Chitsauko 10
Zvaunofanira Kuita Kuti Uve Noupenyu Hwemhuri Hunofadza Mwari
1. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiwanzova noupenyu hwemhuri hunofadza?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinozivikanwa zvikuru pamusana pokuva noupenyu hwemhuri hunofadza. Purofesa Bryan Wilson wepaOxford University akanyora kuti: “Zvapupu zvinopa mazano anobatsira panyaya dzakawanda . . . paukama hwevakaroorana, panyaya dzetsika, kurera vana, uye dzimwe nyaya dzinobatsira. [Vane] mazano akawanda chaizvo avanopa anotsigirwa neBhaibheri Dzvene uye akaitwa chikamu chebumbiro rakazara rezvavanotenda.” Hazvina mubvunzo kuti iwe pachako wakadzidza zvakawanda muShoko raMwari nezvenzira yokuva nayo noupenyu hwemhuri hwakanaka.
2. (a) Chii chawakacherechedza pamusoro pemhuri dziri munyika mazuva ano? (b) Mumabhuku api eBhaibheri matichatsvaka mazano ane chokuita noupenyu hwemhuri?
2 Zuva raJehovha zvarinoswedera pedyo, Satani ari kunyanya kurwisa mhuri. Saka vanhu vakawanda havachavimbi nenhengo dzemhuri yavo, sezvazvakanga zvakaita mumazuva aMika. Iye akanyora kuti: “[Musatenda] wamunofambidzana naye. . . . Chenjerera kushama kwomuromo wako kumukadzi anorara pachipfuva chako. Nokuti mwanakomana ari kuzvidza baba; mwanasikana ari kumukira amai vake; muroora ari kumukira vamwene vake; vavengi vomunhu vanhu vomumba make.” (Mika 7:5, 6) Uri kurarama munyika umo urongwa hwemhuri hwaipa, asi wakarwisa zvakasimba kuti urege kukanganiswa. Saka, upenyu hwako hwemhuri hwave huchifadza uye huchitonyanya kufadza Mwari. Zvimwe wakashandisa magwaro akadai saDheuteronomio 6:5-9; VaEfeso 5:22–6:4; uye VaKorose 3:18-21. Zvisinei, wakambofunga here kuti mumabhuku 12 evaprofita mungabva zano rinobatsira pakuva noupenyu hwemhuri hunofadza? Muchitsauko chino, tichakurukura mienzaniso mishomanana yezano rakadaro riri mumabhuku aya. Asi usangofunga chete nezvepfungwa idzodzo dzakananga dzezano. Edza kunzwisisa kubva mumienzaniso iyi nzira inokosha yaungashandisa pakuwana zvimwe zvidzidzo mumabhuku aya. Panoperera chitsauko chino, pane mamwe magwaro akarongwa achaita kuti udzidzire kuita izvozvo, uchiwana zvidzidzo kubva mumabhuku iwayo 12.
“ANOVENGA KURAMBANA”
3, 4. (a) Mazuva ano vanhu vakaroorana vakawanda vanoedza sei kugadzirisa matambudziko avo? (b) Maonero api anosiririsa aiitwa kuroorana muzuva raMaraki?
3 Nyaya yokutanga iri pachena yatinofarira ndeyoukama hwomurume nomudzimai. Kusvikira munguva ichangobva kupfuura, vanhu vakawanda vaisafunga kuti kurambana ndiyo nzira iri nyore yokugadzirisa nayo matambudziko evakaroorana. Zvaiwanzova zvakaoma kuti vanhu varambane; muEngland, muzana remakore rechi19, zvaida kuti Paramende isarudze kuti vanhu varambane. Maonero akadaro aiwanzodzivirira mhuri kuti dzirege kuparara. Zvisinei, iye zvino zvinhu zvachinja zvikuru. Encyclopædia Britannica inoti: “Kurambana kwakawedzera zvakanyanya munyika dzakawanda kubvira panguva yeHondo Yenyika II . . . Maonero anoita vanhu kurambana achinja zvikuru . . . vakawanda vachikuona sokwakanaka.” Kurambana kuri kuva chinhu chakajairika kunyange munyika dzakadai seKorea, umo makore gumi apfuura, kurambana kwaishorwa. Mazuva ano, vanhu vari munyika dzakawanda vanofunga kuti kurambana ndiko chinhu chine musoro chokuti vanhu vakaroorana vari kunetsana vaite.
4 Muzuva raMaraki muzana remakore rechishanu B.C.E., kurambana kwakanga kwakapararira pakati pevaJudha. Maraki akavaudza kuti: “Jehovha akapupurira pakati pako nomudzimai wouduku hwako, wawakanyengera.” Pamusana pokunyengera kwaiitwa nevarume, atari yaJehovha yakazadzwa nemisodzi yevakadzi vakanga vanyengerwa, “nokusvimha misodzi nokugomera.” Uye vapristi vaiva nouori vairegerera utsinye hwakadaro!—Maraki 2:13, 14.
5. (a) Jehovha anoona sei kurambana? (b) Nei kunyengera wawakaroorana naye kwakakomba zvikuru?
5 Jehovha akaona sei maonero anosiririsa aiita vanhu kuroorana munguva yaMaraki? “‘Iye anovenga kurambana,’ Jehovha Mwari waIsraeri adaro,” akanyora kudaro Maraki. Akasimbisawo kuti Jehovha ‘haana kuchinja.’ (Maraki 2:16; 3:6) Unoona here pfungwa yacho? Mwari aishora kurambana pakutanga-tanga. (Genesisi 2:18, 24) Aidaro muzuva raMaraki. Uye achiri kudaro mazuva ano. Vamwe vanhu vangasarudza kusiya wavakaroorana naye nokungoti chete havagutsikani naye. Pasinei nokuti mwoyo wavo ungava unonyengera zvakadini, Jehovha anouongorora. (Jeremiya 17:9, 10) Anoziva kunyengera chero kupi zvako kana kuti kuronga kwoutsinye kunoitwa kuti vanhu varambane, pasinei nokuti munhu angazviti akarurama. Chokwadi, “zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.
6. (a) Kuva nemaonero anoita Jehovha kurambana kungakubatsira sei? (b) Ndeipi yaiva pfungwa huru yezano raJesu pamusoro pokurambana?
6 Mungave musingatarisani nedambudziko rokurambana, asi unofanira kuramba uchifunga nezvemaonero anoita Jehovha. Hapana akakwana, saka tingatarisira kuti vanhu vakaroorana vasangane nematambudziko uye kusawirirana. Zvisinei, ungafunga here kuti kurambana ndiko kwakanaka, nzira iri nyore yokugadzirisa nayo dambudziko? Pamunenge muchikakavadzana zvikuru, ungataura here kuti zviri nani kuti murambane? Vakawanda vakadaro, asi maonero anoita Mwari ukama hwevakaroorana anokurudzira kuti vanhu vaedze nomwoyo wose kuita kuti ukama hwavo sevanhu vakaroorana hubudirire. Chokwadika, Jesu Kristu akataura kuti pane chikonzero chimwe chete chepamutemo chokuti vanhu varambane—ufeve, kureva kurara kwose nomumwe munhu wausina kuroorana naye. Kunyange zvakadaro, pfungwa huru yezano raJesu yaiva ipi? Akaudza vateereri vake kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” Chokwadika, Jesu akatsigira zvinodiwa naJehovha zvisingachinji, izvo Maraki akanga ataura nezvazvo makore 450 akanga apfuura.—Mateu 19:3-9.
7. Maererano nezano riri mubhuku raMaraki, ungaramba sei uine ukama hwakasimba newawakaroorana naye?
7 Saka, vaKristu vakaroorana vangaramba sei vaine ukama hwakasimba? Maraki akataura chinhu ichi chinokosha: “Munofanira kuchenjerera pamusoro pemafungiro enyu, uye regai kunyengera.” (Maraki 2:16) Izvozvo zvinoreva kuchenjerera mafungiro ane simba atinoita nechomukati. Kana ‘tichichenjerera mafungiro edu,’ tichadzivisa miedzo yokuisa pfungwa dzedu zvisina kukodzera pamunhu chero upi zvake asiri watakaroorana naye. (Mateu 5:28) Somuenzaniso, zvakadini kana nechomukati tichinakidzwa nokufarirwa kwatinoitwa kana kuti kunyanya kurumbidzwa kwatinoitwa nomumwe munhuwo zvake wechirume kana kuti wechikadzi? Izvi zvingareva kuti hatisi kuchenjerera mafungiro edu. Saka, chidzidzo chinokosha chatinowana muvaprofita 12 chichaita kuti tive noukama hwakasimba newatakaroorana naye, ndechokuchenjerera ‘mafungiro edu.’
8, 9. Nei zvakaitika kuna Hosiya naGomeri zvakanyorwa muBhaibheri?
8 Hapana mubvunzo kuti wakatsunga kuita kuti ukama hwako newawakaroorana naye hurambe huchibudirira. Kunyange zvakadaro, haukwanisi kudzivisa zvachose matambudziko oupenyu hwevakaroorana. Ungagadzirisa sei chero api zvawo anomuka, kunyanya kana uchifunga kuti mumwe wako ndiye ane mhosva? Yeuka zvakataurwa kwokutanga-tanga kwebhuku rino nezvaHosiya, muZvitsauko 2 ne4. Mudzimai wake Gomeri, akava “mudzimai woufeve” uye akabva ‘atevera vadiwa vake.’ Kwapera nguva yakati akasiyiwa, akava murombo uye akava muranda. Hosiya akadzosa Gomeri nokumutenga, uye akakurudzirwa kuti amude. Nei? Kuti aratidze zvakajeka zvakanga zvichiitika pakati paJehovha norudzi rwaIsraeri. Jehovha aiva “murume” wavo, uye vanhu vake vakanga vakaita somudzimai kwaari.—Hosiya 1:2-9; 2:5-7; 3:1-5; Jeremiya 3:14; Isaya 62:4, 5.
9 Kubvira pakutanga-tanga, vaIsraeri vairwadzisa Jehovha nokutevera vamwe vanamwari. (Eksodho 32:7-10; Vatongi 8:33; 10:6; Pisarema 78:40, 41; Isaya 63:10) Umambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi ndihwo hwainyanya kuva nemhosva yokunamata mhuru. (1 Madzimambo 12:28-30) Uyewo, vaIsraeri havana kuvimba noMurume wavo, Jehovha, asi vakatsvaka kubatsirwa nevadiwa vavo vezvematongerwo enyika. Pane imwe nguva, kufanana nembizi ine nharo yava kuda mukono, vakatevera Asiriya. (Hosiya 8:9) Waizonzwa sei kudai wawakaroorana naye aizoita saizvozvo?
10, 11. Ungatevedzera sei Jehovha kana ukatarisana nemamiriro ezvinhu anoita sokuti mumwe wako ndiye ane mhosva?
10 Pakazosvika nguva yaHosiya, makore anodarika 700 akanga apfuura kubvira panguva iyo vaIsraeri vakanga vava noukama hwesungano naJehovha. Kunyange zvakadaro, Mwari aida kuvakanganwira, chero bedzi vaidzoka kwaari. Zvinofungidzirwa kuti Hosiya anofanira kuva akatanga kuprofita gore ra803 B.C.E. risati rasvika, zvokuti kushivirira kwaJehovha rudzi rwaIsraeri kwakapfuurira kwemamwezve makore anenge 60 uye rudzi rwaJudha kwemakore anoda kusvika 200! Achishandisa mamiriro ezvinhu omumhuri yaHosiya somuenzaniso, Jehovha akanga achiri kukoka vanhu vaaiva nesungano navo kuti vapfidze. Aiva nezvikonzero zvepamutemo zvokugumisa ukama hwake nevaIsraeri, asi akaramba achituma vaprofita kuti vanobatsira mudzimai wake wokufananidzira kuti adzoke, kunyange zvazvo zvaimurwadza.—Hosiya 14:1, 2; Amosi 2:11.
11 Kudai waizotarisana nemamiriro ezvinhu anoita sokuti wawakaroorana naye ndiye ane mhosva, waizoita sezvakaitwa naJehovha here? Waizotanga iwe here kuita kuti ukama hwenyu huve sezvahwakanga hwakaita pakutanga? (VaKorose 3:12, 13) Kuita saizvozvo kunoda kuzvininipisa. Chokwadi Jehovha akaratidza muenzaniso wakanaka zvikuru pane zvaakaitira vaIsraeri! (Pisarema 18:35; 113:5-8) Mwari ‘akaudza vaIsraeri zvaibaya mwoyo,’ achitovateterera. Sevanhu vasina kukwana, hatina here chikonzero chakatokura chokuudza watakaroorana naye zvinobaya mwoyo, tichiedza kugadzirisa matambudziko tosava nehanya nezvikanganiso? Migumisiro yakavapo nezvakaitwa naJehovha inotiratidza chimwe chinhu. Vakanga vasara parudzi rwacho vakabvuma zvaakataura vari murenje rekwavakanga vatapwa kuBhabhironi, uye gare gare vakadzoka kunyika yavo, vachidana Jehovha kuti “Murume wangu.”—Hosiya 2:14-16.a
12. Kufungisisa kwako zvakaitwa naJehovha kumudzimai wake wokufananidzira kungabatsira sei paukama hwako newawakaroorana naye?
12 Kana kuri kuti dambudziko rakakomba ramuka, zvaunoedza kuita nomwoyo wose kuti ugadzirise ukama hwako nomumwe wako zvingabudirira. Mwari aida kukanganwira chivi chakakomba choufeve pane zvokunamata chaiitwa nomudzimai wake wokufananidzira. Matambudziko akawanda evanhu vakaroorana pakati pevaKristu vechokwadi haasati asvika pakadaro. Matambudziko akawanda anotanga nemashoko ehasha kana kuti anogumbura. Saka kana mashoko anobaya omumwe wako akakugumbura, funga zvakaitika kuna Hosiya, uye Jehovha pachake. (Zvirevo 12:18) Izvozvo zvingasakubatsira kukanganwira here?
13. Tingadzidzei pakuti Jehovha aida kuti vanhu vake vakanga vatsauka vapfidze?
13 Pachine chimwe chinhu chine chokuita nenhoroondo iyi yezvakaitika kare. Mwari aida here kuita kuti avezve noukama nevanhu vake ivo vairamba vachiita ufeve? Mwari akaudza Hosiya nezvorudzi rwaiita upombwe, kuti: “Ngavabvise ufeve hwavo pamberi pavo nemabasa oupombwe hwavo pakati pemazamu avo.” (Hosiya 2:2) Vanhu vacho vaifanira kupfidza ‘vobereka zvibereko zvakakodzera rupfidzo.’ (Mateu 3:8) Panyaya iyi, funga nezvezvaunokanganisa iwe pachako pane kufunga zvinokanganiswa nomumwe wako. Kana wakakanganisira mumwe wako, wadii kugadzirisa ukama hwacho nokukumbira ruregerero nomwoyo wose uye kuchinja zvaunoita? Ungawana mubayiro wokukanganwirwa.
“TAMBO DZORUDO”—CHIKONZERO CHOKURURAMISA
14, 15. (a) Uchifunga nezvaMaraki 4:1, nei uchifanira kukoshesa zvikuru basa rokudzidzisa vana vako? (b) Ungabatsira sei vana vako kuti vasvike pakuziva Jehovha?
14 Nezvoupenyu hwemhuri, tinogona kudzidza zvakawanda pane zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha zvinotaurwa muvaprofita 12. Mabhuku iwayo ane zvinhu zvinoratidza kubatsira kwaungaita vana vako. Hazvina mubvunzo kuti kurera vana mazuva ano hakusi nyore. Vabereki vanofanira kukoshesa zvikuru basa ravo. Tinoverenga kuti: “‘Zuva riri kuuya richavaparadza [vanhu],’ Jehovha wemauto adaro, ‘zvokuti harizovasiyiri mudzi kana davi.’” (Maraki 4:1) Pazuva iroro rokuzvidavirira, vana vaduku (matavi) vachatongwa nenzira yakarurama maererano nezvichaonekwa naJehovha pavabereki vavo (midzi), avo vane basa rokutarisira vana vaduku. (Isaya 37:31) Mararamiro ari kuita vabereki angasarudza kuti nguva yemberi yevana vavo ichange yakaita sei, kuti ichange yakanaka here kana kuti yakaipa. (Hosiya 13:16) Kana imi (mudzi wacho) musina ukama hwakanaka naJehovha, chii chingaitika kuvana venyu (matavi) pazuva rokushatirwa kwake? (Zefaniya 1:14-18; VaEfeso 6:4; VaFiripi 2:12) Ukuwo, zvamunoedza kuita nokutendeka kuti mufarirwe naMwari zvinogona kubatsira vana venyu.—1 VaKorinde 7:14.
15 Pashure pokutaura mashoko ouprofita hwaJoeri ane chokuita nokukosha kwokudana pazita raJehovha, muapostora Pauro akanyora kuti: “Vachadana sei pana iye wavasina kutenda maari? Uyewo, vachatenda sei maari iye wavasina kunzwa?” (VaRoma 10:14-17; Joeri 2:32) Pauro aitaura nezvoushumiri hwedu hwepachena, asi unogona kushandisa mashoko acho pakudzidzisa vana vako. Vangatenda sei muna Jehovha ivo vasinganzwi nezvake? Unopedza nguva yakakwana zuva nezuva uchidzidzisa vana vako kunaka kwaJehovha here, uchiita kuti vamude zvikuru uye vade kutungamirirwa naye? Zvimwe vaduku vachabudirira kana vakagara vachinzwa nezvaJehovha mumhuri.—Dheuteronomio 6:7-9.
16. Maererano naMika 6:3-5, ungatevedzera sei Jehovha paunenge uchiruramisa vana vako?
16 Vana pavanenge vari vaduku zvikuru, zvingava nyore chaizvo kuita kuti vaende kumisangano yechiKristu. Zvisinei, sezvavanokura, vanotanga kuzvifungira. Ungabata sei nevana vako kana pane dzimwe nguva vachiratidza kakupandukira? Unogona kudzidza kubva muvaprofita 12, uchifunga zvakaitwa naJehovha kurudzi rwaIsraeri nerwaJudha. (Zekariya 7:11, 12) Somuenzaniso, paunoverenga Mika 6:3-5, funga nezvemanzwiro anoratidzwa imomo. VaIsraeri vakanga vakanganisa; asi Mwari akavati “vanhu vangu.” Akateterera achiti: “Ndapota, haiwa imi vanhu vangu, yeukai.” Panzvimbo pokuvapomera nehasha, akaedza kusvika pamwoyo yavo. Ungatevedzera Jehovha here kunyange paunenge uchiruramisa vana vako? Pasinei nokuti vanenge vakanganisa zvakadini, vabate senhengo dzinokosha dzemhuri yako, kwete kutaura navo nenzira inovazvidza. Pane kuvapa mhosva, teterera nounyoro. Bvunza mibvunzo kuti vataure zvavanofunga. Vavarira kusvika pamwoyo yavo kuitira kuti vataure zvavanofunga.—Zvirevo 20:5.
17, 18. (a) Chii chinofanira kuita kuti ururamise vana vako? (b) Ungaita sei kuti pakati pako nevana vako parambe paine “tambo dzorudo”?
17 Nei uchiruramisa vana vako? Vamwe vabereki vanodaro nokuti havadi kuti mukurumbira wemhuri ukanganiswe. Jehovha akaratidza chaiita kuti aruramise vanhu vake, achizivisa kuti: “Ini ndakadzidzisa Efremu kufamba, ndichivatakura mumaoko angu . . . Ndakaramba ndichivakweva netambo dzomunhu wepanyika, netambo dzorudo.” (Hosiya 11:3, 4) Pane izvi, Hosiya anofananidza ukama hwaJehovha nevaIsraeri nohuya hwababa nomwanakomana. Ungafungidzira here mubereki ane rudo, achitungamirira mwana netambo dziri muruoko, achiedza kubatsira muduku wacho asina kutsiga kuti afambe? Tambo dzacho dzinotsigira kana mwana wacho akagumburwa, dzinomutungamirira kana ava kuda kutsauka.—Jeremiya 31:1-3.
18 Uchatevedzera kuda kwaiita Mwari vaIsraeri here? Ivo vakamusiya vamusiyazve, asi iye haana kukurumidza kuregedza tambo idzodzo dzorudo. Vaduku vangaita sokuti vanoda kutsauka pane dzimwe nguva uye kugumburwa nezvinhu zviduku, asi edza kuita kuti rudo rurambe rwakakusunganidza navo. Yeuka kuti Jehovha akanga asina kupofumadzwa norusaruro zvokuti haana kuva nehanya nokukanganisa kwevanhu vake. Akatarisira dambudziko racho zvakananga, achivaruramisa norudo, uye akashandisa nguva yakakwana kuti avabatsire sezvaidiwa. Kana ukaona kuti mwanakomana kana kuti mwanasikana wako anoita seari kusiya nzira yechokwadi zvishoma nezvishoma, usazvifuratira. Edza kumutungamirira kuti adzoke, uchiita sokunge uri kumutungamirira netambo, uchimubatsira noushamwari munguva iyi ine matambudziko. Wana nguva yokuva nevana vako vari kunetseka. Kuwana nguva yokuti uve nevana vako kunokosha zvikuru!
19. Nei usingafaniri kurasikirwa netariro pavana vako?
19 Hosiya akafanoona kuti vaIsraeri vaizosara vaizobvuma kururamiswa achiti: “Vanakomana vaIsraeri vachadzoka, votsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; uye mumazuva okupedzisira vachauya kuna Jehovha nokurunako rwake vachidedera.” (Hosiya 3:5) Chokwadi, kururamisa kwaMwari kwakabudirira pavanhu vake vakanga vasara. Iva netariro yokuti izvi ndizvo zvichaitika kuvana vako. Edza kuona zvakanaka zviri mavari. Iva nomutsa paunotaura navo, asi akatsiga pakuomerera pachokwadi chinokosha cheBhaibheri. Kunyange kana mwana anopandukira akasaita zvakanaka iye zvino, ndiani anoziva, zvimwe achazopengenuka?
CHENJERERA SHAMWARI DZAKAIPA!
20. Mubvunzo upi une chokuita neshamwari uyo vaduku vangapindurwa mumabhuku 12 evaprofita?
20 Imi vaduku mungadzidzei kubva kuvaprofita 12? Rugwaro runowanzotaurwa nezvarwo pamunokurukurirana nevabereki venyu rungava 1 VaKorinde 15:33 rune chokuita nokudzivisa ushamwari hwakaipa. Vamwe vangashamisika kuti, ‘Asi kushamwaridzana nevaya vasinganamati Jehovha kwakaipa chaizvoizvo here?’ Ungawana mhinduro yomubvunzo iwoyo mumabhuku aya 12.
21-23. (a) Vanhu vaduku vangadzidzei pane zvakaitwa nevaEdhomu? (b) Chaizvoizvo shamwari dzako ndivanaani?
21 Kunyange zvazvo mabhuku acho evaprofita 12 akanga achinyanya kutaura nezvevanhu vaMwari, bhuku raObhadhiya rakataura nezvevaEdhomu, vakanga vanzi hama dzevaIsraeri.b (Dheuteronomio 2:4) Kusiyana neakawanda emamwe mabhuku evaprofita 12, Obhadhiya anoshandisa chisazita chokuti wa- kana kuti u- achitaura nezvevaEdhomu. Zvino chifunga nezvevaEdhomu. Maiva munenge mugore ra607 B.C.E. Jerusarema parakanga rakakombwa. Kunyange zvazvo vaEdhomu vaiva hama chaidzo dzaJakobho, vakabatana nevaBhabhironi! VaEdhomu vakanyomba vachiti, “Rifukurei! Rifukurei!” (Pisarema 137:7; Obhadhiya 10, 12) Vaironga kutora nyika yeJudha. Vakatodya zvokudya pamwe chete nevaBhabhironi, izvo kare kuMabvazuva zvairatidza kuti vaviri ivavo vaiva noukama hwesungano.
22 Ona zvakafanotaurwa naObhadhiya nezvevaEdhomu: “Varume [vaBhabhironi] vawaiva nesungano navo vakakunyengedza vose. Varume vawaiva norugare navo vakakukunda. Vaya vaidya zvokudya newe vachaisa mambure pasi pako somunhu asina ungwaru.” (Obhadhiya 7) Chaizvoizvo chii chakaitika kuvaEdhomu, avo vakasiya munun’una wavo, Jakobho, ndokusarudza vaBhabhironi kuti vave shamwari dzavo? Pakupedzisira, vaBhabhironi vachitungamirirwa naNabhonidhasi vakaparadza vaEdhomu. Pakazosvika zuva raMaraki, Mwari akanga aita kuti makomo aEdhomu ave renje uye nhaka yaEdhomu ive nzvimbo inogara hunguhwe.—Maraki 1:3.
23 Iye zvino chifunga nezvedzaunoti shamwari dzako dzisinganamati Jehovha. Hauna kuona here kuti ‘vakomana [kana kuti vasikana] vauine sungano navo,’ kana kuti vauine ushamwari navo, vanowanzonyengerana uye ‘vanoisa mambure pasi’ pevavanoti ishamwari dzavo? Kana kunyengera kwacho kukabuda pachena, vanoti chii? Vangafunga kuti shamwari dzavakanyengera hadzina kuchenjera, hadzioni kunyengera kwomumwe. Izvozvo zvakafanana chaizvo nezvakaitwa nevaBhabhironi kushamwari dzavo, vaEdhomu! Unofunga kuti “shamwari” dzakadaro zvechokwadi dzingava nehanya newe paunotarisana nematambudziko here? (Obhadhiya 13-16) Uyewo, funga nezvaJehovha Mwari nevanhu vake mazuva ano. Jehovha anogara aripo kuti akubatsire. Achakutsigira panguva dzokutambudzika. Vanhu vakewo vanoratidza kuti ‘ishamwari chaidzo dzine rudo nguva dzose,’ kufanana nevanhu vakatendeka ‘vanoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.’—Zvirevo 17:17.
KOSHESA UKAMA HUNOKOSHA KUPFUURA HUMWE HWOSE
24, 25. Chii chinofanira kuva panzvimbo yokutanga muupenyu hwedu?
24 Chokwadi, ukama hwemhuri hunokosha uye hunofanira kusimbiswa. Tingawana zvidzidzo zvinoverengeka nezvahwo kubva muvaprofita 12. Ungada kuverenga mabhuku iwayo woshandisa nzira yatashandisa muno. Izvi zvichaita kuti ukwanise kudzidza zvakatowanda kubva maari zvine chokuita nokunatsiridza upenyu hwako hwemhuri. Kunyange zvakadaro, kuva noupenyu hwemhuri hunofadza ndicho chinhu chinonyanya kukosha kuvanamati vaMwari mazuva ano here?
25 Zvinotifadza kuti, pamusoro pokuuya kwezuva raJehovha, Joeri akaprofita kuti: “Unganidzai vanhu. Tsvenesai ungano. . . . Muroori ngaabude muimba yake yomukati, uye mwenga ngaabude muimba yake yomuchato.” (Joeri 2:15, 16) Vanhu vose vomumhuri vaifanira kuungana kuti vanamate Jehovha. Kunyange vakanga vachangobva kuchata, avo kakawanda vanotsauswa, vaifanira kuvapowo! Hapana chinofanira kukosha kupfuura kuungana kwedu kuti tinamate Mwari. Zuva raJehovha zvariri kukurumidza kuuya, kuva noukama hwakanaka naye kunofanira kuva panzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Muchikamu chokupedzisira chebhuku rino, tichakurukura zvatinofanira kunge tichiita tichifara mazuva ano.
[Mashoko Omuzasi]
a Mumwe akaroorana nomuKristu paanenge aine mhosva youpombwe, asina mhosva anofanira kusarudza kumukanganwira kana kuti kusamukanganwira.—Mateu 19:9.
b Rimwe bhuku risinganyanyi kutaura nezvevaIsraeri nderaNahumi, rinotaura nezvevaNinivhi.
KUDZOKORORA
• Pakusimbisa mhuri yako, zvidzidzo zvipi zvaungawana pana Maraki 2:16?
• Jehovha akaita sei mudzimai wake wokufananidzira paakamunyengera?—Hosiya 3:1-5.
• Munhu angaitei kuti agadzirise ukama hwake newaakaroorana naye pashure pokukanganisa zvakakomba?—Hosiya 2:2.
UNGABATSIRWA SEI?
• Ungabatsirwa sei nemagwaro anotevera?
• Sezvaratidzwa muchitsauko chino, ungashandisa sei magwaro anotevera kunatsiridza upenyu hwako hwemhuri?
[Mufananidzo uri papeji 127]
Ungafunga here kuti kurambana ndiko kwakanaka kana ukakakavadzana newawakaroorana naye?
[Mufananidzo uri papeji 128]
Kudzosa kwakaita Hosiya Gomeri kunotidzidzisa chii nezvaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 130]
Tevedzera Jehovha nokutanga iwe pachako kukurukura kuti mugadzirise chero matambudziko api zvawo
[Mufananidzo uri papeji 133]
Somubereki, uri kutevedzera Jehovha pakuratidza rudo kuvana vako here?
[Mufananidzo uri papeji 136]
Vaya vanozviti ishamwari dzako vano‘isa here mambure pasi pako’?