RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 1 p. 83-p. 85 ndim. 3
  • Kuverenga Nomazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuverenga Nomazvo
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kumbomira Kwakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 1 p. 83-p. 85 ndim. 3

CHIDZIDZO 1

Kuverenga Nomazvo

Unofanira kuitei?

Verenga zvinonzwika mashoko ari papepa rakadhindwa sezvaari chaizvo. Usasiya mamwe mashoko, kana zvikamu zveshoko, kana kuchinjanisa shoko riripo nerisipo. Taura mashoko nomazvo. Uchenjerere nyora dzomutauro nezvinobatsira pamaverengero akanaka.

Nei zvichikosha?

Kunyatsoverenga nomazvo chinhu chinokosha pakusvitsa zivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri.

MAGWARO anotaura kuti chido chaMwari kuti vanhu vemarudzi ose “vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Maererano neizvozvo, patinoverenga Bhaibheri zvinonzwika, chido chedu chokusvitsa zivo yakarurama chinofanira kuratidzwa nemaverengero atinoita.

Mano okuverenga Bhaibheri zvinonzwika uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri anokosha zvakafanana kupwere nevakuru. SeZvapupu zvaJehovha tine mutoro wokupa vamwe zivo yaJehovha uye nzira dzake. Izvozvo zvinowanzosanganisira kuverengera munhu mumwe chete kana boka duku revanhu. Tinoverengawo saizvozvo mumhuri. Muchikoro chaMwari Choushumiri, mune mikana yakakodzera yokuti hama nehanzvadzi, vakuru nevaduku, vapiwe zano nechinangwa chokuti vavandudze kuverenga kwavo zvinonzwika.

Kuverengera vanhu Bhaibheri, vangava vanhuwo zvavo kana kuti ungano, kunofanira kukosheswa. Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari. Uyewo, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaH. 4:12) Shoko raMwari rine zivo inokosha kwazvo isina kumwe kwainowanikwa. Rinogona kubatsira munhu kuziva Mwari wechokwadi bedzi uye kukudziridza ukama hwakanaka kwazvo naye nokukwanisa kurarama nezvinetso zvoupenyu. Rinotsanangura nzira inoenda kuupenyu munyika itsva yaMwari. Saka chinangwa chedu chinofanira kuva chokuverenga Bhaibheri kusvika panogumira mano edu.—Pis. 119:140; Jer. 26:2.

Nzira Yokuverenga Nayo Nomazvo. Kuverenga nomazvo kunosanganisira zvizhinji, asi kukudziridza kuverenga zvazviri ndicho chinhu chokutanga. Izvi zvinoreva kuvavarira kuverenga zviri papeji yacho chaizvoizvo. Uchenjerere kusvetuka mamwe mashoko, usadimburire shoko risina kunyatsopera, kana kukanganisa kuverenga mashoko nokuti akafanana nemamwe.

Kuti uverenge mashoko zvakarurama, unofanira kunzwisisa zviri kutaurwa ipapo. Izvozvo zvinoda kunyatsogadzirira. Nokufamba kwenguva, zvaunokudziridza mano okufanoona zviri mberi ndokufunga nezvokupindirana kwepfungwa yacho, kuverenga kwako sezvazviri kuchawedzera.

Nyora dzomutauro chinhu chinokosha pamutauro wakanyorwa. Nyora dzingaratidza pokumbomira, kuti womira nguva yakareba sei, uye zvimwe kudikanwa kwokuchinja inzwi. Mune mimwe mitauro, kukundikana kuchinja inzwi pazvinodikanwa nenyora kungachinja mubvunzo kungova mashokowo zvawo, kana kuti kungatochinja zviri kurehwa. Zvisinei, dzimwe nguva basa renyora zvikurukuru nderomutauro (girama). Izvi zvinokosha kana uchizoverenga zvinoreva chimwe chinhu. Yeuka kuti chinangwa chako chinofanira kuva kuverenga nenzira inoreva chimwe chinhu kwete kungotaura mashoko.

Kudzidzira kunodikanwa kana uchizokudziridza mano okuverenga nomazvo. Verenga ndima imwe chete, idzokorore kakawanda kusvikira wave kugona kuiverenga usingambokanganisi. Zvadaro woenda kundima inotevera. Pakupedzisira, edza kuverenga mapeji akati wandei pasina mashoko aunombodarika, aunombodzokorora kana aunombokanganisa kuverenga. Kana waita izvozvo, kumbira mumwe munhu kuti akuteerere uchiverenga okuudza pose paunenge wakanganisa.

Mune dzimwe nyika, kusanyatsoona zvakanaka uye kushayiwa chiedza chakakwana zvinoitisa kuti kuverenga kuome. Kana izvi zvichigona kugadziriswa, zvingazova nyore kuwedzera kuverenga zvakanaka.

Nokufamba kwenguva, hama dzinoverenga zvakanaka dzingazokumbirwa kuzoverengerawo vanhu paChidzidzo Chebhuku Cheungano uye paChidzidzo cheNharireyomurindi. Asi kuti utarisire zvakanaka ropafadzo yakadaro, pane zvinodiwa, zvinopfuura kungogona kutaura mashoko zvakarurama. Kuti uzopota uchiverengera vanhu muungano zvinobudirira, uchafanira kuva netsika dzakanaka pakuverenga kwako uri woga. Izvi zvinosanganisira kuziva kuti shoko rimwe nerimwe riri muchirevo rine basa. Haungasiyi mamwe acho ndokunzwisisa zviri kutaurwa. Kana ukakanganisa kuverenga mashoko, kunyange kana uchizviverengera, zviri kurehwa nechirevo chacho hazvizojeki. Kutadza kuverenga kungakonzerwa nokukundikana kuona kushanda kwenyora kana kuti mashandisirwo aitwa mashoko. Vavarira kuziva zviri kurehwa neshoko rimwe nerimwe maererano nepariri. Fungawo kuti nyora dzinobatsira sei kubudisa zviri kurehwa nechirevo chacho. Ziva kuti kazhinji pfungwa dzinobudiswa nemapoka emashoko. Cherechedza izvi kuitira kuti paunenge uchiverenga zvinonzwika uverenge boka remashoko—pane kuverenga shoko rimwe nerimwe—kana kuti mashokowo zvawo. Kunyatsonzwisisa zvauri kuverenga idanho rinokosha kana uchizokwanisa kupa zivo yakarurama kune vamwe uchivaverengera.

Pauro ainyorera mukuru wechiKristu ane ruzivo paakati: “Ramba uchishingaira pakuverengera vanhu vose.” (1 Tim. 4:13) Sezviri pachena tose tinogona kuwana pokuvandudza panyaya iyi.

NYORA DZOMUTAURO

Chindaguma (.) chinoreva panogumira chirevo.

Turabefu (,) inoreva kuti umboti mirei pakati pechirevo, sezvakune mamwe mashoko achatevera.

Semikoroni (;) inoratidza kumbomira kusina simba rakafanana nechindaguma asi kunopfuura kweturabefu.

Koroni (:) inosuma ndandanda yezvinhu, kana kuti mashoko akataurwa; inoda kuti umbomira asi usingachinji inzwi.

Turavhunduko (!) inoratidza panoperera chirevo chinoratidza kushamisika kana kutya.

Mubvunzo (?) zvinowanzoda kuti chirevo chacho chiverengwe nenzwi rakati kwirei kana kuti nenzwi rinoenda richichinja.

Taridzamutauri (“ ” kana ‘ ’) nyora idzi dzingataridza kuti manzwi adzakatenderedza anofanira kusiyaniswa nokumbomira zvishoma, (zvishomanana kana ari chikamu chemashoko acho; zvakati simbei kana ari mashoko akazara).

Sunganzwi (—), kana yashandiswa kupatsanura mashoko, inoda kusiyaniswa kwenzwi zvishomanana.

Zvikomberedzo ( ) uye mabhuraketi [ ] izvi zvingapatsanura mashoko anofanira kuverengwa nenzwi rakati dererei. Kwakabva mashoko ari muzvikomberedzo hakufaniri kuverengwa, uye mashoko ari mumabhuraketi anodiwa kuti apedzise pfungwa yezviri kuverengwa haadi kuti inzwi richinjwe.

MAITIRWO AZVO

  • Dzidzira! Dzidzira! Dzidzira! Uye ita kudaro zvinonzwika.

  • Kumbira mumwe munhu kuti akuteerere uchiverenga okuudza paunenge wakanganisa.

  • Paunenge uchidzidza uri woga, zvidzore kuti unyatsoverenga.

  • Pane kungoverenga mashoko chete, dzidza kuverenga mapoka emashoko.

BASA ROKUITA: Kana wanyatsogadzirira, kumbira shamwari kana imwe nhengo yemhuri kuti itarire muBhaibheri sezvaunenge uchiverenga zvinonzwika chikamu chaMateu, chitsauko 5 kusvika ku7. Mukumbire kuti akumise pose paunenge (1) wasvetuka shoko, (2) waverenga shoko zvisiri izvo kana kuachinjanisa, kana (3) kusaita zvinodiwa nenyora yomutauro inoda kuti umbomira kana kuchinja inzwi. Zvaizonaka kuzviita kweanenge maminitsi gumi kaviri kana katatu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe