RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lv chits. 13 pp. 144-159
  • Mhemberero Dzisingafadzi Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhemberero Dzisingafadzi Mwari
  • “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KRISIMASI KUNAMATA ZUVA KWAKAPIWA RIMWE ZITA
  • ZVINOTAURA BHAIBHERI NEZVEMAZUVA OKUBEREKWA
  • ISITA HAISI YOKUMUKA KWAKRISTU
  • ZUVA REHALLOWEEN HARISI DZVENE ZVACHOSE
  • MUCHATO WENYU NGAUSASVIBISWA
  • KUROVANISA MAGIRAZI PAKUNWA
  • “IMI VANODA JEHOVHA, VENGAI ZVAKAIPA”
  • KUDZA MWARI NEZVAUNOTAURA UYE NEZVAUNOITA
  • Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Sarudza Kunamata Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Tsigira Kunamata Kwechokwadi
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Dambudziko Rekusiyana Kwezvitendero
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?
Ona Zvimwe
“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
lv chits. 13 pp. 144-159
Mwanakomana ari kuvhura chipo chaapiwa nevabereki vake

CHITSAUKO 13

Mhemberero Dzisingafadzi Mwari

“Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”​—VAEFESO 5:10.

1. Jehovha anoita kuti vanhu vakaita sei vauye kwaari, uye nei vachifanira kuramba vakangwarira pamanamatiro avo?

JESU akati: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.” (Johani 4:23) Jehovha paanowana vanhu vakadaro, semawaniro aakakuita, anovaita kuti vauye kwaari uye kuMwanakomana wake. (Johani 6:44) Ikoko kukudzwa zvikuru! Zvisinei, vanhu vanoda chokwadi cheBhaibheri vanofanira ‘kuramba vachiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe,’ nokuti Satani inyanzvi yokunyengera vanhu.—VaEfeso 5:10; Zvakazarurwa 12:9.

2. Tsanangura kuti Jehovha anoona sei vaya vanoda kusanganisa kunamata kwechokwadi nekwenhema.

2 Chimbofunga zvakaitika paGomo reSinai apo vaIsraeri vakakumbira Aroni kuti avagadzirire mwari. Aroni akangobvuma ndokugadzira mhuru yendarama achiti yaimiririra Jehovha. Akati: “Mangwana kune mutambo uchaitirwa Jehovha.” Jehovha akangosiya kunamata kwechokwadi kuchisanganiswa nekwenhema here? Kwete. Akaita kuti vanhu vanenge zviuru zvitatu vakanamata chidhori ichocho vaurayiwe. (Eksodho 32:1-6, 10, 28) Tinodzidzei? Kana tichida kuramba tiri murudo rwaMwari, hatifaniri ‘kubata chinhu chisina kuchena’ asi tinofanira kushingaira kudzivirira chokwadi kuti chisambosvibiswa nechinhu chero chipi zvacho.—Isaya 52:11; Ezekieri 44:23; VaGaratiya 5:9.

3, 4. Nei tichifanira kubatisisa zvinotaura Bhaibheri patinoongorora tsika nemhemberero zvakakurumbira?

3 Zvinosuwisa kuti pashure pekufa kwevaapostora, vanova ndivo vaiita kuti vanhu vasatsauke mukutenda, vaKristu vokunyepedzera vakanga vasingadi chokwadi vakatanga kutora tsika, mhemberero, uye mazuva “matsvene”, zvechihedheni, vachibva vazviita zvechiKristu. (2 VaTesaronika 2:7, 10) Sezvaunoongorora dzimwe dzemhemberero idzi, cherechedza kuti dzinoratidza sei mafungiro enyika kwete aMwari. Kazhinji, mhemberero dzenyika dzine chimwe chinhu chadzakafanana: Ndedzokufadza nyama, uye dzinotsigira kunamata kwenhema nechidhimoni, izvo zvakazara ‘muBhabhironi Guru.’a (Zvakazarurwa 18:2-4, 23) Yeukawo kuti Jehovha akanyatsoona matangiro akaita tsika dzakurumbira mazuva ano padzaiitwa muzvitendero zvechihedheni zvaisemesa. Hapana mubvunzo kuti achiri kungogumburwa nemhemberero dzakadaro. Maonero aanoita handiwo here anofanira kunyanya kukosha kwatiri?—2 Johani 6, 7.

4 SevaKristu vechokwadi tinoziva kuti dzimwe mhemberero hadzifadzi Jehovha. Asi tinofanira kunyatsotsidza mumwoyo medu kuti tisatombova nechokuita nadzo. Kuongorora kuti nei Jehovha asingafadzwi nemhemberero dzakadaro kuchaita kuti tiwedzere kutsunga kwedu kusiyana nechinhu chipi zvacho chingatitadzisa kuramba tiri murudo rwaMwari.

KRISIMASI KUNAMATA ZUVA KWAKAPIWA RIMWE ZITA

5. Nei tiine chokwadi kuti Jesu haana kuberekwa musi wa25 December?

5 Bhaibheri haritauri nezvekupembererwa kwezuva rokuberekwa kwaJesu. Chokwadi ndechokuti musi waakaberekwa chaiwo hauzivikanwi. Asi tine chokwadi chokuti haana kuberekwa musi wa25 December, mumwaka wechando wekwaakaberekerwa.b Chimwe chikonzero nei tichidaro ndechokuti Ruka akanyora kuti pakaberekwa Jesu, “vafudzi vaigara kunze kwemisha” vachifudza zvipfuwo zvavo. (Ruka 2:8-11) Dai kuri kuti “vaigara kunze kwemisha” kwegore rose, zvingadai zvisina kumbotaurwa nezvazvo. Zvisinei, panguva yechando muBhetrehema munoita sinou uye kana kuchinaya kunenge kuchitonhora, saka zvipfuwo zvaipfigirwa uye vafudzi vaisazokwanisa ‘kugara kunze kwemisha.’ Uyezve, Josefa naMariya vakaenda kuBhetrehema nokuti Kesari Agasto akanga arayira kuti vanhu vaverengwe. (Ruka 2:1-7) Hazvaimboita kuti Kesari arayire vanhu vainyunyuta nezvoutongi hweRoma kuti vaende kumaguta emadzitateguru avo pakati pemwaka wechando.

6, 7. (a) Tsika dzakawanda dzinoitwa paKrisimasi dzakatanga sei? (b) Kupa kunoitwa paKrisimasi kunosiyana papi nokupa kunoitwa nevaKristu?

6 Mavambo eKrisimasi haasi muMagwaro, asi ari mumitambo yaiitwa nevahedheni, yakadai sewaiitwa nevaRoma wainzi, Saturnalia, waiitirwa mwari wokurima ainzi Saturn. Ndizvo zvaiitawo vamwe vainamata mwari ainzi Mithra avo, maererano nemaverengero avaiita mazuva, vaipemberera zuva ra25 December “somusi wakaberekwa zuva risingakundwi,” inodaro New Catholic Encyclopedia. “Krisimasi yakatanga panguva yakanga yakakurumbira tsika yokunamata zuva muRoma,” anenge makore mazana matatu Kristu afa.

VaKristu vechokwadi vanopa nokuti vane rudo

7 Pavaiita mhemberero dzavo, vahedheni vaipanana zvipo, tsika ichiri kuitwa paKrisimasi. Zvisinei, sezvinongoitwa nhasi, kupa kuzhinji kwaiitwa paKrisimasi kwaisaitwa nepfungwa iri pana 2 VaKorinde 9:7, panoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” VaKristu vechokwadi vanopa nokuti vane rudo, pasinei nokuti musi upi, uye havatarisiri kuti vave nezvavanowana. (Ruka 14:12-14; verenga Mabasa 20:35.) Uyezve, vanofara zvikuru kuti vakasununguka pachipatapata chinoitwa paKrisimasi, uye havapindi muzvikwereti zvinowanzoparamurwa nevakawanda panguva iyoyo yegore.—Mateu 11:28-30; Johani 8:32.

8. Vazivi venyeredzi vakapa Jesu zvipo zvezuva rokuberekwa kwake here? Tsanangura.

8 Asi vamwe vangati, ko vazivi venyeredzi havana kupa Jesu zvipo zvezuva rokuberekwa kwake here? Aiwa. Kupa kwavo zvipo kwaingoratidza kuremekedza munhu anokosha, izvo zvaiitwa nevakawanda vanotaurwa muBhaibheri. (1 Madzimambo 10:1, 2, 10, 13; Mateu 2:2, 11) Kutaura zvazviri, havana kutombosvika usiku hwakaberekwa Jesu. Jesu akanga asiri kacheche kaiva muchidyiro, asi akanga atova nemwedzi yakawanda uye akanga ava kugara mumba pavakazosvika.

NDINOFANIRA KUPEMBERERAWO HERE?

Hanzvadzi yechiKristu iri kuramba kubatsira mukadzi ari kushongedza nzvimbo yavanoshandira nemaruva ekugadzirira mhemberero yakakurumbira

Rugwaro rwungakutungamirira: “‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’”—2 VaKorinde 6:17.

Mimwe mibvunzo yokuzvibvunza nezvemhemberero kana kuti tsika dzakakurumbira

  • Zviri pachena here kuti yakavambira muchitendero chenhema kana kuti mudzidziso dzechidhimoni?—Isaya 52:11; 1 VaKorinde 4:6; 2 VaKorinde 6:14-18; Zvakazarurwa 18:4.

  • Inopa rukudzo rusina kufanira kumunhu, sangano, kana kuti mucherechedzo wenyika here?—Jeremiya 17:5-7; Mabasa 10:25, 26; 1 Johani 5:21.

  • Inosimudzira imwe nyika kana kuti rudzi kupfuura rumwe here?—Mabasa 10:34, 35; 17:26.

  • Inoratidza “mudzimu wenyika,” uyo unopesana nomudzimu mutsvene waMwari here?—1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2.

  • Kupemberera kwangu kungagumbura vamwe here?—VaRoma 14:21.

  • Kana ndikasarudza kusapemberera, ndingazvitsanangurira vamwe sei noruremekedzo?—VaRoma 12:1, 2; VaKorose 4:6.

Magwaro anotevera angabatsira kupindura mimwe mibvunzo nezvemhemberero dzakakurumbira:

  • “[VaIsraeri vasina kutendeka] vakavhengana nemarudzi acho, vakadzidza mabasa awo.”—Pisarema 106:35.

  • “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidukuduku haanawo kururama pazvinhu zvikuru.”—Ruka 16:10.

  • “Hamusi venyika.”—Johani 15:19.

  • “Hamugoni kudyira ‘patafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.”—1 VaKorinde 10:21.

  • “Munguva yakapfuura makapedza nguva yakakwana muchiita zvaidiwa nemamwe marudzi pamairamba muri pamabasa okusazvibata [kana kuti ekushaya nyadzi], pakuchiva kwazvo, pakunyanyisa kunwa waini, pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.”—1 Petro 4:3.

ZVINOTAURA BHAIBHERI NEZVEMAZUVA OKUBEREKWA

9. Chii chakaitika pamazuva okuberekwa anotaurwa nezvawo muBhaibheri?

9 Kunyange zvazvo kuberekwa kwemwana kwagara kuchifadza, Bhaibheri harina kana mushumiri waMwari warinoti akapemberera zuva rokuberekwa. (Pisarema 127:3) Kuti inyaya yakangosiyiwa here? Handizvo, nokuti rinotaura mhemberero mbiri dzemazuva okuberekwa, raFarao weIjipiti neraHerodhi Andipasi. (Verenga Genesisi 40:20-22; Mako 6:21-29.) Zvisinei zviitiko zvacho zvose zvinotaurwa mune zvakaipa, zvikurukuru chechipiri chacho, pakadimburwa Johani Mubhabhatidzi musoro.

10, 11. VaKristu vokutanga vaiona sei mhemberero dzemazuva okuzvarwa uye chii chaiita kuti vadaro?

10 The World Book Encyclopedia, rinoti “vaKristu vokutanga, vaiona kupemberera kuberekwa kwomunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.” Somuenzaniso, makarekare vaGiriki vaitenda kuti munhu ane mudzimu unomudzivirira unenge uripo paanoberekwa wozoramba uchimuchengetedza. Bhuku rengano dzokupembererwa kwemazuva okuberekwa rinonzi The Lore of Birthdays rinoti mudzimu iwoyo “waiva noukama husinganzwisisiki namwari ainzi akaberekwa pazuva rinenge rakaberekwawo munhu wacho.” Mazuva okuberekwa avawo nenguva refu achitsanangurwa zvaanoreva pachishandiswa ruzivo rwenyeredzi.

MAZUVA “MATSVENE” NOKUNAMATA SATANI

Zvinoshamisa kuti muchitendero chemaSatanist (vanhu vanonamata Satani) zuva rokuberekwa kwomunhu ndiro rinonyanya kukosheswa. Nemhaka yei? MaSatanist anotenda kuti munhu oga oga ndimwari kana akada hake kuzviona saizvozvo. Saka kupemberera zuva rokuberekwa kupemberera kuzvarwa kwamwari. Ichokwadi kuti vanhu vakawanda havazvikudzi zvinosvika ipapo. Kunyange zvakadaro bhuku rinonzi The Lore of Birthdays rinoti: “Mamwe mazororo anofadza mwoyo asi mazuva okuzvarwa anoita kuti munhu afunge kuti anonyanya kukosha.”

Mamwe mazuva “matsvene” anokosheswa nemaSatanist ndeanoti Walpurgis Night neHalloween. Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary rinotsanangura Walpurgis Night richiti “usiku hwomusi wa30 April uhwo varoyi vanonzi vanoenda kune imwe nzvimbo yavanenge vakarangana.”

11 Kunze kwokuramba tsika dzemazuva okuberekwa nemhaka yemavambiro adzakaita echihedheni nechidhimoni, vashumiri vaMwari vekare vangave vakadzirambawo nemhaka yemaonero avo. Nei? Ava vaiva varume nevakadzi vaizvininipisa vaisaona kuzvarwa kwavo sechinhu chinokosha zvokuti chingada kupembererwa.c (Mika 6:8; Ruka 9:48) Asi vaikudza Jehovha vachimutenda nechipo chinokosha choupenyu.d—Pisarema 8:3, 4; 36:9; Zvakazarurwa 4:11.

12. Zuva rokufa ringava sei riri nani pane rokuberekwa?

12 Pavanofa, vanhu vose vakatendeka vanochengetedzwa nokuti Mwari anovayeuka, uye remangwana ravo rakajeka. (Jobho 14:14, 15) Muparidzi 7:1 inoti: “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” “Zita rakanaka” zvinoreva mukurumbira wakanaka watakava nawo tichishumira Mwari nokutendeka. Zvinokosha kuziva kuti mhemberero yakanzi vaKristu vaite ndeyerufu kwete kuberekwa kwaJesu, uyo ane “zita” rinokosha kuti tiponeswe.—VaHebheru 1:3, 4; Ruka 22:17-20.

ISITA HAISI YOKUMUKA KWAKRISTU

13, 14. Zvinowanzoitwa paIsita zvakabva kupi?

13 Kunyange zvazvo ichinzi kupemberera kumuka kwaKristu, Isita chaizvoizvo yakabva muchitendero chenhema. Zita rokuti Isita pacharo rinonzi rakabva pana Eostre, kana kuti Ostara, mwarikadzi wevaAnglo-Saxon wechiedza nechirimo. Ko mazai netsuro zvakazosvika sei pakushandiswa paIsita? Encyclopædia Britannica, inoti mazai “akakurumbira sezviratidzo zvoupenyu hutsva uye kumuka kwevakafa.” Tsuro yavawo nenguva refu ichishandiswa sechiratidzo chokubereka. Saka Isita, chaizvoizvo mutambo wokupemberera kubereka wakazongonzi ndewokumuka kwaKristu.e

14 Jehovha angatendera kuti tsika yakasviba zvakadaro ishandiswe kupemberera kumuka kweMwanakomana wake here? Kana! (2 VaKorinde 6:17, 18) Chokwadi ndechokuti Magwaro haatombotauri kuti kumuka kwaJesu kunofanira kupembererwa. Saka kupemberera kumuka ikoko kuchipiwa zita rekuti Isita, kunotova kutadza kwakaipisisa.

ZUVA REHALLOWEEN HARISI DZVENE ZVACHOSE

15. Halloween yakatanga sei, uye chii chingada kuzivikanwa nezvomusi wakasarudzwa kuipemberera?

15 Halloween, iyo inozivikanwa nokuona vana vanenge vachizviita sevaroyi, zvitokwani, nezvimwe zvinhu zvinotyisa, yakatangwa karekare nevaCelt vaigara muBritain neIreland. Panguva yejenaguru pedyo na1 November, vaiva nemhemberero yainzi Samhain, iyo yaireva kupera kwemwaka wokupisa. Vaitenda kuti munguva yeSamhain, chaiparadzanisa vanhu nenyikadzimu chaibviswa uye vadzimu vakaipa nevakanaka, vaitenderera panyika. Mweya yevafi yaifungidzirwa kuti inodzoka kumisha yavo, uye mhuri dzaiisa zvokudya nezvokunwa pachena dziine pfungwa yokufadza vaenzi vadzo vanenge vari zvipoko. Saka kana mazuva ano vana vachizviita sezvipoko kana kuti varoyi, vachienda paimba neimba votyisidzira munhu vachiti vanozomuitira zvakaipa kana akasavapa chimwe chinhu, vanenge vachitotevedzera vasingazivi tsika dzaiitwa paSamhain.

MUCHATO WENYU NGAUSASVIBISWA

16, 17. (a) Nei vaKristu vari kuronga kuroorana vachifanira kuongorora tsika dzekwavanogara vachishandisa zvinotaurwa neBhaibheri? (b) VaKristu vanofanira kufunga nezvei panyaya yetsika dzakadai sokumwaya mupunga kana zvimwe zvinhu?

16 Pasina nguva, “hapana inzwi romuroori neromwenga richazombonzwikazve” muBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:23) Nei? Zvimwe zvacho zvichakonzerwa netsika dzaro dzechidhimoni, idzo dzinogona kusvibisa imba yevaviri kubvira musi womuchato chaiwo.—Mako 10:6-9.

17 Tsika dzinosiyana nyika nenyika. Dzimwe tsika dzingaita sedzakanaka dzingava dzakatangira mune zvaiitwa muBhabhironi zvainzi zvinoita kuti vari kuchata vacho kana kuti vari kuvapemberera vazova ‘nemhanza yakanaka.’ (Isaya 65:11) Imwe yetsika dzakadaro inosanganisira kumwaya mupunga kana kuti zvimwe zvinhu. Tsika iyi ingava yakabva papfungwa yokuti zvokudya zvaifadza vadzimu uye zvaiita kuti vasakuvadza vari kuchata vacho. Uyezve, mupunga wagara uchishandiswa sechiratidzo chisinganzwisisiki chokubereka, mufaro uye kurarama kwenguva refu. Zviri pachena kuti vose vanoda kuramba vari murudo rwaMwari vacharega tsika dzakadaro dzakasviba.—Verenga 2 VaKorinde 6:14-18.

18. Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvinofanira kutungamirira vaviri vari kuronga muchato uye vanenge vakokwa?

18 Saizvozvowo vashumiri vaJehovha vanosiyana netsika dzenyika dzingaita kuti michato nemabiko emichato zvisava nechiremerera chechiKristu kana kuti dziya dzingagumbura hana dzevamwe. Somuenzaniso, havataure zvokutsvinya kana kuita chibhende chezvepabonde uye havaiti zvinhu zvokusekesa vanhu zvinonyadzisa vari kuchata vacho nevamwe. (Zvirevo 26:18, 19; Ruka 6:31; 10:27) Vanoita mabiko anoratidza kuzvininipisa, kwete emandiriri anoratidza “kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johani 2:16) Kana uri kuronga muchato, usakanganwa kuti Jehovha anoda kuti zuva iroro rinokosha rive zuva rauchazoyeuka uchifara kwete kudemba pose paunofunga nezvaro.f

KUROVANISA MAGIRAZI PAKUNWA

19, 20. Rimwe bhuku rokunyika rinotii nezvekwakabva tsika yokurovanisa magirazi pakunwa, uye nei tsika iyi isingaitwi nevaKristu?

19 Chimwe chinhu chinowanzoitwa pamichato nepamwe panenge pakaungana vanhu, kurovanisa magirazi pakunwa. Bhuku rinonzi International Handbook on Alcohol and Culture ra1995 rinoti: “Kurovanisa magirazi pakunwa . . . itsika inofanira kunge yakabva pane zvaiitwa kare nevanhu vachipira chinwiwa chavaiyeresa kuna vanamwari . . . vachida kuitirwa zvavaikumbira mumunyengetero waiitwa wakapfupiswa mumashoko okuti ‘rarama upenyu hurefu!’ kana kuti ‘iva noutano hwakanaka!’”

20 Ichokwadi kuti vakawanda vangasaona kurovanisa magirazi pakunwa senzira yokunamata kana kuti yokutenda mashura. Kunyange zvakadaro tsika yokusimudza magirazi ewaini achinongedzera kudenga inogona kuonekwa sokukumbira “denga,” kureva rimwe simba risingaoneki, kuti rikomborere nenzira isingaenderani nezvinotaurwa muMagwaro.—Johani 14:6; 16:23.g

“IMI VANODA JEHOVHA, VENGAI ZVAKAIPA”

21. Imhemberero dzipi dzisingaitwi nevaKristu kunyange zvazvo dzisina chokuita nechitendero uye nei vasingadzipembereri?

21 Dzichiratidza kushata kuri kuita tsika munyika yanhasi uko kuri kutsigirwa nenzira dzakasiyana-siyana neBhabhironi Guru, dzimwe nyika dzine mitambo inoitwa pagore inenge ichitambwa zvinonyadzisira uye ingatopemberererwa ichirumbidza ungochani. Zvakakodzera here kuti vaya vanoda Jehovha vave pamutambo wakadaro kana kuti vauone? Kuita izvozvo kungaratidza kuvenga zvakaipa zvechokwadi here? (Pisarema 1:1, 2; 97:10) Zvaizova zvakanaka sei kutevedzera munyori wepisarema uyo akanyengetera achiti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira”!—Pisarema 119:37.

22. Ndepapi pangasarudzwa nomuKristu maererano nehana yake kuti opinda here imwe mhemberero kana kuti orega?

22 Mazuva akunenge kuine mhemberero dzenyika, muKristu achangwarira kuti asaita zvinoita kuti vamwe vake vafunge kuti ari kutopembererawo. Pauro akanyora kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaKorinde 10:31; ona bhokisi rakanzi “Kusarudza Nokuchenjera.”) Asi kana tsika ichinyatsoratidza kuti haina chokuita nezvechitendero chenhema, zvematongerwo enyika uye haipesani nezvinotaurwa neBhaibheri, muKristu mumwe nomumwe angazvisarudzira zvokuita. Uyewo anofanira kufunga kuti vamwe vanonzwa sei kuti asavagumbura.

KUDZA MWARI NEZVAUNOTAURA UYE NEZVAUNOITA

23, 24. Tingapupurira sei zvakanaka nezvemitemo yaJehovha yakarurama?

23 Vanhu vakawanda vanoona mazuva emhemberero dzakakurumbira semikana yokusangana nehama neshamwari. Saka kana mumwe munhu akataura kuti tinopfuura mwero pakutevedzera kwatinoita Magwaro, tinogona kumutsanangurira zvakanakanaka kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa kuungana kwakanaka nehama neshamwari. (Zvirevo 11:25; Muparidzi 3:12, 13; 2 VaKorinde 9:7) Tinonakidzwa nokuungana nehama neshamwari chero panguva ipi yegore, asi nokuti tinoda Mwari nemitemo yake yakarurama, hatidi kusvibisa zviitiko izvozvo zvinofadza nokuita tsika dzinomugumbura.​—Ona bhokisi rakanzi “Kunamata Kwechokwadi Kunofadza Zvikuru.”

Kunamata Kwechokwadi Kunofadza Zvikuru

Jehovha ‘ndiMwari anofara,’ uye anoda kuti vashumiri vake vafare. (1 Timoti 1:11) Izvi zvinoratidzwa mumagwaro anotevera:

  • “Munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.”—Zvirevo 15:15.

  • “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:12, 13.

  • “Munhu ane rupo anopa mazano nokuda kwezvinhu zvorupo; uye iye achasimuka nokuda kwezvinhu zvorupo.”—Isaya 32:8.

  • “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini [Jesu] ndichakuzorodzai. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28, 30.

  • “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:32.

  • “Mumwe nomumwe [ngaape] sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaKorinde 9:7.

  • “Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, . . . mutsa, runako.”—VaGaratiya 5:22.

  • “Chibereko chechiedza chinoumbwa nokunaka kwemarudzi ose nokururama nechokwadi.”—VaEfeso 5:9.

24 Zvimwe Zvapupu zvakabudirira kutsanangurira anenge abvunza achida hake kuziva zvichishandisa pfungwa dziri muchitsauko 16 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?h Zvisinei, yeuka kuti chinangwa chedu ndechokubatsira munhu kwete kumukunda panharo. Saka muremekedze, taura zvinyoronyoro, uye “kutaura [kwako] ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”—VaKorose 4:6.

25, 26. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vakure mukutenda nokuda Jehovha?

25 Sevashumiri vaJehovha, takanyatsodzidziswa. Tinoziva chikonzero nei tichitenda uye tichiita kana kusaita zvimwe zvinhu. (VaHebheru 5:14) Saka vabereki, dzidzisai vana venyu kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri vachidzamisa pfungwa. Kana muchidaro munenge muchivaka kutenda kwavo, muchivabatsira kupa vanhu vanenge vavabvunza zvavanotenda mhinduro dzinobva muMagwaro, uye munoita kuti vazive kuti vanodiwa naJehovha.—Isaya 48:17, 18; 1 Petro 3:15.

26 Vose vanonamata Mwari “mumudzimu nechokwadi” vachasiyana nemhemberero dzinopesana neMagwaro uye vachaedza kuva vakatendeseka pane zvavanoita zvose muupenyu. (Johani 4:23) Nhasi vakawanda vanoona sezvisingaiti kuti munhu ave akatendeseka. Asi sezvatichaona muchitsauko chinotevera, zvinotaurwa naMwari ndizvo zvakanakisisa kuti tizviteerere.

a Ona bhokisi rakanzi “Ndinofanira Kupembererawo Here?” Mazuva “matsvene” nemhemberero zvakarongwa nemazita azvo muWatch Tower Publications Index kana kuti muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Tichishandisa zvinotaura Bhaibheri, uye nhoroondo dzenyika dzezvakaitika, Jesu angava akaberekwa muna 2 B.C.E. mumwedzi wechiJudha waEtanimu, uyo unoenderana naSeptember/October pakarenda yedu yemazuva ano.​—Ona bhuku raInsight on the Scriptures, Volume 2, pamapeji 56-57, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Ona bhokisi rakanzi “Mazuva ‘Matsvene’ Nokunamata Satani.”

d Sungano yoMutemo yaiti kana mukadzi asununguka mwana aifanira kupa chinopiwa chechivi kuna Mwari. (Revhitiko 12:1-8) Uyu mutemo waiyeuchidza zvakasimba kuti munhu anopfuudza chivi kumwana wake. Waibatsirawo vaIsraeri kuti vasanyanya kukoshesa kuberekwa kwemwana uye ungave wakaita kuti vasatora tsika dzechihedheni dzemazuva okuberekwa.—Pisarema 51:5.

e Eostre (kana kuti Eastre) aivawo mwarikadzi wembereko. Maererano neThe Dictionary of Mythology, ainzi “aiva netsuro yaigara kumwedzi iyo yaifarira mazai uye dzimwe nguva mwarikadzi uyu airatidzwa seane musoro wetsuro.”

f Ona nyaya nhatu dzinotaura nezvemichato nokumwe kuungana dziri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2006, pamapeji 18-31.

g Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 2007, pamapeji 30-31.

h Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

KUSARUDZA NOKUCHENJERA

Pane zvimwe zvinomboitika zvinoedza kuda kwatinoita Jehovha uye kunzwisisa kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri. Somuenzaniso, muKristu ane mudzimai kana kuti murume asinganamati anganzi nemumwe wake vashanyire hama dzavo kumabiko epazororo renyika. Vamwe vaKristu vangabvuma vachitungamirirwa nehana dzavo; vamwewo vangaramba. Kana muKristu akabvuma, maitiro ake anofanira kuratidza zviri pachena kuti avinga kuzodya nehama dzake kwete kuzopemberera zororo.

Kungava kuchenjera kuti muKristu agare ataura nomumwe wake noruremekedzo, achimutsanangurira kuti zvinogona kuzonyadzisa kana hama dzava kuita tsika dzezororo racho asi iye seChapupu oramba. Uya asiri Chapupu angaronga kuzoshanya rimwe zuva.—1 Petro 3:15.

Zvakadini kana murume womudzimai wechiKristu akaomesa musoro achiti vaende vose kunyange atsanangurirwa? Mudzimai angasvika pakuti sezvo murume wake ari iye musoro wemba, ndiye ane basa rokupa mhuri zvokudya. (VaKorose 3:18) Uye pazuva iri murume aronga kuti mhuri yake inodyira kuhama dzake. Mudzimai uyu angatokwanisa kuwana mukana wakanaka wokuparidza pachiitiko ichocho. Zvokudya hazvina kusvibiswa nemhaka chete yokuti zviri kudyiwa musi wezororo. (1 VaKorinde 8:8) MuKristu angazviona sekudya kwagara kuchingoitwa orega tsika dzokukwazisa, kuimba, kurovanisa magirazi pakunwa, nezvimwewo zvinoitwa pazororo racho.

Chimwe chingada kufungwa nezvacho ndechokuti vamwe vachanzwa sei kana akava pamabiko akadaro. Mudzimai wechiKristu anofanira kufunga kuti vamwe vangagumbuka vakanzwa kuti akashanyira hama dzake dzokunyika pazuva iroro.—1 VaKorinde 8:9; 10:23, 24.

Uyewo, mhuri yacho haizomanikidzi mudzimai wechiKristu here kuti aite zvinopesana nezvaanotenda? Kusada kunyadziswa kunogona kuita kuti munhu aite zvaanga asiri kuda! Saka zvakakosha kuti agare anyatsofunga nezvenyaya yacho, achiongorora zvose izvi, kusanganisira hana yake pachake.—Mabasa 24:16.

Ndingatambira Bhonasi yeKrisimasi Here?

Pamazuva anenge achipembererwa Krisimasi, munhu anoshandirwa nomuKristu anogona kumupa chipo kana kuti bhonasi. MuKristu anofanira kuramba here? Kwete hazvo. Munhu waari kushandira angave asiri kutombofunga kuti kubvuma bhonasi yacho kunoreva kuti munhu atopemberera Krisimasi. Ari kushandirwa wacho angava ari kungopa vashandi vake vose purofiti yakawanwa nekambani. Kana kuti bhonasi yacho ingava iri nzira yokuratidza kutenda basa rakaitwa kwegore rose achiti ngazvirambe zvakadaro. Ari kushandirwa wacho angapa bhonasi vashandi vake vose, vangave vari vaJudha, vaMuslim, kana kuti vamwewo, pasinei nokuti vanopemberera Krisimasi here kana kuti kwete. Saka nguva iri kupiwa bhonasi yacho kana zita rairi kupiwa handizvo hazvo zvingabva zvaita kuti Chapupu chaJehovha chiirambe.

Kunyange kana chipo chikapiwa nokuda kwezororo rechitendero, hazvirevi kuti ari kupiwa wacho anobva anzi ava kutendawo izvozvo. Chapupu chinogona kuudzwa newachinoshanda naye kana kuti weukama kuti, “Ndinoziva zvangu kuti haupemberere zororo iri, asi ndiri kungoda kukupa chipo ichi.” Kana hana yomuKristu wacho isingamunetsi, angasarudza kutambira chipo chacho otenda asingatauri nezvezororo racho. (Mabasa 23:1) Zvichida angazotsanangura nokuchenjera zvaanotenda panguva yazvisingazogumbura munhu wacho.

Asi, ko kana munhu wacho ari kupa akanyatsoratidza kuti chinangwa chake ndechokuti aratidze muKristu uyu kuti haana kusimba pane zvaanotenda kana kuti anosiya zvaanotenda kana aona mari? Pakadaro zvakanaka kuramba. Chokwadi tinoda kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha Mwari.—Mateu 4:8-10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe