RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 12 pp. 165-179
  • Nyaradzo Yevanhu vaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo Yevanhu vaMwari
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikonzero Zvokuvimba naJehovha
  • Imwe Vimbiso
  • Kukumbira Chiito
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 23—Isaya
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Zita Idzva”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Ruponeso Kune Vaya Vanosarudza Chiedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jehovha Anoninipisa Guta Rinozvikudza
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 12 pp. 165-179

Chitsauko 12

Nyaradzo Yevanhu vaMwari

Isaya 51:1-23

1. Inguva yemberi isingafadzi zvakadini yakamirira Jerusarema nevagari varo, asi itariro yei iripo?

MAKORE makumi manomwe—nduramo yomunhu chaiyo—ndiyo nguva ichapedza rudzi rwaJudha muBhabhironi senhapwa. (Pisarema 90:10; Jeremia 25:11; 29:10) VaIsraeri vazhinji vanotorwa senhapwa vachachembera vofira muBhabhironi. Fungidzira kuti vachanyadziswa sei nokusekwa nokusveeredzwa nevavengi vavo. Fungawo nezvoruzvidzo ruchatutirwa pana Mwari wavo, Jehovha, apo guta raakaisa zita rake rinogara riri dongo kwenguva yakareba kudaro. (Nehemia 1:9; Pisarema 132:13; 137:1-3) Temberi inodiwa yakazara nembiri yaMwari payakatsaurirwa naSoromoni, ichave isisipo. (2 Makoronike 7:1-3) Inguva yemberi isingafadzi zvakadini! Asi Jehovha, achishandisa Isaya, anoprofita nezvokudzorerwa. (Isaya 43:14; 44:26-28) Muchitsauko 51 chebhuku raIsaya, tinowana humwe uprofita pamusoro uyu wenyaradzo nekurudziro.

2. (a) Jehovha anotaurira ani shoko rake renyaradzo achishandisa Isaya? (b) VaJudha vakatendeka vano“tevera kururama” sei?

2 Nokuda kweavo vari munyika yeJudha vanorerekera mwoyo yavo kwaari, Jehovha anoti: “Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha.” (Isaya 51:1a) Ku“tevera kururama” kunoratidza chiito. Avo vano“tevera kururama” havangozotauri kuti vanhu vaMwari chete. Vachaedza kuva vakarurama nokushingaira uye kurarama maererano nezvinodiwa naMwari. (Pisarema 34:15; Zvirevo 21:21) Vachatarira kuna Jehovha saiko bedzi kunobva kururama, uye vacha‘tsvaka Jehovha.’ (Pisarema 11:7; 145:17) Hakusi kuti vachave vagara vasingazivi kuti Jehovha ndiani kana kuti vangataura naye sei mumunyengetero. Asi, vachaedza kuswedera pedyo naye, kumunamata, nokunyengetera kwaari, nokutsvaka kutungamirirwa naye muzvose zvavanoita.

3, 4. (a) “Dombo” iro vaJudha vakatemwa pariri ndiani, uye “gomba romugodhi” ravakacherwa pariri ndiani? (b) Nei kuyeuka mudzi wavo kuchanyaradza vaJudha?

3 Zvisinei, vanotevera kururama zvechokwadi vashoma kana vachienzaniswa munyika yeJudha, uye izvi zvingaita kuti vaore mwoyo uye vapererwe. Naizvozvo achishandisa muenzaniso wegomba romugodhi, Jehovha anovakurudzira achiti: “Cherekedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa. Cherekedzai Abrahamu, baba venyu, naSara wakakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwe chete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.” (Isaya 51:1b, 2) “Dombo” iro vaJudha vakatorwa pariri ndiAbrahamu, murume ane mukurumbira munhau uyo rudzi rwaIsraeri runodada naye zvikuru. (Mateu 3:9; Johani 8:33, 39) Ndiye mavambo, tsime revanhu vorudzi rwacho. “Gomba romugodhi” ndiSara, ane dumbu rakabva tateguru waIsraeri Isaka.

4 Abrahamu naSara vakanga vapfuura makore avo okubereka uye vakanga vasina mwana. Asi, Jehovha akapikira kukomborera Abrahamu noku“muita vazhinji.” (Genesi 17:1-6, 15-17) Nokudzorerwa simba ravo rokubereka naMwari, Abrahamu naSara vakabereka mwana vakwegura, uye kubva kwaari rudzi rwaMwari rwesungano rwakabuda. Naizvozvo Jehovha akaita murume mumwe iyeye baba vorudzi rukuru rune nhamba yakaguma isingachaverengeki senyeredzi dzedenga. (Genesi 15:5; Mabasa 7:5) Kana Jehovha aigona kutora Abrahamu kubva kunyika iri kure omuita rudzi rukuru, anogona zvechokwadi kuita chipikirwa chake chokusunungura vakatendeka vachasara vari vasungwa muBhabhironi, ovadzorera kunyika yokumusha kwavo, uyezve ovaita rudzi rukuru. Chipikirwa chaMwari kuna Abrahamu chakazadziswa; chipikirwa chake kunhapwa dzechiJudha idzodzo chichaitwawo zvekare.

5. (a) Abrahamu naSara vanomirira vanaani? Tsanangura. (b) Mukuzadzika kwokupedzisira, ndiani anoronda mavambo avo kusvika ku“dombo”?

5 Kuchera mugodhi kwokufananidzira kwaIsaya 51:1, 2 pamwe kune pamwezve pakunoshanda. Dheuteronomio 32:18 inodana Jehovha kuti “Dombo” uyo akabereka vaIsraeri uye ‘wakapona Israeri nemarwadzo okubereka.’ Mumashoko apedzisira, shoko rechiito rechiHebheru rinoshandiswa rakafanana nerinooneka pana Isaya 51:2 pamusoro pokubereka Israeri kwaSara. Nokudaro, Abrahamu anomira achifananidzira Jehovha, Abrahamu Mukuru. Mudzimai waAbrahamu, Sara, anofananidzira nomazvo sangano raJehovha rokudenga pazvakasikwa zvose zvezvisikwa zvomudzimu, rinotaurwa muMagwaro Matsvene somudzimai waMwari, kana kuti mukadzi. (Genesi 3:15; Zvakazarurwa 12:1, 5) Mukuzadzika kwokupedzisira kwemashoko ouprofita hwaIsaya aya, rudzi runobva pa“dombo” ndi“Israeri waMwari,” ungano yevaKristu vakazodzwa nomudzimu, iyo yakaberekwa paPendekosti ya33 C.E. Sezvakurukurwa muzvitsauko zvapfuura zvebhuku rino, rudzi rwacho rwakatapwa neBhabhironi muna 1918 asi rwakadzorerwa muna 1919 mukubudirira mumudzimu.—VaGaratiya 3:26-29; 4:28; 6:16.

6. (a) Chii chakamirira nyika yeJudha, uye kudzorerwa kwechii kuchadikanwa? (b) Isaya 51:3 inotiyeuchidza nezvokudzorerwa kupi kwomuzuva ranhasi?

6 Kunyaradza kwaJehovha Ziyoni kana kuti Jerusarema, kunosanganisira zvinopfuura kungobudisa rudzi rukuru. Tinoverenga kuti: “Nokuti Jehovha wakanyaradza Ziyoni; wakanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuonga nenzwi rokuimba.” (Isaya 51:3) Mumakore 70 okuva dongo, nyika yeJudha ichadzoka kuva renje, yakazara nemakwenzi eminzwa, rukato, nemimwe miti yomusango. (Isaya 64:10; Jeremia 4:26; 9:10-12) Naizvozvo kuwedzera kugariswa patsva kwaJudha, kudzorerwa kwacho kuchafanira kubatanidza kudzorerwa kwenyika yacho, iyo ichachinjwa kuva bindu reEdheni rine minda inoita zvibereko inonyatsodiridzwa uye miti yemichero inobereka. Pasi pacharatidzika separi kufara. Ichienzaniswa nokuva dongo kwayo munguva yokutapwa, nyika yacho ichave yaita separadhiso. Vakazodzwa vasara vaIsraeri waMwari vakapinda muparadhiso yakadaro mupfungwa yomudzimu muna 1919.—Isaya 11:6-9; 35:1-7.

Zvikonzero Zvokuvimba naJehovha

7, 8. (a) Kukumbira kwaJehovha kupiwa nzeve kunorevei? (b) Nei zvichikosha kuti nyika yeJudha iteerere Jehovha?

7 Achikumbira kumwe kunyatsoteerera, Jehovha anoti: “Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu. Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zviwi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.”—Isaya 51:4, 5.

8 Kukumbira kwaJehovha kupiwa nzeve kunoreva zvinopfuura kungonzwa shoko rake. Kunoreva kuteerera nechinangwa chokuita chimwe chinhu nezvinonzwiwa. (Pisarema 49:1; 78:1) Rudzi rwacho runofanira kunzwisisa kuti Jehovha ndiye Tsime romurayiridzo, ruramisiro, uye ruponeso. Iye oga ndiye Tsime rechiedza chomudzimu. (2 VaKorinde 4:6) Ndiye Mutongi wokupedzisira wevanhu. Mitemo nezvisarudzo zvokutonga zvinobva kuna Jehovha chiedza kuvanobvuma kutungamirirwa nazvo.—Pisarema 43:3; 119:105; Zvirevo 6:23.

9. Kunze kwevanhu vaMwari vesungano, ndivanaani vachabatsirwa nemabasa aJehovha okuponesa?

9 Zvose izvi zvinofanira kuva zvechokwadi kwete bedzi kuvanhu vaMwari vesungano asi kuvanhu vanoda upenyu kwose kwose, kunyange kuzvitsuwa zvegungwa zviri kure kwazvo. Kuvimba kwavo naMwari nokukwanisa kwake kuita chiito nokuda kwevashumiri vake vakatendeka nokuvaponesa hakuzogumi nokuora mwoyo. Ukuru hwake kana kuti simba rake, rinomirirwa noruoko rwake, nderechokwadi; harigoni kumiswa chero nomunhu upi. (Isaya 40:10; Ruka 1:51, 52) Saizvozvowo nhasi, basa rokuparidza nokushingaira revasara vaIsraeri waMwari ratungamirira mamiriyoni, mazhinji anobva kuzvitsuwa zviri kure zvegungwa, kutendeukira kuna Jehovha nokumutenda.

10. (a) Mambo Nebhukadhinezari achamanikidzwa kudzidza chokwadi chipi? (b) “Matenga” api ne“nyika” zvichagumiswa?

10 Jehovha anoenderera mberi achitaura nezvechokwadi icho Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi achafanira kudzidza. Hapana chiri kudenga kana kuti pasi pano chinogona kumisa Jehovha pakuita kuda kwake. (Dhanieri 4:34, 35) Tinoverenga kuti: “Tarirai kudenga nameso enyu, mucherekedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sounyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.” (Isaya 51:6) Kunyange zvazvo zvichipesana nomutemo wemadzimambo eBhabhironi kubvumira nhapwa kudzokera kumusha, kuponesa kwaJehovha vanhu vake hakuzokundikaniswi. (Isaya 14:16, 17) “Matenga” eBhabhironi, kana kuti masimba anotonga, achakundwa oputswa. “Nyika” yeBhabhironi, vanodzorwa nemasimba anotonga iwayo, vachasvika pamugumo zvishoma nezvishoma. Hungu, kunyange simba guru kune ose romuzuva iroro harigoni kumirisana nesimba raJehovha kana kuti kurambidza mabasa ake oruponeso.

11. Nei kuzadzika zvakazara kwouprofita hwokuti “matenga” ne“nyika” zveBhabhironi zvichaparadzwa kuchikurudzira kuvaKristu nhasi?

11 Zvinokurudzira zvikuru kuvaKristu nhasi kuziva kuti mashoko ouprofita aya akazadzika zvakazara! Nei? Nokuti muapostora Petro akashandisa mashoko akafanana pamusoro pechiitiko chichiri mberi. Akataura nezvezuva raJehovha riri kuswedera nokukurumidza, “iro naro matenga achitsva achanyungudutswa uye zvinhu zvichipisa kwazvo zvichanyunguduka!” Akazoti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:12, 13; Isaya 34:4; Zvakazarurwa 6:12-14) Kunyange zvazvo nyika dzine simba nevatongi vadzo vakakwirira vakaita senyeredzi dzingamirisana naJehovha, munguva yake yakakodzera vachaparadzwa—kupwanyiwa nyore nyore senyunyu zvayo. (Pisarema 2:1-9) Hurumende yakarurama yaMwari bedzi ndiyo ichatonga nokusingaperi, panzanga yevanhu vakarurama.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:1-4.

12. Nemhaka yei vashumiri vaMwari vasingafaniri kutya pavanozvidzwa nevanhu vanovashora?

12 Achitaura neva“notevera kururama,” Jehovha zvino anoti: “Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vane murayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo. Nokuti zvipfunho zvichavadya senguo, zvivundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.” (Isaya 51:7, 8) Avo vanovimba naJehovha vachatukwa nokusekwa nokuda kwokumira kwavo kwoushingi, asi ichi hachisi chimwe chinhu chinofanira kutyiwa. Vanozvidza vacho vanongovawo zvinhu zvinofa zvicha‘dyiwa,’ kungoita senguo yeshinda inodyiwa nezvipfunho.a Kufanana nevaJudha vakatendeka vekare, vaKristu vechokwadi nhasi havana chikonzero chokutya vapi nevapi vanorwa navo. Jehovha, Mwari anogara nokusingaperi, ndiye ruponeso rwavo. (Pisarema 37:1, 2) Ruzvidzo runobva kuvavengi vaMwari ruripo souchapupu hwokuti vanhu vaJehovha vane mudzimu wake.—Mateu 5:11, 12; 10:24-31.

13, 14. Chii chinofananidzirwa nemashoko okuti “Rahabhi” uye “chikara,” uye chino‘gurwa-gurwa’ noku‘bayiwa’ sei?

13 Achiita seari kukumbira Jehovha kuti aite chiito nokuda kwevanhu Vake vakatapwa, Isaya anoti: “Muka, muka, zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakare-kare. Ko hamuzi imi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here? Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, wakashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vadzikinurwa here?”—Isaya 51:9, 10.

14 Mienzaniso yekare yakataurwa naIsaya yakanyatsosarudzwa. MuIsraeri wose anoziva nezvokununurwa kworudzi rwacho kubva kuIjipiti nokupfuura nomuGungwa Dzvuku. (Eksodho 12:24-27; 14:26-31) Mashoko okuti “Rahabhi” ne“chikara” anoreva Ijipiti ichidzorwa naFarao wayo uyo airambidza Kubuda kwaIsraeri muIjipiti. (Pisarema 74:13; 87:4; Isaya 30:7) Musoro wayo uri paNile Delta uye muviri wayo murefu uchirebenuka mazana emakiromita kukwira nomuMupata weNile yakaorera, Ijipiti yekare yakanga yakaita sechikara chenyoka. (Ezekieri 29:3) Asi chikara ichi chakagurwa-gurwa apo Jehovha akadururira Matambudziko Gumi pachiri. Chakabayiwa, chikakuvadzwa zvikuru, uye chikapedzwa simba apo uto racho rakaparadzwa mumvura yeGungwa Dzvuku. Hungu, Jehovha akaratidza simba roruoko rwake mukubata kwake neIjipiti. Achave akagadzirira zvishoma pane izvi kuti arwire vanhu vake vakatapwa muBhabhironi here?

15. (a) Nhamo nokugomera zveZiyoni zvichatiza rini uye sei? (b) Nhamo nokugomera zvakatiza rini kuna Israeri waMwari munguva dzazvino?

15 Zvino huchitarira mberi kukununurwa kwaIsraeri paBhabhironi, uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Ziyoni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchatiza.” (Isaya 51:11) Pasinei nokuti mamiriro avo ezvinhu angave akaipa sei muBhabhironi, avo vanotsvaka kururama kwaJehovha vane tarisiro inofadza. Nguva ichauya apo nhamo nokugomera zvichave zvisisipo. Kuchema nomufaro, kufara, kupembera—izvi zvichanzwikwa pamiromo yevakatengwazve, kana kuti vakadzikinurwa. Mukuzadzika kwomuzuva razvino kwemashoko iwayo ouprofita, Israeri waMwari akasunungurwa pakutapwa neBhabhironi muna 1919. Vakadzokera kuzvavakanga vakaita mumudzimu nokufara kukuru—kufara kwakapfuurira kusvika nhasi.

16. Mutengo upi unoripirwa nokuda kwokudzikinura vaJudha?

16 Kudzikinurwa kwevaJudha kuchave nomutengo wei? Uprofita hwaIsaya hwatoratidza kare kuti Jehovha anopa “[Ijipiti] ruve rudzikinuro rwako, Etiopia neSebha panzvimbo yako.” (Isaya 43:1-4) Izvi zvichaitika gare gare. Pashure pokukurira Bhabhironi nokusunungura nhapwa dzechiJudha, Umambo hwePersia huchakurira Ijipiti, Etiopia, neSebha. Idzodzi dzichapiwa panzvimbo pemweya yevaIsraeri. Izvi zvinowirirana nenheyo yakanyorwa pana Zvirevo 21:18 yokuti: “Wakaipa idzikinuro yowakarurama; unoita nokunyengedzera unopinda panzvimbo yowakarurama.”

Imwe Vimbiso

17. Nei pasina kudikanwa kwokuti vaJudha vatye hasha dzeBhabhironi?

17 Jehovha anowedzera kuvimbisa vanhu vake achiti: “Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu unozofa, kana mwanakomana womunhu, uchaitwa souswa; ukakanganwa Jehovha Muiti wako, wakatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi?” (Isaya 51:12, 13) Makore mazhinji okutapwa achiri mberi. Kunyange zvakadaro, hapana chikonzero chokutya hasha dzeBhabhironi. Kunyange zvazvo nyika iyoyo, simba renyika yose rechitatu munhoroondo yeBhaibheri, richakurira vanhu vaMwari rotsvaka ku‘vamanikidza,’ kana kuti kuvhara nzira yavo yokutiza nayo, vaJudha vakatendeka vanoziva kuti Jehovha akafanotaura kuwa kweBhabhironi achishandisa Koreshi. (Isaya 44:8, 24-28) Sezvavakasiyana noMusiki—Mwari wokusingaperi, Jehovha—vagari veBhabhironi vachapera souswa hunosvava nokupisa kwezuva kwakanyanyisa muchirimo. Kana zvadaro kutyisidzira kwavo nehasha zvichava papi? Kusachenjera kwakadini kutya munhu nokukanganwa Jehovha, uyo akaita denga nepasi!

18. Kunyange zvazvo vanhu vake vachave vasungwa kwechinguva, Jehovha anovavimbisa kuti chii?

18 Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vachave nhapwa kwechinguva, vachiita sevaka“sungwa,” kusunungurwa kwavo kuchaitika kamwe kamwe. Havasati vachizoparadzwa muBhabhironi kana kuti kufa nenzara sevasungwa—kuitwa vasina upenyu muSheori, gomba. (Pisarema 30:3; 88:3-5) Jehovha anovavimbisa achiti: “Musungwa wakatapwa uchakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashayikwi.”—Isaya 51:14.

19. Nei vaJudha vakatendeka vachigona kuvimba zvizere nemashoko aJehovha?

19 Achiri kunyaradza Ziyoni, Jehovha anoenderera mberi achiti: “Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zira rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni; Imi muri vanhu vangu.” (Isaya 51:15, 16) Bhaibheri rinotaura rataurazve kukwanisa kwaMwari kuratidza simba rake pagungwa nokuridzora. (Jobho 26:12; Pisarema 89:9; Jeremia 31:35) Ane simba rakakwana pamasimba akasikwa akadaro, sezvaakaratidza paakanunura vanhu vake kubva Ijipiti. Ndiani angatomboenzaniswa, kunyange munzira duku zvayo, na“Jehovha wehondo”?—Pisarema 24:10.

20. Ndeapi “matenga” ne“nyika” zvichavapo Jehovha paanodzorera Ziyoni, uye achataura mashoko echii anonyaradza?

20 VaJudha vanoramba vari vanhu vaMwari vesungano, uye Jehovha anovavimbisa kuti vachadzokera kunyika yokumusha kwavo, kuti vanoraramazve vachidzorwa noMutemo wake. Ikoko vachakwanisa kuvakazve Jerusarema netemberi vopfuudzira mabasa avo musungano yaakaita navo achishandisa Mosesi. Nyika painotanga kugarwazve nevaIsraeri vanenge vadzoka nezvipfuwo zvavo, “nyika itsva” ichavapo. Pairi pachaiswa “matenga matsva,” hurumende itsva. (Isaya 65:17-19; Hagai 1:1, 14) Jehovha achatizve kuZiyoni: “Muri vanhu vangu.”

Kukumbira Chiito

21. Jehovha anokumbira kuitwa kwechiito achiti chii?

21 Pashure pokunge avimbisa Ziyoni, Jehovha anozivisa chiito. Achitaura sokunge rakanga ratosvika kumugumo wokutambura kwaro, anoti: “Muka, muka, simuka, iwe Jerusarema, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo.” (Isaya 51:17) Hungu, Jerusarema rinofanira kusimuka mumamiriro aro ezvinhu ane ngozi riwanezve nzvimbo yaro yorunako rune mbiri. Nguva ichauya apo richave rakwekweta mukombe wokufananidzira wokutsiva kwaMwari. Hapana chichasara pahasha dzaMwari kwariri.

22, 23. Jerusarema richaonei parichanwa mukombe wehasha dzaJehovha?

22 Kunyange zvakadaro, Jerusarema nyangwe riri kurangwa, hapana nomumwe wevagari varo, “vanakomana” varo, achakwanisa kudzivisa zviri kuitika. (Isaya 43:5-7; Jeremia 3:14) Uprofita hwacho hunoti: “Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka ungamutungamirira, hakuna ungamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.” (Isaya 51:18) Richatambura kwazvo nevaBhabhironi! “Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko uchakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei? Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.”—Isaya 51:19, 20.

23 Tine urombo neJerusarema! Richatsungirira “kusiyiwa nokuparadzwa” pamwe chete ne“nzara nomunondo.” Vakundikana kuritungamirira nokurichengeta rakasimba, “vanakomana” varo vachangomira vasingagoni kubatsira, vaondoroka, vasina simba rakakwana kudzivisa vaBhabhironi vari kuvapindira nechisimba. Zviri pachena, kumusoro, kana kuti kona yemigwagwa, vacharara vakafenda, vasina simba, uye vaneta. (Mariro aJeremia 2:19; 4:1, 2) Vachange vanwa mukombe wehasha dzaMwari uye vachave vasina simba semhuka dzabatwa mumambure.

24, 25. (a) Chii chisingazodzokororwi kuJerusarema? (b) Pashure peJerusarema, ndiani achatevera kunwa mukombe wehasha dzaJehovha?

24 Asi mamiriro ezvinhu anosiririsa aya achaguma. Isaya nenzira inonyaradza anoti: “Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usina kubatwa newaini: Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake: Tarirai ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve; ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri: Kotama, tifambe napamusoro pako; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambwa navanhu.” (Isaya 51:21-23) Pashure pokuranga Jerusarema, Jehovha agadzirira kuva netsitsi uye kurikanganwira.

25 Jehovha zvino achabvisa hasha dzake paJerusarema odziratidza kuBhabhironi. Bhabhironi richave raparadza Jerusarema nokurinyadzisa. (Pisarema 137:7-9) Asi Jerusarema harizofaniri kunwa mukombe iwoyo zvakare zvichiitwa neBhabhironi kana kuti vatsigiri varo. Asi, mukombe wacho uchatorwa muruoko rweJerusarema wopiwa kune vaya vakafarira kunyadziswa kwaro. (Mariro aJeremia 4:21, 22) Bhabhironi richawa, rafa nokudhakwa. (Jeremia 51:6-8) Zvichingodai, Ziyoni richamuka! Kuchinja kwakadini! Zvechokwadi, Ziyoni rinogona kunyaradzwa nokutarisira zvakadai. Uye vashumiri vaJehovha vanogona kuva nechokwadi chokuti zita rake richatsveneswa nemabasa ake okuponesa.

[Mashoko Omuzasi]

a Chipfunho chinorehwa pano sezviri pachena chipfunho chetende, kunyanya padanho racho rokuparadza chiri dukuswa.

[Mufananidzo uri papeji 167]

Jehovha, Abrahamu Mukuru, ndiye “dombo” apo vanhu vake va“katemwa”

[Mufananidzo uri papeji 170]

Vanorwa nevanhu vaMwari vachanyangarika senguo yakadyiwa nezvipfunho

[Mufananidzo uri papeji 176, 177]

Jehovha akaratidza simba rake rokudzora zvinhu

[Mufananidzo uri papeji 178]

Mukombe uchave wanwiwa neJerusarema uchapfuudzwa kuBhabhironi nevatsigiri varo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe