Purogiramu Yokukudziridza Mano Somukurukuri uye Mudzidzisi
UNGAVE uri muduku kana kuti mukuru, munhurume kana kuti munhukadzi, kosi ino inogona kukuyamura pakunyatsotaura zvinobudirira, uye pakuva mudzidzisi weShoko raMwari anonyatsokwanisa.
Hurukuro dzevaya vakanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri dzicharongwa nomutariri wechikoro. Pamapeji matatu anotevera, uchawana fomu rako rezano. Nhamba dziri kwokutanga kwemashoko dzinoenderana nezvidzidzo zviri pamapeji anotevera. Muzvidzidzo izvozvo uchawana tsanangudzo yezvinodiwa kuti uve nounyanzvi uhwu hwokutaura nokudzidzisa uye kuti nei hwose huchikosha. Uchawanawo nhungamiro inobatsira yokuti ungaite sei zviri kukurudzirwa.
Ruvara ruri pafomu rounyanzvi hwokutaura runoratidza kuti mashoko api anoshanda pahurukuro dzinosanganisira (1) kuverengera vateereri, (2) kuenzanisira nevanhu vaviri kana vanopfuura, kana kuti (3) hurukuro inokurukurirwa ungano. Mutariri wechikoro achakuudza pauchashandira. Zvakanaka kungova nechinhu chimwe chete chokushandira panguva. Uchabatsirwa nokuita basa rawakanzi uite panogumira chidzidzo chawakapiwa. Kana ukaratidza kuti washandisa nokubudirira zano racho pachidzidzo chawakapiwa, anokupa zano achakupa pamwezve pokushandira.
Kana hurukuro yako ichizoitwa, uchafanira kuronga painoitikira. Pane marongero akasiyana-siyana ari papeji 82, asi haumanikidzwi kungoomerera pane izvi. Anokupa zano angakukurudzira kuedza mamwe marongero kuti uwane ruzivo, kana kuti angakusiyira kuti uzvisarudzire.
Kuverenga bhuku rino uye kuita mabasa akarongwa kunyange paunenge usina hurukuro yokugadzirira kunogona kukubatsira zvikuru pakufambira mberi. Zvimwe ungapedza chidzidzo chimwe inenge vhiki imwe.
Hazvina basa kuti wanga uri muchikoro kana kuti wave uchiita ushumiri hwomumunda kwenguva yakareba sei, pane mukana wokuvandudza. Batsirwa zvizere nedzidzo inopiwa nomuChikoro chaMwari Choushumiri