RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lv chits. 4 pp. 36-49
  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?
  • “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHINOITA KUTI ZVIOME
  • NEI TICHIFANIRA KUREMEKEDZA VANE MASIMBA?
  • KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUMHURI
  • KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUUNGANO
  • KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUNYIKA
  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kudza Vakapiwa Simba Pauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Murangariro wechiKristu Wechiremera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Bvuma Simba raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
lv chits. 4 pp. 36-49
Baba vari kudzidzisa mhuri yavo

CHITSAUKO 4

Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?

“Kudzai vanhu vemarudzi ose.”​—1 PETRO 2:17.

1, 2. (a) Idambudziko ripi ratinotarisana naro pakuteerera vane masimba? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

WATI wamboona here zvinoita kamwana kana kanzi kaite zvinhu zvakasiri kuda? Zvakanoita chiso chako zvinogona kukuratidza kuti hakasi kuda. Kanonzwa inzwi romubereki wako, uye kanoziva kuti kanofanira kumuteerera. Asi iye zvino hakasi kungoda kuteerera. Zvakari kuita zvinoratidza zvinoitika kwatiri tose.

2 Hazviwanzovi nyore kuti tiremekedze vane masimba. Zvinombokuomera here kuremekedza vaya vane masimba pauri? Kana zvakadaro, hausi woga une dambudziko iroro. Kunenge kuti munguva yatiri kurarama kuremekedza vane masimba kwaderera zvisati zvamboitika. Asi Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuremekedza vaya vane masimba. (Zvirevo 24:21) Chokwadi, kana tichida kuramba tiri murudo rwaMwari tinotofanira kudaro. Saka tinobva tava nemibvunzo. Nei zvakaoma kudaro kuti tiremekedze vane masimba? Nei Jehovha achida kuti tidaro? Chii chichatibatsira kuti timuteerere? Uyewo tingaratidza sei kuti tinoremekedza vane masimba?

CHINOITA KUTI ZVIOME

3, 4. Chivi chakatanga sei, uye chinoita sei kuti zvitiomere kuremekedza vane masimba?

3 Ngatimboti kurukurei zvikonzero zviviri zvinoita kuti zvitiomere kuremekedza vaya vane masimba. Chokutanga, tine chivi; chechipiri, vaya vane masimba patiri vane chiviwo. Chivi chakatanga kare kare mumunda weEdheni, Adhamu naEvha pavakapandukira Mwari. Saka kupanduka ndiko kwakakonzera chivi. Nanhasi, tinongozvarwa zvokupanduka zviri matiri.—Genesisi 2:15-17; 3:1-7; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12.

4 Nemhaka yokuti tinozvarwa tiine chivi, zviri nyore kuti tizvikudze, saka tinotofanira kushanda zvakaoma kuti tizvininipise. Kunyange tashumira Mwari kwemakore akawanda, tinogona kuzotanga kuomesa musoro kana kuti kuzvikudza. Somuenzaniso funga nezvaKora, uyo asina kusiyana nevanhu vaJehovha mumatambudziko akawanda. Asi akazova neshungu dzokuva nemamwe masimba zvokuti haana kutombonyara kutungamirira vanhu kuti vapandukire Mosesi, munhu aiva munyoro kupfuura vose panguva iyoyo. (Numeri 12:3; 16:1-3) Fungawo nezvaMambo Uziya, uyo akazvikudza, akapinda mutemberi yaJehovha ndokuita basa dzvene raifanira kuitwa nevapristi chete. (2 Makoronike 26:16-21) Varume vakadaro vakarangwa zvakaomarara nemhaka yokupanduka kwavo. Asi zvakaipa zvavakaita zvine zvidzidzo zvinotibatsira tose. Tinofanira kurwisa kuzvikudza uko kunoita kuti zvitiomere kuremekedza vane masimba.

5. Vanhu vane chivi vanoshandisa sei masimba avo zvisina kunaka?

5 Sezvo naivowo vaine chivi, vanhu vane masimba vakaitawo zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasavaremekedza. Vakawanda vanoita utsinye, vachishandisa simba zvisina kunaka kana kuti vachidzvinyirira. Kutaura zvazviri, nhoroondo yevanhu inoratidza kuti vakawanda vanoshandisa simba zvisina kunaka. (Verenga Muparidzi 8:9.) Somuenzaniso, Sauro aiva munhu akanaka, aizvininipisa paakasarudzwa naJehovha kuti ave mambo. Zvisinei, akazokundwa nokuzvikudza negodo, zvikaita kuti atambudze Dhavhidhi, munhu akatendeka. (1 Samueri 9:20, 21; 10:20-22; 18:7-11) Dhavhidhi akazova mumwe wemadzimambo akanaka zvikuru pane akambotonga Israeri, asi akashandisa simba rake zvisina kunaka paakatora mukadzi waUriya muHiti ndokurayira kuti murume wake akanga asina mhosva aiswe pamberi pairwiwa zvakanyanya kuti afire muhondo. (2 Samueri 11:1-17) Zvose izvi zvinoratidza kuti chivi chinoita kuti zviomere vanhu kushandisa simba zvakanaka. Uye kana vari kutonga vacho vasingaremekedzi Jehovha, vanotoita zvakaipisisa. Atsanangura kutambudzwa kwakanga kwaitwa vanhu navanapapa vesvondo yeRoma, mumwe mukuru mukuru wehurumende yeBritain akazoratidza zvinoita munhu kana akapiwa masimba akawandisa paakanyora kuti: “Simba rinowanzokanganisa munhu, kuva nesimba rose kunokanganisa zvachose.” Tichifunga zvose izvi, ngatikurukurei mubvunzo wokuti: Nei tichifanira kuremekedza vane masimba?

NEI TICHIFANIRA KUREMEKEDZA VANE MASIMBA?

6, 7. (a) Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tidii, uye nei? (b) Kuzviisa pasi kunosanganisira kuva nemafungiro akaita sei, uye tingaaratidza sei?

6 Zvikonzero zvakanakisisa zvokuremekedza vane masimba zvinobva pakuda kwatinoita Jehovha, vamwe vanhu, uye kunyange isu pachedu. Tinoda kufadza mwoyo waJehovha nokuti tinomuda kupfuura zvimwe zvinhu zvose. (Verenga Zvirevo 27:11; Mako 12:29, 30.) Tinoziva kuti uchangamire hwake, kureva kuti kodzero yake yokutonga zvinhu zvose, yakarambwa pasi pano kubvira pakupanduka kwakaitwa muEdheni uye kuti vakawanda vari kudivi raSatani uye vakaramba kutongwa naJehovha. Tinotsigira uchangamire hwaJehovha nomufaro. Patinoverenga mashoko okurumbidza ari pana Zvakazarurwa 4:11, tinonzwa chido chekuita zvaanotaura chichikura mumwoyo medu. Tinobva tanyatsoona kuti Jehovha ndiye ane kodzero yokuva Mutongi wezvinhu zvose! Tinotsigira uchangamire hwaJehovha, tichibvuma kutongwa naye muupenyu hwedu zuva nezuva.

7 Kuremekedza uku kunoreva kuteerera, asi kwete kungoteererawo zvako. Tinoda kuteerera Jehovha nokuti tinomuda. Zvisinei, pachava nedzimwe nguva pazvichatiomera zvikuru kuteerera. Pakadaro, kufanana nekamwana kaya kambotaurwa, tinofanira kudzidza kuzviisa pasi. Tinoyeuka kuti Jesu akazviisa pasi paBaba vake kunyange pazvakanga zvakamuomera. Akati kuna Baba vake: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.

8. (a) Kuzviisa pasi pechiremera chaJehovha nhasi kunosanganisira chii, uye ndezvipi zvinoratidza manzwiro aJehovha nezvenyaya iyi? (b) Chii chingatibatsira kuteerera zano uye kubvuma kurangwa? (Ona bhokisi rakanzi “Teerera Zano Ugamuchire Kurangwa.”)

8 Zviri pachena kuti Jehovha pachake haatauri nesu nhasi; anoshandisa Shoko rake uye vanhu vanomumiririra pasi pano. Saka kakawanda kacho tinoratidza kuzviisa pasi pechiremera chaJehovha kuburikidza nokuremekedza vanhu vaya vaakapa masimba, kana kuti vaakabvumira kuti vave nawo. Somuenzaniso kana tikapandukira vanhu ivavo, tichiramba kuteerera pavanotitsiura nekutiruramisa vachishandisa Magwaro, tinogumbura Mwari wedu. VaIsraeri pavakanyunyutira Mosesi ndokumupandukira, Jehovha akazvitora sokuti vaitozviitira iye.—Numeri 14:26, 27.

9. Nei kuda kwatinoita vamwe vanhu kuchiita kuti tiremekedze vane masimba? Ipa muenzaniso.

9 Tinoremekedzawo vane masimba nokuti tinoda vamwe vanhu. Sei? Chimbofungidzira uri musoja. Kuti uto ribudirire uye risaparare, musoja mumwe nemumwe anofanira kunge achiteerera uye achiremekedza uya anenge ari pamusoro pake. Kana ukasaremekedza urongwa ihwohwo uchipanduka, mamwe masoja ose anogona kuva pangozi. Ichokwadi kuti nhasi mauto anokonzera matambudziko akawanda munyika. Asi, Jehovha ane mauto anoita zvakanaka chete. Bhaibheri rinotaura kakawanda zvikuru nezvaMwari richiti “Jehovha wemauto.” (1 Samueri 1:3) Mutungamiriri wemapoka akawanda zvikuru ezvisikwa zvomudzimu zvine simba. Dzimwe nguva Jehovha anofananidza vashumiri vake vepasi pano neuto. (Pisarema 68:11; Ezekieri 37:1-10) Kana tikapandukira vanhu vakapiwa masimba naJehovha, hatingadaro tava kuisa pangozi vamwe vedu vatiri kurwa navo hondo yokunamata here? Kana muKristu akapandukira vakuru vakagadzwa, vamwe vari muungano vanotamburawo. (1 VaKorinde 12:14, 25, 26) Kana mwana akapanduka, mhuri yose ingatambura. Saka tinoratidza kuti tinoda vamwe kuburikidza nokuremekedza uye kuteerera vane masimba.

10, 11. Tinobatsirwa sei nekuziva kuti kana tikateerera vane masimba zvichatinakira?

10 Isuwo tinobatsirwa kana tikaremekedza vane masimba. Jehovha paanotiudza kuti tiremekedze vane masimba, anowanzotaura zvazvinobatsira. Somuenzaniso, anoudza vana kuti vateerere vabereki vavo kuitira kuti vararame upenyu hwakanaka kwenguva yakareba. (Dheuteronomio 5:16; VaEfeso 6:2, 3) Anotiudza kuti tiremekedze vakuru veungano nokuti tikasadaro zvinokanganisa ukama hwedu naMwari. (VaHebheru 13:7, 17) Uye anotiudza kuti titeerere vane masimba munyika nokuti zvinotidzivirira.—VaRoma 13:4.

11 Zvechokwadi kuziva kuti nei Jehovha achida kuti titeerere vane masimba kunotibatsira kuti tivaremekedze. Saka ngatikurukurei kuti tingaratidza sei kuti tinoremekedza vane masimba muzvinhu zvitatu zvinokosha muupenyu.

KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUMHURI

12. Jehovha anopa murume kana kuti baba vemba basa rei, uye murume wacho anofanira kuriita sei?

12 Jehovha pachake ndiye akatanga urongwa hwemhuri. Sezvo agara ari Mwari akarongeka, akaronga mhuri kuitira kuti ishande zvakanaka. (1 VaKorinde 14:33) Anopa murume kana kuti baba vemba masimba okushanda somusoro wemhuri. Murume anoremekedza Musoro wake, Kristu Jesu, nokutevedzera zvinoitwa naJesu somusoro weungano. (VaEfeso 5:23) Saka baba vemba vanofanira kuita basa ravo somunhu womurume kwete kugarira maoko; havafaniri kudzvinyirira kana kuita zvehasha, asi vanofanira kuva norudo, kunzwisisa, uye mutsa. Vanogara vachiyeuka kuti masimba avo ane paanogumira, kureva kuti haafi akapfuura aJehovha.

Baba vechiKristu vanotevedzera zvinoitwa naKristu somusoro

13. Mudzimai kana kuti amai vemba vangaita sei mabasa avo omumhuri nenzira inofadza Jehovha?

13 Mudzimai kana kuti amai vemba vanofanira kushanda somubatsiri kana kuti mukwanisi womurume wavo. Naivowo vane masimba mumhuri, nokuti Bhaibheri rinotaura ‘nezvomutemo waamai vako.’ (Zvirevo 1:8) Zviri pachena kuti masimba omudzimai mashoma pane omurume wake. Mudzimai wechiKristu anoremekedza masimba omurume nokumubatsira kuita basa rake somusoro wemba. Haamuzvidzi, haashandisi nzira dzakaipa kuti zvaanoda zviitwe, kana kuti kuedza kutora chinzvimbo chake. Asi anomutsigira pane zvaanoita. Kana zvinosarudzwa nomurume wake zvisingamufadzi, anotaurawo zvaanofunga achiremekedza, asi oramba achizviisa pasi. Kana murume asinganamati, dzimwe nguva mudzimai angaomerwa, asi kana achizviisa pasi zvingaita kuti murume wake atsvake Jehovha.—Verenga 1 Petro 3:1.

Baba vanobatsira nerudo mwanakomana auya nemadhaka mumba

14. Vana vangafadza sei vabereki vavo uye Jehovha?

14 Vana vanofadza mwoyo waJehovha pavanoteerera baba naamai. Vanoremekedzawo uye vanofadza vabereki vavo. (Zvirevo 10:1) Mumhuri dzine mubereki mumwe chete, vana vanoteererawo, vachiziva kuti mubereki wavo angave achitoda kutsigirwa kupfuura zvinowanzoitwa vamwe vabereki. Mumhuri mune vanhu vose vanoita mabasa avakapiwa naMwari mune rugare rwakakura uye mufaro. Izvi zvinoita kuti Muvambi wemhuri dzose, Jehovha Mwari, akudzwe.—VaEfeso 3:14, 15.

KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUUNGANO

15. (a) Muungano tingaratidza sei kuti tinoremekedza masimba aJehovha? (b) Zvinhu zvipi zvingatibatsira kuteerera vaya vanotungamirira? (Ona bhokisi rakanzi “Teererai Vaya Vari Kukutungamirirai”)

15 Jehovha akagadza Mwanakomana wake soMutongi weungano yechiKristu. (VaKorose 1:13) Jesu akaitawo kuti “muranda akatendeka, akangwara” atungamirire vanhu vaMwari panyaya dzekunamata pasi pano. (Mateu 24:45-47) Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha ndiro “muranda akatendeka akangwara.” Sezvaingoitwawo muungano nevaKristu vokutanga, mazuva ano vakuru vanowana mirayiridzo nemazano kuDare Rinodzora pacharo kana kuti kuvamiririri varo vakaita sevatariri vanofambira. Patinoremekedza masimba evakuru vechiKristu, tinenge tichitoteerera Jehovha.—Verenga 1 VaTesaronika 5:12; VaHebheru 13:17.

16. Vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene sei?

16 Vakuru nevashumiri vanoshumira vanhu vane chivi vanokanganisawo sezvatinoita. Asi vakuru “zvipo zviri varume,” zvakaiswa muungano kuti zviibatsire kuti irambe yakasimba pakunamata. (VaEfeso 4:8) Vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28) Sei? Pakuti varume vakadaro vanofanira kutanga vaonekwa kuti vakakodzera pachishandiswa Shoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene. (1 Timoti 3:1-7, 12; Tito 1:5-9) Uyewo vakuru pavanoongorora kana hama yakakodzera, vanotanga vanyengeterera mudzimu mutsvene waJehovha kuti uvatungamirire.

17. Pavanoita mamwe mabasa muungano, nei vakadzi vechiKristu vachifukidza misoro dzimwe nguva?

17 Pangava nedzimwe nguva muungano pamunenge musina vakuru nevashumiri vanoshumira vangaita mamwe mabasa avanowanzofanira kuita, akadai sokuitisa musangano webasa romumunda. Pakadaro, dzimwe hama dzakabhabhatidzwa dzinogona kuita mabasa acho. Kana dzisipo, hanzvadzi dzechiKristu dzakakodzera dzinogona kuita mabasa iwayo. Zvisinei, kana mukadzi achiita basa rinowanzoitwa nehama yakabhabhatidzwa, anofukidza musoro.a (1 VaKorinde 11:3-10) Izvi hazvideredzi vakadzi. Asi zvinovapa mukana wokuratidza kuti vanoremekedza urongwa hwaJehovha hwokuva nomusoro, mumhuri nomuungano.

KUREMEKEDZA VANE MASIMBA MUNYIKA

18, 19. (a) Ungatsanangura sei zviri kutaurwa pana VaRoma 13:1-7? (b) Tinoremekedza sei vane masimba munyika?

18 VaKristu vechokwadi vanonyatsoteerera zvinotaurwa pana VaRoma 13:1-7. (Verenga) Paunenge uchiverenga ndima iyoyo unonyatsoona kuti “masimba makuru” anotaurwa ipapo ihurumende dzenyika. Chero bedzi Jehovha achidzibvumira, hurumende dzevanhu idzi dzinoita mabasa anokosha neanobatsira vanhu, dzichiita kuti zvinhu zviti dzikamei. Tinoremekedza vane masimba ava patinoteerera mutemo. Tinova nechokwadi chokuti tabhadhara mitero, tanyora zvakanaka chero magwaro api zvawo anodiwa nehurumende kuti tive nawo, uye tatevedzera mitemo yose zvayo ine chokuita nesu, mhuri dzedu, uye mabhizimisi kana kuti zvinhu zvedu. Zvisinei, hatizviisi pasi pevane masimba munyika kana vakati tisateerere Mwari. Asi tinopindura sezvakaita vaapostora vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”​—Mabasa 5:28, 29; ona bhokisi rakanzi “Masimba Aani Andinofanira Kuremekedza?”

MASIMBA AANI ANDINOFANIRA KUREMEKEDZA?

Rugwaro rwungakutungamirira: “Jehovha ndiye Mutongi wedu, Jehovha ndiye Mupi wemirau yedu, Jehovha ndiye Mambo wedu.”—Isaya 33:22.

Zvibvunze kuti:

  • Ndingaita sei kana ndikanzi ndisatevedzere mararamiro anodiwa naJehovha?—Mateu 22:37-39; 26:52; Johani 18:36.

  • Ndingaita sei kana ndikanzi ndityore mitemo yaJehovha?—Mabasa 5:27-29; VaHebheru 10:24, 25.

  • Chii chingandibatsira kuti ndide kuteerera vane masimba?—VaRoma 13:1-4; 1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 6:1-3.

19 Tinoremekedzawo vane masimba munyika nenzira yatinovabata nayo. Dzimwe nguva tingatofanira kutaura navo. Muapostora Pauro akataura nevatongi vakadai saMambo Herodhi Agripa naGavhuna Festo. Varume ava vane zvakaipa zvavaiita, asi Pauro akataura navo achiremekedza. (Mabasa 26:2, 25) Tinotevedzera Pauro, pangava patinenge tichitaura nomukuru mukuru ane masimba kana kuti mupurisa. Kuchikoro, vaKristu vechiduku vanoedzawo kuremekedza vadzidzisi nevakuru vezvikoro uye vashandi. Zviri pachena kuti hatingoremekedzi vaya vanonzwisisa zvatinotenda asi tinoremekedzawo vaya vanopikisa Zvapupu zvaJehovha patinotaura navo. Tingangoti munhu wese hake asinganamati anofanira kungozviona kuti tiri vanhu vane ruremekedzo.​—Verenga VaRoma 12:17, 18; 1 Petro 3:15.

20, 21. Ndezvipi zvimwe zvezvikomborero zvinobva mukuremekedza vane masimba?

20 Kana pava panyaya yokuremekedza hapana watinofanira kusiya. Muapostora Petro akanyora kuti: “Kudzai vanhu vemarudzi ose.” (1 Petro 2:17) Vanhu pavanoona kuti tinovaremekedza zvechokwadi, vangafara zvikuru. Yeuka kuti vanhu vanoremekedza vari kuramba vachiita vashoma. Saka kuremekedza vamwe ndeimwe nzira yokuteerera nayo murayiro waJesu wokuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.”​—Mateu 5:16.

21 Munyika ino iri murima, chiedza chaMwari chiri kuita kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vauye kwachiri. Saka kana tichiratidza ruremekedzo mumhuri, muungano, uye munyika zvingaunza vamwe kuti vazofambawo nesu muchiedza chacho. Hakusi kufadza kwazvingaita! Zvisinei, kunyange kana izvozvo zvikasaitika, pane chimwe chinhu chatiine chokwadi nacho. Kuremekedza kwatinoita vamwe kunofadza Jehovha Mwari uye kunotibatsira kuti tirambe tiri murudo rwake. Hapana mubayiro unopfuura iwoyo.

a Nyaya inoti “Kufukidza Musoro Kunoitwa Riini Uye Kuchiitirwei?” iri kuMashoko Okuwedzera, inotsanangura nzira shomanana dzokutevedzera nadzo murayiro uyu.

“TEERERA ZANO UGAMUCHIRE KURANGWA”

Mafungiro aSatani okuda zvokupanduka uye zvenharo akazara munyika nhasi. Saka Bhaibheri rinotaura nezvaSatani richimuti “mutongi wesimba remhepo” uye rinotaura kuti izvi zvinoita kuti pave ‘nemafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.’ (VaEfeso 2:2) Vakawanda nhasi havatombodi kuzviisa pasi pevane masimba. Zvinosuwisa kuti mafungiro iwayo okusada kuzviisa pasi apindawo muvamwe vari muungano yechiKristu. Somuenzaniso, mumwe mukuru angapa zano nomutsa pamusoro pokuipa kwazvakaita kuti munhu avaraidzwe nezvinhu zvounzenza nezvekurwa, asi vamwe vangatoramba kuriteerera kana kuti vangatogumbuka. Tose tinofanira kushandisa mashoko ari pana Zvirevo 19:20 anoti: “Teerera zano ugamuchire kurangwa, kuti uve akachenjera munguva yako yemberi.”

Chii chingatibatsira kuita izvi? Cherechedza zvikonzero zvitatu zvinoita kuti vanhu vasada kupiwa zano kana kuti kurangwa, wozoona zvinotaurwa neMagwaro.

  • “Ndiri kufunga kuti zano racho ranga risina kukodzera.” Tingaona sokuti zano racho ranga risinganyatsoenderani nezvataita kana kuti aripa wacho anga asinganyatsozivi zvaitika. Tingabva tashora zano racho pakarepo. (VaHebheru 12:5) Sezvo tose tiine chivi, hakungava here kuti iwe wacho maonero auri kuita nyaya yacho ndiwo anoda kugadziridzwa? (Zvirevo 19:3) Hapana here zvimwe zvikonzero zvakanaka zvaita kuti zano racho ripiwe? Saka ndizvo zvatinofanira kufunga nezvazvo. Shoko raMwari rinotipa zano rokuti: “Batisisa kurangwa; usakuregedza. Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.”—Zvirevo 4:13.

  • “Handifariri nzira yakapiwa nayo zano racho.” Ichokwadi kuti Shoko raMwari rinotaura nzira dzakanaka zvikuru dzinofanira kutevedzerwa pakupa zano. (VaGaratiya 6:1) Zvisinei Bhaibheri rinotiwo: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Zano risina kana chikanganiso rinongopiwa chete nomunhu akakwana. (Jakobho 3:2) Jehovha anoshandisa vanhu vane chivi, saka zvakanaka kuti tirege kufunga kuti rapiwa sei. Chakanaka kutarisa kuti zano racho rinobatsira sei, uye tofunga tichinyengetera mashandisiro atingariita.

  • “Haasi iye munhu angandipa zano!” Kana tichifunga kuti mumwe munhu haagoni kutipa zano nokuti ane zvakewo zvaanokanganisa, tinofanira kuyeuka zvataurwa pamusoro apa. Saizvozvowo, kana tichifunga kuti zera redu, kugara kwataita nebasa, kana kuti basa ratinoita muungano zvinotiita kuti tisakodzera kupiwa zano, tinofanira kugadziridza mafungiro edu. MuIsraeri, mambo aiva nechinzvimbo chakakwirira zvikuru, asi aifanira kubvuma zano kubva kuvaprofita, vapristi, nevamwe vaaitonga. (2 Samueri 12:1-13; 2 Makoronike 26:16-20) Nhasi, sangano raJehovha rinogadza varume vanotadzawo sesu kuti vatipe zano, uye vaKristu vane ruzivo mukunamata vanorigamuchira nomwoyo wose uye vanorishandisa. Kana tiine mabasa atinoita muungano kana kuti tagara nebasa kupfuura vamwe, ndisu tinofanira kutova pamberi pakuratidza kunzwisisa uye kuzvininipisa nokugamuchira zano torishandisa.—1 Timoti 3:2, 3; Tito 3:2.

Zviri pachena kuti hapana munhu asingadi zano. Saka ngatitsungei kugamuchira zano, kurishandisa, uye totenda Jehovha nomwoyo wose nokutipa chipo ichi chinoponesa. Kupiwa zano kunoratidza kuti Jehovha anotida, uye tinoda kuramba tiri murudo rwaMwari.—VaHebheru 12:6-11.

“TEERERAI VAYA VARI KUKUTUNGAMIRIRAI”

Mamiriro ezvinhu akambova muIsraeri anoratidza kuti kana vanhu vakasarongwa zvinhu hazvifambe zvakanaka. Mosesi oga aisagona kutungamirira mamiriyoni evanhu vaifamba nomurenje raityisa. Akaitei? “Mosesi akasarudza varume vanokwanisa pakati pevaIsraeri vose, akavapa nzvimbo dzokuti vave vatungamiriri vevanhu, kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu uye vakuru vemakumi.”—Eksodho 18:25.

Muungano yechiKristu nhasi, zvinhu zvinofanira kurongwawo. Ndosaka boka rebasa romumunda riine mutariri, ungano iine vakuru, dunhu riine mutariri wedunhu, uye nyika iine Dare Renyika kana kuti Dare Rebazi. Marongero aya anoita kuti mufudzi mumwe nomumwe anyatsoziva makwai aJehovha aakanzi afudze. Vafudzi vakadaro vanoziva kuti vachabvunzwa naJehovha naKristu nezvemakwai acho.—Mabasa 20:28.

Urongwa uhwu hwesangano hunoda kuti tose titeerere uye tizviise pasi. Hatitombodi kuita saDhiyotrefesi, akanga asingaremekedzi vaya vaitungamirira panguva yake. (3 Johani 9, 10) Pane kudaro tinoda kuteerera mashoko omuapostora Pauro anoti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaHebheru 13:17) Vamwe vanoteerera kana vachibvumirana nezvavari kunzi vaite nevanotungamirira asi vanoramba pavanenge vasingabvumirani nazvo kana kuti vasinganzwisisi kuti zviri kuitirwei. Zvisinei, yeuka kuti kuzviisa pasi kunogona kusanganisira pfungwa yokuteerera kunyange kana tisiri kunyatsoda. Saka tose tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoteerera uye ndinozviisa pasi pevaya vari kunditungamirira here?’

Shoko raMwari haribvi radonongodza twose tunofanira kuitwa kuti ungano ishande. Asi Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaKorinde 14:40) Dare Rinodzora rinoteerera mashoko aya kuburikidza nokuita kuti pave nenzira dzakarongwa dzakasiyana-siyana dzokuita nadzo zvinhu kuitira kuti zvinyatsoita muchechetere uye zvive zvakarongeka muungano. Varume vechiKristu vane mabasa muungano vanoratidza muenzaniso wokuteerera nokushandisa urongwa ihwohwo. Vanoratidzawo kuti ‘vanonzwisisa, uye vanoda kuteerera’ vaya vanovatungamirira. (Jakobho 3:17) Saka mumapoka ose ebasa romumunda, muungano dzose, mumatunhu ose, uye munyika dzose mune vanhu vanonamata vakabatana uye vakarongeka vachiratidza kuti vanonamata Mwari anofara.—1 VaKorinde 14:33; 1 Timoti 1:11.

Ukuwo mashoko aPauro anowanika pana VaHebheru 13:17 anoratidza chakaipira kusateerera. Zvingaita kuti vaya vanotungamirira vaite basa ravo “nokugomera.” Basa dzvene raifanira kuitwa nehama ichifara rinogona kuva mutoro kana muungano muine vanhu vasingadi kutsigira vakuru uye vanoda kuita zvavo voga. Izvozvo ‘zvinokuvadza’ ungano yose. Munhu anoramba kuzviisa pasi pourongwa hwemuungano anogona kukuvarawo iye pachake. Kana achizvikudza zvokusada kuzviisa pasi, anokanganisa ukama hwake naMwari, zvichimuisa kure naBaba vake vokudenga. (Pisarema 138:6) Saka tose zvedu ngatitsungei kuramba tichiteerera uye tichizviisa pasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe