Chitsauko 11
‘Ramba Uchitanga Kutsvaka Umambo’
1. (a) Nei Jesu akakurudzira vateereri vake kutanga kutsvaka Umambo? (b) Tinofanira kuzvibvunza mubvunzoi?
MAKORE anodarika 1 900 apfuura mune imwe hurukuro muGarireya, Jesu akakurudzira vateereri vake kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari].” Asi nei zvakanga zviri zvokukurumidzira kudaro? Kristu akanga asingazopiwi simba roUmambo mazana akawanda emakore aiva mberi here? Hungu, asi Umambo hwaMesiya ndihwo hwaizoshandiswa naJehovha kureverera uchangamire hwake, hwoita kuti chinangwa chake chakaisvonaka chepasi chizadzike. Chero ani zvake ainzwisisa kukosha kwezvinhu izvozvo aizopa Umambo nzvimbo yokutanga muupenyu hwake. Kana izvozvo zvaiva zvechokwadi muzana remakore rokutanga, kuzoti nhasi, Kristu zvaadai kugadzwa pachigaro saMambo! Saka mubvunzo ndowokuti, Mararamiro angu anoratidza kuti ndiri kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari here?—Mateu 6:33.
2. Ruzhinji rwevanhu runotsvakisisa zvinhui?
2 Nhasi, chokwadi ndechokuti mamiriyoni evanhu pasi pose ari kutanga kutsvaka Umambo. Vari kuratidza kutsigira kwavo kutonga kwoUmambo nokuita kuti upenyu hwavo hunangidzirwe pakuita zvinodiwa naJehovha, sezvavakazvitsaurira kwaari. Ukuwo, ruzhinji rwevanhu runofarira kutsvaka zvinhu zvenyika. Vanhu vanotsvaka mari nezvinhu nemafaro zvinogona kutengwa nemari. Kana kuti vanoshanda nesimba zvikuru kuti vasimudzire mabasa avo. Mararamiro avo anoratidza kuti vanongozvifunga ivo, vanoda zvinhu zvakawanda, uye mafaro. Vanoisa Mwari munzvimbo yechipiri, ndokunge vachitombotenda maari.—Mateu 6:31, 32.
3. (a) Jesu akakurudzira vadzidzi vake kutsvaka pfuma yorudzii, uye nei? (b) Nei pasina chikonzero chokunyanya kunetseka pamusoro pezvinhu zvokunyama?
3 Zvisinei, Jesu akapa vadzidzi vake zano iri: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano,” sezvo pasina chimwe chezvinhu izvozvo chinogara nokusingaperi. Akati, “Asi zviunganidzirei pfuma kudenga” nokushumira Jehovha. Jesu akakurudzira vateveri vake kuchengeta ziso ravo “rakanaka” nokuisa pfungwa nesimba pakuita kuda kwaMwari. “Hamungagoni kushandira Mwari uye Pfuma,” akavaudza kudaro. Asi zvakadini nezvinhu zvokunyama zvatinoda—zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara? “Musafunganya,” Jesu akapa zano achidaro. Akaita kuti vafunge nezveshiri—Mwari anodzipa zvokudya. Jesu akakurudzira vateveri vake kudzidza kumaruva—Mwari anoapfekedza. Vanhu vakangwara vanoshumira Jehovha havapfuuri izvi here? “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake,” akadaro Jesu, “uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvakafanira] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:19-34) Zvaunoita zvinoratidza kuti unotenda izvozvo here?
Usarega Chokwadi choUmambo Chichivhungwa
4. Kana munhu akanyanya kukoshesa zvinhu, chii chinogona kuitika?
4 Zvakakodzera kunetsekera kuva nezvinhu zvakakwana zvinodiwa nomunhu kana mhuri yake. Zvisinei, kana munhu achinyanyisa kunetseka pamusoro pezvinhu, zvinogona kuzoguma zvaipa. Kunyange zvazvo angataura kuti anodavira Umambo, kana achitanga kupinza zvimwe zvinhu mumwoyo make, chokwadi choUmambo chichavhungwa. (Mateu 13:18-22) Somuenzaniso, pane chimwe chiitiko, mumwe mutongi muduku akanga akapfuma akabvunza Jesu kuti: “Ndinofanira kuitei kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Aiva netsika dzakanaka muupenyu hwake uye aibata vamwe zvakanaka, asi ainyanyisa kuda zvinhu zvaaiva nazvo. Akanga asingagoni kuzvisiya kuti ave muteveri waKristu. Saka akarega mukana ungadai wakaita kuti ave naKristu muUmambo hwokudenga uchipfuura. Pachiitiko ichocho Jesu akati: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vane mari vapinde muumambo hwaMwari!”—Mako 10:17-23.
5. (a) Pauro akakurudzira Timoti kugutsikana nezvinhu zvipi, uye nei? (b) Satani anoshandisa sei “kuda mari” somusungo unoparadza?
5 Makore akati kuti gare gare, muapostora Pauro akanyorera Timoti, uyo panguva iyoyo aiva muEfeso, nzvimbo yezvokutengeserana yakanga yakabudirira. Pauro akamuyeuchidza kuti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Chinhu chakanaka kuti munhu ashandire “zvokudya nezvokupfeka nepokugara” zvake iye nemhuri yake. Asi Pauro akanyevera kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” Satani ane manomano. Pakutanga anganyengedza munhu nenzira duku. Izvi zvingateverwa nezvikuru, zvimwe mukana wokusimudzirwa pabasa kana kuti basa riri nani rinobhadhara chaizvo asi richida nguva yaimboshandiswa pazvinhu zvokunamata. Kana tisingangwariri, “kuda mari” kunogona kuvhunga zvinhu zvoUmambo zvinonyanya kukosha. Pauro anozvitaura nenzira iyi: “Vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:7-10.
6. (a) Kuti tirege kubatwa mumusungo wokunyanyoda zvinhu, tinofanira kuitei? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei kunyange mamiriro ezvinhu emari munyika ari sezvaari nhasi kudai?
6 Norudo rwechokwadi rwaaiva narwo kuhama yake yechiKristu, Pauro akakurudzira Timoti achiti: “Tiza zvinhu izvi” uye, “Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.” (1 Timoti 6:11, 12) Tinofanira kuita zvose zvatinogona kana tichida kudzivisa kukukurwa nemararamiro okunyanyoda zvinhu ari munyika yakatipoteredza. Asi kana tikazvishandisa maererano nokutenda kwedu, Jehovha haazombotisiyi. Pasinei nokukwira kwemitengo nokushayikwa kwemabasa kwangova kwose kwose, achava nechokwadi chokuti tine zvatinoda chaizvoizvo. Pauro akanyora kuti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’ Kuti tive vakashinga zvikuru tichiti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’” (VaHebheru 13:5, 6) Uye Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.”—Pisarema 37:25.
Vadzidzi Vokutanga Vanoratidza Muenzaniso
7. Mirayiridzo ipi iyo Jesu akapa vadzidzi vake nezvokuparidza, uye nei iyoyi yakanga yakakodzera?
7 Jesu apedza kurovedza zvakakodzera vaapostora vake, akavatuma munyika yeIsraeri kunoparidza mashoko akanaka uye kuzivisa kuti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” Iwayo aiva mashoko anofadza zvechokwadi! Jesu Kristu, Mambo Mesiya, aiva pakati pavo. Sezvo vaapostora vakanga vachizvipira mubasa raMwari, Jesu akavakurudzira kuvimba kuti Mwari aizovatarisira. Saka akati: “Musatakure chinhu nokuda kwerwendo rwacho, tsvimbo kana homwe yezvokudya, kana chingwa kana mari yesirivha; musavawo nenguo mbiri dzomukati. Asi kwose kwamunopinda mumba, garai imomo muende muchibva ipapo.” (Mateu 10:5-10; Ruka 9:1-6) Jehovha aizoona kuti vaizopiwa zvavaida nevamwe vaIsraeri, avo vaiva netsika yokugamuchira vaeni.
8. (a) Kwangosara nguva pfupi kuti afe, nei Jesu akapa mirayiridzo mitsva yokuparidza? (b) Chii chakanga chichiri kufanira kuva chokutanga muupenyu hwevateveri vaJesu?
8 Gare gare, kwangosara nguva pfupi kuti afe, Jesu akaita kuti vaapostora vake vazive kuti munguva yemberi vaizoshanda mumamiriro ezvinhu akasiyana. Pamusana pokushorwa kwaizoitwa basa ravo nevakuru vakuru, zvaisazova nyore kuti vagamuchirwe sevaeni muIsraeri. Uyezve, nokukurumidza vaizoendesa shoko roUmambo kunyika dzeVemamwe Marudzi. Zvino vaizofanira kuenda ne“chikwama” ne“homwe yezvokudya.” Kunyange vaifanira kuita izvi, vaifanira kuramba vachitanga kutsvaka Umambo hwaJehovha nokururama kwake, vachivimba kuti Mwari aizokomborera zvavaiita kuti vawane zvokudya nezvokupfeka nepokugara pavaida.—Ruka 22:35-37.
9. Pauro akaisa sei Umambo pakutanga muupenyu hwake uku achizvitarisira, uye akapa zano ripi panyaya iyi?
9 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wokushandisa zano raJesu. Pauro akaita kuti ushumiri huve chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwake. (Mabasa 20:24, 25) Paaienda mune imwe nharaunda kunoparidza, aizvitarisira, kunyange kushanda basa rokugadzira matende. Akanga asingamiriri kutarisirwa nevamwe. (Mabasa 18:1-4; 1 VaTesaronika 2:9) Asi, aibvuma nomufaro kuitirwa mutsa uye kupiwa zvipo apo vamwe vairatidza rudo rwavo munzira iyi. (Mabasa 16:15, 34; VaFiripi 4:15-17) Pauro akakurudzira vaKristu, kuti vasaregeredze zvavanotarisirwa kuita mumhuri dzavo kuitira kuti vaparidze, asi kuti vaite mabasa avo ose akasiyana-siyana. Akavapa zano rokuti vashande, vade mhuri dzavo, uye vagovane nevamwe. (VaEfeso 4:28; 2 VaTesaronika 3:7-12) Akavakurudzira kuti vavimbe naMwari, kwete nepfuma, uye kurarama upenyu hwavo nenzira yairatidza kuti vainzwisisa chaizvoizvo kuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi. Maererano nokudzidzisa kwaJesu, izvozvo zvaireva kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake.—VaFiripi 1:9-11.
Ita Kuti Umambo Hurambe Huri Pokutanga Muupenyu Hwako
10. Kutanga kutsvaka Umambo kunorevei?
10 Isu pachedu tinotaurira vamwe mashoko akanaka oUmambo kakawanda sei? Zvinoti tsamirei pamamiriro edu ezvinhu uye pakuti tinoonga zvakakura sei. Gara uchiziva kuti Jesu haana kuti, ‘Tsvaka Umambo paunenge usina chimwe chinhu chokuita.’ Achiziva kukosha kwoUmambo, akataura zvinodiwa naBaba vake, achiti: “Rambai muchitsvaka umambo hwavo.” (Ruka 12:31) Kunyange zvazvo vakawanda vedu tichifanira kushanda kuti titarisire zvatinoda isu nemhuri dzedu, kana tine kutenda, upenyu hwedu huchabatikana pabasa roUmambo ratakapiwa naMwari. Uyewo, tichatarisira mabasa edu omumhuri.—1 Timoti 5:8.
11. (a) Jesu akaenzanisira sei kuti havasi vose vaizokwanisa kuita zvakafanana mukuparadzira shoko roUmambo? (b) Zvii zvingatema uwandu hwezvingaitwa nomunhu?
11 Vamwe vedu tinogona kupedza nguva yakawanda kupfuura vamwe mukuparidza mashoko akanaka oUmambo. Asi mumufananidzo wake wevhu rakasiyana-siyana, Jesu akaratidza kuti vose vane mwoyo wakafanana nevhu rakanaka vachabereka zvibereko. Zvakawanda sei? Mamiriro ezvinhu omunhu nomunhu anosiyana. Zera, utano, uye mabasa omumhuri zvose zvinhu zvokufunga nezvazvo. Asi vanhu pavanokoshesa zvinhu zvechokwadi, zvakawanda zvinogona kuitwa.—Mateu 13:23.
12. Vechiduku vanokurudzirwa kunyanyofunga nezvezvinangwa zvipi zvokunamata?
12 Zvakanaka kuva nezvinangwa zvichatibatsira kuwedzera basa ratinoita muushumiri hwoUmambo. Vechiduku vanofanira kufungisisa muenzaniso wakaisvonaka womuKristu wechiduku aishingaira Timoti. (VaFiripi 2:19-22) Chiizve chingava chakanaka kupfuura kuti vapinde muushumiri hwenguva yakazara pavanopedza chikoro chavo chokunyika? Vanhu vakura vanogonawo kubatsirwa nokuva nezvinangwa zvakanaka zvokunamata.
13. (a) Ndiani anosarudza zvatinogona kuita isu pachedu mubasa roUmambo? (b) Kana tichitanga kutsvaka Umambo, chii chatinoratidza?
13 Pane kutsoropodza vaya vatinofunga kuti vanogona kunge vachiita zvakawanda, kutenda kunofanira kutiita kuti tishandire kuita zviri nani pachedu zvokuti tingashumira Mwari zvakanyatsozara sezvinobvumirwa nemamiriro ezvinhu edu pachedu. (VaRoma 14:10-12; VaGaratiya 6:4, 5) Sezvinoratidzwa munyaya yaJobho, Satani anoita nharo dzokuti tinonyanyoitira hanya pfuma yatinayo, kugara kwedu zvakanaka, uye utano hwedu uye kuti chikonzero chedu chokunamata Mwari ndechoudyire. Asi kana tiri kutanga kutsvaka Umambo zvechokwadi, tiri kubatanidzwawo pakuratidza kuti Dhiyabhorosi anoreva nhema zvikuru. Tiri kupa uchapupu hwokuti basa raMwari ndiro riri pokutanga muupenyu hwedu. Nokudaro tinoratidza nezvatinotaura uye nezviito, kuda kwatinoita Jehovha zvikuru, kutsigira kwatinoita uchangamire hwake takavimbika, uye kuda kwatinoita vamwe vedu.—Jobho 1:9-11; 2:4, 5; Zvirevo 27:11.
14. (a) Nei purogiramu yebasa romumunda ichibatsira? (b) VaKristu vakawanda vari kuita ushumiri hwomumunda zvakadini?
14 Purogiramu inogona kutibatsira kuita zvakawanda kupfuura zvatingadai taiita nedzimwe nzira. Jehovha pachake a“katara nguva” yokuita chinangwa chake. (Eksodho 9:5; Mako 1:15) Kana zvichiita, zvakanaka kuita ushumiri hwomumunda nguva imwe chete yakarongwa kana kakawanda vhiki imwe neimwe. Mazana ezviuru eZvapupu zvaJehovha pasi pose akanyoresa semapiyona ebetsero, achipedza maawa anenge maviri pazuva mukuparidza mashoko akanaka. Mamwe mazana ezviuru anoshanda semapiyona enguva dzose, achishandisa anenge maawa maviri nehafu pazuva kuzivisa shoko roUmambo. Mapiyona chaiwo nemamishinari anopedza nguva yakatowanda kudarika iyoyo mubasa roUmambo. Tinogonawo kutsvaka mikana yokutaurira ani naani anoteerera nezvetariro yoUmambo tisina kuzvironga. (Johani 4:7-15) Chido chedu chinofanira kuva chokuita basa iroro zvakazara sezvinobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu, nokuti Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.—Mateu 24:14; VaEfeso 5:15-17.
15. Maererano noushumiri hwedu, nei uchifunga kuti zano riri pana 1 VaKorinde 15:58 rinokodzera nguva ino?
15 Zvapupu zvaJehovha zviri kugoverana muropafadzo iyi yebasa zvakabatana mumativi ose epasi, pasinei nokuti zvinogara munyika ipi. Zvinoshandisa zano reBhaibheri rakafuridzirwa rinoti: “Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.”—1 VaKorinde 15:58.
Kudzokorora
• Jesu paakati “rambai muchitanga kutsvaka Umambo,” chii chaairatidza kuti chinofanira kuiswa munzvimbo yechipiri?
• Tinofanira kuona sei nyaya yokuzvitarisira isu nemhuri dzedu? Mwari achatibatsira sei?
• Tinogona kuita marudzi api ebasa roUmambo?
[Mufananidzo uri papeji 107]
Munyika dzose, Zvapupu zvaJehovha nhasi zviri kuparidza mashoko akanaka, mugumo usati wasvika