RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 15 pp. 117-123
  • ‘Kusimbisa Ungano’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kusimbisa Ungano’
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Iye Zvino Ngatishanyirei Zvakare Hama” (Mabasa 15:36)
  • ‘Vakapopotedzana Zvikuru’ (Mabasa 15:37-41)
  • “Aipupurirwa Zvakanaka Kwazvo” (Mabasa 16:1-3)
  • ‘Ungano Dzakasimbiswa Pakutenda’ (Mabasa 16:4, 5)
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mako—‘Anobatsira Pakushumira’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 15 pp. 117-123

CHITSAUKO 15

‘Kusimbisa Ungano’

Vatariri vematunhu vanobatsira ungano kuti dzisimbe pakutenda

Mabasa 15:36–16:5

1-3. (a) Ndiani ava kufamba naPauro, uye munhu akaita sei? (b) Tichadzidzei muchitsauko chino?

MUAPOSTORA Pauro ari kufamba nemumwe murume wechidiki waanoda zvikuru vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe. Wechidiki uyu anonzi Timoti. Timoti achiri kuzvinzwa zvekuti angangove nemakore anotangira pa18 kusvika pa24. Rwendo urwu rwuri kutomuendesa kure nekumba. Nekufamba kuri kuita nguva, vari kutowedzera kuva kure nenharaunda yeRistra neIkoniyumu. Ko kwavari kuenda kwakamira sei? Kuna Pauro rwendo urwu harusi rutsva nekuti rwatova rwechipiri. Anoziva kuti vachasangana nenhamo nematambudziko zvakawanda. Ko wechidiki waainaye achaita sei paachasangana nematambudziko aya?

2 Pamwe iye Timoti anozvitarisira pasi, asi Pauro anovimba naye zvikuru. Zvinhu zvakaitika munguva ichangopfuura zvakaita kuti Pauro aone kuti anofanira kufamba nemunhu anozonyatsomutsigira. Pauro anoziva kuti basa ravo rekusimbisa ungano ravari kufambira rinotoda kuti ivo vange vakabatana, vachiita basa racho nemwoyo wese. Chii chingaita kuti Pauro afunge saizvozvo? Chimwe chaigona kuita kuti adaro kupesana kwavakamboita naBhanabhasi kwakazoita kuti vaparadzane.

3 Muchitsauko chino, tichadzidza kuti tinofanira kuita sei kana tiine mumwe watapesana naye. Tichadzidzawo kuti nei Pauro akasarudza Timoti kuti afambe naye, uye tichanzwisisawo kukosha kwebasa revatariri vematunhu mazuva ano.

“Iye Zvino Ngatishanyirei Zvakare Hama” (Mabasa 15:36)

4. Pauro aiva nechinangwa chei parwendo rwake rwechipiri rweumishinari?

4 Muchitsauko chakapfuura, takaona kuti hama ina, Pauro, Bhanabhasi, Judhasi naSirasi vakasimbisa sei ungano yekuAndiyoki nemashoko akanga abva kudare rinotungamirira panyaya yekuchecheudzwa. Pauro akazoita sei? Akataurira Bhanabhasi zvaaifunga, achiti: “Iye zvino ngatishanyirei zvakare hama mumaguta ese atakazivisa shoko raJehovha, tinoona kuti dzakadii.” (Mab. 15:36) Rwendo rwaitaurwa naPauro rwakanga rwusiri kungoshanyirawo hako vanhu vakanga vachangotendeuka. Bhuku raMabasa rinonyatsojekesa chinangwa cherwendo rwaPauro rwechipiri rweumishinari. Chekutanga, aizoramba achipa mirayiro yakanga yabva kudare raitungamirira. (Mab. 16:4) Uyewo sezvo aiva mutariri anofambira, chido chake chikuru chaiva chekuvaka ungano nekudzisimbisa pakutenda. (VaR. 1:11, 12) Sangano ririko iye zvino reZvapupu zvaJehovha rinotevedzera sei zvaiitwa nevaapostora?

5. Dare Rinotungamirira ririko mazuva ano rinokurudzira sei ungano uye rinodzizivisa sei zvinenge zvichifanira kuitwa?

5 Mazuva ano, Kristu ari kushandisa muranda akatendeka kutungamirira ungano yake. Varume ava vakazodzwa vanotungamirira uye vanokurudzira ungano dzese dziri pasi rese vachishandisa tsamba, mabhuku akadhindwa neepaIndaneti, misangano, nezvimwewo. Dare Rinotungamirira rinoedzawo kuramba richiziva zviri kuitika kuungano imwe neimwe. Ndosaka vachishandisa vatariri vematunhu. Dare Rinotungamirira ndiro pacharo rinogadza zviuru zvevakuru vanokodzera kuti vashumire sevatariri vematunhu.

6, 7. Ndeapi mamwe mabasa anoitwa nevatariri vematunhu?

6 Vatariri vematunhu variko iye zvino vanonyanya kuisa pfungwa dzavo pakubatsira uye kukurudzira munhu mumwe nemumwe ari muungano. Vanozviita sei? Vanotevedzera zvaiitwa nevaKristu vakadai saPauro. Akakurudzira mumwe mutariri anofambira, Timoti, achiti: “Paridza shoko; paridza uchiita zvekukurumidza panguva dzakanaka nedzakaoma; tsiura, rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa. . . . Ita basa remuevhangeri.”—2 Tim. 4:2, 5.

7 Mutariri wedunhu pamwe nemudzimai wake, kana akaroora, anoshanda neungano yaanenge ashanyira muushumiri achiparidza nenzira dzakasiyana-siyana. Vatariri ivavo vanoshingairira ushumiri uye vane unyanzvi hwekudzidzisa, izvo zvinobatsira makwai aMwari. (VaR. 12:11; 2 Tim. 2:15) Vaya vari mubasa iri vanozivikanwa nerudo rwavo rwekuzvipira. Vanoita basa ravo nekuzvidira, vachifamba mumamiriro ekunze asina kunaka kana kuti munzvimbo dzine ngozi. (VaF. 2:3, 4) Vanoshandisawo hurukuro pakukurudzira, kudzidzisa, uye kurayira ungano. Vanhu vese vari muungano vanobatsirwa nekunyatsofungisisa kuzvibata kwevatariri vematunhu nekutevedzera kutenda kwavo.—VaH. 13:7.

‘Vakapopotedzana Zvikuru’ (Mabasa 15:37-41)

8. Bhanabhasi akati chii paakanzi naPauro vaende vese parwendo?

8 Bhanabhasi akabvumirana nepfungwa yakataurwa naPauro ‘yekushanyira hama.’ (Mab. 15:36) Varume vaviri ava vakanga vambofamba vese vachishanyira ungano uye vakanga vava kunyatsoziva nzvimbo dzacho nevanhu vavaida kushanyira. (Mab. 13:2–14:28) Saka pfungwa yekuti vafambe vari pamwe chete yairatidza kuti ine musoro. Asi pane nyaya yakazomuka. Mabasa 15:37 inoti: “Bhanabhasi aida chaizvo kuenda naJohani, ainzi Mako.” Bhanabhasi akanga asiri kungotaurawo hake kuti dai zvaibvira vaenda vese naMako. “Aida chaizvo” kuti vaende nehama yake Mako parwendo urwu rweumishinari.

9. Nei Pauro asina kubvumirana naBhanabhasi?

9 Pauro haana kubvumirana nazvo. Akarambirei? Nyaya yacho inoti: “Asi Pauro akanga asingadi kuti vaende naye [Mako], nekuti akanga ambovasiya kuPamfiriya, akarega kuenda navo kubasa.” (Mab. 15:38) Mako akanga ambofamba naPauro naBhanabhasi parwendo rwavo rwekutanga asi akadzokera panzira. (Mab. 12:25; 13:13) Vasati vatomboenda kure, pavakanga vachiri muPamfiriya, Mako akavasiya vari pabasa ndokudzokera kumba kuJerusarema. Bhaibheri haritiudzi kuti nei akavasiya, asi muapostora Pauro anofanira kunge akaona zvakaitwa naMako sekutamba nebasa. Pauro anogona kunge akafunga kuti Mako haasi munhu wekuvimba naye.

10. Kusabvumirana kwakaita Pauro naBhanabhasi kwakaita kuti vaite sei?

10 Kunyange zvakadaro, Bhanabhasi aiti Mako haasi kuzosara. Uyuwo Pauro aiti Mako haasi kuzoenda. Mabasa 15:39 inoti: “Izvi zvakaita kuti vapopotedzane zvikuru, zvekuti vakaparadzana.” Bhanabhasi akabva ati hutu nechikepe akananga kumusha kwake kuchitsuwa cheSaipurasi aina Mako. Pauro haana kudzokera kumashure pane zvaanga akaronga. Nyaya yacho inoti: “Pauro akasarudza Sirasi ndokuenda naye pashure pekunge anyengetererwa nehama kuti akomborerwe naJehovha.” (Mab. 15:40) Vakaenda vese “nekuSiriya nekuKirikiya, achisimbisa ungano.”—Mab. 15:41.

11. Kuti tigadzirise patinenge tisina kuwirirana nemumwe munhu, tinofanira kuva vanhu vakadii?

11 Nyaya iyi inotiyeuchidza kuti tese tinokanganisa. Pauro naBhanabhasi vakanga vagadzwa sevamiririri vedare rinotungamirira. Pauro pachake anogona kunge akatozopedzisira ava mudare iroro. Asi pachiitiko ichi, Pauro naBhanabhasi vakatadza kuzvidzora. Asi vakabva vatorimirana kumuganhu here kubvira pakaitika nyaya iyi? Kunyange zvazvo vaiva vanhuwo vane chivi, Pauro naBhanabhasi vaiva vanhu vanozvininipisa, vane pfungwa dzaKristu. Hapana mubvunzo kuti vakazopedzisira vakanganwirana vachiratidza kuti ihama dzechiKristu. (VaEf. 4:1-3) Pauro naMako vakatozoshanda vese pane mamwe mabasa echiKristu.a—VaK. 4:10.

12. Vatariri vemazuva ano vangatevedzera sei Pauro naBhanabhasi?

12 Kupopotedzana kwakaita Bhanabhasi naPauro hakurevi kuti ndiwo aiva magariro avo. Bhanabhasi aizivikanwa semunhu aiva nerudo uye aipawo vamwe zvaaiva nazvo, zvekuti vaapostora vaisarudza kumushevedza nezita rekuti Bhanabhasi, rinoreva kuti “Mwanakomana Wekunyaradza,” panzvimbo pezita rake chairo rekuti Josefa. Pauro aizivikanwawo semunhu munyoro anobata vanhu zvakanaka. (1 VaT. 2:7, 8) Nhasi vatariri vese vechiKristu, kusanganisira vatariri vematunhu, vanofanira kutevedzera Pauro naBhanabhasi pakuramba vachizvininipisa uye vachibata vamwe vakuru uye hama dzese neunyoro.—1 Pet. 5:2, 3.

“Aipupurirwa Zvakanaka Kwazvo” (Mabasa 16:1-3)

13, 14. (a) Timoti aiva ani, uye Pauro angadaro akatanga kumuona riini? (b) Chii chakaita kuti Pauro azonyatsocherechedza Timoti? (c) Timoti akapiwa basa rei?

13 Pauro akaenderera mberi nerwendo rwake akasvika kuGaratiya, yaiva pasi peRoma, uko kwaiva neungano dzinoverengeka dzakanga dzatangwa. Akazopedzisira asvika, “kuDhebhe uyewo kuRistra.” Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “Ikoko kwaiva nemumwe mudzidzi ainzi Timoti, amai vake vaiva vechiJudha uye vari mutendi, asi baba vake vari muGiriki.”—Mab. 16:1.b

14 Kunenge kuti Pauro akanga atanga kuonana naTimoti paakambofambira kunharaunda iyoyo munenge muna 47 C.E. Iye zvino paakazodzoka papfuura makore maviri kana kuti matatu, akazonyatsocherechedza jaya iri. Chii chakaita kuti anyanyomucherechedza? Timoti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama.” Aitofarirwa nehama dzekune dzimwe ungano kwete hama dzemuguta rake chete. Nyaya yacho inotsanangura kuti hama dzekuRistra neIkoniyumu, maguta aiva kure nemakiromita 30, dzaitaurawo zvakanaka nezvake. (Mab. 16:2) Hama dzakatungamirirwa nemweya mutsvene ndokugadza Timoti kuti aite basa guru rekufambira achibatsira Pauro naSirasi.—Mab. 16:3.

15, 16. Chii chakaita kuti Timoti ave nemukurumbira wakanaka?

15 Chii chakaita kuti Timoti ave nemukurumbira wakanaka achiri mudiki zvakadaro? Inyaya yekuti akanga ari munhu akachenjera, akasimba kana kuti anogona kuita zvinhu here? Izvi ndizvo zvinowanzocherechedzwa nevanhu. Kunyange muprofita Samueri akambovhiringika nekuona zvakaita munhu nechekunze. Asi akazoyeuchidzwa naJehovha kuti: “Maonero anoita munhu haasi iwo maonero anoita Mwari, nekuti munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.” (1 Sam. 16:7) Unhu hwaTimoti ndihwo hwakaita kuti acherechedzwe nehama kwete zvaioneka paari nechekunze.

16 Muapostora Pauro akazotaura nezveunhu hwechiKristu hwaiva naTimoti pashure pemakore anoverengeka. Pauro akatsanangura Timoti semunhu ane rudo rwekuzvipira, uye anoshanda nesimba kana aine mabasa echiKristu aapiwa. (VaF. 2:20-22) Timoti aizivikanwawo semunhu aiva nekutenda “kusina unyengeri.”—2 Tim. 1:5.

17. Mazuva ano vechidiki vangatevedzera sei Timoti?

17 Mazuva ano, vechidiki vakawanda vanotevedzera Timoti nekuva neunhu hunodiwa naMwari. Saka vanotanga kuva nemukurumbira wakanaka kuna Jehovha uye kuvanhu, vachiri vadiki zvikuru. (Zvir. 22:1; 1 Tim. 4:15) Vanoratidza kutenda kusina unyengeri, nekuramba upenyu hwekuti uku vari kunamata uku vari kuita zvenyika. (Pis. 26:4) Izvi zvinoita kuti vechidiki vakawanda vave nemabasa anokosha muungano sezvakaitwa naTimoti. Vanokurudzira vanhu vanoda Jehovha vavanonamata navo pavanotanga kuzivisa mashoko akanaka uye nekufamba kwenguva pavanozvitsaurira kuna Jehovha vobhabhatidzwa!

‘Ungano Dzakasimbiswa Pakutenda’ (Mabasa 16:4, 5)

18. (a) Pauro naTimoti vakaita mabasa api pavakanga vachifambira ungano? (b) Ungano dzakakomborerwa sei?

18 Pauro naTimoti vakashanda vese kwemakore. Vakaita nzendo dzakawanda vachimiririra dare rinotungamirira sevatariri vanofambira. Bhaibheri rinoti: “Pavaifamba mumaguta, vaivaudza mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevakuru vaiva muJerusarema kuti vaichengete.” (Mab. 16:4) Zviri pachena kuti ungano dzakatevedzera zvadzaiudzwa nevaapostora nevakuru vaiva muJerusarema kuti vaite. Kuteerera kwakadaro kwakaita kuti ungano dzirambe, “dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera zuva nezuva.”—Mab. 16:5.

19, 20. Nei vaKristu vachifanira kuteerera ‘vaya vari kutungamirira’?

19 Mazuva ano, vanhu vaJehovha vanowanawo makomborero anobva pakuzviisa pasi ‘pevaya vari kuvatungamirira.’ (VaH. 13:17) Sezvo nyika iri kuchinja, zvinokosha kuti vaKristu varambe vachifambirana nezvekudya zvavanopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ kuti zvivasimbise pakunamata. (Mat. 24:45; 1 VaK. 7:29-31) Kuita izvozvo kunoita kuti tirambe takasimba pakutenda uye tisina kusvibiswa nenyika.—Jak. 1:27.

20 Ichokwadi kuti vatariri vechiKristu vemazuva ano, kusanganisira nhengo dzeDare Rinotungamirira, vanhu vanokanganisawo sezvakanga zvakangoitawo Pauro, Bhanabhasi, Mako, nevamwe vakuru vakazodzwa vepakatanga chiKristu. (VaR. 5:12; Jak. 3:2) Asi sezvo Dare Rinotungamirira richinyatsoti kwati kwati nezviri muShoko raMwari uye richitevedzera zvaiitwa nevaapostora, tinofanira kuvimba naro. (2 Tim. 1:13, 14) Zvariri kuita zviri kuita kuti ungano dzisimbiswe pakutenda.

TIMOTI AKASHANDA NESIMBA “KUFAMBISIRA MBERI MASHOKO AKANAKA”

Pauro aikoshesa chaizvo kubatsirwa kwaaiitwa naTimoti. Pauro akazonyora nezvaTimoti pashure pekushanda naye kwemakore 11, achiti: “Handina mumwezve ane mwoyo wakaita sewake, ane hanya nemi panyaya dzinokunetsai. . . . Imi munoziva kuti akaratidza kuti akatendeka, akashanda neni kufambisira mberi mashoko akanaka semwana ari kushanda nababa vake.” (VaF. 2:20, 22) Paakangokumbirwa kuti adaro, Timoti akashanda nesimba kufambisira mberi mashoko akanaka, izvo zvakaita kuti Pauro amude zvikuru, uye zvinoita kuti isuwo tide kumutevedzera.

Timoti.

Timoti aiva nababa vechiGiriki uye amai vake vari vechiJudha, uye anofanira kunge akakurira kuRistra. Timoti akanga akadzidziswa Magwaro naamai vake, Yunisi, uye naambuya vake, Roisi, kubvira paucheche. (Mab. 16:1, 3; 2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Iye naamai vake naambuya vake vanofanira kunge vakazogamuchira chiKristu pakashanya Pauro kuguta kwavo kekutanga.

Pakazodzoka Pauro pashure pemakore mashomanana, Timoti, uyo angangodaro akanga apfuura makore 18 kana kuti 20, akanga ava kutopupurirwa “zvakanaka kwazvo nehama dzemuRistra neIkoniyumu.” (Mab. 16:2) Mweya mutsvene waMwari wakanga wafemera ‘uprofita’ nezvejaya iri, uye Pauro nevakuru vakanga vatevedzera zvawakanga wataura nekugadza Timoti kuti aite basa rinokosha. (1 Tim. 1:18; 4:14; 2 Tim. 1:6) Aifanira kufamba naPauro mubasa rake reumishinari. Timoti aifanira kusiya vese vaaigara navo mumhuri yake, uye kuchecheudzwa kuitira kuti pasazove nevamwe vanonyunyuta pavaJudha vavaizoshanyira.​—Mab. 16:3.

Timoti akafamba nzendo dzakawanda. Akaparidza naPauro naSirasi kuFiripi, uye naSirasi kuBheriya, uye ari ega kuTesaronika. Paakazosanganazve naPauro kuKorinde, Timoti akamuudza mashoko anofadza nezverudo nekutendeka kwakaratidzwa nevaTesaronika pasinei nekutambura kwavaiita. (Mab. 16:6–17:14; 1 VaT. 3:2-6) Paakanzwa mashoko asina kumufadza nezvevaKorinde, Pauro uyo akanga ari kuEfeso, akafunga nezvekutuma Timoti kuti adzokere kuKorinde. (1 VaK. 4:17) Ari kuEfeso ikoko, Pauro akazotuma Timoti naErasto kuMakedhoniya. Asi Pauro paakazonyorera vaRoma, vakanga vava vese naTimoti kuKorinde. (Mab. 19:22; VaR. 16:21) Idzi dzinongova dzimwe dzenzendo dzakaitwa naTimoti achitsigira mashoko akanaka.

Mashoko aPauro aakamukurudzira nawo ekuti: “Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki,” anoratidza kuti Timoti aimboti zezei kushandisa masimba aakanga apiwa. (1 Tim. 4:12) Asi Pauro aigona kutuma Timoti kuungano dzaiva nezvinetso achivimba naye, achiti: “Urayire vamwe varimo kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso.” (1 Tim. 1:3) Pauro akapawo Timoti simba rekugadza vatariri uye vashumiri veungano.​—1 Tim. 5:22.

Unhu hwaTimoti hwaiita kuti afarirwe naPauro. Magwaro anoratidza kuti jaya iri raiva shamwari yake yepedyo yakatendeka, achimuda semwana wake chaiye. Pauro akanyora mashoko akadai sekuti aiyeuka misodzi yaTimoti, aishuva kumuona, uye aimunyengeterera. Akamboratidza kuti aiva baba vane hanya, paakapa Timoti zano rine chekuita ‘nekurwara-rwara kwaaigara achiita nemudumbu.’​—1 Tim. 5:23; 2 Tim. 1:3, 4.

Pakatanga kuiswa Pauro mujeri kuRoma, Timoti aiva naye. Timoti akamboiswawo mujeri akazosunungurwa. (Fir. 1; VaH. 13:23) Chimwe chinoratidza kuti vanhu ava vaiwirirana zvechokwadi ndechekuti Pauro paakaziva kuti akanga ava pedyo nekufa, akanyorera Timoti kuti: “Ita zvese zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri.” (2 Tim. 4:6-9) Hatizivi hedu kuti Timoti akazosvika nenguva here kuti aonanezve nemudzidzisi wake waaida uyu.

MAKO AKASHANDISWA NAJEHOVHA ZVIKURU

Evhangeri yaMako inoti vanhu vakasunga Jesu vakaedzawo kubata “rimwe jaya” ndokubva ratiza “risina kupfeka.” (Mako 14:51, 52) Sezvo Mako, uyo anozivikanwawo saJohani Mako, ari iye chete akanyora nyaya yejaya iri, anogona kunge ari iye jaya racho. Kana zvakadaro, Mako anofanira kunge aine dzimwe nguva dzaaitombovawo naJesu.

Mako achinyora pasi zvaari kutaurirwa nehama yakura.

Pashure pemakore angasvika 11, paitambudzwa vaKristu naHerodhi Agripa, ‘vanhu vemuungano yemuJerusarema vakawanda’ vakaungana mumba maMariya, amai vaMako vachinyengetera. Kumba kwavo ndiko kwakaenda muapostora Petro paakabudiswa mujeri nengirozi. (Mab. 12:12) Saka Mako anofanira kunge akakurira muimba yakazoshandiswa kuitira misangano yechiKristu. Anofanira kunge ainyatsozivana nevadzidzi vaJesu vekutanga, uye akadzidza zvakawanda pavari.

Mako akashanda nevatariri vanoverengeka veungano dzevaKristu vekutanga. Patinotanga kunzwa achishandiswa neungano yechiKristu anenge achishanda naBhanabhasi hama yake pamwe chete naPauro kuAndiyoki yeSiriya. (Mab. 12:25) Bhanabhasi naPauro pavakazoenda parwendo rwavo rwekutanga rweumishinari, Mako akabatana navo, vakasvika vese kuSaipurasi uye kuAsia Minor. Vava ikoko, Mako akabva adzokera kuJerusarema; Bhaibheri haritauri kuti akadzokererei. (Mab. 13:4, 13) Pashure pekupesana kwaBhanabhasi naPauro pamusoro penyaya yaMako, kunotsanangurwa muchitsauko 15 chaMabasa, Mako naBhanabhasi vakaenderera mberi nebasa ravo reumishinari kuSaipurasi.​—Mab. 15:36-39.

Pakazosvika 60 kana kuti 61 C.E., Mako akanga ava kushandazve naPauro, panguva iyi muRoma, zvichireva kuti zvekupesana kwavakanga vamboita zvakanga zvatopfuura. Pauro, uyo aiva musungwa muguta iroro, akanyorera ungano yekuKorose kuti: “Aristako, musungwawo seni, anokukwazisai, vese naMako hama yaBhanabhasi, uyo wamakaudzwa kuti kana azouya kwamuri mumugamuchire.” (VaK. 4:10) Saka Pauro akanga achifunga zvekutuma Johani Mako kuKorose kubva kuRoma kuti anomumiririra.

Pakati pa62 na64 C.E., Mako akamboshanda nemuapostora Petro kuBhabhironi. Sezvakatombotaurwa muChitsauko 10 chebhuku rino, Mako naPetro vakava shamwari dzepedyo zvekuti Petro akati nezvake, “Mako mwanakomana wangu.”​—1 Pet. 5:13.

Anozopedzisira kutaurwa nezvake nemuapostora Pauro munenge muna 65 C.E. pakasungwa Pauro kechipiri muRoma, paanonyorera Timoti, uyo aiva kuEfeso kuti: “Muuye mese naMako, nekuti anondibatsira muushumiri.” (2 Tim. 4:11) Mako anofanira kunge akabva atopinda munzira paakadaidzwa achibva kuEfeso achienda kuRoma. Ndosaka murume uyu aidiwa zvikuru naBhanabhasi, naPauro, uye naPetro!

Chinhu chikuru chakashandiswa Mako naJehovha, kunyora kwaakaita Evhangeri. Zvinowanzonzi Mako akawana mashoko akawanda aakanyora muEvhangeri kuna Petro. Ukanyatsocherechedzawo unogona kuona kuti ndezvechokwadi, nekuti mashoko akawanda akanyorwa naMako anoratidza kuti akabva kumunhu akatoona zvichiitika, akadai saPetro. Asi kunenge kuti Mako akanyora Evhangeri yake ari kuRoma, kwete kuBhabhironi kwaiva naPetro. Mako anoshandisa mashoko akawanda echiRatini uye aishandura mashoko echiHebheru aaifunga kuti anogona kusanzwisiswa nevanhu vasiri vaJudha, avo vanofanira kunge vari ivo vaainyanya kufunga paainyora.

a Ona bhokisi rakanzi “Mako Akashandiswa naJehovha Zvikuru”.

b Ona bhokisi rakanzi “Timoti Akashanda Nesimba ‘Kufambisira Mberi Mashoko Akanaka’”.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe