RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bh p. 199-p. 201 ndim. 4
  • Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa
  • Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kufanotaura nezvaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jesu Kristu—Kiyi Yokuziva Mwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
bh p. 199-p. 201 ndim. 4

MASHOKO OKUWEDZERA

Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa

KUTI atibatsire kuziva Mesiya, Jehovha Mwari akafuridzira vaprofita vakawanda vanotaurwa muBhaibheri kuti vape mashoko akadzama pamusoro pokuberekwa, ushumiri, uye rufu zvoMununuri uyu akapikirwa. Uprofita hwose uhwu huri muBhaibheri hwakazadzika pana Jesu Kristu. Hwakarurama uye hwakadzama zvinoshamisa. Kuti tienzanisire izvi, ngatikurukurei uprofita hushomanana hwakafanotaura zviitiko zvaiva nechokuita nokuberekwa kwaMesiya uye nguva yaaiva muduku.

Muprofita Isaya akafanotaura kuti Mesiya aizova muzukuru waMambo Dhavhidhi. (Isaya 9:7) Zvechokwadi Jesu akaberekerwa mudzinza raDhavhidhi.—Mateu 1:1, 6-17.

Mika, mumwe muprofita waMwari, akafanotaura kuti mwana uyu aizova mutongi uye kuti aizoberekerwa mu“Bhetrehema Efrata.” (Mika 5:2) Panguva yakaberekwa Jesu, paiva nemataundi maviri muIsraeri ainzi Bhetrehema. Rimwe raiva pedyo neNazareta munharaunda yokumusoro kwenyika yacho, uye rimwe raiva pedyo neJerusarema muJudha. Bhetrehema raiva pedyo neJerusarema raimbonzi Efrata. Jesu akaberekerwa mutaundi iroro, sezvakanga zvafanotaurwa nouprofita chaizvo!—Mateu 2:1.

Humwe uprofita hwomuBhaibheri hwakafanotaura kuti Mwanakomana waMwari aizoshevedzwa “kuti abude muIjipiti.” Paaiva mwana, Jesu akaendeswa kuIjipiti. Akadzoswa pashure pokufa kwaHerodhi, izvi zvichizadzisa uprofita hwacho.—Hosiya 11:1; Mateu 2:15.

Pachati rine musoro unoti “Uprofita Hune Chokuita naMesiya,” magwaro akarongwa pasi pomusoro unoti “Uprofita” ane mashoko akadzama ane chokuita naMesiya. Tapota aenzanise nemagwaro akarongwa pasi pomusoro unoti “Kuzadzika.” Kuita izvozvo kuchasimbisazve kutenda kwako kwokuti Shoko raMwari nderechokwadi.

Paunenge uchiongorora magwaro aya, yeuka kuti aya ane uprofita akanyorwa mazana emakore Jesu asati aberekwa. Jesu akati: “Zvinhu zvose zvakanyorwa mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita nomuMapisarema pamusoro pangu zvinofanira kuzadzika.” (Ruka 24:44) Sezvaungaona muBhaibheri rako pachako, chokwadi zvakazadzika—zvose zvazvo!

UPROFITA HUNE CHOKUITA NAMESIYA

CHIITIKO

UPROFITA

KUZADZIKA

Akaberekerwa mudzinza raJudha

Genesisi 49:10

Ruka 3:23-33

Akaberekwa nemhandara

Isaya 7:14

Mateu 1:18-25

Aiva wedzinza raMambo Dhavhidhi

Isaya 9:7

Mateu 1:1, 6-17

Jehovha akamuti aiva Mwanakomana wake

Pisarema 2:7

Mateu 3:17

Vakawanda havana kumutenda

Isaya 53:1

Johani 12:37, 38

Akapinda muJerusarema akatasva mbongoro

Zekariya 9:9

Mateu 21:1-9

Akatengeswa neshamwari yepedyo

Pisarema 41:9

Johani 13:18, 21-30

Akatengeswa nemasirivha 30

Zekariya 11:12

Mateu 26:14-16

Akanyarara pamberi pevapomeri vake

Isaya 53:7

Mateu 27:11-14

Mijenya yakakandwa panguo dzake

Pisarema 22:18

Mateu 27:35

Akatukwa paaiva padanda

Pisarema 22:7, 8

Mateu 27:39-43

Hapana pfupa rake rimwe rakatyorwa

Pisarema 34:20

Johani 19:33, 36

Akavigwa pamwe nevapfumi

Isaya 53:9

Mateu 27:57-60

Akamutswa asati aora

Pisarema 16:10

Mabasa 2:24, 27

Akakwidziridzwa kurudyi rwaMwari

Pisarema 110:1

Mabasa 7:56

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe