Chitsauko 14
Jehovha Anotungamirira sei Sangano Rake?
1. Bhaibheri rinozivisa chii nezvesangano raJehovha, uye nei zvichikosha kwatiri?
MWARI ane sangano here? Magwaro akafuridzirwa anotiudza kuti anaro. MuShoko rake, anoita kuti tizive muchidimbu chikamu chinotyisa chokudenga chesangano iroro. (Ezekieri 1:1, 4-14; Dhanieri 7:9, 10, 13, 14) Kunyange tisingagoni kuona chikamu ichi chisingaoneki, chine zvikuru zvachinoita pavanamati vechokwadi nhasi. (2 Madzimambo 6:15-17) Sangano raJehovha rinewo chikamu chinooneka, pasi pano. Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa kuti chii uye matungamiriro aanoriita.
Kuziva Chikamu Chinooneka
2. Iungano ipi itsva iyo Mwari akaita kuti ivepo?
2 Kwemakore 1 545 rudzi rwaIsraeri rwaiva ungano yaMwari. (Mabasa 7:38) Asi Israeri akatadza kuchengeta mitemo yaMwari ndokuramba Mwanakomana wake. Naizvozvo Jehovha akaramba ungano iyoyo ndokuiramwa. Jesu akaudza vaJudha kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 23:38) Zvadaro Mwari akaumba ungano itsva, yaakaita nayo sungano itsva. Ungano iyi yaifanira kuumbwa nevanhu 144 000 vakasarudzwa naMwari kuti vabatane noMwanakomana wake kudenga.—Zvakazarurwa 14:1-4.
3. Chii chakaitika paPendekosti ya33 C.E. souchapupu huri pachena hwokuti Mwari ava kushandisa ungano itsva?
3 Vokutanga veungano itsva iyoyo vakazodzwa nomudzimu mutsvene waJehovha paPendekosti ya33 C.E. Nezvechiitiko ichocho chinoorora, tinoverenga kuti: “Zvino zuva romutambo wePendekosti zvarakanga richipfuurira vose vakanga vari panzvimbo imwe chete, kamwe kamwe kudenga kwakaitika ruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Uye vakaona marimi akafanana neemoto uye akapararira pose, uye pane mumwe nomumwe wavo pakagara rimwe, uye vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:1-4) Saka mudzimu waMwari wakapa uchapupu huri pachena hwokuti ava ndivo boka revanhu vaizoshandiswa naMwari kuita chinangwa chake mukutungamirira kwaJesu Kristu mudenga.
4. Nhasi ndivanaani vanoumba sangano raJehovha rinoonekwa?
4 Nhasi pasi pano pangova nevasara chete ve144 000. Asi mukuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai,” mamiriyoni awo, vakabatanidzwa nevasara vakazodzwa. Jesu, Mufudzi Akanaka, akabatanidza mamwe makwai aya nevasara kuitira kuti vaumbe boka rimwe chete riri pasi pake soMufudzi wavo mumwe. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:11, 16) Ivava vose vanoumba ungano imwe yakabatana, sangano raJehovha rinooneka.
Rinotungamirirwa naMwari
5. Ndiani anotungamirira sangano raMwari, uye sei?
5 Mashoko omuMagwaro okuti “ungano yaMwari mupenyu” anoratidza anoritungamirira. Sangano racho rinotungamirirwa naMwari, kana kuti kutongwa naMwari. Jehovha anotungamirira vanhu vake achishandisa Jesu, waAkagadza kuti ave Musoro usingaonekwi weungano, uye achishandisa Shoko Rake rakafuridzirwa, Bhaibheri.—1 Timoti 3:14, 15; VaEfeso 1:22, 23; 2 Timoti 3:16, 17.
6. (a) Utungamiriri hwokudenga paungano hwakaonekwa sei muzana remakore rokutanga? (b) Chii chinoratidza kuti Jesu achiri Musoro weungano?
6 Kutungamirira ikoko kwakanyatsoonekwa paPendekosti. (Mabasa 2:14-18, 32, 33) Kwakaonekwa apo ngirozi yaJehovha yakarayira kuti mashoko akanaka aparadzirwe muAfrica, apo inzwi raJesu rakataura zvaifanira kuitwa pakutendeuka kwaSauro weTaso, uye apo Petro akatanga basa rokuparidza pakati peVemamwe Marudzi. (Mabasa 8:26, 27; 9:3-7; 10:9-16, 19-22) Asi, nokufamba kwenguva, manzwi haana kuzonzwikazve kubva kudenga, ngirozi hadzina kuzoonekwazve, hapana zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvakanga zvichapiwa. Asi Jesu akanga avimbisa kuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 28:20; 1 VaKorinde 13:8) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kutungamirira kwaJesu. Kudai zvisina kudaro zvaisazobvira kuparidza shoko roUmambo takatarisana noutsinye hwakakomba.
7. (a) Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka, akangwara,” uye nei? (b) “Muranda” wacho akapiwa basa rei?
7 Nguva pfupi asati afa, Jesu akaudza vadzidzi vake nezvo“muranda akatendeka, akangwara” uyo iye saTenzi aizopa basa rinokosha. “Muranda” iyeye aizovapo kana Ishe aenda kudenga uye aizenge achiri kushanda zvakasimba pakudzoka kwaJesu kusingaonekwi musimba roUmambo. Rondedzero yakadaro haingakodzeri munhu mumwe, asi inokodzera ungano yakazodzwa yaKristu. Zvaakaitenga neropa rake, Jesu akaiti “muranda” wake. Akapa nhengo dzayo basa rokuti vaite vadzidzi nokuvadyisa zvinofambira mberi, dzichivapa “zvokudya zvavo [zvokumudzimu] panguva yakafanira.”—Mateu 24:45-47; 28:19; Isaya 43:10; Ruka 12:42; 1 Petro 4:10.
8. (a) Boka romuranda rava nemabasa echii? (b) Nei zvatinoita kumurayiridzo unouya nenzira yaMwari zvichikosha?
8 Sezvo boka romuranda rave richiita basa raTenzi nokuvimbika pakudzoka kwake muna 1914, pane uchapupu hwokuti rakapiwa mamwe mabasa akawanda muna 1919. Makore akatevera kubvira ipapo yaiva nguva yokupupurira Umambo pasi pose, uye boka guru revanamati vaJehovha riri kuunganidzwa kuti rizochengetedzwa pakutambudzika kukuru. (Mateu 24:14, 21, 22; Zvakazarurwa 7:9, 10) Ivavawo vanoda zvokudya zvokumudzimu, uye vakazvichengeterwa neboka romuranda. Naizvozvo, kuti tifadze Jehovha tinofanira kugamuchira murayiridzo waanopa achishandisa nzira iyi uye kuita maererano nawo.
9, 10. (a) Muzana remakore rokutanga, paiva nourongwa hupi hwokupindura mibvunzo pamusoro pedzidziso nokupa nhungamiro yokuparidza mashoko akanaka? (b) Nhasi pane urongwa hupi hwokutungamirira mabasa evanhu vaJehovha?
9 Dzimwe nguva, panomuka mibvunzo pamusoro pedzidziso uye nzira inoitwa nayo zvinhu. Saka? Mabasa chitsauko 15 inotiudza magadzirisirwo akaitwa nyaya yeVemamwe Marudzi vakanga vatendeuka. Nyaya yacho yakakwidzwa kuvaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema, vaishumira sedare rinodzora. Hazvirevi kuti varume ivavo vaisakanganisawo, asi Mwari akavashandisa. Vakakurukura magwaro anotaura nezvenyaya yacho uyewo uchapupu hwokushanda kwomudzimu waMwari pakuzarura ndima yeVemamwe Marudzi. Ipapo vakasarudza zvinofanira kuitwa. Mwari akakomborera urongwa ihwohwo. (Mabasa 15:1-29; 16:4, 5) Vanhu vaitumwa nedare iroro kuti vapfuudzire kuparidzwa kwoUmambo.
10 Muzuva redu Dare Rinodzora resangano raJehovha rinooneka rinoumbwa nehama dzakazodzwa dzinobva munyika dzakasiyana-siyana uye riri kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Mukutungamirira kwaJesu Kristu, Dare Rinodzora rinoita kuti kunamata kwakachena kuenderere mberi munyika dzose, richitungamirira mabasa okuparidza eZvapupu zvaJehovha muungano dzine makumi ezviuru. Vari muDare Rinodzora vane pfungwa yakafanana neyomuapostora Pauro, uyo akanyorera vamwe vaKristu kuti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.”—2 VaKorinde 1:24.
11. (a) Varume vakuru nevashumiri vanoshumira vanogadzwa sei? (b) Nei tichifanira kunyatsoshandira pamwe nevakagadzwa?
11 Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotarisira kuti Dare Rinodzora risarudze hama dzinokwanisa idzo dzinozopiwawo simba rokugadza vakuru nevashumiri vanoshumira kuti vatarisire ungano. Zvinotarisirwa kune vanogadzwa vacho zvinotaurwa muBhaibheri uye zvinozivikanwa kuti varume ivavo havana kukwana uye vanokanganisa. Vakuru vanorumbidza uye vaya vanogadza vanotakura mutoro mukuru pamberi paMwari. (1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Nokudaro vanonyengeterera kubatsirwa nomudzimu waMwari uye vanoda kutungamirirwa neShoko rake rakafuridzirwa. (Mabasa 6:2-4, 6; 14:23) Ngatiratidze kuti tinoonga “zvipo zviri varume” izvi, zvinotibatsira tose kusvika “pakuva vamwe mukutenda.”—VaEfeso 4:8, 11-16.
12. Jehovha anoshandisa sei vakadzi muurongwa hwechiKristu?
12 Magwaro anorayira kuti ungano itarisirwe nevanhurume. Uku hakusi kushora vakadzi, nokuti vamwe vavo vagari venhaka yoUmambo hwokudenga, uye rakawanda rebasa rokuparidza rinoitwa navo. (Pisarema 68:11) Uyezve, pavanoramba vachitarisira mabasa avo omumhuri nokutendeka, vakadzi vanowedzera mukurumbira wakanaka weungano. (Tito 2:3-5) Asi kudzidzisa muungano kunoitwa nevarume vakagadzwa kuti vaite kudaro.—1 Timoti 2:12, 13.
13. (a) Bhaibheri rinokurudzira vakuru kuti vaone sei nzvimbo yavanayo? (b) Tingashanda pamwe chete tose muropafadzo yokuitei?
13 Munyika, munhu ane chinzvimbo chepamusoro anoonekwa achikosha, asi musangano raMwari mutemo ndewokuti: “Anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” (Ruka 9:46-48; 22:24-26) Magwaro anopa vakuru zano rokuti vangwaririre kusaremedza avo vari nhaka yaMwari, asi kuti vave mienzaniso kuboka. (1 Petro 5:2, 3) Havasi vashomanana vakasarudzwa chete, asi Zvapupu zvaJehovha zvose, varume nevakadzi, vane ropafadzo yokumiririra Changamire wezvose, vachitaura nokuzvininipisa muzita rake vachiudza vanhu kwose kwose nezvoUmambo hwake.
14. Uchishandisa magwaro aripo, pindura mibvunzo yakanyorwa panoperera ndima.
14 Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsonzwisisa matungamirire ari kuita Jehovha sangano rake rinooneka here? Mafungiro angu, matauriro, uye zviito zvinoratidza izvozvo here?’ Kufungisisa zvinhu zvinotevera kungabatsira mumwe nomumwe wedu kuongorora zvakadaro.
Kana ndichizviisa zvechokwadi pasi paKristu soMusoro weungano, ndichava ndichiitei, sezvinoratidzwa mumagwaro anotevera? (Mateu 24:14; 28:19, 20; Johani 13:34, 35)
Pandinogamuchira nokuonga zvinhu zvokumudzimu zvinouya nokuboka romuranda neDare raro Rinodzora, ndiri kuratidza kuti ndiri kuremekedza ani? (Ruka 10:16)
Vanhu vose vari muungano, kunyanya vakuru, vanofanira kubata mumwe nomumwe sei? (VaRoma 12:10)
15. (a) Tinoratidzei nemaonero atinoita sangano raJehovha? (b) Pane mikana ipi yokuratidza kuti Dhiyabhorosi anoreva nhema neyokufadza mwoyo waJehovha?
15 Jehovha ari kutitungamirira nhasi achishandisa sangano rake rinooneka riri pasi paKristu. Maonero atinoita urongwa uhwu anoratidza manzwiro atinoita nezvenyaya yokuva kwake changamire. (VaHebheru 13:17) Satani anosimbirira kuti tinonyanya kuzvifunga pachedu. Asi kana tikashumira munzira chero ipi zvayo inodiwa torega zvinhu zvinoita kuti mbiri iuye kwatiri, ticharatidza kuti Dhiyabhorosi anoreva nhema. Kana tikada nokuremekedza vaya vanotungamirira pakati pedu asi toramba ‘kuyemura vanhu kuti tibatsirwe pachedu,’ tinofadza Jehovha. (Judha 16; VaHebheru 13:7) Nokuvimbika kusangano raJehovha, tinoratidza kuti Jehovha ndiye Mwari wedu uye kuti takabatana mukunamatwa kwake.—1 VaKorinde 15:58.
Kudzokorora
• Sangano raJehovha rinooneka nderipi nhasi? Chinangwa charo ndechei?
• Ndiani Musoro weungano akagadzwa, uye anotipa nhungamiro yorudo achishandisa urongwa hupi hunooneka?
• Tinofanira kukudziridza maonero api akanaka nokuda kwevaya vari musangano raJehovha?
[Mifananidzo iri papeji 133]
Jehovha anotitungamirira achishandisa sangano rake rinooneka riri pasi paKristu