Chitsauko 10
Ndiani Anogona Kumirisana neMuchinda waVachinda?
1, 2. Nei chiono chakaonekwa naDhanieri mugore rechitatu rokutonga kwaBhershazari chichikosha kwatiri?
MAKORE makumi mashanu nemanomwe apfuura kubva pakaparadzwa temberi yaJehovha muJerusarema. Bhershazari nababa vake, Nabonidus, vari kutonga pamwe chete Umambo hweBhabhironi, simba renyika rechitatu rouprofita hweBhaibheri.a Muprofita waMwari Dhanieri inhapwa muBhabhironi. Uye mu“gore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bhershazari,” Jehovha anotumira Dhanieri chiono chinoratidza mamwe mashoko pamusoro pokudzorerwa kwekunamata kwechokwadi.—Dhanieri 8:1.
2 Chiono chouprofita icho Dhanieri akaona chakamuorora zvikuru uye chinotifadza zvikuru isu tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.” Ngirozi Gabrieri inoudza Dhanieri kuti: “Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.” (Dhanieri 8:16, 17, 19, 27) Saka nemwoyo wose, ngatirangarirei zvakaonekwa naDhanieri nezvazvinoreva kwatiri nhasi.
GONDOHWE RINE NYANGA MBIRI
3, 4. Imhuka ipi iyo Dhanieri akaona imire pamberi perwizi, uye inofananidzirei?
3 “Ndikaona pane zvandakaratidzwa,” anonyora kudaro Dhanieri, “zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa ndiri parwizi Urai.” (Dhanieri 8:2) Kuti Dhanieri akanga ari kuShushani (Susa) chaizvoizvo—guta guru reErami, riri makiromita 350 kumabvazuva kweBhabhironi—kana kuti aingovako chete muchiono hazvina kutaurwa.
4 Dhanieri anopfuurira achiti: “Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri.” (Dhanieri 8:3a) Hazvina kuramba zvakavanzika kuna Dhanieri kuti gondohwe iri aiva ani. Gare gare ngirozi Gabrieri inoti: “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPersia.” (Dhanieri 8:20) VaMedhia vaibva kurwenze rwemakomo aiva kumabvazuva kweAsiria, uye vaPersia pakutanga vaiwanzorarama upenyu hwokufamba nezvipfuwo zvavo kunharaunda iri kumusoro kwePersian Gulf. Zvisinei, Umambo hweMedhia nePersia zvahwakakura, vaigaramo vakatanga kuda mafaro zvinoshamisa.
5. Runyanga “rwakabuda pashure” rwakazoreba kupfuura rumwe sei?
5 “Nyanga mbiri dzakanga dzakareba,” anodaro Dhanieri, “asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.” (Dhanieri 8:3b) Runyanga rwakareba kupfuura rumwe rwakazobuda pashure runomirira vaPersia, nepo rumwe runyanga runomirira vaMedhia. Pakutanga vaMedhia vakanga vane simba zvikuru. Asi muna 550 B.C.E., Koreshi mutongi wePersia akakunda mambo weMedhia Astyages nyore nyore. Koreshi akabatanidza tsika nemitemo zvemarudzi maviri aya, akabatanidza umambo hwawo, akawedzera nyika dzavaitora. Kubvira ipapo, umambo hwacho hwakanga hwava nenyika mbiri.
GONDOHWE RINOZVIKUDZA KWAZVO
6, 7. Zvakaitika sei kuti “hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi” pegondohwe?
6 Achipfuurira nokurondedzera kwake gondohwe, Dhanieri anoti: “Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi; hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwanga kusina waigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.”—Dhanieri 8:4.
7 Muchiono chapfuura chakapiwa Dhanieri, Bhabhironi rakanga rafananidzirwa nemhuka yakabuda mugungwa uye yakanga yakaita seshumba ine mapapiro egondo. (Dhanieri 7:4, 17) Mhuka yokufananidzira iyoyo yakaratidza kuti yaisagona kumira pamberi pe“gondohwe” rechiono chitsva ichi. Bhabhironi rakakundwa naKoreshi Mukuru muna 539 B.C.E. Kwemakore anenge 50 kubva ipapo, “hapana mhuka,” kana kuti hurumende dzematongerwe enyika dzakakwanisa kumirisana neUmambo hweMedhia nePersia—simba rechina reuprofita hweBhaibheri.
8, 9. (a) “Gondohwe” raka“tunga mativi amavirazuva, kumusoro, nezasi” sei? (b) Bhuku raEstere rinoti chii pamusoro peakatsiva Mambo wePersia Dhariusi I?
8 Richibva ku‘mabudazuva’—mabvazuva—Simba reNyika reMedhia nePersia rakaita parakada napo, richi“tunga mativi amavirazuva, kumusoro nezasi.” (Isaya 46:11) Mambo Cambyses II, akatsiva Koreshi Mukuru, akakunda Egipita. Akamutsiva akanga ari Mambo Dhariusi I wePersia, uyo akafamba achienda kumadokero nomumapiripiti eBosporus muna 513 B.C.E. ndokupinda munharaunda yeEurope yeThrace, umo guta guru racho rakanga riri Byzantium (zvino yava Istanbul). Mugore ra508 B.C.E., akatora Thrace, ndokukunda Makedhonia muna 496 B.C.E. Saka, pakasvika nguva yaDhariusi, “gondohwe” reMedhia nePersia rakanga ratora nharaunda dzemativi matatu makuru: kumusoro richipinda muBhabhironi neAsiria, kumadokero nomuAsia Minor, uye zasi richipinda muEgipita.
9 Richipupurira ukuru hweUmambo hweMedhia nePersia, Bhaibheri rinotaura nezveakatsiva Dhariusi, Xerxes I, sa“Ahashiveroshi waibata ushe kubva paIndia kusvikira Etiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe.” (Estere 1:1) Asi umambo hukuru uhwu hwaizofanira kudziurira humwe, uye panyaya iyi, chiono chaDhanieri chinoratidza mamwe mashoko akazara anofadza anofanira kusimbisa kutenda kwedu shoko rouprofita raMwari.
NHONGO HURU INOWISIRA GONDOHWE PASI
10. Muchiono chaDhanieri, imhuka ipi yakawisira “gondohwe” pasi?
10 Fungidzira kushamisika kwaDhanieri pane zvaanoona zvino. Nhoroondo yacho inoti: “Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ine runyanga rukuru pakati pameso ayo. Ikasvika pagondohwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo. Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba [ro]kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamusoro paro, hakuna wakagona kurwira gondohwe pasimba rayo.” (Dhanieri 8:5-7) Zvose izvi zvinorevei?
11. (a) Ngirozi Gabrieri yakatsanangura sei “nhongo ine mvere” ne“runyanga [rwayo] rukuru”? (b) Ndiani aifananidzirwa nourwu runyanga rwaiva nyore kucherekedza?
11 Dhanieri kana isu hatina kusiiwa tichiita zvokufungidzira zvinoreva chiono ichi. “Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga,” ngirozi Gabrieri inoudza Dhanieri kudaro. (Dhanieri 8:21) Muna 336 B.C.E., mambo wokupedzisira weUmambo hwePersia, Dhariusi III (Codommanus), akagadzwa. Mugore iroro, Alexander akave mambo muMakedhonia. Nhau dzakaitika dzinoratidza kuti Alexander Mukuru akaratidza kuva “mambo weGirisi” wokutanga akanga afanotaurwa. Achitangira “mavirazuva,” kana kuti madokero, mugore ra334 B.C.E., Alexander akafamba nokukurumidza. Achiita sokuti akanga a“singatsiki pasi,” akatora nyika ndokuwisira “gondohwe” pasi. Ichigumisa kutonga kweMedhia nePersia kwakanga kwagara kweanenge mazana maviri emakore, Girisi naizvozvo yakava simba renyika rechishanu renhau dzinokosha dzeBhaibheri. Kuzadzika kunoshamisa sei kweuprofita hwaMwari!
12. “Runyanga rukuru” rwenhongo yokufananidzira rwaka“vhunika” sei, uye chii chaiva nyanga ina dzakauya panzvimbo yarwo?
12 Asi simba raAlexander raisazogara. Chiono chacho chinowedzera kuzivisa kuti: “Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga.” (Dhanieri 8:8) Achitsanangura uprofita hwacho, Gabrieri anoti: “Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzikabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo.” (Dhanieri 8:22) Sezvakafanotaurwa, asvika pamusorosoro pebasa rake rokukunda, Alexander aka“vhunika,” kana kuti akafa, ane makore 32 chete. Uye umambo hwake hukuru pakupedzisira hwakasvika pakukamuriranwa nevatungamiriri vemauto ake vana.
RUNYANGA RUDUKU RUNOSHAMISA
13. Chii chakabuda paimwe yenyanga ina, uye chakaita sei?
13 Chikamu chinotevera chechiono chinotora makore anopfuura 2 200, kuzadzika kwacho kuchisvika munguva dzazvino uno. Dhanieri anonyora kuti: “Zvino kune rumwe rwadzo [nyanga ina] kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka. Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo. Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa. Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi zvokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.”—Dhanieri 8:9-12.
14. Ngirozi Gabrieri yakatii pamusoro pemabasa erunyanga ruduku rwokufananidzira, uye chii chaizoitika kurunyanga irworwo?
14 Tisati tagona kunzwisisa zvinoreva mashoko abva kutaurwa pamusoro apa tinofanira kuteerera ngirozi yaMwari. Yataura nezvekuzotonga kweumambo huna kubva muumambo hwaAlexander, ngirozi Gabrieri inoti: “Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo ane chiso chine hasha, unoziva kuita namano akaipa, uchamuka. Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; uchaparadza zvinoshamisa, asi uchafara pane zvose zvaanoita; uchaparadza vane simba navanhu vatsvene. Zvino nokungwara kwake uchafambisa nhema noruoko rwake; uchazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo, uchamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.”—Dhanieri 8:23-25.
15. Ngirozi yakaudza Dhanieri kuti aitei pamusoro pechiono chacho?
15 “Asi iwe vanza zvawaona,” ngirozi yacho inoudza Dhanieri, “nokuti ndezvamazuva mazhinji anozouya.” (Dhanieri 8:26) Kuzadzika kwechikamu ichi chechiono kwaisazoitika kusvikira “mazuva mazhinji” apfuura, uye Dhanieri aifanira ku“vanza zva[aka]ona.” Sezviri pachena Dhanieri akaramba asingazivi zvazvaireva. Zvisinei, kusvika zvino, zvechokwadi “mazuva mazhinji” iwayo anofanira kuve akapfuura. Naizvozvo tinobvunza kuti: ‘Nhau dzakaitika dzenyika dzinoratidzei pamusoro pokuzadzika kwechiono chouprofita ichi?’
RUNYANGA RUDUKU RUNOVA NESIMBA GURU
16. (a) Runyanga ruduku rwakabuda munyanga ipi yokufananidzira? (b) Roma yakava sei simba renyika rechitanhatu reuprofita hweBhaibheri, asi nei yakanga isiri iyo runyanga ruduku rwokufananidzira?
16 Maererano nenhau dzakaitika, runyanga ruduku rwakanga rwuri bukirwa reimwe yenyanga ina dzokufananidzira—yaiva iri kure yakadziva kumadokero. Uhwu hwakanga huri umambo hwechiHellen hweMutungamiriri wemauto Cassander paMakedhonia neGirisi. Gare gare, umambo uhwu hwakatorwa neumambo hweMutungamiriri wemauto Lysimachus, mambo weThrace neAsia Minor. Muzana ramakore rechipiri Nguva yedu Yavose isati yasvika, zvikamu zvokumadokero izvi zveumambo hwechiHellen zvakakundwa neRoma. Uye pakasvika gore ra30 B.C.E., Roma yakatora umambo hwose hwechiHellen, ichizviita simba renyika rechitanhatu reuprofita hweBhaibheri. Asi Umambo hweRoma hwakanga husiri ihwo runyanga ruduku rwemuchiono chaDhanieri, nokuti umambo hwacho hahuna kupfuurira kusvikira pa“nguva yakatarwa yokupedzisira.”—Dhanieri 8:19.
17. (a) Britain yaive neukama hwei neUmambo hweRoma? (b) Umambo hweBritain hune ukama hwei neumambo hwechiHellen hweMakedhonia neGirisi?
17 Nhau dzakaitika dzinoratidza kuti ndiani zvino “mambo ane chiso chine hasha” anorwisa? Chaizvoizvo Britain yakanga iri bukirwa reUmambo hweRoma rekumusoro kwakadziva kumadokero. Kubva ipapo kusvika pakutanga kwezana ramakore rechishanu C.E., kwakanga kune maruwa eRoma mune yave kunzi Britain iye zvino. Nokufamba kwenguva, Umambo hweRoma hwakapera, asi mararamire eGirisi neRoma akaramba ari muBritain nemuna mamwe mativi eEurope aimbotongwa neRoma. “Pakuparara kweUmambo hweRoma,” akanyora kudaro Octavio Paz, nyanduri uye munyori weMexico akambohwina Mubayiro weNobel, “Chechi yakatanga kudzora zvinhu.” Akawedzera kuti: “Vatungamiriri veChechi, pamwe chete nenyanzvi dzakazomuka, vakabatanidza uzivi hwechiGiriki mudzidziso yechiKristu.” Uye muzivi wemuzana ramakore rechi20 arizve nyanzvi yemasvomhu Bertrand Russell akati: “Nzanga yokumadokero, yakabva kuvaGiriki, yakabva patsika dzouzivi nedzesayenzi dzakatangira muMiletus [guta revaGiriki riri muAsia Minor] zviuru zviviri nehafu zvemakore akapfuura.” Saka, zvingagona kutaurwa kuti Umambo hweBritain hwaiva netsika dzakabva muumambo hwechiHellen hweMakedhonia neGirisi.
18. Runyanga ruduku rwakava “mambo ane chiso chine hasha” mu“nguva yokupedzisira” chii? Tsanangura.
18 Pakasvika 1763 Umambo hweBritain hwakanga hwakunda vahwaikwikwidzana navo vane simba, Spain neFrance. Kubvira ipapo hwakazviratidza kuti hwakanga huri shasha yomumakungwa uye kuva simba renyika rechinomwe reuprofita hweBhaibheri. Kunyange apo nyika 13 dzeAmerica dzaidzorwa neBritain dzakazvisunungura muna 1776 kuti dziumbe United States of America, Umambo hweBritain hwakakura zvokutora chikamu chimwe muzvina chepasi pose nechikamu chimwe muzvina chevagari vepo. Simba renyika rechinomwe rakatowedzera simba apo United States of America yakabatana neBritain kuti dziumbe simba renyika reBritain neAmerica. Paupfumi nemuhondo, simba iri zvechokwadi rakanga rava “mambo ane chiso chine hasha.” Runyanga ruduku rwakava simba rezvamatongerwe enyika rinotyisa mu“nguva yokupedzisira,” kana zvakadaro iSimba reNyika reBritain neAmerica.
19. “Nyika yakaisvonaka” inodudzwa muchiono chii?
19 Dhanieri akaona kuti runyanga ruduku rwacho “rwakazokura kwazvo” ruchienda “kunyika yakaisvonaka.” (Dhanieri 8:9) Nyika Yakapikirwa, iyo Jehovha akapa vasanangurwa vake, yakanga yakanaka kwazvo zvokuti yakanzi “ukomba hwenyika dzose,” kureva kuti, hwepasi pose. (Ezekieri 20:6, 15) Chokwadi, Britain yakatora Jerusarema musi wa9 December 1917, uye mugore ra1920, League of Nations yakarayira Great Britain kuti kusununguka kweParestina kupfuurire kusvika musi wa14 May 1948. Asi chiono chacho ndechouprofita, chine zviratidzo zvizhinji. Uye “nyika yakaisvonaka” inotaurwa muchiono inofananidzira, kwete Jerusarema, asi mamiriro ezvinhu evanhu avo Mwari anoona savatsvene munguva yesimba renyika rechinomwe. Ngationei nzira iyo Simba reNyika reBritain neAmerica rinoedza kutyisidzira nayo vatsvene.
“NZVIMBO YEIMBA YAKE TSVENE” INOPUTSWA
20. Ndivanani “hondo dzokudenga” ne“nyeredzi” avo runyanga ruduku runoedza kuwisa?
20 Runyanga ruduku “rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi.” Maererano nokutsanangura kwengirozi, “hondo dzokudenga” ne“nyeredzi” izvo runyanga ruduku runoedza kuwisa nde“vane simba navanhu vatsvene.” (Dhanieri 8:10, 24) “Vatsvene” ava vaKristu vakazodzwa nomudzimu. Nemhaka yokuitwa vane ukama naMwari nesungano itsva, yakaitwa kuti ishande neropa rakadeurwa raJesu Kristu, vakatsveneswa, vakacheneswa, ndokutsaurirwa basa raMwari bedzi. (VaHebheru 10:10, 13:20) Zvaakavagovera sevagari venhaka neMwanakomana wake munhaka yokudenga, Jehovha anovaona sevatsvene. (VaEfeso 1:3, 11, 18-20) Saka muchiono chaDhanieri, “hondo dzokudenga” dzinoreva vakasara vari pasi pano ve144 000 “vatsvene,” vachatonga kudenga neGwayana.—Zvakazarurwa 14:1-5.
21. Ndivanani vari mu“nzvimbo tsvene” iyo simba renyika rechinomwe rinoedza kuita dongo?
21 Nhasi vasara ve144 000 vamiririri vepasi ve“Jerusarema riri kudenga”—Umambo hwaMwari hwakaita seguta—negadziriro yaro yetemberi. (VaHebheru 12:22, 28; 13:14) Mupfungwa iyi vari kugara mu“nzvimbo tsvene” iyo simba renyika rechinomwe rinoedza kutsika-tsika nokuita dongo. (Dhanieri 8:13) Achitaurawo nezvenzvimbo tsvene iyoyo se“nzvimbo yeimba ya[Jehovha] tsvene,” Dhanieri anoti: “rukamutorera [Jehovha] chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa. Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi zvokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.” (Dhanieri 8:11, 12) Izvi zvakazadzika sei?
22. MuHondo Yenyika II, simba renyika rechinomwe raka“darika” sei kwazvo?
22 Zvino chii chakaitika kuZvapupu zvaJehovha muHondo Yenyika II? Zvakatambudzwa zvakaomarara! Zvakatanga munyika dzechiNazi nedzechiFascist. Asi nokukurumidza ‘chokwadi chakakandirwa pasi’ muumambo hwose hukuru hwe‘runyanga ruduku urwo simba rahwo rakanga rava guru.’ “Hondo” yevazivisi voUmambo nebasa ravo rokuparidza “evhangeri” rakamiswa munenge muNyika Dzose Dzaitongwa neBritain. (Marko 13:10) Apo nyika idzi dzakamanikidza vanhu kupinda muchiuto, dzakaramba kusiya vashumiri veZvapupu zvaJehovha, dzichiratidza kusaremekedza kugadzwa kwazvo kwoubati ushe hwaMwari sevashumiri vaMwari. Kurohwa nemhomho yevanhu nezvimwe zvinozvidza zvakasiyana-siyana zvakaitika kuvabatiri vakatendeka vaJehovha muUnited States. Simba renyika rechinomwe, naizvozvo, rakaedza kutora chibayiro chokurumbidza—“chibereko chemiromo”—chaigara chichipiwa Jehovha nevanhu vake “chipiriso chinopiswa nguva dzose” chekunamata kwavo. (VaHebheru 13:15) Saka simba renyika iroro raka“darika” nokupinda muumambo hwakakodzera Mwari Wokumusorosoro—“nzvimbo yeimba yake tsvene.”
23. (a) MuHondo Yenyika II, Simba reNyika reBritain neAmerica raka“mukirawo Muchinda wavachinda” sei? (b) “Muchinda wavachinda” ndiani?
23 Nokutambudza “vatsvene” muHondo Yenyika II, runyanga ruduku rwakazvikudza “kusvikira kuMuchinda wehondo.” Kana kuti, sokutaura kunoita ngirozi Gabrieri, rwakamukira “Muchinda wavachinda.” (Dhanieri 8:11, 25) Zita rokuremekedza rokuti “Muchinda wavachinda” rinoshanda kuna Jehovha Mwari bedzi. Shoko rechiHebheru rokuti sar, rinoshandurwa kuti “muchinda,” rakada kufanana neshoko rechiito rinoreva “kutonga.” Kuwedzera pakureva mwanakomana wamambo kana kuti munhu ane nzvimbo youmambo, shoko racho rinoshanda kumunhu mukuru kana kuti changamire. Bhuku raDhanieri rinotaura nezvemamwe machinda ari ngirozi—somuenzaniso, Mikaeri. Mwari ndiye Muchinda Mukuru wavachinda vose vakadaro. (Dhanieri 10:13, 21; enzanisa naPisarema 83:18.) Tingafungidzira here kuti mumwe munhu angagona kumirisana naJehovha—Muchinda wavachinda?
“NZVIMBO TSVENE” INONATSWA
24. Dhanieri 8:14 inotivimbisei?
24 Hapana munhu anogona kumirisana neMuchinda wavachinda—kunyange mambo “ane chiso chine hasha” seSimba reNyika reBritain neAmerica! Kuedza kwamambo uyu kuita dongo nzvimbo tsvene yaMwari hakubudiriri. Pashure penguva ye“madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu,” inodaro nhume yengirozi, “ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa,” kana kuti “ichabudirira.”—Dhanieri 8:13, 14; The New English Bible.
25. Nguva youprofita yemazuva 2 300 yakareba sei, uye inofanira kubatanidzwa nechiitiko chipi?
25 Mazuva 2 300 anoreva nguva youprofita. Saka, gore rouprofita remazuva 360 rinobatanidzwa. (Zvakazarurwa 11:2, 3; 12:6, 14) Saka mazuva 2 300 aya, aizosvika makore matanhatu, mwedzi mina, nemazuva makumi maviri. Nguva iyi yakanga iri rini? Muma1930, vanhu vaMwari vakatanga kuwedzera kutambudzwa munyika dzakasiyana-siyana. Uye muHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvinotyisa munyika dzesimba renyika reBritain neAmerica. Nei? Nemhaka yokuomerera kwavo pa‘kuteerera Mwari pazvimbo pevanhu.’ (Mabasa 5:29) Naizvozvo, mazuva 2 300 anofanira kubatanidzwa nehondo iyoyo.b Asi chii chinogona kutaurwa pamusoro pokutanga nokuguma kwenguva iyi youprofita?
26. (a) Mazuva 2 300 anofanira kutangira kuverengwa papi chaipo? (b) Nguva yemazuva 2 300 yakaguma rini?
26 Kuti “nzvimbo tsvene” i“natsw[e],” kana kuti kudzorerwa kune zvainofanira kuva, mazuva 2 300 anofanira kuve akatanga payakanga yaka“natswa” mukuona kwaMwari. Pazvakatangira chaipo, waiva musi wa1 June 1938, apo Nharireyomurindi yakabudisa chikamu chokutanga chenyaya yokuti “Sangano.” Chikamu chechipiri chaive muchinyorwa chaJune 15, 1938. Tichiverenga mazuva 2 300 (makore matanhatu, nemwedzi mina, uye mazuva makumi maviri pakarenda rechiHebheru) kubva pana 1 kana kuti 15 June 1938, zvinotisvitsa pana 8 kana kuti 22 October 1944. Pazuva rokutanga regungano rinokosha rakaitwa kuPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A., musi wa30 September na1 October 1944, purezidhendi weWatch Tower Society akataura hurukuro yaiti “Kururamisa Kwoubati Ushe hwaMwari Nhasi.” Pamusangano wegore negore wa2 October wevamiririri vepamutemo, mutemo weSosaiti wakagadziridzwa mukuedza kuuita kuti uwirirane zvikuru negadziriro youbati ushe hwaMwari sezvaibvumirwa nomutemo. Nokubudiswa kwezvinodiwa neBhaibheri zvakajekeswa, sangano roubati ushe hwaMwari nokukurumidza rakanyatsogadzwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha.
27. Ndehupi uchapupu hwaivepo hwokuti “chipiriso chinopiswa nguva dzose” chakaderedzwa mumakore akazara nokutambudzwa eHondo Yenyika II?
27 Kunyange zvazvo mazuva 2 300 akapera muHondo Yenyika II, yakavamba muna 1939, chibayiro, che“chipiriso chinopiswa nguva dzose,” panzvimbo tsvene yaMwari chakaderedzwa zvakakomba nemhaka yechitambudzo. Muna 1938, Watch Tower Society yakanga ine mapazu 39 akanga achitarisira basa reZvapupu zvaJehovha munyika yose, asi pakasvika 1943 akanga ava 21 bedzi. Kuwedzera kwenhamba yevazivisi voUmambo kwaivawo kuduku munguva iyoyo.
28, 29. (a) Sezvo Hondo Yenyika II yakasvika pedyo nomugumo, chii chakaitika musangano raJehovha? (b) Chii chingataurwa pamusoro pokuedza kunotyisa kwomuvengi kuita dongo nokuputsa “nzvimbo tsvene”?
28 Sezvataona, mumwedzi yokupedzisira yeHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakasimbisazve zvazvakanga zvatsunga kuita zvokusimudzira kutonga kwaMwari nokumubatira sesangano roubati ushe hwake. Kwakanga kuri nokuda kwechinangwa ichi kuti kurongwazve kwebasa razvo nematungamirirwe kwakatangwa muna 1944. Chaizvoizvo, Nharireyomurindi yaOctober 15, 1944, yaiva nenyaya yaiva nomusoro wokuti “Kurongwa Nokuda Kwebasa Rokupedzisira.” Iyi nedzimwe nyaya dzine chokuita nebasa dzenguva iyoyo dzakaratidza kuti mazuva 2 300 akanga aguma uye “nzvimbo tsvene” yakanga ya“natswa”zve.
29 Kuedza kunotyisa kwomuvengi kuita dongo nokuputsa “nzvimbo tsvene” kwakanga kwakundikana zvachose. Zvechokwadi, “vatsvene” vakasara vari pasi pano, pamwe chete nevamwe vavo “boka guru,” vakanga vakunda. (Zvakazarurwa 7:9) Uye nzvimbo tsvene, iri muchimiro chayo chakakodzera choubati ushe hwaMwari, zvino inopfuurira kuitira Jehovha basa dzvene.
30. Chii chichaitika nokukurumidza kuna “mambo ane chiso chine hasha”?
30 Simba reNyika reBritain neAmerica richine nzvimbo yaro. “Asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu,” yakadaro ngirozi Gabrieri. (Dhanieri 8:25) Nokukurumidza, simba renyika rechinomwe iri rouprofita hweBhaibheri—uyu “mambo ane chiso chine hasha”—achavhunwa, kwete nemaoko emunhu, asi nesimba rinopfuura romunhu paArmagedhoni. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14, 16) Zvinofadza sei kuziva kuti uchangamire hwaJehovha Mwari, Muchinda wavachinda, ipapo hucharevererwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Masimba enyika manomwe ane zvaanoreva zvinokosha muBhaibheri iEgipita, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, Roma, uye Britain neAmerica simba renyika rine nyika mbiri. Ose aya anokosha nemhaka yokuti akabata nevanhu vaJehovha.
b Dhanieri 7:25 inotaurawo nezvenguva apo ‘vatsvene vaChangamire vanoramba vachingotambudzwa.’ Sezvinorondedzerwa muchitsauko chapfuura, izvi zvakaitika muhondo yenyika yokutanga.
WANZWISISEI?
• Chii chinofananidzirwa
ne“gondohwe” rine “nyanga mbiri”?
ne“nhongo ine mvere” ine “runyanga [rwayo] rukuru”?
nenyanga ina dzinobuda panzvimbo ye“runyanga rukuru”?
nerunyanga ruduku rwakabuda pane imwe yenyanga ina?
• MuHondo Yenyika II, Simba reNyika reBritain neAmerica rakaedza sei kuita dongo “nzvimbo tsvene,” uye rakabudirira here?
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 166]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Umambo hweMedhia nePersia
MAKEDHONIA
EGIPITA
Memphis
ETIOPIA
Jerusarema
Bhabhironi
Ecbatana
Susa
Persepolis
INDIA
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 169]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Umambo hweGirisi
MAKEDHONIA
EGIPITA
Bhabhironi
Rwizi Indus
[Mepu iri papeji 172]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Umambo hweRoma
BRITAIN
ITALY
Roma
Jerusarema
EGIPITA
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 164]
[Mifananidzo iri papeji 174]
Vamwe vanhu vakakurumbira veSimba reNyika reBritain neAmerica:
1. George Washington, purezidhendi weUnited States wokutanga (1789-97)
2. Mambokadzi Victoria weBritain (1837-1901)
3. Woodrow Wilson, purezidhendi weUnited States (1913-21)
4. David Lloyd George, puraiminisita weBritain (1916-22)
5. Winston Churchill, puraiminisita weBritain (1940-45, 1951-55)
6. Franklin D. Roosevelt, purezidhendi United States (1933-45)