RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 13 pp. 101-107
  • “Pashure Pekunge . . . Vanetsana Navo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Pashure Pekunge . . . Vanetsana Navo”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kana Mukasachecheudzwa” (Mabasa 15:1)
  • ‘Kunetsana Nekuitirana Nharo’ (Mabasa 15:2)
  • ‘Vakanyatsorondedzera’ Zvakaitika (Mabasa 15:3-5)
  • “Vaapostora Nevakuru Vakaungana” (Mabasa 15:6-12)
  • VaKristu Vokutanga Nomutemo waMosesi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kudzingiswa Kunoratidza Kuti Wava Murume Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Tabvumirana Tese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Vanhu vaJehovha Vanosimbiswa Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 13 pp. 101-107

CHITSAUKO 13

“Pashure Pekunge . . . Vanetsana Navo”

Nyaya yekuchecheudzwa inoendeswa kudare rinotungamirira

Mabasa 15:1-12

1-3. (a) Inyaya ipi yakamuka yaigona kuparadzanisa ungano yechiKristu? (b) Tinobatsirwa sei nekuongorora nyaya iyi iri mubhuku raMabasa?

PAURO naBhanabhasi vadzoka kuAndiyoki vachibva kurwendo rwavo rwekutanga rweumishinari vachifara zvekufara zviya. Chiri kuvafadza ndechekuti Jehovha “akanga avhurira vemamwe marudzi suo rekutenda.” (Mab. 14:26, 27) MuAndiyoki chaimo mashoko akanaka apararira zvekuti vanhu vemamwe marudzi “vakawanda” vari kuwedzerwa kuungano iri muno.—Mab. 11:20-26.

2 Mashoko aya anofadza ekukura kuri kuita ungano anosvika kuJudhiya. Asi pane kuti nyaya iyi ifadze vanhu vese, inotozobudisa pachena nyaya yagara ichinetsa yekuchecheudzwa. Vatendi vechiJudha vanofanira kubata sei vasiri vechiJudha, uye vasiri vechiJudhawo vanofanira kuona sei Mutemo waMozisi? Nyaya yacho inotsviriridza zvekuti inoita seichatoparadzanisa ungano yechiKristu. Nyaya iyi ichagadziriswa sei?

3 Patichaongorora nyaya iyi mubhuku raMabasa, tichadzidza zvidzidzo zvakawanda zvinokosha. Izvi zvinogona kuzotibatsira kana pakamuka dzimwe nyaya dzinogona kukanganisa kubatana kwevanhu muungano.

“Kana Mukasachecheudzwa” (Mabasa 15:1)

4. Vamwe vatendi vaikurudzira dzidziso ipi isina kururama, uye izvi zvinoita kuti tive nemubvunzo upi?

4 Ruka akanyora kuti: “Vamwe varume vakauya [kuAndiyoki] vachibva kuJudhiya vakatanga kudzidzisa hama vachiti: ‘Kana mukasachecheudzwa maererano netsika yaMozisi, hamuponeswi.’” (Mab. 15:1) Hatizive kuti ava vari kunzi “vamwe varume vakauya vachibva kuJudhiya” vaimbova vaFarisi here vasati vava vaKristu. Kunyange vakanga vasiri, chiripo ndechekuti dzidziso nemafungiro eboka iri rechiJudha zvakanga zvakavapinda. Vanogonawo kunge vakanyepera vanhu kuti vaitaura vachimirira vaapostora nevakuru vaiva kuJerusarema. (Mab. 15:23, 24) Asi sei vatendi vechiJudha vakanga vachiri kukurudzira nyaya yekuchecheudzwa ipo pakanga patopfuura makore 13 kubva pakagamuchirwa naPetro vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa atumwa naMwari?a—Mab. 10:24-29, 44-48.

5, 6. (a) Chii chaigona kuita kuti vamwe vaKristu vechiJudha vasade kusiya nyaya yekuchecheudzwa? (b) Sungano yekuchecheudzwa yaiva musungano yaAbrahamu here? Tsanangura. (Ona mashoko emuzasi.)

5 Paigona kuva nezvikonzero zvakati wandei. Chimwe chaiva chekuti Jehovha pachake ndiye akanga atanga nyaya yekuti vanhu vanomunamata vachecheudzwe kuti zvivasiyanise nevamwe vanhu vese. Murayiro wekuchecheudzwa wakatanga panguva yaAbrahamu, Mutemo waMozisi usati watombovapo asi wakatozovawo muMutemo wacho.b (Revh. 12:2, 3) MuMutemo waMozisi, kunyange vanhu vemamwe marudzi vaifanira kuchecheudzwa kuti vazoitawo zvimwe zvinhu zvaifanira kuitwa nevaIsraeri zvakadai sekudya Paseka. (Eks. 12:43, 44, 48, 49) VaJudha vaitoona munhu asina kuchecheudzwa seasina kuchena, anoshoreka.—Isa. 52:1.

6 Saka zvaitoda kuti muKristu wechiJudha ave nekutenda uye azvininipise kuti abvume dzidziso itsva. Sungano yeMutemo yakanga yatsiviwa nesungano itsva, saka nyaya yekuti munhu muJudha yakanga isingachaiti kuti munhu abve angova mumwe wevanhu vaMwari. Uyewo kumuKristu wechiJudha aigara munzvimbo ine vamwe vaJudha, yakadai seJudhiya, zvaitoda ushingi kuti abvume Kristu uye agamuchire vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa sehama dzake.—Jer. 31:31-33; Ru 22:20.

7. Varume vakabva kuJudhiya vakanga vasina kubata chokwadi chipi?

7 Hazvirevi hazvo kuti Mwari akanga achinja zvaanoda. Sungano itsva yaibudisa chokwadi ichocho, ichiratidza kuti Mutemo waMozisi wakanga wapiwa nechinangwa chei. (Mat. 22:36-40) Panyaya yekuchecheudzwa Pauro akazonyora kuti: “MuJudha ndiye uya akadaro nechemukati, uye kuchecheudzwa kwake ndekuya kwemwoyo kunoitwa nemweya, kwete kunobva pabumbiro remutemo rakanyorwa.” (VaR. 2:29; Dheut. 10:16) Varume vaya “vakauya vachibva kuJudhiya” vakanga vasina kubata chokwadi ichi nekuti ivo vaiti Mwari akanga asina kubvisa mutemo wekuchecheudzwa. Vaizobvuma kuchinja maonero avo here?

ZVAIDZIDZISWA NEVAISADA KUSIYA TSIKA DZECHIJUDHA

Kunyange pashure pekunge dare rinotungamirira ragadzirisa nyaya ine chekuita nekuchecheudzwa, pane vamwe vaKristu vakaramba vachiomesa musoro panyaya iyi. Muapostora Pauro akavati “hama dzenhema” dzaida “kutaura nepasipo mashoko akanaka pamusoro paKristu.”—VaG. 1:7; 2:4; Tito 1:10.

Kunenge kuti chinangwa chevanhu ava chaiva chekufadza vaJudha kuti vasapikisa chiKristu. (VaG. 6:12, 13) Vaiti kururama kwemunhu kunounzwa nekutevedzera Mutemo waMozisi pazvinhu zvakadai sezvekudya, kuchecheudzwa uye mitambo yechiJudha.—VaK. 2:16.

Saka hazvishamisi kuti vanhu vaitenda zvinhu izvi vakanga vasinganzwi zvakanaka kana vari pedyo nevanhu vemamwe marudzi. Kunyange vamwe vaKristu vechiJudha vairemekedzeka vaitomboratidza mafungiro akadaro. Dzimwe hama dzaimiririra ungano yekuJerusarema padzakashanyira ungano yekuAndiyoki, dzaizviparadzanisa nehama dzeko dzemamwe marudzi. Kunyange Petro, uyo akanga achitombowadzana nevanhu vemamwe marudzi akaitawo izvozvo asingatodi kana kudya navo. Akatanga kunyatsoita zvinhu zvaanga achidzidzisa vamwe kuti vasaita. Izvi zvakaita kuti atsiurwe zvakasimba naPauro.—VaG. 2:11-14.

‘Kunetsana Nekuitirana Nharo’ (Mabasa 15:2)

8. Nei nyaya yekuchecheudzwa yakaendeswa kudare rinotungamirira kuJerusarema?

8 Ruka akaenderera mberi achiti: “Pashure pekunge Pauro naBhanabhasi vanetsana navo [varume vaya vekuJudhiya] vachiitirana nharo navo, pakazorongwa kuti Pauro, Bhanabhasi, nevamwe varume vaende nenyaya iyi kuvaapostora nevakuru kuJerusarema.”c (Mab. 15:2) ‘Kunetsana nekuitirana nharo’ uku kwairatidza kuti mapoka acho ese aifunga kuti zvawo ndizvo zvinofanira kuitwa. Kuti ungano ive nerugare uye irambe yakabatana, vakaona kuri kuchenjera kuronga kuti nyaya iyi iendeswe “kuvaapostora nevakuru kuJerusarema,” vanova ndivo vaiva dare rinotungamirira. Tinodzidzei pane zvakaitwa nevakuru vekuAndiyoki?

VaKristu vemuungano yekuJerusarema vachiitisana nharo naPauro naBhanabhasi.

Vamwe vakaramba vachiti vanhu vemamwe marudzi: “Vanofanira kuchecheudzwa uye kurayirwa kuti vachengete Mutemo waMozisi”

9, 10. Tingatevedzera sei hama dzaiva kuAndiyoki uye Pauro naBhanabhasi?

9 Chidzidzo chinokosha chatinowana ndechekuti tinofanira kuvimba nesangano raMwari. Funga kuti hama dzekuAndiyoki dzaiziva kuti vese vaiva mudare rinotungamirira vaiva vaKristu vechiJudha. Asi dzaitarisira kuti dare iroro raizogadzirisa nyaya yacho richitungamirirwa neMagwaro. Nei hama dzaiva nechivimbo chakadaro? Ungano yaiva nechivimbo chekuti Jehovha aizogadzirisa nyaya yacho achishandisa mweya wake mutsvene uye Musoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu. (Mat. 28:18, 20; VaEf. 1:22, 23) Panomuka nyaya dzakakura mazuva ano, tinofanira kuita sezvakaitwa nehama dzekuAndiyoki, kuvimba nesangano raMwari uye neDare Rinotungamirira.

10 Nyaya iyi inotiyeuchidzawo kuti kuzvininipisa uye kuva nemwoyo murefu kunokosha. Pauro naBhanabhasi vakanga vagadzwa nemweya mutsvene kuti vaende kumarudzi, asi havana kushandisa masimba aya avakapiwa pakugadzirisa nyaya yekuchecheudzwa kuAndiyoki. (Mab. 13:2, 3) Uyezve, Pauro akazonyora kuti: “Ndakakwidza ikoko [kuJerusarema] nekuti ndine zvandakanga ndazarurirwa” zvichiratidza kuti Mwari ndiye aitungamirira munyaya yacho. (VaG. 2:2) Mazuva ano vakuru vanoratidzawo kuzvininipisa saizvozvo nemwoyo murefu panomuka nyaya dzinogona kupesanisa vanhu muungano. Pane kuti vaitirane nharo, vanotsvaga pfungwa dzaJehovha nekutarisa Magwaro uye mirayiridzo inobva kumuranda akatendeka.—VaF. 2:2, 3.

11, 12. Nei zvichikosha kumirira Jehovha kuti azogadzirisa zvinhu?

11 Zvimwe zvingatoda kumirira Jehovha kuti atijekesere. Yeuka kuti Jehovha akatozojekesera hama dzemunguva yaPauro nyaya yekuti vemamwe marudzi vaifanira kuchecheudzwa here kana kuti kwete muna 49 C.E., patopfuura makore 13 kubva pakazodzwa Koneriyasi muna 36 C.E. Nei Jehovha akatora nguva yakareba kudaro? Sezvo uku kwaiva kuchinja kukuru, pamwe Mwari aida kupa vanhu ava vakatendeseka nguva yekuti vagadzirise mafungiro avo. Chakanga chisiri chinhu chidiki kwavari kuti vasiye sungano yatateguru wavo wavaida zvikuru Abrahamu, iyo yakanga yava nemakore 1 900 ichishanda!—Joh. 16:12.

12 Takakomborerwa chaizvo kudzidziswa uye kuumbwa naBaba vedu vekudenga vane mwoyo murefu uye vane mutsa! Nguva dzese zvavanotidzidzisa zvinotibatsira isusu. (Isa. 48:17, 18; 64:8) Saka kana sangano rikachinja maitirwo ezvinhu kana manzwisisiro atinoita mamwe magwaro ngatisamboratidza kuzvikudza nekusada kuchinja. (Mup. 7:8) Kana ukaona kuti une katsika ikako, wadii kunyengetera kuti ukwanise kushandisa mazano ari muna Mabasa chitsauko 15?d

13. Tingaratidza sei mwoyo murefu waJehovha muushumiri hwedu?

13 Pamwe pangada kuti tive nemwoyo murefu ndepaya patinodzidza Bhaibheri nevanhu vanoomerwa nekusiya dzidziso dzenhema dzavanokoshesa kana kuti tsika dzisiri dzemumagwaro. Pakadaro pangada kuti tipe mweya waMwari nguva yekuti ushande mumwoyo wemudzidzi. (1 VaK. 3:6, 7) Uye zvinodawo kunyengeterera nyaya yacho. Nekufamba kwenguva Jehovha anozotibatsira kuona zvatinofanira kuita kuti tinyatsovabatsira.—1 Joh. 5:14.

DZIDZISO DZEZVAPUPU ZVAJEHOVHA DZINOBVA MUBHAIBHERI

Zvakaitika kuungano yechiKristu yekutanga zvinonyatsoratidza kuti chokwadi chinoramba chichijekeswa zvishoma nezvishoma. (Zvir. 4:18; Dhan. 12:4, 9, 10; Mab. 15:7-9) Kunyange mazuva ano vanhu vaJehovha vanogadzirisa zvavanotenda kuti zvienderane nechokwadi chinenge chajekeswa; havachinji Magwaro kuti aenderane nezvavanenge vachifunga ivo. Kunyange vamwe vanhu vasiri Zvapupu vakaona kuti ichi ichokwadi. Mumwe muzvinafundo wedzidziso dzechitendero anonzi Jason David BeDuhn wepaNorthern Arizona University kuUnited States akanyora mubhuku rake rinonzi Truth in Translation nezveZvapupu zvaJehovha achiti, “vanoverenga Bhaibheri sezvariri uye havaite kuti Bhaibheri ritevedzere zvavanofunga ivo asi kuti vanotodzidzisa zvavanenge vawana muBhaibheri, vozviita.”

‘Vakanyatsorondedzera’ Zvakaitika (Mabasa 15:3-5)

14, 15. Hama dzekuAndiyoki dzakaratidza sei kukudza hama pamabatiro adzakaita Pauro naBhanabhasi nevamwe vavaifamba navo, uye ivo vakabatsira sei hama dzaiva kuFenikiya nekuSamariya?

14 Nhoroondo yaRuka inoenderera mberi ichiti: “Pashure pekunge vamboperekedzwa neungano, varume ava vakaenderera nerwendo rwavo vakapfuura nemuFenikiya nemuSamariya, vachinyatsorondedzera nezvekutendeuka kwevanhu vemamwe marudzi vachiita kuti hama dzese dzifare chaizvo.” (Mab. 15:3) Kuperekedzwa kwakaitwa Pauro naBhanabhasi nevamwe vavaifamba navo kunoratidza kuti ungano yacho yaivada zvechokwadi uye yaivashuvira chikomborero chaMwari. Tinodzidzawo chimwe chinhu pahama idzi dzekuAndiyoki mazuva ano. Tinofanira kukudza hama dzedu nehanzvadzi, “kunyanya vaya vanoshanda nesimba pakutaura nepakudzidzisa,” vakadai sevakuru.—1 Tim. 5:17.

15 Varume ava nevamwe vavaiva navo vakapfuura nemuFenikiya nemuSamariya, “vachinyatsorondedzera” zvaiitika pavaiparidza mundima yemamwe marudzi, izvo zvinofanira kunge zvakabatsira zvikuru hama dzemunzvimbo idzi. Hama idzi dzinogona kunge dzaisanganisira vaKristu vechiJudha vakatizira kunzvimbo idzi pakaurayiwa Stefani. Mazuva anowo kuwana mashoko pamusoro pekubudirira kuri kuita basa rekuparidza kunokurudzira hama, zvikurukuru dziya dzinenge dzichisangana nemiedzo. Uri kubatsirwa nemashoko akadaro here atinogona kuwana kumisangano, kumagungano, uyewo mumabhuku edu kana kuti pajw.org?

16. Chii chinoratidza kuti nyaya yekuchecheudzwa yakanga yakora muto?

16 Pashure perwendo rwemakiromita 550, varume vaya vakabva kuAndiyoki vakazosvika kwavaienda. Ruka akanyora kuti: “Pavakasvika muJerusarema, vakatambirwa zvakanaka neungano nevaapostora nevakuru, uye vakarondedzera zvinhu zvakawanda zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa.” (Mab. 15:4) Asi “vamwe vaimbova veboka revaFarisi avo vakanga vava vatendi, vakasimuka vakati: ‘Vanofanira kuchecheudzwa uye kurayirwa kuti vachengete Mutemo waMozisi.’” (Mab. 15:5) Zviri pachena kuti nyaya yekuchecheudzwa kwevaKristu vasiri vechiJudha yakanga yakora muto, saka yaitofanira kugadziriswa.

“Vaapostora Nevakuru Vakaungana” (Mabasa 15:6-12)

17. Nei dare rinotungamirira remuJerusarema raisanganisira “vakuru”?

17 Zvirevo 13:10 inoti: “Uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.” Zvinotaurwa nechirevo ichi ndizvo chaizvo zvakaitwa nevaapostora nevakuru nekuti, “vakaungana kuti vaongorore nyaya iyi [yekuchecheudzwa].” (Mab. 15:6) “Vaapostora nevakuru” vaimiririra ungano yese yechiKristu sezvinongoitawo Dare Rinotungamirira mazuva ano. Nei “vakuru” vaishanda pamwe chete nevaapostora? Yeuka kuti muapostora Jakobho akanga aurayiwa, uye muapostora Petro akanga ambosungwa. Izvi zvaigona kuzoitikawo kune vamwe vaapostora here? Saka zvaikosha kuti dzimwe hama dzakazodzwa dzigare dzadzidziswa kuitira kuti zvinhu zvizoramba zviri muchechetere.

18, 19. Petro akati chii, uye vateereri vake vanofanira kunge vakafungei?

18 Ruka akaenderera mberi achiti: “Pashure pekunge vakurukura zvakadzama, Petro akasimuka, akati . . . : ‘Varume, hama, munonyatsoziva kuti kubva pakutanga ndini ndakasarudzwa naMwari pakati penyu kuti vanhu vemamwe marudzi vanzwe mashoko akanaka ndichivaparidzira, votenda. Uye Mwari, uyo anoziva mwoyo, akaratidza kuti anovagamuchira nekuvapa mweya mutsvene, sezvaakaitawo kwatiri. Haana kuita kuti pakati pedu navo patombova nemusiyano, asi akanatsa mwoyo yavo nekutenda.’” (Mab. 15:7-9) Rimwe bhuku rinoti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kukurukura zvakadzama’ pavhesi 7 rinorevawo kuti “kutsvaga,” kana kuti ‘kubvunzisisa nechinangwa chekuda kunzwisisa.’ Zviri pachena kuti hama idzi dzakatanga dzisingaoni nyaya iyi zvakafanana, asi dzaibudirana pachena mumwe nemumwe achitaura zvaari kufunga.

19 Mashoko aPetro aiva nesimba akayeuchidza vamwe vese kuti akazvionera ega, munhu wemamwe marudzi, Koniriyasi nemhuri yake, vachizodzwa nemweya mutsvene muna 36 C.E. Saka kana Jehovha akanga asisasiyanise vaJudha nevakanga vasiri vaJudha, vanhu vaizopiwa naani simba rekuzviramba? Uyezve, kutenda muna Kristu ndiko kunoita kuti munhu anzi akarurama, kwete kutevedzera Mutemo waMozisi.—VaG. 2:16.

20. Sei zvinganzi vanhu vaikurudzira nyaya yekuchecheudzwa vakanga ‘vachiedza Mwari’?

20 Achishandisa uchapupu husingarambiki hweshoko raMwari nemweya mutsvene, Petro akagumisa achiti: “Saka nei mava kuedza Mwari nekuisa pamitsipa yevadzidzi joko rakatadza kutakurwa nemadzitateguru edu kana nesu? Isu tine kutenda kwekuti tinoponeswa nenyasha dzaIshe Jesu sekuponeswa kwavanoitwawo.” (Mab. 15:10, 11) Vanhu vaikurudzira vanhu kuchecheudzwa vakanga ‘vachitoedza Mwari,’ kana kuti ‘vachiedza mwoyo murefu wake,’ sezvinotaurwa neimwe shanduro. Vakanga vachiedza kumanikidza vanhu vemamwe marudzi kutevedzera mutemo wavakanga vatadza ivo kutevedzera, ukavatongera rufu. (VaG. 3:10) VaJudha ava vaikurukura naPetro vaifanira kutotenda Mwari nenyasha dzaakavaratidza muna Jesu Kristu.

21. Bhanabhasi naPauro vakazowedzera kuti chii panyaya yaikurukurwa?

21 Mashoko aPetro anofanira kunge akabaya mwoyo vanhu vaimuteerera nekuti “vanhu vese vakabva vanyarara.” Bhanabhasi naPauro vakabva vatanga kurondedzera “zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa pakati pemamwe marudzi.” (Mab. 15:12) Iye zvino vaapostora nevakuru vakanga vava kukwanisa kuongorora uchapupu hwese hwakanga huripo, vosarudza zvinoenderana nekuda kwaMwari panyaya yekuchecheudzwa.

22-24. (a) Dare Rinotungamirira ririko mazuva ano rinotevedzera sei zvaiitwa nedare rinotungamirira raivapo pakatanga chiKristu? (b) Vakuru vese vangaratidza sei kuti vanoremekedza urongwa hwaMwari?

22 Mazuva anowo, Dare Rinotungamirira parinoungana rinotsvaga kuti Shoko raMwari rinotii uye rinonyengeterera mweya mutsvene. (Pis. 119:105; Mat. 7:7-11) Kuti izvozvo zvinyatsobudirira, mumwe nemumwe anogara apiwa zvichakurukurwa mumusangano wacho kuitira kuti agare anyatsofunga nezvazvo achinyengetera. (Zvir. 15:28) Kana vava mumusangano wacho, mumwe nemumwe anotaura akasununguka uye achiremekedza vamwe. Bhaibheri rinovhurwa ravhurwazve pavanenge vachikurukura.

23 Vakuru veungano vanofanira kuitawo saizvozvo. Uye kana paine nyaya yavanenge vatadza kugadzirisa mumusangano wavo, vakuru vanogona kubvunza hofisi yebazi kana vamwe vanoimiririra vakadai semutariri wedunhu. Bazi racho rinogona kunyorerawo Dare Rinotungamirira kana nyaya yacho vaitadzirira.

24 Jehovha anokomborera vaya vanoremekedza urongwa hwake uye vanozvininipisa, vakavimbika uye vane mwoyo murefu. Sezvatichaona muchitsauko chinotevera, izvi zvinoita kuti Mwari atipe mubayiro wekuva nerugare rwechokwadi uye kuti ungano ikure uye ive nevanhu vakabatana.

a Ona bhokisi rakanzi “Zvaidzidziswa Nevaisada Kusiya Tsika dzechiJudha”.

b Sungano yekuchecheudzwa haibatanidzwe musungano yaAbrahamu, iyo ichiri kushanda nanhasi. Sungano yaAbrahamu yakatanga kushanda muna 1943 B.C.E. pakayambuka Abrahamu (uyo ainzi Abramu) rwizi rwaYufratesi achienda kuKenani. Panguva iyoyo aiva nemakore 75. Sungano yekuchecheudzwa yakatozoitwa muna 1919 B.C.E., Abrahamu ava nemakore 99.—Gen. 12:1-8; 17:1, 9-14; VaG. 3:17.

c Mumwe wevanhu ava vakatumwa anofanira kunge aiva Tito, muKristu wechiGiriki akazova shamwari yaPauro yaaivimba nayo uye yaaiwanzotuma. (VaG. 2:1; Tito 1:4) Akanga ari wemamwe marudzi, asina kuchecheudzwa, asi akazodzwa nemweya mutsvene uye akaita zvakanaka.—VaG. 2:3.

d Ona bhokisi rakanzi “Dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha Dzinobva muBhaibheri”.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe