RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ie pp. 25-28
  • Tariro Yechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Yechokwadi
  • Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Shamwari Yedu Yafa’
  • “Achamuka”
  • ‘Vose Vari Mumakuva Okurangaridza’
  • Vachamutsirwepi?
  • Mushonga Bedzi Worufu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
ie pp. 25-28

Tariro Yechokwadi

“Kubvira panhambo yokuberekwa zvinobvira nguva dzose kuti munhu angafa panhambo ipi neipi; uye nenzira isingadzivisiki izvi zvinobvira zvinozoitika.”—ARNOLD TOYNBEE, WEZVENHAU WEBRITAIN.

NDIANI anogona kuitirana nharo nechokwadi chenhau chadudzwa pamusoro apa? Rudzi rwomunhu nguva dzose rwaitofanira kugamuchira chokwadi chinotyisa chorufu. Uye ipfungwa yokusabetsera zvakadini yatinova nayo apo mumwe munhu watinoda anofa! Kurasikirwa kwacho ipapo kunoratidzika sokusingachinjiki chose chose. Zvinobvira here kuzobatanidzwazve nevadiwa vedu vakafa? Itariroi iyo Bhaibheri rinayo nokuda kwevakafa? Rangarira nhoroondo inotevera.

‘Shamwari Yedu Yafa’

2 Gore racho rakanga riri 32 C.E. Mutaundi duku yeBhetania, makiromita matatu kunze kweJerusarema, ndiko kwaigara Razaro nehanzvadzi dzake mbiri Maria naMarta. Vakanga vari shamwari dzapedyo dzaJesu. Rimwe zuva, Razaro akarwara zvakakomba. Nokukurumidza, hanzvadzi dzake dzaishushikana dzakatumira shoko iri kuna Jesu, akanga ari mhiri kweRwizi Joridhani. Jesu akanga achida Razaro nehanzvadzi dzake, naizvozvo pashure penguva yakati akatanga kuenda kuBhetania. Ari munzira, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Sezvo vadzidzi vacho vasina kukurumidza kunzwisisa zvaireva kutaura uku, Jesu akataura zvakajeka kuti: “Razaro afa.”—Johane 11:1-15, NW.

3 Paakanzwa kuti Jesu akanga achiuya kuBhetania, Marta akamhanya achibuda kunosangana naye. Asiririswa nokusuruvara kwake, Jesu akamuvimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Marta akapindura kuti: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu ipapo akamuudza kuti: “Ndini kumuka noupenyu. Unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.”—Johane 11:20-25.

4 Jesu ipapo akaenda kuguva ndokurayira kuti dombo rakanga rakavhara suo raro ribviswe. Pashure pokunyengetera zvinonzwika, akarayira kuti: “Razaro, buda!” Uye maziso ose sezvaakanga akanzi ndee paguva, Razaro zvirokwazvo akabuda. Jesu akamutsa Razaro—achidzorera upenyu kumunhu akanga akafa kwemazuva mana!—Johane 11:38-44.

5 Marta akanga achitotenda chipikirwa chorumuko. (Johane 5:28, 29; 11:23, 24) Chishamiso chokudzorerwa kuupenyu kwaRazaro chakabatira kusimbisa kutenda kwake nokuisa kutenda mune vamwe. (Johane 11:45) Asi chii chinorehwa chaizvoizvo neshoko rokuti “rumuko”?

“Achamuka”

6 Shoko rokuti “rumuko” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki a·naʹsta·sis, rinoreva chaizvoizvo “kusimukazve.” Vashanduri vechiHebheru kubva muchiGiriki vakashandura a·naʹsta·sis kuva mashoko echiHebheru techi·yathʹ ham·me·thimʹ, anoreva “kumutswa kwavakafa.”a Nokudaro, rumuko runobatanidza kumutsa munhu kubva muchimiro chokusava noupenyu chorufu—ndokumutsiridzazve mararamire omunhu wacho.

7 Sezvo ane uchenjeri husingagumi uye achiyeuka zvakakwana, Jehovha Mwari anogona kumutsa munhu nenzira iri nyore. Kuyeuka mararamire avanhu vakafa—mavara eunhu hwavo, nhau yavo yomunhu oga, uye udzame hwose hwekuzivikanwa kwavo—hachisi chinetso kwaari. (Jobho 12:13; enzanisa naIsaya 40:26.) Jehovha ndiyewo Muvambi woupenyu. Nokudaro, anogona kudzosa munhu mumwe cheteyo kuupenyu nenzira iri nyore, achimupa unhu humwe chetehwo mumuviri uchangobva kuumbwa. Uyezve, seizvo chiitiko chaRazaro chinoratidza, Jesu Kristu anodisa uye anokwanisa kumutsa vakafa.—Enzanisa naRuka 7:11-17; 8:40-56.

8 Dzidziso yeMagwaro yorumuko, zvisinei, haiwirirani nedzidziso yokusafa kwemweya. Kudai mweya usingafi waipukunyuka rufu, hapana munhu aizofanira kumutswa, kana kuti kudzoswa kuupenyu. Zvirokwazvo, Marta haana kutaura murangariro pamusoro pemweya usingafi wakanga uchipfuurira kurarama kune imwe nzvimbo pashure pokufa. Akanga asingadaviri kuti Razaro akanga atoenda kune imwe nzvimbo yemidzimu kuti apfuuridzire kurarama kwake. Mukupesana, akaratidza kutenda kwake chinangwa chaMwari chokuchinja zvinoparirwa norufu. Iye akati: “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” (Johane 11:23, 24) Nenzira yakafanana, Razaro pachake haana kurondedzera zvakaitika zvoupenyu hwepashure porufu. Pakanga pasina chokushuma.

9 Nenzira yakajeka, maererano neBhaibheri, mweya unofa uye mushonga worufu rumuko. Asi mabhiriyoni avanhu akafa kubva apo munhu wokutanga, Adhama, akafamba pasi pano. Naizvozvo ndivanani vachamutswa, uye kupi?

‘Vose Vari Mumakuva Okurangaridza’

10 Jesu Kristu akati: “Nguva inouya, nayo vose vari [mumakuva okurangaridza, NW] vachanzwa inzwi rake, [raJesu] vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Hongu, Jesu Kristu akavimbisa kuti avo vose vanoyeukwa naJehovha vachamutswa. Mabhiriyoni avanhu akararama ndokufa. Ndivanani pakati pavo vanoyeukwa naMwari, vakamirira rumuko?

11 Avo vakaronda nzira yakarurama sevabatiri vaJehovha vachamutswa. Asi mamiriyoni evamwe vanhu akafa asina kuratidza kana aizowirirana nemitemo yakarurama yaMwari kana kuti kwete. Vakanga vasingazivi zvinodikanwa naJehovha kana kuti zvimwe havana kuva nenguva yakakwana yokuita kuchinja kunodikanwa. Avawo vanoyeukwa naMwari uye nokudaro vachamutswa, nokuti Bhaibheri rinopikira kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.

12 Muapostora Johane akaona chiono chinofadza chevakamutswa vakanga vakamira pamberi pechigaro choushe chaMwari. Achichirondedzera, akanyora kuti: “Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.” (Zvakazarurwa 20:12-14) Funga kuti zvinorevei izvozvo! Vakafa vose vanoyeukwa naMwari vachasunungurwa muHadhesi, kana kuti Sheori, guva ravose rorudzi rwomunhu. (Pisarema 16:10; Mabasa 2:31) Ipapo “rufu neHadhesi” zvichakandirwa munonzi “mudziva romoto,” zvichifananidzira kuparadzwa chose chose. Guva ravose rorudzi rwomunhu richaguma kuvapo.

Vachamutsirwepi?

13 Nhamba duku yevarume nevakadzi ichamutsirwa kuupenyu mudenga. Ava vachatonga naKristu samadzimambo nevaprista uye vachagoverana mukuparadza zvakaparirwa norufu zvose izvo rudzi rwomunhu rwakagara nhaka kumunhu wokutanga, Adhama. (VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 5:9, 10) Maererano neBhaibheri, vane 144 000 bedzi uye vanosarudzwa kubva pakati pevateveri vaKristu, kutanga nevaapostora vakatendeka. (Ruka 22:28-30; Johane 14:2, 3; Zvakazarurwa 7:4; 14:1, 3) Jehovha achapa mumwe nomumwe wevanhu vanomutswa ava muviri womudzimu kuitira kuti vagone kugara mudenga.—1 VaKorinte 15:35, 38, 42-45; 1 Petro 3:18.

14 Ruzhinji zvikuru rweavo vakafa, zvisinei, ruchamutsirwa kuupenyu pasi pano. (Pisarema 37:29; Mateo 6:10) Pasi perudzii? Pasi nhasi pakazara noruvengo, kuteura ropa, kusvibisa, uye masimba masimba. Kudai vakafa vaizodzorerwa kuupenyu pasi pakadaro, zvirokwazvo mufaro upi noupi waizova wenguva pfupi. Asi Musiki akapikira kuti nokukurumidza achagumisa nzanga yenyika iripo zvino inodzorwa naSatani. (Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44) Nzanga yevanhu itsva yakarurama—“nyika itsva”—ipapo ichava yechokwadi. (2 Petro 3:13) Panguva iyoyo “hapana ugeremo uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Kunyange nhamo yerufu ichaparadzwa nokuti Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo, rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira hazvingavipo, nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

15 Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, vanyoro “vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Hurumende yokudenga yaKristu Jesu nevasonganiri vake 144 000 ichadzorera rudzi rwomunhu runoteerera kukukwana zvishoma nezvishoma uko vabereki vedu vepakuvamba, Adhama naEvha, vakarasa. Vanobatanidzwa pakati pevanogara pasi vachava vanhu vanomutswa.—Ruka 23:42, 43.

16 Bhaibheri rinopa rumbonera rwemufaro uyo rumuko ruchaunza kumhuri. Fungidzira mufaro uyo chirikadzi yeNaini yakanzwa apo Jesu akamisa mariro ndokumutsa mwanakomana wayo mumwe bedzi! (Ruka 7:11-17) Gare gare, pedyo neGungwa reGarirea, apo Jesu akamutsa musikana aive nemakore 12 ekukura, vabereki vake “vakafara zvikuru.”—Marko 5:21-24, 35-42; onawo 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37.

17 Nokuda kwemamiriyoni akarara zvino murufu, rumuko ruchareva upenyu munyika itsva ine rugare. Ingofunga nezvekariro inofadza iyo iyoyi inozarurira Tommy nomuzvinabhizimusi, vadudzwa muchikamu chokutanga chebhurocha rino! Apo Tommy anomukira kuupenyu muParadhiso pasi pano, achave ari Tommy mumwe chete uyo mai vake vaiziva—asi asisina hosha. Vachakwanisa kumubata, kumumbundira mumaoko avo, uye kumuda. Nenzira yakafanana, panzvimbo pokubatwa munhevedzano inenge isingagumi yokuberekwazve, muzvinabhizimisi wokuIndia ane kariro inoshamisa yokuvhura maziso ake munyika itsva yaMwari achiona vanakomana vake.

18 Kuziva chokwadi pamusoro pemweya, pamusoro pezvinoitika patinofa, uye pamusoro petariro yorumuko kunogonawo kutapura zvakadzama avo vari kurarama zvino. Ngationei kuti sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange zvazvo shoko rokuti “rumuko” risingaoneki muMagwaro echiHebheru, tariro yorumuko inotaurwa zvakajeka pana Jobho 14:13, Dhanieri 12:13, uye Hosea 13:14.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. Ichokwadi chipi icho rudzi rwomunhu rwaitofanira kugamuchira, zvichimutsa mibvunzo ipi?

2-5. (a) Apo shamwari yake Razaro yakafa, Jesu akaratidzira sei kudisa kwake nokukwanisa kumumutsa? (b) Kunze kwokudzosa Razaro kuupenyu, chii chakaitwa nechishamiso chorumuko?

6. Shoko rokuti “rumuko” rinorevei?

7. Nei kumutswa kwevanhu kusati kuchizonetsa Jehovha Mwari naJesu Kristu?

8, 9. (a) Nei pfungwa yorumuko neyokufa kwemweya dzisingawirirani? (b) Mushonga worufu chii?

10. Jesu akapikirei pamusoro peavo vari mumakuva okurangaridza?

11. Ndivanaani vachamutswa?

12. (a) Muapostora Johane akagamuchira chionoi pamusoro porumuko? (b) Chii “chinokandirwa mudziva romoto,” uye kutaura ikoko kunorevei?

13. Nei Mwari akaronga kuti vamwe vamutsirwe kudenga, uye Jehovha achavapa muviri worudzii?

14, 15. (a) Ruzhinji zvikuru rweavo vakafa ruchamutsirwa kuupenyu hworudzii? (b) Zvikomborero zvipi izvo rudzi rwomunhu runoteerera ruchawana?

16-18. Rumuko ruchaunza mufaroi kumhuri?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Rumuko ruchaunza mufaro usingaperi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe