RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wt chits. 13 pp. 120-127
  • Boka Guru Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Boka Guru Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha
  • Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuziva Boka Guru Revanhu
  • Kuratidza Kuti Vakakodzera
  • Kubatsirwa Iye Zvino
  • Boka Guru Riri Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Boka Guru Ravazhinji-zhinji
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • “Ndakaona Boka Guru Revanhu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Boka Guru Riri Kuita Basa Rinoyera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
wt chits. 13 pp. 120-127

Chitsauko 13

Boka Guru Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha

1. (a) Vashumiri vaMwari vaivapo chiKristu chisati chavapo kana kuti vaya vane 144 000 vasati vagamuchira mubayiro wavo, chii chinofanira kutanga chaitika kwavari? (b) Chii chinogona kuitika ku“boka guru revanhu” vari kurarama panguva ino?

VASHUMIRI vakatendeka vaMwari kubvira kuna Abheri kusvikira kuna Johani Mubhabhatidzi vakaita kuti kuda kwaMwari kuve chinhu chokutanga muupenyu hwavo. Kunyange zvakadaro, vose vakafa, vachimirira kuti vamutsirwe kuupenyu munyika itsva yaMwari. Vane 144 000, vachatonga naKristu muUmambo hwaMwari hwokudenga, vanofanirawo kufa vasati vagamuchira mubayiro wavo. Zvisinei, Zvakazarurwa 7:9 inoratidza kuti mumazuva ano okupedzisira, kwaizova ne“boka guru revanhu” vanobva mumarudzi ose vaisazofa asi vaizova netariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Uri mumwe wavo here?

Kuziva Boka Guru Revanhu

2. Chii chakaita kuti zvinyatsonzwisiswa kuti vanonzi boka guru revanhu pana Zvakazarurwa 7:9 ndivanaani?

2 Muna 1923, vashumiri vaJehovha vakaziva kuti “makwai” omuenzaniso waJesu unowanikwa pana Mateu 25:31-46 ne“mamwe makwai” aakataura nezvawo sezvakanyorwa pana Johani 10:16 vanhu vachawana mukana wokurarama nokusingaperi pasi pano. Muna 1931 vaya vanorondedzerwa pana Ezekieri 9:1-11 sevakaiswa chiratidzo pahuma dzavo vakaonekwawo kuti ndivo vaya vane tariro yepasi. Ipapo muna 1935 zvakazivikanwa kuti boka guru revanhu rinoumba vamwe veboka remamwe makwai rakataurwa naJesu. Nhasi, boka guru revanhu iri rakaitirwa nyasha rava nemamiriyoni evanhu.

3. Nei kutaura kuti “vamire pamberi pechigaro choumambo” kusingarevi boka rokudenga?

3 Pana Zvakazarurwa 7:9, boka guru revanhu harioneki seriri mudenga. Ku“mir[a] pamberi pechigaro choumambo” kwaro hakurevi kuti rinofanira kuva mudenga. Zviripo chete ndezvokuti Mwari ari kuriona. (Pisarema 11:4) Kuti boka guru revanhu, “vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga,” harisi boka rokudenga kunoratidzwa nokuenzanisa nhamba yaro isina kutaurwa nezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 7:4-8 naZvakazarurwa 14:1-4. Ipapo nhamba inotorwa kubva pasi pano kuenda kudenga inoratidzwa kuti i144 000.

4. (a) “Kutambudzika kukuru” uko boka guru revanhu richapukunyuka chiiko? (b) Sezvakataurwa pana Zvakazarurwa 7:11, 12, ndivanaani vanocherechedza boka guru revanhu vobatana naro mukunamata?

4 Zvakazarurwa 7:14 inoti nezveboka guru revanhu: “Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru.” Vanopukunyuka kutambudzika kwakaipisisa kwati kwamboitika munhoroondo yevanhu. (Mateu 24:21) Pavanobvuma nokuonga kuti ruponeso rwavo runobva kuna Mwari naKristu, ipapo zvisikwa zvose zvakatendeka zviri mudenga zvichabatana navo mukuti: “Ameni! Kurumbidzwa nembiri nouchenjeri nokuonga nokukudzwa nesimba nemano ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”—Zvakazarurwa 7:11, 12.

Kuratidza Kuti Vakakodzera

5. Tingaziva sei zvinodiwa kuti tive vamwe veboka guru revanhu?

5 Kuchengetedzwa kweboka guru revanhu panguva yokutambudzika kukuru kunoitika maererano nezvinoda Mwari zvakarurama. Zvinhu zvinoratidza vaya vachanunurwa zvinotaurwa zvakajeka muBhaibheri. Saka, zvinobvira kuti vanoda kururama vaite chimwe chinhu iye zvino vachiratidza kuti vakakodzera kupukunyuka. Ivava vanofanira kuitei?

6. Nei zvakakodzera kufananidza boka guru revanhu nemakwai?

6 Makwai manyoro uye anozviisa pasi. Saka apo Jesu akati aiva nemamwe makwai akanga asiri eboka rokudenga, aireva vanhu vaizoda zvose kurarama nokusingaperi pasi pano nokuteererawo zvaanodzidzisa. “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ndinoaziva, uye anonditevera,” akadaro. (Johani 10:16, 27) Ivava vanhu vanonyatsoteerera nokuita zvinotaura Jesu, vachiva vadzidzi vake.

7. Vateveri vaJesu vanofanira kuva nounhu hworudzii?

7 Mumwe nomumwe wevateveri vaJesu ava anofanira kuva nohumwe unhui? Shoko raMwari rinopindura kuti: “Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wenyu uye . . . munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:22-24) Vanova nounhu hunowedzera kubatana kwevashumiri vaMwari—“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.

8. Boka guru revanhu richatarisana nei sezvarinotsigira vasara?

8 Boka guru revanhu rinotsigira vashoma vane tariro yokudenga, vanotungamirira mubasa rokuparidza. (Mateu 24:14; 25:40) Mamwe makwai anotsigira saizvozvi, kunyange zvazvo achiziva kuti achashorwa nokuti pakuvamba kwemazuva okupedzisira ano, Kristu Jesu nengirozi dzake vakadzinga Satani nemadhimoni ake mudenga. Izvi zvakareva “nhamo nokuda kwepasi . . . nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:7-12) Nokudaro Satani anowedzera kushora vashumiri vaMwari sezvo mugumo wenyika ino unoswedera.

9. Vashumiri vaMwari vari kubudirira sei mukuparidza mashoko akanaka, uye nei?

9 Pasinei nokutambudzwa zvine utsinye mukati, basa rokuparidza rinoramba richienderera mberi. Kubva pazviuru zvishomanana chete zvevaparidzi voUmambo pamugumo weHondo Yenyika I, iye zvino kwava nemamiriyoni, nokuti Jehovha akapikira kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.” (Isaya 54:17) Kunyange nhengo yedare repamusoro rechiJudha yakabvuma kuti basa raMwari haraigona kukundwa. Yakaudza vaFarise vomuzana remakore rokutanga nezvevadzidzi kuti: “Varegei vakadaro; (nokuti, kana zano iri kana basa iri richibva kuvanhu, richaparara; asi kana richibva kuna Mwari, hamungakwanisi kuvaparadza;) kana zvisina kudaro, zvimwe mungawanwa chaizvoizvo muri vanorwisana naMwari.”—Mabasa 5:38, 39.

10. (a) “Chiratidzo” chiri pane vaya veboka guru chinorevei? (b) Vashumiri vaMwari vanoteerera sei “inzwi ri[no]bva mudenga”?

10 Veboka guru revanhu vanoratidzwa sevakaiswa chiratidzo chokupukunyuka. (Ezekieri 9:4-6) “Chiratidzo” uchapupu hwokuti vakazvitsaurira kuna Jehovha, vakabhabhatidzwa sevadzidzi vaJesu, uye vari kuedza chaizvo kukudziridza unhu hwakafanana nohwaKristu. Vanoteerera “inzwi ri[no]bva mudenga” rinotaura nezvomuzinda waSatani womunyika yose wechitendero chenhema richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:1-5.

11. Vaya veboka guru revanhu vanoratidza kuti vashumiri vaJehovha nenzira ipi inokosha?

11 Uye Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kusiyana neizvi, nhengo dzezvitendero zvenyika ino dzinouraya dzimwe nhengo muhondo, kakawanda nemhosva chete yokuti ndevemarudzi akasiyana! Shoko raMwari rinoti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingapfuuriri kuita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo uyo asingadi hama yake. . . . Tinofanira kudanana; kwete saKaini, akabva kune wakaipa akaponda munun’una wake.”—1 Johani 3:10-12.

12. Pakutambudzika kukuru, Jehovha achaita sei ne‘miti’ yechitendero inobereka michero isina basa?

12 Jesu akazivisa kuti: “Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka kwazvo, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri; muti wakanaka haugoni kubereka chibereko chisingabatsiri, nomuti wakaora haugoniwo kubereka chibereko chakanaka kwazvo. Muti wose usingabereki chibereko chakanaka kwazvo unotemerwa pasi wokandirwa mumoto. Saka muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.” (Mateu 7:17-20) Zvibereko zvinoberekwa nezvitendero zvenyika ino zvinoratidza kuti izvo ‘miti’ yakaora, ichaparadzwa naJehovha nokukurumidza pakutambudzika kukuru.—Zvakazarurwa 17:16.

13. Boka guru revanhu rinoratidza sei kuti ri“mire pamberi pechigaro choumambo” chaJehovha rakabatana?

13 Zvakazarurwa 7:9-15 inotifungisa zvinhu zvinoita kuti boka guru revanhu richengetedzwe. Vanoratidzwa “vamire pamberi pechigaro choumambo” chaJehovha vakabatana, vachitsigira kuva kwake changamire wezvose. Vaka“geza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana,” kuratidza kuti vanobvuma chibayiro chaJesu chinoyananisa chivi. (Johani 1:29) Vakazvitsaurira kuna Mwari uye vakaratidza izvi nokunyudzwa mumvura. Saka vanomira pamberi paMwari vakachena, zvinoratidzwa nenguo refu chena, uye vanomuitira “basa dzvene masikati nousiku.” Pane nzira dzaungaita nadzo kuti upenyu hwako hunyatsoenderana nezviri kutsanangurwa pano here?

Kubatsirwa Iye Zvino

14. Ndezvipi zvimwe zvikomborero zvinongowanika nevashumiri vaJehovha chete kunyange iye zvino?

14 Zvichida wakaona kubatsirwa kwava kutoitwa vaya vanoshumira Jehovha chete iye zvino. Kungopa muenzaniso, pawakadzidza nezvezvinangwa zvaJehovha zvakarurama, wakanzwisisa kuti paiva netariro yakajeka yenguva yemberi. Saka iye zvino une chinangwa chaicho muupenyu—kushumira Mwari wechokwadi netariro inofadza youpenyu husingaperi mupasi riri paradhiso. Hungu, Mambo Jesu Kristu acha“tungamirira [boka guru revanhu] kuzvitubu zvemvura youpenyu.”—Zvakazarurwa 7:17.

15. Zvapupu zvaJehovha zvinobatsirwa sei nokuomerera kunheyo dzeBhaibheri dzine chokuita nenyaya dzezvematongerwe enyika nedzetsika?

15 Chikomborero chinoshamisa chinowanika neboka guru revanhu rudo, kubatana, uye kuwirirana kunowanika pakati pevashumiri vaJehovha pasi pose. Sezvo tose tichidya zvokudya zvokumudzimu zvakafanana, tose tinoteerera mitemo nenheyo dzakafanana dzinowanikwa muShoko raMwari. Ndosaka tisingaparadzaniswi nepfungwa dzematongerwe enyika kana dzenyika. Uyezve, tinoramba tine tsika dzakanaka kwazvo idzo Mwari anoda kuvanhu vake. (1 VaKorinde 6:9-11) Saka, pane kurwisana, kutadza kubatana, uye kuita unzenza zvangoti tekeshe munyika yose, vanhu vaJehovha vari mune inganzi paradhiso yevanamati vaMwari. Ona matsanangurirwo azvinoitwa pana Isaya 65:13, 14.

16. Pasinei nezvinetso zvinogara zvichiwanikwa muupenyu, vaya veboka guru revanhu vane tariro yei?

16 Chokwadi, vanhu vanoshumira Jehovha havana kukwana. Uye vanobatwawo nezvinetso zvinowanikwawo kwose kwose muupenyu munyika ino, zvakadai sokutambudzika nenhamo kana kukuvadzwa kana kuurayiwa muhondo dzemarudzi ivo vasina mhosva. Vanorwarawo, vanotambura, uye vanofa. Asi vanotenda kuti munyika itsva, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.”—Zvakazarurwa 21:4.

17. Pasinei nezvingaitika kwatiri iye zvino, vaya vanonamata Mwari wechokwadi vakachengeterwa remangwana rinoshamisa zvakadini?

17 Kunyange iye zvino ukafa nokuti wachembera, warwara, wapinda mutsaona, kana kuti watambudzwa, Jehovha achakumutsira kuupenyu muparadhiso. (Mabasa 24:15) Ipapo ucharamba uchinakirwa nokudya kwomudzimu muKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu. Uchanyanya kuda Mwari sezvaunoona zvinangwa zvake zvichiitika nenzira inoshamisa. Uye zvikomborero zvinoonekwa zvauchapiwa naJehovha panguva iyoyo zvichaita kuti uwedzere kumuda. (Isaya 25:6-9) Chokwadi vanhu vaMwari vakachengeterwa remangwana rinoshamisa!

Kudzokorora

• Bhaibheri rinobatanidza boka guru revanhu nechiitiko chipi chisiri chenguva dzose?

• Kana tichinyatsoda kubatanidzwa muboka guru revanhu vanoitirwa nyasha naMwari, tinofanira kuitei iye zvino?

• Zvikomborero zvava kutowanikwa neboka guru revanhu iye zvino uye zvarichawana munyika itsva yaMwari zvinokosha sei kwauri?

[Mufananidzo uri papeji 123]

Mamiriyoni eboka guru revanhu anobatana pakunamata Mwari wechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe