RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 30-31
  • Jerusarema Netemberi Yaizivikanwa naJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jerusarema Netemberi Yaizivikanwa naJesu
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mashoko Akafanana
  • B11 Temberi Munguva yaJesu
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jerusarema Uye Temberi yaSoromoni
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 30-31

Jerusarema Netemberi Yaizivikanwa naJesu

Jerusarema/Temberi yaHerodhi

Jerusarema/Temberi yaHerodhi

JESU achangozvarwa, Josefa naMariya vakaenda naye kuJerusarema, guta iro Baba vake vokudenga vakanga vaisa zita ravo pariri. (Ru 2:22-39) Ava nemakore 12, Jesu akaendazve ikoko kuPaseka. Akashamisa vadzidzisi vaiva patemberi nokunzwisisa kwake. (Ru 2:41-51) Basa rokuvaka temberi iyoyo, rimwe remabasa makuru ezvirongwa zvokuvaka zvaHerodhi, rakanga ratora ‘makore anopfuura makumi mana nematanhatu.’—Joh 2:20.

Paaiita ushumiri hwake, Jesu aiwanzova pamitambo yaiitwa muJerusarema, kwaaidzidzisa vanhu vakawanda. Akadzinga vanhu vaichinja mari uye vaitengesa pachivanze chetemberi kaviri.—Mt 21:12; Joh 2:13-16.

Nechokuchamhembe kwetemberi, padziva reBhetizata, Jesu akaporesa murume akanga atambura kwemakore 38. Mwanakomana waMwari akasvinudzawo murume aiva bofu, achimuudza kuti ageze mudziva reSiroami raiva nechokumaodzanyemba kweguta racho.—Joh 5:1-15; 9:1, 7, 11.

Jesu aiwanzoshanyira shamwari dzake Razaro, Mariya, naMarita kuBhetani, iyo yaiva “mamaira anenge maviri” nechokumabvazuva kweJerusarema. (Joh 11:1, 18, [NW, Ref., mashoko omuzasi]; 12:1-11; Ru 10:38-42; 19:29; ona “Nharaunda yeJerusarema,” papeji 18.) Mazuva mashomanana asati afa, Jesu akapinda muJerusarema achishandisa nzira yokuGomo reMiorivhi. Chimbofungidzira achimira achitarisa kumavirira kune guta iri orichema. (Ru 19:37-44) Nepaakanga ari, akaona guta racho sezviri kuratidzwa pamufananidzo uri pamusoro pepeji inotevera. Akazopinda muJerusarema, zvichida nerimwe remagedhi aro ari kumabvazuva akatasva mwana wembongoro. Vanhu vazhinji vakamurumbidza vachiti aizova Mambo waIsraeri.—Mt 21:9-12.

Zviitiko zvinokosha zvakaitika Jesu asati afa zvakaitika panzvimbo dziri muJerusarema kana kuti pedyo naro: bindu reGetsemane, umo Jesu akanyengetera; imba yeSanihedrini; imba yaKayafasi; muzinda waGavhuna Pirato uye, pakupedzisira, Gorogota.—Mk 14:32, 53–15:1, 16, 22; Joh 18:1, 13, 24, 28.

Amutswa, Jesu akaonekwa muJerusarema uye nzvimbo dzakaripoteredza. (Ru 24:1-49) Akazokwira kudenga achibva paGomo reMiorivhi.—Mab 1:6-12.

[Dhiagramu riri papeji 31]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Jerusarema/Temberi yaHerodhi

Zvakaita Temberi

1. Nzvimbo Tsvenetsvene

2. Nzvimbo Tsvene

3. Atari Yechinopiwa Chinopiswa

4. Dziva Resimbi

5. Chivanze Chevapristi

6. Chivanze chevaIsraeri

7. Chivanze Chevakadzi

8. Chivanze Chevemamwe Marudzi

9. Mudhuri (Soreg)

10. Berere Ramambo

11. Berere raSoromoni

TEMBERI

Gedhi

Chivanze Chevapristi

Gedhi

Tsvene Atari

Tsvene Tsvene Yechinopiwa Chivanze Chivanze

Chinopiswa chevaIsraeri Chevakadzi

Dziva Resimbi

Yakanyauswa

Gedhi Berere

Muganhu (Chidziro) raSoromoni

Chivanze Chemamwe Marudzi

Gedhi

Berere Ramambo

Magedhi

Tower of Antonia

Zambuko

Horo yeSanihedrini

MUPATA WETYROPOEON

Dziva reSiroami

Mugero Wemvura

Imba yaKayafasi?

Muzinda waGavhuna

Gorogota?

Gorogota?

Dziva reBhetizata

Bindu reGetsemane?

GOMO REMIORIVHI

MUPATA WEKIDRONI

Tsime reGihoni

Eni-rogeri

MUPATA WEHINOMI (GEHENA)

[Mifananidzo iri papeji 30]

Zvakaita Jerusarema ranhasi takatarisa tichibva kumabvazuva: (A) nharaunda yetemberi, (B) bindu reGetsemani, (C) Gomo reMiorivhi, (D) renje reJudha, (E) Gungwa Rakafa

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zvakanga zvakaita kumavirira uri paGomo reMiorivhi muzuva raJesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe