CHIKAMU 7 • MABASA 18:23–21:17
Kudzidzisa “Paruzhinji Nepaimba Neimba”
Nei tichifanira kuzvininipisa uye kugara takagadzirira kuchinja nzira dzatinoshandisa patinenge tichidzidzisa vamwe? Ndeipi nzira huru yekuparidza nayo mashoko akanaka? Tingaratidza sei kuti kuita kuda kwaMwari kunokosha kupfuura zvido zvedu? Nyaya inonakidza yerwendo rwaPauro rwechitatu uye rwekupedzisira rweumishinari inogona kutibatsira kupindura mibvunzo iyi inokosha.