RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wt chits. 15 pp. 136-143
  • Teerera Zano, Gamuchira Chirango

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teerera Zano, Gamuchira Chirango
  • Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Inotidzidzisa
  • Kugamuchira Zano
  • Unhu Hwakanaka Kwazvo Hwatinofanira Kukudziridza
  • Usaramba Kurangwa naJehovha
  • Teerera Zano, Gamuchira Chirango
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • ‘Teerera Mashoko Evakachenjera’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mazano Ako ‘Anofadza Mwoyo’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Vamwe Vanobvuma Zano Rako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
wt chits. 15 pp. 136-143

Chitsauko 15

Teerera Zano, Gamuchira Chirango

1. (a) Nei tose zvedu tichida zano nechirango? (b) Tinofanira kufunga nezvomubvunzo upi?

“TOSE tinokanganisa kakawanda,” rinodaro Bhaibheri pana Jakobho 3:2. Tinogona kufunga nguva dzakawanda dzatakakundikana kuva rudzi rwomunhu rwatinokurudzirwa kuti tive neShoko raMwari. Saka tinobvuma kuti Bhaibheri rakarurama parinoti: “Teerera kana uchirayirirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.” (Zvirevo 19:20) Hapana mubvunzo kuti takatogadzirisa upenyu hwedu kuti huenderane nezvinodzidziswa neBhaibheri. Asi tinoita sei patinopiwa zano nomumwe muKristu panyaya yakati?

2. Tinofanira kuita sei kana tikapiwa zano?

2 Vamwe vanobva vaedza kutaura kuti zvavanoita zvakarurama, vachiita sokuti nyaya yacho haikoshi, kana kunakurira vamwe mhosva yacho. Asi zviri nani kuteerera zano ndokurishandisa. (VaHebheru 12:11) Ichokwadi kuti hapana anofanira kutarisira kuti vamwe vave vakakwana, uye hapana anofanira kugara achipa zano patunhu twusina nebasa rose kana panyaya dzinonzi neBhaibheri munhu anozvisarudzira. Uyezve, zvimwe ari kupa zano wacho haana kufunga nezvezvinhu zvose zvinobatanidzwa, uye angazviudzwa noruremekedzo. Asi pane zvatichakurukura, ngatitii zano racho kana kuti chirango chinopiwa chakakodzera, chinobva muBhaibheri. Tinofanira kuita sei?

Mienzaniso Inotidzidzisa

3, 4. (a) Bhaibheri rinei chingatibatsira kuti tione zvakarurama zano nechirango? (b) Mambo Sauro akaita sei paakapiwa zano, zvikaguma nei?

3 Shoko raMwari rine zviitiko zvakanyatsoitika muupenyu hwevamwe vanhu vakagamuchira zano raidiwa. Dzimwe nguva zano racho raisanganisira chirango. Mumwe muenzaniso wakadaro ndiMambo Sauro weIsraeri. Haana kuteerera Jehovha panyaya yorudzi rwevaAmareki. VaAmareki vakanga vadzivisa vashumiri vaMwari, uye mutongo waJehovha waiva wokuti pavaAmareki vacho kana zvipfuwo zvavo hapana kana chimwe chaifanira kusiyiwa chiri chipenyu. Asi Mambo Sauro haana kuuraya mambo wavo nemhuka dzavo dzakanga dzakanakisisa.—1 Samueri 15:1-11.

4 Jehovha akatuma muprofita Samueri kunotsiura Sauro. Sauro akaita sei? Akati iye akanga akunda vaAmareki, asi akangofungawo kusauraya mambo wavo. Kunyange zvakadaro, izvozvo zvaipesana nezvakanga zvarayirwa naJehovha. (1 Samueri 15:20) Sauro akaedza kunakurira vanhu mhosva yokurega kuuraya mhuka, achiti: “Ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.” (1 Samueri 15:24) Anenge ainyanya kufunga nezvechiremera chake, achitokumbira Samueri kuti amukudze pamberi pevanhu. (1 Samueri 15:30) Pakupedzisira Jehovha akaramba Sauro samambo.—1 Samueri 16:1.

5. Chii chakaitika kuna Mambo Uziya paakaramba zano?

5 Mambo Uziya weJudha “akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti wakapinda patemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuwira.” (2 Makoronike 26:16) Asi vapristi chete ndivo vaitenderwa kupa zvinonhuwira. Mupristi mukuru paakaedza kumisa Uziya, mambo akaviruka nehasha. Chii chakaitika? Bhaibheri rinoti: “Maperembudzi akabuda pahuma yake . . . nokuti Jehovha wakanga amurova. Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake.”—2 Makoronike 26:19-21.

6. (a) Nei Sauro naUziya vose vakaramba zano? (b) Nei kuramba zano chiri chinetso chakakomba nhasi?

6 Nei Sauro naUziya vakaomerwa kugamuchira zano? Chinetso chikuru kwaiva kudada, mumwe nomumwe wavo achizviona seanokosha zvikuru. Vakawanda vanozviunzira nhamo pamusana pounhu uhu. Vanenge vanofunga kuti kugamuchira zano kunoratidza kuti havazivi zvavanoita kana kuti kunokanganisa mukurumbira wavo. Asi kudada hakuna kunaka. Kudada kunoita kuti munhu atadze kufunga zvakanaka zvokuti anenge achida kuramba kubatsirwa kwaanoitwa naJehovha achishandisa Shoko rake nesangano. Saka Jehovha anoyambira kuti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.”—Zvirevo 16:18; VaRoma 12:3.

Kugamuchira Zano

7. Zvidzidzoi zvakanaka zvingadzidzwa munzira iyo Mosesi akagamuchira nayo zano?

7 Magwaro anewo mienzaniso yakanaka kwazvo yevaya vakagamuchira zano, uye tinogona kudzidza kwavari. Funga nezvaMosesi, uyo akapiwa zano navatezvara vake pamusoro pezvaaifanira kuita nebasa rake rinorema. Mosesi akavateerera ndokubva atorishandisa. (Eksodho 18:13-24) Kunyange Mosesi aiva nechiremera chikuru, nei akagamuchira zano? Nokuti aizvininipisa. “Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Unyoro hunokosha sei? Zefania 2:3 inoratidza kuti hunoreva upenyu hwedu.

8. (a) Dhavhidhi akaita zvivi zvei? (b) Dhavhidhi akaita sei paakatsiurwa naNatani? (c) Zvivi zvaDhavhidhi zvakaguma nei?

8 Mambo Dhavhidhi akaita upombwe naBhatishebha ndokuedza kuzviviga nokuurayisa murume wake Uriya. Jehovha akatuma muprofita Natani kunotsiura Dhavhidhi. Akapfidza ndokukurumidza kubvuma kuti: “Ndatadzira Jehovha.” (2 Samueri 12:13) Kunyange zvazvo Mwari akabvuma kupfidza kwaDhavhidhi, iye Dhavhidhi wacho aizorwadziwa nemigumisiro yokukanganisa kwake. Jehovha akamuudza kuti munondo wakanga usingazo“bvi paimba [yake] nokusingaperi,” kuti vadzimai vake vaizopiwa kune waaiva a“gere naye,” uye kuti mwanakomana aizoberekwa nemhaka youpombwe hwake “zvirokwazvo [aizo]fa.”—2 Samueri 12:10, 11, 14.

9. Chii chatisingafaniri kukanganwa kana tikapiwa zano kana kuti tikarangwa?

9 Mambo Dhavhidhi aiziva kubatsira kwokuteerera zano rakanaka. Imwe nguva akaonga Mwari nokuda kwomunhu akariunza. (1 Samueri 25:32-35) Ndizvo zvatiri here? Kana zvirizvo, tichadzivirirwa kuti tisataura uye tisaita zvinhu zvakawanda zvatingazodemba. Asi ko kana tikapinda mumamiriro ezvinhu anoita kuti tizopiwa zano kana kuti kutorangwa? Ngatirege kukanganwa kuti izvi zvinoratidza kuti Jehovha anotida, achifunga nezvokuti tigare zvakanaka nokusingaperi.—Zvirevo 3:11, 12; 4:13.

Unhu Hwakanaka Kwazvo Hwatinofanira Kukudziridza

10. Jesu akaratidza kuti vaya vaizopinda muUmambo vaifanira kuva nounhu hupi?

10 Kuti tive noukama hwakanaka naJehovha uye nehama dzedu dzechiKristu, pane humwe unhu hwatinoda kukudziridza. Jesu akataura humwe hwacho paakaisa mwana pakati pevadzidzi vake ndokuti: “Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga. Naizvozvo, munhu wose achazvininipisa somwana muduku uyu ndiye mukuru kune vose muumambo hwokumatenga.” (Mateu 18:3, 4) Vadzidzi vaJesu vaifanira kukudziridza kuzvininipisa, sezvo vakanga vaitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru kupfuura vose.—Ruka 22:24-27.

11. (a) Tinofanira kuzvininipisa pamberi pavanaani, uye nei? (b) Kana tichizvininipisa, tichaita sei patinopiwa zano?

11 Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi mose zvisungei nepfungwa dzinozvidukupisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Tinoziva kuti tinofanira kuzvininipisa pamberi paMwari, asi rugwaro urwu ruri kuratidza kuti tinofanirawo kuzvininipisa pamberi pevatinonamata navo. Kana tichidaro, hatizotsamwiri mazano akakodzera atinopiwa nevamwe asi tichadzidza kubva kwavari.—Zvirevo 12:15.

12. (a) Unhu hupi hunokosha hwakabatana zvikuru nokuzvininipisa? (b) Nei tichifanira kufunga nezvokuti kuzvibata kwatinoita kuchaita sei pane vamwe?

12 Kufunga nezvokugara zvakanaka kwevamwe kwakabatana zvikuru nokuzvininipisa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu. . . . Naizvozvo, mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri. Musava zvisakiso zvokugumbuka kuvaJudha nevaGiriki nokuungano yaMwari.” (1 VaKorinde 10:24-33) Pauro haana kuti taifanira kusendeka parutivi zvose zvatinoda, asi akatikurudzira kusaita chimwe chinhu chingashingisa mumwewo munhu kuita zvaanoudzwa nehana yake kuti hazvina kururama.

13. Muenzaniso upi ungaratidza kana tine tsika yokushandisa zano reMagwaro?

13 Unoisa zvakanakira vamwe vanhu pamberi pezvaunofarira here? Tose zvedu tinofanira kudzidza kuita kudaro. Kune nzira dzakawanda dzingaitwa nadzo izvi. Tora somuenzaniso, kutsvinda. Idzi inyaya dzokuti munhu azvisarudzire munhungamiro dzeMagwaro dzokuva nomwero, akashambidzika, uye akachena. Asi kudai waizoziva kuti mapfekero nematsvindiro ako zvinotadzisa vamwe kuteerera shoko roUmambo, pamusana petsika dzevanhu vari munharaunda yako, waizogadzirisa here? Chokwadi, kubatsira mumwe munhu kuwana upenyu husingaperi kunokosha zvikuru kudarika kuzvifadza.

14. Nei zvichikosha kukudziridza kuzvininipisa uye kufunga vamwe?

14 Pakuva vanozvininipisa nokuratidza kufunga vamwe, Jesu akaratidza muenzaniso, achitogeza tsoka dzevadzidzi vake. (Johani 13:12-15) Shoko raMwari rinoti nezvake: “Ivai nemafungire aya aivawo muna Kristu Jesu, uyo, kunyange aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti, kuti anofanira kuva akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura akava somuranda ndokuva akafanana nevanhu. Kupfuura izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu.”—VaFiripi 2:5-8; VaRoma 15:2, 3.

Usaramba Kurangwa naJehovha

15. (a) Chii chatinofanira kuchinja kuti tive nounhu hunofadza Mwari? (b) Jehovha akatipa tose zano nechirango achishandisa nzira dzipi?

15 Nokuti tose tinoita zvivi, tinoda kuchinja mafungiro edu nokuzvibata kwatinoita kana tichizoratidza unhu hwaMwari wedu. Tinoda kupfeka “unhu hutsva.” (VaKorose 3:5-14) Zano nechirango zvinotibatsira kuona panoda kugadziriswa tobva taona kuti topagadzirisa sei. Bhaibheri pacharo ndiro dura guru romurayiridzo watinoda. (2 Timoti 3:16, 17) Mabhuku eBhaibheri nemisangano zvinoitwa nesangano raJehovha zvinotibatsira kushandisa Shoko raMwari. Kunyange takambonzwa zano racho, tichaona here kuti tinorida toedza kuita zviri nani?

16. Jehovha anotibatsira sei somunhu oga oga?

16 Achifunga nezvedu nenzira yorudo, Jehovha anotibatsira pazvinetso zvedu. Mamiriyoni akawanda akabatsirwa nezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Vabereki vanopa zano nokuranga vana vavo kuti vavadzivirire pamufambiro unogona kuzodzimba mwoyo. (Zvirevo 6:20-23) Muungano, kakawanda vamwe vanokumbira kupiwa mazano nevashumiri vava noruzivo kuitira kuti vawedzere zvavanoita pachavo mubasa romumunda. Vakuru pane dzimwe nguva vangakumbirana zano kana kurikumbira kune vamwe vava noruzivo muushumiri. Vaya vane zvinodiwa zvomudzimu vanoshandisa Bhaibheri kubatsira vaya vanoda kubatsirwa, vachizviita nounyoro. Kana muchipa zano, yeukai ku“zvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.” (VaGaratiya 6:1, 2) Hungu, tose tinoda zano nechirango kuti tinamate Mwari wechokwadi bedzi takabatana.

Kudzokorora

• Jehovha anotibatsira sei norudo kuona patinoda kugadzirisa isu pachedu?

• Nei vakawanda vachinetseka kugamuchira zano rinodiwa, uye izvi zvakakomba sei?

• Unhu hupi hunokosha kwazvo huchatibatsira kugamuchira zano, uye Jesu akaratidza sei muenzaniso paunhu ihwohwo?

[Mufananidzo uri papeji 142]

Uziya akaramba zano uye akarohwa nemaperembudzi

[Mufananidzo uri papeji 142]

Mosesi akabatsirwa nokugamuchira zano rakabva kuna Jetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe