“Nyika Yakanaka Uye Yakakura”
PAGWENZI raipfuta, Mwari akaudza Mosesi kuti ‘aizonunura vanhu vake pamaoko evaIjipiti uye aizovaendesa kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi.’—Eks. 3:8.
Kuoneka kweNyika Yacho
Zvakaita Nyika Yakapikirwa
Mifananidzo miviri iyi yakagadzirwa nekombiyuta ingakubatsira kunzwisisa nharaunda dzakasiyana-siyana uye mamiriro akaita Nyika Yakapikirwa. (Kukwirira uye kudzikira kwenzvimbo kuri kusiyaniswa neruvara rwadzo.) Enda pagirafu rine ruvara kuti uone kuti nzvimbo dzakakwirira sei zvichienzaniswa nemwero wegungwa.
Chati iripo ine mazita edzimwe nzvimbo, inoratidza imwe yenzira dzekuratidza zvakaita nyika yacho. Unogona kuwana rondedzero yenzvimbo dzacho nepadzinowanikwa muBhaibheri mubhuku ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (Fundo 1, mapeji 270-8) uye raInsight on the Scriptures (Volume 2, mapeji 568-71).a
[Mashoko Omuzasi]
a Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Chati/Mepu dziri papeji 12, 13]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Kuoneka kweNyika Yacho
Chati Yedzimwe Nharaunda
A. Mahombekombe eGungwa Guru
B. Mapani ari Kumaodzanyemba kweJodhani
1. Bani raAsheri
2. Mahombekombe eDhori
3. Mafuro eSharoni
4. Bani reFiristiya
5. Central East-West Valley
a. Bani reMegidho
b. Bani reJezreeri
C. Makomo ari Kumadokero kweJodhani
1. Makomo eGarireya
2. Makomo eKameri
3. Makomo eSamariya
4. Shefera (makomo akadzikira)
5. Nyika Ine Makomo yeJudha
6. Renje reJudha
7. Negebhu
8. Renje reParani
D. Arabha (Nzvimbo Yakadzikira)
1. Nzvimbo yakadzikira yeHula
2. Nharaunda yeGungwa reGarireya
3. Rwizi rwaJodhani
4. Gungwa Romunyu (Gungwa Rakafa)
5. Arabha (kumaodzanyemba kweGungwa Romunyu)
E. Makomo Akati Sandara Kumabvazuva kweJodhani
1. Bhashani
2. Giriyedhi
3. Amoni neMoabhi
4. Makomo Akati Sandara eEdhomu
F. Makomo eRebhanoni
[Mepu]
Gomo reHemoni
Dhani
Jerusarema
Bheeri-shebha
Zvakaita Nyika Yakapikirwa
mamita mafiti
2 500 7 500
2 000 6 000
1 500 4 500
1 000 3 000 Nyika ine Nyika
Makomo yaJudha yeMoabhi
500 1 500
Shefera Renje
Bani raJudha
reFiristiya
0 0 (Mwero Wegungwa) Mupata
Gungwa Romunyu
-500 -1 500
[Mufananidzo uri papeji 13]
Gomo reHemoni (2 814 m; 9 232 ft)
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mhenderekedzo yeGungwa Romunyu; nzvimbo yakaderera pane dzose pasi pano (anenge mamita 400; 1 300 ft pasi pemwero wegungwa)