asi Mwari akaita zvinopfuura kupa vanhu chishuwo chokurarama nokusingaperi. Akavapawo mukana wokuita kudaro.

2 Vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakasikwa vakakwana, vasina chikanganiso mundangariro kana kuti mumuviri. (Dheuteronomio 32:4) Fungidzira—pasina kugarodzimbwa nemarwadzo, pasina kutya kukuvadzwa kana kuti funganyo! Uyezve, Mwari akavaisa mumusha wakaisvonaka weparadhiso. Mwari akaronga kuti munhu aizogara nokusingaperi uye kuti pashure penguva yakati pasi raizozadzwa nevana vake vakakwana. (Genesi 1:31; 2:15) Nei, zvino, tichifa?

Kusateerera Kunounza Rufu

3 Mwari akarayira Adhama kuti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Naizvozvo upenyu husingagumi nokuda kwaAdhama naEvha hwaitsamira pamamiriro ezvinhu; hwaitsamira pakuteerera kwavo Mwari.

4 Nenzira inosuruvarisa, zvisinei, Adhama naEvha havana kuteerera mutemo waMwari. (Genesi 3:1-6) Mukuita kudaro, vakava vatadzi, nokuti “chivi kusateerera murayiro.” (1 Johane 3:4) Somugumisiro, Adhama naEvha vakanga vasisina kariro youpenyu husingagumi. Nei? Nemhaka yokuti “mubayiro wezvivi rufu.” (VaRoma 6:23) Nokudaro, paakanga achizivisa mutongo kuna Adhama naEvha, Mwari akati: “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Vabereki vedu vokutanga ipapo vakadzingwa mumusha wavo weParadhiso. Zuva ravakatadza, Adhama naEvha vakavamba muitiro unononoka asi wakadzikama wokufa.—Genesi 3:19, 23, 24.

“Rufu Rwakasvika Kuvanhu Vose”

5 Adhama naEvha zvino vakanga vava nechivi chakabaya chikatyokera mumavara avo anogarwa nhaka. Nokudaro, vakanga vasingagoni kubereka vana vakakwana, kungofanana neforoma isina kunaka isingagoni kubudisa chinhu chakanaka. (Jobho 14:4) Zvirokwazvo, kuberekwa kwomunhu kumwe nokumwe kunosimbisa kuti vabereki vedu vokutanga vakarasikirwa neutano hwakakwana noupenyu husingaperi nokuda kwavo pachavo nevana vavo. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora kuti: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.”—VaRoma 5:12; enzanisa nePisarema 51:5.

6 Nhasi masayendisiti haazivi kuti chikonzero nei chaizvo vanhu vachikwegura vozofa. Bhaibheri, zvisinei, rinotsanangura kuti tinofa nemhaka yokuti tinoberekwa tine chivi, pashure pokunge tagara nhaka chimiro ichi kuvabeki vedu vokutanga vavanhu. Asi chii chinoitika kwatiri apo tinofa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Vanhu vakasikwa vaine chishuvoi? (b) Vanhu vaviri vokutanga vakafarikanya upenyu hworudzii?

3. Upenyu husingagumi hwaAdhama naEvha hwaitsamira pachii?

4. Apo Adhama naEvha vakatadza, nei vakarasikirwa nekariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso?

5. Rufu rwakapararira sei kusvika kurudzi rwose rwomunhu?

6. Nei tichifa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe