RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 19 pp. 148-155
  • “Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Vaiita Basa Rekugadzira Matende” (Mabasa 18:1-4)
  • “VaKorinde Vakawanda . . . Vakatanga Kutenda” (Mabasa 18:5-8)
  • “Ndine Vanhu Vakawanda Muguta Rino” (Mabasa 18:9-17)
  • “Kana Jehovha Achida” (Mabasa 18:18-22)
  • Akwira naPriska Varoorani Vomuenzaniso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Shoko raJehovha Rinopararira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 46—1 VaKorinte
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 19 pp. 148-155

CHITSAUKO 19

“Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”

Pauro anoshanda kuti awane cheuviri uku achiisa ushumiri hwake pekutanga

Mabasa 18:1-22

1-3. Muapostora Pauro avingei kuKorinde, uye anosangana nematambudziko api?

GORE ra50 C.E. rava kunopera. Muapostora Pauro ari muKorinde, guta rakapfuma panyaya dzekutengeserana, rine vanhu vakawanda vechiGiriki, vaRoma, nevaJudha.a Pauro haana kuuya kuno kuzotenga kana kutengesa zvinhu, kana kuti kuzotsvaga basa. Akauya kuzoita basa rinokosha rekupupura pamusoro peUmambo hwaMwari. Kunyange zvakadaro, Pauro anodawo pekugara, uye haasi kuda kuremedza vamwe panyaya dzemari. Haasi kuda kuti vamwe vafunge kuti ari kushandisa shoko raMwari kuti awane mari. Saka achaita sei?

2 Pauro ane basa raanoziva, rekugadzira matende. Iri harisi basa riri nyore, asi iye chaari kuda kushanda nemaoko ake kuti awane cheuviri. Achawana basa here muguta iri rine vanhu vanongogara vachimhanya mhanya kutsvaga mari? Achawana pekugara pakakodzera here? Kunyange zvazvo ari kufanira kugadzirisa nyaya idzi, Pauro haabvisi pfungwa dzake pabasa rake rinokosha, ushumiri.

3 Pauro akatozogara muKorinde kwenguva refu, uye ushumiri hwake hwakatova nezvibereko zvakawanda. Tingadzidzei pane zvakaitwa naPauro muKorinde zvingatibatsira kupa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari mundima yedu?

KORINDE, GUTA RAKAKOMBWA NEMAKUNGWA MAVIRI

Korinde yekare yaiva pakanzvimbo kakatetepa kaiita sebhiriji raibatanidza chikamu chikuru cheGirisi nechikamu chayo chaiva kumaodzanyemba chainzi Peloponnese. Pakakanyanya kutetepa pacho, pakanga pakafara makiromita 6, saka Korinde yakanga iine zviteshi zviviri zvezvikepe. PaGulf of Corinth paiva neLechaeum, paibva zvikepe zvichienda kumadokero kuItari, Sisiri neSpeini. Zvikepe zvaienda kunharaunda yeAegean, Asia Minor, Siriya, neIjipiti, zvaishandisa chiteshi cheKenkreya chaiva paSaronic Gulf.

Sezvo mahombekombe ari nechekumicheto yePeloponnese aiwanzova nemhepo ine simba yaigona kuparadza ngarava, vafambisi vengarava vaiwanzomisa ngarava dzavo pachimwe chezviteshi zvacho zviviri vofambisa zvavanga vakatakura nepanyika vozonozvikwidzazve muzvikepe pane chimwe chacho. Zvikepe zvisingaremi zvaigona kutoitwa zvekudhonzwa nepanyika pachishandiswa nzira yakanga yakagadzirwa kuti zvizonopindira mugungwa zvava mberi. Saka paiva neguta racho paiita kuti rive muzinda wekutengeserana wevanhu vaishandisa zvikepe kubva kumabvazuva kusvika kumavirira uye vaitengeserana vachifamba nepanyika kubva kuchamhembe kuenda kumaodzanyemba. Kubudirira kwakanga kwakaita Korinde panyaya dzekutengeserana kwaisangounza upfumi chete asiwo tsika dzakafumuka dzaiwanzowanikwa pazviteshi zvezvikepe.

Mumazuva emuapostora Pauro, Korinde ndiyo yaiva guta guru repurovhinzi yeRoma yainzi Akaya uye yaiva muzinda unokosha wehurumende. Guta iri raiva nevanhu vaiva nezvitendero zvakasiyana-siyana nekuti maiwanikwa temberi dzevainamata mambo, netemberi dzavanamwari vakawanda vekuGirisi nevekuIjipiti uye sinagogi yevaJudha.—Mab. 18:4.

Makwikwi emitambo aiitwa muIsthmia iyo yaiva pedyo neKorinde makore maviri ega ega ndiwo aitevera maOlympic paukoshi. Muapostora Pauro anofanira kunge aiva muKorinde pakaitwa mitambo iyi muna 51 C.E. Ndosaka rimwe duramanzwi reBhaibheri richiti, “hazvitishamisi kuti akashandisa mashoko ane chekuita nemitambo iyi mutsamba yaakanyorera vaKorinde.”—1 VaK. 9:24-27.

“Vaiita Basa Rekugadzira Matende” (Mabasa 18:1-4)

4, 5. (a) Pauro aigara kupi paaiva muKorinde, uye aiita basa rei kuti awane cheuviri? (b) Pauro angave akadzidzira sei kugadzira matende?

4 Paakasvika kuKorinde, Pauro akazosangana neimwe mhuri yaiva nerudo zvikuru yaAkwira murume wechiJudha nemudzimai wake, Prisira, kana kuti Priska. Mhuri yacho yakatamira kuKorinde nekuti Mambo Kraudhiyo “akanga ataura kuti vaJudha vese vabve muRoma.” (Mab. 18:1, 2) Akwira naPrisira vakaita kuti Pauro agare navo uye ashande navo pabhizimisi ravaiita. Bhaibheri rinoti: “Sezvo vaishanda mabasa akafanana, akagara pamba pavo vachishanda vese, nekuti vaiita basa rekugadzira matende.” (Mab. 18:3) Kumba kwemhuri iyi yaiva nerudo ndiko kwakaramba kuchigarwa naPauro paaiita ushumiri hwake muKorinde. Pauro angangodaro akanyora dzimwe tsamba dziri muBhaibheri paaigara naAkwira naPrisira.b

5 Ko Pauro murume akadzidza “patsoka dzaGamarieri,” akadzidza sei basa rekugadzira matende? (Mab. 22:3) Kunenge kuti vaJudha vepanguva iyoyo vakanga vasingaoni zvichishoreka kuti vana vawane rimwe basa remaoko ravanodzidza kunyange zvazvo vaizowana imwe dzidzo yekuwedzera. Sezvo aibva kuTaso muKirikiya, nzvimbo yaizivikanwa nekugadzira jira rinonzi cilicium raigadziriswa matende, Pauro anogona kunge akadzidza basa iri achiri mudiki. Tende raigadzirwa sei? Basa racho raigona kusanganisira kugadzira jira racho rakaomarara, kuricheka kana kurisona kuti rive tende. Basa racho rakanga rakaoma.

6, 7. (a) Pauro aiona sei basa rekugadzira matende, uye chii chinoratidza kuti ndiwo maonero aiitawo Akwira naPrisira? (b) Vakristu mazuva ano vanotevedzera sei Pauro, Akwira naPrisira?

6 Pauro akanga asingatori basa rekugadzira matende sekunge ndiro raaitoraramira. Aiita basa iri kuti angokwanisa kuita ushumiri hwake “pasina mutengo,” waaibhadharisa vaanoparidzira. (2 VaK. 11:7) Ko Akwira naPrisira vaionawo sei basa ravo? Sezvo vaiva vaKristu, vairiona semaonerwo araiitwa naPauro. Pakabva Pauro kuKorinde muna 52 C.E., Akwira naPrisira vakatobatanawo naye vakananga kuEfeso, uye pamba pavo ikoko pakatozoshandiswa kuitira misangano neungano. (1 VaK. 16:19) Pave paya, vakadzokera kuRoma, ndokuzodzokerazve kuEfeso. Mhuri iyi yaiisa Umambo pakutanga uye yakanga yakagadzirira kubatsira vamwe, zvekuti “ungano dzese dzemamwe marudzi” dzaitenda zvavaidziitira.—VaR. 16:3-5; 2 Tim. 4:19.

7 VaKristu vemazuva ano vanotevedzerawo zvaiitwa naPauro, Akwira naPrisira. Vashumiri vanoshingaira vanoshanda nesimba ‘kuti varegedze kuremedza vamwe.’ (1 VaT. 2:9) Zvinofadza kuti vazivisi veUmambo vakawanda venguva yakazara vanotsvaga mabasa ekupota vachiita kuti vazvitsigire pavanenge vachiita basa ravo guru, ushumiri hwechiKristu. Vashumiri vakawanda vane rudo vanotevedzera Akwira naPrisira nekugamuchira vatariri vematunhu mudzimba dzavo. Vaya ‘vanogara vachigamuchira vaenzi zvakanaka’ vanoziva kuti zvinovapa mukana wekukurudzirana nekuvakana nevamwe.—VaR. 12:13.

TSAMBA DZAKAFEMERWA DZAIKURUDZIRA

Paakagara muKorinde kwegore nehafu, kubva munenge muna 50-52 C.E., muapostora Pauro akanyora tsamba mbiri kana dzinotopfuura dzakatozova mabhuku eMagwaro echiKristu echiGiriki. Mbiri dzacho ndi1 VaTesaronika na2 VaTesaronika. Anogona kunge akanyorera vaGaratiya tsamba achiri ikoko kana kuti achangobvako.

Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika ndiyo yekutanga patsamba dzaPauro dzakafemerwa. Pauro akashanyira Tesaronika munenge muna 50 C.E., parwendo rwake rwechipiri achiparidza. Ungano yakatangwa ikoko haina kuita nguva isati yatanga kupikiswa, izvo zvakazoita kuti Pauro naSirasi vabve muguta iri. (Mab. 17:1-10, 13) Pauro akaedza kaviri kese kuti adzoke kuungano iyoyo achiityira sezvo yakanga ichangotanga, ‘asi Satani akamuvhiringidza.’ Saka Pauro akatuma Timoti kuti anonyaradza hama nekudzisimbisa. Timoti anofanira kunge akazobatana naPauro kuKorinde gore ra50 C.E. rava kunopera, akauya achitaura zvakanaka zvaiitwa neungano yeTesaronika. Ndipo pakabva panyorwa tsamba iyi naPauro.—1 VaT. 2:17–3:7.

Tsamba Yechipiri kuvaTesaronika inofanira kunge yakanyorwa yakangotevedzana neyekutanga, zvichida muna 51 C.E. Mutsamba idzi Timoti naSirivhano (anonzi Sirasi muna Mabasa) vanotumira kwaziso dzavo vari pamwe naPauro, asi hapana chinoratidza kuti vatatu ava vakazova pamwe chete Pauro abva kuKorinde. (Mab. 18:5, 18; 1 VaT. 1:1; 2 VaT. 1:1) Pauro akanyorerei tsamba iyi yechipiri? Pamwe pane zvimwe zvaakanga anzwa nezveungano iyi nemunhu waakanga atumira naye tsamba yekutanga. Mashoko aakanzwa aya akaita kuti Pauro arumbidze hama nerudo rwadzaiva narwo uye kutsungirira kwadzaiita, asi aifanirawo kutsiura dzimwe hama dzaifunga kuti zuva raShe rakanga ratosvika.—2 VaT. 1:3-12; 2:1, 2.

Tsamba yaakanyorera vaGaratiya inoratidza kuti akanga ambovashanyira kaviri kana kutopfuura. Muna 47-48 C.E., Pauro naBhanabhasi vakashanyira Andiyoki yekuPisidhiya, Ikoniyumu, Ristra neDhebhe, dzese dzaiva munharaunda yeRoma inonzi Garatiya. Muna 49 C.E., Pauro akazodzokazve kunharaunda iyoyo aina Sirasi. (Mab. 13:1–14:23; 16:1-6) Pauro akanyora tsamba iyi nekuti vaya vaisada kusiya tsika dzechiJudha, vaitevera mese maaiparidza, vachidzidzisa kuti vaKristu vaifanira kuchecheudzwa uye kuchengeta Mutemo waMozisi. Hapana mubvunzo kuti Pauro akanyorera vaGaratiya paakangonzwa nezvedzidziso iyi yenhema. Anogona kunge akanyora tsamba iyi ari kuKorinde, asi angavawo akainyora ari kuEfeso, paakamboti mirei ikoko achienda kuAndiyoki yekuSiriya, kana kuti akatoinyorera kuAndiyoki kwacho.—Mab. 18:18-23.

“VaKorinde Vakawanda . . . Vakatanga Kutenda” (Mabasa 18:5-8)

8, 9. Pauro akaita sei paakapikiswa nevaJudha, uye akazoenda kunoparidzira ari kupi?

8 Pauro akazoratidza kuti basa rekugadzira matende handiro rake chairo pakasvika Sirasi naTimoti nezvipo vachibva kuMakedhoniya. (2 VaK. 11:9) “Pauro akabva anyura mubasa rekuparidza shoko.” (Mab. 18:5) Asi akabva angotanga kupikiswa nevaJudha. Pauro akazunza guruva pazvipfeko zvake achiratidza vaJudha ava vaimupikisa kuti yakanga isiri mhosva yake kuramba kwavaiita kugamuchira mashoko aizovaponesa pamusoro paKristu, ndokuvaudza kuti: “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu. Ini ndakachena. Kubva iye zvino ndichaenda kuvanhu vemamwe marudzi.”—Mab. 18:6; Ezek. 3:18, 19.

9 Saka Pauro aizoparidzira kupi? Mumwe murume ainzi Titiyo Justo, uyo anofanira kunge aiva munhu akatendeukira kuchiJudha, akagamuchira Pauro mumba make. Imba yemurume uyu yakanga yakabatana nesinagogi, saka Pauro akabva pasinagogi akanopinda mumba maJusto. (Mab. 18:7) Pauro akaramba achigara mumba maAkwira naPrisira paaiva muKorinde, asi aishandisa imba yaJusto pabasa rake rekuparidza.

10. Chii chinoratidza kuti Pauro akanga asingarevi kuti aizoparidzira vanhu vemamwe marudzi chete?

10 Mashoko aPauro ekuti kubvira ipapo aizoenda kuvanhu vemamwe marudzi aireva here kuti akanga asisaparidzire vaJudha vese nevamwe vakanga vakatendeukira kuchiJudha, kunyange vaya vaida havo kuteerera? Handizvo zvaaireva. “Krispo, mukuru aitungamirira sinagogi, akatenda munaShe, pamwe neimba yake yese.” Zvinoita sekuti vamwe vaiva musinagogi irori vakazobatanawo naKrispo, nekuti Bhaibheri rinoti: “VaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mab. 18:8) Saka imba yaTitiyo Justo ndiyo yakazotanga kusanganira ungano yeKorinde yakanga ichangotangwa. Kana zviitiko izvi zviri muna Mabasa zvakanyorwa zvichitevedzana sezvaiwanzoitwa naRuka, zvinoreva kuti vaJudha nevaya vakanga vakatendeukira kuchiJudha vakava vaKristu pashure pekunge Pauro azunza guruva pazvipfeko zvake. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Pauro aiva munhu akanga akagadzirira kuchinja kuitira mamiriro ezvinhu anenge avapo.

11. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera sei Pauro mazuva ano pazvinoparidzira vaya vari mumachechi anozviti ndeechiKristu?

11 Munyika dzakawanda, machechi anozviti ndeechiKristu akadzika midzi uye ane simba risingaiti pavateveri vawo. Mune dzimwe nyika nezvitsuwa, mamishinari avo akatendeutsa vanhu vakawanda. Vanhu vemachechi aya anozviti ndeechiKristu vanowanzonyura mutsika dzavakangowana dzichiitwa mumachechi iwayo, sezvaiita vaJudha vaiva muKorinde. Saka isu Zvapupu zvaJehovha tinoparidzira vanhu vakadaro sezvaiitwa naPauro, tichishandisa karuzivo kavangave vainako keMagwaro. Kunyange kana vakatipikisa kana kuti vatungamiriri vavo vakatitambudza, hatiori mwoyo. Kune vanhu “vanoshingaira kushumira Mwari, asi havazviiti vachinyatsomuziva zvakarurama.” Pakati pevanhu vakadaro panogona kutova nevamwe vanyoro vatinofanira kutsvaga tovawana.—VaR. 10:2.

“Ndine Vanhu Vakawanda Muguta Rino” (Mabasa 18:9-17)

12. Pauro akavimbiswa chii muchiratidzo?

12 Kana Pauro aisava nechokwadi kuti oramba achipupurira muKorinde here, pfungwa iyoyo inofanira kunge yakapera paakaona Ishe Jesu achizviratidza kwaari usiku, ndokumuudza kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” (Mab. 18:9, 10) Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakamukurudzira zvikuru! Ishe pachake akavimbisa Pauro kuti hapana zvaaizoitwa uye kuti muguta racho makanga muchiine vakawanda vakakodzera. Pauro akaita sei nezvaakaratidzwa? Nyaya yacho inoti: “Saka akagara imomo kwegore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.”—Mab. 18:11.

13. Pauro angangodaro aifunga nezvechiitiko chipi paaisvika pedyo nechigaro chekutonga chebeʹma, asi nei akanga asingafaniri kutya?

13 Pashure pegore ari muKorinde, pane zvakaitika zvakaratidza Pauro kuti Ishe aive naye. “VaJudha vakabatana pakurwisa Pauro, vakamuendesa kuchigaro chekutonga,” chinonzi beʹma. (Mab. 18:12) Vamwe vanofunga kuti beʹma chaiva chikuva chakakwirira chakagadzirwa nematombo anokosha, chinofungidzirwa kuti chaiva nechepakati pemusika weKorinde. Pamberi pebeʹma paiva nenzvimbo yakakura yaigona kuungana vanhu. Zvakawanikwa nevamwe vanochera matongo zvinoratidza kuti chigaro chemutongi chinofanira kunge chaiva pedyo nesinagogi, izvo zvinoreva kuti chaiva pedyo neimba yaJusto. Pauro paaisvika pedyo nebeʹma angangodaro akatanga kufunga nezvekutemwa nematombo kwakaitwa Stefani, uyo anowanzonzi ndiye muKristu wekutanga kuurayirwa kutenda. Pauro, uyo aizivikanwa saSauro panguva iyoyo, “aivapowo achibvumirana nekupondwa kwake.” (Mab. 8:1) Ndizvo zvava kuda kuitikawo kwaari iye here? Kwete. Nekuti akavimbiswa kuti: “Hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze.”—Mab. 18:10.

Gariyo anoramba kutonga nyaya yaunzwa nevanhu vari kupomera Pauro. Masoja eRoma anoedza kudzoreredza mhomho yevanhu.

“Akabva avadzinga pamberi pechigaro chekutonga.”​—Mabasa 18:16

14, 15. (a) VaJudha vakapomera Pauro mhosva yei, uye nei Gariyo akaramba kuitonga? (b) Sositenesi akaitwa sei, uye izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti aite sei?

14 Chii chakaitika pakasvika Pauro pamberi pechigaro chemutongi? Mutongi akanga akagara ipapo ndiye aiva gavhuna weruwa rweAkaya; ainzi Gariyo, mukoma waSeneca wekuRoma. VaJudha vakapomera Pauro vachiti: “Murume uyu ari kufurira vanhu kuti vanamate Mwari zvinopesana nemutemo.” (Mab. 18:13) VaJudha vaireva kuti Pauro akanga achitendeutsa vanhu zvisiri pamutemo. Asi Gariyo akaona kuti pakanga pasina “chinhu chakanganiswa” naPauro uye kuti hapana “mhosva yakakura yaparwa.” (Mab. 18:14) Gariyo akanga asingadi kupindira munharo dzaiitiranwa nevaJudha. Akatoramba kutonga nyaya yacho Pauro asati atomboti bufu! Izvi zvakagumbura vaimupomera vacho. Vakabva vapedzera shungu dzavo pana Sositenesi, uyo anofanira kunge ari iye akatsiva Krispo mutungamiriri wesinagogi. Vakabata Sositenesi “vakatanga kumurova vari pamberi pechigaro chekutonga.”—Mab. 18:17.

15 Gariyo akavasiyirei vachirova Sositenesi asingavarambidzi? Pamwe akafunga kuti Sositenesi ndiye aitungamirira mhomho yakanga ichipomera Pauro, saka zvakanga zvamupindukira. Kunyange kana asiri iye akanga atungamirira mhomho iyi, zvakaitika zvakazoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. Mutsamba yake yekutanga yaakanyorera ungano yeKorinde papfuura makore anoverengeka, Pauro akanyora nezveimwe hama yainzi Sositenesi. (1 VaK. 1:1, 2) Kuti angave ndiye Sositenesi uya wekurohwa here? Kana ari iye, chiitiko ichi chinofanira kunge chakaita kuti azova muKristu.

16. Mashoko aIshe ekuti, “ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe,” anofanira kuita kuti tiite sei ushumiri hwedu?

16 Yeuka kuti vaJudha pavakaramba zvavaiudzwa naPauro ndipo paakazoudzwa naIshe Jesu kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe.” (Mab. 18:9, 10) Tinofanira kuramba tichiyeuka mashoko iwayo, kunyanya shoko redu parinorambwa. Usambokanganwa kuti Jehovha anoona zviri mumwoyo uye ndiye ari kukwevera kwaari vanhu vane mwoyo yakatendeseka. (1 Sam. 16:7; Joh. 6:44) Izvi zvinotikurudzira kuti tirambe tichishingaira muushumiri! Gore negore mazana ezviuru anobhabhatidzwa, mazana nemazana pazuva. Jesu anovimbisa vanhu vari kuteerera murayiro wekuita “kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,” kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:19, 20.

“Kana Jehovha Achida” (Mabasa 18:18-22)

17, 18. Pauro angangodaro aifunga nezvei paaienda kuEfeso nechikepe?

17 Hatizivi kuti mabatiro akaita Gariyo nyaya yaPauro nevanhu vaimupomera akaita kuti ungano yechiKristu yakanga ichangotangwa muKorinde imbova nerugare here. Asi “pashure pemazuva akawanda,” Pauro akazooneka hama dzake dzekuKorinde. Nechepakati pegore ra52 C.E., akaronga kuenda nechikepe kuSiriya achibva pachiteshi cheKenkreya, makiromita anenge 11 kumabvazuva kweKorinde. Asi asati asimuka kuKenkreya, akaita kuti “bvudzi rake ridimburirwe” nekuti akanga aita mhiko.c (Mab. 18:18) Akabva atora Akwira naPrisira ndokuyambuka Gungwa reAegean nechikepe vachienda kuEfeso muAsia Minor.

18 Pauro angangodaro aifunga zvakanga zvaitika kuKorinde paakanga ari mugungwa achibva kuKenkreya. Pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvakanga zvaitika kuKorinde zvaaiyeuka, saka anofanira kunge aifara zvechokwadi. Ushumiri hwaakaita kwemwedzi 18 hwakanga hwaita zvibereko. Kwakanga kwava neungano yekutanga kuKorinde, ichisangana pamba paJusto. Pakati pevakava vatendi paiva naJusto, Krispo neimba yake, nevamwe vakawanda. Aida vadzidzi vatsva ivavo zvikuru nekuti akanga avabatsira kuti vave vaKristu. Akazovanyorera achitaura nezvavo setsamba yekurumbidza yakanyorwa mumwoyo make. Isuwo tinonzwa tiri pedyo zvikuru nevaya vatakabatsira kuti vagamuchire kunamata kwechokwadi. Kuona ‘tsamba dzekurumbidza’ dzakadaro kunoita kuti tigutsikane zvikuru!—2 VaK. 3:1-3.

19, 20. Pauro akaita sei paakasvika kuEfeso, uye tinodzidzei pane zvaakaita nezvekuzadzisa zvinangwa zvedu panyaya dzekunamata?

19 Achingosvika kuEfeso, Pauro akabva angotanga basa. “Akapinda musinagogi, akakurukura nevaJudha.” (Mab. 18:19) Rwendo rwuno haana kunyanya kugara muEfeso. Kunyange zvazvo akanyengetedzwa kuti agare, “akaramba.” Paakanga ava kuoneka VaEfeso akavaudza kuti: “Ndichadzokazve kwamuri, kana Jehovha achida.” (Mab. 18:20, 21) Pauro anofanira kunge aiziva kuti pakanga pachiine basa rakakura rekuparidza muEfeso. Akaronga kuti aizodzoka, asi akasarudza kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Nesuwo tinofanira kutevedzera zvaakaita. Tinogona kutora matanho ekuti tizadzise zvinangwa zvedu panyaya dzekunamata. Asi nguva dzese tinofanira kubvuma kutungamirirwa naJehovha uye kuita zvinoenderana nezvaanoda.—Jak. 4:15.

20 Pauro akasiya Akwira naPrisira kuEfeso, ndokuenda nechikepe kuKesariya. Kunenge kuti “akakwidza” kuJerusarema kuti akwazise ungano dzaiva ikoko. (Mab. 18:22, mashoko emuzasi) Achibva ikoko akabva aenda kumusha kwake kuAndiyoki yekuSiriya. Rwendo rwake rwechipiri rweumishinari rwakanga rwapera zvakanaka. Ko rwendo rwake rwechitatu rwaizofamba sei?

MHIKO YAPAURO

Mabasa 18:18 inoti Pauro paaiva kuKenkreya, “akaita kuti bvudzi rake ridimburirwe . . . , nekuti akanga aita mhiko.” Yaiva mhiko yei?

Mhiko ivimbiso yaiwanzoitwa kuna Mwari nemunhu achizvidira kuti aite chimwe chinhu kana kuti ape chimwe chinhu, kana kuti yekutanga mamwe mararamiro. Vamwe vanoti Pauro akadimburirwa bvudzi rake kuti azadzise mhiko yeuNaziri. Asi tinofanira kuyeuka kuti Magwaro anoti muNaziri paaipedza kuzadzisa mhiko yake aifanira kuveurwa musoro wake “pasuo retende rekusanganira.” Saka zvaitoreva kuti zvinhu zvakadaro zvaifanira kuitirwa kuJerusarema kwete kuKenkreya.—Num. 6:5, 18.

Bhuku raMabasa haritauri kuti Pauro akaita riini mhiko iyoyo. Anogona kunge akatoiita asati atombova muKristu. Haritaurewo kuti Pauro akakumbira chimwe chinhu chaida mhiko kuna Jehovha. Rimwe bhuku rinoti kudimburirwa bvudzi kwakaitwa naPauro kwaiva “chiratidzo chekuti aitenda Mwari nekumudzivirira kwaakaita kuti akwanise kupedza ushumiri hwake muKorinde.”

a Ona bhokisi rakanzi “Korinde, Guta Rakakombwa Nemakungwa Maviri”.

b Ona bhokisi rakanzi “Tsamba Dzakafemerwa Dzaikurudzira”.

c Ona bhokisi rakanzi “Mhiko yaPauro”.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe