Chitsauko 9
Simba Retariro Yorumuko
1. Pasina tariro yorumuko, itarisiroi yaizovapo nokuda kwevakafa?
WAKAFIRWA nevaunoda here? Pasina rumuko, paisazova netariro yokuzombovaonazve. Vaizoramba vari mumamiriro ezvinhu anotsanangurwa neBhaibheri parinoti: “Vakafa havana chavanoziva, . . . nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10.
2. Rumuko runoita kuti pave netariro ipi inoshamisa?
2 Nenzira yengoni, achishandisa rumuko, Jehovha akazarura mukana unokosha zvikuru wokuti vanhu vazhinji-zhinji vadzoke kubva kuvakafa vova noupenyu husingaperi. Izvi zvinoreva kuti unogona kuva netariro inofadza yokuti rimwe zuva, munyika itsva yaMwari, uchasonganiswazve nevaunoda vakarara murufu.—Mako 5:35, 41, 42; Mabasa 9:36-41.
3. (a) Rumuko rwakaratidza kuti runokosha pakuita chinangwa chaJehovha munzira dzipi? (b) Ndirini zvikurukuru patinopiwa simba netariro yorumuko?
3 Nokuti pane rumuko, hatifaniri kunyanya kutya rufu. Asingaiti kuti vashumiri vake vakatendeka vakuvadzwe zvachose, Jehovha anogona kuita kuti Satani aite zvose zvaanoda mukuedza kuratidza zvaakataura noutsinye zvokuti “zvose zvaanazvo munhu ungazviisira upenyu hwake.” (Jobho 2:4) Jesu akanga akatendeka kuna Mwari kunyange kusvikira pakufa, uye Mwari akabva amumutsira kuupenyu hwokudenga. Nokudaro, Jesu akakwanisa kupa ukoshi hwechibayiro chake chomunhu akakwana pamberi pechigaro choumambo chokudenga chaBaba vake, zvichibatsira kuponesa upenyu hwedu. Norumuko, vaya ve“boka duku,” sevagari venhaka pamwe chete naKristu, vane tariro yokubatanidzwa naye muUmambo hwokudenga. (Ruka 12:32) Kune vamwe, pane tariro yokumukira kuupenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. (Pisarema 37:11, 29) VaKristu vose vanoona tariro yorumuko seinopa simba “rinopfuura romuzvarirwo” pavanoedzwa zvinoita kuti vatarisane norufu.—2 VaKorinde 4:7.
Nei Ruchikosha Pakutenda kwechiKristu
4. (a) Rumuko i“dzidziso yokutanga” mupfungwa ipi? (b) Rumuko runorevei kuruzhinji rwevanhu?
4 Sezvinotaurwa pana VaHebheru 6:1, 2, rumuko i“dzidziso yokutanga.” Chikamu chenheyo yokutenda zvokuti taisagona kuva vaKristu vakakura mumudzimu kana tisinayo. (1 VaKorinde 15:16-19) Zvisinei, dzidziso yeBhaibheri yorumuko chinhu chitsva kumafungiro oruzhinji rwevanhu. Zvavasingadi kunamata, vanhu vakawanda vanoona upenyu huno sokuti ndihwo chete chinhu chaichoicho. Ndokusaka vachigara vachitsvaka mafaro. Kwozouyawo vaya vakaomerera pazvitendero zvetsika—zvose mukati nokunze kwechiKristudhomu—vanofunga kuti vane mweya usingafi. Asi chitendero ichocho hachigoni kuwiriraniswa nedzidziso yeBhaibheri yorumuko, sezvo rumuko rwaisazodiwa kudai vanhu vaiva nomweya usingafi. Kuedza kubatanidza pfungwa mbiri idzi kunotovhiringidza zvikuru pane kupa tariro. Tingabatsira sei vane mwoyo yakatendeseka vanoda kuziva chokwadi?
5. (a) Munhu asati anzwisisa rumuko, chii chaanofanira kuziva? (b) Waizoshandisa magwaro api kutsanangura mweya? mamiriro ezvinhu evakafa? (c) Chii chingaitwa kana mumwe munhu achishandisa shanduro yeBhaibheri isingabudisi chokwadi pachena?
5 Vakadaro vasati vaziva kuti rumuko chinhu chakaisvonaka zvakadini, vanofanira kunzwisisa zvakarurama nezvomweya uye kuti vakafa vari mumamiriroi ezvinhu. Kakawanda, magwaro mashomanana chete akakwana kujekesa nhau idzi kumunhu ane nzara yechokwadi cheBhaibheri. (Genesi 2:7; Pisarema 146:3, 4; Ezekieri 18:4) Zvisinei, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzemazuva ano nedzimwe dziya dzinoita zvokutsanangura hadzibudisi pachena chokwadi pamusoro pomweya. Saka zvingava zvakafanira kuongorora mashoko akashandiswa mumitauro yokutanga yeBhaibheri.
6. Ungabatsira sei munhu kunzwisisa kuti mweya chii?
6 Shanduro yeNyika Itsva zvikurukuru inokosha pakuita izvi nokuti inoshandura zvakafanana shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh neshoko rechiGiriki rinowirirana naro rokuti psy·kheʹ ichiti “mweya.” Muapendikisi yeshanduro iyi makanyorwa magwaro anowanika mashoko aya. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakawanda hadzina kururama mumashandurire adzinoita mashoko iwayo emitauro yekare. Kuenzanisa dzimwe shanduro dzeBhaibheri neShanduro yeNyika Itsva kuchabatsira mudzidzi wepachokwadi kunzwisisa kuti mashoko emitauro yepakutanga akashandurwa kuti “mweya” anoreva zvose vanhu nemhuka. Asi mashoko aya haambopi pfungwa yokuti mweya chinhu chisingaoneki, chisingabatiki chinogona kubuda mumuviri parufu chopfuurira kurarama chichiziva chiri kune imwe nzvimbo.
7. Ungatsanangura sei kubva muBhaibheri mamiriro ezvinhu evaya vari muSheori? muHadhesi? muGehena?
7 Shanduro yeNyika Itsva inongorambawo ichishandisa shoko rokuti “Sheori” kushandura nemabhii omumwe mutauro shoko rechiGiriki rokuti sheʼohlʹ uye inoramba ichishandisa “Hadhesi” nokuda kweshoko rechiGiriki rokuti haiʹdes uye “Gehena” nokuda kweshoko rechiGiriki rokuti geʹen·na. “Sheori” ishoko rakafanana nerokuti “Hadhesi.” (Pisarema 16:10; Mabasa 2:27) Bhaibheri rinojekesa kuti zvose Sheori neHadhesi zvinoreva guva revanhu vose uye zvine chokuita norufu, kwete upenyu. (Pisarema 89:48; Zvakazarurwa 20:13) Magwaro anotaurawo nezvetariro yokudzoka kubva kuguva ravose nokumutswa. (Jobho 14:13; Mabasa 2:31) Kusiyana neizvi, vaya vanoenda kuGehena havambonzi vane tariro youpenyu munguva yemberi, uye mweya haumbonzi unoziva kuti mupenyu ikoko.—Mateu 10:28.
8. Kunzwisisa zvakanaka rumuko kungachinja sei mafungiro nezviito zvomunhu?
8 Kana nyaya idzodzo dzanzwisiswa, munhu anogona zvino kubatsirwa kunzwisisa zvingareva rumuko kwaari. Angatanga kuonga rudo rwaJehovha mukuita urongwa hunoshamisa hwakadaro. Kurwadziwa kunoita vaya vakafirwa nevavanoda kunogona kunyevenutswa netariro inofadza yokusonganiswazve navo munyika itsva yaMwari. Kunzwisisa nyaya idzi ndiko kunoitawo kuti vanzwisise zvinoreva rufu rwaKristu. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaziva kuti rumuko rwaJesu Kristu runokosha pakutenda kwechiKristu, ruchizarura nzira yorumuko rwevamwe. Vaishingaira kuparidza nezvorumuko rwaJesu netariro yarunopa. Saka nhasi, vaya vanonzwisisa rumuko vanoda zvikuru kutaurirawo vamwe chokwadi ichi chinokosha.—Mabasa 5:30-32; 10:42, 43.
Kushandisa ‘Kiyi yeHadhesi’
9. Jesu anotanga kushandisa sei “kiyi dzorufu nedzeHadhesi”?
9 Vose vachava naKristu muUmambo hwake hwokudenga pakupedzisira vanofanira kufa. Asi vanonyatsoziva vimbiso yaakapa paakati: “Ndakafa, asi, tarira! ndiri mupenyu nokusingaperi-peri, uye ndine kiyi dzorufu nedzeHadhesi.” (Zvakazarurwa 1:18) Airevei? Akanga achitaura nezvezvakaitika kwaari pachake. Iyewo akanga afa. Asi Mwari haana kumusiya muHadhesi. Pazuva rechitatu, Jehovha pachake akamumutsira kuupenyu hwomudzimu ndokumupa kusafa. (Mabasa 2:32, 33; 10:40) Kuwedzera kune izvi, Mwari akamupa “kiyi dzorufu nedzeHadhesi” dzokushandisa kusunungura vamwe muguva revanhu vose uye pamigumisiro yechivi chaAdhamu. Nokuti Ane makiyi iwayo, Jesu anokwanisa kumutsa vateveri vake vakatendeka kubva kuvakafa. Anotanga kumutsa nhengo dzakazodzwa nomudzimu dzeungano yake, achidzipa chipo chinokosha choupenyu hwokusafa mudenga, sokupiwa kwaakaitwawo naBaba vake.—VaRoma 6:5; VaFiripi 3:20, 21.
10. Rumuko rwevaKristu vakatendeka vakazodzwa runoitika rini?
10 VaKristu vakatendeka vakazodzwa vaizomutsirwa kudenga rini? Bhaibheri rinoratidza kuti vakatotanga. Muapostora Pauro akatsanangura kuti vaizomutswa ‘mukuvapo kwaKristu,’ uko kwakatanga mugore ra1914. (1 VaKorinde 15:23) Vakatendeka vakazodzwa pavanopedza upenyu hwavo hwepasi pano iye zvino mukuvapo kwake, havafaniri kuramba vakafa kusvikira Ishe wavo adzoka. Pavanongofa, vanomutswa mumudzimu, vachi“chinjwa, munguva dukuduku, mukubwaira kweziso.” Vanofara kwazvo, sezvo mabasa akanaka avakaita achi“enda navo”!—1 VaKorinde 15:51, 52; Zvakazarurwa 14:13.
11. Rumukoi ruchavapo nokuda kworuzhinji rwevanhu, uye ruchatanga rini?
11 Asi rumuko rwoupenyu hwokudenga rwevagari venhaka yoUmambo harusirwo rwoga rumuko ruchaitika. Kunzi kwarwo “kumuka kwokutanga” pana Zvakazarurwa 20:6 kunoratidza kuti panofanira kuzova norumwe. Vaya vachamutswa murumuko rwechipiri urwu vachava netariro inofadza youpenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Ruchatanga rini? Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti ruchaitika kana “denga nepasi”—nyika yakaipa iripo nhasi nemasimba ayo anotonga—zvabviswa. Kuguma ikoko kwenyika yekare kwava pedyo zvikuru. Pashure pacho, panguva yaMwari yakatarwa, rumuko rwepasi ruchatanga.—Zvakazarurwa 20:11, 12.
12. Ndivanaani vachavawo pakati pevakatendeka vachamutsirwa kuupenyu hwepasi, uye nei iyoyo iri tarisiro inofadza?
12 Ndivanaani vachamutswawo murumuko rwepasi irworwo? Pakati pavo pachava nevashumiri vaJehovha vekare kare vakanga vakatendeka, varume nevakadzi avo pamusana pokutenda kwavo rumuko zvakasimba “vakaramba kusunungurwa norumwe rudzikinuro.” Kureva kuti, vaisazobvumiranisa kuvimbika kwavo kuna Mwari pane zvisina kufanira kuitira kuti vanzvenge kukurumidza kufa, uye vachifa nechisimba. Uchazova mufaro mukuru kusvika pakuvaziva uye kunzwa kwavari pachavo mashoko ane chokuita nezviitiko zvinongotaurwa muchidimbu muBhaibheri! Vamwe vachamutsirwawo kuupenyu hwepasi ndiAbheri, chapupu chaJehovha chokutanga chakanga chakatendeka; Enoki naNoa, vazivisi vakanga vasingatyi veshoko raMwari rokunyevera Mafashamo asati aitika; Abrahamu naSara, vakagamuchira ngirozi; Mosesi, akashandiswa kupa Mutemo paGomo reSinai; vaprofita vakanga vakashinga vakadai saJeremia, uyo akaona kuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E.; uye Johani Mubhabhatidzi, uyo akanzwa Mwari pachake achiti Jesu Mwanakomana Wake. Kuchavawo nevarume nevakadzi vakawanda vakavimbika vakafa mumazuva ano okupedzisira enyika ino yakaipa.—VaHebheru 11:4-38; Mateu 11:11.
13, 14. (a) Chii chichaitika kuHadhesi nevakafa vari mairi? (b) Ndivanaani vachamutswawo, uye nei?
13 Nokufamba kwenguva, vamwewo kunze kwevashumiri vakatendeka vaMwari vachamutswawo kubva kuvakafa, zvichisiya guva revanhu vose risisina munhu. Kumutswa kwevakafa mumakuva muchisara musina munhu kunogona kuoneka mukushandisa kunoita Jesu ‘kiyi dzeHadhesi’ nokuda kwevanhu. Izvi zvinoratidzwa muchiratidzo chakaoneswa muapostora Johani, maakaona Hadhesi ichi“kandirwa mugungwa remoto.” (Zvakazarurwa 20:14) Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti Hadhesi, guva revanhu vose, rinoparadzwa zvachose. Rinotsakatika, vakafa vari mariri vachimutswa vose, nokuti kunze kwokumutsa vanamati vose vaJehovha vakatendeka, Jesu achadzorerawo nengoni kunyange vasina kururama. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.
14 Hapana nomumwe wevasina kururama ivavo anongomutsirwa kuti azonzi anofanira kufa zvakare. Mumamiriro ezvinhu akarurama achazara pasi pose mukutonga kwoUmambo hwaMwari, vachabatsirwa kuita kuti upenyu hwavo huwirirane nenzira dzaJehovha dzakarurama. Chiratidzo chakaratidza kuti pachavhurwa “mupumburu woupenyu.” Saka vachava nomukana wokuti mazita avo anyorwe mauri. Vacha“tongwa mumwe nomumwe maererano nezviito zvake” zvinoitwa vamutswa. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Saka, zvichionekwa maererano nezvinenge zvazoitika, kwavo kunogona kuzova “kumuka kwoupenyu,” uye hakuzovi “kumuka kwokutongwa” kusingadzivisiki.—Johani 5:28, 29.
15. (a) Ndivanaani vasingazomutswi? (b) Kuziva chokwadi pamusoro porumuko kunofanira kuita kuti tiite sei?
15 Zvisinei, havasi vose vakamborarama vakafa vachazomutswa. Vamwe vakaita zvivi zvisingabviri kukanganwirwa. Vakadaro havasi muHadhesi, asi muGehena, mavanoparadzwa zvachose. Pakati pavo pachavawo nevaya vanourayiwa pa“kutambudzika kukuru,” uko kwava pedyo zvino. (Mateu 12:31, 32; 23:33; 24:21, 22; 25:41, 46; 2 VaTesaronika 1:6-9) Saka, nepo Jehovha achiratidza ngoni dzisiri dzenguva dzose nokubudisa vakafa muHadhesi, tariro yorumuko haipi chikonzero chokuti tirarame madiro iye zvino. Vaya vanopandukira nemaune uchangamire hwaJehovha havazomutswi. Zivo iyi inofanira kutiita kuti tiratidze kuti tinoonga zvikuru mutsa usina kufanirwa waMwari nokurarama upenyu hwedu maererano nokuda kwake.
Kusimbiswa Netariro Yorumuko
16. Tariro yorumuko ingapa sei simba guru?
16 Isu vaya vanonyatsodavira tariro yorumuko tinokwanisa kusimbiswa nayo zvikuru. Iye zvino, upenyu hwedu pahunenge hwava kuda kuguma, tinoziva kuti hatigoni kusundira mberi rufu kusvikira kunguva isingazivikanwi—pasinei nokurapa kwatinoshandisa. (Muparidzi 8:8) Kana takashumira Jehovha nesangano rake takavimbika, tinogona kutarisira mberi nechivimbo chakazara. Tinoziva kuti norumuko, tichararamazve, munguva yaMwari yakafanira. Uye huchava upenyu hwakadini! “Upenyu chaihwo,” sokutaurwa kwahwakaita nomuapostora Pauro.—1 Timoti 6:19; VaHebheru 6:10-12.
17. Chii chingatibatsira kuramba takavimbika kuna Jehovha?
17 Kuziva kuti kune rumuko uye kuziva Anoruita kunoita kuti tikwanise kusimba mukutenda. Izvi zvinotisimbisa kuti tive vakavimbika kuna Mwari kunyange tikatyisidzirwa norufu nevatambudzi vane chisimba. Kwenguva refu Satani akashandisa kutya kukurumidza kufa senzira yokubata vanhu muuranda. Asi Jesu akanga asina rutyo rwakadaro. Akaratidza kutendeka kuna Jehovha kusvikira parufu chaipo. Nechibayiro chake chorudzikinuro, Jesu akapa nzira yokununura vamwe pakutya kwakadaro.—VaHebheru 2:14, 15.
18. Chii chakabatsira vashumiri vaJehovha kuva nomukurumbira wokuvimbika wakanakisisa kudaro?
18 Pamusana pokutenda kwavo chibayiro chaKristu uye rumuko, vashumiri vaJehovha vakaita mukurumbira usina vamwe wokuva vanhu vakavimbika. Pavanomanikidzwa, vave vachiratidza kuti ‘havadi mweya yavo’ kupfuura kuda kwavanoita Jehovha. (Zvakazarurwa 12:11) Nenzira yokuchenjera, havaregi nheyo dzechiKristu vachiedza kuponesa upenyu hwavo hwazvino. (Ruka 9:24, 25) Vanoziva kuti kunyange vakarasikirwa noupenyu hwavo iye zvino pamusana pokutsigira nokuvimbika uchangamire hwaJehovha, achavapa mubayiro nokuvamutsa. Une kutenda kwakadaro here? Uchava nakwo kana uchida Jehovha zvechokwadi uye kana ukafungisisa zvinonyatsoreva tariro yorumuko.
Kudzokorora
• Nei munhu achifanira kunzwisisa nezvomweya uye mamiriro ezvinhu evakafa asati agona kunzwisisa rumuko?
• Ndivanaani vachadzoka kubva kuvakafa, uye kuziva izvi kunofanira kuita kuti tiite sei?
• Tariro yorumuko inotisimbisa sei?
[Mufananidzo uri papeji 84, 85]
Jehovha anovimbisa kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama