RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be p. 17-p. 20 ndim. 3
  • Unogona Kuvandudza Mano Ako Okuyeuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuvandudza Mano Ako Okuyeuka
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Farira
  • Wana Nguva Yokudzokorora
  • Fungisisa Zvinhu Zvinokosha
  • Basa Romudzimu waMwari
  • “Murege Kukanganwa”
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Ramba Uchifungisisa Zvinhu Zvokunamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Unogona Kuvandudza Simba Rako Rokuyeuka!
    Mukai!—2009
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be p. 17-p. 20 ndim. 3

Unogona Kuvandudza Mano Ako Okuyeuka

JEHOVHA MWARI akasika uropi hwomunhu huine mano anoshamisa okuyeuka. Akahuita kuti huve dura rinogona kucherwa risingaperi zvakaiswa mariri zvinokosha. Magadzirirwo ouropi anoenderana nechinangwa chaMwari chokuti vanhu vagare nokusingaperi.—Pis. 139:14; Joh. 17:3.

Asi ungafunga kuti zvakawanda zvezvaunoisa mupfungwa dzako zvinorasika. Kunenge kuti paunozvida zvinenge zvisimo. Ungaitei kuti uvandudze mano ako okuyeuka?

Farira

Kufarira chinhu chinokosha pakuvandudza mano okuyeuka. Kana ikava tsika yedu yokucherechedza, kufarira vanhu nezviri kuitika makatipoteredza, pfungwa dzedu dzinovhurika. Zvichava nyore kuti tizofarirawo patinoverenga kana kunzwa chimwe chinhu chinokosha zvikuru.

Hazvishamisi kuti zviomere munhu kuyeuka mazita evanhu. Asi, sevaKristu, tinoziva kuti vanhu vanokosha—vamwe vedu vaKristu, vatinopupurira, uye vamwe vatinoita navo zvimwe zvinhu sezvatinotarisira zvinhu zvinodiwa muupenyu. Chii chingatibatsira kuyeuka mazita chaiwo atinofanira kuyeuka? Muapostora Pauro akaronga nezita 26 vevaiva muungano yaakanyorera. Kuvafarira kwake kunoratidzwa nokuti aisangoziva chete mazita avo asi akataura zvinhu chaizvo nezvevakawanda vavo. (VaR. 16:3-16) Vamwe vatariri vanofambira veZvapupu zvaJehovha vanoita zvakanaka kwazvo mukuyeuka mazita, kunyange zvazvo vachifambira ungano neungano vhiki nevhiki. Chii chinovabatsira? Vangava netsika yokushandisa zita romunhu kakawanda pavanotanga kutaura naye. Vanoedza kubatanidza zita romunhu nechiso chake. Kuwedzera kune izvi, vanopedza nguva nevanhu vakasiyana-siyana muushumiri hwomumunda uye pavanodya pamwe chete. Kana ukasangana nomunhu, uchayeuka zita romunhu iyeye here? Tanga nokuva nechikonzero chakanaka chokuyeuka zita iroro, wozoedza mamwe emazano aya ataurwa.

Kuyeuka zvaunoverenga kunokoshawo. Chii chingakubatsira kuvandudza kudaro? Zvose kufarira nokunzwisisa zvinokosha. Unofanira kufarira zvauri kuverenga kuti uise pfungwa dzako dzose pazviri. Haungazoyeuki mashoko kana pfungwa dzako dziri kumwewo zvakwo paunenge uchiedza kuverenga. Kunzwisisa kunowedzera paunoita kuti mashoko acho apindirane nezvinhu zvawakajaira kana kuti nezivo yaunotova nayo. Zvibvunze kuti: ‘Ndingashandisa sei uye rini mashoko aya muupenyu hwangu? Ndingaashandisa sei kubatsira mumwe munhu?’ Kunzwisisa kunowedzerawo kana ukaverenga zvikamu zvemashoko pane kuverenga shoko rimwe nerimwe. Uchakurumidza kubata mashoko nokuona pfungwa huru, zvokuti zvinova nyore kuzviyeuka.

Wana Nguva Yokudzokorora

Nyanzvi dzezvedzidzo dzinosimbisa kukosha kwokudzokorora. Mune kumwe kuongorora, purofesa wepakoreji akaratidza kuti miniti imwe inopedzerwa pakudzokorora nokukurumidza ingawedzera nekaviri mashoko anoyeukwa. Saka uchangopedza kuverenga—kana kuti chikamu chikuru chakwo—dzokorora mupfungwa mashoko makuru kuti uachengete mundangariro yako. Funga kuti waizotsanangura sei nemashoko ako woga chero pfungwa itsva dzawadzidza. Nokuyeuchidza pfungwa dzako uchangobva kuverenga shoko rinokosha, ucharebesa nguva yaucharamba uchiyeuka shoko iroro.

Zvadaro mumazuva mashomanana anotevera, tsvaka mukana wokudzokorora zvawakaverenga nokuudza mashoko aya mumwe munhu. Ungadaro nenhengo yemhuri, mumwe munhu ari muungano, waunoshanda naye, waunodzidza naye, muvakidzani, kana kuti mumwe munhu waunosangana naye mubasa romumunda. Usaedze kudzokorora zvinhu zvikuru chete asiwo tsananguro dzeMagwaro dzinofambirana nazvo. Kuita izvi kuchakubatsira, zvichiyamura kuroverera zvinhu zvinokosha mupfungwa dzako; uye zvichabatsirawo vamwe.

Fungisisa Zvinhu Zvinokosha

Kuwedzera pane kudzokorora zvawaverenga uye kuzviudza vamwe, uchaona kuti kunyatsofungisisa woga pazvinhu zvinokosha zvawadzidza kunobatsira. Vanyori veBhaibheri, Asafi naDhavhidhi, vakaita izvozvo. Asafi akati: “Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pis. 77:11, 12) Dhavhidhi akanyorawo saizvozvo achiti: “Ndichikufungai panguva dzousiku,” uye “ndinorangarira mazuva akare; ndinofungisisa zvose zvamakaita.” (Pis. 63:6; 143:5) Unodaro here?

Kufungisisa kwakadaro, kwakadzama, uchifunga zvakaitwa naJehovha, unhu hwake, uye mashoko ezvaanoda kunoita zvakawanda zvinopfuura kungokubatsira kuyeuka mashoko chete. Kana ikava tsika yako yokufunga kwakadaro, zvichakubatsira kuroverera pamwoyo wako zvinhu zvinokosha zvechokwadi. Zvichaumba zvauri somunhu nechomukati. Zvaunoyeuka zvicharatidza pfungwa dzako dzomukati-kati.—Pis. 119:16.

Basa Romudzimu waMwari

Pakuedza kuyeuka chokwadi chemabasa aJehovha uye zvinhu zvakataurwa naJesu Kristu, tinenge tisiri toga zvedu. Usiku hwakatangira zuva raakazofa, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Ndataura zvinhu izvi kwamuri ndichiri nemi. Asi mubetseri, mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukurangaridzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Joh. 14:25, 26) Mateu naJohani ndivo vamwe vevaivapo. Mudzimu mutsvene wakava mubatsiri iyeye kwavari here? Zvechokwadi wakadaro! Anenge makore masere gare gare, Mateu akapedza kunyora nhau yokutanga ine mashoko azere oupenyu hwaKristu. Akasanganisirawo zvaakayeuka zvinokosha kwazvo zvakadai seMharidzo Yepagomo uye chiratidzo chine mashoko azere chokuvapo kwaKristu nechokuguma kwegadziriro yezvinhu. Makore makumi matanhatu nemashanu Jesu atofa, muapostora Johani akanyora Evhangeri yake, achisanganisira mashoko ose akataurwa naJesu pausiku uhwo vaapostora vakapedza vanaIshe asati apa upenyu hwake. Hapana mubvunzo, vari vaviri Mateu naJohani vainyatsoyeuka zvinhu zvakanga zvataurwa nokuitwa naJesu paakanga achiri navo, asi mudzimu mutsvene wakaita basa guru mukuita kuti vasakanganwe mashoko anokosha ayo Jehovha aida muShoko rake rakanyorwa.

Nhasi mudzimu mutsvene unoshanda somubatsiri kuvashumiri vaMwari here? Ndizvozvo! Chokwadi, mudzimu mutsvene hauisi mupfungwa dzedu zvinhu zvatisina kumbodzidza, asi unoshanda somubatsiri kutiyeuchidza zvinhu zvinokosha zvatakadzidza kare. (Ruka 11:13; 1 Joh. 5:14) Zvadaro, pazvinenge zvodiwa, mano edu okufunga anomutswa kuti ti“yeuke mashoko akambotaurwa nevaprofita vatsvene nomurayiro waShe noMuponesi.”—2 Pet. 3:1, 2.

“Murege Kukanganwa”

Jehovha akabayira zanhi vaIsraeri kasingaperi achiti: “Murege kukanganwa.” Hazvirevi kuti aivatarisira kuyeuka zvose zvakakwana. Asi vaisafanira kunyura muzvinhu zvavo zvavaitsvaka zvokuti vaiisa kuyeuka zviito zvaJehovha kure navo. Kununurwa kwavo naJehovha kwaifanira kuramba kuri kupenyu mupfungwa dzavo, ngirozi yake payakauraya matangwe ose eIjipiti nepaye apo Jehovha akavhura Gungwa Dzvuku ndokuzorivharazve, achinyudza Farao neuto rake. VaIsraeri vaifanira kuyeuka kuti Mwari akavapa Mutemo wake paGomo reSinai uye kuti akavafambisa nomurenje ndokuzopinda muNyika Yakapikirwa. Vaisafanira kukanganwa, mupfungwa yokuti kuyeuka zvinhu izvi kwaifanira kuramba kuchichinja upenyu hwavo zuva nezuva.—Dheut. 4:9, 10; 8:10-18; Eks. 12:24-27; Pis. 136:15.

Nesuwo ngatichenjererei kuti tirege kukanganwa. Sezvatinorarama nezvinetso zvoupenyu, tinofanira kuyeuka Jehovha, tichiziva kuti ndiMwari worudzii uye rudo rwaakaratidza nechipo choMwanakomana wake, akapa rudzikinuro rwezvivi zvedu kuti zvimwe tingava noupenyu hwakakwana nokusingaperi. (Pis. 103:2, 8; 106:7, 13; Joh. 3:16; VaR. 6:23) Kugaroverenga Bhaibheri uye kugoverana nokushingaira pamisangano yeungano nomuushumiri hwomumunda kuchaita kuti ichi chokwadi chinokosha chirambe chiri chipenyu matiri.

Paunofanira kusarudza chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, yeuka chokwadi ichocho chinokosha, uye ngachichinje mafungiro ako. Usakanganwe. Tarira kuna Jehovha kuti akutungamirire. Pane kungotarira zvinhu sezvinoita vanhu kana kuvimba nezvingangofungwa pakarepo nomwoyo, zvibvunze kuti, ‘Izano ripi kana nhungamiro iri muShoko raMwari inofanira kubatsira masarudziro angu?’ (Zvir. 3:5-7; 28:26) Haungamboyeuki zvinhu zvausina kumboverenga kana kunzwa. Asi sezvaunokura muzivo yakarurama uye kuda Jehovha, dura rezivo yaungayeuka uchibatsirwa nomudzimu waMwari richakura, uye kuda kwako Jehovha kuri kukura kuchakuita kuti uite maererano nayo.

MAVANDUDZIRO AUNGAITA KUYEUKA ZVAUNOVERENGA

  • Waverenga chikamu chemashoko, zvibvunze kuti, ‘Pfungwa huru yezvandichangobva kuverenga ndeipi?’ Kana usingagoni kuyeuka pfungwa huru, chibva watarirazve uiwane mumashoko acho

  • Kana wapedza kuverenga chitsauko chose kana kuti nyaya, zviedzezve. Nyora pfungwa huru dzose. Kana usingadziyeuki nokukurumidza, tarirazve udzokorore zvawaverenga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe