Chitsauko 16
“Dananai Zvikuru”
1. Chii chinowanzoorora vatsva vanouya kumisangano yeZvapupu zvaJehovha?
VANHU pavanotanga kuuya kumisangano yeZvapupu zvaJehovha, vanowanzoororwa norudo runoratidzwa ikoko. Vanoruona mukugamuchirwa kwavanoitwa uye mukuwadzana kwoushamwari. Vanoshanya kumagungano edu vanoonawo rudo urwu. Mumwe mutori wenhau akati nezverimwe gungano: ‘Hapana akadhakwa nezvinodhaka kana nedoro. Hapana anozhambatata kana kuridza mhere. Havasaidzirani. Havatsvikinyidzani. Hapana munhu anorasa muromo kana anotuka. Havaiti majee akaipa kana kuti kutaura zvinonyadzisira. Hapana anosvuta. Hapana anoba. Hapana munhu anokandira magaba patsangadzi. Chokwadi handisati ndamboona zvakadai.’ Zvose izvi uchapupu hworudo, rwuya runonzi “haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 13:4-8.
2. (a) Nokufamba kwenguva, chii chinofanira kuva pachena nezvokuratidza kwedu rudo? (b) Mukutevedzera Kristu, tinofanira kukudziridza rudo rworudzii?
2 Rudo rwehama chiratidzo chokuziva nacho vaKristu chaivo. (Johani 13:35) Sezvatinokura pakunamata, tinodzidza kuratidza rudo zvakawedzerwa. Muapostora Pauro akanyengetera kuti rudo rwehama dzake “rurambe ruchiwanda.” (VaFiripi 1:9) Muapostora Johani akaratidza kuti rudo rwedu runofanira kuva rwokurega zvimwe zvinhu. Akanyora, kuti: “Neizvi takasvika pakuziva rudo, nokuti [Mwanakomana waMwari] akapa mweya wake nokuda kwedu; uye tinosungirwa kupa mweya yedu nokuda kwehama dzedu.” (1 Johani 3:16; Johani 15:12, 13) Tinganyatsopa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu here? Nepo mamiriro ezvinhu akawanda asingadi zvawo kuti tidaro, tinoedza zvatinogona kusvika papi kuti tivabatsire iye zvino, kunyange pazvinenge zvisiri nyore?
3. (a) Tingaratidza rudo rwedu zvakawedzerwa munzira ipi? (b) Nei zvichikosha kuti tidanane zvikuru iye zvino?
3 Pamwe chete nezviito zvedu zvinoratidza chido chokurega zvimwe zvinhu, tinofanira kunzwa tichifarira hama dzedu zvechokwadi. Shoko raMwari rinotikurudzira, kuti: “Pakudanana sehama dananai zvikuru kwazvo.” (VaRoma 12:10) Ndiwo manzwiro atinoita tose nokuda kwevamwe vanhu. Asi tingadzidza kuda vamwezve vanhu zvakadaro here? Sezvo nyika ino yekare yava kuda kuguma, zvinokosha kuti isu tiswedere pedyo kwazvo nehama dzedu dzechiKristu. Bhaibheri rinoti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. . . . Kupfuura zvinhu zvose, dananai zvikuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:7, 8.
Panomuka Zvinetso
4. (a) Nei zvinetso zvingamuka pakati pevaya vari muungano? (b) Kunyange nguva dzose tingasanzwa tichida kushandisa zano reBhaibheri, chii chakanaka chingaitika kana tikarishandisa?
4 Chokwadi, chero bedzi tisina kukwana, pachava nenguva dzatinoita zvinhu zvinogumbura vamwe. Hama dzeduwo dzingatitadzira munzira dzakasiyana-siyana. (1 Johani 1:8) Ngatiti izvozvo zvaitika kwauri, woita sei? Magwaro anopa nhungamiro inodiwa. Asi zvaanotaura zvingasapindirana nezvatakarerekera kuita isu sevanhu vasina kukwana. (VaRoma 7:21-23) Kunyange zvakadaro, kushandisa nomwoyo wose zano riri muBhaibheri kuchapa uchapupu hwokuda kwedu zvechokwadi kufadza Jehovha. Kuita kudaro kuchaitawo kuti tiwedzere madiro atinoita vamwe.
5. Kana mumwe munhu akatigumbura, nei tisingafaniri kudzorera?
5 Vanhu pavanogumburwa, dzimwe nguva vanotsvaka nzira dzokutsiva avagumbura. Asi izvozvo zvinongoita kuti zvinhu zvitonyanya kuipa. Kana kutsiva kwakafanira, tinofanira kuzvisiyira kuna Mwari. (Zvirevo 24:29; VaRoma 12:17-21) Vamwe vangaedza kunyenyeredza munhu akavagumbura. Asi hatifaniri kudaro kune vatinonamata navo, nokuti kuti kunamata kwedu kugamuchirwe zvinoti tsamireiwo pakuda kwatinoita hama dzedu. (1 Johani 4:20) Ndokusaka Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro.” (VaKorose 3:13) Unogona kuita kudaro here?
6. (a) Tinofanira kukanganwira hama yedu kakawanda sei? (b) Kunzwisisa chii kuchatibatsira kuziva zvokuita kana tatadzirwa?
6 Ko kana mumwe munhu akaramba achititadzira asi asingaiti zvivi zvakakomba zvaanogona kudzingirwa muungano? Nokuda kwezvivi zviduku zvakadaro, muapostora Petro akati angakanganwirwa “kusvikira kukanomwe.” Asi Jesu akati: “Kwete, Kusvikira kanomwe, asi, Kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.” Akataura zvakajeka nezvoukuru hwechikwereti chatinacho kuna Mwari zvichienzaniswa nechikwereti icho mumwe munhu angava nacho kwatiri. (Mateu 18:21-35) Munzira dzakawanda tinotadzira Mwari mazuva ose—dzimwe nguva nezviito zvoudyire, nezvatinotaura kana zvatinofunga, kana kuti nezvatinokundikana kuita—tisingatombooni kuti tiri kutadza. (VaRoma 3:23) Asi Mwari anoramba achitiitira ngoni. (Pisarema 103:10-14; 130:3, 4) Ndizvo zvaanoda kuti tose tiitiranewo. (Mateu 6:14, 15; VaEfeso 4:1-3) Saka tinenge tava kuratidza rudo ruya runonzi “haruchengeti mafi.”—1 VaKorinde 13:4, 5; 1 Petro 3:8, 9.
7. Tinofanira kuita sei kana imwe hama yakatigumbukira?
7 Pangava nenguva patinoona kuti kunyange zvazvo tisingafungiri hama yedu zvakaipa, iyo inenge yakatigumbukira. Tingasarudza ‘kuzvifukidza norudo,’ sezviri pana 1 Petro 4:8. Kana kuti tingatora chinhanho chokutanga kuti titaure naye toedza kuyananazve.—Mateu 5:23, 24.
8. Kana watinonamata naye akaita chimwe chinhu chinotigumbura, chii chingaitwa pamusoro pazvo?
8 Zvingava kuti mumwe watinonamata naye ari kuita chimwe chinhu chisingangogumburi iwewe chete, asi nevamwewo. Zvingasanaka here kutaura naye? Zvichida. Kana ukamutsanangurira pachako nenzira yakanaka, ungabudirira. Asi chokutanga unofanira kuzvibvunza kuti: ‘Chaizvoizvo ari kuita chimwe chinhu chisingabvumirwi nemagwaro here? Kana kuti zvikurukuru chinetso chacho chiri kukonzerwa nokuti kwandinobva uye kurerwa kwandakaitwa kwakasiyana nekwake here?’ Chenjera kuti usafunga zvaunoda iwewe wochiyera zvinhu maererano naizvozvo. (Jakobho 4:11, 12) Jehovha anogamuchira pasina kusarura vanhu vose vose uye anovashivirira sezvavanokura pakunamata.
9. (a) Ndivanaani vanotarisira nyaya dzezvikanganiso zvakakomba muungano? (b) Ndiriini apo akatadzirwa anenge ari iye ane mutoro wokutanga kuita chiito, uye aine vavariro yei?
9 Kana mumwe munhu muungano akaita chimwe chinhu chakaipa zvakakomba, chakadai sounzenza, zvinofanira kukurumidza kutarisirwa. Naani? Nevakuru. (Jakobho 5:14, 15) Zvisinei, kana chivi chikaitirwa mumwe munhu, zvichida mune zvebhizimisi kana kuti kukanganisa kutaura, ipapo nyakutadzirwa anofanira kutanga kuedza kutaura neamutadzira wacho pachavo. (Mateu 18:15) Kana izvozvo zvikasagadzirisa nyaya yacho, panofanira kutorwa mamwe matanho, sezvinotsanangurwa pana Mateu 18:16, 17. Kuda hama yedu inenge yatadza uye chido ‘chokuiwana’ zvichatibatsira kuita izvi nenzira inoita kuti tisvike pamwoyo wayo.—Zvirevo 16:23.
10. Panomuka chinetso, chii chichatibatsira kuona nyaya yacho zvakanaka?
10 Panomuka chinetso, chingava chikuru kana chiduku, tinobatsirwa kana tikaedza kunzwisisa maonerwo achinoitwa naJehovha. Hapana rudzi rwechivi rwaanotendera, uye munguva yake yakafanira, vanoita chivi chakakomba vasingapfidzi vanobviswa musangano rake. Zvisinei, ngatisakanganwa kuti tose tinotadza munzira dzakati dukupei uye tinoda kuti atinzwire ngoni nomwoyo murefu. Saka Jehovha anoronga maitiro atinofanira kutevedzera patinotadzirwa nevamwe. Patinonzwira ngoni, tinenge tichiratidza rudo rwake.—VaEfeso 5:1, 2.
Tsvaka Nzira Dzoku“wedzera”
11. Nei Pauro akakurudzira vaKorinde ku“wedzera”?
11 Pauro akapedza mwedzi yakawanda achivaka ungano yomuKorinde, kuGirisi. Akashanda nesimba kuti abatsire hama dzeikoko uye aidzida. Asi dzimwe dzadzo dzakanga dzisingamufariri. Dzakanga dzichitsoropodza zvikuru. Akadzikurudzira ku“wedzera” pakuratidza chidakadaka. (2 VaKorinde 6:11-13; 12:15) Tose tinoita zvakanaka kufunga kuti tinoratidza vamwe rudo zvakadini uye kutsvaka nzira dzokuwedzera nadzo.—1 Johani 3:14.
12. Tingawedzera sei kuda vose vari muungano?
12 Muungano mune vamwe vatinowana zvakaoma kuswedera pedyo navo here? Kana tichiita zvose zvatinogona kufuratira kusapindirana kwatinoita paunhu hwedu—sezvataizoda kuti ivo vatiitire—izvi zvingabatsira kuita kuti ukama hwedu navo huve nani. Manzwiro atinoita pamusoro pavo anogonawo kuita nani kana tikatsvaka zvinhu zvakanaka pavari tonyanya kufunga izvozvo. Pasina mubvunzo izvozvo zvichaita kuti tiwedzere kuvada.—Ruka 6:32, 33, 36.
13. Tingawedzera sei pakuratidza rudo kune vaya vari muungano yedu?
13 Tinobvuma kuti zvishoma zvatingaitira vamwe. Tingasakwanisa kukwazisa vanhu vose pamusangano mumwe nomumwe. Zvingasabvira kukoka vanhu vose patinokoka shamwari kuzodya. Asi tingawedzera here nokupedza maminitsi mashomanana chete vhiki imwe neimwe tichizivana zviri nani nomumwe munhu ari muungano yedu? Pano neapo tingakoka mumwe munhu watisinganyatsoziva kuti ashande nesu muushumiri hwomumunda here?
14. Patinenge tiri pakati pevaKristu vatisati tamboonana navo, tingaratidza sei kudanana zvikuru?
14 Magungano echiKristu anotipa mikana yokuwedzera rudo rwedu. Pangava paine zviuru zvevanhu. Hatigoni kusangana navo vose, asi tinogona kuzvibata nenzira inoratidza kuti tinoisa zvakavanakira ivo mberi kwezvatinofarira. Patinenge tambozorora, tinogona kuratidza vamwe kuti tinovafarira nokutanga isu kutaura nevanenge vakatipoteredza. Rimwe zuva vose vanorarama pasi pano vachava hama nehanzvadzi, dzakabatana mukunamatwa kwaMwari wechokwadi uye Baba vavose. Zvichafadza kwazvo kusvika pakuzivana tose! Kuvada zvikuru kuchaita kuti tide kuita kudaro. Tadii kutanga iye zvino?
Kudzokorora
• Zvinetso pazvinomuka pakati pevaKristu, zvinofanira kugadziriswa sei, uye nei?
• Sezvatinokura pakunamata, rudo rwedu runofanira kukurawo munzirai?
• Zvinobvira sei kuratidza rudo rukuru kune vamwewo vasiri shamwari dzepedyo?
[Mufananidzo uri papeji 148]
Rudo rwechiKristu runoratidzwa munzira dzakawanda, sepamisangano yeungano