Rwiyo 117
Tinofanira Kudzidziswa
Rakaprindwa
1. Uyai mudzidziswe nezvaJehovha.
Uye munwe mvura youpenyu.
Dzidzo yaMwari yopa utano,
Vose vane nzara vachaguta.
2. Tisamborega kusangana nevamwe
Kuti tidzidze zvakarurama.
M’dzimu waMwari nehama dzedu
Zvitisimbise tifambe m’chiedza.
3. Zvinofadza kunzwa nziyo dzerumbidzo
Nemashoko evakadzidziswa!
Tiungane nevanhu vaMwari.
Tiwanikwe pavanenge vari.
(Onawo VaH. 10:24, 25; Zvak. 22:17.)